Categories
Jeremia

Jeremia 51

1 Zvanzi naJehovha:

“Tarirai, ndichamutsa mwoyo womuparadzi

pamusoro peBhabhironi navanhu veRebhi Kamai.

2 Ndichatumira vatorwa kuBhabhironi

kundorirurudza nokuparadza nyika yaro;

vacharirwisa kumativi ose, pazuva rokuparara kwaro.

3 Musarega mupfuri achiwembura uta hwake,

kana kumurega achipfeka nhumbi dzake dzokurwa.

Regai kunzwira majaya aro tsitsi;

paradzai hondo yaro zvachose.

4 Vachawira pasi vaurayiwa muBhabhironi,

vachakuvadzwa mumigwagwa zvokuti havazorarami.

5 Nokuti Israeri neJudha havana kuraswa

naMwari wavo, iye Jehovha Wamasimba Ose,

kunyange nyika yavo yakazara nemhaka

pamberi poMutsvene waIsraeri.

6 “Tizai mubve muBhabhironi!

Mhanyai muponese upenyu hwenyu!

Regai kuparadzwa nokuda kwezvivi zvaro.

Inguva yokutsiva kwaJehovha;

iye achariripira zvarinokodzera.

7 Bhabhironi rakanga riri mukombe wegoridhe muruoko rwaJehovha;

rakadhakisa nyika yose.

Ndudzi dzakanwa waini yaro;

naizvozvo dzava kupenga.

8 Bhabhironi richawa pakarepo rigoondomoka.

Ungudzai pamusoro paro!

Torai muti webharisamu murape kurwadziwa kwaro;

zvimwe ringaporeswa.

9 “ ‘Taida kuporesa Bhabhironi,

asi haringaporeswi;

ngatirisiyei mumwe nomumwe aende kunyika yake,

nokuti kutongwa kwaro kunosvika kumatenga,

kunokwira kusvikira kumakore.’

10 “ ‘Jehovha akati hatina mhosva;

uyai, tiparidze muZioni

zvakaitwa naJehovha Mwari wedu.’

11 “Rodzai miseve,

torai nhoo!

Jehovha akamutsa madzimambo avaMedhia,

nokuti akaronga kuparadza Bhabhironi.

Jehovha achatsiva,

kutsivira temberi yake.

12 Simudzai mureza pamusoro pamasvingo eBhabhironi!

Simbisai varindi,

isai nharirire panzvimbo dzavo,

gadzirirai vanovandira.

Jehovha achaita zvaakaronga,

zvaakatema pamusoro pavanhu veBhabhironi.

13 Imi mugere pedyo nemvura zhinji

uye makapfuma kwazvo,

magumo enyu asvika,

nguva yokuti muparadzwe.

14 Jehovha Wamasimba Ose akapika naiye amene achiti:

Zvirokwazvo ndichakuzadza navarume, sezvinoitwa nechimokoto chemhashu,

uye vachapembera nokuti vanenge vakukundai.

15 “Akaita nyika nesimba rake;

akateya nheyo dzenyika nouchenjeri hwake,

akatatamura matenga nokunzwisisa kwake.

16 Paanotinhira, mvura yomumatenga inotinhira;

anokwidza makore kubva kumigumo yenyika.

Anotuma mheni pamwe chete nemvura,

uye anouyisa mhepo kubva mumatura ake.

17 “Munhu mumwe nomumwe haana pfungwa uye haana zivo;

mupfuri mumwe nomumwe wesimbi anonyadziswa nezvifananidzo zvake.

Zvifananidzo zvake ndezvenhema;

hazvina mweya mazviri.

18 Hazvina maturo, zvinhu zvinosekwa;

kana kutongwa kwazvo kwasvika, zvichaparadzwa.

19 Iye Mugove waJakobho haana kufanana naizvozvi,

nokuti ndiye Muiti wezvinhu zvose,

pamwe chete norudzi rwenhaka yake,

Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.

20 “Ndiwe tsvimbo yangu yehondo,

chombo changu chokurwa,

newe ndinoparadza ndudzi,

newe ndinoparadza umambo,

21 newe ndinoparadza bhiza nomutasvi,

newe ndinoparadza ngoro nomuchairi,

22 newe ndinoparadza murume nomukadzi,

newe ndinoparadza mutana nejaya,

newe ndinoparadza jaya nomurandakadzi,

23 newe ndinoparadza mufudzi neboka,

newe ndinoparadza murimi nenzombe,

newe ndinoparadza vatongi namachinda.

24 “Ndicharipira Bhabhironi navose vagere muBhabhironi pamberi pako, nokuda kwezvakaipa zvavakaita muZioni,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

25 “Ndine mhosva newe, iwe gomo rinoparadza,

iwe unoparadza nyika yose,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuti ndikurwise,

ndigokukungurusira kumawere,

ndigokuita gomo rakatsva.

