Categories
Jeremia

Jeremia 41

1 Mumwedzi wechinomwe, Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, uyo akanga ari worudzi rwamambo, uye akanga ari mumwe wamachinda amambo, akauya ane varume gumi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, paMizipa. Vachiri kudya pamwe chete ipapo,

2 Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume gumi vakanga vanaye vakasimuka vakabaya Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, nomunondo, vakamuuraya iye akanga agadzwa namambo weBhabhironi kuti ave mubati wenyika iyo.

3 Ishumaeri akaurayawo vaJudha vose vaiva naGedharia paMizipa, pamwe chete navarwi veBhabhironi vaivapo.

4 Zuva rakatevera kuurayiwa kwaGedharia, pasati pava nomunhu aizviziva,

5 varume makumi masere vaibva kuShekemu, neShiro neSamaria vakasvikapo vakaveura ndebvu dzavo, vakabvarura nguo dzavo uye vakazvicheka-cheka, vachiuya nezvipiriso zvezviyo nezvinonhuhwira kuimba yaJehovha.

6 Ishumaeri mwanakomana waNetania akabuda paMizipa kuti andovachingamidza, akafamba achichema. Paakasangana navo, akati kwavari, “Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami.”

7 Vakati vapinda muguta, Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume vakanga vanaye vakavauraya ndokuvakanda mugomba.

8 Asi vamwe vavo gumi vakati kuna Ishumaeri, “Musatiuraya! Isu tine gorosi nebhari, namafuta uye nouchi, zvakavigwa musango.” Naizvozvo akavarega akasavauraya pamwe chete navamwe.

9 Zvino gomba raakakandira mitumbi yose yavarume vaakanga auraya pamwe chete naGedharia ndiro rakanga racherwa naMambo Asa kuti azvidzivirire kubva kuna Bhaasha mambo weIsraeri. Ishumaeri mwanakomana waNetania akarizadza navakaurayiwa.

10 Ishumaeri akatapa vanhu vose vakanga vari paMizipa, vanasikana vamambo pamwe chete navamwe vose vakanga vasara ikoko, vaiswa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi pasi paGedharia mwanakomana waAhikami. Ishumaeri mwanakomana waNetania akavatapa ndokubvapo achida kuti ayambukire kuvaAmoni.

11 Johanani mwanakomana waKarea namachinda ose ehondo vaiva naye vakati vanzwa pamusoro pemhaka dzose dzakanga dzaparwa naIshumaeri mwanakomana waNetania,

12 vakatora varume vose ndokuenda kundorwa naIshumaeri mwanakomana waNetania. Vakanomubatira pedyo nedziva guru reGibheoni.

13 Vanhu vose vaiva naIshumaeri vakati vachiona Johanani mwanakomana waKarea navakuru vehondo vakanga vainaye, vakafara.

14 Vanhu vose vakanga vatapwa naIshumaeri paMizipa vakadzoka vakaenda kuna Johanani mwanakomana waKarea.

15 Asi Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume vasere vakapunyuka kubva kuna Johanani vakatizira kuvaAmoni.

Kutizira kuIjipiti

16 Ipapo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye vakatungamirira vose vakasara kubva paMizipa avo vaakanga anunura kubva kuna Ishumaeri mwanakomana waNetania shure kwokunge auraya Gedharia mwanakomana waAhikami, vaiti: varwi, vakadzi, vana namachinda edare vaakanga abva navo kuGibheoni.

17 Vakaenderera mberi ndokunomira vava paGeruti Kimihami pedyo neBheterehema parwendo rwavo rwokuenda kuIjipiti

18 kuti vatize vaBhabhironi. Vakanga vachitya nokuti Ishumaeri mwanakomana waNetania akanga auraya Gedharia mwanakomana waAhikami, uyo akanga agadzwa kuti ave mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi.

Categories
Jeremia

Jeremia 42

1 Ipapo vakuru vose vehondo, pamwe chete naJohanani mwanakomana waKarea naJezania mwanakomana waHoshaya, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru vakasvika

2 kuna Jeremia muprofita vakati kwaari, “Tapota inzwai chikumbiro chedu mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu nokuda kwavose ava vakasara. Nokuti sezvamunoona zvino, kuti kunyange taiva vazhinji, iye zvino kwangosara vashoma chete.

3 Nyengeterai kuti Jehovha Mwari wenyu atiudze kwatinofanira kuenda uye zvatinofanira kuita.”

4 Jeremia muprofita akapindura achiti, “Ndakunzwai. Zvirokwazvo ndichakunyengetererai kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakumbira, ndichakuzivisai zvinhu zvose zvicharehwa naJehovha uye handingambokuvanzirai chinhu.”

5 Ipapo vakati kuna Jeremia, “Jehovha ngaave chapupu chezvokwadi uye chakatendeka pamusoro pedu kana tisingaiti zvose zvamunenge matumwa naJehovha kuzotiudza.

6 Kana zvakanaka, kana zvisina kunaka tichateerera Jehovha Mwari wedu, watinokutumai kwaari kuti zvigotiitira zvakanaka, nokuti tichateerera Jehovha Mwari wedu.”

7 Mazuva gumi akati apera, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia.

8 Naizvozvo akaunganidza Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaaiva navo navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru.

9 Akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, iye wamakanditumira kwaari kuti ndisvitse chikumbiro chenyu:

10 ‘Kana mukagara munyika ino, ndichakuvakai handizokukoromorei; ndichakusimai uye handingakudzurei, nokuti ndinorwadziwa nokuda kwenjodzi yandakaisa pamusoro penyu.

11 Musatya mambo weBhabhironi, iye wamunotya zvino. Musamutya, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti ndinemi uye ndichakuponesai nokukuponesai kubva mumaoko ake.

12 Ndichakunzwirai tsitsi kuitira kuti agokunzwirai tsitsi, agokudzoserai kunyika yenyu.’

13 “Kunyange zvakadaro, kana mukati, ‘Hatidi kugara munyika ino,’ nokudaro musingateerere Jehovha Mwari wenyu,

14 uye kana mukati, ‘Kwete tichaenda kundogara kuIjipiti, kwatisingazooni hondo kana kunzwa hwamanda kana kunzwa nzara yechingwa,’

15 zvino chinzwai shoko raJehovha imi vakasara vaJudha. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Kana mashinga kuenda kuIjipiti kana mukaenda kundogarako,

16 ipapo munondo wamunotya uchakukundai ikoko uye nenzara yamunotya ichakuteverai kuIjipiti, uye muchafira ikoko.

