Categories
Jobho

Jobho 21

1 Ipapo Jobho akapindura akati:

2 “Teereresa mashoko angu;

uku ngakuve kunyaradza kwaunondipa.

3 Ndiitire mwoyo murefu ndichitaura hangu,

uye kana ndapedza kutaura, urambe uchiseka hako.

4 “Ko, kunyunyuta kwangu kwakanangana nomunhu here?

Ndingatadza seiko kuora mwoyo?

5 Nditarire ushamiswe;

ufumbire muromo wako noruoko.

6 Ndinotya, pandinofunga izvi;

kudedera kunobata muviri wangu.

7 Nemhaka yeiko vakaipa vachirarama,

vachikwegura uye vachiwedzerwa simba?

8 Vanoona vana vavo vachikura ivo vachiri vapenyu,

zvizvarwa zvavo pamberi pavo.

9 Misha yavo igere zvakanaka uye haina chainotya;

shamhu yaMwari haisi pamusoro pavo.

10 Hando dzavo hadzikonewi kubereka,

mhou dzavo dzinobereka mhuru dzisingasvodzi.

11 Vanobudisa vana vavo seboka ramakwai;

vapwere vavo vanopembera vachitamba.

12 Vanoimba vachiridzirwa tambureni nembira;

vanofarira kurira kwenyere.

13 Vanopedza makore avo mukubudirira

uye vanopinda muguva nenguva isipi.

14 Kunyange zvakadaro vanoti kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro!

Hatina hanya nokuziva nzira dzenyu.

15 Wamasimba Ose ndianiko, kuti timushumire?

Tinowaneiko kana tikamunamata?’

16 Asi kubudirira kwavo hakusi mumaoko avo,

naizvozvo ndinomira kure nerangano yevakaipa.

17 “Kunyange zvakadaro, kanganiko kanodzimwa mwenje wevakaipa?

Kanganiko vachiwirwa nenjodzi,

magumo anotarwa naMwari mukutsamwa kwake?

18 Vanofanana namakoto anopeperetswa nemhepo runganiko,

sehundi inokukurwa nedutu?

19 Zvinonzi, ‘Mwari anochengetera vana vomunhu kutongwa.’

Ngaamutsive iye amene, kuitira kuti agozviziva!

20 Meso ake pachake ngaaone kuparadzwa kwake;

iye ngaanwe kutsamwa kwoWamasimba Ose.

21 Nokuti ane hanya yeiko nemhuri yaanosiya shure,

mwedzi yaakagoverwa zvoyopera?

22 “Ko, pane munhu angagona kudzidzisa ruzivo kuna Mwari here,

iye achitonga kunyange vari pamusoro-soro?

23 Mumwe munhu anofa achine simba rake rizere,

akachengetedzeka uye akagadzikana,

24 muviri wake wakagwinya,

mapfupa ake azere nomwongo.

25 Mumwe munhu anofa ane shungu dzomwoyo,

asina kumbonakidzwa nezvipi zvazvo zvakanaka.

26 Vanovata muguruva pamwe chete,

uye honye dzinovafukidza vose.

27 “Ndinoziva chose zvamunofunga,

iwo mano amungandikanganisa nawo.

28 Imi munoti, ‘Imba yomunhu mukuru iripiko zvino,

iwo matende aigarwa navanhu vakaipa?’

29 Hauna kumbobvunza vafambi vaya here?

Hauna kuva nehanya nenhoroondo dzavo here,

30 dzokuti munhu akaipa anodarikwa pazuva renjodzi,

kuti anorwirwa pazuva rokutsamwa?

31 Ndianiko anotsoropodza mafambiro ake pachena?

Ndianiko anomuripira pane zvaakaita?

32 Iye anotakurwa achiendeswa kuguva,

uye rinda rake rinorindwa.

33 Ivhu romunhika rinotapira kwaari;

vanhu vose vanomutevera,

uye anotungamirirwa navazhinji vasingaverengeki.

34 “Saka mungandinyaradza sei nezvisina maturo?

Hapana chasara pakupindura kwenyu asi nhema dzoga!”

