Categories
Jeremia

Jeremia 1

1 Mashoko aJeremia mwanakomana waHirikia, mumwe wavaprista paAnatoti munyika yaBhenjamini.

2 Shoko raJehovha rakauya kwaari mugore regumi namatatu rokutonga kwaJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha,

3 uye nomunguva yokutonga kwaJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, kusvikira pamwedzi wechishanu wegore regumi nerimwe raZedhekia mwanakomana waJosia mambo weJudha, vanhu veJerusarema pavakazoenda kuutapwa.

Kudanwa kwaJeremia

4 Shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,

5 “Ndisati ndakuumba mudumbu ramai vako, ndakakuziva iwe,

usati waberekwa, ndakakutsaura;

ndakakugadza somuprofita kumarudzi.”

6 Ini ndikati, “Haiwa, Ishe Jehovha, handigoni kutaura; ndinongova mwana hangu.”

7 Asi Jehovha akati kwandiri, “Usati, ‘Ndinongova mwana hangu.’ Unofanira kuenda kuna ani naani wandinokutuma kwaari undotaura zvose zvandinokurayira.

8 Usavatya, nokuti ini ndinewe uye ndichakurwira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

9 Ipapo Jehovha akatambanudza ruoko rwake akabata muromo wangu akati kwandiri, “Zvino ndaisa mashoko angu mumuromo mako.

10 Tarira, nhasi ndakugadza pamusoro pendudzi napamusoro poushe kuti udzure, ubvarure, uparadze, ukoromore, uvake uye usime.”

11 Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Jeremia, uri kuonei?”

Ndakapindura ndikati, “Ndiri kuona davi romuti womuarimondi.”

12 Jehovha akati kwandiri, “Waona zvakanaka, nokuti ndiri kutarira kuti ndione kuzadziswa kweshoko rangu.”

13 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri richiti, “Uri kuoneiko?”

Ndakapindura ndikati, “Ndiri kuona hari iri kuvira, yakarerekera kubva kumusoro.”

14 Jehovha akati kwandiri, “Njodzi ichadururirwa pamusoro pavanhu vagere munyika ichibva nokumusoro.

15 Nokuti iye zvino ndiri kudana vanhu vose voushe hwokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Madzimambo avo achauya achizoisa zvigaro zvavo zvoushe

pamasuo eJerusarema;

vachauya kuzorwisa masvingo aro ose akarikomberedza

uye namaguta ose eJudha.

16 Ndichareva zvandakatonga pamusoro pavanhu vangu

nokuda kwezvakaipa zvavo zvavakaita vachindisiya,

vachipisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari

uye vachinamata zvakaumbwa namaoko avo.

17 “Iwe chigadzirira! Simuka uvataurire zvose zvandinokurayira. Usavhundutswa navo, kuti ini ndirege kuzokuvhundutsa pamberi pavo.

18 Nhasi ndakuita guta rakakomberedzwa nembiru yesimbi namasvingo endarira, kuti urwe nenyika yose, urwe namadzimambo eJudha, namachinda avo, navaprista vavo uye navanhu venyika.

19 Vacharwa newe asi havangakukundi, nokuti ndinewe uye ndichakurwira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Categories
Jeremia

Jeremia 2

Israeri inosiya Mwari

1 Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti,

2 “Enda unoparidza munzeve dzeJerusarema uchiti:

“ ‘Ndinorangarira kunamata kwouduku hwako,

kuti somwenga waindida sei

uye uchinditevera nomukati merenje,

uye nomunyika isina munhu anogaramo.

3 Israeri akanga ari mutsvene kuna Jehovha,

ari chibereko chokutanga chokukohwa kwake;

vose vakanga vachimudya vaipiwa mhosva,

uye njodzi yakavawira,’ ”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

4 Inzwai shoko raJehovha imi imba yaJakobho,

nemi mose vorudzi rweimba yaIsraeri.

5 Zvanzi naJehovha:

“Madzibaba enyu akawana mhosva yei kwandiri,

zvavakaenda kure neni?

Vakatevera zvifananidzo zvisina maturo

ivo vakava vasina maturo pachavo.

6 Havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko,

iye akatibudisa kubva munyika yeIjipiti akatitungamirira nomugwenga risina miti,

nomunyika yamarenje namakoronga,

iyo nyika yakaoma uye yerima,

nyika isina munhu anofambamo

uye isina munhu anogaramo?’

7 Ndakakupinzai munyika yakaorera

kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo.

Asi makasvika mukasvibisa nyika yangu,

mukaita nhaka yangu kuti ive chinhu chinonyangadza.

8 Vaprista havana kubvunza kuti,

‘Jehovha aripiko?’

Vakanga vachifambisa murayiro havana kundiziva;

vatungamiri vakandimukira.

Vaprofita vakaprofita naBhaari,

vachitevera zvifananidzo zvisina maturo.

9 “Naizvozvo ndinokupai mhosva zvakare,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ndichapazve mhosva vana vavana venyu.

10 Yambukirai kumiganhu yeKitimi muone,

tumai vanhu kuKedhari mugonyatsocherechedza;

muone kana pakambova nechimwe chinhu chakadai:

11 Ko, rudzi rwakambotsinhanisa vamwari varwo here?

Uye havasi vamwari zvachose.

Asi vanhu vangu vakatsinhanisa kukudzwa kwavo

nezvifananidzo zvisina maturo.

12 Haiwa, imi matenga, shamiswai nechinhu ichi,

uye mudedere nokutya kukuru,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

13 “Vanhu vangu vakaita zvakaipa zviviri:

Vakandisiya ini,

tsime remvura mhenyu,

vakazvicherera zvirongo

zvisingachengeti mvura.

14 Ko, Israeri muranda here, kana nhapwa pakuberekwa?

Nemhaka yeiko apambwa zvino?

15 Shumba dzakaomba;

dzikanguruma kwaari.

Dzakaparadza nyika yake;

maguta ake akapiswa uye haachina vanhu.

16 Uyezve, vanhu veNofi neveTapanesi

vakaveura musoro wako.

17 Ko, hauna kuzvivigira izvozvo pachako here

pawakasiya Jehovha Mwari

wako paakanga achikutungamirira munzira?

18 Zvino, unoendereiko kuIjipiti

kundonwa mvura inobva muShihori?

Uye unodireiko kuenda kuAsiria

kundonwa mvura inobva murwizi?

19 Zvakaipa zvako zvichakuranga;

kudzokera shure kwako kuchakutuka.

Rangarira uye uyeuke zvino kuti zvakaipa sei

uye zvinovava sei kwauri,

ukange wasiya Jehovha Mwari wako,

uye usingandityi,”

ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.

20 “Wakavhuna joko rako kare kare

uye wakadambura makashu ako;

ukati, ‘Handidi kukushumirai!’

Zvirokwazvo, pamusoro pechikomo chirefu choga choga,

uye pasi pomuti woga woga wakapfumvutira,

wakarara pasi pawo sechifeve.