26 Hapana dombo richabviswa kwauri kuti riitwe dombo rekona,

kana dombo remhepo,

nokuti uchaparadzwa nokusingaperi,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

27 “Simudzai mureza munyika!

Ridzai hwamanda pakati pendudzi!

Gadzirirai ndudzi kuti dzizorwa naye;

kokai ushe uhu kuzorwa naye:

Ararati, Mini neAshikenazi.

Gadzai mukuru wehondo kuti arwe naye;

tumirai mabhiza akaita sechimokoto chemhashu.

28 Gadzirirai ndudzi kuti dzizorwa naye,

madzimambo avaMedhia,

vabati vavo namachinda avo ose,

nenyika dzose dzavanotonga.

29 Nyika inodedera uye yomonyoroka,

nokuti zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi hazvingatongokoni,

zvokuparadza nyika yeBhabhironi

kuti pasava nomunhu achagaramo.

30 Mhare dzeBhabhironi dzarega kurwa;

vakarambira munhare dzavo.

Simba ravo rapera;

vaita savakadzi.

Ugaro hwake hwakapiswa nomoto;

mazariro amasuo ake avhunika.

31 Anotumwa namagwaro achatevera mumwe,

uye nhume ichatevera nhume,

kundozivisa mambo weBhabhironi

kuti guta rake rose rapambwa,

32 mazambuko abatwa,

mapani apiswa nomoto,

uye varwi vavhundutswa.”

33 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri:

“Mwanasikana weBhabhironi afanana neburiro

panguva yokupura;

nguva yokumukohwa ichasvika zvino zvino.”

34 “Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akatidya,

akatinyonganisa,

akatiita chirongo chisina chinhu.

Akatimedza senyoka,

uye akazadza dumbu rake nezvinonaka zvedu,

mushure maizvozvo akatisvipa.

35 Zvechisimba zvakaitwa panyama yedu ngazvive pamusoro peBhabhironi,”

ndizvo zvinotaura vanhu vomuZioni.

Jerusarema rinoti:

“Ropa redu ngarive pamusoro peavo vanogara muBhabhironi.”

36 Naizvozvo, zvanzi naJehovha:

“Tarirai, ndichakurevererai mhaka yenyu

uye ndichakutsivirai;

ndichapwisa gungwa raro,

ndichapwisa matsime aro.

37 Bhabhironi richava murwi wamatombo,

ugaro hwamakava,

chinhu chinotyisa nechinosekesa,

nzvimbo isina anogaramo.

38 Vanhu vake vose vanoomba seshumba diki,

vanobhonʼa sembwanana dzeshumba.

39 Asi kana vamutswa,

ndichavagadzirira mutambo

ndigovadhakisa,

kuitira kuti varidze mhere yokuseka,

vagovata nokusingaperi uye varege kumuka,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

40 “Ndichavaburutsa pasi

semakwayana ari kundourayiwa,

semakondobwe nembudzi.

41 “Haiwa, Sheshaki richakundwa sei,

kuzvirumbidza kwenyika yose kwabatwa!

Bhabhironi rava dongo sei

pakati pendudzi!

42 Gungwa richakwira pamusoro peBhabhironi;

mafungu aro anovirima acharifukidza.

43 Maguta aro achaparadzwa,

achava nyika yakaoma negwenga,

nyika isingagarwi nomunhu,

isina angapfuura nemairi.

44 Ndicharanga Bheri muBhabhironi

ndigomuita kuti asvipe zvaamedza.

Ndudzi hadzichazomhanyiri kwaari.

Uye rusvingo rweBhabhironi ruchawa.

45 “Budai mariri, imi vanhu vangu!

Tizai kuti muponese upenyu hwenyu!

Tizai mubve pakutsamwa kunotyisa kwaJehovha.

46 Regai kuora mwoyo kana kutya

panotekeshera, runyerekupe munyika;

rumwe runyerekupe runonzwika gore rino, rumwe gore rinouya,

runyerekupe rwokurwisana munyika

uye rwomutongi achirwa nomumwe mutongi.

47 Nokuti zvirokwazvo nguva ichasvika

yandichatonga zvifananidzo zveBhabhironi;

nyika yaro yose ichanyadziswa,

uye vakaurayiwa varo vachawira pasi vose mukati maro.

48 Ipapo denga nenyika nezvose zviri mazviri

zvichapembera nomufaro pamusoro peBhabhironi,

nokuti vachabva nechokumusoro

vaparadzi vacharirwisa,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

49 “Bhabhironi rinofanira kuwa nokuda kwavakaurayiwa vaIsraeri,

sezvakaita vakaurayiwa venyika yose

vakawa nokuda kweBhabhironi.

