Categories
Jobho

Jobho 11

1 Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:

2 “Mashoko aya ose haangapindurwi here?

Ko, mutauri uyu anofanira kushayirwa mhosva here?

3 Ko, kubvotomoka kwako kunganyaradza vanhu here?

Ko, pangashaya anokutsiura paunenge uchituka here?

4 Iwe unoti kuna Mwari, ‘Zvandinotenda zvakarurama

uye ndakachena pamberi penyu.’

5 Haiwa, ndinoda sei kuti dai Mwari ataura,

kuti dai ashamisa hake muromo wake pamusoro pako,

6 uye akuzarurire zvakavanzika zvouchenjeri,

nokuti uchenjeri hwechokwadi huri paviri.

Uzive izvi: Mwari akatokanganwa kare zvimwe zvivi zvako.

7 “Ko, unganzwisisa zvakavanzika zvaMwari here?

Unganzwisisa panogumira Wamasimba Ose here?

8 Zvakakwirira kupfuura matenga, iwe ungaiteiko?

Zvakadzika kupfuura kudzika kwebwiro, iwe ungaziveiko?

9 Chiero chazvo chakareba kupfuura nyika

uye zvakapamhama kupfuura gungwa.

10 “Kana iye akasvika akakupfigira mujeri

uye akakoka dare remhosva, ndianiko angapikisana naye?

11 Zvirokwazvo anoziva vanhu vanonyengera;

uye paanoona chakaipa, anoshaya hanya here?

12 Asi munhu asina kuchenjera haangagoni kuva akangwara

sezvo zvisingagoneki kuti mwana wembizi angaberekwa nomunhu.

13 “Asi kana mwoyo wako ukazvipira kwaari,

uye ukatambanudzira maoko ako kwaari,

14 kana ukaisa kure chivi chiri muruoko rwako,

uye ukasatendera chakaipa kugara mutende rako,

15 ipapo uchasimudza chiso chako usina nyadzi,

uchamira wakasimba uye usingatyi.

16 Zvirokwazvo uchakanganwa nhamo yako,

uchangoirangarira semvura yakaerera.

17 Upenyu huchajeka kupfuura masikati makuru,

uye rima richaita samangwanani.

18 Iwe uchagara zvakanaka, nokuti tariro iriko;

ucharinga-ringa ugozorora murugare.

19 Uchavata hako pasi, pasina munhu anokuvhundutsa,

uye vazhinji vachakumbira nyasha dzako.

20 Asi meso avakaipa achaneta,

uye vachashayiwa kwokutizira;

tariro yavo ichava yokufa.”

Categories
Jobho

Jobho 12

1 Ipapo Jobho akapindura akati:

2 “Zvirokwazvo imi muri vanhu,

uye uchenjeri huchafa nemi!

3 Asi neniwo ndinonzwisisa semi;

handisi muduku kwamuri.

Ndianiko asingazivi zvinhu zvose izvi?

4 “Ndava chiseko kushamwari dzangu,

kunyange ndakadana kuna Mwari akapindura,

ndava chiseko zvacho, kunyange ndakarurama uye ndisina chandingapomerwa!

5 Varume vagere zvakanaka vanoshora nhamo,

vachiti ndiwo magumo avaya vane tsoka dzinotedzemuka.

6 Matende amakororo haakanganiswe,

uye vaya vanotsamwisa Mwari vagere zvakanaka,

ivo vanotakura mwari wavo mumaoko avo.

7 “Asi bvunza mhuka, uye dzichakudzidzisa,

kana shiri dzedenga, idzo dzichakuudza;

8 kana taura kunyika, ichakudzidzisa,

kana hove dzegungwa ngadzikuzivise.

9 Ndechipiko pane zvose izvi chisingazivi

kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi?

10 Upenyu hwezvisikwa zvose huri muruoko rwake,

nokufema kwavanhu vamarudzi ose.

11 Ko, nzeve haiedzi mashoko

sorurimi runoravira chokudya here?

