Categories
Jobho

Jobho 1

Mavambo

1 Munyika yeUzi maiva nomumwe murume ainzi Jobho. Murume uyu akanga asina chaangapomerwa uye akarurama; aitya Mwari uye ainzvenga zvakaipa.

2 Akanga ana vanakomana vanomwe navanasikana vatatu,

3 uye akanga ana makwai zviuru zvinomwe, ngamera zviuru zvitatu, nenzombe dzairingana majoko mazana mashanu, uye mazana mashanu embongoro hadzi, navaranda vakawanda kwazvo. Akanga ari munhu mukuru kuna vose pakati pavanhu vokumabvazuva.

4 Vanakomana vake vaisiita madzoro okuita mutambo mudzimba dzavo, uye vaikokawo hanzvadzi dzavo nhatu kuzodya nokunwa pamwe chete navo.

5 Nguva yomutambo yapera, Jobho aituma nhume kundovadana kuti vazonatswa. Aimuka mangwanani-ngwanani achibayira mwana mumwe nomumwe chipiriso chinopiswa, achiti, “Zvichida vana vangu vakatadza uye vakatuka Mwari mumwoyo yavo.” Aya ndiwo aiva maitiro aJobho nguva dzose.

Kuedzwa kwaJobho kwoKutanga

6 Zvino rimwe zuva vatumwa vakauya kuzomira pamberi paJehovha, naSataniwo akasvika pamwe chete navo.

7 Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika napakukwidza nokudzika mairi.”

8 Ipapo Jehovha akati kuna Satani, “Warangarira muranda wangu Jobho here? Hakuna munhu akafanana naye panyika, haana chaanopomerwa uye akarurama, munhu anotya Mwari uye anonzvenga chakaipa.”

9 Satani akati, “Ko, Jobho anongotya Mwari pasina here?

10 Ko, hamuna kumupoteredza noruzhowa iye neimba yake nezvose zvaanazvo here? Makaropafadza basa ramaoko ake, uye pfuma yake yakatekeshera munyika yose.

11 Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu murove zvose zvaanazvo, zvirokwazvo achakutukai pachena.”

12 Jehovha akati kuna Satani, “Saka zvakanaka, zvose zvaanazvo zviri mumaoko ako, asi iye usamubata.”

Ipapo Satani akabva pamberi paJehovha.

13 Rimwe zuva vanakomana vaJobho navanasikana vake vakati vachidya uye vachinwa waini vari paimba yomukoma wavo mukuru,

14 nhume yakasvika kuna Jobho ikati, “Nzombe dzanga dzichirima uye mbongoro dzanga dzichifura nechapedyo,

15 vaSebhia vakarwisa vakazvitora vakaenda nazvo. Vauraya varanda nomunondo ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!”

16 Achiri kutaura kudaro, imwe nhume yakasvika ikati, “Moto waMwari waburuka kudenga ukapisa makwai navaranda, uye ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!”

17 Achiri kutaura kudaro, imwe nhume yakasvika ikati, “VaKaradhea vaita mapoka matatu okupamba vakatora ngamera dzenyu vakaenda nadzo. Vauraya varanda venyu nomunondo, uye ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!”

18 Achiri kutaura kudaro, imwezve nhume yakasvika ikati, “Vanakomana venyu navanasikana venyu vanga vachidya nokunwa waini vari mumba momukoma wavo mukuru,

19 pakarepo mhepo huru yavhuvhuta ichibva kugwenga ikarova makona mana eimba. Yawira pamusoro pavo uye vafa, uye ini ndoga ndini ndasara kuti ndizokuzivisai!”

20 Ipapo Jobho akasimuka ndokubvarura nguo dzake akaveura musoro wake. Ipapo akawira pasi

21 akanamata achiti:

“Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndiri mushwi,

uye ndichadzokera ndiri mushwi.

Jehovha akapa uye Jehovha akatora,

Zita raJehovha ngarirumbidzwe.”