21 Ndakanga ndakusima somuzambiringa wakanakisa,

uri mbeu kwayo inovimbika.

Ko, zvino wakazondishandukira

sei ukava muzambiringa webundo wakaora?

22 Kunyange ukazvishambidza nesoda

uchishandisa sipo yakawanda,

gwapa remhosva yako rinoramba riri mberi kwangu,”

ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

23 “Unoreva sei, uchiti, ‘Handina kusvibiswa;

handina kutevera Bhaari’?

Tarisa zvawakaita mumupata;

funga zvawakaita.

Iwe uri ngamera yehadzi

inomhanya apa nepapo,

24 uri mbizi yakarovedzwa mugwenga,

inofembedza mhepo mukushuva kwayo;

ndiani angaidzora pakupfumvura kwayo?

Mukono upi noupi unoitevera haufaniri kuzvinetesa;

panguva yokusangana uchaiwana.

25 Usamhanya kusvikira tsoka dzako

dzisisina shangu nehuro yako yava nenyota.

Asi iwe wakati, ‘Hazvibatsiri!

Ndinoda vamwari vokumwe,

uye ndinofanira kuvatevera.’

26 “Sokunyadziswa kwembavha yabatwa,

saizvozvo imba yaIsraeri yanyadziswa,

ivo namadzimambo avo uye namachinda avo,

vaprista vavo navaprofita vavo.

27 Vanoti kudanda, ‘Ndiwe baba vangu,’

uye kuibwe, ‘Ndiwe wakandibereka.’

Vakandifuratira ini

asi zviso zvavo hazvina,

nyamba pavanenge vava munhamo, vanoti kwandiri,

‘Uyai mutiponese!’

28 Ko, zvino vamwari vamakazviitira varipi?

Ngavauye kana vachigona kukuponesai

pamunenge mava munhamo!

Nokuti muna vamwari vakawanda

kupfuura maguta amunawo, imi Judha.

29 “Seiko muchindipa mhosva?

Imi mose makandimukira,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

30 “Ndakaranga vana venyu pasina;

havana kuteerera kurangwa.

Munondo wenyu wakamedza vaprofita,

kufanana neshumba inoparadza.

31 “Haiwa, imi vechizvarwa ichi, rangarirai Shoko raJehovha rinoti:

“Ndanga ndiri renje kuna Israeri

here kana nyika yerima guru?

Ko, vanhu vangu vanotaurireiko vachiti,

‘Takasununguka kuenda kwatada; hatichazouyizve kwamuri?’

32 Ko, murandakadzi angakanganwa zvishongo zvake here,

nomwenga angakanganwa nguo dzake dzomuchato here?

Asi vanhu vangu vakandikanganwa ini,

mazuva asingaverengeki.

33 Mune ruzivo rwakadii pakutevera rudo!

Kunyange vakadzi vakaipisisa vangadzidza kubva panzira dzenyu.

34 Panguo dzako vanhu vanowanapo

ropa ravarombo vasina mhaka,

kunyange usina kuvabata vachipaza.

Asi kunyange zvakadaro

35 unoti, ‘Handina mhosva;

uye haana kunditsamwira.’

Asi ndichatema mutongo wangu

pauri nokuti unoti, ‘Handina kutadza.’

36 Ko, unofambireiko pose pose zvakadai,

uchishandura nzira dzako?

Iwe uchagumburwa neIjipiti,

sezvawakaitwa neAsiria.

37 Uchabvawo panzvimbo iyoyo

wakaisa maoko ako pamusoro pako,

nokuti Jehovha akaramba vose vaunovimba navo;

iwe hauchazobatsirwi navo.

Categories
Jeremia

Jeremia 3

1 “Kana murume akaramba mukadzi wake,

iye akamusiya hake akandowanikwa nomumwe murume,

murume uyu angadzokerazve kwaari here?

Ko, nyika haingasvibiswi here?

Asi iwe wakararama sechifeve navadiwa vazhinji,

zvino ungadzokera kwandiri here?”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

2 “Tarira kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti uone.

Iripo here nzvimbo yausina kumboitira ufeve?

Mujinga menzira wakagaramo wakamirira zvikomba,

wakagara kunge vanhu vouragu vari murenje.

Wakasvibisa nyika noufeve hwako

uye nezvakaipa zvako.

3 Naizvozvo wakanyimwa mvura inopfunha,

uye nemvura yomuchirimo haina kunaya.

4 Ko, handiti uchangobva pakundidana here uchiti,

‘Baba vangu, shamwari yangu kubva pauduku hwangu,

5 muchagara makatsamwa here?

Kutsamwa kwenyu kucharamba kuripo nokusingaperi here?’

Aya ndiwo matauriro ako,

asi unoita zvakaipa zvose zvaunogona kuita.”

Israeri woKusatendeka

6 Panguva yokutonga kwaMambo Josia, Jehovha akati kwandiri, “Waona here zvaitwa naIsraeri wokusatendeka? Ari kuenda pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira nepasi pemiti yose yakapfumvutira achindoita ufevepo.

7 Ndakafunga kuti mushure mokuita kwake izvi zvose, achadzokera kwandiri asi iye haana, uye mununʼuna wake Judha wokusatendeka akazviona.

8 Ndakapa Israeri wokusatendeka tsamba yokurambana ndikamudzinga nokuda kwoufeve hwake. Kunyange zvakadaro ndakaona kuti Judha mununʼuna wake wokusatenda haatyi; naiyewo akabuda akandoita ufeve.

9 Nokuti ufeve hwaIsraeri hahuna zvahwakareva kwaari, akasvibisa nyika nokufeva namabwe namatanda.

10 Kunyange izvi zvakadaro, mununʼuna wake Judha wokusatendeka haana kudzokera kwandiri nomwoyo wake wose, asi kunyengera chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

11 Jehovha akati kwandiri, “Israeri wokusatenda akarurama kukunda Judha wokusatendeka.

12 Enda undoparidza shoko iri kurutivi rwokumusoro uchiti,

“ ‘Dzokai imi Israeri vokusatenda,’ ndizvo zvinotaura Jehovha,

‘Handichazorambi ndakafinyamisa chiso changu kwamuri,

nokuti ndizere nengoni,’ ndizvo zvinotaura Jehovha,

‘handingarambi ndakatsamwa nokusingaperi.

13 Imi zivai mhosva yenyu chete,

kuti makamukira Jehovha Mwari wenyu,

mukafadza vamwari

vavatorwa muri pasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira,

uye hamuna kunditeerera,’ ”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

14 “Dzokai, imi vanhu vokusatenda,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndini murume wenyu. Ndichakusarudzai, ndichatora mumwe chete kubva kune rimwe guta, uye vaviri kubva kuno rumwe rudzi, ndigokuuyisai kuZioni.

