Categories
Jobho

Jobho 31

1 “Ndakaita sungano nameso angu

kuti ndirege kutarisa musikana noruchiva.

2 Nokuti mugove womunhu unobva kumusoro kuna Mwari ndoweiko,

iyo nhaka yake inobva kuna Wamasimba Ose?

3 Ko, hakuzi kuparadzwa kwavakaipa,

nenjodzi kuna avo vanoita zvakaipa here?

4 Ko, iye haaoni nzira dzangu

uye haaverengi nhambwe dzangu dzose here?

5 “Kana ndakafamba nenzira yenhema

kana kuti tsoka dzangu dzakamhanyira kunyengera,

6 Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendeka

uye achaziva kuti handina mhosva,

7 kana tsoka dzangu dzakatsauka kubva pagwara,

kana kuti mwoyo wangu wakatevera meso angu,

kana kuti maoko angu akasvibiswa,

8 ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara,

uye mbesa dzangu ngadzidzurwe.

9 “Kana mwoyo wangu wakanyengerwa nomukadzi,

kana kuti ndakavandira pamusuo wemuvakidzani wangu,

10 ipapo mukadzi wangu ngaakuye zviyo zvomumwe murume,

uye vamwe varume ngavavate naye.

11 Nokuti chingadai chiri chinhu chinonyadzisa,

chivi chinofanira kutongwa.

12 Ndiwo moto unopfuta kusvikira pakuparadzwa;

ungadai wakadzura mukohwo wangu.

13 “Kana ndichinge ndaramba kururamisira varanda vangu,

pavane mhaka neni,

14 ndichaita sei pandichasangana naMwari?

Ndichatiiko ndikanzi ndizvidavirire?

15 Ko, iye akandiisa muchizvaro haazi iye akavaita here?

Ko, haazi iye mumwe chete akatiumba tose muna vanamai vedu here?

16 “Kana ndakaramba zvido zvevarombo

kana kurega meso echirikadzi achineta,

17 kana ndakazvidyira chingwa changu,

ndisingachigoverani nenherera,

18 asi kubva paujaya hwangu ndakamurera sezvinoitwa nababa,

uye kubva pakuberekwa kwangu ndakatungamirira chirikadzi,

19 kana ndakaona mumwe achiparara nokuda kwokushaya zvokupfeka,

kana munhu anoshayiwa asina nguo,

20 uye mwoyo wake ukasandiropafadza

nokuti adziyirwa namakushe amakwai angu,

21 kana ndakasimudzira nherera ruoko rwangu

ndichiziva kuti ndinozivikanwa padare redzimhosva,

22 ipapo ruoko rwangu ngaruwe papfudzi rangu,

ruwire pasi napafundo.

23 Nokuti ndaitya kuparadza kunobva kuna Mwari,

uye handina kuita zvinhu zvakadaro nokuti ndaitya kubwinya kwake.

24 “Kana ndakaisa chivimbo changu pagoridhe,

kana kuti kugoridhe rakaisvonaka ndikati, ‘Ndiwe chivimbo changu,’

25 kana ndakafadzwa nepfuma yangu huru,

mukomborero wakabva mumaoko angu,

26 kana ndakava nehanya nezuva pakubwinya kwaro,

kana mwedzi uchifamba mukubwinya,

27 zvokuti mwoyo wangu wakanyengereka pakavanda,

uye ruoko rwangu rukazviremekedza nokuzvisveta,

28 zvino izvozviwo zvingangova zvivi zvinofanira kutongwa,

nokuti ndainge ndisina kutendeka kuna Mwari wokumusoro.

29 “Kana ndakafadzwa nokurasikirwa kwomuvengi wangu,

kana kufara zvikuru pamusoro penhamo yakamuwira,

30 handina kutendera muromo wangu kutadza,

nokudana chituko pamusoro poupenyu hwake,

31 kana vanhu veimba yangu vasina kumboti,

‘Ndianiko asina kumbogutswa nenyama yaJobho?’

32 Hapana mutorwa akavata usiku hwose munzira dzomumusha,

nokuti musuo wangu wakaramba wakazarurirwa vashanyi.