Categories
Jobho

Jobho 22

1 Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:

2 “Ko, munhu angabatsira Mwari here?

Kunyange munhu akachenjera angamubatsira here?

3 Wamasimba Ose angawana mufaro weiko dai iwe wakarurama?

Aibatsirwa neiko dai nzira dzako dzaiva dzakarurama?

4 “Imhaka yokumunamata kwako here

zvaanokutsiura uyewo achikupa mhosva?

5 Zvakaipa zvako hazvina kukura here?

Handiti zvivi zvako hazviperi?

6 Wakakumbira rubatso kuhama dzako pasina;

wakatorera vanhu nguo dzavo, uchivasiya vasina kupfeka.

7 Wakanyima mvura vakaneta

uye wakanyima vane nzara zvokudya,

8 kunyange wakanga uri munhu ane simba, ane minda yake,

uri munhu anokudzwa, agere pairi.

9 Wakadzinga chirikadzi dzisina chinhu

uye wakavhuna simba renherera.

10 Ndokusaka misungo yakakukomberedza,

ndokusaka njodzi ichikuvhundutsa,

11 ndokusaka kuine rima usingakwanisi kuona,

uye mafashamu emvura achikufukidza.

12 “Ko, Mwari haazi kumusoro kwokudenga here?

Tarira kukwirira kwakaita nyeredzi dzokumusoro-soro!

13 Asi imi munoti, ‘Mwari anoziveiko?

Ko, anotonga murima rakadai here?

14 Makore matema anomufukidza,

saka haationi paanofamba-famba padenderedzwa ramatenga.’

15 Ko, iwe ucharambira munzira yakare

iya yakatsikwa navanhu vakaipa here?

16 Ivo vakabvutwa nguva yavo isati yasvika,

hwaro hwavo hwakakukurwa namafashamu.

17 Vakati kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro!

Wamasimba Ose angaiteiko kwatiri?’

18 Sezvo ari iye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka,

ndinomira kure namano avakaipa.

19 “Vakarurama vanoona kuparadzwa kwavo vagofara,

vasina mhaka vanovaseka vachiti,

20 ‘Zvirokwazvo vadzivisi vedu vaparadzwa,

uye moto unopedza pfuma yavo.’

21 “Zviise pasi paMwari ugova norugare naye,

nenzira iyi kubudirira kuchasvika kwauri.

22 Gamuchira kurayira kunobva mumuromo make

uye uchengete mashoko ake mumwoyo.

23 Kana ukadzokera kuna Wamasimba Ose, uchadzoredzerwa:

Kana ukabvisa zvakaipa uchizviisa kure netende rako,

24 uye ukaisa goridhe rako paguruva,

iro goridhe rako rokuOfiri kumatombo okunzizi,

25 ipapo Wamasimba Ose achava goridhe rako,

iyo sirivha yako yakanyatsosanangurwa.

26 Zvirokwazvo ipapo uchawana mufaro muna Wamasimba Ose,

uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.

27 Uchanyengetera kwaari, uye achakunzwa,

uye iwe uchazadzisa zvawakapika.

28 Zvaunotaura sechirevo zvichaitika,

uye chiedza chichavhenekera panzira dzako.

29 Vanhu pavanodzikiswa iwe ukati, ‘Vasimudzei!’

ipapo vakaderedzwa vachaponeswa.

30 Achadzikinura kunyange uyo ane mhosva,

acharwirwa kubudikidza nokuchena kwamaoko ako.”

Categories
Jobho

Jobho 23

1 Ipapo Jobho akapindura akati:

2 “Kunyange nanhasi ndinonyunyuta ndine shungu;

ruoko rwake runondiremera kunyange ndiri pakugomera kwangu.

3 Dai chete ndaiziva kwandingamuwana;

dai chete ndaigona kuenda kwaanogara!

4 Ndaitaura hangu mhaka yangu pamberi pake,

uye ndaizadza muromo wangu nenharo.

5 Ndaizoziva hangu zvaaizondipindura,

uye ndaizocherechedza zvaaizoreva.