17 Zvirokwazvo, vose vashinga kuenda kuIjipiti kundogarako vachafa nomunondo, nenzara uye nedenda; hakuna achasara pakati pavo kana kupukunyuka njodzi yandichauyisa pamusoro pavo.’

18 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Sokudururwa kwakaitwa hasha dzangu nokutsamwa kwangu pamusoro peavo vaigara muJerusarema, saizvozvo kutsamwa kwangu kuchadururirwa pamusoro penyu kana maenda kuIjipiti. Muchava chinhu chinotukwa nechinosemwa, nechinomhurwa, nokuzvidzwa; hamuchazombooni nzvimbo ino zvakare.’

19 “Haiwa imi vakasara veJudha, Jehovha akuudzai kuti, ‘Musaenda kuIjipiti.’ Ivai nechokwadi: ndinokuyambirai nhasi

20 kuti makakanganisa kwazvo pamakandituma kuna Jehovha Mwari wenyu muchiti, ‘Tinyengeterere kuna Jehovha Mwari wedu, utiudze zvose zvaanoreva uye isu tichazviita.’

21 Ndakuudzai nhasi, asi kunyange zvakadaro hamuna kuteerera Jehovha Mwari wenyu pane zvose zvaakandituma kuzokuzivisai imi.

22 Saka zvino, ivai nechokwadi nezvizvi: Muchafa nomunondo, nenzara, uye nedenda kunzvimbo yamunoda kuenda kundogara.”

Categories
Jeremia

Jeremia 43

1 Jeremia akati apedza kuudza vanhu mashoko ose aJehovha Mwari wavo, zvose zvaakanga atumwa naJehovha kuti avaudze,

2 Azaria mwanakomana waHoshaya naJohanani mwanakomana waKarea navarume vose vaizvikudza vakati kuna Jeremia, “Unoreva nhema iwe! Jehovha Mwari wedu haana kukutuma kuti uzoti, ‘Hamufaniri kuenda kuIjipiti kundogara ikoko.’

3 Asi Bharuki mwanakomana waNeria ndiye anokukurudzirai pamusoro pedu kuti tiendeswe kuvaBhabhironi, kuti vagotiuraya kana kutitora vachitiendesa kuBhabhironi.”

4 Naizvozvo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo navanhu vose havana kuteerera murayiro waJehovha kuti vagare munyika yeJudha.

5 Panzvimbo paizvozvo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vakatora vakasara vose veJudha vakanga vadzoka kuzogara munyika yeJudha kubva kundudzi dzose kwavakanga vaparadzirwa.

6 Vakatorawo varume vose, vakadzi navana navanasikana vamambo vakanga vasiyiwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi vamambo kuna Gedharia mwanakomana waShafani, naJeremia muprofita uye naBharuki mwanakomana waNeria.

7 Saka vakapinda muIjipiti vasingateereri Jehovha vakaenda zvokutosvika kuTapanesi.

8 Vari paTapanesi, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,

9 “Tora mabwe makuru uavige mudhaka pakati pezvitinha panopindwa napo kumuzinda waFaro uri paTapanesi, vaJudha vakatarisa.

10 Ipapo uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndichatuma shoko kumuranda wangu Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye ndichaisa chigaro chake choushe pamusoro pamabwe aya andaviga pano; achatambanudza denga rake roushe pamusoro pawo.

11 Achauya agorwisa Ijipiti, achivigira rufu kuna avo vakatongerwa rufu, kutapwa kuna vakatongerwa utapwa, nomunondo kuna avo vakatongerwa munondo.

12 Achapisa temberi dzavamwari veIjipiti; achapisa temberi dzavo agotapa vamwari vavo. Sokumonera kunoita mufudzi nguo yake, saizvozvo achamonera nyika yeIjipiti agobvako asina vanga.

13 Imomo, mutemberi yezuva iri muIjipiti, achaputsa mbiru dzinoera uye achapisa temberi dzavamwari veIjipiti.’ ”

Categories
Jeremia

Jeremia 44

Njodzi nokuda kwoKunamata Zvifananidzo

1 Shoko iri rakasvika kuna Jeremia pamusoro pavaJudha vose vakanga vagere zasi kweIjipiti, muMigidhori nomuTapanesi nomuNofi, nokumusoro kweIjipiti, richiti,

2 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Makaona njodzi huru yandakauyisa pamusoro peJerusarema nomumaguta ose eJudha. Nhasi uno asiyiwa angova matongo

3 nokuda kwezvakaipa zvavakaita. Vakanditsamwisa nokuda kwokupisira zvinonhuhwira uye nokunamata vamwe vamwari vavasina kumboziva ivo kana imi kana madzibaba enyu.

4 Ndakatuma ndatumazve varanda vangu vaprofita kuti vati, ‘Regai kuita chinhu chinonyangadza chandinovenga!’

5 Asi havana kunzwa kana kuteerera: havana kudzoka kubva pane zvakaipa zvavo kana kurega kupisa zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari.

6 Naizvozvo kutsamwa kwangu kunotyisa kwakadururwa; kukapisa maguta eJudha uye nenzira dzeJerusarema ndikazviparadza zvikava matongo sezvazvakaita nhasi.

7 “Zvino, zvanzi naJehovha, Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Munouyisireiko njodzi yakakura kudai pamusoro penyu nokuparadzira kubva kuJudha varume navakadzi, navana, navacheche nokudaro muchisara musina kana nomumwe?

8 Munonditsamwisireiko nezvamunoita namaoko enyu, muchipisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari vomuIjipiti kwamakaenda kundogara? Muchazviparadza pachenyu mukazviita chinhu chinotukwa nechinozvidzwa pakati pendudzi dzose dzepanyika.

9 Makanganwa here zvakashata zvakaitwa namadzibaba enyu namadzimambo navanamambokadzi veJudha uye zvakashata zvakaitwa nemi navakadzi venyu munyika yeJudha nomunzira dzeJerusarema?

10 Kusvikira pazuva ranhasi havana kuzvininipisa kana kuratidza rukudzo, kana kutevera murayiro wangu nezvirevo zvangu zvandakatema pamberi penyu napamberi pamadzibaba enyu.

11 “Naizvozvo, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndafunga kuuyisa njodzi pamusoro penyu ndigoparadza Judha yose.

12 Ndichabvisa vakasara veJudha vakanga vashinga kuenda kuIjipiti kundogarako. Vose vachafira muIjipiti, vachafa nomunondo kana kufa nenzara. Kubva kumuduku kusvikira kumukuru, vachafa nomunondo kana nenzara. Vachava chinhu chinotukwa nechinosemwa, chinhu chinoshorwa nechinonyadzisa.