33 Kana ndakavanza chivi changu saAdhamu,

nokuviga mhosva yangu mumwoyo mangu,

34 nokuda kwokuti ndaitya kwazvo vanhu vazhinji,

uye ndakatya kwazvo kuzvidza kwevemhuri,

zvokuti ndakaramba ndinyerere ndikasabuda kunze,

35 “Haiwa, dai ndaiva nomumwe angandinzwa!

Ndinonyora runyoro rwangu ndichizvidzivirira iye zvino,

Wamasimba Ose ngaandipindure;

mupomeri wangu ngaanyore rugwaro rwezvaanondipomera.

36 Zvirokwazvo ndairutakura pamapfudzi angu,

ndairupfeka sekorona.

37 Ndaimupa kuzvidavirira kwangu kwenhambwe imwe neimwe;

ndaiswedera kwaari somuchinda.

38 “Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri uchindipa mhosva,

uye miforo yose ikanyorova nemisodzi,

39 kana ndakadya zvibereko zvawo ndisingaripi,

kana ndakaparadza upenyu hwavanourima,

40 ipapo rukato ngarumere pachinzvimbo chegorosi,

nesora pachinzvimbo chebhari.”

Mashoko aJobho apera.

Categories
Jobho

Jobho 32

1 Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake.

2 Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari.

3 Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa nayo Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva.

4 Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari.

5 Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka.

6 Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati:

“Ndiri muduku pamakore,

uye imi muri vakuru;

ndokusaka ndanga ndichitya,

ndisingadi kukuudzai zvandinoziva.

7 Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura;

makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’

8 Asi ndiwo mweya uri mumunhu,

kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa.

9 Havazi vakuru bedzi vakachenjera,

kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka.

10 “Naizvozvo ndinoti: Nditeererei;

neniwo ndichakuudzai zvandinoziva.

11 Ndakambomirira pamaitaura,

ndakateerera pfungwa dzenyu;

pamakanga muchitsvaka mashoko,

12 ndakanyatsokuteererai.

Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho;

hakuna pamuri akapindura mashoko ake zvinogutsa.

13 Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri;

regai Mwari amukonese, kwete munhu.’

14 Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri,

uye handingamupinduri namashoko enyu.

15 “Vashamiswa uye havachina chokureva;

vapererwa namashoko.

16 Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara,

zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro?

17 Neniwo ndichava nechokutaura;

neniwo ndichareva zvandinoziva.

18 Nokuti ndizere namashoko,

uye mweya uri mandiri unondimanikidza;

19 mukati mangu ndafanana newaini iri muhomwe yakadzivirwa,

sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka.

20 Ndinofanira kutaura kuti ndirerukirwe;

ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura.

21 Handina munhu wandichatsaura,

uye handingabati kumeso munhu upi zvake;

22 nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso,

Muiti wangu aizokurumidza kunditora.

Categories
Jobho

Jobho 33

1 “Asi zvino, Jobho, chinzwa mashoko angu;

rerekera nzeve yako pane zvose zvandinoreva.

2 Ndava kuchizoshamisa muromo wangu;

mashoko angu ari pamuromo worurimi rwangu.

3 Mashoko angu anobva pamwoyo wakarurama;

muromo wangu uchataura chokwadi chandinoziva.

4 Mweya waMwari wakandiita;

kufema kwaWamasimba Ose kunondipa upenyu.

5 Ndipindure zvino, kana uchigona;

zvigadzirire ugomisidzana neni.

6 Ini ndakangoita sewe pamberi paMwari;

neniwo ndakatorwa muvhu.

7 Kutyisa kwangu hakufaniri kukuvhundutsa,

uye ruoko rwangu harufaniri kukuremera.

8 “Asi wakati ini ndichizvinzwa,

ndakanzwa mashoko acho chaiwo,

9 ‘Ndakachena uye handina chivi;

ndakanaka uye handina mhosva.

10 Asi Mwari awana mhosva neni;

anonditi muvengi wake.

11 Anosunga makumbo angu nezvisungo;

anocherechedza nzira dzangu dzose.’

12 “Asi ndinokuudza kuti pachinhu ichi hauna kururama,

nokuti Mwari mukuru kukunda munhu.

13 Seiko uchimunyunyutira

kuti haasi kupindura mashoko omunhu?