15 Ipapo ndichakupai vafudzi vanofadza mwoyo wangu, ivo vachakutungamirirai noruzivo nokunzwisisa.

16 Mumazuva iwayo, pamunenge mawanda zvikuru munyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha.’ Hazvingazopindi mundangariro dzavo kana kurangarirwa; havazoishuvi, havangagadziri imwezve.

17 Panguva iyoyo vachatumidza Jerusarema kuti Chigaro choUshe chaJehovha, uye ndudzi dzose dzichaungana muJerusarema kuzokudza zita raJehovha. Havachazoteverizve kusindimara kwemwoyo yavo yakaipa.

18 Mumazuva iwayo imba yaJudha ichabatana neimba yaIsraeri, uye vose pamwe chete vachauya vachibva kunyika yokumusoro vachienda kunyika yandakapa madzibaba enyu kuti ive nhaka.

19 “Ini pachangu ndakati,

“ ‘Ndichafara sei pakukubatai savanakomana vangu

uye ndichikupai nyika inoyevedza,

iyo nhaka yakaisvonaka yorudzi rupi zvarwo.’

Ndakafunga kuti muchanditi ‘Baba’

mukasazotsauka pakunditevera.

20 Asi sezvinoita mukadzi asina kutendeka kumurume wake,

saizvozvo makanga musina kutendeka kwandiri, imi imba yaIsraeri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

21 Kuchema kunonzwika panzvimbo dzakakwirira dzisina miti,

iko kuchema nokuteterera kwavanhu veIsraeri,

nokuti vakaminamisa nzira dzavo

uye vakakanganwa Jehovha Mwari wavo.

22 “Dzokai, imi vanhu vokusatenda;

ndichakurapai pakudzokera kwenyu shure.”

“Hongu, tichauya kwamuri,

nokuti imi muri Jehovha Mwari wedu.

23 Zvirokwazvo mheremhere youfeve iri pazvikomo,

napamakomo unyengeri;

zvirokwazvo muna Jehovha Mwari wedu

ndimo mune ruponeso rwaIsraeri.

24 Kubva pauduku hwedu nyadzi dzakadya

zvibereko zvamabasa amadzibaba edu,

makwai avo, nemombe dzavo,

vanakomana navanasikana vavo.

25 Ngativatei pasi munyadzi dzedu,

uye kunyara kwedu ngakutifukidze.

Takatadzira Jehovha Mwari wedu,

isu tose namadzibaba edu;

kubva pauduku hwedu kusvikira nhasi

hatina kuteerera Jehovha Mwari wedu.”

Categories
Jeremia

Jeremia 4

1 “Haiwa Israeri, kana muchida kudzoka,

dzokai kwandiri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Kana mukabvisa pamberi pangu zvifananidzo zvenyu

zvinonyangadza uye mukasarasikazve,

2 kana mukapika muchokwadi,

nokururama uye nenzira yakarurama muchiti:

‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu,’

ipapo ndudzi dzicharopafadzwa naye uye dzichazvirumbidza maari.”

3 Izvi ndizvo zvinotaura Jehovha kuvanhu veJudha neJerusarema:

“Zviundirei gombo

murege kudyara pakati peminzwa.

4 Zvidzingisirei kuna Jehovha,

dzingisai mwoyo yenyu,

imi varume veJudha nemi vanhu veJerusarema,

kuti kutsamwa kwangu kurege kukubudirai kukapisa somoto,

nokuda kwezvakaipa zvamakaita,

iko kupisa kusina angakudzima.

Njodzi inobva nokumusoro

5 “Zivisai munyika yaJudha uye muparidze muJerusarema muchiti:

‘Ridzai hwamanda munyika yose!’

Danidzirai nesimba muchiti:

‘Unganai pamwe chete!

Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa!’

6 Simudzai mureza wokuenda kuZioni!

Tizai muvande musinganonoki!

Nokuti ndiri kuuyisa njodzi inobva kumusoro,

iko kuparadza kwakaipisisa.”

7 Shumba yabuda mudenhere rayo;

muparadzi wendudzi abuda.

Asiya nzvimbo yake

kuti aparadze nyika yenyu.

Maguta enyu achava matongo

pasina achagaramo.

8 Naizvozvo pfekai masaga,

chemai muungudze,

nokuti kutsamwa kwaJehovha

kunotyisa hakuna kubva kwatiri.

9 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“mambo namachinda vachaora mwoyo,

vaprista vachatyiswa,

uye vaprofita vachavhundutswa.”

10 Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Jehovha, makanyengera kwazvo vanhu ava neJerusarema muchiti, ‘Muchava norugare,’ nyamba munondo uri pahuro dzedu.”

11 Panguva iyoyo vanhu ava neJerusarema vachaudzwa kuti, “Mhepo inopisa inobva kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti mugwenga inovhuvhuta yakananga vanhu vangu, asi isingapepeti kana kunatsa;

12 mhepo ine simba kwazvo kudarika iyoyo ichabva kwandiri. Zvino ndiwo wava mutongo wangu pamusoro pavo.”

13 Tarirai! Ari kuuya samakore,

ngoro dzake dzinouya sechamupupuri,

mabhiza ake anomhanya kupfuura makondo,

Tine nhamo! Taparara!

14 Haiwa Jerusarema, shamba zvakaipa zviri mumwoyo mako ugoponeswa.

Ucharamba uchingoviga pfungwa dzako dzakaipa kusvikira riini?

15 Inzwi rinodanidzira richibva kuDhani,

richizivisa nezvenjodzi inobva kuzvikomo zveEfuremu.

16 “Zivisai izvi kumarudzi,

zviparidzei kuJerusarema muchiti:

‘Hondo ichakukombai iri kuuya ichibva kunyika iri kure,

ichidanidzira zvehondo yokurwisa maguta eJudha.

17 Vanorikomba savanhu vakarinda munda,

nokuti rakandimukira,’ ”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

18 “Tsika dzako namabasa ako ndizvo zvauyisa

izvi pamusoro pako.

Ichi ndicho chirango chako.

Haiwa, zvinovava sei!

Haiwa, zvinobaya sei mwoyo!”

19 Maiwe, kurwadziwa kwangu,

kurwadziwa kwangu!

Ndiri kubidirika nokurwadziwa.

Haiwa, kurwadza kwomwoyo wangu!

Hana yangu inorova mukati mangu, handinganyarari.

Nokuti ndanzwa kurira kwehwamanda;

ndanzwa mheremhere yehondo.

20 Njodzi inotevera njodzi;

nyika yose yava dongo.

Munguva shoma shoma, matende angu aparadzwa,

musha wangu nenguva diki diki.

21 Ndicharamba ndichiona mureza wehondo kusvikira riniko,

uye ndichanzwa kurira kwehwamanda kusvikira riniko?

22 “Vanhu vangu mapenzi;

havandizivi ini.

Vana vasina pfungwa;

havanzwisisi.

Vakangwarira kuita zvakaipa;

havazivi kuita zvakanaka.”