13 Ndicharanga vaya vanogara kuIjipiti nomunondo, nenzara uye nedenda sokuranga kwandakaita Jerusarema.

14 Hakuna kuna vakasara veJudha vakaenda kunogara kuIjipiti vachapunyuka kana kurarama kuti vadzoke kunyika yeJudha, uko kwavanoshuva kuti vadzokere kundogara; hakuna achadzoka kunze kwavashoma vachatiza.”

15 Ipapo varume vose vaiziva kuti vakadzi vavo vaipisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari, pamwe chete navakadzi vose vaivapo, ungano huru, navanhu vose vakanga vagere Kumusoro neZasi kweIjipiti, vakati kuna Jeremia,

16 “Hatingateereri shoko rawataura kwatiri muzita raJehovha!

17 Zvirokwazvo tichaita zvinhu zvose zvatakati tichaita. Tichapisira zvinonhuhwira kuna Mambokadzi woKudenga nokumudururira zvipiriso zvokunwa sezvatakaita isu namadzibaba edu, namadzimambo edu uye namachinda edu mumaguta eJudha nomunzira dzomuJerusarema. Panguva iyoyo takanga tine zvokudya zvizhinji uye takanga tigere zvakanaka tisina zvaitirwadza.

18 Asi kubva patakamira kupisira zvinonhuhwira kuna Mambokadzi woKudenga nokudururira zvipiriso zvokunwa kwaari, hapana chatakawana uye tanga tichingofa nomunondo nenzara.”

19 Vakadzi vakapamhidzira vachiti, “Patakapisira zvinonhuhwira kuna Mambokadzi woKudenga, uye tikadururira zvipiriso zvokunwa kwaari, varume vedu vakanga vasingazivi here kuti taimuitira makeke akaita somufananidzo wake uye tichimudururira zvipiriso zvinonwiwa?”

20 Ipapo Jeremia akati kuvanhu vose, varume navakadzi, vakanga vachimupindura,

21 “Ko, Jehovha haana kurangarira here uye akafunga pamusoro pezvinonhuhwira zvaipiswa mumaguta eJudha nomunzira dzeJerusarema nemi namadzibaba enyu namadzimambo enyu namachinda enyu uye navanhu venyika?

22 Jehovha akati haasisina mwoyo murefu pakuipa kwezviito zvenyu nezvinhu zvinonyangadza zvamakaita, nyika yenyu ikava chinhu chinotukwa uye nedongo risina anogaramo, sezvazvakaita nhasi.

23 Nokuda kwokuti makapisira zvinonhuhwira uye makatadzira Jehovha uye hamuna kumuteerera kana kutevera murayiro wake kana zvirevo zvake kana zvaakatema, njodzi iyi yaiswa pamusoro penyu sezvamunoona zvino.”

24 Ipapo Jeremia akati kuvanhu vose kusanganisira vakadzi, “Inzwai shoko raJehovha, imi vanhu vose veJudha vari muIjipiti.

25 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Imi navakadzi venyu maratidza nezviito zvenyu, zvamakavimbisa pamakati, ‘Zvirokwazvo mhiko dzedu dzatakapika tichadzizadzisa nokupisa zvinonhuhwira uye nokudururira zvipiriso zvokunwa kuna Mambokadzi woKudenga.’

“Endererai henyu mberi zvino, itai zvamakavimbisa! Chengetai mhiko dzenyu!

26 Asi inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha mose munogara muIjipiti: ‘Ndinopika nezita rangu guru,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti hakuna anobva kuJudha agere papi napapi zvapo muIjipiti achadana zita rangu kana kupika achiti: “Zvirokwazvo naIshe Jehovha mupenyu,”

27 Nokuti ndinovarindira kuti ndivaitire zvakaipa kwete zvakanaka, vaJudha vari muIjipiti vachafa nomunondo uye nenzara kusvikira vose vaparadzwa.

28 Avo vachapunyuka pamunondo vakadzokera kunyika yeJudha vachibva kuIjipiti vachava vashoma kwazvo. Ipapo vose vakasara vavaJudha vakauya kuzogara kuIjipiti vachaziva kuti shoko rinogara nderani, rangu kana ravo.

29 “ ‘Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri chokuti ndichakuranga panzvimbo ino,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuitira kuti muzive kuti mashoko eyambiro yangu pamusoro penyu achamira zvirokwazvo.’

30 Zvanzi naJehovha: ‘Ndiri kuisa Faro Hofira mambo weIjipiti mumaoko avavengi vake vanotsvaka kumuuraya, sezvandakaita Zedhekia mambo weJudha mumaoko aNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, iye muvengi akanga achitsvaka kumuuraya.’ ”

Categories
Jeremia

Jeremia 45

Shoko kuna Bharuki

1 Izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Jeremia kuna Bharuki mwanakomana waNeria, mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, shure kwokunyora kwaBharuki rugwaro rwamashoko aJeremia aakanga achimudaidzira, achiti,

2 “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, kunewe Bharuki:

3 Iwe wakati, ‘Ndine nhamo! Jehovha apamhidzira kusuwa pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera uye ndashayiwa zororo.’ ”

4 Jehovha akati, “Uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichakoromora zvandakavaka uye ndichadzura zvandakasima panyika yose.

5 Iwe ungazvitsvakira zvinhu zvikuru here? Usazvitsvaka. Nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro pavanhu vose, ndizvo zvinotaura Jehovha, asi ndichaita kuti utize noupenyu hwako kwose kwaunoenda.’ ”

Categories
Jeremia

Jeremia 46

Shoko pamusoro peIjipiti

1 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Jeremia muprofita pamusoro pendudzi:

2 Pamusoro peIjipiti:

Iri ndiro shoko pamusoro pehondo yaFaro Neko mambo weIjipiti, yakakundwa paKarikemishi, paRwizi Yufuratesi naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha:

3 “Gadzirai nhoo dzenyu, dzose huru neduku,

mubude kundorwa!

4 Sungai mabhiza,

sungirirai zvigaro!

Mirai panzvimbo yenyu

makapfeka nguwani!

Rodzai mapfumo enyu,

pfekai nguo dzenyu dzokurwa!

5 Ndinooneiko?

Vavhundutswa,

vari kudzokera shure,

mhare dzavo dzakundwa.

Vari kutiza nokukurumidza

vasingacheuki,

uye pano kutya kumativi ose,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

6 Vanogona kumhanya havangatizi,

uye vakasimba havangapunyuki.

Nechokumusoro paRwizi Yufuratesi

vanogumburwa vagowa.

7 Ndianiko uyu anozara serwizi Nairi,

senzizi dzamapopopo emvura?