14 Nokuti Mwari anotaura zvino neimwe nzira,

pane imwe nguva neimwe nzira,

kunyange munhu asingazvioni.

15 Mukurota, uye muchiratidzo chousiku,

hope huru padzinowira vanhu,

pavanotsimwaira pamibhedha yavo,

16 angangotaura munzeve dzavo uye

agovavhundutsa neyambiro zhinji,

17 kuti adzore munhu pakuita zvakaipa,

uye nokuita kuti arege kuzvikudza,

18 kuti achengetedze mweya wake pagomba,

uye kuti upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.

19 Kana kuti munhu angarangwa panhoo yokurwadziwa,

achiramba achitambudzika mumapfupa ake,

20 saka upenyu hwake chaihwo hunosemburwa nezvokudya,

uye mweya wake unosema zvokudya zvakaisvonaka.

21 Anoonda kusvikira apera,

uye mapfupa ake, akanga asingaonekwi, zvino obuda kunze.

22 Mweya wake unoswedera kugomba,

uye upenyu hwake kunhume dzorufu.

23 “Asi kana kurutivi rwake kuine mutumwa somurevereri,

mumwe kubva muchiuru, kuti audze munhu zvakamunakira,

24 kuti amunzwire tsitsi agoti,

‘Murwirei kuti arege kuenda kugomba;

ndamuwanira dzikinuro,’

25 ipapo nyama yake inovandudzwa ikafanana neyomwana;

inovandudzwa ikaita sapamazuva oujaya hwake.

26 Anonyengetera kuna Mwari agowana nyasha kwaari,

anoona chiso chaMwari agopembera nomufaro;

anodzoserwazve kururama kwake naMwari.

27 Ipapo anosvika kuvanhu agoti,

‘Ndakatadza, uye ndakaminamisa zvakanga zvakarurama,

asi handina kuwana zvaindikodzera.

28 Akadzikinura mweya wangu pakupinda mugomba,

uye ndichararama ndichifadzwa nechiedza.’

29 “Mwari anoita zvinhu zvose izvi kumunhu,

kaviri, kunyange katatu,

30 kudzora mweya wake pakupinda mugomba,

kuti chiedza choupenyu chivhenekere paari.

31 “Chinzwa, Jobho, uye urerekere nzeve dzako kwandiri;

nyarara, uye ini ndichataura.

32 Kana unacho chokureva, ndipindure;

taurisa, nokuti ndinoda kuti ururamisirwe.

33 Asi kana zvisakadaro, chinzwa zvino kwandiri;

nyarara, uye ndichakudzidzisa uchenjeri.”

Categories
Jobho

Jobho 34

1 Ipapo Erihu akati:

2 “Inzwai mashoko angu, imi vanhu vakachenjera;

nditeererei, imi vanhu vedzidzo.

3 Nokuti nzeve inoedza mazwi

sokuravira kunoita rurimi chokudya.

4 Ngatinzverei pachedu kuti chakarurama ndechipi;

ngatidzidzei pamwe chete kuti chakanaka ndechipi.

5 “Jobho anoti, ‘Handina mhosva,

asi Mwari anoramba kundiruramisira.

6 Kunyange ndakarurama,

ndinonzi ndiri murevi wenhema;

kunyange ndisina mhaka,

museve wake unobaya ronda risingarapiki.’

7 Ndianiko munhu akaita saJobho,

anonwa kushorwa semvura?

8 Anofambidzana navanoita zvakaipa;

anowirirana navanhu vakaipa.

9 Nokuti anoti, ‘Munhu haana chaanobatsirwa nacho,

paanoedza kufadza Mwari.’

10 “Saka nditeererei, imi vanhu vokunzwisisa.

Mwari haangatongoiti zvakaipa, Wamasimba Ose haangatongokanganisi.

11 Anoripira munhu pane zvaanenge aita;

anoisa pamusoro pake zvakakodzera mafambiro ake.

12 Hazvingatongogoni kuti Mwari angaita zvakaipa,

kuti Wamasimba Ose angaminamisa kururamisira.

13 Ndianiko akamugadza pamusoro penyika?

Ndianiko akamuita mutariri wepasi pose?