6 Kuti aizondidzivisa nesimba guru here?

Kwete, haaizondipomera mhaka.

7 Ipapo munhu akarurama aigona kuzotaura mhaka yake pamberi pake,

uye ndaizosunungurwa kubva pamutongi wangu nokusingaperi.

8 “Asi kana ndikaenda kumabvazuva, iye haako;

kana ndikaenda kumavirira, handimuwani.

9 Paanenge ari pabasa nechokumusoro, handimuoni;

paanotsaukira zasi, handikwanisi kumuona.

10 Asi iye anoziva nzira yandinofamba nayo;

kana apedza kundiedza, ndichabuda ndava segoridhe.

11 Tsoka dzangu dzakanyatsotevera paakatsika;

ndakarambira panzira dzake ndisingambotsaukiri parutivi.

12 Handina kumbobva pamirayiro yemiromo yake;

ndakakoshesa mashoko omuromo wake kupfuura chingwa changu chamazuva ose.

13 “Asi iye anomira oga, uye ndiani angapikisana naye?

Anoita zvaanoda.

14 Anoita zvaakatema pamusoro pangu,

uye urongwa huzhinji hwakadai achinahwo mudura rake.

15 Ndokusaka ndichitya pamberi pake;

pandinofunga nezvose izvi, ndomutya.

16 Mwari akaita kuti mwoyo wangu unete;

Wamasimba Ose akandivhundutsa.

17 Kunyange zvakadaro rima harina kuita kuti ndinyarare,

iro rima guru rinofukidza chiso changu.

Categories
Jobho

Jobho 24

1 “Seiko Wamasimba Ose asingatari nguva dzokutonga?

Seiko avo vanomuziva vachitarisira mazuva akadai pasina?

2 Vanhu vanobvisa mabwe omuganhu;

vanofudza makwai avakaba.

3 Vanotinha mbongoro dzenherera,

uye vanotora nzombe yechirikadzi vachiita rubatso.

4 Vanodzinga vanoshayiwa kubva panzira,

uye vanomanikidza varombo vose venyika kundovanda.

5 Sezvinoita mbizi murenje,

varombo vanobuda vachienda kumabasa avo, okukwara-kwara zvokudya;

gwenga rinopa vana varo zvokudya.

6 Vanosunganidza uswa mumasango,

uye vanononga mazambiringa muminda yavakaipa.

7 Vashaya nguo, vagovata usiku hwose vasina zvavakapfeka

uye vanoshayiwa zvokufuka muchando.

8 Vanototeswa nemvura inonaya mumakomo,

uye vanombundikira matombo nokuda kwokushayiwa pokuvanda.

9 Mwana nherera anobvutwa kubva pazamu;

mwana mucheche womurombo anotorwa nokuda kwechikwereti.

10 Nokushayiwa zvokufuka, vanongofamba-famba havo vasina kupfeka;

vanotakura zvisote, asi vane nzara.

11 Vanopwanya maorivhi pakati pemihoronga;

vanotsika zvisviniro zvewaini, asi vanofa nenyota.

12 Kugomera kwavanhu vanofa kunonzwika muguta,

uye mweya yavakakuvadzwa inochema kuti ibatsirwe.

Asi Mwari haana munhu waanopa mhosva.

13 “Varipo vanomukira chiedza,

vasingambozivi nzira dzacho kana kugara mumakwara acho.

14 Panongovira zuva, muurayi anobva amuka, uye anouraya varombo navanoshayiwa;

panguva dzousiku anonyahwaira sembavha.

15 Ziso remhombwe rinomirira rubvunzavaeni;

anofunga achiti, ‘Hakuna ziso richandiona,’

uye anogara akavanza chiso chake.

16 Vanhu vanopaza dzimba murima,

asi masikati vanozvipfigira mukati madzo;

havana chokuita nechiedza.

17 Kwavari vose zvavo, rima guru ndiwo mangwanani avo;

vanoita ushamwari nokutyisa kwerima.

18 “Nyamba ivo ifuro riri pamusoro pemvura;

mugove wavo wenyika wakatukwa,

zvokuti hakuna munhu achaenda kuminda yemizambiringa.

