Categories
Jeremia

Jeremia 21

Mwari anoramba Chikumbiro chaZedhekia

1 Shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha panguva yakatuma mambo Zedhekia kwaari Pashuri mwanakomana waMarikiya, nomuprista Zefania mwanakomana waMaaseya. Vakati,

2 “Dotibvunzirawo kuna Jehovha iye zvino nokuti Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi ari kurwa nesu. Zvichida Jehovha angatiitira zvishamiso sepanguva dzakapfuura kuitira kuti uyu abve kwatiri.”

3 Asi Jeremia akavapindura achiti, “Udzai Zedhekia kuti,

4 ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndava pedyo nokunangisa kwauri zvombo zvehondo zviri mumaoko ako, zvaunoshandisa kurwa namambo weBhabhironi navaBhabhironi vakakukombai kunze kwamasvingo. Uye ndichazviunganidza mukati meguta rino.

5 Ini ndimene ndicharwa newe noruoko rwakatambanudzwa noruoko rune simba mukutsamwa neshungu nehasha huru.

6 Ndicharova vanogara muguta rino, zvose vanhu nezvipfuwo, uye zvichafa nedenda rakaipisisa.

7 Shure kwaizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichaisa Zedhekia mambo weJudha, namachinda ake navanhu vari muguta rino vanopunyuka padenda, napamunondo, nepanzara, kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nokuvavengi vavo vanotsvaka kuvauraya. Achavaisa kumunondo; haangavanzwiri urombo, kana ngoni, kana tsitsi.’

8 “Zvakare, uti kuvanhu, ‘Zvanzi naJehovha: Tarirai, ndiri kuisa pamberi penyu nzira youpenyu neyorufu.

9 Ani naani achagara muguta rino achafa nomunondo, nenzara kana nedenda. Asi ani naani achabuda akandozvipira kuvaBhabhironi vakakukombai achararama; achatiza noupenyu hwake.

10 Ndafunga kuitira guta rino zvakaipa kwete zvakanaka, ndizvo zvinotaura Jehovha. Richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi, uye achariparadza nomoto.’

11 “Pamusoro paizvozvo, uti kuimba youshe yaJudha, ‘Inzwai shoko raJehovha,

12 imi imba yaDhavhidhi. Zvanzi naJehovha:

“ ‘Tongai nokururamisira mangwanani ari ose,

nunurai akabirwa, kubva muruoko rwomudzvinyiriri wake,

kuti kutsamwa kwangu kurege kubuda kukakupisai somoto,

nokuda kwezvakaipa zvamakaita,

kuchipfuta pasina angakudzima.

13 Ndine mhosva newe, Jerusarema,

iwe ugere pamusoro pomupata uno

pamutunhu wematombo,

ndizvo zvinotaura Jehovha,

iyemi munoti, “Ndiani angatirwisa?

Ndiani angapinda pautiziro hwedu?”

14 Ndichakurovai sezvakafanira mabasa enyu,

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Ndichabatidza moto mumasango enyu

uchapisa zvose zvakakupoteredzai.’ ”

Categories
Jeremia

Jeremia 22

Kutongwa kwaMadzimambo Akaipa

1 Zvanzi naJehovha: “Burukira kumuzinda wamambo weJudha undoparidza shoko iri ikoko uchiti,

2 ‘Inzwai shoko raJehovha, imi mambo weJudha, iyemi munogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, imi namachinda enyu navanhu venyu vanopinda napamasuo aya.

3 Zvanzi naJehovha: Itai zvakanaka nezvakarurama. Rwirai akabirwa muruoko rwounomumanikidza. Regai kuitira zvakaipa kana chisimba kumutorwa nenherera kana chirikadzi, uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino.

4 Nokuti kana mukachenjerera kuteerera mirayiro, ipapo madzimambo anogara pachigaro chaDhavhidhi achapinda napamasuo omuzinda uyu, vakakwira mungoro nepamabhiza vachiperekedzwa namachinda avo navanhu vavo.

5 Asi kana mukaramba kunzwa mirayiro iyi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndinopika neni ndimene kuti nzvimbo ino ichava dongo.’ ”

6 Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pomuzinda wamambo weJudha:

“Kunyange wakaita seGireadhi kwandiri,

wakaita somusoro weRebhanoni,

zvirokwazvo ndichakuita segwenga,

semaguta asingagarwi.

7 Ndichatumira vaparadzi pamusoro penyu,

mumwe nomumwe nezvombo zvake,

uye vachatema matanda enyu emisidhari akanaka

vagoakanda mumoto.

8 “Marudzi mazhinji avanhu achapfuura nepaguta rino uye vachabvunzana vachiti, ‘Jehovha aitireiko chinhu chakadai kuguta rino?’

9 Zvino mhinduro ichati, ‘Nokuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wavo vakanamata uye vakashumira vamwe vamwari.’ ”

10 Musachema mambo akafa kana kuungudza nezvake;

asi muchemere kwazvo uyo akatapwa,

nokuti haachambodzoki kana kuzoonazve nyika yaakaberekerwa.

11 Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro paSharumi mwanakomana waJosia, uyo akatevera Baba vake samambo weJudha asi akabva panzvimbo ino: “Haazombodzoki.

12 Achafira munzvimbo yavakamuendesa kuutapwa; haachazombooni nyika inozve.”

13 “Ane nhamo uyo anovaka muzinda wake nokusarurama,

namakamuri ake okumusoro nokusaruramisira,

anoshandisa vanhu vokwake pasina chaanovapa,

asingavaripiri pakushanda kwavo.

14 Iye anoti, ‘Ndichazvivakira muzinda wakakura

una makamuri okumusoro anoyevedza.’

Saka anoita mawindo makuru mairi,

achiabatanidza nomusidhari,

agoashongedza nezvitsvuku.

15 “Izvozvo zvinokuita mambo here,

kuva nemisidhari yakawandawanda?

Ko, baba vako havana kuwana zvokudya nezvokunwa here?

Iye akaita zvakarurama uye nokururamisira,

saka zvose zvakamufambira zvakanaka.

16 Akatongera varombo nevaishayiwa mhaka dzavo,

nokudaro zvose zvakafamba zvakanaka.