12 Ko, uchenjeri hahuwanikwi pakati pavatana here?

Ko, kuwanda kwoupenyu hakuuyisi kunzwisisa here?

13 “Uchenjeri nesimba ndezvaMwari;

kudzidzisa nokunzwisisa ndezvake.

14 Zvaanenge akoromora hakuna anozvivakazve;

murume waanenge apfigira mujeri haangasunungurwi.

15 Kana akadzivisa kunaya kwemvura, kuoma kunovapo;

kana akairegedzera, nyika inoparadzwa.

16 Simba nokukunda ndezvake;

anonyengerwa nomunyengeri vose ndevake.

17 Anodzinga makurukota asina nguo

uye anoita kuti vatongi vave mapenzi.

18 Anobvisa zvisungo zvakaiswa namadzimambo

agosunga zviuno zvavo nomucheka.

19 Anodzinga vaprista vasina nguo

uye anobvisa pachigaro vanhu vakanguri vadzika midzi.

20 Anofumbira miromo yavapi vamazano vavanovimba navo,

uye anobvisa kunzwisisa kwavakuru.

21 Anodurura kushorwa pamakurukota

uye anokutunura zvombo zvavane simba.

22 Anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zverima,

uye anouyisa mimvuri mikuru kuchiedza.

23 Anoita kuti ndudzi dzive huru, uye anodziparadza;

anowanza ndudzi, uye anodziparadzira.

24 Anotorera vatungamiri venyika kunzwisisa kwavo;

anovaendesa vachingodzungaira pasina nzira.

25 Vanotsvanzvadzira murima vasina chiedza;

anoita kuti vadzedzereke sezvidhakwa.

Categories
Jobho

Jobho 13

1 “Meso angu akaona izvi zvose,

nzeve dzangu dzakanzwa dzikazvinzwisisa.

2 Zvamunoziva imi, neniwo ndinozviziva;

handisi muduku kwamuri.

3 Asi ndinoshuva kutaura naWamasimba Ose

uye ndigozvidavirira nyaya yangu kuna Mwari.

4 Kunyange zvakadaro, imi munondizora nhema;

muri varapi vasina maturo, imi mose!

5 Haiwa, dai bedzi mainyarara henyu!

Nokuti hungava uchenjeri kwamuri.

6 Chinzwai zvino kuzvidavirira kwangu;

teererai munzwe kudemba kwemiromo yangu.

7 Ko, mungataura zvakaipa muchimiririra Mwari here?

Ko, mungataura zvinonyengera muchiti matumwa naye here?

8 Mungamuitira rusaruro here?

Mungamiririra Mwari here?

9 Ko, zvingabuda zvakanaka here kana akakuedzai?

Ko, mungamunyengera sokunyengera kwamunoita vanhu here?

10 Zvirokwazvo iye angakutsiurai

kana mukaratidza rusaruro muchivande.

11 Ko, kubwinya kwake hakungakutyisei here?

Ko, kutyisa kwake hakungawiri pamusoro penyu here?

12 Mashoko enyu anotendwa itsumo dzamadota;

nhare dzenyu inhare dzevhu.

13 “Nyararai uye regai nditaure;

ipapo chinouya kwandiri ngachiuye hacho.

14 Ko, ndinozviisirei munjodzi

ndichibatira upenyu hwangu mumaoko angu?

15 Kunyange akandiuraya hake, asi ini ndichavimba naye;

zvirokwazvo ndichadzivirira nzira dzangu pamberi pake.

16 Zvirokwazvo, uku ndiko kuchava kuponeswa kwangu,

nokuti hakuna munhu asina umwari achasvika pamberi pake!

17 Teereresai kumashoko angu,

nzeve dzenyu ngadzigamuchire zvandinoreva.

18 Zvino ndagadzirisa nyaya yangu,

ndinoziva kuti ndichashayirwa mhosva.

19 Pane angagona kundipa mhaka here?

Kana aripo, ndichanyarara ndigofa hangu.

20 “Haiwa Mwari, nditsidzirei hangu zvinhu zviviri izvi.

