Categories
Isaya

Isaya 41

Mubatsiri waIsraeri

1 “Nyararai pamberi pangu, imi zviwi!

Ndudzi ngadzivandudze simba radzo!

Ngadziswedere mberi dzitaure;

ngatisanganei pamwe chete panzvimbo inotongerwa mhaka.

2 “Ndianiko akamutsa mumwe kubva kumabvazuva,

akamudana nokururama kuushumiri hwake?

Anopa ndudzi kwaari,

uye anoisa madzimambo pasi pake.

Anovashandura vagova guruva nomunondo wake,

vagova hundi inopepereswa nemhepo nouta hwake.

3 Anovadzinganisa agopfuurira mberi asina vanga,

nenzira yaasina kumbotsika netsoka dzake kare.

4 Ndiani akabata basa iri akaripedza,

akadana zvizvarwa kubva pakutanga?

Ini, Jehovha, iye wokutanga wavo

newokupedzisira, ndini iye.”

5 Zviwi zvakazviona zvikatya;

magumo enyika anodedera.

Vanoswedera uye vagouya mberi;

6 mumwe nomumwe anobatsira wokwake,

achiti kuhama yake, “Simba!”

7 Mhizha inokurudzira mupfuri wegoridhe,

uye iye anotsetsenura nenyundo

anokurudzira uyo anorova panhera.

Anoti kune chakanamwa nomoto, “Ichi chakanaka.”

Anoroverera chifananidzo pasi nechipikiri kuti chisazungunuka.

8 “Asi iwe, Israeri, muranda wangu,

Jakobho, wandakasarudza,

imi vana vaAbhurahama, shamwari yangu,

9 ndakakutora kubva kumagumo enyika,

ndikakudana kubva kumakona ayo ari kure.

Ndakati kwauri, ‘Uri muranda wangu,’

ndakakusarudza uye handina kukuramba.

10 Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe;

usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako.

Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira;

ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.

11 “Vose vanokutsamwira

zvirokwazvo vachanyadziswa uye vachanyara;

vose vanokakavadzana newe

vachava sechinhu chisipo uye vachaparara.

12 Kunyange ukatsvaka vavengi vako,

hauzovawani.

Avo vanorwa newe

vachava sechinhu chisipo chose.

13 Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako,

anobata ruoko rwako rworudyi

achiti kwauri, Usatya;

ndichakubatsira.

14 Usatya Jakobho iwe honye,

iwe mudiki Israeri,

nokuti ini iyeni ndichakubatsira,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri.

15 “Tarira, ndichakuita mupuro, mutsva unopinza,

una meno mazhinji.

Uchapura makomo ugoapwanya,

uye uchaderedza zvikomo zvikava hundi.

16 Uchaapepeta, achatorwa nemhepo,

uye chamupupuri chichaaparadzira.

Asi iwe uchafara muna Jehovha,

uye uchazvirumbidza muMutsvene waIsraeri.

17 “Varombo navanoshaya vanotsvaka mvura

asi hakuna;

ndimi dzavo dzaoma nenyota.

Asi ini Jehovha ndichavapindura;

ini, Mwari waIsraeri, handizovasiya.

18 Ndichaita kuti nzizi dziyerere pamitunhu isina miti,

namatsime pakati pemipata.

Ndichashandura gwenga rikava madziva emvura,

nenyika yakaoma ikava matsime.

19 Ndichaisa mugwenga musidhari nomuakasiya,

mumite nomuorivhi.

Ndichaisa mipaini musango,

misipuresi nemifiri pamwe chete,

20 kuitira kuti vanhu vaone uye vagoziva,

varangarire vagonzwisisa,

kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvozvi,

kuti Mutsvene waIsraeri ndiye akazvisika.

21 “Sumai mhaka yenyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Uyai namashoko enyu akasimba,” ndizvo zvinotaura Mambo waJakobho.

22 “Uyai nezvifananidzo zvenyu zvitiudze

zvichaitika.

Tiudzei zvinhu zvakare kuti zvaiva zvipi,

kuti zvimwe tizviongorore

tigoziva magumo azvo.

Kana kuti tizivisei, zvinhu zvichaitika,

23 tiudzei kuti ramangwana rinei,

kuti tizive kana imi muri vanamwari.

Itai chimwe chinhu, chingava chakanaka kana chakaipa,

kuitira kuti tigoshamiswa tigozadzwa nokutya.

24 Asi imi hamusi chinhu,

uye mabasa enyu haana maturo chose;

anokusarudzai anonyangadza.

25 “Ndamutsa mumwe anobva kumusoro, zvino ari kuuya,

mumwe anobva kumabvazuva anodana kuzita rangu.

Iye anotsika pamusoro pavabati kunge anotsika dope,

kuita sokunge muumbi wehari anokanya ivhu.

26 Ndianiko akazvireva kubva pakutanga, kuti zvimwe,

tingaziva, kana kuti zvichigere kuitika, kuti zvimwe tigoti, ‘Akanga anatsa?’

Hapana akataura izvozvi,

hapana akataura kuti zvichauya,

hapana akanzwa kana shoko kubva kwamuri.

27 Ndini akava wokutanga kuudza Zioni kuti, ‘Tarira, ava vari pano!’

Ndakapa kuJerusarema nhume yamashoko akanaka.

28 Ndinotarisa asi hapana munhu,

hapana pakati pavo anopa zano,

hapana anondipindura pandinovabvunza.

29 Tarirai, vose inhema dzoga!

Mabasa avo haana maturo;

zvifananidzo zvavo imhepo nenyonganiso.

Categories
Isaya

Isaya 42

Muranda waJehovha

1 “Tarirai muranda wangu, wandinotsigira,

musanangurwa wangu wandinofarira;

Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake,

uye achavigira ndudzi kururamisirwa.

2 Haazodanidziri kana kuridza mhere,

kana kusimudza inzwi munzira dzomuguta.