8 Ijipiti yazara seNairi,

senzizi dzamapopopo.

Inoti, “Ndichazara ndigofukidza nyika;

ndichaparadza maguta navanhu vawo.”

9 Virimai, imi mabhiza!

Chairai nehasha, imi vatasvi vengoro!

Fambirai mberi, imi mhare,

varume veEtiopia nePuti vanoitakura nhoo,

varume veRidhia vanowembura uta.

10 Asi zuva iro nderaShe, iye Jehovha Wamasimba Ose,

iro zuva rokutsiva, rokutsiva vavengi vake.

Munondo uchadya kusvikira waguta,

kusvikira wapodza nyota yawo neropa.

Nokuti Ishe, iye Jehovha Wamasimba Ose, achabayira chibayiro

kunyika yokumusoro paRwizi Yufuratesi.

11 “Kwidza kuGireadhi undotora bharimu,

iwe Mwanasikana Mhandara yeIjipiti.

Asi unongowanza mishonga pasina;

kuporeswa kwako hapana.

12 Ndudzi dzichanzwa nezvokunyadziswa kwako;

kuchema kwako kuchazadza nyika.

Mhare ichabondera pane imwe mhare;

vachawira pasi pamwe chete.”

13 Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha kuna Jeremia muprofita, pamusoro pokuuya kwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi kuzorwa neIjipiti achiti:

14 “Zivisai izvi muIjipiti, mugozviparidza paMigidhori;

zviparidzeiwo paNofi neTapanesi muchiti:

‘Torai nzvimbo yenyu uye muzvigadzirire,

nokuti munondo unodya vakakupoteredzai.’

15 Ko, mhare dzenyu dzingadzikisirwei?

Havangagoni kumira, nokuti Jehovha achavadzikisa pasi.

16 Vacharamba vachingogumburwa;

vachawa mumwe nomumwe pamusoro pomumwe.

Vachati, ‘Simukai, ngatidzokerei

kuvanhu vokwedu nokunyika yedu,

kure nomunondo womumanikidzi wedu.’

17 Ikoko vachadanidzira vachiti,

‘Faro mambo weIjipiti anongova ruzha chete;

akatadza kushandisa mukana wake.’

18 “Zvirokwazvo noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Mambo,

ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose,

“pano mumwe achauya akaita seTabhori pakati pamakomo,

seKarimeri pagungwa.

19 Rongedzai zvinhu zvenyu, nokuti muchaenda kuutapwa,

imi munogara muIjipiti,

nokuti Nofi richaitwa dongo,

uye richava dongo risina anogaramo.

20 “Ijipiti itsiru rakaisvonaka,

asi vuvo riri kuuya

kuzorwisa richibva kumusoro.

21 Varwi vanorwa kuti varipirwe mari chete vari mairi,

vakaita semhuru dzakakodzwa.

Naivowo vachatendeuka uye vachatiza pamwe chete,

havangamiri panzvimbo yavo,

nokuti zuva renjodzi riri kuuya pamusoro pavo,

nguva yokurangwa kwavo.

22 Ijipiti ichashinyira senyoka inotiza

pakuuya nechisimba kwomuvengi;

vachauya kuzorwa nayo namatemo,

savarume vanotema miti.

23 Vachatemera sango raro pasi,”

ndizvo zvinotaura Jehovha,

“kunyange risingapindiki zvaro.

Vakawanda kupfuura mhashu,

havaverengeki.

24 Mwanasikana weIjipiti achanyadziswa,

achaiswa mumaoko avanhu vokumusoro.”

25 Jehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, anoti, “Ndava pedyo nokuuyisa shamhu pamusoro paAmoni mwari weTebhesi, napamusoro paFaro, neIjipiti navamwari vayo namadzimambo ayo, napamusoro peavo vanovimba naFaro.

26 Ndichavaisa mumaoko eavo vanotsvaka kuvauraya, nokuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi namachinda ake. Shure kwaizvozvo, Ijipiti ichagarwa sepamazuva akare,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

27 “Usatya, iwe Jakobho muranda wangu;

usavhunduka, iwe Israeri.

Zvirokwazvo ndichakuponesa uri kunzvimbo iri kure,

nezvizvarwa zvako kubva kunyika youtapwa hwavo,

Jakobho achavazve norugare nokuchengetedzeka,

uye hakuna achamutyisa.

28 Usatya, iwe Jakobho muranda wangu,

nokuti ndinewe,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Kunyange ndikaparadza chose marudzi ose

andakakuparadzirai pakati pawo,

handizokuparadzei imi zvachose.

Ndichakurangai, asi chete nokururamisira;

handingakuregei musina kurangwa zvachose.”

Categories
Jeremia

Jeremia 47

Chirevo pamusoro pavaFiristia

1 Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Jeremia pamusoro pavaFiristia, Faro asati arwisa Gaza:

2 Zvanzi naJehovha:

“Onai kukwira kunoita mvura zhinji yokumusoro;

ivo vachava rwizi runofashukira nesimba.

Vachafukidza nyika nezvose zviri mairi,

maguta navose vanogaramo.

Vanhu vachachema;

vose vanogara munyika vachaungudza

3 pavachanzwa mutsindo wemahwanda emabhiza,

kutinhira kwengoro dzavavengi,

nokurira kwemavhiri adzo.

Madzibaba haangadzoki kuzobatsira vana vavo;

maoko avo acharembera seakaremara.

4 Nokuti zuva rasvika

rokuparadza vaFiristia vose,

uye nokuuraya vose vakasara

vaigona kubatsira Tire neSidhoni.

Jehovha ava pedyo nokuparadza vaFiristia,

vaya vakasara vanobva kumahombekombe eKafitori.

5 Gaza richaveura musoro waro mukuchema;

Ashikeroni richati mwiro.

Haiwa, imi vakasara vari pabani,

muchapedza nguva yakadiiko muchizvicheka?

6 “Muchachema muchiti, ‘Maiwe, munondo waJehovha,

uchapedza nguva yakadiiko usati wazorora?

Dzokera mumuhara wako;

mira, unyarare.’

7 Asi ungazorora sei,

Jehovha akaurayira,

sezvo akaurayira

kuti urwise Ashikeroni namahombekombe?”

Categories
Jeremia

Jeremia 48

Chirevo pamusoro peMoabhu

1 Pamusoro peMoabhu:

Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: “Ine nhamo Nebho, nokuti ichaparadzwa.

Kiriataimi ichanyadziswa uye ichakundwa;

nhare dzichanyadziswa uye dzichaparadzwa.