Hazvisizvo zvinoreva kundiziva here?”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

17 “Asi meso enyu nemwoyo yenyu

zvakangotarisa chete papfuma isakarurama,

pakuteura ropa risina mhosva

napakumanikidza nokuita nechisimba.”

18 Naizvozvo zvanzi naJehovha, pamusoro paJehoyakimi mwanakomana waJosia, mambo weJudha:

“Havangamuchemi vachiti:

‘Yowe-e, mununʼuna wangu! Yowe-e, hanzvadzi yangu!’

Havangamuchemi vachiti:

‘Yowe-e, tenzi wangu! Yowe-e, ukuru hwake!’

19 Achavigwa sokuvigwa kunoitwa mbongoro,

achakwekweredzwa agoraswa kure,

kunze kwamasuo eJerusarema.”

20 “Kwirai kuRebhanoni mudanidzire,

inzwi renyu ngarinzwike paBhashani,

danidzirai kubva paAbharimi,

nokuti shamwari dzenyu dzose dzaparadzwa.

21 Ndakakuyambira uchigere zvakanaka,

asi iwe wakati, ‘Handidi kuteerera!’

Ndiyo yanga iri nzira yako kubva pauduku hwako;

hauna kunditeerera.

22 Mhepo ichadzingira kure vafudzi vako vose,

uye shamwari dzako dzichaenda kuutapwa.

Ipapo iwe uchanyara uye uchanyadziswa,

nokuda kwokuipa kwako kwose.

23 Imi mugere mu‘Rebhanoni,’

iyemi makavakirwa matendere mudzimba dzemisidhari,

muchagomera sei kurwadza pakuchauya pamusoro penyu,

kurwadziwa sekwomukadzi anosununguka!

24 “Zvirokwazvo, noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kunyange kana iwe Jehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha, wakanga uri mhete muruoko rwangu rworudyi, ndaingokubvisa zvakadaro.

25 Ndichakuisa mumaoko aavo vanotsvaka kukuuraya, ivo vaunotya, kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nokuvaBhabhironi.

26 Ndichapotsera iwe namai vakakubereka kune imwe nyika kwamusina kuberekerwa, uye ikoko kwamuchandofira muri vaviri.

27 Hamuzombodzokizve kunyika yamunoshuva kudzokera kwairi.”

28 Ko, murume uyu Jehoyakini munhu akazvidzika, ihari yakaputsika,

chinhu chisina angada here?

Seiko iye navana vake vapotserwa kunze,

vakarasirwa kunyika yavasingazivi?

29 Iwe nyika, nyika, nyika,

inzwa shoko raJehovha!

30 Zvanzi naJehovha:

“Nyora munhu uyu seasina mwana,

munhu asingazobudiriri pamazuva oupenyu hwake,

nokuti hakuna mwana wake achapfuma,

hakuna achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi,

kana kutongazve munyika yeJudha.”

Categories
Jeremia

Jeremia 23

Davi Rakarurama

1 “Vane nhamo vafudzi vari kuparadza uye vari kuparadzira makwai amafuro angu!” ndizvo zvinotaura Jehovha.

2 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, kuvafudzi vanofudza vanhu vangu: “Nemhaka yokuti makaparadzira makwai angu mukaadzingira kure uye mukasava nehanya nawo, ndichaisa rushamhu pamusoro penyu nokuda kwezvakaipa zvamakaita,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

3 “Ini pachangu ndichaunganidza akasara amakwai angu kubva kunyika dzose dzandakanga ndaadzingira uye ndichaadzosera kumafuro awo, kwaachava nezvibereko uye kwaachawanda.

4 Ndichagadza vafudzi pamusoro pavo vachaafudza, uye havazotyi kana kuvhunduka, uye hakuna rimwe rawo ringashayikwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

5 “Mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“pandichamutsira Dhavhidhi Davi rakarurama,

Mambo achatonga nouchenjeri

nokururamisira uye nokuita zvakarurama munyika.

6 Pamazuva ake Judha achaponeswa

uye Israeri achagara norugare.

Zita rake raachatumidzwa ndirori rokuti:

Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.

7 Naizvozvo zvino mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “avasingazoti, ‘NaJehovha mupenyu iye akabudisa vaIsraeri kubva muIjipiti,’

8 asi vachazoti, ‘NaJehovha mupenyu, akabudisa vana vaIsraeri kubva kunyika yokumusoro nokunyika dzose kwaakanga avadzingira.’ Ipapo vachagara munyika yavo.”

Vaprofita venhema

9 Kana vari vaprofita:

Mwoyo wangu waputsika mukati mangu;

mapfupa angu ose anodedera.

Ndakaita somunhu akadhakwa,

somunhu akundwa newaini,

nokuda kwaJehovha

uye nokuda kwamashoko ake matsvene.

10 Nyika izere nemhombwe;

nyika yaoma nokuda kwokutukwa

uye mafuro omugwenga aoma.

Vaprofita votevera nzira yakaipa

uye vanoshandisa simba ravo nokusarurama.

11 “Muprofita nomuprista vose havana umwari;

kunyange mutemberi yangu ndinowana kuipa kwavo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

12 “Naizvozvo nzira yavo ichatsvedza;

vachadzingirwa kurima

uye ikoko ndiko kwavachawira.

Ndichauyisa njodzi pamusoro pavo

mugore ravacharangwa,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

13 “Pakati pavaprofita veSamaria

ndakaona chinhu chinonyangadza ichi:

Vakaprofita naBhaari,

uye vakatungamirira vanhu vangu vaIsraeri mukurasika.

14 Uye pakati pavaprofita veJerusarema

ndakaona chimwe chinhu chinonyangadza:

Vanoita upombwe uye vanoreva nhema.

Vanosimbisa maoko evaiti vezvakaipa,

zvokuti hakuna anodzoka pazvakaipa zvake.

Vose vakaita seSodhomu kwandiri;

vanhu veJerusarema vakaita seGomora.”

15 Naizvozvo, zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, pamusoro pavaprofita:

“Ndichaita kuti vadye kudya kunovava,

uye kuti vanwe mvura ine muchetura,

nokuti zvichibva nokumuprofita weJerusarema,

kushaya umwari kwapararira panyika yose.”