23 Ndakatarira nyika,

yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu;

uye nokumatenga,

chiedza chawo chakanga chisisipo.

24 Ndakatarira pamakomo,

tarirai, aidengenyeka;

zvikomo zvose zvaizeya.

25 Ndakatarira, ipapo pakanga pasina vanhu;

shiri dzose dzedenga dzakanga dzabhururuka dzikaenda kure.

26 Ndakatarira, ndokuona nyika yaibereka zvibereko yava gwenga;

maguta ayo ose ava matongo pamberi paJehovha,

pamberi pehasha dzake dzinotyisa.

27 Zvanzi naJehovha:

“Nyika yose ichaparadzwa,

kunyange hangu ndisingazoiparadzi zvachose.

28 Naizvozvo nyika ichachema

uye matenga kumusoro achava rima

nokuti ndini ndazvitaura uye handingaregi kuzviita,

ndini ndazvisarudza uye handingadzokeri shure.”

29 Paanonzwa kutinhira kwavatasvi vamabhiza nokwavawemburi vouta,

maguta ose anotiza.

Vamwe vanopinda mumatenhere;

vamwe vanokwira pakati pamatombo.

Maguta ose asara asina munhu;

hapana anogaramo.

30 Uchaiteiko, iwe wokuparadzwa?

Wapfekereiko nguo tsvuku,

uye unoshongereiko zvishongo zvegoridhe?

Wazorereiko meso ako pendi?

Unongozvishongedzera pasina.

Zvikomba zvako zvinokushora;

zvinotsvaka kukuuraya.

31 Ndiri kunzwa kuchema sekwomukadzi anorwadziwa pakusununguka,

kugomera sekwomukadzi opona dangwe rake,

kuchema kwoMwanasikana weZioni ari kufemedzeka,

achitambanudza maoko ake achiti,

“Maiwe! Ndoziya;

upenyu hwangu hwaiswa kuvaurayi.”

Categories
Jeremia

Jeremia 5

Hakuna akarurama

1 “Kwirai nokudzika nemigwagwa yeJerusarema,

tarirai pose pose mugofunga,

tsvakai muzvivara zvaro muone

kana mukawana kana munhu mumwe

anoita zvakanaka uye anotsvaka zvokwadi,

ipapo ndicharegerera guta iri.

2 Kunyange vachiti havo, ‘NaJehovha mupenyu,’

vanenge vachingopika nhema.”

3 Haiwa Jehovha, meso enyu haatsvaki chokwadi here?

Makavarova, asi havana kunzwa kurwadziwa;

Makavapwanya, asi vakaramba kurayirwa.

Vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo

uye vakaramba kutendeuka.

4 Ndakafunga ndikati, “Ava varombo bedzi;

mapenzi,

nokuti havazivi nzira yaJehovha,

nezvinodikanwa naMwari wavo.

5 Naizvozvo ndichaenda kuvatungamiri

ndigotaura navo;

zvirokwazvo vanoziva nzira yaJehovha,

zvinodiwa naMwari wavo.”

Asi nomwoyo mumwe, naivowo vakanga vavhuna joko,

vakadambura makashu.

6 Saka shumba inobva musango ichavauraya,

bere rinobva mugwenga richavabvambura,

ingwe ichavavandira pedyo

namaguta avo kuti ibvamburanye vose vanobudamo,

nokuti kundimukira kwavo kukuru

uye kudzokera shure kwavo kwawanda.

7 “Ndingakukanganwirai seiko?

Vana venyu vakandisiya,

uye vakapika navamwari vasati vari vamwari.

Ndakavapa zvose zvavaishayiwa,

asi ivo vakaita ufeve

vakandoungana kudzimba dzezvifeve.

8 Ivo mabhiza anodya achiguta azere ruchiva,

mumwe nomumwe achidokwairira mukadzi womumwe.

9 Ko, handingavarangi nokuda kwaizvozvi here?”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ko, handingazvitsiviri

here parudzi rwakadai?

10 “Endai nomuminda yavo yamazambiringa muiparadze,

asi musaiparadza zvachose.

Bvisai matavi awo,

nokuti vanhu ava havasi vaJehovha.

11 Imba yaIsraeri neimba yaJudha

vanga vasina kutendeka kwandiri zvachose,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

12 Vakarevera Jehovha nhema,

vachiti, “Haana chaachaita!

Hakuna chakaipa chichaitika kwatiri;

hatichazombooni hondo kana nzara.

13 Vaprofita vangova mhepo,

uye shoko harimo mavari.

Saka zvavanotaura ngazviitwe kwavari.”

14 Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose:

“Nokuti vanhu vakataura mashoko aya,

ndichaita kuti mashoko angu

ave moto mumuromo mako,

uye vanhu ava kuti vave huni dzinopiswa nawo.

15 Haiwa imi imba yaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“ndiri kuuyisa rudzi runobva kure kuzokurwisai,

rudzi rwakare kare uye rudzi rwakashinga,

vanhu vane rurimi rwamusinganzwi,

vano mutauro wamusinganzwisisi.

16 Magoba avo akafanana neguva rakashama;

vose zvavo varwi vane simba.

17 Vachadya zvamakakohwa nezvokudya zvenyu,

vachauraya vanakomana navanasikana venyu;

vachadya makwai enyu nemombe dzenyu,

vachadya mazambiringa namaonde enyu.

Vachaparadza nomunondo,

maguta enyu akakomberedzwa iwo amunovimba nawo.

18 “Kunyange mumazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handingakuparadzei zvachose.

19 Zvino kana vanhu vakabvunza kuti, ‘Ko, Jehovha Mwari wedu aitirei izvi kwatiri?’ imi muchavaudza kuti, ‘Sezvo makandisiya mukandoshumira vamwari vavatorwa munyika yenyu chaiyo, saizvozvowo zvino muchashandira vatorwa munyika isiri yenyu.’

20 “Zivisai izvi kuimba yaJakobho

mugozviparidza maJudha muchiti:

21 Inzwai izvi imi mapenzi navanhu vasina pfungwa,

vane meso, asi vasingaoni,

vane nzeve, asi vasinganzwi:

22 Ko, hamufaniri kunditya here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ko, hamufaniri kudedera pamberi pangu here?

Ndakaita jecha kuti rive muganhu wegungwa,

muganhu warisingadariki nokusingaperi.

Mafungu angafashama, asi haangakundi;

angavirima asi haangaudariki.

23 Asi vanhu ava vane mwoyo yakasindimara uye inondimukira;

vakatsauka vakaenda kure.

24 Havati mumwoyo yavo,

‘Ngatityei Jehovha Mwari wedu,

anotipa mvura yaMatsutso neyoMunakamwe nenguva yayo,

anotitsidzira mavhiki akatarwa okukohwa.’

25 Zvakaipa zvenyu zvakadzingira izvi kure;

zvivi zvenyu zvakadzivisa kuti zvinhu zvakanaka zviuye kwamuri.