14 Kana kwaiva kufunga kwake,

uye akatora mweya wake nokufema kwake,

15 marudzi ose avanhu aiparara pamwe chete,

uye munhu aizodzokerazve kuguruva.

16 “Kana uchinzwisisa teerera izvi;

chinzwa zvandinoreva.

17 Ko, munhu anovenga kururamisira angatonga here?

Ko, muchapomera akarurama uye ane simba here?

18 Ko, haazi iye anoti kumadzimambo, ‘Hamubatsiri imi,’

uye kumakurukota, ‘Makaipa imi,’

19 asingaitiri machinda zvakanaka nokuti machinda,

uye asingaitiri zvakanaka vapfumi kupfuura varombo,

nokuti vose ibasa ramaoko ake?

20 Vanofa kamwe kamwe, pakati pousiku;

vanhu vanovhundutswa vagoparara;

vane simba vanobviswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.

21 “Meso ake ari panzira dzavanhu;

anoona nhambwe imwe neimwe yavo.

22 Hakuna nzvimbo ine rima,

hakuna mumvuri wakadzama,

pangavanda vaiti vezvakaipa.

23 Mwari haanei nezvokuedzazve vanhu,

kuti vauye vamire pamberi pake vagotongwa.

24 Anoparadza vane simba asina kumbobvunza,

agogadza vamwe panzvimbo yavo.

25 Nokuti anocherechedza mabasa avo,

anovabvisa usiku uye vanopwanyiwa.

26 Anovaranga nokuda kwokuipa kwavo,

pavanoonekwa nomunhu wose,

27 nokuti vakatsauka pakumutevera

uye havana kuva nehanya kana neimwe yenzira dzake.

28 Vakakonzera kuchema kwavarombo kuti kusvike pamberi pake,

zvokuti akanzwa kuchema kwavanoshayiwa.

29 Asi kana akaramba anyerere ndiani angamupa mhosva?

Kana akavanza chiso chake, ndianiko angamuona?

Zvakadaro iye ari pamusoro pazvose, munhu nendudzi,

30 kuti abvise munhu asina umwari pakutonga,

kuti asaisira vanhu misungo.

31 “Ngatiti munhu oti kuna Mwari,

‘Ndine mhaka asi handichatadzazve.

32 Ndidzidzisei zvandisingagoni kuona;

kana ndakaita zvakaipa, handichazviitizve.’

33 Ko, Mwari angafanira kukupa mubayiro sezvaunoda iwe here,

zvaunoramba kutendeuka?

Unofanira kusarudza iwe, kwete ini;

saka nditaurire zvaunoziva.

34 “Imi vanhu vokunzwisisa taurai,

vanhu vakachenjera munondinzwa muti kwandiri,

35 ‘Jobho anotaura asina zivo; mashoko ake haana uchenjeri.’

36 Haiwa, dai Jobho aedzwa kusvikira pakupedzisira,

nokuti anopindura somunhu akaipa!

37 Pachivi chake anowedzera kumukira;

anouchira maoko ake pakati pedu sezvisina basa,

uye anowedzera mashoko ake okurwa naMwari.”

Categories
Jobho

Jobho 35

1 Ipapo Erihu akati:

2 “Unofunga kuti izvi zvakarurama here? Iwe zvaunoti, ‘Ndichanzi ndakarurama naMwari.’

3 Kunyange zvakadaro unomubvunza uchiti, ‘Zvinondibatsirei, uye ndinowaneiko nokusatadza.’

4 “Ndinoda kupindura iwe

neshamwari dzako dzaunadzo.

5 Tarira kumatenga uone;

nanʼanidza makore ari pamusoro pako.

6 Kana ukatadza, zvinomurwadza zvakadiniko?

Kana zvivi zvako zvikawanda, zvinoita sei kwaari?

7 Kana wakarurama, unomupeiko iye,

kana kuti anogamuchireiko kubva muruoko rwako?

8 Kuipa kwako kunongobata munhu akaita sewe,

uye kururama kwako ndekwomwanakomana wavanhu chete.

9 “Vanhu vanoridza mhere vari pasi pomutoro wokumanikidzwa;

vanokumbira kusunungurwa kubva muruoko rwoune simba.