50 Imi makapunyuka pamunondo,

endai uye musamira-mira!

Murangarire Jehovha munyika iri kure,

uye murangarire Jerusarema.”

51 “Takanyadziswa,

nokuti takatukwa

uye nyadzi dzinofukidza zviso zvedu,

nokuti vatorwa vakapinda

munzvimbo tsvene dzeimba yaJehovha.”

52 “Asi mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“andichatonga zvifananidzo zvaro,

uye munyika yake yose

vakakuvara vachagomera.

53 Kunyange dai Bhabhironi rikasvika kudenga,

uye rikasimbisa nhare yaro yakareba,

ndichatumira vaparadzi kuzorirwisa,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

54 “Inzwi rokuchema rinobva kuBhabhironi,

inzwi rokuparadza kukuru

rinobva kunyika yavaBhabhironi.

55 Jehovha achaparadza Bhabhironi;

achanyaradza ruzha rwokunyongana kwaro.

Mafungu avavengi achaomba semvura zhinji;

kutinhira kwamanzwi avo kuchanzwikwa.

56 Muparadzi achauya kuzorwisa Bhabhironi;

varwi varo vachabatwa,

uye uta hwavo huchavhunwa.

Nokuti Jehovha ndiMwari wokutsiva;

achatsiva zvizere.

57 Ndichaita kuti machinda ake navakachenjera vake vadhakwe,

vabati, namachinda uye navarwi vakewo;

vachavata nokusingaperi uye havangamuki,”

ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose.

58 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:

“Masvingo makobvu eBhabhironi achaparadzwa,

uye masuo aro akakwirira achapiswa;

vanhu vanongozvinetsa pasina,

mabasa endudzi ihuni dzomurazvo bedzi.”

59 Iri ndiro shoko rakapiwa naJeremia kumuchinda Seraya mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseya, paakaenda kuBhabhironi naZedhekia mambo weJudha mugore rechina rokutonga kwake.

60 Jeremia akanga anyora murugwaro pamusoro penjodzi dzose dzaizouya pamusoro peBhabhironi, zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro peBhabhironi.

61 Akati kuna Seraya, “Paunosvika kuBhabhironi, uone kuti waverenga mashoko ose aya uchidanidzirisa.

62 Ipapo uti, ‘Haiwa Jehovha, makati muchaparadza nzvimbo ino, zvokuti hakuna munhu kana zvipfuwo zvingagaramo; ichaparadzwa nokusingaperi.’

63 Paunopedza kuverenga rugwaro urwu, sungira ibwe parwuri ugorukanda muna Yufuratesi.

64 Ipapo uti, ‘Saizvozvo Bhabhironi richanyura rikasazomukazve nokuda kwenjodzi yandichauyisa pamusoro paro. Uye vanhu varo vachawa.’ ”

Mashoko aJeremia anogumira pano.

Categories
Jeremia

Jeremia 52

Kuwa kweJerusarema

1 Zedhekia akanga ana makore makumi maviri nerimwe paakatanga kuva mambo, uye akatonga muJerusarema kwemakore gumi nerimwe. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia; aibva kuRibhina.

2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakangoitwa naJehoyakimi.

3 Izvi zvakaitika kuJerusarema neJudha nokuda kwehasha dzaJehovha, uye pakupedzisira akavabvisa pamberi pake.

Zvino Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi.

4 Naizvozvo mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaZedhekia, pazuva regumi romwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika muJerusarema nehondo yake yose. Vakadzika misasa yavo kunze kweguta ndokuvaka nhare dzairipoteredza.

5 Guta rakaramba rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.

6 Pazuva rechipfumbamwe romwedzi wechina nzara yakanyanya muguta zvokuti makanga musisina chokudya chokuti vanhu vadye.

7 Ipapo rusvingo rweguta rwakapwanyiwa, hondo yose ikatiza. Vakabuda muguta usiku napasuo raiva pakati pamasvingo maviri pedyo nebindu ramambo, kunyange zvazvo vaBhabhironi vakanga vakakomberedza guta. Vakatiza vakananga kuArabha,

8 asi hondo yavaBhabhironi yakatevera Mambo Zedhekia vakamubata mumapani eJeriko. Varwi vake vose vakaparadzaniswa naye ndokupararira,

9 iye akabatwa.

Vakamutora vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutongerapo.

10 Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia paRibhira ipapo, iye achizviona; akaurayirwa machinda ose eJudha.

11 Ipapo akatumbura meso aZedhekia ndokumusunga namatare akamuendesa kuBhabhironi, uko kwaakamuisa mutorongo kusvikira pazuva rokufa kwake.