26 “Pakati pavanhu vangu pane vanhu vakaipa

vanovandira kufanana savanhu vanoteya shiri nougombe

uye savaya vanoisa misungo yokubata vanhu.

27 Sedendere rizere neshiri,

dzimba dzavo dzizere nokunyengera;

vapfuma uye vava nesimba,

28 uye vafuta uye vobwinya.

Zvakaipa zvavo hazvina magumo,

havatambi mhaka dzenherera kuti vakunde,

havadziviriri kodzero dzavarombo.

29 Ko, handifaniri kuvaranga pane izvi here?”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ko, handingazvitsiviri here

parudzi rwakadai?

30 “Chinhu chinosemesa uye chinovhundutsa

chaitika panyika.

31 Vaprofita vanoprofita nhema,

vaprista vanotonga nesimba ravo

uye vanhu vangu vanofarira izvozvo.

Asi muchaiteiko pakupedzisira?

Categories
Jeremia

Jeremia 6

Kukombwa kweJerusarema

1 “Tizai kuti murarame, imi vana veBhenjamini!

Tizai mubve muJerusarema!

Ridzai hwamanda muTekoa!

Simudzai chiratidzo pamusoro peBheti Hakeremu!

Nokuti njodzi yava pedyo ichibva kumusoro,

iko kuparadza kwakaipisisa.

2 Ndichaparadza mwanasikana weZioni,

akanakisa uye anoyevedza.

3 Vafudzi namapoka amakwai avo vachauya kuzomurwisa;

vachadzika matende avo vakamukomba,

mumwe nomumwe achifudza chikamu chake.”

4 Gadzirirai kurwa naye!

Simukai, ngatimurwisei masikati!

“Asi, yowe-e, zuva rovira,

uye mimvuri yamadekwana yoreba.

5 Naizvozvo simukai, ngatimurwisei usiku,

uye tiparadze nhare dzake!”

6 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:

“Temerai miti pasi,

mugovakira Jerusarema mirwi yokurikomba.

Guta iri rinofanira kurangwa;

rizere nokumanikidza.

7 Setsime rinoeredza mvura yaro,

saizvozvo Jerusarema rinodurura zvakaipa zvaro.

Kuita nechisimba nokuparadza zvinonzwikwa mariri,

kurwara kwaro namavanga zvinoramba zviri pamberi pangu.

8 Inzwa yambiro, iwe Jerusarema,

kuti ndisakufuratira

ndikaita nyika yako dongo,

kuti isava nomunhu angagara mairi.”

9 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:

“Ngavatanhe zvakasara zvaIsraeri

vatanhe zvachose samazambiringa;

utambanudzirezve ruoko rwako kumatavi,

sezvinoita munhu anounganidza mazambiringa.”

10 Ndingataura naaniko wandingayambira?

Ndianiko achandinzwa?

Nzeve dzavo dzakadzivirwa

kuti varege kunzwa.

Shoko raJehovha chigumbuso kwavari;

havawani mufaro mariri.

11 Asi ini ndizere nehasha dzaJehovha,

uye handichagoni kuzvidzora.

“Dzidururire pamusoro pavana vari munzira dzomuguta,

napamusoro pamajaya akaungana pamwe chete;

zvose murume nomukadzi vachabatwa imomo,

navatana, vaya vabva zera.

12 Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe,

minda yavo pamwe chete navakadzi vavo,

pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

13 “Kubva kumudiki kusvikira kuvakuru,

vose vanokarira pfuma;

vaprofita navaprista zvimwe chetezvo,

vose vanoita zvokunyengera.

14 Vanosunga ronda ravanhu vangu

sokunge vasina kukuvara zvikuru.

Vanoti, ‘Rugare, rugare,’

ipo pasina rugare.

15 Ko, vanonyadziswa nokusemesa kwamafambiro avo here?

Kwete, havana nyadzi zvachose;

havambozivi kuratidza nyadzi.

Naizvozvo vachawira pakati pavakawa;

vachadzikiswa pandichavaranga,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

16 Zvanzi naJehovha:

“Mirai pamharadzano dzenzira muone;

mubvunze nzira dzekare,

mubvunze kune nzira yakanaka, mugofamba mairi,

ipapo muchawana zororo remweya yenyu.

Asi imi makati, ‘Hatizofambi mairi.’

17 Ndakagadza nharirire pamusoro penyu ndikati,

‘Teererai inzwi rehwamanda!’

Asi imi makati, ‘Hatizoteereri.’

18 Naizvozvo inzwai, imi ndudzi,

nemi zvapupu,

cherechedzai zvichaitika kwavari.

19 Inzwa, iwe nyika:

Ndiri kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu ava,

icho chibereko chendangariro dzavo,

nokuti havana kuteerera mashoko angu,

uye vakaramba murayiro wangu.

20 Ndine hanya yeiko nezvinonhuhwira zvinobva kuShebha,

kana karamisi inotapira inobva kunyika iri kure?

Zvipiriso zvenyu zvinopiswa handizvidi;

zvibayiro zvenyu hazvindifadzi.”

21 Naizvozvo zvanzi naJehovha:

“Ndichaisa zvipinganidzo pamberi pavanhu ava.

Madzibaba navanakomana vachagumburwa nazvo pamwe chete,

vavakidzani neshamwari vachaparara.”

22 Zvanzi naJehovha:

“Tarirai, hondo iri kuuya

kubva kunyika yokumusoro;

rudzi rukuru rwuri kumutswa

kubva kumigumo yenyika.

23 Vakapakata uta nepfumo;

vane utsinye uye havana ngoni.

Vanonzwikwa sokutinhira kwegungwa

vakatasva mabhiza avo;

vari kuuya savanhu vazvigadzirira kurwa hondo

kuti vakurwise, iwe Mwanasikana weZioni.”

24 Takanzwa guhu ravo,

uye maoko edu oshayiwa simba.

Tabatwa nokurwadziwa,

kurwadziwa kwakaita sekwomukadzi ari kusununguka.

25 Regai kuenda kumunda,

kana kufamba mumigwagwa,

nokuti muvengi ane munondo,

uye kumativi ose kune zvinotyisa.

26 Haiwa, vanhu vangu, pfekai masaga

mugoumburuka mumadota;

chemai nokuchema kukuru kwazvo

kunge munochemera mwanakomana mumwe chete,

nokuti muparadzi

achatiwira pakarepo.

27 “Ndakakuita muedzi wamatare

navanhu vangu mhangura,

kuti ucherechedze

uye uedze nzira dzavo.

28 Vose vamukiri vakaoma mwoyo,

vanongofamba-famba vachiita makuhwa.

Ivo indarira nesimbi;

vose vanoita zvakaora.

29 Mvuto inovhutira zvinotyisa

kuti ipise mutobvu nomoto,

asi kunatswa kunongova pasina;

nokuti vakaipa havasi kubviswa.

30 Vanonzi sirivha yakarambwa,

nokuti Jehovha akavaramba.”