16 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:

“Regai kuteerera zvamunoprofitirwa navaprofita;

vanokuzadzai netariro dzenhema.

Vanotaura zviratidzo zvinobva pandangariro dzavo,

zvisingabvi mumuromo maJehovha.

17 Vanoramba vachiti kuna avo vanondizvidza,

‘Jehovha anoti: Muchava norugare.’

Uye kuna vaya vose vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo,

vanoti, ‘Hakuna chakaipa chichakuwirai.’

18 Asi ndiani pakati pavo akamira parangano yaJehovha,

kuti aone kana kunzwa shoko rake?

Ndiani akateerera akanzwa shoko rake?

19 Tarirai, dutu raJehovha

richaputika muhasha dzake,

chamupupuri chichimona chakananga

pamisoro yavakaipa.

20 Kutsamwa kwaJehovha hakungadzoki,

kusvikira apedza

zvinovavarirwa nomwoyo wake.

Pamazuva achauya

muchazvinzwisisa zvakanyatsojeka.

21 Handina kutuma vaprofita ava,

kunyange zvakadaro vakamhanya neshoko ravo;

ini handina kutaura navo,

kunyange zvakadaro vakaprofita.

22 Asi dai vakamira parangano yangu,

vangadai vakaparidza mashoko angu kuvanhu vangu,

uye vangadai vakavadzora panzira dzavo dzakaipa,

napamabasa avo akaipa.

23 “Ko, ini ndinongori Mwari ari pedyo here,”

ndizvo zvinotaura Jehovha,

“ndisati ndiri Mwari ari kure?

24 Pano munhu angavanda, panzvimbo dzakavanzika

zvokuti handingamuoni here?”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ko, handizadzi denga nenyika here?”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

25 “Ndakanzwa zvakataurwa navaprofita vanoprofita nhema muzita rangu. Vanoti, ‘Ndakarota! Ndakarota!’

26 Ko, izvi zvicharamba zviri mumwoyo yavaprofita venhema ava kusvikira rinhi ivo vanoprofita zvokunyengera kwendangariro dzavo?

27 Vanofunga kuti zviroto zvavanoudzana zvichaita kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu sezvakaita madzibaba avo akakanganwa zita rangu nokuda kwokunamata Bhaari.

28 Muprofita ane chiroto ngaataure kurota kwake, asi ane shoko rangu ngaataure nokutendeka. Nokuti mashanga ane basa rei pazviyo?” ndizvo zvinotaura Jehovha.

29 “Shoko rangu harina kufanana nomoto here,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nenyundo inoputsanya dombo?”

30 “Naizvozvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handina ukama navaprofita vanobirana mashoko anofungidzirwa kuti anobva kwandiri.

31 Hongu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handina ukama navaprofita vanoshandisa ndimi dzavo vachiti, ‘Jehovha ari kutaura.’

32 Zvirokwazvo handina ukama neavo vanoprofita zviroto zvenhema,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vanovaudza uye vanotsausa vanhu vangu nenhema dzavo dzisina maturo, asi handina kuvatuma kana kuvagadza. Havambobatsiri vanhu ava napaduku pose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Chirevo Chenhema naVaprofita Venhema

33 “Paunobvunzwa navanhu ava, vaprofita kana vaprista, vachiti, ‘Chirevo ichi chaJehovha ndecheiko?’ uti kwavari, ‘Chirevo cheiko? Ndichakurasai, ndizvo zvinotaura Jehovha.’

34 Kana muprofita kana muprista kana ani zvake achiti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ ndicharanga munhu uyo nemhuri yake.

35 Izvi ndizvo zvamunoramba muchitaura mumwe nomumwe wenyu kushamwari kana kuhama yake muchiti: ‘Mhinduro yaJehovha inoti kudiniko?’ kana kuti ‘Jehovha akataureiko?’

36 Hamufaniri kutaura ‘chirevo chaJehovha’ zvakare, nokuti shoko romunhu mumwe nomumwe richava chirevo chake, uye saizvozvo munominamisa mashoko aMwari mupenyu, Jehovha Wamasimba Ose, Mwari wedu.

37 Izvi ndizvo zvamucharamba muchitaura kumuprofita muchiti: ‘Jehovha akakupindurei?’ kana kuti ‘Jehovha akataurei?’

38 Kunyange muchiti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ izvi ndizvo zvinotaura Jehovha: Makashandisa mashoko anoti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ kunyange ndakanga ndakuudzai kuti musati, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha’.

39 Naizvozvo, zvirokwazvo ndichakukanganwai uye ndichakurasai mubve pamberi pangu imi neguta randakakupai uye namadzibaba enyu.

40 Ndichauyisa pamusoro penyu kunyadziswa kusingaperi, nyadzi dzisingaperi dzisingazokanganwiki.”

Categories
Jeremia

Jeremia 24

Tswanda Mbiri dzaMaonde

1 Shure kwokutapwa kwaJehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha pamwe chete namachinda, navavezi, navapfuri vesimbi veJudha vachibviswa kuJerusarema vachiendeswa kuBhabhironi naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Jehovha akandiratidza tswanda mbiri dzine maonde dzakaiswa pamberi petemberi yaJehovha.

2 Imwe tswanda yaiva namaonde akanaka kwazvo, akaita seaya anotanga kuibva; imwe yacho yaive namaonde akaipa chose, zvokuti akanga asingagoni kudyiwa.

3 Ipapo Jehovha akandibvunza achiti, “Uri kuoneiko Jeremia?”

Ini ndakapindura ndikati, “Maonde. Akanaka acho, akanaka kwazvo, asi akaipa acho akaipa zvokuti haangadyiwi.”

4 Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri rikati,

5 “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri, ‘Sezvakaita maonde aya akanaka, saizvozvo ndicharangarira zvakanaka vatapwa vakabva kuJudha vandakatuma kubva panzvimbo ino ndichivaendesa kunyika yeBhabhironi.

6 Meso angu acharingira kwavari nokuda kwokunaka kwavo, uye ndichavadzosazve munyika ino. Ndichavavaka uye handingavakoromori; ndichavasima uye handingavadzuri.

7 Ndichavapa mwoyo wokundiziva, kuti ndini Jehovha. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo, nokuti vachadzokera kwandiri nomwoyo wavo wose.