3 Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni,

uye nomwenje unopfungaira haazoudzimi.

Mukutendeka, achavigira vanhu kururamisira;

4 haangakoniwi uye haangaperi simba

kusvikira asimbisa kururamisirwa panyika.

Zviwi zvichaisa tariro yazvo mumurayiro wake.”

5 Zvanzi naMwari Jehovha,

iye akasika matenga akaatatamura,

akatambanudza nyika nezvose zvinobuda mairi,

anopa kufema kuvanhu vayo,

noupenyu kuna avo vanofamba pamusoro payo:

6 “Ini, Jehovha, ndakakudana mukururama;

ndichabata ruoko rwako.

Ndichakuchengeta ndigokuita

kuti uve sungano yavanhu

nechiedza kune veDzimwe Ndudzi,

7 kuti usvinudze meso asingaoni,

usunungure vakasungwa mutorongo

uye usunungure vari mugomba, avo vagere murima.

8 “Ndini Jehovha; ndiro zita rangu!

Handizopi kukudzwa kwangu kuno mumwe,

kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo.

9 Tarira, zvinhu zvakare zvaitika,

uye ndiri kutaura zvinhu zvitsva;

izvo zvisati zvavapo

ndinozvizivisa kwamuri.”

Rwiyo rwoKurumbidza Jehovha

10 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,

murumbidzei kubva kumagumo enyika,

imi munoburukira kugungwa, nezvose zviri mariri,

imi zviwi, navose vanogaramo.

11 Gwenga namaguta aro ngazvidanidzire;

nzvimbo dzinogara Kedhari ngadzifare.

Vanhu veSera ngavaimbe nomufaro;

ngavapururudze pamusoro pemakomo.

12 Ngavape rukudzo kuna Jehovha

uye vaparidze rumbidzo yake kuzviwi.

13 Jehovha achabuda somunhu ane simba,

semhare, achamutsa kushingaira kwake;

nokudanidzira, achamutsa kurwa

uye achakunda vavengi vake.

14 “Nokuti ndanga ndakanyarara kwenguva refu,

ndanga ndinyerere uye ndichizvidzora.

Asi zvino kufanana nomukadzi ari kusununguka,

ndiri kudanidzira, ndiri kufemedzeka nokutakwaira.

15 Ndichaparadza makomo nezvikomo,

uye ndichaomesa zvose zvawo zvinomera;

ndichashandura nzizi dzikava zviwi,

uye madziva ndichaaomesa.

16 Ndichatungamirira mapofu nenzira dzavasingazivi,

nomumakwara avasina kuziva,

ndichavatungamirira; ndichashandura rima rikava chiedza pamberi pavo

uye ndichaita kuti nzvimbo dzakaipa dziti chechetere.

Izvi ndizvo zvinhu zvandichaita;

handizovasiya.

17 Asi ivo vanovimba nezvifananidzo,

vanoti kune zvakaumbwa, ‘Ndimi vamwari vedu,’

vachadzoserwa shure mukunyadziswa kukuru.

Israeri iBofu neMatsi

18 “Inzwai, imi matsi;

tarirai, imi mapofu, muone!

19 Ndianiko bofu, asi muranda wangu,

uye matsi kufanana nenhume yandinotuma?

Ndianiko bofu rakafanana naiye akazvipira kwandiri,

kana bofu rakafanana nomuranda waJehovha?

20 Wakaona zvinhu zvizhinji, asi hauna kuva nehanya;

nzeve dzako dzakazaruka, asi hauna chaunonzwa.”

21 Zvakafadza Jehovha

nokuda kwokururama kwake,

kuti akudze murayiro wake uye aubwinyise.

22 Asi ava ndivo vanhu vakapambwa uye vakabirwa,

vose vakasungwa mumakomba

kana kuti vakavanzwa mumatorongo.

Vakava vabatwa,

pasina anovarwira;

vakaitwa chinhu chakapambwa,

pasina anoti, “Vadzoserei kwavakabva.”

23 Ndiani pakati penyu achateerera izvi,

kana kurerekera nzeve dzake zvikuru panguva inouya?

24 Ndiani akarega Jakobho achipambwa,

akaendesa Israeri kuvapambi?

Akanga asiri Jehovha here,

iye watakatadzira?

Nokuti havana kuda kutevera nzira dzake;

havana kuteerera murayiro wake.

25 Naizvozvo akadururira hasha dzake dzinopisa pamusoro pavo,

iro bongozozo rehondo.

Rakavaputira muvira romoto, asi havana kunzwisisa;

rakavapisa, asi mwoyo yavo yakashaya hanya nazvo.

Categories
Isaya

Isaya 43

Muponesi waIsraeri Mumwe Oga

1 Asi zvino, zvanzi naJehovha,

iye akasika iwe Jakobho,

iye akakuumba iwe Israeri:

“Usatya, nokuti ndakakudzikinura;

ndakakudana nezita rako; uri wangu.

2 Paunopfuura nomumvura zhinji

ini ndichava newe;

uye paunopinda nomunzizi, hadzizokukukuri.

Paunofamba nomumoto, haungazotsvi;

murazvo haungazokupisi.

3 Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako,

Mutsvene waIsraeri, Muponesi wako;

ndinopa Ijipiti kuti ive rusununguko rwako,

Etiopia neShebha pachinzvimbo chako.

4 Sezvo uchikosha uye uchikudzwa pamberi pangu,

uye nokuti ndinokuda,

ndichaisa vanhu panzvimbo yako,

namarudzi avanhu pachinzvimbo choupenyu hwako.

5 Usatya, nokuti ndinewe;

ndichauyisa vana vako kubva kumabvazuva,

ndichakuunganidzai kubva kumavirira.

6 Ndichati kurutivi rwokumusoro, ‘Varegedze!’

uye kurutivi rwezasi, ‘Usavadzivisa.’

Uyisai vanakomana vangu kubva kure,

uye navanasikana vangu vabva kumigumo yenyika,

7 vose vanodanwa nezita rangu,

vandakasikira kukudzwa kwangu

vandakaumba uye ndikaita.”