22 Pazvinhu izvi zvose, Jobho haana kutadza kana kupa Mwari mhosva.

Categories
Jobho

Jobho 2

Kuedzwa kwaJobho kweChipiri

1 Rimwe zuvazve vatumwa vakauya kuzomira pamberi paJehovha, uye Satani akasvika pamwe chete navo kuti andomirawo pamberi pake.

2 Zvino Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?”

Satani akapindura Jehovha akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika napakukwidza nokudzika mairi.”

3 Ipapo Jehovha akati kuna Satani, “Warangarira here muranda wangu Jobho? Hakuna munhu akafanana naye panyika, haana chaanopomerwa uye akarurama, munhu anotya Mwari uye anonzvenga chakaipa. Uye anoramba amire pakururama kwake, kunyange iwe wakandikurudzira pamusoro pake kuti ndimuparadze pasina chikonzero.”

4 Satani akapindura achiti, “Ganda neganda! Munhu achapa zvose zvaanazvo nokuda kwoupenyu hwake.

5 Asi tambanudzai ruoko murove muviri wake namapfupa ake, uye zvirokwazvo achakutukai pachena.”

6 Jehovha akati kuna Satani, “Saka zvakanaka, ari mumaoko ako, asi haufaniri kubata upenyu hwake.”

7 Saka Satani akabva pamberi paJehovha akandorova Jobho namaronda anorwadza kubva pasi petsoka dzake kusvikira panhongonya yomusoro wake.

8 Ipapo Jobho akatora chaenga akazvikwenya nacho paakanga agere pakati pamadota.

9 Mukadzi wake akati, “Ucharambira pakururama kwako kusvikira riniko? Tuka Mwari ufe!”

10 Iye akapindura akati, “Iwe unotaura somukadzi benzi. Ko, tichagamuchira zvakanaka kubva kuna Mwari, tikashayiwa zvakaipa here?”

Muzvinhu izvi zvose, Jobho haana kutadza pane zvaakataura.

Shamwari Nhatu dzaJobho

11 Shamwari nhatu dzaJobho, Erifazi muTemani, Bhiridhadhi muShuhi naZofari muNamati dzakati dzanzwa pamusoro pokutambudzika kwakanga kwawira pamusoro pake, vakabva kumisha yavo vakaungana pamwe chete vatenderana kuti vaende kundomudemba uye vamunyaradze.

12 Vakati vamuona ari chinhambwe, havana kugona kumuziva, vakatanga kuchema zvikuru, uye vakabvarura nguo dzavo uye vakazvimwaya guruva pamisoro yavo.

13 Ipapo vakagara pasi naye kwamazuva manomwe nousiku hunomwe. Hakuna munhu akagona kutaura kana shoko kwaari, nokuti vakaona kukura kwokutambudzika kwake.

Categories
Jobho

Jobho 3

1 Shure kwaizvozvo, Jobho akashamisa muromo wake ndokutuka zuva rokuberekwa kwake.

2 Akati:

3 “Zuva rokuberekwa kwangu ngariparare,

uye nousiku hwakanzi, ‘Kwaberekwa mwanakomana!’

4 Zuva iroro ngarishanduke rive rima;

Mwari wokudenga ngaarege kuva nehanya naro;

Chiedza ngachirege kuvhenekera pamusoro paro.

5 Rima nomumvuri wakasviba ngazviritore zvakare;

gore ngarigare pamusoro paro;

kusviba ngakufukidze chiedza charo.

6 Usiku uhwo rima guru ngaribate;

ngahurege kuverengwa pakati pamazuva egore

kana kunyorwa pamwedzi ipi zvayo.

7 Usiku uhwo ngahushaye chibereko;

ngaparege kunzwika kupembera kwomufaro mahuri.

8 Vanotuka mazuva ngavatuke zuva iro,

vaya vakagadzirira kumutsa Chikara Chikuru cheGungwa.

9 Nyeredzi dzahwo dzamangwanani ngadzisvibe;

ngahumirire chiedza chamasikati pasina

uye ngahurege kuona hwerazuva hwamambakwedza;

10 nokuti hahuna kundipfigira mikova yechizvaro

kuti huvanze dambudziko pamberi pangu.