8 “ ‘Asi sezvakaita maonde akaipa, iwo akaipa kwazvo zvokusagona kudyiwa,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘saizvozvo ndichaitira Zedhekia mambo weJudha, namachinda ake, navaya vakasara muJerusarema, kunyange vakasara munyika ino kana vagere muIjipiti.

9 Ndichavaita chinhu chinovengwa, nechinhu chakaipa kuushe hwose hwenyika, chinhu chinoshorwa, neshumo, chinhu chinosekwa nechinotukwa kwose kwose kwandinovadzingira.

10 Ndichavatumira munondo, nzara, nehasha pamusoro pavo kusvikira vaparadzwa kubva panyika yandakavapa ivo namadzibaba avo.’ ”

Categories
Jeremia

Jeremia 25

Makore Makumi Manomwe oUtapwa

1 Shoko rakauya kuna Jeremia pamusoro pavanhu vose veJudha mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, iro rakanga riri gore rokutanga raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.

2 Saka Jeremia muprofita akati kuvanhu vose veJudha nokuna vose vaigara muJerusarema:

3 Kwamakore makumi maviri namatatu, kubva pagore regumi namatatu raJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha kusvikira zuva ranhasi, shoko raJehovha ranga richiuya kwandiri uye ini ndikataura ndataurazve kwamuri, asi hamuna kuteerera.

4 Uye kunyange Jehovha akatuma varanda vake kwamuri ivo vaprofita nguva nenguva, imi hamuna kuteerera kana kurereka nzeve dzenyu.

5 Ivo vakati, “Dzokai zvino mumwe nomumwe wenyu, kubva panzira dzenyu dzakaipa nepamabasa enyu akaipa, mugogara munyika yamakapiwa naJehovha imi namadzibaba enyu nokusingaperi.

6 Regai kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire uye muvanamate; murege kunditsamwisa nezvakaitwa namaoko enyu. Ipapo handingakuitirei zvakaipa.”

7 “Asi imi hamuna kunditeerera,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye makanditsamwisa nezvakaitwa namaoko enyu, mukaita kuti zvakaipa zvikuwirei.”

8 Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Nemhaka yokuti hamuna kuteerera mashoko angu,

9 ndichadana marudzi ose okumusoro uye nomuranda wangu Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichavauyisa kuzorwa nenyika ino navanogaramo uye nendudzi dzose dzakavapoteredza. Ndichavaparadza zvachose uye ndichavaita chinhu chinovengwa nechinosekwa, nedongo nokusingaperi.

10 Ndichabvisa pakati pavo manzwi okupembera nomufaro, namanzwi emwenga neechikomba, nenzwi reguyo nechiedza chemwenje.

11 Nyika ino yose ichava dongo, uye marudzi aya achashandira mambo weBhabhironi kwemakore makumi manomwe.

12 “Asi kana makore makumi manomwe apera, ndicharova mambo weBhabhironi norudzi rwake, nenyika yavaBhabhironi, pamusoro pemhosva yavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichaiita dongo nokusingaperi.

13 Ndichauyisa pamusoro penyika iyo zvinhu zvose zvandakataura pamusoro payo, zvose zvakanyorwa mubhuku iri nezvakaprofitwa naJeremia pamusoro pendudzi dzose.

14 Ivo pachavo vachatapwa nendudzi zhinji namadzimambo makuru; ini ndichavaripira zvakaenzana nokubata kwavo uye namabasa emaoko avo.”

Mukombe woKutsamwa kwaMwari

15 Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha, Mwari waIsraeri, kwandiri: “Tora kubva muruoko rwangu mukombe uyu wakazara newaini yokutsamwa kwangu unwise ndudzi dzose dzandinokutuma kwadziri.

16 Kana vachinge vainwa vachadzedzereka nokupenga nokuda kwomunondo wandichatuma pakati pavo.”

17 Saka ndakatora mukombe muruoko rwaJehovha ndikaita kuti ndudzi dzose dzaakandituma kwadziri dzinwe:

18 Jerusarema namaguta eJudha, namadzimambo, namachinda aro, kuti aitwe matongo, chinhu chinovengwa nechinosekesa, nechinotukwa, sezvaakaita iye nhasi;

19 Faro mambo weIjipiti, navaranda vake, namachinda ake uye navanhu vake vose,

20 navatorwa vose variko;

namadzimambo ose eUzi;

namadzimambo ose eFiristia (neavo veAshikeroni, neGaza, neEkironi, navanhu vakasiyiwa kuAshidhodhi);

21 Edhomu neMoabhu neAmoni;

22 namadzimambo ose eTire neSidhoni;

namadzimambo emuzviwi mhiri kwegungwa;

23 neDhedhani, neTema, neBhuzi navose vari kunzvimbo dziri kure;

24 madzimambo ose eArabhia namadzimambo ose enyika dzavatorwa vanogara mugwenga;

25 namadzimambo ose eZimuri, neEramu neFiristia,

26 namadzimambo ose okumusoro vepedyo nevokure, mumwe achitevera mumwe, ushe hwose huri pamusoro penyika.

Shure kwaivava vose, mambo weSheshaki achazoinwawo.

27 “Ipapo uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Inwai mudhakwe, murutse, muwe, uye murege kuzomukazve nokuda kwomunondo wandichatuma pakati penyu.’

28 Asi kana vakaramba kutora mukombe muruoko rwako kuti vamwe, uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Munofanira kuinwa!

29 Tarirai, ndava kutanga kuuyisa njodzi pamusoro peguta rinodanwa neZita rangu, ko, imi mungarega kurangwa here? Hamungaregi kurangwa nokuti ndava kudana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’

30 “Zvino chiprofita mashoko aya ose pamusoro pavo uchiti:

“ ‘Jehovha achaomba ari kumusoro;

achatinhira ari pachigaro chake chitsvene

uye achaomba zvikuru pamusoro penyika yake.

Achadanidzira sezvinoita vanotsika mazambiringa,

achidanidzira kuna vose vagere panyika.