Uye ipapo handingavandi pamberi penyu.

21 Bvisai ruoko rwenyu rwuve kure neni,

uye murege kundivhundutsa nokutyisa kwenyu.

22 Ipapo mukandidana ndichadavira.

Kana kuti murege nditaure, imi mugopindura.

23 Zvivi zvandakaita nezvikanganiso zvangu zvinganiko?

Ndiratidzei kudarika kwangu nechivi changu.

24 Munovanzireiko chiso chenyu

muchindiona somuvengi wenyu?

25 Ko, muchatambudza shizha rinopeperetswa nemhepo here?

Ko, muchadzingana nehundi yakaoma here?

26 Nokuti munonyora zvinhu zvinovava pamusoro pangu,

uye munondigarisa nhaka yezvivi zvoujaya hwangu.

27 Munosunga tsoka dzangu nezvisungo;

munocherechedza nzira dzangu dzose nokuisa mutaro panotsika tsoka dzangu.

28 “Saizvozvo munhu anopera kufanana nechinhu chakaora,

senguo yakadyiwa nezvipfukuto.

Categories
Jobho

Jobho 14

1 “Munhu akazvarwa nomukadzi

ane mazuva mashoma azere nokutambudzika.

2 Anobuda seruva agosvava;

anotiza somumvuri, haagari.

3 Ko, munotarisisa munhu akadai here?

Ko, muchamuuyisa kuzotongwa pamberi penyu here?

4 Ndianiko angabudisa chinhu chakachena kubva pane chine tsvina?

Hakuna!

5 Mazuva omunhu akatarwa;

makatema kuwanda kwemwedzi yake,

mukamutarira miganhu yaasingagoni kudarika.

6 Naizvozvo regai kumutarisa uye mumusiye ari oga,

kusvikira apedza nguva yake somunhu anoshanda.

7 “Asi kumuti kune tariro:

Kana ukatemwa, unobukirazve,

uye mabukira awo matsva haasvavi.

8 Midzi yawo ingava yakwegura hayo muvhu

uye hunde yawo ichifa muvhu,

9 asi uchabukira pakunhuhwira kwemvura

ugomera somuti uchangotanga kumera.

10 Asi munhu anofa agoradzikwa pasi;

anofema kokupedzisira uye haazovapozve.

11 Sokupera kunoita mvura mugungwa,

kana kupwa nokuoma kworwizi,

12 saizvozvo munhu anovata pasi asingazomuki;

kusvikira matenga asisiko, vanhu havazomukizve kana kumutswa pakuvata kwavo.

13 “Haiwa, dai mandiviga henyu muguva chete,

uye mandiviga kusvikira kutsamwa kwenyu kwapfuura!

Dai chete manditarira nguva,

uye ipapo mugondirangarira!

14 Kana munhu akafa, angazoraramazve here?

Mazuva ose okushanda kwangu kwakaoma,

ndicharindira kusvikira kuvandudzwa kwangu kwasvika.

15 Muchadana uye ini ndichakupindurai;

muchashuva chisikwa chamakaita namaoko enyu.

16 Zvirokwazvo muchaverenga nhambwe dzangu ipapo,

asi musingarondi chivi changu.

17 Kudarika kwangu kuchasungirwa musaga;

muchafukidzira chivi changu.

18 “Asi sokupfupfunyuka kunoita gomo rigoondomoka,

uye sokubviswa kwedombo panzvimbo yaro,

19 semvura inochera mabwe,

uye sokuyerera kwemvura zhinji inokukura ivhu,

saizvozvo munoparadza tariro yomunhu.

20 Munomukunda kamwe chete zvachose, uye akasazovapo;

munoshandura chiso chake mobva mamudzinga.

21 Kana vanakomana vake vachikudzwa, iye haazvizivi;

kana vakadzikisirwa pasi, iye haazvioni.

22 Anongonzwa kurwadza kwomuviri wake chete,

agozvichema iye pachake bedzi.”