2 Moabhu haichazorumbidzwizve;

muHeshibhoni varume vacharangana nezvokuwa kwaro, vachiti: ‘Uyai, tiparadze rudzi urwo.’

Newewo, iwe Madhimeni uchati mwiro;

munondo uchakutevera.

3 Inzwai kuchema kunobva kuHoronaimi,

kuchema kwokukoromorwa nokuparadzwa kukuru.

4 Moabhu ichaputswa;

vana vadiki varo vacharidza mhere.

5 Vachakwira nomukwidza weRuhiti,

vachichema zvikuru pakuenda kwavo;

pamateru enzira yokuHoronaimi

kuchema kwokurwadziwa pamusoro pokuparadza kunonzwika.

6 Tizai! Mhanyai muponese upenyu hwenyu;

mufanane negwenzi riri mugwenga.

7 Sezvo muchivimba namabasa uye nepfuma yenyu,

nemiwo muchatapwa,

uye Kemoshi ichaenda kuutapwa,

pamwe chete navaprista namachinda ayo.

8 Muparadzi acharwa namaguta ose ose,

uye hapana guta richapunyuka.

Mupata uchaparadzwa,

uye mutunhu wakakwirira uchaparadzwa

nokuti Jehovha azvitaura.

9 Isai munyu pamusoro peMoabhu,

nokuti ichaparadzwa;

maguta ayo achava matongo,

asina achazogaramo.

10 “Ngaatukwe uyo anobata basa raJehovha asina hanya!

Ngaatukwe uyo anodzora munondo wake pakuteura ropa!

11 “Moabhu anga ane zororo kubvira pauduku hwake,

sewaini yasarira mumasese,

isina kudirwa kubva muno mumwe mudziyo ichiiswa muno mumwe,

haana kuenda kuutapwa.

Saka anongotapira sezvaakanga ari,

uye kunhuhwira kwake hakuna kushanduka.

12 Asi mazuva anouya,”

ndizvo zvinotaura Jehovha,

“andichatuma varume vanodurura zvinobva mumudziyo,

uye vachadururira pasi;

vachasiya midziyo isina chinhu

uye vagoputsa midziyo yake.

13 Ipapo Moabhu achanyadziswa neKemoshi,

sokunyadziswa kwakaitwa imba yaIsraeri

pavakavimba neBheteri.

14 “Ungataura sei, uchiti, ‘Tiri mhare,

varume vakatsunga muhondo’?

15 Moabhu ichaparadzwa, uye maguta ayo acharwiswa;

majaya ake akaisvonaka achaburukira kundourayiwa,”

ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose.

16 “Kuwa kweMoabhu kwava pedyo;

njodzi yayo ichasvika nokukurumidza.

17 Ichemei, imi mose mugere makaipoteredza,

vose vanoziva mukurumbira wayo;

muti, ‘Yavhunika seiko tsvimbo yakasimba,

wavhunika seiko mudonzvo wakaisvonaka!’

18 “Burukai pakukudzwa kwenyu

mugare pavhu rakaoma,

imi vagari voMwanasikana weDhibhoni,

nokuti iye anoparadza Moabhu

achauya kuzokurwisai,

uye agoparadza maguta enyu akakomberedzwa.

19 Mirai panzira mutarire,

imi vagari vemuAroeri.

Bvunzai murume ari kutiza nomukadzi apunyuka,

muvabvunze kuti, ‘Chii chaitika?’

20 Moabhu yanyadziswa, nokuti yaparadzwa.

Ungudzai uye muridze mhere!

Zvizivisei paArinoni

kuti Moabhu yaparadzwa.

21 Kutonga kwasvika kumutunhu wakakwirira,

kuHoroni, Jahaza neMefaati,

22 kuDhibhoni, Nebho neBheti Dhibhirataimu,

23 kuKiriataimu, neBheti Gamuri neBheti Meoni,

24 kuKerioti neBhozira,

nokumaguta ose eMoabhu ari kure neari pedyo.

25 Runyanga rweMoabhu rwagurwa;

ruoko rwake rwavhunika,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

26 “Itai kuti adhakwe,

nokuti iye azvidza Jehovha.

Regai Moabhu aumburuke mumarutsi ake;

ngaave chinhu chinosekwa.

27 Ko, Israeri haana kuva chinhu chinosekwa nemi here?

Ko, akabatwa ari pakati pembavha here,

zvamunodzungudza musoro wenyu

muchimushora pose pamunotaura nezvake?

28 Siyai maguta enyu mundogara pakati pamatombo,

imi mugere muMoabhu.

Itai senjiva inovaka dendere rayo

pamuromo webako.

29 “Takanzwa nezvokuzvikudza kweMoabhu,

manyawi nokudada kwavo kukuru

uye kuzvikudza kwakanyanya,

kuzvikudza kwavo nokuzvitutumadza namanyawi emwoyo wayo.

30 Ndinoziva kusindimara kwayo asi hakuna maturo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha,

“uye kuzvikudza kwake kuzhinji hakuna zvakunoreva.

31 Naizvozvo ndinoungudza pamusoro peMoabhu,

nokuda kweMoabhu yose ndinodanidzira,

ndinochema varume veKiri Hareseti.

32 Ndinokuchema sokuchema kunoita Jazeri,

haiwa imi mazambiringa eGibhima.

Matavi enyu akatandavara kundosvika kugungwa;

akandosvika kugungwa reJazeri.

Muparadzi awira pamichero yako

yaibva namazambiringa.

33 Mufaro nokufarisisa zvaenda,

zvabva muminda yemichero nomuminda yeMoabhu.

Ndagumisa kuyerera kwewaini inobva pazvisviniro;

hakuna achazvitsika achidanidzira nomufaro.

Kunyange pano kudanidzira,

hakusi kudanidzira kwomufaro.

34 “Inzwi rokuchema kwavo rinokwira

richibva kuHeshibhoni kusvikira kuErieri neJahazi,

kubva kuZoari kusvikira kuHoronaimi neEgirati Sherishiya,

nokuti kunyange nemvura dzeNimirimi dzapwa.

35 Ndichaisa magumo muMoabhu,

kuna avo vanopa zvipiriso panzvimbo dzakakwirira,

uye vanopisira zvinonhuhwira kuna vamwari vavo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

36 “Saka mwoyo wangu unorira senyere pamusoro peMoabhu;

unorira senyere pamusoro pavarume veKiri Hareseti.

Pfuma yavakawana yapera.

37 Musoro mumwe nomumwe wakaveurwa,

uye ndebvu dzose dzakagurirwa;

ruoko rumwe norumwe rwakagurwa,

uye zviuno zvose zvakafukidzwa namasaga.