10 Asi hakuna munhu anoti, ‘Aripiko Mwari Muiti wangu,

anopa nziyo panguva yousiku,

11 anodzidzisa zvakawanda kwatiri kupfuura mhuka dzenyika

uye anotiita vakachenjera kupfuura shiri dzedenga.’

12 Haapinduri kana vanhu vachiridza mhere,

nokuda kwokuzvikudza kwavakaipa.

13 Zvirokwazvo, Mwari haateereri chikumbiro chavo chisina maturo;

Wamasimba Ose haazviteereri izvozvo.

14 Ndoda, zvino, haangateereri

kana uchiti hausi kumuona,

mhaka yako iri pamberi pake

zvokuti unofanira kumumirira,

15 uyezve, kuti kutsamwa kwake hakumborangi,

uye haana hanya zvake nezvakaipa.

16 Saka Jobho anoshamisa muromo wake achitaura zvisina maturo;

anowanza mashoko ake asina zivo.”

Categories
Jobho

Jobho 36

1 Erihu akaenderera mberi achiti:

2 “Imbondiitirai mwoyo murefu kwechimwezve chinguva,

ipapo ndichakuratidzai

kuti pane zvimwe zvakawanda zvokutaura, ndakamiririra Mwari.

3 Ruzivo rwangu runobva kure;

ndichati Muiti wangu akarurama.

4 Muzive kuti mashoko angu haasi enhema;

akakwana pazivo ari pakati penyu.

5 “Mwari ane simba asi haazvidzi vanhu;

ane simba, uye anozadzisa zvaakaronga.

6 Haaregi vakaipa vari vapenyu,

asi anopa vanotambudzika kodzero dzavo.

7 Haabvisi meso ake pane vakarurama;

anovagadza pamwe chete namadzimambo

uye anovasimudzira nokusingaperi.

8 Asi kana vanhu vakasungwa nengetani,

vakabatwa zvakasimba netambo dzokutambudzika,

9 iye anovaudza zvavanenge vaita,

kuti vatadza nokuzvikudza zvikuru.

10 Anovaita kuti vateerere kurayirwa,

uye anovarayira kuti vatendeuke pane zvakaipa zvavo.

11 Kana vakateerera uye vakamushumira,

vachapedza mazuva avo ose mukubudirira

uye makore avo vari mukugutsikana.

12 Asi kana vasingateereri,

vachapera nomunondo,

uye vachafa vasina zivo.

13 “Vasina umwari mumwoyo yavo vanochengeta pfundipfundi,

kunyange paanovasunga,

havaridzi mhere kuti vabatsirwe.

14 Vanofa panguva yeujaya hwavo,

pakati pezvifeve zvechirume zvepashongwe.

15 Asi vaya vanotambudzika anovarwira pakutambudzika kwavo;

anotaura kwavari panguva yokurwadziwa kwavo.

16 “Ari kukukwezva kubva pamuromo wenhamo,

kuti akuise panzvimbo yakasununguka isina zvipinganidzo,

pazvivaraidzo zvetafura yenyu izere nezvokudya zvakaisvonaka.

17 Asi zvino waremedzwa nokutonga kwakafanira vakaipa;

kutonga uye kururamisira zvakubata iwe.

18 Uchenjere kuti parege kuva nomunhu anokunyengera nepfuma;

usarega fufuro huru ichikutsausa.

19 Ko, pfuma yako kana kushingaira kwesimba rako

zvingakutsigira kuti urege kutambudzika here?

20 Rega kushuva usiku,

kuti ukwekweredzere vanhu kure nemisha yavo.

21 Chenjera kuti urege kudzokera kune zvakaipa,

izvo zvaunoda pachinzvimbo chokutambudzika.

22 “Tarira, Mwari anosimudzirwa musimba rake.

Ndianiko mudzidzisi akafanana naye?

23 Ndianiko akamuratidza nzira dzake,

kana akati kwaari, ‘Makanganisa imi?’

24 Rangarira kukudza basa rake,

iro rakarumbidzwa navanhu munziyo.

25 Marudzi ose avanhu akariona;

vanhu vanoritarisa vari kure.

26 Haiwa, Mwari mukuru kupfuura kunzwisisa kwedu!

Kuwanda kwamakore ake hakuverengeki.