31 Bope richaunga kusvikira kumagumo enyika,

nokuti Jehovha achapa ndudzi mhosva;

achauyisa kutonga pamusoro pamarudzi ose avanhu

uye achaisa vakaipa kumunondo,’ ”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

32 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:

“Tarirai, njodzi iri kupararira

ichibva kuno rumwe rudzi ichienda kuno rumwe;

dutu guru rasimuka

richibva kumagumo enyika.”

33 Panguva iyo vakaurayiwa naJehovha vachava pose pose vachibva kuno mumwe mugumo wenyika kusvikira kuno mumwe. Havangachemwi kana kuunganidzwa, kana kuvigwa, asi vachava somupfudze uri pamusoro penyika.

34 Chemai uye muungudze, imi vafudzi;

umburukai muguruva, imi vatungamiri veboka.

Nokuti nguva yokuurayiwa kwenyu yasvika;

muchawa mugopwanyika somudziyo wakanaka wevhu.

35 Vafudzi vachashayiwa kwokutizira,

uye vakuru veboka vachashayiwa kwokutizira.

36 Inzwai kuchema kwavafudzi,

kuungudza kwavatungamiri veboka,

nokuti Jehovha ari kuparadza mafuro avo.

37 Mafuro ano runyararo achaparadzwa

nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.

38 Seshumba, achabva panzvimbo yake yokuvanda,

uye nyika yavo ichaparadzwa

nokuda kwomunondo womumanikidzi,

uye nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.

Categories
Jeremia

Jeremia 26

Vanotsvaka kuuraya Jeremia

1 Pamazuva okutanga kubata ushe kwaJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, shoko iri rakabva kuna Jehovha richiti,

2 “Zvanzi naJehovha: Mira paruvazhe rweimba yaJehovha utaure kuvanhu vose vomumaguta eJudha vanouya kuzonamata muimba yaJehovha. Uvaudze zvose zvandinokurayira, usadarikira kana shoko rimwe chete,

3 Zvimwe vachanzwa mumwe nomumwe akadzoka panzira dzake dzakaipa. Ipapo ndichazvidemba ndikarega kuisa pamusoro pavo njodzi yandanga ndichifunga kuvaitira nokuda kwezvakaipa zvavakaita.

4 Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: Kana musinganditeereri, uye musingateveri murayiro wangu, wandakaisa pamberi penyu,

5 uye kana musingateereri mashoko avaranda vangu ivo vaprofita, vandakatuma ndikatumazve kwamuri (Kunyange musina kuteerera),

6 ipapo ndichaita kuti imba ino ive seShiro uye guta rino kuti rive chinhu chinotukwa pakati pendudzi dzose dzepanyika.’ ”

7 Vaprista navaprofita navanhu vose vakanzwa Jeremia achitaura mashoko aya ari mumba maJehovha.

8 Asi Jeremia akati achangopedza kuudza vanhu vose zvose zvaakanga arayirwa naJehovha kuti ataure, vaprista navaprofita navanhu vose vakamubata vakati, “Unofanira kufa!

9 Unoprofitirei muzita raJehovha uchiti imba ino ichava seShiro uye guta rino richava dongo uye richashaya anogaramo?” Vanhu vose vakaunganira Jeremia mumba maJehovha.

10 Machinda eJudha akati anzwa nezvezvinhu izvi, vakakwidza vachibva kumuzinda wamambo vakaenda kuimba yaJehovha vakandogara pamukova wepaSuo Idzva weimba yaJehovha.

11 Ipapo vaprista navaprofita vakati kumachinda nokuvanhu vose, “Munhu uyu anofanira kutongerwa rufu nokuti akaprofita zvakaipa pamusoro peguta rino. Mazvinzwira imi nenzeve dzenyu!”

12 Ipapo Jeremia akati kumachinda ose nokuvanhu vose, “Jehovha akandituma kuzoprofita pamusoro peimba ino napamusoro peguta rino, zvinhu zvose zvamakanzwa.

13 Zvino, chinatsai nzira dzenyu nezviito zvenyu muteerere Jehovha Mwari wenyu. Ipapo Jehovha achazvidemba akarega kuuyisa pamusoro penyu njodzi yaakareva.

14 Asi kana ndirini, ndiri mumaoko enyu; itai henyu zvamunofunga pamusoro pangu sezvamunoona zvakanaka uye zvakarurama.

15 Kunyange zvakadaro hazvo, zivai kuti, kana mukandiuraya muchamisa mhosva yeropa risina mhaka pamusoro penyu uye napamusoro peguta rino, nepamusoro pevose vanogara mariri, nokuti zvirokwazvo Jehovha akandituma kwamuri kuti nditaure mashoko ose aya munzeve dzenyu.”

16 Ipapo machinda navanhu vose vakati kuvaprista nokuvaprofita, “Munhu uyu haafaniri kutongerwa rufu! Ataura kwatiri muzita raJehovha Mwari wedu.”

17 Vamwe vavakuru venyika vakasimuka vakati kuungano yose yavanhu,

18 “Mikaya wokuMorasheti akaprofita pamazuva aHezekia mambo weJudha. Akaudza vanhu vose veJudha kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:

“ ‘Zioni richarimwa somunda,

Jerusarema richava murwi wamabwe,

negomo retemberi richava chikomo chakamera miti.’

19 Ko, Hezekia mambo weJudha kana mumwewo zvake weJudha ndiye akamuuraya here? Ko, Hezekia haana kutya Jehovha akatsvaka nyasha dzake here? Uye Jehovha haana kuzvidemba, akarega kuuyisa njodzi yaakanga ataura pamusoro pavo here? Tava kuda kuzviunzira dambudziko rakaipisisa pamusoro pedu!”

20 (Zvino Uria mwanakomana waShemaya aibva kuKiriati Tearimi ndiye mumwe murume akaprofita muzita raJehovha; akaprofita zvinhu zvimwe chetezvo pamusoro peguta rino nenyika ino sezvakangoitwawo naJeremia.

21 Mambo Jehoyakimi namakurukota ake ose namachinda ake vakati vanzwa mashoko ake, mambo akatsvaka kumuuraya. Asi Uria akazvinzwa akatya ndokubva atizira kuIjipiti.