12 Pazuva regumi romwedzi wechishanu, mugore regumi namapfumbamwe raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi vamambo, uyo akashandira mambo weBhabhironi, akauya kuJerusarema.

13 Akapisa temberi yaJehovha, nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusarema. Dzimba dzose dzaikosha akadzipisa.

14 Hondo yose yavaBhabhironi yaiva pasi pemukuru wavarindi vamambo yakaputsira pasi masvingo ose aikomberedza Jerusarema.

15 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akaendesa kuutapwa vamwe vakanga vari varombo chaivo navaya vakasara muguta, pamwe chete noruzhinji rwemhizha navaya vakanga vazvipira kuna mambo weBhabhironi.

16 Asi Nebhuzaradhani akasiya ruzhinji rwavarombo chaivo venyika iyo kuti vashande muminda yemizambiringa uye nemimwewo minda.

17 VaBhabhironi vakaputsa mbiru dzendarira, nezvingoro zvinofamba neGungwa rendarira zvakanga zviri mutemberi yaJehovha vakatakura ndarira yose vakaenda nayo kuBhabhironi.

18 Vakatorawo hari, nefoshoro, nembato dzemwenje, nomukombe namadhishi nemidziyo yose yendarira yaishandiswa pabasa romutemberi.

19 Mukuru wavarindi vamambo akatakurawo mbiya, nezvaenga, nemikombe nehari, nezvigadziko zvemwenje, namadhishi nemikombe yaishandiswa pazvipiriso zvokunwa, zvose zvakanga zvakagadzirwa negoridhe yakanatswa kana sirivha.

20 Ndarira yaibva pambiru mbiri, neGungwa, nehando dzendarira gumi nembiri dzaiva pasi pacho, nezvingoro zvakanga zvaitirwa temberi yaJehovha namambo Soromoni, zvakanga zvisingagoni kuyerwa.

21 Mbiru imwe neimwe yakanga ina makubhiti gumi namaserepakureba uye makubhiti gumi namaviripakupoterera; paukobvu imwe neimwe yaisvika minwe mina uye yaiva nemhango.

22 Musoro wendarira waiva pane imwe mbiru wakanga wakareba makubhiti anosvika mashanuuye wakashongedzwa nezvakarukwa namatamba endarira zvaipoteredza. Imwe mbiru yakanga yakafanana nayo namatamba ayowo.

23 Pakanga pane matamba makumi mapfumbamwe namatanhatu kumativi; uwandu hwamatamba aiva pamusoro pezvakarukwa zvakanga zvakapoteredzwa hwaiva zana.

24 Mukuru wavarindi akatora vasungwa vaiti, Seraya muprista mukuru, naZefania muprista aimutevera pachigaro uye navarindi vokumukova vatatu.

25 Kuna avo vaiva muguta akatora muchinda mukuru wavarwi, uye vapi vamazano vanomwe. Akatorawo munyori uyo akanga ari mubati mukuru aiva nebasa rokunyora mazita avanhu venyika uye navamwe varume makumi matanhatu vakawanikwa muguta.

26 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora vose akavauyisa kuna mambo weBhabhironi paRibhira.

27 Ipapo paRibhira, munyika yeHamati, mambo akaita kuti vaurayiwe.

Saka vaJudha vakaenda kuutapwa, kure nenyika yavo.

28 Uhu ndihwo uwandu hwavanhu vakatorwa naNebhukadhinezari achienda navo kuutapwa:

mugore rechinomwe,

zviuru zvitatu zvina makumi maviri navatatu, zvavaJudha;

29 mugore regumi namasere raNebhukadhinezari,

mazana masere namakumi matatu navaviri avanhu vaibva kuJerusarema;

30 mugore rake ramakumi maviri namatatu,

vaJudha mazana manomwe namakumi mana navashanu vakaendeswa kuutapwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi vamambo.

Vose vaiva zviuru zvina namazana matanhatu pamwe chete.

Jehoyakini anosunungurwa

31 Mugore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo weJudha, mugore rakava Evhiri-Merodhaki mambo weBhabhironi, akasunungura Jehoyakini mambo weJudha, uye akamusunungura kubva mutorongo pazuva ramakumi maviri namashanu romwedzi wegumi nemiviri.

32 Akataura zvakanaka kwaari uye akamupa chigaro chaikudzwa kupfuura zvigaro zvamamwe madzimambo vaakanga anavo muBhabhironi.

33 Saka Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzousungwa akadya patafura yamambo nguva nenguva, mazuva ose oupenyu hwake.

34 Zuva nezuva mambo weBhabhironi akapa Jehoyakini mugove wenguva nenguva, mazuva ose oupenyu hwake, kusvikira pazuva rokufa kwake.