19 Kupisa nokuoma sezvakunobvisa chando chanyunguduka,

saizvozvo guva rinobvuta vaya vakatadza.

20 Chizvaro chinovakanganwa, honye inovadya;

vanhu vakaipa havacharangarirwizve asi vakavhunwa somuti.

21 Vanovandira mukadzi asingabereki, asina mwana,

uye havaitiri chirikadzi tsitsi.

22 Asi Mwari anokwekweredza vane simba nesimba rake;

kunyange vakasimbiswa, havana chokwadi noupenyu hwavo.

23 Angavarega zvavo vakazorora vachifungidzira kuti vakachengetedzwa;

asi meso ake ari panzira dzavo.

24 Vanosimudzirwa kwechinguva chiduku, gare gare vaenda;

vanodukupiswa vagounganidzwa savamwe vose,

vanochekwa sehura dzezviyo.

25 “Kana zvisina kudaro, ndiani anganditi ndinoreva nhema,

agoshayisa mashoko angu simba?”

Categories
Jobho

Jobho 25

1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:

2 “Kubata ushe nokutyiwa ndezvaMwari;

uye anosimbisa rugare kumusoro-soro kudenga.

3 Mauto ake angaverengwa here?

Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake?

4 Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari?

Ko, munhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei?

5 Kunyange dai mwedzi ukasachena,

uye nyeredzi dzikasava dzakachena pamberi pake,

6 ndoda munhu zvake, iro gonye zvaro,

iye mwanakomana womunhu, anongova gonye zvaro!”

Categories
Jobho

Jobho 26

1 Ipapo Jobho akapindura akati:

2 “Ndiweka wakabatsira vasina simba!

Wakaponesa sei ruoko rwakarukutika!

3 Ndiweka wakapa zano kune asina uchenjeri!

Ndiweka wakaratidza njere dzakakura kwazvo!

4 Ndianiko akakubatsira kutaura mashoko aya?

Uye mweya waaniko wakataura kubva pamuromo wako?

5 “Vakafa vari pakushungurudzika kukuru,

ivo vari pasi pemvura zhinji navose vanogara mairi.

6 Sheori yakashama pamberi paMwari;

kuparadza hakuna kufukidzwa.

7 Anotambanudza matenga nechokumusoro panzvimbo isina chinhu;

anorembedza nyika pasina chinhu.

8 Anoputira mvura zhinji mumakore ake;

asi makore acho haabvaruki nokuda kwokuremerwa.

9 Anofukidza chiso chomwedzi uzere,

achiwarira makore ake pamusoro pawo.

10 Anotara muganhu pamberi pemvura zhinji,

kuti ugova muganhu pakati pechiedza nerima.

11 Mbiru dzokudenga dzinodengenyeka,

dzichivhundutswa nokutuka kwake.

12 Akaunganidza mvura dzegungwa nesimba rake;

akagura-gura Rahabhi nenjere dzake.

13 Matenga akashongedzwa nokufema kwake;

ruoko rwake rwakabaya nyoka inobhururuka.

14 Uye izvi ndiwo macheto oga ebasa rake;

haiwa tinongonzwa kuzevezera kwake!

Zvino ndianiko anganzwisisa kutinhira kwesimba rake?”

Categories
Jobho

Jobho 27

1 Zvino Jobho akapfuurira mberi nokutaura achiti:

2 “Zvirokwazvo naMwari mupenyu, iye akaramba kundiruramisira,

iye Wamasimba Ose, akaita kuti ndinzwe shungu pamwoyo wangu,

3 chero ndichine upenyu mandiri,

ndichine kufema kwaMwari mumhino dzangu,

4 miromo yangu haingatauri zvakashata,

uye rurimi rwangu harungatauri nokunyengera.

5 Handingambobvumi kuti muri kutaura chokwadi;

kusvikira ndafa, handizorambi kururama kwangu.

6 Ndichachengetedza kururama kwangu uye handingakuregedzi;

hana yangu haingandipi mhosva ndichiri mupenyu.