8 Uyai neavo vane meso asi vari mapofu,

vane nzeve asi vari matsi.

9 Ndudzi dzose ngadziungane pamwe chete,

uye marudzi ngaaungane.

Ndianiko pakati pavo akati izvi zvichaitika,

akatiparidzira zvinhu zvakare?

Ngavauye nezvapupu zvavo kuti zvionekwe kuti havana mhosva,

kuitira kuti vamwe vanzwe vagoti, “Ichokwadi.”

10 “Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“uye nomuranda wangu wandakasarudza,

kuti mugoziva uye mugonditenda

uye mugonzwisisa kuti ndini iye.

Hakuna kumbova nomumwe mwari akaumbwa ndisati ndavapo,

uye hakuchazova nomumwe shure kwangu.

11 Ini, iyeni, ndini Jehovha,

uye kunze kwangu hakuna muponesi.

12 Ini ndakaratidza ndikaponesa, ndikaparidza,

ini, kwete vamwe vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu.

Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti, “ndini Mwari.

13 Hongu, kubva pamazuva akare ndini iye.

Hakuna angarwira munhu muruoko rwangu.

Pandinoita chinhu, ndianiko angachikonesa?”

Ngoni dzaMwari noKusatendeka kwaIsraeri

14 Zvanzi naJehovha,

Mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsraeri:

“Ndichatuma vanhu kuBhabhironi nokuda kwenyu,

uye ndichaburitsa vaBhabhironi vose vachitiza,

muzvikepe zvavaidada nazvo.

15 Ndini Jehovha, Mutsvene Wenyu,

Musiki waIsraeri, Mambo wenyu.”

16 Zvanzi naJehovha,

iye akaita nzira pakati pegungwa,

nenzira mukati memvura zhinji,

17 iye akabudisa ngoro namabhiza,

hondo pamwe chete nezvinosimbisa,

vakavata ipapo, havana kuzombomukazve,

vadzimwa, vadzimwa somwenje:

18 “Chikanganwai zvinhu zvakare;

musaramba muri pane zvakapfuura.

19 Tarirai, ndava kuita chinhu chitsva!

Zvino chava kumera; hamuchioni here?

Ndiri kuita nzira mugwenga

nehova musango.

20 Zvikara zvesango zvinondikudza,

makava namazizi,

nokuti ndinozvipa mvura mugwenga

nehova musango,

kuti ndipe vanhu vangu chokunwa, vasanangurwa vangu,

21 vanhu vandakazviumbira,

kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu.

22 “Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakobho;

hauna kuzvinetesa nokuda kwangu, iwe Israeri.

23 Hauna kundivigira makwai ezvipiriso zvinopiswa,

kana kundikudza nezvibayiro zvako.

Handina kukuremedza nezvipiriso zvezviyo,

kana kukunetesa nokuda zvinonhuhwira.

24 Hauna kundivigira kana zvinotapira,

kana kundigutsa namafuta ezvibayiro zvako.

Asi wakandiremedza nezvivi zvako

uye ukandinetesa nokudarika kwako.

25 “Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako,

nokuda kwangu,

handizorangaririzve zvakaipa zvako.

26 Ndiyeuchidze zvakapfuura,

ngatitaurirane nyaya iyi pamwe chete;

zvipupurire kuti hauna mhosva.

27 Tateguru wako akatadza;

vamiririri vako vakandimukira.

28 Naizvozvo ndichanyadzisa vanokudzwa vomutemberi yako,

uye ndichaita kuti Jakobho aparadzwe

uye Israeri asekwe.

Categories
Isaya

Isaya 44

Israeri Musanangurwa

1 “Asi zvino chinzwa, iwe Jakobho, muranda wangu,

Israeri, wandakasarudza.

2 Zvanzi naJehovha, iye akakuita,

akauumba mudumbu

uye iye achakubatsira:

Usatya, iwe Jakobho, muranda wangu,

Jeshuruni, wandakasarudza.

3 Nokuti ndichadurura mvura panyika ine nyota,

nehova pamusoro pevhu rakaoma;

ndichadurura Mweya wangu pamusoro porudzi rwako,

nemikomborero yangu pamusoro pavana vako.

4 Vachamera souswa mudekete,

semiti yemikonachando pahova dzinoyerera.

5 Mumwe achati, ‘Ndiri waJehovha’;

mumwe achazvitumidza nezita raJakobho;

zvakadaro, mumwe achanyora muruoko rwake achiti, ‘Ndiri waJehovha,’

uye achatora zita rokuti Israeri.

Jehovha, Kwete Zvifananidzo

6 “Zvanzi naJehovha,

Mambo waIsraeri noMudzikinuri, Jehovha Wamasimba Ose:

Ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira;

kunze kwangu hakuna Mwari.

7 Ndianiko zvino akafanana neni? Ngaazvitaure.

Ngaadanidzire, azviise mberi kwangu

izvo zvakaitika kubva pandakasimbisa vanhu vangu vekare,

uye kuti chiiko chichaitika hongu,

ngaataure zvichaitika.

8 Musadedera, musatya.

Handina kuparidza izvi here uye ndikazvitaura kare kare?

Imi muri zvapupu zvangu.

Kune mumwe Mwari kunze kwangu here? Kwete, hakuna rimwe Dombo; hakuna rimwe randinoziva.”

9 Vose vanoita zvifananidzo havana maturo,

uye zvinhu zvavanofarira hazvibatsiri.

Vose vangada kuvapupurira mapofu;

havazivi, ndiko kuchava kunyadziswa kwavo.

10 Ndiani anoveza mwari

uye anoumba chifananidzo, chisingamubatsiri chinhu?

11 Iye navamwe vake vachanyadziswa;

mhizha hadzizi chinhu asi vanhu zvavo.

