Categories
Isaya

Isaya 61

Gore reNyasha dzaJehovha

1 Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu,

nokuti Jehovha akandizodza

kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo.

Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika,

kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa,

nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima,

2 kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha

uye nezuva rokutsiva kwaMwari wedu,

kuti ndinyaradze vose vanochema,

3 uye ndiriritire avo vanochema muZioni,

kuti ndiise pamusoro pavo korona yorunako

pachinzvimbo chamadota,

mafuta omufaro

pachinzvimbo chokuchema,

uye nenguo yokurumbidza

pachinzvimbo chomweya wakarukutika.

Vachanzi miouki yokururama,

yakasimwa naJehovha

kuti aratidze kubwinya kwake.

4 Vachavakazve matongo akare

uye vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa kare;

vachavandudza matongo amaguta

akaparadzwa kwezvizvarwa nezvizvarwa zvakapfuura.

5 Vatorwa vachafudza mapoka amakwai enyu;

vatorwa vachashanda muminda yenyu nomuminda yenyu yemizambiringa.

6 Ipapo imi muchanzi vaprista vaJehovha,

muchanzi vashumiri vaMwari.

Muchadya pfuma yendudzi,

uye muchazvirumbidza nepfuma yavo.

7 Pachinzvimbo chokunyadziswa kwavo

vanhu vangu vachagamuchira migove miviri,

uye pachinzvimbo chokunyadziswa vachafara munhaka yavo;

nokudaro vachagara nhaka yemigove miviri munyika yavo,

uye mufaro usingaperi uchava wavo.

8 “Nokuti ini, Jehovha, ndinoda kururamisira;

ndinovenga kupamba nezvakaipa.

Mukutendeka kwangu, ndichavapa mubayiro

uye ndichaita sungano isingaperi navo.

9 Zvizvarwa zvavo zvichazivikanwa pakati pendudzi

uye navana vavo pakati pamarudzi.

Vose vanovaona vachaziva

kuti vanhu vakaropafadzwa naJehovha.”

10 Ndinofara zvikuru muna Jehovha;

mweya wangu unofara muna Mwari.

Nokuti akandifukidza nenguo dzoruponeso,

uye akandishongedza nenguo yokururama,

sechikomba chinoshongedza musoro wacho somuprista,

uye somwenga anozvishongedza nezvishongo zvamatombo anokosha.

11 Nokuti ivhu sezvarinomeresa mbeu,

nebindu richiita kuti mbeu dzikure,

saizvozvo Ishe Jehovha achaita kuti kururama nerumbidzo

zvimere pamberi pendudzi dzose.

Categories
Isaya

Isaya 62

Zita idzva reZioni

1 Nokuda kweZioni handinganyarari,

nokuda kweJerusarema handingarambi ndinyerere,

kusvikira kururama kwake kwapenya samambakwedza,

noruponeso rwake somwenje unopfuta.

2 Ndudzi dzichaona kururama kwako,

uye madzimambo ose achaona kubwinya kwako;

iwe uchadaidzwa nezita idzva

richataurwa nomuromo waJehovha.

3 Uchava korona yokubwinya muruoko rwaJehovha,

ukomba hwoumambo muruoko rwaMwari wako.

4 Havachazokutizve Musiyiwa,

kana kutumidza nyika yako kuti Dongo.

Asi uchatumidzwa kuti Hefizibha

uye nyika yako ichanzi Bhiyura;

nokuti Jehovha achakufarira,

uye nyika yako icharoorwa.

5 Sejaya zvarinowana mhandara,

saizvozvo vanakomana vako vachakuwana;

sechikomba chinofarira mwenga,

saizvozvo Mwari wako achafara pamusoro pako.

6 Ndakagadza nharirire pamasvingo ako, iwe Jerusarema;

havangambonyarari masikati kana usiku.

Imi munodana kuna Jehovha,

musazorora,

7 uye musamupa zororo kusvikira asimbisa Jerusarema,

uye ariita rumbidzo yenyika.

8 Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi,

noruoko rwake rune simba achiti,

“Handichazopizve zviyo zvenyu sezvokudya kuvavengi venyu,

uye vatorwa havachazonwizve waini itsva

yamakatamburira;

9 asi ivo vanokohwa ndivo vachadya

uye vacharumbidza Jehovha,

uyewo vaya vanounganidza mazimbiringa ndivo vachainwa

mumavazhe eimba yangu tsvene.”

10 Pfuurai, pfuurai napamasuo!

Gadzirirai vanhu nzira.

Vakai, vakai mugwagwa mukuru!

Bvisai mabwe.