7 “Vavengi vangu ngavaite savakaipa,

navadzivisi vangu savasakarurama!

8 Ko, munhu asina Mwari ane tariro yeiko kana afa,

Mwari paanotora upenyu hwake?

9 Ko, Mwari anoteerera kuchema kwake

paanowirwa nenhamo here?

10 Iye angawana mufaro muna Wamasimba Ose here?

Ko, achadana kuna Mwari panguva dzose here?

11 “Ndichakudzidzisai nezvesimba raMwari;

nzira dzaWamasimba Ose handingadzivanzi.

12 Imi mose makazviona izvi pachenyu.

Zvino munotaurireiko zvisina maturo?

13 “Haano magumo anogoverwa vakaipa naMwari,

iyo nhaka inogamuchirwa navanhu vano utsinye, kubva kuna Wamasimba Ose.

14 Hazvinei kuti vana vake vakawanda sei, magumo avo munondo;

zvizvarwa zvake hazvizombowani zvokudya zvakakwana.

15 Denda richaviga vaya vanenge vasara,

uye chirikadzi dzavo hadzingavachemi.

16 Kunyange akaunganidza sirivha seguruva,

uye zvokupfeka zvikaita somurwi wevhu,

17 zvaanowana zvichapfekwa navakarurama,

uye vasina mhaka vachagovana sirivha yake.

18 Imba yaanovaka yakaita sedende rechipfukuto,

sechirindo chakaitwa nomurindi.

19 Anovata pasi akapfuma, asi haachazviitizve;

paanosvinura meso ake, wanei zvose zvaenda.

20 Zvinotyisa zvinomubata kufanana namafashamu;

dutu rinomubvutira kure panguva yousiku.

21 Mhepo yokumabvazuva inomutakura ichimuendesa kure, achibva zvachose.

Inomukukura kubva panzvimbo yake.

22 Inovhuvhuta paari isingamunzwiri ngoni,

paanenge achitiza akati tande achitiza simba rayo.

23 Inomuomberera maoko ichimuseka,

ichishinyira ichiita kuti abve panzvimbo yake.

Categories
Jobho

Jobho 28

1 “Mugodhi wesirivha uripo,

nenzvimbo inonatswa goridhe.

2 Simbi inocherwa pasi,

uye ndarira inonyautswa ichibva pamhangura.

3 Munhu anoita kuti rima ripere;

anotsvakisisa kusvikira kumucheto chaiko,

mhangura iri murima rakasviba kwazvo.

4 Anovhura mugodhi kure nokunogara vanhu,

kunzvimbo dzakakanganikwa norutsoka rwomunhu;

kure navanhu anorezuka ndokuzeya uku nokuku.

5 Iyo nyika, zvokudya zvichibva mairi,

inoshandurwa nechapasi seinoshandurwa nemoto,

6 safire inobva mumatombo ayo,

uye guruva rayo rine upfu hwegoridhe,

7 Hakuna gondo rinoziva nzira iyo yakavanzika,

hakuna ziso rorukodzi rakaiona.

8 Mhuka dzinozvikudza hadziisi rutsokapo,

uye hakuna shumba inofambapo.

9 Ruoko rwomunhu runorova dombo romusarasara

uye ronoisa midzi yamakomo pachena.

10 Anochera mugero nomumatombo;

meso ake anoona pfuma yawo yose.

11 Anotsvakisisa panotangira nzizi

uye anobudisa zvinhu zvakavanzika pachena.

12 “Asi uchenjeri hungawanikwepiko?

Kunzwisisa kunogarepiko?

13 Munhu haanzwisisi kukosha kwahwo;

hahungawanikwi munyika yavapenyu.

14 Pakadzika panoti, ‘Hahuzi mandiri.’

Gungwa rinoti, ‘Hahuzi pandiri.’

15 Hahungatengwi negoridhe yakaisvonaka,

uye mutengo wahwo haungayerwi nesirivha.

16 Hahungatengwi negoridhe reOfiri,

namatombo anokosha eonikisi kana esafire.

17 Hahungaenzaniswi negoridhe kana kristari,

uye hahungatsinhaniswi nezvishongo zvegoridhe.