Ngavaungane vose pamwe chete uye vamire vasingazungunuswi; vachaderedzwa,

uye vachatya vachanyadziswa.

12 Mupfuri anotora chokupfurisa

agochishandisa mumazimbe;

anoita chifananidzo nenyundo,

agochiumba nesimba roruoko rwake.

Anonzwa nzara agorasikirwa nesimba rake.

Mukusanwa kwake mvura anobva aziya.

13 Muvezi anoyera nerwodzi

ozoita mutsetse nechokunyoresa;

anounatsa nembezo,

uye anoutara nezvienzaniso.

Anouumba mumufananidzo womunhu,

womunhu nokunaka kwake kwose,

kuti ugare mumba.

14 Akatema misidhari,

kana zvimwe akatora musipuresi kana muouki.

Akaurega uchikura pakati pemiti yesango,

kana kuti akasima mupaini, mvura ikaita kuti ukure.

15 Ndidzo huni dzomunhu dzokuvesa moto;

dzimwe dzacho anodzitora agozvidziyisa nadzo,

anovesa moto agobika chingwa nadzo.

Asizve anoveza chimwari agochinamata;

anoita chifananidzo agochipfugamira.

16 Hafu yehuni anopisa mumoto,

nadzo anobika zvokudya zvake,

anogocha nyama yake agoidya achiguta.

Anozvidziyisazve, agoti,

“Haiwa! Ndadziyirwa; moto ndiri kuuona.”

17 Nezvasara anoita nazvo chimwari,

icho chifananidzo chake; anochipfugamira agochinamata.

Anonyengetera kwachiri achiti,

“Ndiponesei; ndimi mwari wangu.”

18 Havana chavanoziva, havanzwisisi chinhu, meso avo akanamwa kuitira kuti varege kuona,

uye ndangariro dzavo dzakafukidzirwa kuitira kuti varege kunzwisisa.

Hapana anombomira kuti afunge,

19 Hapana ane ruzivo

kana kunzwisisa kuti ati,

“Hafu yacho ndaishandisa pakuvesa moto;

ini iyeni ndabikira chingwa pamazimbe acho,

ndagocha nyama ndikadya.

Ndichaita zvinonyangadza pane zvasara here?

Ndichapfugamira kudanda rehuni here?”

20 Anodya madota, mwoyo wakanyengerwa unomutsausa;

haagoni kuzviponesa kana kuti ati,

“Ko, chinhu ichi chiri muruoko rwangu rworudyi hachisi chenhema here?”

21 “Rangarira zvinhu izvi, iwe Jakobho,

nokuti uri muranda wangu, iwe Israeri.

Ndakakuita, uri muranda wangu;

haiwa Israeri, handichakukanganwizve.

22 Ndakadzima kudarika kwako segore,

nezvivi zvako semhute yamangwanani.

Dzokera kwandiri,

nokuti ndakakudzikinura.”

23 Imbai nomufaro imi matenga, nokuti Jehovha akaita izvozvi;

danidzira nesimba, iwe nyika iri pasi.

Imbai nziyo, imi makomo,

nemi masango nemiti yose,

nokuti Jehovha adzikinura Jakobho,

akaratidza kubwinya muIsraeri.

Jerusarema Richagarwazve

24 “Zvanzi naJehovha,

mudzikinuri wako, iye akakuumba uri mudumbu:

“Ndini Jehovha,

akaita zvinhu zvose,

iye oga akatatamura matenga,

akatambanudza nyika oga,

25 “iye anokonesa zviratidzo zvavaprofita venhema,

anoita kuti vavuki vave mapenzi,

iye anoparadza kudzidza kwevane njere,

uye anokushandura kuti kuve upenzi,

26 anozadzisa mashoko omuranda wake,

uye anozadzisa zvakaprofitwa nenhume dzake,

“anoti kuJerusarema, ‘Richagarwa,’

nokumaguta eJudha, ‘Achavakwa,’

nokumatongo awo, ‘Ndichaavandudza,’

27 iye anoti kumvura yakadzika, ‘Oma,

uye ndichaomesa hova dzako,’

28 iye anoti pamusoro paSirasi,

‘Ndiye mufudzi wangu uye achaita zvose zvandinoda;

iye achati pamusoro peJerusarema, “Ngarivakwezve,”

uye pamusoro petemberi achati, “Nheyo dzayo ngadziteyiwe.” ’

Categories
Isaya

Isaya 45

1 “Zvanzi naJehovha kumuzodziwa wake,

kuna Sirasi, ane ruoko rworudyi rwandakabata

kuti akunde ndudzi pamberi pake,

uye kuti atorere madzimambo zvombo zvavo,

kuti ndizarure mikova pamberi pake,

masuo agorega kupfigwa:

2 Ndichaenda mberi kwako

uye ndichaenzanisa makomo;

ndichaputsa masuo endarira

uye ndichacheka ndigopinda napamazariro esimbi.

3 Ndichakupa pfuma yerima,

upfumi hwakavigwa panzvimbo dzakavanda,

kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsraeri,

anokudana nezita rako.

4 Nokuda kwaJakobho muranda wangu,

nokwaIsraeri musanangurwa wangu,

ndinokudana nezita rako,

uye ndinoisa pamusoro pako zita rokukudzwa,

kunyange iwe usingandizivi.

5 Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe;

kunze kwangu ini hakuna Mwari.

Ndichakusimbisa,

kunyange usina kundiziva,

6 kuti kubva kumabudazuva

kusvikira kwarinovirira,

vanhu vazive kuti hakuna mumwe kunze kwangu.

Ndini Jehovha uye hakuna mumwe.

7 Ndinoumba chiedza uye ndinosika rima,

ndinoita rugare uye ndinosika njodzi;

ini Jehovha, ndini ndinoita zvinhu izvi zvose.

8 “Imi matenga kumusoro, nayisai kururama;

makore ngaakudonhedze pasi.

Nyika ngaizaruke kwazvo,

ruponeso ngarutubuke,

kururama ngakukure pamwe chete narwo;

ini Jehovha, ndini ndakazvisika.