Categories
Jeremia

Jeremia 7

Zvitendero zvenhema hazvina maturo

1 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha:

2 “Mira pasuo reimba yaJehovha, uparidzepo shoko iri rokuti:

“ ‘Inzwai shoko raJehovha imi mose vanhu veJudha vanopinda napamasuo aya kuzonamata Jehovha.

3 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Shandurai nzira dzenyu namaitiro enyu, ndigokugarisai munzvimbo ino.

4 Musavimba namashoko anonyengedza muchiti, “Iyi ndiyo temberi yaJehovha, temberi yaJehovha, temberi yaJehovha!”

5 Kana mukashandura chaizvoizvo nzira dzenyu namaitiro enyu mukaitirana zvakarurama,

6 kana mukasamanikidza vatorwa, nenherera kana chirikadzi uye mukasateura ropa risina mhosva panzvimbo ino, uye kana mukasatevera vamwe vamwari muchizvipinza munjodzi,

7 ipapo ndichakugarisai munzvimbo ino, munyika yandakapa madzitateguru enyu nokusingaperi-peri.

8 Asi tarirai, munovimba namashoko okunyengera asina maturo.

9 “ ‘Mungaba mugouraya, mugoita upombwe mugopika nhema, muchipisira zvinonhuhwira kuna Bhaari, mugotevera vamwe vamwari vamusina kumboziva,

10 ndokuzouya zvino momira pamberi pangu muimba ino, iyo ine Zita rangu, muchiti, “Takasunungurwa,” makasunungurwa kuti muite izvi zvose zvinonyangadza here?

11 Ko, imba ino, inodanwa neZita rangu, yava bako ramakororo here? Asika, ndanga ndichizviona, ndizvo zvinotaura Jehovha.

12 “ ‘Chiendai zvino kunzvimbo iri muShiro pandakagarisa Zita rangu pakutanga mugoona zvandakuitirai nokuda kwezvakaipa zvavanhu vangu Israeri.

13 Pamakanga muchiita zvinhu zvose izvi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndakataura nemi ndataurazve asi hamuna kuteerera; ndakakudanai asi hamuna kupindura.

14 Naizvozvo, zvandakaitira Shiro ndizvo zvandichaita iye zvino kuimba inodanwa neZita rangu, iyo temberi yamunovimba nayo, nzvimbo yandakakupai imi namadzibaba enyu.

15 Ndichakubvisai pamberi pangu sezvandakaita kuhama dzenyu dzose, ivo vanhu vaEfuremu.’

16 “Naizvozvo iwe chirega kunyengeterera vanhu ava kana kupa chikumbiro chipi zvacho kana kuvareverera; usavakumbirira kwandiri, nokuti handingakunzwi.

17 Hauoni here zvavari kuita mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema?

18 Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza moto, uye madzimai anokanya furawu ndokuitira Mambokadzi woKudenga makeke echingwa. Vanodurura zvipiriso zvokunwa kuna vamwe vamwari kuti vanditsamwise.

19 Asi ndini here wavanotsamwisa? ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko, hakuzi kuzvikuvadza pachavo here kuti vanyadziswe?

20 “ ‘Naizvozvo Ishe Jehovha anoti: Kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa pamusoro penzvimbo iyi, pamusoro pavanhu nezvipfuwo, napamusoro pemiti yesango napamusoro pezvibereko zvevhu, uye zvichatsva zvikasadzimwa.

21 “ ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Endererai mberi, wedzerai zvipiriso zvenyu zvinopiswa pamusoro pezvimwe zvibayiro mugodya nyama yacho pachenyu!

22 Nokuti pandakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti ndikataura navo, handina kungovapa mirayiro pamusoro pezvipiriso zvinopiswa nezvibayiro,

23 asi ndakavapa murayiro uyu wokuti nditeererei, uye ndichava Mwari wenyu nemi muchava vanhu vangu. Mufambe munzira dzose dzandakakurayirai, kuti zvigova zvakanaka kwamuri.

24 Asi havana kuteerera kana kurereka nzeve dzavo; asi vakatevera kutsauka kwoukukutu hwemwoyo yavo yakaipa. Vakadzokera shure vakasaenda mberi.

25 Kubvira panguva yakabuda madzitateguru enyu muIjipiti kusvikira zvino, zuva nezuva, ndakatuma varanda vangu vaprofita ndavatumazve.

26 Asi havana kunditeerera kana kuita hanya. Vaiva nemitsipa mikukutu uye vakaita zvakaipa kupfuura madzitateguru avo.’

27 “Pauchavataurira zvose izvi, havasi kuzokuteerera; pauchavadana, havasi kuzokupindura.

28 Naizvozvo iwe uti kwavari, ‘Urwu ndirwo rudzi rusina kuteerera Jehovha Mwari warwo kana kubvuma kurayirwa. Chokwadi chakaparara, hachisisipo pamiromo yavo.

29 Veurai bvudzi renyu mugorirasira kure; chemai muri pazvikomo zvisina miti, nokuti Jehovha akaramba uye akasiya chizvarwa ichi chaakatsamwira.

Mupata woKuurayiwa kwaVanhu

30 “ ‘Vanhu veJudha vakaita zvakaipa pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Jehovha. Vakamisa zvifananidzo zvavo zvinonyangadza mumba yakapiwa Zita rangu vakaisvibisa.

31 Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti muMupata waBheni Hinomi kuti vapise vanakomana navasikana vavo mumoto, chinhu chandisina kuvarayira, chisina kumbopinda mupfungwa dzangu.

32 Saka chenjerai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, apo vanhu vasingazopadaidzi kuti Tofeti kana Mupata waBheni Hinomi, asi Mupata woKuurayiwa kwaVanhu, nokuti vachaviga vakafa muTofeti kusvikira pasisina nzvimbo.

33 Ipapo mitumbi yavanhu ava ichava zvokudya zveshiri dzedenga nemhuka dzenyika, uye hapazovi nomunhu angazvivhundutsira kuti zvibve.

34 Ndichaita kuti inzwi rokupembera nomufaro uye namanzwi omwenga nechikomba mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema zvigume nokuti nyika ichava dongo.

Categories
Jeremia

Jeremia 8

1 “ ‘Panguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, mapfupa amadzimambo namachinda eJudha, namapfupa avaprista navaprofita, uye mapfupa avanhu veJerusarema, achabviswa kubva mumakuva avo.

2 Achava pamhene agorohwa nezuva uye achavhenekwa nomwedzi nenyeredzi dzose dzedenga, zvavakada vakazvishumira vakazvitevera uye vakabvunza kwazviri, vakazvinamata. Haangaunganidzwi kana kuvigwa, asi achafanana nomupfudze uri panyika.

3 Kwose zvako kwandichavadzingira, vakasara vose vorudzi urwu rwakaipa, vachademba rufu pachinzvimbo choupenyu, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’

Chivi noKurangwa

4 “Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha:

“ ‘Vanhu pavanowira pasi, havamukizve here?