38 Pamusoro pamatenga ose eMoabhu

napazvivara

hakuna chiriko kunze kwokuchema,

nokuti ndaputsa Moabhu

sedende risina anorida,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

39 “Akoromorwa sei! Vaungudza sei!

Hoyo Moabhu afuratira nokuda kwokunyadziswa!

Moabhu yava chinhu chinosekwa,

chinhu chinonyangadza kuna vose vakaipoteredza.”

40 Zvanzi naJehovha:

“Tarirai achabhururuka segondo,

rakatambanudzira mapapiro aro pamusoro peMoabhu.

41 Kerioti ichatapwa

uye nhare dzichatorwa.

Pazuva iro mwoyo yemhare dzeMoabhu

ichafanana nomwoyo womukadzi ari kurwadziwa.

42 Moabhu ichaparadzwa serudzi

nokuti yakazvidza Jehovha.

43 Kutya negomba nomusungo zvakakumirirai,

imi vanhu veMoabhu,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

44 “Ani naani achatiza njodzi

iyi achawira mugomba,

ani naani achakwira achibuda mugomba,

achabatwa mumusungo;

nokuti ndichauyisa pamusoro peMoabhu

gore rokurangwa kwake,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

45 “Mumumvuri weHeshibhoni

vatizi vanomirapo vasina simba,

nokuti moto wabuda uchibva kuHeshibhoni,

murazvo pakati peSihoni;

unopisa huma dzaMoabhu,

misoro yavanozvikudza vemheremhere.

46 Une nhamo, iwe Moabhu!

Vanhu veKemoshi vaparara;

vanakomana vako vakaendeswa kuutapwa

navanasikana vako muutapwa.

47 “Kunyange zvakadaro ndichadzosazve pfuma yeMoabhu

pamazuva anouya,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Pano ndipo panogumira kutongwa kweMoabhu.

Categories
Jeremia

Jeremia 49

Chirevo pamusoro paAmoni

1 Pamusoro paAmoni:

Zvanzi naJehovha:

“Ko, Israeri haana mwanakomana here?

Haana vadyi venhaka here?

Ko, zvino Moreki atorerei nhaka yaGadhi?

Nemhaka yeiko vanhu vake vachigara mumaguta ayo?

2 Asi mazuva anouya,”

ndizvo zvinotaura Jehovha,

“andicharidza mhere yehondo

pamusoro peRabha ravaAmoni;

richaitwa murwi wamatongo,

uye misha yakaripoteredza ichapiswa nomoto.

Ipapo Israeri achadzinga

vaya vakanga vamudzinga,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

3 “Ungudza, iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa!

Ridzai mhere, imi vanogara muRabha!

Pfekai masaga mucheme,

mhanyai pano nekoko pakati porusvingo,

nokuti Moreki achaenda kuutapwa,

pamwe chete navaprista vake namachinda ake.

4 Unozvikudzireiko nemipata yako,

kuzvikudza nemipata inobereka kwazvo?

Haiwa mwanasikana wokusatendeka,

unovimba nepfuma yako uchiti,

‘Ndiani acharwa neni?’

5 Ndichauyisa kutya pamusoro pako

kunobva kuna avo vakakupoteredza,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

“Mumwe nomumwe wenyu achadzingirwa kure,

uye hakuna achaunganidza vatizi.

6 “Asi shure kwaizvozvo, ndichadzosazve pfuma yavaAmoni,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Chirevo pamusoro peEdhomu

7 Pamusoro peEdhomu:

Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:

“Ko, muTemani hamuchina uchenjeri here?

Mano atsakatika here kuna vakangwara?

Ko, uchenjeri hwavo hwaora here?

8 Dzokai uye mutize, muwande mumapako akadzika,

imi munogara muDhedhani,

nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro paEsau,

panguva yandinomuranga.

9 Kana vanononga mazambiringa vakasvika kwauri,

havangasiyi mazambiringa mashoma here?

Kana mbavha dzikasvika usiku,

havangabi zvavanoda chete here?

10 Asi ndichafukura Esau;

ndichazarura nzvimbo dzake dzokuvanda,

kuitira kuti akundikane kuzvivanza.

Vana vake, nehama dzake navavakidzani vake vachafa,

uye iye haachazovapozve.

11 Siya nherera dzako; ini ndicharwira upenyu hwavo.

Chirikadzi dzakowo dzichagona kuvimba neni.”

12 Zvanzi naJehovha: “Kana avo vakanga vasingafaniri kunwa pamukombe vakodzera kuunwa, iwe ucharegereiko kurangwa? Haungaregi kurangwa, asi unofanira kunwa pamukombe wacho.

13 Ndinopika neni ndimene,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuti Bhozira richava dongo nechinhu chinonyangadza, nechinhu chinotyisa, chinozvidzwa nechinotukwa; uye maguta aro ose achava matongo nokusingaperi.”

14 Ndakanzwa shoko rakabva kuna Jehovha, richiti:

Nhume yakatumwa kundudzi kunoti,

“Unganai kuti murwe naro!

Simukai murwe!”

15 “Zvino ndichakuita muduku pakati pendudzi,

anozvidzwa pakati pavanhu.

16 Kutyisa kwaunoita,

nokuzvikudza kwomwoyo wako zvakunyengera,

iwe unogara mumikaha yematombo,

ugere panzvimbo dzakakwirira dzechikomo.

Kunyange ukavaka dendere rako pakakwirira segondo,

ndichakukoromora kubva ipapo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

17 “Edhomu richava chinhu chinotyisa,

vose vachapfuura napo vachashamiswa,

uye vachaseka nokuda kwamavanga aro ose.

18 Sokuparadzwa kwakaitwa Sodhomu neGomora,

pamwe chete namaguta akanga akavakidzana nawo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha,

“saka hakuna munhu achazogarako;

hakuna munhu achagara mariri.

19 “Seshumba inobuda mumatenhere eJorodhani

ichienda kumafuro akapfuma,

ndichadzinga Edhomu kubva munyika yake pakarepo.

Ndianiko akasarudzwa wandichagadza kuti aite izvi?

Ndiani akafanana neni uye ndiani angakwikwidzane neni?

Uye ndoupi mufudzi angamisidzana neni?”

20 Naizvozvo, inzwai zvakarongwa naJehovha pamusoro peEdhomu,

zvaakafunga pamusoro peavo vagere muTemani:

Achakwekweredza vaduku vemapoka;

achaparadza chose mafuro avo nokuda kwavo.

21 Nyika ichadedera nokuda kwomubvumo wokuwa kwavo;

kuchema kwavo kuchanzwikwawo kusvikira kuGungwa Dzvuku.