9 “Ane nhamo uyo anokakavadzana noMuiti wake,

iye anongova chaenga pakati pezvaenga pamusoro pevhu.

Ko, ivhu ringati kumuumbi,

‘Uri kugadzirei?’

Ko, basa rako rinoti here,

‘Uyu haana maoko?’

10 Ane nhamo uyo anoti kuna baba vake,

‘Chiiko chamakabereka?’

kana kuna mai vake,

‘Chiiko chamakazvara?’

11 “Zvanzi naJehovha,

iye Mutsvene waIsraeri, noMuiti wake:

Pamusoro pezvinhu zvichauya,

unondibvunza here pamusoro pavana vangu,

kana kundirayira pamusoro pebasa ramaoko angu?

12 Ndini ndakaita nyika

uye ndikasika vanhu vendudzi dzose pamusoro payo.

Maoko angu pachangu akatatamura matenga;

ndakarayira hondo dzawo dzose dzenyeredzi.

13 Ndichamutsa Sirasi mukururama kwangu:

ndichaita kuti nzira dzake dzose dzirurame.

Achavakazve guta rangu,

uye achasunungura vatapwa vangu,

asi pasina muripo kana mubayiro,

ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”

14 Zvanzi naJehovha:

“Zvibereko zveIjipiti nezvinoshambadzirwa zveEtiopia,

navaSabhea varefu,

vachauya kwauri

uye vachava vako;

vachatevera mushure mako,

vachiuya kwauri vakasungwa nengetani.

Vachapfugama pamberi pako

uye vachakunyengetedza, vachiti,

‘Zvirokwazvo Mwari anewe,

uye hakunazve mumwe; hakuna mumwe mwari.’ ”

15 Zvechokwadi muri Mwari anozvivanza,

imi Mwari noMuponesi waIsraeri.

16 Vose vanoita zvifananidzo vachava nenyadzi uye vachanyadziswa,

vachasvika pakunyadziswa pamwe chete.

17 Asi Israeri achaponeswa naJehovha

noruponeso rusingaperi;

hamuchazombonyadziswi kana kuva nenyadzi,

kusvikira kumakore asingaperi.

18 Nokuti zvanzi naJehovha,

iye akasika matenga,

ndiye Mwari;

iye akaumba uye akaita nyika,

ndiye akaisimbisa;

haana kuisikira kuti igare isina chinhu,

asi akaiumba kuti igarwe,

anoti:

“Ndini Jehovha,

uye hakuna mumwe.

19 Handina kutaura ndiri pakavanda,

ndichibva kumwe kunyika yerima;

handina kuti kuvana vaJakobho,

‘Nditsvakei pasina.’

Ini, Jehovha ndinotaura chokwadi;

ndinoparidza zvakarurama.

20 “Unganai pamwe chete muuye;

unganai, imi vatizi vanobva kune dzimwe ndudzi.

Vose vanotakura mifananidzo yamatanda havazivi,

vanonyengetera kuna vamwari vasingagoni kuponesa.

21 Paridzai zvichauya, muzvibudise pachena:

ngavarangane pamwe chete.

Ndianiko akazvitaura kare,

ndiani akazvireva kubva kare nakare?

Handizini Jehovha here?

Uye kunze kwangu ini hakuna Mwari,

Mwari akarurama noMuponesi;

hakuna mumwe asi ini.

22 “Dzokerai kwandiri mugoponeswa,

imi mose migumo yenyika;

nokuti ndini Mwari, uye hakuna mumwe.

23 Ndakapika neni pachangu,

muromo wangu wakataura

nokururama kwose shoko risingazoshandurwi:

Mabvi ose achapfugama pamberi pangu;

ndimi dzose dzichapika neni.

24 Vachati pamusoro pangu,

‘Muna Jehovha chete ndimo muno kururama nesimba.’ ”

Vose vakamutsamwira

vachauya kwaari uye vachanyadziswa.

25 Asi rudzi rwose rwaIsraeri

ruchawanikwa rwakarurama muna Jehovha uye ruchafara.

Categories
Isaya

Isaya 46

Vamwari veBhabhironi

1 Bheri rinokotamira pasi, Nebho rinokotama;

zvifananidzo zvavo zvinotakurwa nezvipfuwo zvinotakura mutoro.

Zvifananidzo zvacho zvinotakurwa zvinorema,

mutoro pazvipfuwo zvakaneta.

2 Zvinokotama uye zvinokotamira pasi pamwe chete;

zvisingagoni kurwira mutoro,

izvo pachazvo zvinoenda kuutapwa.

3 “Ndinzwei, imi imba yaJakobho,

imi mose vakasara veimba yaIsraeri,

imi vandakasimudzira kubvira muchiri mudumbu,

uye ndikakutakurai kubvira pakuzvarwa kwenyu.

4 Kunyange kusvikira pakuchembera kwenyu,

bvudzi rachena, ndini iye, ndini ndichakururamisai.

Ndakakuitai uye ndichakutakurai;

ndichakuraramisai uye ndichakununurai.

5 “Mungandienzanisa naaniko kana kunditi ndakaita saani?

Mungandifananidza naaniko wandingaenzaniswa naye?

6 Vamwe vanodurura goridhe kubva muhomwe dzavo,

uye vanoyera sirivha pazviyero;

vanotsvaka mupfuri kuti avaitire chimwari,

vagopfugama kuti vachinamate.

7 Vanochisimudzira pamapfudzi avo vagochitakura;

vanochigadzika panzvimbo yacho,

uye hecho chomira, hachigoni kufamba kuti chibvepo.

Kunyange mumwe akadanidzira kwachiri, hachipinduri;

hachigoni kumuponesa kubva pamatambudziko ake.

8 “Rangarirai chinhu ichi, muchiise mupfungwa dzenyu,

muise pamwoyo yenyu, imi vapanduki.