Simudzirai ndudzi mureza.

11 Jehovha akaparidzira kumagumo enyika achiti, “Uti kuMwanasikana weZioni, ‘Tarira, Muponesi wako ouya! Tarira, mubayiro wake anawo, uye kuripira kwake kunomutevera.’ ”

12 Vachanzi Vanhu Vatsvene, Vakadzikinurwa vaJehovha; uye iwe uchanzi Mutsvakwa, iro Guta Risina Kuzova Dongo.

Categories
Isaya

Isaya 63

Zuva raMwari roKutsiva noKudzikinura

1 Ndianiko uyu anobva kuEdhomu,

anobva kuBhozira, ane nguo dzakatsvuka seropa?

Ndianiko uyu, akafuka zvinobwinya,

anofamba muukuru hwesimba rake?

“Ndini ndinotaura nokururama,

ndine simba rokuponesa.”

2 Seiko nguo dzenyu dzakatsvuka

sedzomunhu anotsika chisviniro chewaini?

3 “Ndakatsika chisviniro chewaini ndoga;

kubva kundudzi dzose hapana akanga aneni.

Ndakavatsika-tsika mukutsamwa kwangu

uye ndakavapwanyira pasi muhasha dzangu;

ropa ravo rikatsatikira panguo dzangu,

ndikasvibisa nguo dzangu dzose.

4 Nokuti zuva rokutsiva rakanga riri mumwoyo mangu,

uye gore rokudzikinura kwangu rasvika.

5 Ndakatarisa, asi pakanga pasina angabatsira,

ndakashamiswa nokuti hapana akatsigira;

naizvozvo ruoko rwangu rwakandivigira ruponeso,

uye hasha dzangu dzakanditsigira.

6 Ndakatsika-tsika ndudzi mukutsamwa kwangu;

muhasha dzangu ndakaita kuti vadhakwe

uye ndakadurura ropa ravo pasi.”

Kurumbidza noKunyengetera

7 Ndichataura nezvounyoro hwaJehovha,

iwo mabasa aanofanira kukudzwa nawo,

nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha,

hongu, izvo zvinhu zvizhinji zvaakaitira

imba yaIsraeri,

nokuda kwetsitsi dzake uye nengoni dzake zhinji.

8 Akati, “Zvirokwazvo ndivo vanhu vangu,

ivo vanakomana vasingazovi venhema kwandiri,”

naizvozvo akava Muponesi wavo.

9 Mumatambudziko avo ose naiyewo akatambudzika,

uye mutumwa wokuvapo kwake akavaponesa.

Murudo rwake nengoni akavadzikinura;

akavasimudza uye akavatakura

mumazuva ose akare.

10 Asi vakamumukira

vakachemedza Mweya wake Mutsvene.

Saka akashanduka akava muvengi wavo,

uye iye amene akarwa navo.

11 Ipapo vanhu vake vakarangarira mazuva akare,

mazuva aMozisi navanhu vake, vakati,

aripiko akavayambutsa gungwa,

nomufudzi wamakwai ake?

Aripiko akaisa

Mweya wake Mutsvene pakati pavo,

12 iye akavatumira ruoko rwake rwokukudzwa nesimba

kuti ruve paruoko rworudyi rwaMozisi,

iye akaparadzanisa mvura pamberi pavo,

kuti azviwanire mukurumbira usingaperi,

13 iye akavatungamirira nomakadzika?

Sebhiza murenje, havana kugumburwa;

14 semombe dzinoburukira kubani,

vakapiwa zororo noMweya waJehovha.

Ndiwo matungamiriro amakaita vanhu venyu

kuti muzviitire zita rine mukurumbira.

15 Tarirai pasi muri kudenga uye muone,

kubva pachigaro chenyu chakakwirira chitsvene uye chinobwinya.

Kushingaira kwenyu nesimba renyu zviripiko?

Unyoro hwenyu netsitsi dzenyu zvakabviswa kwatiri.

16 Asi muri Baba vedu,

kunyange Abhurahama asingatizivi

kana naIsraeri asingatiziviwo;

imi, Jehovha, ndimi Baba vedu,

Mudzikinuri wedu kubva kare ndiro zita renyu.

17 Haiwa Jehovha, munotiregereiko tichidzungaira, kubva panzira dzenyu

muchiomesa mwoyo yedu kuti tirege kukutyai?

Dzokai nokuda kwavaranda venyu,

iwo marudzi enhaka yenyu.

18 Kwenguva duku vanhu venyu vakatora nzvimbo yenyu tsvene,

asi zvino vavengi vedu vakatsika-tsika nzvimbo yenyu tsvene.