Categories
Jobho

Jobho 15

1 Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:

2 “Ko, munhu akachenjera angapindura zvisina njere here,

kana kuzadza dumbu rake nemhepo inopisa yokumabvazuva?

3 Ko, angakakavara namashoko asina maturo,

kana namashoko asina basa here?

4 Asi unotorwisa umwari

uye unodzivisa kunamata Mwari.

5 Chivi chako chinorunzira muromo wako;

uye unotevera rurimi rwavanyengeri.

6 Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu,

miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa.

7 “Ko, ndiwe munhu wakatanga kuzvarwa here?

Ko, iwe wakazvarwa makomo asati avapo here?

8 Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari?

Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi?

9 Chiiko chaunoziva chatisingazivi isu?

Kunzwisisa kwaunako ndokweiko kwatisinawo isu?

10 Vane bvudzi rakachena navatana vakwegura vari kudivi redu,

varume vatochembera kupinda baba vako.

11 Ko, kunyaradza kwaMwari hakuna kukukwanira here,

iro shoko rakataurwa kwauri zvine unyoro?

12 Ko, mwoyo wako wakurasireiko,

uye meso ako anobwairireiko,

13 zvokuti unoitira Mwari hasha

ugobudisa mashoko akadai kubva mumuromo mako?

14 “Munhu chiiko, zvokuti angava akanaka,

kana munhu akazvarwa nomukadzi, kuti angava akarurama?

15 Kana Mwari akasavimba navatsvene vake,

kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake,

16 ko, kuzoti munhu, ane uori

uye akaora, anonwa zvakaipa semvura!

17 “Nditeerere ndigokutsanangurira;

rega ndikuudze zvandakaona,

18 zvakataurwa navanhu vakachenjera,

vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo,

19 ivo voga vakapiwa nyika

pasina mutorwa akapfuura napakati pavo:

20 Murume akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose,

makore ose outsinye akachengeterwa iye.

21 Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake;

pazvinenge zvaita sezvakanaka, vapambi vanomurwisa.

22 Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima;

munondo ndiwo waakatarirwa.

23 Anofamba-famba achiita sechokudya zvamagora;

anoziva kuti zuva rerima raswedera.

24 Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya;

zvinomukunda, samambo agadzirira kurwisa,

25 nokuti anokungira Mwari chibhakera chake

uye anozvikudza pamusoro paWamasimba Ose,

26 achimhanyira kwaari asingatyi

ane nhoo hobvu, yakasimba.

27 “Kunyange chiso chake chakafukidzwa namafuta

uye chiuno chake chakafuta nenyama,

28 iye achagara mumaguta akaparadzwa

nomudzimba dzisingagarwi nomunhu,

dzimba dzokoromoka kuva marara.

29 Haachazovazve mupfumi uye pfuma yake haingagari,

kana nepfuma yake haingazadzi nyika.

30 Haangapunyuki rima;

murazvo uchasvavisa mabukira ake,

uye kufema kwomuromo waMwari kuchamurasira kure.

31 Ngaarege kuzvinyengera nokuvimba nezvisina maturo,

nokuti haana chaachawana pazviri.

32 Acharipirwa zvakazara nguva yake isati yasvika,

uye matavi ake haangawandi.

33 Achafanana nomuzambiringa wabvisirwa mazambiringa asati aibva,

kufanana nomuti womuorivhi wodonhedza maruva awo.

34 Nokuti ungano yavasingadi Mwari ichashaya zvibereko,

uye moto uchaparadza matende avaya vanofarira fufuro.

35 Vanobata mimba yokutambudzika vagozvara zvakaipa;

dumbu ravo rinogadzira kunyengera.”

Categories
Jobho

Jobho 16

1 Ipapo Jobho akapindura akati:

2 “Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi;

mose muri vanyaradzi pasina!

3 Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here?

Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo?

4 Neniwo ndaigona kutaura semi,

dai imi manga muri pachinzvimbo changu;

ndaigona kutaura mashoko okukupikisai

uye ndigokudzungudzirai musoro wangu.