22 Tarirai gondo richabhururuka ndokudzika nesimba,

rakatambanudza mapapiro aro pamusoro peBhozira.

Pazuva iro mwoyo yemhare dzeEdhomu

ichafanana nomwoyo womukadzi orwadziwa.

Chirevo pamusoro peDhamasiko

23 Pamusoro peDhamasiko:

“Hamati neAripadhi avhundutswa,

nokuti agamuchira mashoko akaipa.

Aora mwoyo,

atambudzika segungwa risina zororo.

24 Dhamasiko harichina simba,

rakatendeuka kuti ritize,

kuvhunduka kukaribata;

kugomera nokurwadziwa zvakaribata,

kurwadziwa sekwomukadzi osununguka.

25 Guta remukurumbira harina kusiyiwa seiko,

iro guta randinofarira?

26 Zvirokwazvo majaya aro achawa mumigwagwa;

varwi varo vose vachati mwiro pazuva iroro,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

27 “Ndichatungidza moto kumasvingo eDhamasiko;

uchaparadza nhare dzose dzaBheni-Hadhadhi.”

Chirevo pamusoro peKedhari neHazori

28 Pamusoro peKedhari noumambo hweHazori, hwakarwiswa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi:

Zvanzi naJehovha:

“Simukai, murwise Kedhari

uye muparadze vanhu vokuMabvazuva.

29 Matende avo namapoka avo amakwai achatorwa;

matumba avo achatorwa achiendwa nawo,

nemidziyo yavo yose nengamera.

Vanhu vachadanidzira kwavari vachiti,

‘Zvinhu zviri kutyisa kumativi ose!’

30 “Tizirai kure nokukurumidza!

Garai mumapako akadzika, imi vagari vomuHazari,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi aita zvakaipa pamusoro penyu;

aronga zano pamusoro penyu.

31 “Simukai mundorwisa rudzi rwakazvigarira zvarwo,

rugere zvarwo rusina hanya,”

ndizvo zvinotaura Jehovha,

“irwo rudzi rusina masuo kana mazariro;

vanhu varwo vanogara voga zvavo.

32 Ngamera dzavo dzichapambwa,

uye mombe dzavo dzakawanda dzichapambwa.

Ndichaparadzira kumhepo avo vari kunyika dzokure,

uye ndichauyisa njodzi pamusoro pavo kubva kumativi ose,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

33 “Hazori richava ugaro hwamakava,

dongo nokusingaperi.

Hapana achagarako;

hakuna munhu achagara mariri.”

Chirevo pamusoro peEramu

34 Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia muprofita pamusoro peEramu, pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mambo weJudha, richiti:

35 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:

“Tarirai, ndichavhuna uta hweEramu,

iwo musimboti wesimba ravo.

36 Ndichauyisa pamusoro paEramu mhepo ina,

kubva kumativi mana ematenga;

ndichavaparadzira kumhepo ina

uye hakungavi norudzi rumwe

kusingaendwi navavakidzani veEramu.

37 Ndichapwanya Eramu pamberi pavavengi vavo,

pamberi paivo vanotsvaka kuvauraya;

ndichauyisa njodzi pamusoro pavo,

iko kutsamwa kwangu kunotyisa,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ndichavatevera nomunondo

kusvikira ndavapedza.

38 Ndichaisa chigaro changu choushe muEramu

uye ndichaparadza mambo wayo namachinda ayo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

39 “Asi ndichadzosa nhaka yeEramu

mumazuva okupedzisira,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Categories
Jeremia

Jeremia 50

Chirevo pamusoro peBhabhironi

1 Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha kubudikidza nomuprofita Jeremia pamusoro peBhabhironi nenyika yavaBhabhironi:

2 “Zivisai, uye paridzai pakati pendudzi,

simudzai mureza uye paridzai;

musasiya kana chinhu, asi muti,

‘Bhabhironi richakundwa;

Bheri richanyadziswa,

Merodhaki richazara nokutya.

Zvifananidzo zvaro zvichanyadziswa

uye zvifananidzo zvaro zvichazara nokutya.’

3 Rudzi runobva kumusoro rucharirwisa,

uye ruchaparadza nyika yaro.

Hakuna munhu achagaramo;

zvose vanhu nezvipfuwo zvichatizira kure.

4 “Mumazuva iwayo, nenguva iyoyo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha,

“vanhu veIsraeri navanhu veJudha pamwe chete

vachaenda kundotsvaka Jehovha Mwari wavo vachichema.

5 Vachabvunza nzira inoenda kuZioni,

vagotendeutsira zviso zvavo kwairi.

Vachauya vagozvisunga kuna Jehovha,

nesungano isingaperi isingakanganwiki.

6 “Vanhu vangu vanga vari makwai akarasika;

vafudzi vavo vakavatsausa,

uye vakavaita kuti vadzungaire pamusoro pamakomo.

Vakadzungaira pamusoro pamakomo nezvikomo,

ndokukanganwa nzvimbo yavo yokuzorora.

7 Ani naani akavawana akavadya;

vavengi vavo vakati, ‘Isu hatina mhosva,

nokuti vakatadzira Jehovha, iye mafuro avo echokwadi,

iye Jehovha, tariro yamadzibaba avo.’

8 “Tizai mubude muBhabhironi;

siyai nyika yavaBhabhironi,

mugoita sembudzi inotungamirira makwai.

9 Nokuti ndichamutsa Bhabhironi

uye ndichaisa pamusoro paro ndudzi huru dzakabatana dzinobva kumusoro.

Vachazvigadzirira kurwa naro,

uye richakundwa kubva nechokumusoro.

Miseve yavo ichava semhare pakurwa,

dzisingadzoki dzisina chadzakabata.

10 Naizvozvo Bhabhironi richapambwa;

vose vanoripamba vachawana mugove wavo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

11 “Nokuda kwokuti munofara nokufarisisa,

iyemi munopamba nhaka yangu,

nokuti munokwakuka setsiru rinopura zviyo,

muchirira samabhiza,

12 mai venyu vachanyadziswa kwazvo;

ivo vakakuberekai vachanyadziswa.

Vachava mudiki pandudzi, renje,

nenyika yakaoma, uye gwenga.

13 Nokuda kwokutsamwa kwaJehovha hamungagarwi,

asi richava dongo chose.

Vose vanopfuura pedyo neBhabhironi vachatyiswa,

uye vacharidza muridzo nokuda kwamavanga ake ose.

14 “Mirai panzvimbo dzenyu makakomba Bhabhironi,

imi mose munowembura uta.