19 Isu tiri venyu kubva kare;

asi ivo hamuna kumbovatonga,

havana kumbodaidzwa nezita renyu.

Categories
Isaya

Isaya 64

1 Haiwa, dai maibvarura matenga mukaburuka pasi,

kuti makomo adedere pamberi penyu!

2 Sezvinoita moto paunopisa tsotso

uchiita kuti mvura ivire,

burukai muzoita kuti zita renyu rizivikanwe kuvavengi venyu,

uye muite kuti ndudzi dzidedere pamberi penyu!

3 Nokuti pamakaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisina kutarisira,

makaburuka pasi, makomo akabvunda pamberi penyu.

4 Kubva panguva dzekare hakuna munhu akanzwa,

hakuna nzeve yakanzwisisa,

hakuna ziso rakaona mumwe Mwari kunze kwenyu,

anobatsira avo vanomumirira.

5 Munouya kuzobatsira avo vanofarira kuita zvakarurama,

vanorangarira nzira dzenyu.

Asi patakaramba tichivatadzira,

imi makatsamwa.

Zvino tingaponeswa seiko?

6 Isu tose tafanana nousina kuchena,

uye mabasa edu ose okururama afanana namamvemve enguo dzine tsvina;

isu tose tinooma seshizha,

semhepo zvivi zvedu zvinotitsvairira kure.

7 Hakuna anodana kuzita renyu

kana anoshingairira kuti akubatei;

nokuti makativanzira chiso chenyu mukaita

kuti tiperezeke nokuda kwezvivi zvedu.

8 Haiwa, Jehovha, kunyange zvakadaro muri Baba vedu.

Isu tiri ivhu, imi muri muumbi;

isu tose tiri basa ramaoko enyu.

9 Regai kutsamwa zvikuru imi Jehovha;

regai kurangarira zvivi zvedu nokusingaperi.

Haiwa Jehovha, ringirai kwatiri, tinokumbira,

nokuti tose tiri vanhu venyu.

10 Maguta enyu matsvene ava renje;

kunyange Zioni irenje, Jerusarema rava dongo.

11 Temberi yedu tsvene inobwinya, umo madzibaba edu akakurumbidzai,

yakapiswa nomoto,

uye nzvimbo dzose dzataikoshesa dzaparara.

12 Haiwa Jehovha, mushure maizvozvi mungazvidzorawo here?

Mucharamba munyerere, uye mugotiranga zvinopfuura mwero here?

Categories
Isaya

Isaya 65

Kutongwa noRuponeso

1 “Ndakazviratidza kuna avo vasina kundibvunza;

ndakawanikwa neavo vasina kunditsvaka.

Kurudzi rwakanga rusina kudana kuzita rangu

ndakati, ‘Ndiri pano, ndiri pano.’

2 Zuva rose ndakatambanudzira maoko angu

kurudzi rwakasindimara,

vanofamba munzira dzisina kunaka

vachitevera zvavanofunga,

3 vanhu vanogara vachindigumbura

ipo pamberi pangu chaipo,

vachibayira zvibayiro pamapindu

uye vachipisira zvinonhuhwira paaritari dzezvitinha;

4 vanogara pakati pamarinda

uye vanopedza usiku hwavo vachinyengetera vari munzira yakavanda:

vanodya nyama yenguruve,

uye hari dzavo dzine furo renyama yakasvibiswa;

5 vanoti, ‘Gara kure; usaswedera pedyo neni,

nokuti ndiri mutsvene kupfuura iwe.’

Vanhu vakadaro utsi mumhuno dzangu,

moto unoramba uchipfuta zuva rose.

6 “Tarirai, zvakanyorwa pamberi pangu zvinoti:

Handinganyarari asi ndicharipira zvakazara;

ndichazviripa pamakumbo avo,

7 zvakaipa zvenyu nezvamadzibaba enyu,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Nokuti vakapisira zvibayiro pamusoro pezvikomo,

ndichayera pamakumbo avo

muripo wakazara wamabasa avo akare.”

8 Zvanzi naJehovha:

“Sezvazvakangoita kana musvi uchiri kuwanikwa musumbu ramazambiringa

uye vanhu vachiti, ‘Musauparadza, muchine zvakanaka mauri,’

saizvozvo ndizvo zvandichaitira varanda vangu;

handingavaparadzi vose.

9 Ndichabudisa marudzi kuna Jakobho,

uye nokubva kuna Judha avo vachatora makomo angu;

vasanangurwa vangu vachagara nhaka,

uye varanda vangu vachagara ikoko.