22 Kunyange zvakadaro, mambo Jehoyakimi akatuma Erinatani mwanakomana waAkibhori kuIjipiti, pamwe chete navamwe varume.

23 Vakabudisa Uria kubva kuIjipiti vakamuendesa kuna Mambo Jehoyakimi uyo akaita kuti aurayiwe uye mutumbi wake ukakandwa kunzvimbo yaivigirwa vanhuwo zvavo).

24 Pamusoro paizvozvo Ahikami mwanakomana waShafani akatsigira Jeremia, nokudaro haana kuzoiswa mumaoko avanhu kuti aurayiwe.

Categories
Jeremia

Jeremia 27

VaJudha vanofanira kushandira Nebhukadhinezari

1 Pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mwanakomana waJosia mambo weJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha, richiti:

2 Izvi ndizvo zvataurwa naJehovha kwandiri: “Ita joko remakashu namatanda ugoriisa pamutsipa wako.

3 Ipapo ugotuma shoko kuna mambo weEdhomu, nokuna mambo weMoabhu, noweAmoni, noweTire neSidhoni noruoko rwenhume dzinouya kuJerusarema kuna Zedhekia mambo weJudha.

4 Uvape shoko ravanatenzi vavo uchiti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose iye Mwari waIsraeri, “Taurai izvi kuna vanatenzi venyu kuti:

5 Ndakaita nyika navanhu vayo, nemhuka dziri mairi nesimba rangu guru uye noruoko rwakatambanudzwa, uye ndinoipa kuna ani zvake anondifadza.

6 Zvino, ndichapa nyika dzako dzose kumuranda wangu Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi; uye kuti kunyange zvikara zvesango zvive pasi pake.

7 Ndudzi dzose dzichamushandira, iye nemwanakomana wake, nomuzukuru wake, kusvikira nguva yenyika yake yasvika; ipapo ndudzi zhinji namadzimambo makuru vachamuita muranda.

8 “ ‘ “Kunyange zvakadaro, kana rudzi rupi norupi kana ushe hupi nohupi hukasazoshandira Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi kana hukazoisa mutsipa warwo pasi pejoko rake, ndicharanga rudzi urwo nomunondo, nenzara uye nedenda, kusvikira ndarupedza noruoko rwake, ndizvo zvinotaura Jehovha.

9 Saka musateerera vaprofita venyu, navavuki venyu, kana vanodudzira hope kana vafemberi kana varoyi vanokuudzai kuti, ‘Hamungashandiri mambo weBhabhironi’.

10 Vanokuprofitirai nhema dzichangoita kuti mubviswe muendeswe kure nenyika dzenyu; ndichakudzingai uye muchaparara.

11 Asi kana rudzi rupi norupi rukazoisa mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi rukamushandira, ndichaita kuti rudzi urwo rurambe rwuri munyika yarwo kuti varime vagogaramo, ndizvo zvinotaura Jehovha.” ’ ”

12 Ndakapa shoko rimwe chetero kuna Zedhekia mambo weJudha. Ndakati, “Isa mutsipa wako pasi pejoko ramambo weBhabhironi; umushandire iye navanhu vake, ugorarama.

13 Ko, iwe navanhu vako muchafireiko nomunondo, nenzara uye nedenda izvo zvakanzi naJehovha ndichaitira rudzi rupi norupi rucharega kushandira mambo weBhabhironi?

14 Regai kuteerera mashoko avaprofita vanoti kwamuri, ‘Hamungashandiri mambo weBhabhironi,’ nokuti vanoprofita nhema pamusoro penyu.

15 ‘Ini handina kuvatuma,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Vari kuprofita nhema muzita rangu. Naizvozvo, ndichakudzingai, mugoparara mose imi navaprofita vanoprofita kwamuri.’ ”

16 Ipapo ndakati kuvaprista navanhu vose ava, “Zvanzi naJehovha: Regai kuteerera vaprofita vanoti, ‘Iye zvino, nokukurumidza, midziyo yakabviswa mutemberi yaJehovha ichadzoswazve kubva kuBhabhironi.’ Vari kukuprofitirai nhema.

17 Regai kuvateerera. Shandirai mambo weBhabhironi, mugorarama. Guta rino richaitireiko dongo?

18 Kana vari vaprofita uye vane shoko raJehovha ngavakumbirise kuna Jehovha, Wamasimba Ose kuti midziyo yakasara muimba yaJehovha, nomumuzinda wamambo weJudha neJerusarema irege kutakurwa ichiendeswa kuBhabhironi.

19 Nokuti izvi ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose pamusoro pembiru, neGungwa, napamusoro pezvigadziko zvinofambiswa nemimwe midziyo yakasara muguta rino,

20 zvisina kutorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi paakatapa Jehoyakini, mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha, pamwe chete navakuru vose veJudha neJerusarema, kubva kuJerusarema achivaendesa kuBhabhironi.

21 Hongu, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, pamusoro pezvinhu zvakasiyiwa mutemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo weJudha uye nomuJerusarema:

22 ‘Zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi uye ndiko kwazvichagara kusvikira pazuva randichavavinga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ipapo ndichavadzosa ndigovagarisazve panzvimbo ino.’ ”

Categories
Jeremia

Jeremia 28

Hanania Muprofita Wenhema

1 Pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mambo weJudha, mugore rechina, nomwedzi wechishanu wegore racho iroro, muprofita Hanania mwanakomana waAzuri, aibva kuGibheoni, akati kwandiri tiri mumba yaJehovha pamberi pavaprista navanhu vose,

2 “Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Ndichavhuna joko ramambo weBhabhironi.

3 Makore maviri asati apera, ndichadzosa kunzvimbo ino midziyo yose yeimba yaJehovha yakanga yatorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi kubva kuno akaiendesa kuBhabhironi.

4 Ndichadzosazve kunzvimbo ino Jehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha navose vakatapwa kubva kuJudha, vakaenda kuBhabhironi,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘nokuti ndichavhuna joko ramambo weBhabhironi.’ ”

5 Ipapo muprofita Jeremia akapindura muprofita Hanania pamberi pavaprista navanhu vose vakanga vamire muimba yaJehovha.

6 Akati, “Ameni! Jehovha ngaaite izvozvo! Jehovha ngaazadzise mashoko awakaprofita, nokudzosa midziyo yeimba yaJehovha nevakatapwa vose kunzvimbo ino vachibva kuBhabhironi.