27 “Anokwevera madonhwe emvura kumusoro,

anoshanduka achinaya semvura kuhova;

28 makore anodurura unyoro hwawo

uye mvura yakawanda inonaya pamusoro pavanhu.

29 Ndianiko anganzwisisa kuparadzira kwaanoita makore,

namatinhiriro aanoita ari mudenga rake?

30 Tarirai maparadziro aanoita mheni yake pamativi ake,

ichituhwina makadzika megungwa.

31 Ndiyo nzira yaanotonga nayo ndudzi

neyaanodziriritira nayo nezvokudya zvakawanda.

32 Anozadza maoko ake nemheni

agorayira kuti irove paanoda.

33 Kutinhira kwake kunozivisa dutu remvura riri kuuya;

kunyange mombe dzinoratidza kusvika kwaro.

Categories
Jobho

Jobho 37

1 “Hana yangu inorova nokuda kwezvizvi,

uye mwoyo wangu unotomuka uchibva panzvimbo yawo.

2 Teererai! Teererai kutinhira kwenzwi rake,

nokuunga kunobva pamuromo wake.

3 Anoregedzera mheni yake pasi pedenga rose,

agoituma kumigumo yenyika.

4 Shure kwaizvozvo inzwi rokutinhira kwake rinosvika;

anotinhira nenzwi roumambo hwake.

5 Inzwi raMwari rinotinhira nenzira dzinoshamisa;

iye anoita zvinhu zvikuru zvinopfuura kunzwisisa kwedu.

6 Anoti kuchando, ‘Donhera panyika,’

nokumvura inonaya, ‘Naya nesimba.’

7 Kuitira kuti vanhu vose vaakasika vazive basa rake,

anoita kuti munhu mumwe nomumwe ambomira kushanda.

8 Mhuka dzinovanda;

dzinoramba dziri mumapako adzo.

9 Dutu rinobuda pakamuri yaro,

chando chinobva pakuvhuvhuta kwemhepo.

10 Kufema kwaMwari kunobudisa mazaya echando,

uye mvura zhinji inooma kuita chando.

11 Anozadza makore nounyoro;

anoparadzira mheni yake nomumakore.

12 Anoafambisa sezvaanoda pamusoro penyika yose,

kuti aite zvose zvaanoarayira.

13 Anouyisa makore kuzoranga vanhu,

kana kuzodiridza nyika yake kuti aratidze rudo rwake.

14 “Teerera izvi, Jobho;

imbomira ugorangarira zvishamiso zvaMwari.

15 Unoziva here kudzorwa kwamakore naMwari

nokupenyesa kwaanoita mheni yake?

16 Unoziva maturikirwo akaitwa makore here,

izvo zvishamiso zvaiye akakwana muruzivo?

17 Iyewe unopiswa nenguo dzako

nyika painonyaradzwa nemhepo yezasi,

18 ko, ungagona kubatana naye pakutatamura matenga here,

iwo akaoma kunge chionioni chendarira yakaumbwa.

19 “Tiudze zvatingareva kwaari;

hatigoni kureva mhaka yedu nokuda kwerima redu.

20 Ko, anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here?

Ko, pano munhu angakumbira kumedzwa here?

21 Zvino hakuna munhu angatarira kuzuva,

nokuvhenekera kwaro riri mumatenga,

mushure mokunge mhepo yaachenesa.

22 Anouya nokubwinya kunoyevedza achibva nokumusoro;

Mwari anouya nokubwinya kunotyisa.

23 Wamasimba Ose haasvikiki kwaari uye anokudzwa nesimba;

mukururamisira uye nokururama kwake kukuru haadzvinyiriri.

24 Naizvozvo, vanhu vanomutya,

ko, haana hanya navose vakachenjera pamwoyo here?”

Categories
Jobho

Jobho 38

1 Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari mudutu akati:

2 “Ndianiko uyu anodzimaidza zano rangu

namashoko asina zivo?

3 Chizvishingisa somurume;

ini ndichakubvunza,

uye iwe uchandipindura.

4 “Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika?

Ndiudze, kana uchinzwisisa.

5 Ndianiko akatara miganhu yacho?

Zvirokwazvo unozviziva!