11 “Ko, ndakaregererei kufa pakuberekwa kwangu,

nokufa pandaibuda mudumbu?

12 Mabvi akavapo seiko kuti andigamuchire

namazamu kuti ndinwe?

13 Nokuti zvino ndingadai ndakavata murugare;

ndingadai ndivete uye ndakazorora

14 namadzimambo namakurukota enyika,

vakazvivakira nzvimbo dzava matongo zvino,

15 navatongi vakanga vane goridhe,

vakazadza dzimba dzavo nesirivha.

16 Kana kuti sei ndisina kuvigwa

muvhu somwana asina kusvika,

somucheche asina kumboona chiedza chezuva?

17 Ikoko vakaipa vanorega kutambudza,

uye ikoko vakaneta vakazorora.

18 Nhapwa dzinofarirawo rugare rwadzo;

havachanzwizve kudanidzira kwomuchairi wenhapwa.

19 Vaduku navakuru variko,

uye nhapwa yakasunungurwa kubva pana tenzi wayo.

20 “Chiedza chinopirweiko vaya vari kusurukirwa,

uye upenyu kune ane shungu pamwoyo,

21 kuna vaya vanoshuva kufa irwo rusingauyi,

vanorutsvaka kupfuura pfuma yakavanzika,

22 vazere nomufaro

uye vanofara pavanosvika muguva?

23 Upenyu hunopirweiko munhu ane nzira yakavanzika,

iye akakomberedzwa naMwari noruzhowa?

24 Nokuti mafemo anosvika kwandiri pachinzvimbo chezvokudya,

kugomera kwangu kunodururwa semvura.

25 Zvandaitya zvakandivinga;

zvandaizeza zvaitika kwandiri.

26 Handina rugare, handina runyararo;

handina zororo, asi nhamo chete.”

Categories
Jobho

Jobho 4

1 Ipapo Erifazi muTemani akapindura achiti:

2 “Kana mumwe munhu akava neshoko newe,

iwe uchashayiwa mwoyo murefu here?

Asi ndiani angarega kutaura?

3 Funga kuti wakadzidzisa vazhinji sei,

uye kuti wakasimbisa sei maoko asina simba.

4 Mashoko ako akatsigira vaya vakagumburwa;

wakasimbisa mabvi akaneta.

5 Asi zvino nhamo yasvika kwauri, uye iwe waora mwoyo;

inokurova, iwe ndokuvhunduka.

6 Ko, kutya kwako Mwari hakuzi chivimbo chako,

uye nzira dzako dzakarurama tariro yako here?

7 “Rangarira iye zvino: Ndianiko, asina mhaka, akamboparadzwa?

Ndokupiko kwakatongoparadzwa vakarurama?

8 Sezvandakaona, vaya vanodyara zvakaipa

navaya vanokusha nhamo ndizvo zvavanokohwa.

9 Vanoparadzwa nokufema kwaMwari;

vanoparara nokuputika kwehasha dzake.

10 Shumba dzingaomba nokunguruma,

nyamba meno eshumba huru akaguduka.

11 Shumba inoparara nokuda kwokushaya nyama,

uye vana veshumbakadzi vanopararira.

12 “Shoko rakauyiswa kwandiri muchivande,

nzeve dzangu dzakanzwa zevezeve raro.

13 Pakati pokurota hope dzinovhundutsa usiku,

hope huru padzinenge dzabata vanhu,

14 kutya nokudedera zvakandibata

zvikaita kuti mapfupa angu ose abvunde.

15 Mumwe mweya wakapfuura pamberi pechiso changu,

uye bvudzi romusoro wangu rikamira.

16 Wakamira,

asi ndakatadza kuziva kuti chaiva chii.

Chinhu chakamira pamberi pameso angu,

uye ndakanzwa inzwi rakanyarara richiti:

17 ‘Ko, munhu anofa, angava akarurama kupfuura Mwari here?