9 Rangarirai zvinhu zvakare, zviya zvekare kare;

ndini Mwari, uye hakuna mumwe;

ndini Mwari, hakuna akafanana neni.

10 Ndinozivisa magumo kubva pakutanga,

kubva panguva yekare kare, izvo zvichiri kuuya.

Ndinoti: Zvandakaronga zvichaitika,

uye ndichaita zvose zvandinoda.

11 Kubva kumabvazuva ndinodana gondo;

kubva kunyika iri kure kure ndinodana munhu achazadzisa kuda kwangu.

Zvandakareva ndichaita kuti zviitike;

zvandakaronga, ndichazviita.

12 Nditeererei, imi vane mwoyo yakasindimara,

iyemi muri kure nokururama.

13 Ndiri kuswededza pedyo kururama kwangu,

hakusi kure;

uye ruponeso rwangu haruzononotswi.

Ndichapa ruponeso kuZioni,

nokubwinya kwangu kuna Israeri.

Categories
Isaya

Isaya 47

Kuwa kweBhabhironi

1 “Buruka, ugare muguruva,

iwe Mhandara yeBhabhironi;

gara pasi usina chigaro choushe,

iwe Mhandara yavaBhabhironi.

Hauchazonzi uri munyoro

kana munhu akapfava.

2 Tora makuyo ukuye upfu;

bvisa vhoiri rako.

Fukura nguo dzako,

makumbo ako aonekwe, uyambuke hova.

3 Kushama kwako kuchava pachena,

uye kunyadzwa kwako kuchaonekwa.

Ndichatsiva;

handizosiyi munhu.”

4 Mudzikinuri wedu, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake;

ndiye Mutsvene waIsraeri.

5 Gara unyerere, enda murima,

Mhandara yavaBhabhironi;

hauchazonzi mambokadzi wenyika

dzakasiyana-siyana.

6 Ndakatsamwira vanhu vangu

ndikasvibisa nhaka yangu;

ndakavapa muruoko rwako,

iwe ukasavanzwira ngoni.

Kunyange vakakwegura

wakavatakudza joko rinorema kwazvo.

7 Wakati, “Ndicharamba

ndiri mambokadzi nokusingaperi!”

Asi hauna kufunga zvinhu izvi,

kana kucherechedza zvaizogona kuitika.

8 Naizvozvo zvino, chinzwa,

iwe chisikwa chisingagutsikani,

ugere zvakachengetedzeka, uchiti,

mumwoyo mako, “Ndini, hakuna mumwe kunze kwangu.

Handizovi chirikadzi,

uye handizotambudziki nokurasikirwa navana.”

9 Zviviri izvozvi zvichakuwira nechinguva chidiki diki,

pazuva rimwe chete zvinoti:

kufirwa navana nouchirikadzi.

Zvichauya pamusoro pako nechiyero chizere,

kunyange uine unʼanga hwako huzhinji,

nouroyi hwako hwakawanda.

10 Wakavimba nezvakaipa zvako uye wakati,

“Hapana anondiona.”

Uchenjeri hwako nezivo yako

zvinokutsausa paunoti, mumwoyo mako,

“Ndini, uye hakuna mumwe kunze kwangu.”

11 Dambudziko richakuwira,

uye haugoni kuzoziva kuti ungaritanda sei.

Njodzi ichakuwira yausingagoni

kubvisa nomuripo;

pakarepo kuparadza kwausingagoni kuziva,

kuchawira pamusoro pako.

12 “Zvino, enderera hako mberi nouroyi hwako,

uye nounʼanga hwako huzhinji,

hwawakashandira kubva paudiki hwako.

Zvichida uchabudirira,

zvichida uchavhundutsira vamwe.

13 Mazano ose awakagamuchira, akakunetesa chete!

Vanhu vako vanocherechedza nyeredzi ngavauye mberi,

avo vanotarira nyeredzi vachifembera mwedzi nomwedzi,

ngavakuponese pane zviri kuuya pamusoro pako.

14 Zvirokwazvo vakafanana namashanga;

moto uchaapisa akapera.

Havangatongogoni kuzvirwira,

pasimba romurazvo womoto.

Asi hapana mazimbe okuti munhu adziyirwe;

hapana moto wokudziya ipapo.

15 Izvozvi ndizvo chete zvavangakuitira,

ava vawakashanda navo,

uye ukafamba navo kubva paudiki hwako.

Mumwe nomumwe wavo anoenderera mberi nokukanganisa kwake;

hapana kana mumwe angakuponesa.

Categories
Isaya

Isaya 48

Israeri ino mwoyo mukukutu

1 “Inzwai izvi, imi imba yaJakobho,

makatumidzwa zita raIsraeri,

uye muchibva kurudzi rwaJudha,

imi munoita mhiko muzita raJehovha,

uye munodana kuna Mwari waIsraeri,

asi musingaiti muzvokwadi kana mukururama,

2 imi munozviti vagari vomuguta dzvene,

muchivimba naMwari weIsraeri;

Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake:

3 Ndakazivisa zvinhu zvakare, kare kare,

muromo wangu wakazvireva uye ndakaita kuti zvizivikanwe;

ipapo nokukurumidza ndakazviita, uye zvikaitika.

4 Nokuti ndaiziva kuti mwoyo wako wakanga wakasindimara sei;

nokuti mutsipa wako wakanga uri runda rwesimbi,

huma yako yakanga iri ndarira.

5 Naizvozvo ndakakuudza zvinhu izvi kare kare;

zvisati zvaitika ndakazvizivisa kwauri,

kuitira kuti urege kuzoti,

‘Zvifananidzo zvangu,

ndizvo zvakazviita; mufananidzo wangu wedanda namwari wangu wesimbi ndizvo zvakarayira izvozvo.’

6 Wakazvinzwa zvinhu izvi; zvitarire zvose.

Haungazvibvumi here?

“Kubva zvino ndichakuzivisa zvinhu zvitsva,

zvakavanzika zvausingazivi.