5 Asi muromo wangu waizokukurudzirai:

kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo.

6 “Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi;

uye kana ndikanyarara, iko hakubvi.

7 Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba;

maparadza imba yangu yose.

8 Makandisunga ini, uye chava chapupu;

kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa.

9 Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake,

uye anondirumanyira meno ake;

mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya.

10 Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke;

vanondirova padama pakundimhura kwavo,

uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa.

11 Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa,

uye akandikanda mumaoko avakashata.

12 Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna;

akandibata napahuro akandipwanya-pwanya.

Akandivavarira;

13 vapfuri vake vemiseve vakandikomba.

Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi,

uye anodururira nduru yangu pasi.

14 Nguva nenguva anondirwisa;

anondidzingirira somurwi.

15 “Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu,

uye ndaviga huma yangu muguruva.

16 Chiso changu chatsvuka nokuchema,

rima guru rakomberedza meso angu;

17 asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba,

uye munyengetero wangu wakachena.

18 “Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu;

kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo!

19 Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga;

murevereri wangu ari kumusoro.

20 Murevereri wangu ndiye shamwari yangu,

meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari;

21 anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari,

somunhu anokumbirira shamwari yake.

22 “Makore mashoma bedzi asara,

ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.

Categories
Jobho

Jobho 17

1 Mweya wangu waputsika,

mazuva angu aitwa mashoma,

guva rakandimirira.

2 Zvirokwazvo vaseki vakandipoteredza;

meso angu anofanira kuramba akatarisa ruvengo rwavo.

3 “Ndipei, imi Mwari, chitsidzo chamunoda.

Ndianiko achandiisira rubatso?

4 Makapofumadza ndangariro dzavo pakunzwisisa;

naizvozvo hamungavatenderi kukunda.

5 Kana munhu akaramba shamwari dzake nokuda kwomubayiro,

meso avana vake achapofumara.

6 “Mwari akandiita shumo kuvanhu vose,

munhu anopfirwa mate kumeso kwake navanhu.

7 Meso angu aneta nokuchema;

muviri wangu wose wangova mumvuri zvawo.

8 Vanhu vakarurama vanokatyamadzwa nazvo;

vasina mhaka vachamukira vasingadi Mwari.

9 Kunyange zvakadaro, vakarurama vachabatirira panzira dzavo,

uye vana maoko akachena vachanyanya kusimba.

10 “Asi uyai, imi mose, edzaizve!

Handingawani murume ane uchenjeri pakati penyu.

11 Mazuva angu apfuura, urongwa hwangu hwaparadzwa,

saizvozvowo zvishuvo zvomwoyo wangu.

12 Vanhu ava vanoshandura usiku kuti huve masikati;

mukati merima ivo vanoti, ‘Chiedza chiri pedyo.’

13 Kana musha wandinotarisira uri guva chete,

kana ndikawaridzira mubhedha wangu murima,

14 kana ndikati kuuori, ‘Ndiwe baba vangu,’

nokuhonye ndikati, ‘Ndiwe mai vangu’ kana ‘Hanzvadzi yangu,’

15 ko, tariro yangu iripi zvino?

Ndianiko angaona tariro yangu?

16 Ichaburukira kumasuo orufu here?

Tichaburukira muguruva pamwe chete here?”

Categories
Jobho

Jobho 18

1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:

2 “Muchapedza kutaura uku riiniko?

Chimbonyatsofungai, ipapo tigotaurirana hedu.

3 Tinobatirweiko semombe

uye tichionekwa samapenzi pamberi penyu?

4 Iyewe unozvibvamburanya mukutsamwa kwako,

nyika ingasiyiwa nokuda kwako here?

Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here?

5 “Mwenje weakaipa unodzimwa;

murazvo womoto wake unopera kupisa.

6 Chiedza chiri mutende rake chinova rima;

mwenje uri parutivi pake unodzima.

7 Simba renhambwe dzake rinorukutika;

mano ake pachake anomuwisira pasi.

8 Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure,

uye anodzungaira ari mumaburi awo.