Ko, munhu angagona kuchena kukunda Muiti wake here?

18 Kana Mwari akasavimba navaranda vake,

kana akakanganisa kutonga vatumwa vake,

19 zvikuru sei kuna avo vanogara mudzimba dzevhu,

nheyo dzavo dziri muguruva,

dzinopwanyiwa nyore kupfuura chipfukuto!

20 Dzinoputsanyiwa pakati pamambakwedza namadekwana;

dzinoparara dzisingazoonekwi nokusingaperi.

21 Ko, mabote etende ravo haana kubviswa here

kuti vagofa vasina uchenjeri?’

Categories
Jobho

Jobho 5

1 “Chidana zvino kana uchida, asi ndianiko achadavira?

Uchadzokera kuno upiko wavatsvene?

2 Kutsamwa kunouraya benzi,

uye godo rinouraya asina mano.

3 Ini pachangu ndakaona benzi richidzika midzi,

asi pakarepo imba yake yakatukwa.

4 Vana vake havana kuchengetedzeka,

vanopwanyiwa padare vasina anovarwira.

5 Vane nzara vanodya zvaakacheka,

vachizvitora kunyange pakati peminzwa,

uye vane nyota vanodokwairira pfuma yake.

6 Nokuti kutambudzika hakubudi muvhu,

uye nhamo haimeri muvhu.

7 Asi munhu anoberekerwa nhamo,

zvirokwazvo sokubarika kwomoto kunokwira kumusoro.

8 “Asi dai ndakanga ndirini, ndaiturira mhosva yangu kuna Mwari;

ndaiisa mhaka yangu pamberi pake.

9 Anoita minana isingagoni kuyerwa,

zvishamiso zvisingagoni kuverengwa.

10 Anopa mvura panyika;

anotuma mvura pamusoro penyika.

11 Vanozvininipisa anovaisa pakakwirira,

uye vaya vanochema vanosimudzirwa kuchinzvimbo chokuchengetedzwa.

12 Anokonesa zvirongwa zvavanyengeri,

kuitira kuti maoko avo abate pasina.

13 Anobata vakachenjera muunyengeri hwavo,

uye zvirongwa zvenhubu zvinokukurwa.

14 Rima rinosvika pamusoro pavo masikati;

vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.

15 Anoponesa vanoshayiwa kubva pamunondo uri pamiromo yavo;

anovaponesa pakudzvinya kwavane simba.

16 Saka varombo vane tariro,

uye kusaruramisira kunopfumbira muromo wako.

17 “Akaropafadzwa munhu anogadziridzwa zvaari naMwari;

saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose.

18 Nokuti anopa vanga, asi achisungazve;

anokuvadza, asi maoko ake anorapazve.

19 Achakurwira kubva panjodzi nhanhatu;

kunyange panomwe hakuna kukuvadzwa kuchakuwira.

20 Munzara achakudzikinura kubva parufu,

uye muhondo kubva pakubaya kwomunondo.

21 Uchadzivirirwa kubva pakurova kworurimi,

uye haungatyi panosvika kuparadza.

22 Uchaseka kuparadza nenzara,

uye haufaniri kutya zvikara zvenyika.

23 Nokuti uchaita sungano namabwe esango,

uye zvikara zvesango zvichava norugare newe.

24 Uchaziva kuti tende rako rakasimba,

uchaverenga zvinhu zvako ugowana zvakakwana.

25 Uchaziva kuti vana vako vachava vazhinji,

uye zvizvarwa zvako zvichaita souswa hwenyika.

26 Uchasvika paguva une simba guru,

sezvisote zvakaunganidzwa panguva yazvo.

27 “Takazviedza izvi, uye ndezvechokwadi.

Saka chizvinzwa ugozviita iwe pachako.”

Categories
Jobho

Jobho 6

1 Ipapo Jobho akapindura akati:

2 “Dai chete kurwadziwa kwangu kwaigona kuyerwa

uye kusuwa kwangu kwaiiswa pachiyero!