Ndianiko akaiyera nerwodzi?

6 Ko, nheyo dzayo dzakanga dzimire pai,

kana kuti ndianiko akaisa ibwe rapakona,

7 panguva yaiimba nyeredzi dzamangwanani pamwe chete,

uye vanakomana vaMwari vose vachipembera nomufaro?

8 “Ndianiko akapfigira gungwa mikova

parakatsemuka richibva muchizvaro,

9 pandakaita makore kuti ave nguo yaro,

uye ndikariputira murima guru,

10 pandakariisira miganhu yaro,

uye ndikaisa makonhi aro namazariro panzvimbo yawo,

11 pandakati, ‘Apa ndipo paunosvika uye haungapfuuri;

pano ndipo panoguma kuzvikudza kwamafungu ako’?

12 “Wakambopa mutemo kumangwanani here,

kana kuratidza mambakwedza nzvimbo yawo,

13 kuti abate mipendero yenyika,

uye azungunuse vakaipa kuti vabve mairi?

14 Nyika inoumbika sevhu pasi pechisimbiso;

mamiriro ayo anoita senguo.

15 Vakaipa vanonyimwa chiedza chavo,

uye ruoko rwavo rwakasimudzwa rwavhunika.

16 “Wakamboshanyira zvitubu zvegungwa here,

kana kufamba kwakanyarara kwokwakadzika?

17 Ko, masuo orufu wakamboaratidzwa here?

Wakamboona masuo omumvuri worufu here?

18 Wati wanzwisisa upamhi hwenzvimbo dzenyika here?

Ndiudze kana uchiziva zvose izvi.

19 “Ko, nzira inoenda kunogara chiedza ndeipi?

Ko, rima rinogarepi?

20 Ungagona kuzviisa kunzvimbo yazvo here?

Unoziva nzira inoenda kwazvinogara here?

21 Zvirokwazvo iwe unoziva, nokuti wakanga waberekwa kare!

Wararama kwamakore mazhinji kwazvo.

22 “Wakambopinda mudura rechando here,

kana kuona dura rechimvuramabwe,

23 izvo zvandakachengetera nguva dzokutambudzika,

mazuva ehondo neokurwa?

24 Ko, nzira inoenda kunogoverwa mheni ndeipi,

kana nzvimbo inoparadzirwa mhepo dzokumabvazuva pamusoro penyika?

25 Ndianiko anodziura mugero wemvura zhinji,

nenzira yechimvuramabwe,

26 kuti zvidiridze nyika isingagarwi nomunhu,

gwenga risina munhu mariri,

27 kugutsa nyika yakaparadzwa

nokuita kuti imere uswa?

28 Ko, mvura ina baba here?

Ndianiko baba vemadonhwe edova?

29 Chando chinobva muchizvaro chaaniko?

Ndianiko anobereka mazaya echando achibva kudenga,

30 panooma mvura ikaita sedombo,

pamusoro pokwakadzika pachioma nechando?

31 “Ungagona kusunga nyeredzi dzeChimutanhatu here?

Iwe ungasunungura mabote eOrioni here?

32 Ungabudisa mapoka enyeredzi panguva yadzo here,

kana kutungamirira Akuturo navana vayo?

33 Unoziva mitemo yokumatenga here?

Ungagona kumisa umambo hwaMwari pamusoro penyika here?

34 “Ko, iwe ungasvitsa inzwi rako kumakore here,

uye ugozvifukidza namafashamu emvura?

35 Ko, iwe unotuma mheni panzira yayo here?

Ko, zvinodzoka kuzokuzivisa iwe here kuti isu tiri pano?

36 Ndianiko akaisa uchenjeri mumwoyo,

kana kupa kunzwisisa kundangariro?

37 Ndianiko ane uchenjeri hwokuverenga makore?

Ndianiko angagona kuteura matende emvura okudenga,

38 kana guruva raoma,

uye mavhinga enyika anamatirana?

39 “Ko, iwe ungavhimira shumbakadzi chokudya here,

uye ungagutsa shumba panzara yadzo here,

40 kana dzichitsivama mumapako adzo

kana kuti dzakavandira mudenhere?