7 Kunyange zvakadaro, chinzwa zvandinokutaurira munzeve dzako nomunzeve dzavanhu vose:

8 Kubva kare, vaprofita vakakutangira iwe neni vakaprofitira nyika zhinji noushe ukuru pamusoro pehondo, nenjodzi uye denda.

9 Asi muprofita anoprofita zvorugare ndiye achazivikanwa somunhu akatumwa naJehovha zvechokwadi kana chete shoko raakaprofita rikaitika.”

10 Ipapo muprofita Hanania akabvisa joko pamutsipa womuprofita Jeremia akarivhuna,

11 uye akati, pamberi pavanhu vose, “Zvanzi naJehovha: ‘Saizvozvi ndichavhuna joko raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi kubva pamutsipa wendudzi dzose makore maviri asati apera.’ ” Adaro, muprofita Jeremia akaenda hake.

12 Mushure mokunge muprofita Hanania avhuna joko pamutsipa waJeremia, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia richiti,

13 “Enda unoudza Hanania kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Wavhuna joko redanda, asi panzvimbo yaro uchawana joko resimbi.

14 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, ndichaisa joko resimbi pamitsipa yendudzi idzi dzose kuti vashandire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye vachamushandira. Ndichaita kuti ave nesimba kunyange nepamusoro pezvikara zvesango.’ ”

15 Ipapo muprofita Jeremia akati kuna Hanania muprofita, “Inzwa, Hanania! Jehovha haana kukutuma iwe, asi wakanyengera rudzi urwu kuti ruvimbe nenhema dzako.

16 Naizvozvo, zvanzi naJehovha, ‘Ndava pedyo nokukubvisa pamusoro penyika. Gore iro rino chairo uchafa, nokuti wakaparidza zvinomukira Jehovha.’ ”

17 Mumwedzi wechinomwe wegore racho iroro, muprofita Hanania akafa.

Categories
Jeremia

Jeremia 29

Tsamba kuVatapwa

1 Zvino aya ndiwo mashoko etsamba yakatumwa nomuprofita Jeremia kubva kuJerusarema ichienda kuvakuru vakanga vachiri vapenyu pakati pavatapwa, nokuvaprista navaprofita, navamwe vanhu vose vakanga vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi naNebhukadhinezari vachibviswa kuJerusarema.

2 (Izvi zvakaitika shure kwokunge Mambo Jehoyakini namai vake, namachinda omuruvazhe rwamambo, navatungamiri veJudha neJerusarema, navavezi, navapfuri, vaendeswa kuutapwa vachibviswa kuJerusarema.)

3 Akaendesa tsamba iyi noruoko rwaErasa, mwanakomana waShafani, naGemaria mwanakomana waHirikia, avo vakatumwa naZedhekia mambo waJudha kuna Mambo Nebhukadhinezari kuBhabhironi. Yaiti:

4 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, kuna vose vandakaendesa kuutapwa kuBhabhironi vachibva kuJerusarema:

5 “Zvivakirei dzimba mugare; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo.

6 Wananai mugova navanakomana navanasikana; tsvakirai vanakomana venyu vakadzi uye muwanise vanasikana venyu, kuti naivowo vave navanakomana navanasikana. Muwande ikoko; musadzikira pakuwanda.

7 Uyezve, mutsvake rugare nokubudirira kweguta randakakuendesai kuutapwa. Murinyengeterere kuna Jehovha, nokuti kana rikabudirira, nemiwo muchabudirira.”

8 Nokuti, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Musarega vaprofita navavuki vari pakati penyu vachikunyengerai. Musateerera kurota kwamunovakurudzira kuti varote.

9 Vanokuprofitirai nhema muzita rangu. Handina kuvatuma,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

10 Nokuti zvanzi naJehovha: “Panopera makore makumi manomwe eBhabhironi, ndichauyazve kwamuri ndigozadzisa zvakanaka zvandakavimbisa kuti ndichakudzoserai kunzvimbo ino.

11 Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.

12 Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai.

13 Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose.

14 Ndichawanikwa nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzosai kubva kuutapwa. Ndichakuunganidzai kubva kundudzi dzose nokunzvimbo dzandakanga ndakudzingirai,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzoseraizve kunzvimbo yandakanga ndakubudisai ndichikuendesai kuutapwa.”

15 Imi mungati henyu, “Jehovha akatimutsira vaprofita muBhabhironi,”

16 asi zvanzi naJehovha pamusoro pamambo achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi navanhu vose vanosara vari muguta rino, vanhu venyika yenyu vasina kuenda nemi kuutapwa,

17 hongu, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ndichatuma munondo, nzara nedenda pamusoro pavo uye ndichavaita samaonde akaipa akaora zvokuti haangadyiwi.

18 Ndichavatevera nomunondo, nzara nedenda uye ndichavaita chinhu chinovengwa noushe hwose hwenyika uye chinhu chinotukwa, nechinotyisa, nechinosekwa, nechinoshorwa pakati pendudzi dzose kwandakavadzingira.

19 Nokuti havana kuteerera kumashoko angu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mashoko andakatuma ndatumazve kwavari navaranda vangu vaprofita. Nemiwo vakatapwa makaramba kuateerera,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

20 Naizvozvo, chinzwai shoko raJehovha, imi mose makatapwa vandakadzingira kuBhabhironi muchibva kuJerusarema.

21 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, pamusoro paAhabhu mwanakomana waKoraya naZedhekia mwanakomana waMaaseya, vari kukuprofitirai nhema muzita rangu: “Ndichavaisa muruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye achavauraya pamberi penyu muchizviona.

22 Nokuda kwavo, vatapwa vose vakabva kuJudha vari muBhabhironi vachashandisa chituko ichi: ‘Jehovha akuitire sezvaakaita kuna Zedhekia naAhabhu avo vakapiswa mumoto namambo weBhabhironi.’