Ripfurei! Musasiye kana museve nokuti rakatadzira Jehovha.

15 Pururudzai pamusoro pake kumativi ose!

Rakanda mapfumo pasi, shongwe dzaro dzawa,

masvingo aro akoromoka.

Sezvo kuri kutsiva kwaJehovha,

tsivai pariri; riitirei sezvarakaitira vamwe.

16 Bvisai mudyari muBhabhironi,

nomucheki nejeko rake pakukohwa.

Nokuda kwomunondo womumanikidzi

mumwe nomumwe ngaadzokere kuvanhu vake,

mumwe nomumwe ngaatizire kunyika yake.

17 “Israeri makwai akapararira

akadzingirwa kure neshumba.

Akatanga kumudya

akanga ari mambo weAsiria;

akapedzisira kupwanya mapfupa ake

ndiNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.”

18 Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri:

“Ndicharanga mambo weBhabhironi nenyika yake,

sokuranga kwandakaita mambo weAsiria.

19 Asi ndichadzosera Israeri kumafuro ake,

uye achafura paKarimeri nepaBhashani;

achadya akaguta

pazvikomo zveEfuremu neGireadhi.

20 Mumazuva iwayo, panguva iyoyo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha,

“mhaka yaIsraeri ichatsvakwa,

asi pachange pasina mhosva,

uye zvivi zveJudha zvichatsvakwa,

asi hapana chichawanikwa,

nokuti ndichakanganwira vakasara vandakasiya.

21 “Rwisai nyika yeMarataimi

neavo vagere muPekodhi.

Dzingirirai, urayai uye muvaparadze zvachose,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Muite zvose zvandakurayirai.

22 Mheremhere yehondo iri munyika,

mheremhere yokuparadza kukuru!

23 Yavhunika nokupwanyika

seiko nyundo yenyika yose!

Bhabhironi rava dongo

seiko pakati pendudzi!

24 Ndakakuisira musungo, iwe Bhabhironi,

uye wakabatwa usati wazviziva;

wakawanikwa ukapambwa

nokuti wakapikisana naJehovha,

25 Jehovha akazarura dura rezvombo

ndokubudisa zvombo zvehasha dzake,

nokuti Ishe Jehovha Wamasimba Ose

ane basa rokuita munyika yavaBhabhironi.

26 Uyai murwe naro muchibva kure.

Zarurai matura aro; muriunganidze semirwi yezviyo.

Riparadzei zvachose, parege kuva navanosara.

27 Muuraye hondo diki dzaro dzose;

ngadziendeswe kundobayiwa! Vane nhamo!

Nokuti zuva ravo rasvika,

nguva yokurangwa kwavo.

28 Inzwai vanotiza navapoteri vanobva kuBhabhironi,

vanoparidza muZioni

kuti Jehovha Mwari wedu akatsiva sei,

kutsivira temberi yake.

29 “Kokerai vapfuri vemiseve varwe neBhabhironi,

vose vanowembura uta.

Rikombei rose;

ngakurege kuva nounopukunyuka.

Riripirei nokuda kwamabasa avo;

riitireiwo sezvarakaita.

Nokuti vakamhura Jehovha,

Iye Mutsvene weIsraeri.

30 Naizvozvo majaya aro achawira mumigwagwa;

varwi varo vose vachanyarara kuti mwiro pazuva iro,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

31 “Tarira, ndinorwa newe, iwe wokuzvikudza,”

ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose,

“nokuti zuva rako rasvika,

nguva yokurangwa kwako.

32 Anozvikudza achagumburwa agowa,

uye hapana achamusimudza;

ndichatungidza moto mumaguta ake

uchapisa vose vakamupoteredza.”

33 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:

“Vanhu veIsraeri vakamanikidzwa,

navanhu veJudha vakamanikidzwawo,

vapambi vavo vose vakavabata, zvakasimba,

vanoramba kuvaregedza kuti vaende.

34 Asi mudzikinuri wavo ane simba;

Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.

Achavareverera nhaka yavo

nesimba kuti azorodze nyika yavo,

asi achashayisa zororo kuna avo vanogara muBhabhironi.

35 “Munondo pamusoro pavaBhabhironi!”

ndizvo zvinotaura Jehovha,

“pamusoro peavo vagere muBhabhironi,

napamusoro pamachinda aro navakachenjera varo!

36 Munondo pamusoro pavaprofita

varo venhema! Vachava mapenzi.

Munondo pamusoro pemhare dzaro!

Vachazadzwa nokutya.

37 Munondo pamusoro pamabhiza nengoro dzaro,

napamusoro pavatorwa vose vari pazvigaro zvaro!

Vachava vakadzi.

Munondo pamusoro pepfuma yaro!

Ichapambwa.

38 Mvura yaro zhinji ngaipwe!

Ichaoma.

Nokuti inyika yezvifananidzo,

zvifananidzo zvichapenga nokutya.

39 “Saka mhuka dzomugwenga namapere zvichagarako,

uye zizi richagara imomo.

Haichazogarwizve,

uye hapana achagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.

40 Sokukoromorwa kwakaitwa Sodhomu neGomora naMwari

pamwe chete namaguta akavakidzana nawo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha,

“saizvozvo hakuna achagarako;

hakuna munhu achagara mairi.

41 “Tarirai! Hondo inobva nechokumusoro;

rudzi rukuru namadzimambo mazhinji

ari kumutswa kubva kumagumo enyika.

42 Vakapakata uta namapfumo;

vano utsinye uye havana tsitsi.

Vanotinhira segungwa

vakatasva mabhiza avo;

vanouya vakaita savarume vakagadzirira kurwa,

kuti vakurwise, iwe Mwanasikana weBhabhironi.

43 Mambo weBhabhironi akanzwa guhu pamusoro pavo,

maoko ake akapera simba.

Kutya kwakamubata,

kurwadziwa sekwomukadzi wosununguka.

44 Seshumba inouya ichibva mudondo reJorodhani

ichienda kumafuro akapfuma,

ndichadzinga Bhabhironi kubva munyika yayo pakarepo.

Ndianiko akatsaurwa wandichagadza pane izvi?

Ndiani akaita seni uye ndiani achamisidzana neni?

Uye ndoupi mufudzi angandidzivisa?”

45 Naizvozvo, inzwai zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi,

zvaakaronga pamusoro penyika yavaBhabhironi:

Makwayana emapoka avo achakwekweredzerwa kure;

achaparadza mafuro awo zvachose nokuda kwavo.

46 Pachanzwikwa kutinhira kwokukundwa kweBhabhironi, nyika ichadedera;

kuchema kwayo kuchanzwikwa pakati pamarudzi.