3 Zvirokwazvo zvairema kupfuura jecha ramakungwa,

hazvishamisi kana mashoko angu aiva okuvhurumuka.

4 Miseve yoWamasimba Ose iri mandiri,

mweya wangu unonwa muchetura wayo;

kutyisa kwaMwari kwagadzirira kurwa neni.

5 Ko, mbizi ingachema kana ine bundo here?

Ko, nzombe inokuma kana ine zvokudya here?

6 Ko, chokudya chisinganaki chingadyiwa chisina munyu here?

Ko, chichena chezai chinonaka here?

7 Ndinoramba kuzvibata;

zvokudya zvakadai zvinondirwarisa.

8 “Haiwa, dai ndapiwa hangu zvandinokumbira

kuti Mwari andipe zvandinotarisira,

9 kuti dai Mwari aida hake kundipwanya,

kuti aregere ruoko rwake rundiuraye!

10 Ipapo ndaizova hangu nokunyaradzwa uku,

mufaro wangu mukurwadziwa kusingagumi,

kuti handina kunge ndamboramba mashoko aiye Mutsvene.

11 “Ndinaro here simba, rokuti ndirambe ndine tariro?

Tariro yacho ndeyeiko kuti nditsungirire?

12 Ko, ndine simba rebwe here?

Ko, nyama yangu indarira here?

13 Ko, ndine simba here rokuti ndione kuti ndabatsirika,

sezvo zvino kubudirira kwakabviswa kwandiri?

14 “Munhu asina tariro anofanira kuwana rudo rweshamwari dzake,

kunyange iye arega kutya Wamasimba Ose.

15 Asi hama dzangu hadzivimbike sezvinongoita hova dzava kudira.

Sezvinongoita hova dzopfachukira,

16 dzinosviba pakunyungudika kwamagwada echando,

uye dzinozadzwa nokunyungudika kwamagwada echando,

17 asi dzinoguma kuyerera mumwaka wokupisa,

uye mihoronga yadzo inopwa mukupisa.

18 Mihoronga inotsauka kubva munzira dzayo;

inoenda kumakura ndokuparara.

19 Vafambi veTema vanotsvaka mvura,

vashambadziri veShebha vanomirira netariro.

20 Vachaora mwoyo, nokuti vaivimba nesimba ravo;

vasvikapo, vachashaya zvokuita.

21 Zvino nemiwo maratidza kusabatsira;

munoti mukaona chinhu chinotyisa mobva matya.

22 Ko, ndakamboti, ‘Ndipeiwo chipo,

ndipei fufuro rinobva papfuma yenyu,

23 ndirwirei muruoko rwomuvengi,

ndidzikinurei mumaoko avanhu vano utsinye’ here?

24 “Ndidzidzisei, uye ndichanyarara hangu;

ndiratidzei pandakakanganisa.

25 Mashoko echokwadi anorwadza sei!

Asi gakava renyu rinoratidzeiko?

26 Munoda kutsiura zvandareva,

nokutora mashoko omunhu arasa tariro semhepo here?

27 Muchada kana kukanda mijenya pamusoro penherera

uye nokutengesa shamwari yenyu.

28 “Asi zvino chinditarirai netsitsi.

Ko, ndingareva nhema pamberi penyu here?

29 Musadaro, musava vasakarurama;

fungai zvakare, nokuti kururama kwangu kuchiripo.

30 Ko, pamiromo yangu pane zvakaipa here?

Ko, muromo wangu haugoni kunzvera zvakaipa here?

Categories
Jobho

Jobho 7

1 “Ko, munhu haashandi zvakaoma panyika here?

Ko, mazuva ake haana kuita seomushandi here?

2 Somuranda anoshuva mimvuri yamadekwana,

kana mushandi akamirira kwazvo mubayiro wake,

3 saizvozvo ndakagoverwa mwedzi isina maturo,

uye usiku hwokutambudzika hwakagoverwa kwandiri.

4 Pandinovata pasi ndinofunga kuti, ‘Ndichamuka riniko?’

Usiku hunononoka, uye ndinoshanduka-shanduka kusvikira mambakwedza.