9 Musungo unomubata chitsitsinho;

rugombe runomubatisisa.

10 Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake;

musungo wakaradzikwa munzira yake.

11 Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose,

uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose.

12 Pfumvu inomudokwairira;

njodzi yakamugaririra paanowa.

13 Inodya zvikamu zveganda rake;

dangwe rorufu rinopedza mitezo yake.

14 Anodzurwa kubva patende raanovimba naro

agoendeswa kuna mambo anotyisa kwazvo.

15 Moto unogara mutende rake;

safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake.

16 Moto unogara mutende rake;

uye matavi ake anosvava kumusoro.

17 Kurangarirwa kwake kunopera panyika;

haana zita munyika.

18 Anobviswa pachiedza achiendeswa murima,

uye anodzingwa panyika.

19 Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake,

hakuna akasara kwaaimbogara.

20 Varume vokumavirira vakakatyamara namagumo ake;

varume vokumabvazuva vakabatwa nokutya kukuru.

21 Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomurume akaipa;

iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.”

Categories
Jobho

Jobho 19

1 Ipapo Jobho akapindura akati:

2 “Mucharamba muchinditambudza

uye muchindipwanya namashoko kusvikira riniko?

3 Zvino kava kagumi kose muchingonditsoropodza;

munondirwisa musina nenyadzi dzose.

4 Kana chiri chokwadi kuti ndakatsauka,

kukanganisa kwangu kuchava dambudziko rangu ndoga.

5 Kana zvechokwadi mungada henyu kuzvikudza pamusoro pangu

mukashandisa kuderedzwa kwangu pakundirwisa,

6 zvino muzive imi kuti Mwari akandikanganisira

uye akandikomberedza nomumbure wake.

7 “Kunyange ndikachema ndichiti, ‘Ndakakanganisirwa we-e!’ handiwani mhinduro;

kunyange ndikadanidzira kuti ndibatsirwe, kururamisirwa hakupo.

8 Akadzivira nzira yangu kuti ndikonewe kupfuura;

akaisa rima munzira dzangu.

9 Akandibvisira kukudzwa kwangu,

uye akabvisa korona mumusoro mangu.

10 Anondibvamburanya kumativi ose kusvikira ndapera;

anodzura tariro yangu kunge muti,

11 Kutsamwa kwake kunopfuta pamusoro pangu;

anondiverenga pakati pavavengi vake.

12 Mauto ake anouya nesimba;

anovaka muchinjiziri wokurwa neni,

anokomba tende rangu.

13 “Akaisa hama dzangu kure neni;

vazikani vangu vakaparadzaniswa neni zvachose.

14 Hama dzangu dzepedyo dzakaenda kure neni;

shamwari dzangu dzandikanganwa.

15 Vaenzi vangu navarandakadzi vangu vava kundiita mubvakure;

vanondiona somutorwa.

16 Ndinodana muranda wangu, asi haapinduri,

kunyange ndikamukumbirisa nomuromo wangu chaiwo.

17 Kufema kwangu kunonyangadza kumukadzi wangu;

ndinosemesa kuhama dzangu chaidzo.

18 Kunyange nezvikomana zviduku zvinondiseka;

pandinosvika vanondituka.

19 Shamwari dzangu dzepedyo dzinondisema;

vaya vandinoda vandishandukira.

20 Handisati ndichiri chinhu asi ndangova hangu ganda namapfupa;

ndangopunyuka napaburi retsono.

21 “Ndinzwirei urombo, shamwari dzangu,

ndinzwirei urombo nokuti ruoko rwaMwari rwandirova.

22 Seiko muchindidzingirira sezvinoita Mwari?

Ko, hamungaguti nenyama yangu here?

23 “Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa hawo,

dai ainyorwa hawo mubhuku,

24 dai ainyorwa nechinyoreso chesimbi pamutobvu,

kana kuti ainyorwa padombo nokusingaperi!

25 Ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu,

uye kuti pakupedzisira achamira pamusoro penyika.