7 Zvava kusikwa zvino, uye hakusi kare;

hauna kumbozvinzwa zuva ranhasi risati rasvika.

Saka haugoni kuti,

‘Hongu, ndaizviziva.’

8 Hauna kumbonzwa kana kunzwisisa;

kubva kare nzeve yako yakanga isina kudziurwa.

Ndinoziva kwazvo kuti uri munyengeri akadii;

wakanzi mhandu kubva pakuzvarwa kwako.

9 Nokuda kwezita rangu ndinononoka kutsamwa;

nokuda kwokurumbidzwa kwangu ndinozvidzora pamusoro pako,

kuti ndisakuparadza.

10 Tarira, ndakakunatsa, kunyange zvisina kuita sesirivha;

ndakakuedza muchoto chokutambudzika.

11 Nokuda kwangu, nokuda kwangu, ndinoita izvi.

Ko, ndingaregererei zita rangu richimhurwa?

Handingapi kukudzwa kwangu kuno mumwe.

Israeri inosunungurwa

12 “Nditeerere, iwe Jakobho,

Israeri, wandakadaidza;

ndini iye:

ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira.

13 Ruoko rwangu ndirwo rwakateya nheyo dzenyika,

uye ruoko rwangu rworudyi rwakatambanudza matenga;

pandinozvidana,

zvose zvinomira pamwe chete.

14 “Unganai pamwe chete, imi mose muteerere;

Ndechipiko chimwe chezvifananidzo chakakuudzai kuti zvinhu izvi zvichaitika?

Iye anodikanwa naJehovha

achaita zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi;

ruoko rwake rucharwisa vaBhabhironi.

15 Ini, iyeni ndataura;

hongu, ndamudana.

Ndichauya naye,

uye achabudirira pane zvaanotumwa.

16 “Swederai kwandiri muteerere izvi:

“Kubvira pachiziviso chokutanga handina kumbotaura muchivande;

panguva yazvinoitika, ndinenge ndiripo.”

Uye zvino Ishe Jehovha andituma

noMweya wake.

17 Zvanzi naJehovha

Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri:

“Ndini Jehovha Mwari wako,

anokudzidzisa zvinokubatsira,

anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo.

18 Dai chete wakanga wateerera mirayiro yangu,

rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi,

kururama kwako samafungu egungwa.

19 Zvizvarwa zvako zvingadai zvakaita sejecha,

navana vako vakaita setsanga dzejecha dzisingaverengeki;

zita ravo haraimboparara

kana kuparadzwa pamberi pangu.”

20 Mudai muBhabhironi,

tizai vaBhabhironi!

Zivisai izvi nomufaro mukuru,

uye muzviparidze.

Zvitumirei kumagumo enyika;

muti, “Jehovha adzikinura muranda wake Jakobho.”

21 Havana kunzwa nyota paakavatungamirira mugwenga;

akaita kuti mvura iyerere ichibva mudombo, achiitira ivo;

akatsemura dombo

mvura ikatubuka.

22 “Vakaipa havana rugare,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Categories
Isaya

Isaya 49

Muranda waJehovha

1 Ndinzwei, imi zviwi;

inzwai izvi, imi ndudzi dziri kure;

Jehovha akandidana ndisati ndaberekwa;

kubva pakuzvarwa kwangu akataura zita rangu.

2 Akaita muromo wangu somunondo unopinza,

akandiviga mumumvuri wechanza chake;

akandiita museve unopenya,

akandiviga mugomba rake.

3 Akati kwandiri, “Ndiwe muranda wangu,

Israeri, wandicharatidza kubwinya kwangu maari.”

4 Asi ndakati, “Ndakashandira pasina,

ndapedza simba rangu pane zvisina maturo uye pasina.

Nyamba zvakandifanira ini zviri muruoko rwaJehovha,

uye mubayiro wangu uri kuna Mwari.”

5 Zvino Jehovha anoti,

iye akandiumba ndiri muchizvaro kuti ndive muranda wake,

kuti ndidzorere Jakobho kwaari

uye kuti Israeri vaunganidzwezve kwaari,

nokuti ndinokudzwa pamberi paJehovha,

uye Mwari wangu ndiye anga ari simba rangu,

6 iye anoti:

“Chinhu chiduku kwazvo kuti iwe uve muranda wangu,

anomutsazve marudzi aJakobho

uye achadzosa avo vaIsraeri vandakachengeta.

Uyezve ndichakuita chiedza chevedzimwe ndudzi,

kuti uuyise ruponeso rwangu kumigumo yenyika.”

7 Zvanzi naJehovha,

Mudzikinuri noMutsvene waIsraeri,

kuna iye akanga azvidzwa uye akasemwa norudzi,

kumuranda wavatongi:

“Madzimambo achakuona agosimuka,

machinda achaona agokotamira pasi,

nokuda kwaJehovha akatendeka,

Mutsvene waIsraeri, akakusarudza.”

Israeri Inomutsiridzwa

8 Zvanzi naJehovha:

“Munguva yangu yakafanira, ndichakupindura,

uye pazuva roruponeso ndichakubatsira;

ndichakuchengeta uye ndichakuita

kuti uve sungano yavanhu,

kuti uvandudze nyika

uye uvagarise patsva nhaka yakaparara,

9 kuti uti kunhapwa, ‘Budai,’

nokuna avo vari murima, ‘Uyai muchiedza!’

“Vachadya zvokudya parutivi rwenzira,

uye vachawana mafuro pazvikomo zvose zvisina zvibereko.

10 Havangavi nenzara kana nyota,

havangabayiwi nokupisa kwegwenga, kana nokupisa kwezuva.

Iye anovanzwira tsitsi achavatungamirira,

uye achavafambisa napazvitubu zvemvura.

11 Ndichashandura makomo angu ose kuti ave migwagwa,

uye migwagwa yangu mikuru ichasimudzirwa.