10 Sharoni richava mafuro amakwai,

uye Mupata weAkori uchava uvato hwemombe

dzavanhu vangu vanonditsvaka.

11 “Asi kana murimi munosiya Jehovha

uye munokanganwa gomo rangu dzvene,

munowaridzira Rombo Rakanaka tafura,

uye munozadza zvirongo newaini yakavhenganisirwa Magumo,

12 ndichakuendesai kumunondo,

uye mose muchakotamira pasi kuti mubayiwe,

nokuti ndakadana asi hamuna kudavira,

ndakataura asi hamuna kuteerera.

Makaita zvakaipa pamberi pangu

mukasarudza zvisingandifadzi.”

13 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha:

“Varanda vangu vachadya,

asi imi muchanzwa nzara;

varanda vangu vachanwa,

asi imi muchava nenyota;

varanda vangu vachafara,

asi imi muchanyadziswa.

14 Varanda vangu vachaimba zvichibva mumufaro wemwoyo yavo,

asi imi muchachema nokurwadziwa nemwoyo

uye muchaungudza mukupwanyika kwomweya.

15 Muchasiyira zita renyu

kuvasanangurwa vangu sechituko;

Ishe Jehovha achakuurayai,

asi achapa varanda vake rimwe zita.

16 Ani naani achati nyika iropafadzwe

achazviita naMwari wechokwadi;

ani naani achaita mhiko munyika

achapika naMwari wechokwadi.

Nokuti matambudziko akare achakanganwikwa,

uye achavanzirwa meso angu.

Matenga Matsva neNyika Itsva

17 “Tarirai, ndichasika

matenga matsva nenyika itsva.

Zvinhu zvakare hazvichazorangarirwi,

kana kuuya mundangariro.

18 Asi farai mupembere nokusingaperi

mune zvandichasika,

nokuti ndichasika Jerusarema kuti rifadze

uye kuti vanhu varo vave mufaro.

19 Ndichapembera pamusoro peJerusarema,

uye ndichafarira vanhu vangu;

maungira okuchema kana kurira

haachazonzwikwazve imomo.

20 “Mariri hamungazovazve

nomucheche achararama mazuva mashoma shoma,

kana mutana asingasvitsi makore ake okurarama;

uyo anofa ane zana ramakore

achangotorwa somujaya;

uyo anotadza kusvika pazana ramakore

achatorwa sowakatukwa.

21 Vachavaka dzimba vagogara madziri;

vachadyara mazambiringa vagodya michero yawo.

22 Havachazovakazve dzimba dzinozogarwa navamwe,

kana kudyara vamwe vachizodya.

Nokuti sezvakaita mazuva omuti,

ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu;

vasanangurwa vangu vachafara kwenguva refu

mumabasa amaoko avo.

23 Havachazoshandira pasina

kana kubereka vana vanoparadzwa;

nokuti vachava vanhu vakaropafadzwa naJehovha,

ivo nezvizvarwa zvavo.

24 Vasati vadana ndichavapindura;

vachiri kutaura ndichavanzwa.

25 Bumhi negwayana zvichafura pamwe chete,

uye shumba ichadya uswa senzombe,

asi guruva richava chokudya chenyoka.

Hazvichazokuvadza kana kuparadza

pamusoro pegomo rangu dzvene rose,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Categories
Isaya

Isaya 66

Kutonga neTariro

1 Zvanzi naJehovha:

“Denga ndicho chigaro changu,

uye nyika chitsiko chetsoka dzangu.

Ko, iripi imba yamungandivakira?

Nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko?

2 Haruzi ruoko rwangu rwakaita izvozvi zvose here,

nokudaro zvikavapo?”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Munhu akadai ndiye wandichakudza:

iye anozvininipisa uye ane mweya wakapwanyika,

uye anodedera paanonzwa shoko rangu.

3 Asi ani naani anobayira hando

akafanana nouyo anouraya munhu,

uye anobayira gwayana,

anofanana nouyo anovhuna mutsipa wembwa;

ani naani anoita chipiriso chezviyo

anofanana nomunhu anopa ropa renguruve,

uye ani naani anopisira zvinonhuhwira zvokurangaridza,

anofanana nounonamata chifananidzo.

Vakasarudza nzira dzavo,

uye mweya yavo inofarira zvinonyangadza zvavo;

4 naizvozvo neniwo ndichavasarudzira kuranga kuchavaomera,

uye ndichauyisa pamusoro pavo izvo zvavanotya.

Nokuti pandakadana, hapana akapindura,

pandakataura, hapana akateerera.

Vakaita zvakaipa pamberi pangu

vakasarudza zvisingandifadzi.”