23 Nokuti vakaita zvinhu zvinonyangadza muIsraeri; vakaita upombwe navakadzi vavavakidzani vavo uye vakareva nhema muzita rangu, izvo zvandisina kuvaudza kuti vaite. Ndinozviziva uye ndiri chapupu chazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Shoko kuna Shemaya

24 Udza Shemaya muNeherami kuti,

25 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Wakatumira matsamba muzita rako kuvanhu vose vomuJerusarema, kuna Zefania mwanakomana waMaaseya muprista, nokuna vamwe vaprista vose. Wakati kuna Zefania,

26 ‘Jehovha akakugadza kuva muprista panzvimbo yaJehoyadha kuti uve mutariri weimba yaJehovha; unofanira kuisa muchitokisi nomumangetani munhu upi zvake anopenga achiita somuprofita.

27 Saka wakaregererei kuranga Jeremia weAnatoti, anozviti muprofita pakati penyu?

28 Akatuma shoko iri kwatiri paBhabhironi, achiti: Zvichatora nguva yakareba. Naizvozvo zvivakirei dzimba mugogara; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo.’ ”

29 Uye, Zefania muprista akaverengera muprofita Jeremia tsamba iyi.

30 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,

31 “Tumira shoko iri kuvatapwa vose, uti, ‘Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaya, muNeherami: Nokuti Shemaya akuprofitirai, kunyange ini ndisina kumutuma, uye aita kuti mutende nhema,

32 zvanzi naJehovha: Zvirokwazvo ndicharanga Shemaya muNeherami nezvizvarwa zvake. Haangavi nomunhu achasara pakati pavanhu ava, kana kuona zvinhu zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti akaparidza zvokundimukira.’ ”

Categories
Jeremia

Jeremia 30

Kuvandudzwa kweIsraeri

1 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti,

2 “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Nyora mubhuku mashoko ose andakakuudza.

3 Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘andichadzosa vanhu vangu, vaIsraeri navaJudha kubva kuutapwa. Uye ndichavadzosera kunyika yandakapa madzitateguru avo kuti ive yavo,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.”

4 Aya ndiwo mashoko akataurwa naJehovha pamusoro peIsraeri neJudha:

5 “Zvanzi naJehovha:

“ ‘Tinonzwa kuchema kwevanotya,

kwokutyisidzirwa, kwete kworugare.

6 Bvunzai muone:

Ko, murume angagona kusununguka mwana here?

Zvino, seiko ndichiona murume mumwe nomumwe akasimba

akabata padumbu pake namaoko ake somukadzi orwadziwa,

zviso zvose zvachenuruka?

7 Haiwa, zuva iro richatyisa seiko!

Hakuna richafanana naro.

Ichava nguva yaJakobho yokutambudzika,

asi achaponeswa pairi.

8 “ ‘Pazuva iro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose,

‘Ndichavhuna joko pamitsipa yavo

uye ndichadambura zvisungo zvavo;

havachazoitwizve varanda navatorwa.

9 Asi, vachashumira Jehovha Mwari wavo

naDhavhidhi mambo wavo,

iye wandichavamutsira.

10 “ ‘Saka, usatya, iwe Jakobho muranda wangu;

usavhunduka, iwe Israeri,’

ndizvo zvinotaura Jehovha.

‘Zvirokwazvo ndichakuponesa kubva kunyika iri kure,

zvizvarwa zvako kubva kunyika youtapwa hwavo.

Jakobho achavazve norunyararo uye nokuchengetedzeka,

uye hakuna achazomutyisa.

11 Ndinewe uye ndichakuponesa,’

ndizvo zvinotaura Jehovha.

‘Kunyange zvazvo ndakaparadza chose ndudzi dzose

dzandakakuparadzira pakati padzo,

handingazokuparadze zvachose iwe.

Ndichakuranga asi nokururamisira chete;

handingakusiyi usina kurangwa zvachose.’

12 “Zvanzi naJehovha:

“ ‘Ronda rako harirapiki,

kukuvadzwa kwako hakupori.

13 Hakuna anokureverera mhaka yako,

vanga rako harina mushonga,

hapana kuporeswa kwako.

14 Vose vaikuda vakakukanganwa;

havachina hanya newe.

Ndakakurova sezvinoitwa nomuvengi

ndikakuranga sezvinoitwa neano utsinye

nokuti mhosva yako ihuru

uye zvivi zvako zvakawanda.

15 Unochemeiko pamusoro pevanga rako,

nokurwadziswa kwako kusingarapike?

Nokuda kwokukura kwemhaka yako nezvivi zvizhinji

ndakaita zvinhu izvi kwauri.

16 “ ‘Asi vose vanokudya iwe vachadyiwawo;

vavengi vako vose vachaenda kuutapwa.

Vanokupamba, vachapambwawo;

vose vanokuparadza, ndichavaparadzawo.

17 Asi ndichakudzorera pautano

uye ndichaporesa maronda ako,’

ndizvo zvinotaura Jehovha,

‘nokuti iwe wakanzi murashwa,

Zioni zvaro risina ane hanya naro.’

18 “Zvanzi naJehovha:

“ ‘Ndichadzosazve pfuma yamatende aJakobho

uye ndichanzwira ugaro hwake tsitsi;

guta richavakwazve pamatongo aro,

nomuzinda uchamira panzvimbo yawo yakafanira.

19 Nziyo dzokuvonga dzichabva kwavari

uye nenzwi romufaro.

Ndichawedzera kuwanda kwavo,

uye havangatapudzwi;

ndichavavigira kukudzwa,

uye havangadukupiswi,

20 Vana vavo vachava sepamazuva ekare,

uye ungano yavo ichasimbiswa pamberi pangu;

ndicharanga vose vanovamanikidza.

21 Mutungamiri wavo achava mumwe wokwavo;

anovabata ushe achamutswa pakati pavo.

Ndichamuswededza pedyo uye iye achaswedera pedyo neni,

nokuti ndianiko achazvipira

kuti ave pedyo neni?’

ndizvo zvinotaura Jehovha.

22 ‘Saka muchava vanhu vangu,

neni ndichava Mwari wenyu.’ ”

23 Tarirai, dutu raJehovha

richaputika mukutsamwa kwake,

mhepo inovhuvhuta ichimona

pamisoro yavakaipa.

24 Kutsamwa kunotyisa kwaJehovha hakungadzoki,

kusvikira apedza

zvinovavarirwa nomwoyo wake.

Mumazuva anouya

muchanzwisisa izvozvi.