12 Tarirai vachauya vachibva kure:

vamwe vachibva nechokumusoro, vamwe nechokumavirazuva,

vamwe nokurutivi rweAsiwani.”

13 Imbai, imi matenga,

pembera iwe nyika;

imbai rwiyo imi makomo!

Nokuti Jehovha anonyaradza vanhu vake,

uye achava netsitsi navanhu vake vanotambudzika.

14 Asi Zioni rakati, “Jehovha akandisiya,

Jehovha akandikanganwa.”

15 “Ko, mai vangakanganwa mucheche anonwa ari pachipfuva chavo,

uye vangasanzwira tsitsi mwana wavakazvara here?

Kunyange hazvo ivo vakakanganwa,

ini handizokukanganwi!

16 Tarira, ndakakunyora pazvanza zvamaoko angu;

madziro ako anogara ari mberi kwangu.

17 Vanakomana vako vanokurumidza kudzoka shure,

uye vose vaikuparadza vachabva kwauri.

18 Simudza meso ako utarise kwose kwose;

vanakomana vako vose vanoungana vachiuya kwauri.

Zvirokwazvo noupenyu hwangu,”

ndizvo zvinotaura Jehovha, “uchavafuka vose sezvishongo:

uchavapfeka, somwenga.

19 “Kunyange wakaparadzwa ukaitwa dongo,

uye nyika yako yakasiyiwa yava dongo,

zvino vanhu vako havachakwani mauri,

uye vose vaikumedza vachava kure.

20 Vana vakaberekwa panguva yokufirwa kwako

vachatizve munzeve dzako,

‘Nzvimbo iyi yava diki kwatiri:

tipeiwo nzvimbo yakatambanuka yatingagara.’

21 Ipapo uchati mumwoyo mako,

‘Ndianiko akandiberekera ava?

Ndakanga ndafirwa uye ndisina mwana;

ndakanga ndadzingwa uye ndarambwa.

Ndianiko akarera ava?

Ndakasiyiwa ndiri ndoga,

asi ava, vabvepiko?’ ”

22 Zvanzi naIshe Jehovha,

“Tarira ndichasimudza ruoko rwangu kune veDzimwe Ndudzi,

ndichasimudzira mureza wangu kumarudzi;

vachauya navanakomana vako vari mumaoko avo,

uye vachatakura vanasikana vako pamapfudzi avo.

23 Madzimambo achava madzibaba anokurerai,

uye vanamambokadzi vavo vachava vanamai vanokurerai.

Vachakupfugamirai uso hwavo hwakatsikitsira pasi,

vachananzva guruva patsoka dzenyu.

Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha;

vanovimba neni havachazonyadziswi.”

24 Ko, mhare ingapambwa here,

kana vatapwa vanganunurwa kubva kune anotyisa here?

25 Asi zvanzi naJehovha,

“Hongu vatapwa vachatorwa kubva kumhare,

uye zvakapambwa kubva kune anotyisa;

ndicharwa nevanorwa newe,

uye vana vako ndichavaponesa.

26 Ndichaita kuti vamanikidzi vako vadye nyama yavo;

vachadhakwa neropa ravo, sevadhakwa newaini.

Ipapo vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha,

ndini Muponesi wako,

Mudzikinuri wako, Wamasimba Ose waJakobho.”

Categories
Isaya

Isaya 50

Chivi chaIsraeri noKuteerera kwoMuranda

1 Zvanzi naJehovha:

“Ko, rugwaro rwokurambwa

kwamai venyu rwuripiko rwandakavadzinga narwo?

Uye ndevapiko vandakakwereta

ndikazokutengesai kwavari?

Makatengeswa nokuda kwezvivi zvenyu;

mai venyu vakadzingwa nokuda kwokudarika kwenyu.

2 Sei ndakashaya munhu, pandakauya?

Sei pasina akapindura pandakadana?

Ko, ruoko rwangu rwakanga rwakapfupika here kuti ndikudzikinurei?

Handina simba rokukununurai here?

Nokungorayira chete ndinopwisa gungwa;

ndinoshandura nzizi dzikava gwenga;

hove dzadzo dzinoora nokushayiwa mvura,

uye dzinofa nenyota.

3 Ndinoshongedza denga nerima

uye ndinoita masaga chifukidzo charo.”

4 Ishe Jehovha akandipa rurimi rwakadzidziswa,

kuziva shoko rinosimbisa vakarukutika.

Anondimutsa mangwanani namangwanani,

anomutsa nzeve yangu kuti iteerere somunhu anodzidziswa.

5 Ishe Jehovha akazarura nzeve dzangu,

uye handina kumumukira;

handina kudzokera shure.

6 Ndakapa musana wangu kuna avo vaindirova,

namatama angu kuna avo vakadzura ndebvu dzangu;

Handina kuvanza chiso changu

pakusekwa nokupfirwa mate.

7 Nokuti Ishe Jehovha anondibatsira,

handizonyadziswi.

Naizvozvo ndakaita kuti chiso changu chive sebwe romusarasara,

uye ndinoziva kuti handizonyadziswi.

8 Iye anondiruramisira ari pedyo.

Ndianiko zvino achandipa mhosva?

Ngatitarisanei!

Ndianiko mupomeri wangu?

Ngaanangane neni!

9 Ndiye Ishe Jehovha anondibatsira.

Ndianiko achandipa mhosva?

Vose vachasakara senguo;

vachadyiwa nezvipfuno.

10 Ndiani pakati penyu anotya Jehovha,

uye anoteerera shoko romuranda wake?

Ngaafambe murima,

iye asina chiedza,

ngaavimbe nezita raJehovha

uye avimbe naMwari wake.

11 Asi zvino, imi mose munotungidza moto

muchava nemwenje inopfuta,

endai, mufambe muchiedza chomoto

wenyu nechemwenje yamakabatidza.

Izvi ndizvo zvamuchagamuchira kubva paruoko rwangu:

Muchavata pasi mukurwadziwa.