5 Muviri wangu wakafukidzwa nehonye uye nemaronda,

ganda rangu rakatsemuka uye raora.

6 “Mazuva angu ari kukurumidza kufamba kukunda chokurukisa chomuruki,

uye anosvika kumagumo asina tariro.

7 Rangarirai henyu, imi Mwari, kuti upenyu hwangu hunongova mweya wokufema;

meso angu haachazoonizve mufaro.

8 Ziso rinondiona zvino harichazondionizve;

muchanditsvaka, asi handichazovapozve.

9 Sokunyangarika kunoita gore ndokuenda,

saizvozvo uyo anoburukira kubwiro haadzokizve.

10 Haachazouyi kumba kwakezve;

nzvimbo yake haichazomuzivizve.

11 “Naizvozvo handinganyarari;

ndichataura pakurwadza kwomweya wangu,

ndichanyunyuta mushungu dzomwoyo wangu,

12 Ko, ndiri gungwa kanhi, kana chikara chokwakadzika,

zvamunondiisa pasi pomurindi?

13 Pandinofunga kuti mubhedha wangu uchandivaraidza,

uye kuti mubhedha wangu uchadzikamisa kunyunyuta kwangu,

14 ipapo munondityisidzira nezviroto

uye munondivhundutsa nezviratidzo,

15 zvokuti ndinosarudza kuti ndidzipwe ndife hangu,

pachinzvimbo chomuviri wangu uno.

16 Ndinozvidza upenyu hwangu, handidi kurarama nokusingaperi.

Ndiregei nokuti mazuva angu haana zvaanoreva.

17 “Munhu chiiko zvamunomukoshesa kudai,

zvamunomurangarira zvakadai,

18 zvamunomunzvera mangwanani ose

uye muchimuedza nguva dzose?

19 Hamusi kuzombotarirawo kudivi here,

kana kumbondisiyawo ndakadaro kwechinguva?

20 Kana ndakatadza, ndakaiteiko kwamuri,

imi mutariri wavanhu?

Makaitireiko kuti ini ndive munhu wamunovavarira?

Ko, ini ndava mutoro kwamuri here?

21 Nemhaka yeiko musingandikanganwiri mhaka dzangu

uye musingandiregereri zvivi zvangu?

Nokuti ndichavata muguruva nokukurumidza.

Muchanditsvaka, asi handichazovapozve.”

Categories
Jobho

Jobho 8

1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:

2 “Uchasvika riini uchitaura zvinhu zvakadai?

Mashoko ako imhepo inovhuvhuta.

3 Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here?

Ko, iye Wamasimba Ose angaminamisa kururama here?

4 Vana vako pavakamutadzira,

akaita kuti varangirwe chivi chavo.

5 Asi kana ukatarisa kuna Mwari

uye ukademba kuna Wamasimba Ose,

6 kana uri wakachena uye wakarurama,

kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire,

agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo.

7 Kunyange mavambo ako akanga ari epasi pasi,

ramangwana rako richava rokubudirira.

8 “Bvunza marudzi akare

ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo,

9 nokuti isu takaberekwa zuro uye hatina chatinoziva,

uye mazuva edu panyika akangoita somumvuri.

10 Ko, havangakudzidzisi uye vagokuudza here?

Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here?

11 Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here?

Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here?

12 Dzichiri kumera uye dzisati dzatemwa,

dzinokurumidza kuoma kupinda uswa.

13 Ndizvo zvakaita magumo avose vanokanganwa Mwari;

saizvozvo tariro yavasina Mwari inoparara.

14 Zvaanovimba nazvo hazvina kusimba,

zvaanovimba nazvo mambure edandemutande.

15 Anosendamira padandemutande rake, asi rinobvaruka;

anobatirira pariri, asi harimiri.

16 Akafanana nomuti wakanyatsodiridzwa pamushana,

unotandavadza mabukira awo pamusoro pebindu;

17 unomonera midzi yawo pamurwi wamatombo,

uye unotsvaka nzvimbo pakati pamatombo.