26 Uye shure kwokunge ganda rangu raparara, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari munyama yangu;

27 ini pachangu ndichamuona

nameso angu pachangu, iyeni kwete mumwe.

Haiwa, mwoyo wangu unopanga sei mukati mangu!

28 “Kana muchiti, ‘Haiwa tichamutambudza sei,

sezvo mudzi wenhamo uri maari,’

29 munofanira kutya munondo imi pachenyu,

nokuti hasha dzichauyisa kurangwa nomunondo,

ipapo muchaziva kuti pano kutongwa.”

Categories
Jobho

Jobho 20

1 Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:

2 “Ndangariro dzangu dzokutambudzika dzinondikurumidzisa kuti ndipindure

nokuti ndakanganisika kwazvo.

3 Ndiri kunzwa kutsiura kunondizvidza,

uye kunzwisisa kwangu kunondikurudzira kuti ndipindure.

4 “Zvirokwazvo unoziva zvazvakanga zvakaita kubva kare,

kubvira pakaiswa munhu panyika,

5 kuti kufara kwavakaipa kupfupi,

mufaro wavasina Mwari ndowenguva duku.

6 Kunyange kuzvikudza kwake kuchisvika kudenga,

uye musoro wake uchindobata makore,

7 achaparara nokusingaperi, setsvina yake pachake;

vaya vaichimbomuona vachati, ‘Aripiko?’

8 Anobhururuka sokurota, haachawanikwizve,

adzingwa sechiratidzo chousiku.

9 Ziso rakamuona harichazomuonazve;

nzvimbo yake haichazomuonazve.

10 Vana vake vanofanira kutsvaka nyasha kuvarombo;

maoko ake chaiwo anofanira kudzorera pfuma yake.

11 Simba roujaya rakazadza mapfupa ake

richaumburuka naye muguruva.

12 “Kunyange chakaipa chichitapira mumukanwa,

uye achichiviga pasi porurimi rwake,

13 kunyange asingagoni kuchiregedza

achichichengeta mumukanwa make,

14 asi chokudya chake chichashanduka chikavava mudumbu make;

chichava uturu hwenyoka mukati make.

15 Achapfira pasi upfumi hwaakamedza;

Mwari achaita kuti dumbu rake rizvirutse.

16 Achasveta uturu hwenyoka;

mazino emvumbi achamuuraya.

17 Haangafadzwi nehova,

idzo nzizi dzinoyerera uchi noruomba.

18 Zvaakatamburira anofanira kuzvidzosazve zvisina kudyiwa;

haangafadzwi nezvaakawana pakutengesa kwake.

19 Nokuti akamanikidza varombo akavasiya vava vachena;

akatora dzimba dzavasina chavanacho.

20 “Zvirokwazvo haangamiri kubva pahavi yake;

haangazviponesi nepfuma yake.

21 Hapana chaakasiyirwa kuti adye;

upfumi hwake hahungagari nokusingaperi.

22 Pakati pezvakawanda zvake, kuremerwa nepfungwa kuchamukunda;

kuzara kwenjodzi kuchauya pamusoro pake.

23 Paanenge agutsa dumbu rake,

Mwari achatuma kutsamwa kwake kunopisa pamusoro pake,

uye achanayisa kurova kwake pamusoro pake.

24 Kunyange akatiza chombo chesimbi,

museve unopinza wendarira unomubaya.

25 Anoudzura kubva kumusana kwake,

muromo wawo unovaima uchibva pachiropa chake.

Kutya kuzhinji kuchauya pamusoro pake;

26 rima guru richavandira pfuma yake.

Moto usina anopfutidzira uchamupisa

uye uchaparadza zvichasara mutende rake.

27 Matenga achaisa pachena mhaka yake;

nyika ichamumukira.

28 Mafashamu achakukura imba yake,

mvura zhinji ichaerera pazuva rehasha dzaMwari.

29 Aya ndiwo magumo anogoverwa vakaipa naMwari,

iyo nhaka yavakatemerwa naMwari.”