5 Inzwai shoko raJehovha,

imi munodedera pamunonzwa shoko rake:

“Hama dzenyu dzinokuvengai,

uye dzinokutsaurai nokuda kwezita rangu, dzakati,

‘Jehovha ngaaratidze kukudzwa kwake,

kuti tione mufaro wenyu!’

Asi ivo vachanyadziswa.

6 Inzwai maungira ebope anobva muguta,

inzwai mheremhere inobva mutemberi!

Ndiwo maungira aJehovha

achiripira vavengi vake zvose zvakavakodzera.

7 “Asati arwadziwa nemimba,

anosununguka;

kurwadza kusati kwauya pamusoro pake,

anosununguka mwanakomana.

8 Ndiani akambonzwa chinhu chakadai?

Ndiani akamboona zvinhu zvakadai?

Ko, nyika ingazvarwa pazuva rimwe here

kana rudzi rungazvarwa pakarepo here?

Kunyange zvakadaro, Zioni rakangoti kurwadziwa,

pakarepo ndokubereka vana varo.

9 Ndingasvitsa panguva yokubereka

ndikasaberekesa here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ko, ndinozarira chizvaro

pandinoberekesa here?” ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.

10 “Pemberai pamwe chete neJerusarema uye mufarisise nokuda kwaro,

imi mose munorida;

farisisai pamwe chete naro,

imi mose munochema pamusoro paro.

11 Nokuti muchanwa mukaguta

pamazamu ake anonyaradza;

muchanwa zvikuru kwazvo

uye muchafadzwa nezvakawanda zvake zvinopfachukira.”

12 Nokuti zvanzi naJehovha:

“Ndichawedzera rugare kwaari sorwizi,

uye upfumi hwendudzi sokudira kworukova;

muchayamwa uye muchatakurwa paruoko rwake,

uye muchavaraidzwa pamabvi ake.

13 Samai vanonyaradza mwana wavo,

saizvozvo ndichakunyaradzai;

uye muchanyaradzwa pamusoro peJerusarema.”

14 Pamuchaona izvozvo, mwoyo wenyu uchafara,

uye muchaita bumhudza sebundo;

ruoko rwaJehovha rucharatidzwa kuvaranda vake,

asi hasha dzake dzicharatidzwa kuvavengi vake.

15 Tarirai, Jehovha ari kuuya nomoto,

uye ngoro dzake dzakaita sechamupupuri;

achaburutsa kutsamwa kwake nehasha huru,

uye kutuka kwake nomurazvo womoto.

16 Nokuti nomoto uye nomunondo wake

Jehovha achatonga vanhu vose,

uye vazhinji vachava vaya vanourayiwa naJehovha.

17 “Vaya vanozvinatsa nokuzvichenesa kuti vaende mumapindu, vachitevera munhu ari pakati paavo vanodya nyama yenguruve nembeva uye nezvimwe zvinhu zvinonyangadza, magumo avo achava mamwe chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

18 “Nokuti ini nokuda kwamabasa avo nepfungwa dzavo, ndiri kuuya kuzounganidza marudzi ose nendimi dzose; vachauya uye vachaona kubwinya kwangu.

19 “Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, uye ndichatumira vamwe vavakapunyuka kundudzi, kuTashishi, nokuvaRibhiya navaRidhia (vane mbiri yokuwembura uta), nokuTubhari nokuGirisi, nokuzviwi zviri kure zvisina kumbonzwa nezvembiri yangu kana kuona kubwinya kwangu. Vachaparidza kubwinya kwangu pakati pendudzi.

20 Uye vachauyisa hama dzenyu dzose, kubva kundudzi dzose, kugomo rangu dzvene muJerusarema, sechipo kuna Jehovha, pamusoro pamabhiza, nomungoro uye mungoro dzina matenga, napamanyurusi uye napangamera,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachazviuyisa, savaIsraeri vanouyisa zvipiriso zvavo zvezviyo, kutemberi yaJehovha mumidziyo yakacheneswa.

21 Ipapo ndichasarudza vamwe vavo kuti vave vaprista navaRevhi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

22 “Nokuti sezvakaita matenga matsva nenyika itsva zvandinoita zvichazogara pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saizvozvo zita renyu nezvizvarwa zvenyu zvichagara.

23 Kubva paKugara kwoMwedzi kusvikira kuno mumwe, uye kubva paSabata rimwe kusvikira kune rimwe, marudzi ose achauya kuzokotama pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

24 “Vachabudapo vachindotarira zvitunha zvaavo vaindimukira; honye yavo haizofi, moto wavo haungadzimwi, uye vachasemesa vanhu vose.”