18 Korari nejasipa hazvingatongorehwi;

mutengo wouchenjeri unokunda maparera.

19 Topazi yeEtiopia haingaenzaniswi nahwo;

hahungatongotengwi negoridhe rakaisvonaka.

20 “Zvino uchenjeri hunobvepiko?

Kunzwisisa kunogarepiko?

21 Kwakavanzirwa meso ezvipenyu zvose,

zvakavigwa kunyange kushiri dzedenga.

22 Kuparadza noRufu zvinoti,

‘Runyerekupe rwahwo chete ndirwo rwakasvika munzeve dzedu.’

23 Mwari oga ndiye anonzwisisa nzira inoenda kwahuri,

uye ndiye oga anoziva kwahunogara,

24 nokuti anoona magumo enyika,

uye anoona zvinhu zvose zviri pasi pamatenga.

25 Paakasimbisa simba remhepo

uye akayera mvura,

26 paakaita chirevo chemvura

negwara rokutinhira wemheni,

27 ipapo akatarira kuuchenjeri akahunzvera;

akahusimbisa uye akahuedza.

28 Zvino akati kumunhu,

‘Kutya Ishe, ndihwo uchenjeri,

uye kusiya zvakaipa ndiko kunzwisisa.’ ”

Categories
Jobho

Jobho 29

1 Jobho akapfuurira mberi nokutaura kwake achiti:

2 “Haiwa ndinoshuva sei mwedzi yakapfuura, iwo mazuva andairindirwa naMwari,

3 mwenje wake pawaivhenekera pamusoro pangu uye ndaivhenekerwa nechiedza chake ndichifamba murima!

4 Haiwa, iwo mazuva andakanga ndichine simba, ushamwari hwaMwari chaihwo huchiropafadza imba yangu,

5 Wamasimba Ose paakanga achineni uye vana vangu pavakanga vakandipoteredza,

6 painyorovedzwa nzira yangu noruomba, uye dombo richindidururira hova dzamafuta omuorivhi.

7 “Pandakaenda kusuo reguta ndikandogara muchivara,

8 majaya akandiona akatsaukira parutivi uye vatana vakasimuka;

9 vakuru vakaramba kutaura vakafumbira miromo yavo namaoko avo;

10 manzwi avakuru akanyararidzwa, uye ndimi dzavo dzikanamira kumusoro kwemiromo yavo.

11 Vose vakandinzwa vakataura zvakanaka pamusoro pangu, uye vose vakandiona vakandirumbidza,

12 nokuti ndakanunura varombo vaichemera rubatsiro, uye nherera dzakanga dzisina anobatsira.

13 Munhu akanga ofa akandiropafadza; ndakaita kuti mwoyo wechirikadzi uimbe.

14 Ndakafuka kururama sechipfeko changu; kururamisira kwaiva nguo yangu nenguwani yangu.

15 Ndakanga ndiri meso kumapofu namakumbo kuzvirema.

16 Ndakanga ndiri baba kuna vanoshayiwa; ndaimiririra mhaka yomutorwa.

17 Ndakavhuna meno emunhu akanga akaipa, ndikabvuta chaakanga akaruma.

18 “Ndakafunga kuti, ‘Ndichafira mumba mangu, mazuva angu awanda sejecha.

19 Midzi yangu ichasvika kumvura, uye dova richava pamatavi angu usiku hwose.

20 Kukudzwa kwangu kucharamba kuri kutsva pandiri, uta hucharamba huri hutsva muruoko rwangu.’

21 “Vanhu vakanditeerera vachitarisira kwazvo, vanyerere vakamirira kurayira kwangu.

22 Shure kwokutaura kwangu, ivo havana kuzotaurazve; mashoko angu akawira panzeve dzavo zvinyoronyoro.

23 Vakandimirira kunge vakamirira mvura yomupfunhambuya, uye vakanwa mashoko angu kunge mvura yechirimo.

24 Pandakanyemwerera kwavari havana kuzvitenda; chiedza chechiso changu chaikosha kwavari.

25 Ndakavasarudzira nzira ini ndokugara saishe wavo; ndakagara samambo pakati pamauto ake; ndakanga ndakaita somunhu anonyaradza vanochema.