Munhu akange ambotsauka, haadzokizve here?

5 Zvino nemhaka yei ava vadzokera shure?

Nemhaka yei Jerusarema richingogara richitsauka?

Vanobatirira pakunyengera,

vanoramba kudzoka.

6 Ndakanyatsoteereresa,

asi ivo havambotauri zvakarurama.

Hakuna anotendeuka pane zvakaipa zvake achiti,

“Ndaiteiko?”

Mumwe nomumwe anongotevedza nzira yake

sebhiza rinomhanyira kurwa hondo.

7 Kunyange shohori riri mudenga

rinoziva nguva dzaro dzakatarwa,

uye njiva, nenyenganyenga nekondo

zvinocherechedza nguva yazvo yokutama.

Asi vanhu vangu havazivi

zvinodikanwa naJehovha.

8 “ ‘Munoreva seiko muchiti, “Takachenjera,

nokuti tino murayiro waJehovha,”

asi zvirokwazvo chinyoreso chenhema chavanyori

chakanyora nhema?

9 Vakachenjera vachanyadziswa,

vachavhunduka uye vachabatwa.

Sezvo vakaramba shoko raJehovha,

kuchenjera kwavanako kwakadiniko?

10 Naizvozvo ndichapa vakadzi vavo kuna vamwe varume,

neminda yavo kuvaridzi vatsva.

Kubva kumuduku kusvikira kumukuru vose

vanokarira pfuma;

vaprofita navaprista saizvozvo,

vose vanoita nokunyengera.

11 Vanosunga vanga ravanhu vangu

sokunge duku duku.

Vanoti, “Rugare, rugare,”

ipo pasina rugare.

12 Ko, vanonyadziswa netsika dzavo dzinonyangadza here?

Kwete, havana kana nyadzi zvachose;

havambozivi kuti zvinonyadzisa sei.

Saka vachawa pakati pavakawa;

vachaderedzwa pavacharangwa,

ndizvo zvinotaura Jehovha.

13 “ ‘Ndichavatorera zvavakakohwa,

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Hapangazovi namazambiringa pamuzambiringa.

Hakungazovi namaonde pamuti womuonde,

uye mashizha azvo achaoma.

Zvandakavapa

vachazvitorerwa.’ ”

14 “Ko, takagarireiko pano?

Unganai pamwe chete!

Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa

tindofira ikoko!

Nokuti Jehovha Mwari wedu atitongera kufa,

nokuti akatipa mvura ino muchetura kuti tinwe,

nokuti takamutadzira.

15 Takanga takatarisira rugare

asi hakuna chakanaka chakauya;

takatarisira kuporeswa

asi paingova nokuvhundutswa.

16 Kufemedzeka kwamabhiza omuvengi

kunonzwika kuchibva kuDhani;

panorira makono awo

nyika yose inodedera.

Auya kuzoparadza

nyika nezvose zviri mairi,

guta navose vanogara imomo.”

17 “Tarirai ndichatumira nyoka dzino uturu pakati penyu,

mvumbi dzicharamba kuimbirwa,

uye dzichakurumai,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

18 Haiwa, Munyaradzi wangu, pakuchema kwangu,

mwoyo wangu woziya mukati mangu.

19 Inzwai kuchema kwavanhu vangu

kunobva kunyika iri kure kure:

“Ko, Jehovha haazi muZioni here?

Mambo waro haachimo here?”

“Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo,

nezvifananidzo zvavo zvavatorwa zvisingabatsiri?”

20 “Kucheka kwapfuura,

zhizha rapera,

asi tigere kuponeswa.”

21 Sezvo vanhu vangu vapwanyiwa, neniwo ndapwanyiwa;

ndiri kuchema, uye ndiri kutya zvikuru.

22 Ko, muGireadhi hamuna muti webharisamu here?

Hakuna murapi ikoko here?

Seiko zvino ronda

ravanhu vangu risina kurapwa?

Categories
Jeremia

Jeremia 9

1 Haiwa, dai musoro wangu waiva chitubu chemvura

uye meso angu riri tsime remisodzi!

Ndingadai ndaichema masikati nousiku

nokuda kwavakaurayiwa vavanhu vangu.

2 Haiwa, dai ndaiva nenzvimbo

mugwenga yokugara yavafambi,

kuitira kuti ndisiye vanhu vangu

ndiende kure navo;

nokuti vose imhombwe,

ungano yavanhu vasina kutendeka.

3 “Vanokunga rurimi rwavo souta,

kuti vapfure nhema;

havaiti nechokwadi

pakukunda kwavanoita munyika.

Vanobva pane chimwe chivi vachienda pane chimwe;

havandizivi ini,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

4 “Chenjererai shamwari dzenyu;

musavimba nehama dzenyu.

Nokuti hama ipi neipi inonyengera,

uye shamwari ipi neipi inoita makuhwa.

5 Shamwari inonyengera shamwari,

uye hakuna anotaura chokwadi.

Vakadzidzisa ndimi dzavo kureva nhema;

vanozvinetsa nokuita zvakaipa.

6 Munogara pakati pounyengeri;

mukunyengera kwavo vanoramba kundiziva ini,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

7 Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:

“Tarirai, ndichavanatsa

uye ndichavaedza, ndechipi chimwe chandingaita

nokuda kwechivi chavanhu vangu?

8 Rurimi rwavo museve unouraya;

runotaura nokunyengera.

Nomuromo wake mumwe nomumwe anotaura zvakanaka kune wokwake,

asi mumwoyo make anomuteyera musungo.

9 Ko, handigavarangi nokuda kwechinhu ichi here?”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ko, handingazvitsiviri

pamusoro porudzi rwakadai here?”

10 Ndichachema uye ndichaungudza nokuda kwamakomo,

uye ndichachema pamusoro pamafuro egwenga.

Aparara uye hakuna anofambako,

uye kukuma kwemombe hakunzwiki.

Shiri dzedenga dzatiza,

uye mhuka dzaenda.

11 “Ndichaita Jerusarema murwi wedongo,

panogara makava;

uye ndichaparadza maguta eJudha,

kuti kurege kuva nomunhu anogarako.”

12 Ndoupiko munhu akachenjera zvokuti anganzwisisa izvi? Ndianiko akarayirwa naJehovha uye angatsanangura izvi? Nemhaka yeiko nyika yanyangadzwa yava dongo ikafanana negwenga risina angapfuura nomo?

13 Jehovha akati, “Nemhaka yokuti vakasiya murayiro wangu, wandakaisa pamberi pavo, havana kunditeerera kana kutevera murayiro wangu.

14 Asi, vakatevera kusindimara kwemwoyo yavo; vakatevera vanaBhaari, sezvavakadzidziswa namadzibaba avo.”

15 Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Tarirai ndichaita kuti vanhu ava vadye zvinovava uye kuti vanwe mvura ino muchetura.