18 Asi kana ukatsemuka ukadzurwa kubva panzvimbo yawo,

nzvimbo iyo ichauramba igoti, ‘Handina kumbokuona.’

19 Zvirokwazvo upenyu hwawo, hunooma,

uye mimwe miti inomera ichibuda muvhu.

20 “Zvirokwazvo Mwari haarambi munhu asina mhaka

uye haasimbisi maoko avaiti vezvakaipa.

21 Achazadza muromo wako nokuseka

uye miromo yako nokupururudza.

22 Vavengi vako vachashongedzwa kunyadziswa,

uye matende avakaipa haachazovapozve.”

Categories
Jobho

Jobho 9

1 Ipapo Jobho akapindura akati:

2 “Zvirokwazvo ndinoziva kuti ichokwadi.

Asi munhu anofa angava akarurama pamberi paMwari seiko?

3 Kunyange dai mumwe aida kuita nharo naye,

haaizogona kumupindura kamwe chete pamibvunzo chiuru.

4 Uchenjeri hwake hwakadzika, simba rake iguru kwazvo.

Ndianiko akamudzivisa akabuda asina vanga?

5 Anofambisa makomo iwo asingazivi

agoapidigura mukutsamwa kwake kukuru.

6 Anozungunusa nyika ikabva panzvimbo yayo

uye anoita kuti mbiru dzayo dzidengenyeke.

7 Anotaura kuzuva iro ndokurega kuvhenekera;

anodzivira chiedza chenyeredzi.

8 Iye oga anotambanudza matenga

uye anofamba pamusoro pamafungu egungwa.

9 Ndiye Muiti weNyeredzi dzeAkutiro neOrioni,

dzeChimunomwe namapoka enyeredzi dzenyasi.

10 Anoita minana isingagoni kunzwisisiswa,

nezvishamiso zvisingagoni kuverengwa.

11 Paanondipfuura, handigoni kumuona;

paanoenda napo handingamuoni.

12 Kana achibvuta, ndiani angamudzivisa?

Ndiani angati kwaari, ‘Unoiteiko?’

13 Mwari haadzori kutsamwa kwake;

kunyange boka ravarwi raRahabhi rakawira patsoka dzake nokutya.

14 “Zvino ndingakakavadzana naye seiko?

Ndingawana seiko mashoko okuita nharo naye?

15 Kunyange ndakanga ndisina mhaka, handaigona kumupindura;

ndaingokumbira hangu nyasha kuMutongi wangu.

16 Kunyange dai ndaimudana hangu uye akandipindura,

handitendi kuti aizowana nguva yokundinzwa.

17 Aizondiparadza nedutu

uye achizowedzera maronda angu pasina mhosva.

18 Haaizonditenderazve kuti nditure mafemo,

asi aizondizadza namatambudziko.

19 Kana zviri zvesimba, iye ane simba guru!

Uye kana zviri zvokururamisira, ndianiko angamudana kuti amutonge?

20 Kunyange dai ndisina mhosva, muromo wangu waizongondipa mhaka;

dai zvangu ndakarurama, iwo waizongondipa mhaka.

21 “Kunyange ndisina mhosva,

handina hangu hanya nazvo;

ndinozvidza upenyu hwangu pachangu.

22 Zvakangofanana; ndokusaka ndichiti,

‘Iye anoparadza vasina mhosva nevakaipa.’

23 Kana dambudziko rikauyisa rufu nokukurumidza,

achaseka kushaya tariro kwavasina mhosva.

24 Panowira nyika mumaoko avakaipa,

vatongi vayo anovapofumadza.

Kana asiri iye, zvino ndianiko?

25 “Mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi;

anobhururuka oenda asina kumboona mufaro.

26 Anopfuura sezvikepe zvenhokwe,

kufanana namakondo anomhanyira nyama yawo.

27 Kana ndikati, ‘Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu,

ndichashandura chiso changu, ndigonyemwerera,’

28 ndinongotya kutambura kwangu,

nokuti ndinoziva kuti imi hamuregi kundipa mhosva.