Categories
Jobho

Jobho 30

1 “Asi zvino vanondiseka,

varume vaduku kwandiri,

vane madzibaba andaishora

zvokuti handaivaisa pakati pembwa dzinofudza makwai angu.

2 Ko, simba ramaoko avo raizondibatsirei,

sezvo simba ravo rakanga rapera?

3 Vapererwa nokuda kwokushayiwa uye nenzara,

vakadzivaira usiku munyika yakaoma,

mumatongo nomunyika yakaparara.

4 Vakaunganidza miriwo inovavira kubva mumakwenzi,

uye zvokudya zvavo zvakanga zviri mudzi womuti womurara.

5 Vakabviswa pakati pavanhu vokwavo,

vachitukwa kunge vakanga vari mbavha.

6 Vakamanikidzwa kuti vagare mukati mehova dzakaoma,

pakati pamatombo nomumakomba, muvhu.

7 Vakarira samakwai pakati pamakwenzi,

uye vakamanikidzana pasi porukato.

8 Vakanga vari vanhu vakazvidzika vasina zita,

vakadzingwa kubva munyika.

9 “Uye zvino vanakomana vavo vanondiseka munziyo;

ndava shumo pakati pavo.

10 Vanondisema uye vanomira kure neni;

havazezi kundipfira mate kumeso.

11 Sezvo zvino Mwari akatsudunura uta hwangu uye akanditambudza,

havazvidzori pamberi pangu.

12 Kurudyi rwangu rudzi runondirwisa; vanoisira makumbo angu misungo, vanovaka michinjiziri yokurwa neni.

13 Vanoparadza mugwagwa wangu; vanobudirira pakundiparadza, pasina munhu anovabatsira.

14 Vanofamba zvavo kunge vanopinda napakakoromoka; pakati pamatongo vanongopinda zvavo.

15 Zvinotyisa zvinondibata; kukudzwa kwangu kwabviswa sokunge nemhepo, kuchengetedzeka kwangu kwapera segore.

16 “Uye zvino upenyu hwangu hwava kuguma; mazuva okutambudzika anondibata.

17 Usiku hunobaya mapfupa angu;

zvinondiruma-ruma zvinorwadza hazvizorori.

18 Nesimba rake guru Mwari anova chipfeko kwandiri;

anondisunga somutsipa wenguo yangu.

19 Anondikanda mumatope,

uye ndava seguruva namadota.

20 “Ndinochema kwamuri, imi Mwari, asi hamundipinduri;

ndinosimuka, asi munongonditarisa zvenyu.

21 Munondishandukira noutsinye;

munondirova nesimba roruoko rwenyu.

22 Munondibvuta mondidzingira pamberi pemhepo;

munonditenderedza mudutu.

23 Ndinoziva kuti muchandiburutsa muchindiendesa kurufu, kunzvimbo yakatsaurirwa vapenyu vose.

24 “Zvirokwazvo, hakuna munhu anobata munhu ari kushushikana

paanochemera rubatsiro pakutambudzika kwake.

25 Ko, handina kuchema nokuda kwevaitambura here?

Ko, mweya wangu hauna kuva neshungu pamusoro pavarombo here?

26 Kunyange zvakadaro, pandakanga ndakarindira zvakanaka, zvakaipa zvakasvika;

pandakatarisira chiedza, ipapo rima rakasvika.

27 Kumonyoroka kwoura hwangu hakumbomiri;

mazuva okutambudzika anondivinga.

28 Ndinodzungaira ndichisvibiswa, asi kwete nezuva;

ndinosimuka pakati peungano ndichichemera rubatsiro.

29 Ndava hama yamakava,

neshamwari yamazizi.

30 Ganda rangu riri kusviba uye riri kufunuka;

muviri wangu unopisa nefivha.

31 Mbira dzangu dzava kungoridza nziyo dzokuchema,

uye nyere yangu nziyo dzokuungudza.