16 Ndichavaparadzira pakati pendudzi dzavasina kumboziva uye dzisina kumbozivikanwa namadzibaba avo, uye ndichavatevera nomunondo kusvikira ndavaparadza.”

17 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:

“Rangarirai zvino! Danai vakadzi vanochema vauye;

danai vanogonesesa pakati pavo.

18 Ngavakurumidze kuuya

vagochema pamusoro pedu

kusvikira maziso edu ayerera misodzi,

nzizi dzoyerera mumaziso edu.

19 Maungira okuchema anonzwika kubva kuZioni achiti:

‘Haiwa taparadzwa sei!

Haiwa kunyadziswa kwedu kukuru sei!

Tinofanira kusiya nyika yedu

nokuti dzimba dzedu dzava matongo.’ ”

20 Zvino, imi vakadzi, inzwai shoko raJehovha;

dziurai nzeve dzenyu dzinzwe mashoko omuromo wake.

Dzidzisai vanasikana venyu kuungudza;

dzidzisanai kuchema.

21 Rufu rwakapinda napamawindo edu

uye rwapinda munhare dzedu;

rwauraya vana mumigwagwa

namajaya ari munzira dzeguta.

22 Uti, “Zvanzi naJehovha:

“ ‘Zvitunha zvavanhu zvichavata

somupfudze uri pamusoro pomunda,

sezviyo zvakachekwa shure kwavacheki,

zvisina achazviunganidza.’ ”

23 Zvanzi naJehovha:

“Akachenjera ngaarege kuzvirumbidza pamusoro penjere dzake,

kana munhu ane simba pamusoro pesimba rake,

kana akapfuma pamusoro pepfuma yake,

24 Asi anozvirumbidza ngaazvirumbidze pamusoro pezvizvi:

kuti anondinzwisisa uye kuti anondiziva ini,

kuti ndini Jehovha, anoita unyoro,

nokukururamisira, nokururama panyika,

nokuti ndinofarira izvozvi,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

25 “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andicharanga vose vakadzingiswa panyama chete,

26 Ijipiti, Judha, Edhomu, Amoni, Moabhu navose vanogara mugwenga kunzvimbo dziri kure. Nokuti ndudzi dzose idzi hadzina kumbodzingiswa, uye kunyange imba yose yaIsraeri haina kudzingiswa, mumwoyo.”

Categories
Jeremia

Jeremia 10

Mwari neZvifananidzo

1 Inzwai zvinoreva Jehovha kwamuri, imi imba yaIsraeri.

2 Zvanzi naJehovha:

“Regai kudzidza tsika dzendudzi

kana kuvhundutswa nezviratidzo zviri kudenga

kunyange hazvo ndudzi dzichivhundutswa nazvo.

3 Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo;

vanotema muti musango,

muvezi ouveza nembezo.

4 Vanoushongedza nesirivha negoridhe;

vanourovera nenyundo nezvipikiri

kuti urege kuzungunuka.

5 Sedukununu kumucheto womunda wamavise,

zvifananidzo zvavo hazvigoni kutaura;

zvinofanira kutotakurwa nokuti hazvigoni kufamba.

Musazvitya; hazvigoni kukukuvadzai,

uye hazvina nebasa rose.”

6 Hakuna akafanana nemi, imi Jehovha;

muri mukuru,

uye zita renyu iguru pasimba.

7 Ndianiko angarega kukutyai,

imi Mambo wendudzi?

Izvi ndizvo zvakakufanirai.

Pakati pavakachenjera vose vendudzi nomuushe hwavo hwose,

hakuna akafanana nemi.

8 Vose havana njere uye mapenzi;

vanodzidziswa nezvifananidzo zvamatanda zvisingabatsiri.

9 Sirivha yakapfurwa inotorwa kubva kuTashishi

negoridhe richibva kuUfazi.

Zvakaitwa nemhizha uye nomupfuri wegoridhe,

zvopfekedzwa zvino nguo dzomucheka webhuruu nowepepuru,

zvose zvinoitwa navabati vano umhizha.

10 Asi Jehovha ndiye Mwari wechokwadi; ndiye Mwari mupenyu,

mambo wokusingaperi.

Kana iye atsamwa, nyika inodedera;

ndudzi hadzigoni kumira pamberi pehasha dzake.

11 “Muvaudze kuti, ‘Vamwari ava, vasina kuita matenga nenyika, vachaparara panyika nepasi pamatenga.’ ”

12 Asi Mwari akaita nyika nesimba rake,

akateya nyika nouchenjeri hwake,

uye akatambanudza matenga nokunzwisisa kwake.

13 Paanotinhira, mvura zhinji iri mumatenga inoita mubvumo;

anoita kuti makore asimuke kubva kumigumo yenyika.

Anotuma mheni pamwe nemvura,

uye anouyisa mhepo kubva mumatura ake.

14 Mumwe nomumwe haafungi uye haana zivo;

mupfuri mumwe nomumwe wegoridhe anonyadziswa nezvifananidzo zvake.

Zvifananidzo zvake ndezvenhema;

hazvina mweya mazviri.

15 Hazvina maturo, zvinhu zvokutuka;

kutongwa kwazvo pakunosvika, zvose zvichaparara.

16 Iye anenge ari mugove waJakobho haana kufanana nazvo,

nokuti ndiye Muiti wezvinhu zvose,

kusanganisa naIsraeri, rudzi rwenhaka yake,

Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.

Kuparadzwa Kuri Kuuya

17 Unganidzai nhumbi dzenyu mubve munyika,

imi makakombwa.

18 Nokuti zvanzi naJehovha:

“Panguva ino ndichapotsera kure

avo vanogara munyika ino;

Ndichauyisa nhamo

pamusoro pavo kuti vagotapwa.”

19 Ndine nhamo nokuda kwokukuvara kwangu!

Ronda rangu harirapiki! Asi ndakati,

“Uku kurwara ndokwangu,

uye ndinofanira kukutakura.”

20 Tende rangu raparadzwa;

mabote aro ose adamburwa.

Vanakomana vangu vabva kwandiri uye havachipozve;

hakuna asara zvino kuti amise tende rangu

kana kumisa dumba rangu.

21 Vafudzi havana njere,

uye havabvunzi Jehovha;

saka havabudiriri

uye makwai avo ose apararira.

22 Inzwai! Chiziviso chiri kuuya,

bope guru richabva kunyika yokumusoro!

Richaita kuti maguta eJudha aparare,

agarwe namakava.

Munyengetero waJeremia

23 Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti upenyu hwomunhu hahusi hwake;

hazvizi kumunhu kuti aruramise nzira dzake.

24 Ndirangei, Jehovha, asi chete nokururamisira,

kwete mukutsamwa kwenyu,

kuti murege kundiparadza zvachose.

25 Dururirai kutsamwa kwenyu pamusoro pendudzi

dzisingakurangarirei,

pamusoro pavanhu vasingadani kuzita renyu.

Nokuti vakadya Jakobho;

vakamudya zvachose,

uye vakaparadza nyika yake.