29 Sezvo ndatopiwa hangu mhosva,

ko, ndichagotamburirei pasina?

30 Kunyange dai ndikazvishambidza nesipo

uye ndikashamba maoko angu nesoda,

31 imi muchandinyudza mugomba rematope

zvokuti kunyange nenguo dzangu dzichandisema.

32 “Iye haasi munhu akafanana neni kuti ndimupindure,

kuti zvimwe iye neni tisangane mudare redzimhosva.

33 Dai chete paingova nomumwe angamira pakati pedu,

kuti aise ruoko rwake patiri tose,

34 mumwe zvake angabvise shamhu yaMwari kwandiri,

kuti kutyisa kwake kurege kundivhundutsazve.

35 Ipapo ndichataura ndisingamutyi,

asi sezvazvakaita kwandiri iye zvino, handingakwanisi.

Categories
Jobho

Jobho 10

1 “Ndinosema upenyu hwangu chaihwo,

naizvozvo ndicharega kunyarara pakunyunyuta kwangu

ndigotaura mukushungurudzika kwemwoyo wangu.

2 Ndichati kuna Mwari: Musandiwanira mhosva

asi mundiudze mhaka yangu nemi.

3 Ko, kundimanikidza kunokufadzai,

kuti muzvidze basa ramaoko enyu,

muchinyemwerera kurangano dzavakaipa here?

4 Ko, imi muna meso enyama here?

Munoona sokuona kunoita munhu anofa here?

5 Ko, mazuva enyu akaita seavaya vanofa,

kana makore enyu samakore omunhu,

6 kuti muongorore mhosva yangu

uye mutsvage chivi changu,

7 kunyange muchiziva kuti handina mhosva,

uye kuti hakuna anogona kundinunura paruoko rwenyu here?

8 “Maoko enyu akandiumba uye akandigadzira.

Zvino modzoka kuzondiparadza here?

9 Rangarirai kuti makandiumba sevhu.

Zvino mondidzoserazve kuvhu here?

10 Hamuna kundidurura somukaka here

uye mukandigwambisa sechizi,

11 mukandifukidza neganda nenyama

mukandisonanidza pamwe chete namapfupa namarunda here?

12 Makandipa upenyu mukandinzwira ngoni,

uye nehanya yenyu mukachengeta mweya wangu.

13 “Asi izvi ndizvo zvamakaviga mumwoyo menyu,

uye ndinoziva kuti izvi zvaiva mupfungwa dzenyu.

14 Kana ndakatadza, imi maizenge makanditarisa,

uye hamaizotendera kudarika kwangu kuti kurege kurangwa.

15 Kana ndine mhosva, ndine nhamo!

Kunyange dai ndisina mhosva,

handingasimudzi musoro wangu,

nokuti ndizere nenyadzi

uye ndakanyura mukutambudzika kwangu.

16 Kana ndikasimudza musoro wangu, imi munondironda sezvinoita shumba,

uyezve munoratidza simba renyu rinotyisa pamusoro pangu.

17 Munouya nezvapupu zvenyu zvitsva kuzondipomera mhosva

uye munowedzera hasha dzenyu pamusoro pangu,

hondo dzenyu dzinondirwisa, mapoka namapoka.

18 “Ko, zvino makandibudisirei mudumbu?

Ndinoshuva kuti dai ndakafa hangu pasati pava neziso randiona.

19 Dai chete ndakanga ndisina kumbovapo hangu,

kana kuti ndakatakurwa ndichiendeswa kubwiro ndichangobva mudumbu ramai vangu!

20 Ko, mazuva angu haasi mashoma ava kutopera here?

Ibvai kwandiri kuti ndimbofara hangu kwakanguva,

21 ndisati ndaenda kusingadzokwi,

kunyika yerima nomumvuri wakadzama,

22 kunyika yerima guru,

yomumvuri wakadzama nenyonganyonga,

iko kunoti kunyange chiedza chakangofanana nerima.”