41 Ndianiko anopa gunguo zvokudya

kana vana varo vachichema kuna Mwari,

uye vachidzungaira pose pose nokushayiwa zvokudya?

Categories
Jobho

Jobho 39

1 “Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here?

Unocherechedza kana nondo dzichibereka vana vadzo here?

2 Unoverenga mwedzi kusvikira dzabereka here?

Unoziva nguva yadzinobereka here?

3 Dzinotsivama pasi dzigobereka vana vadzo;

kurwadziwa kwadzo kwapera.

4 Vana vadzo vanowanda vagokura vakasimba musango;

vanoenda uye havadzokizve.

5 “Ndianiko akaregedza mbizi ichienda?

Ndianiko akasunungura tambo dzayo?

6 Ndakaipa renje kuti uve musha wayo,

nyika yomunyu sougaro hwayo.

7 Inoseka bope riri muguta;

hainzwi kudaidzira kwomuchairi.

8 Inoita zvikomo mafuro ayo

uye inotsvaka zvinhu zvose zvinenge zvakapfumvudza.

9 “Ko, nyati ingabvuma kukushandira here?

Ko, ingagara mudanga rako usiku here?

10 Ko, ungagona kuifambisa mumiforo namahanisi here?

Ko, ingarima mipata mushure mako here?

11 Ungavimba nesimba rayo guru here?

Ko, ungaisiyira basa rako rinorema here?

12 Ungavimba nayo kuti ikutakurire zviyo zvako

uye igozviunza paburiro rako here?

13 “Mapapiro emhou anopapama nomufaro mukuru,

asi haangaenzaniswi namapapiro uye neminhenga yedambiramurove.

14 Zvirokwazvo inokandira mazai ayo muvhu

igoarega achidziyirwa mujecha,

15 isina hanya kuti rutsoka rungaapwanya,

kana kuti mhuka dzesango dzingaatsika.

16 Inobata vana vayo noukasha, kunge vasati vari vayo;

haina hanya kuti yakatambudzika pasina,

17 nokuti Mwari haana kuisa njere mairi

kana kuipa mugove wepfungwa dzakanaka.

18 Asi kana ikatambanudza mapapiro ayo kuti imhanye,

inoseka bhiza nomutasvi waro.

19 “Iwe unopa bhiza simba raro

kana kushongedza mutsipa waro nezenze rinopepereka here?

20 Ndiwe unoita kuti rikwakuke semhashu,

richivhundutsira nokupfeza, kwokuzvikudza kwaro here?

21 Rinoteta risingatyi, richifarira simba raro,

rigobuda richienda kundorwa.

22 Rinoseka kutya, harina charinotya;

haritizi munondo.

23 Goba remiseve rinorira parutivi paro,

pamwe chete nepfumo nebakatwa zvinovaima.

24 Neshungu rinodya ivhu;

harigoni kumira rakadzikama

kana richinzwa kurira kwehwamanda.

25 Pakurira kwehwamanda rinopfeza, roti, ‘Hekani!’

Rinofembedza hwema hwehondo ichiri kure,

kudanidzira kwavakuru vehondo nemheremhere yehondo.

26 “Ko, rukodzi runobhururuka nouchenjeri hwako here

parunotambanudza mapapiro arwo rwakananga zasi?

27 Ko, gondo rinobhururuka nokuda kwokurayira kwako here

richindovaka dendere raro pakakwirira?

28 Rinogara pamawere uye rinovatapo usiku;

shongwe yedombo ndiyo nhare yaro.

29 Riri ipapo rinotsvaka zvokudya zvaro;

meso aro anozviona zvichiri kure.

30 Vana varo vanodya ropa,

uye pane chakaurayiwa ndipo pariri.”

Categories
Jobho

Jobho 40

1 Jehovha akati kuna Jobho:

2 “Ko, munhu anokakavadzana noWamasimba Ose angamurayira here?

Anopomera Mwari mhosva ngaamupindure!”

3 Ipapo Jobho akapindura Jehovha akati:

4 “Ini handina maturo, ndingakupindurai seiko?

Ndafumbira muromo wangu.

5 Ndakataura kamwe chete, asi handina mhinduro,

kaviri, asi handichapamhidzazve.”

6 Ipapo Jehovha akataura naJobho ari mudutu akati:

7 “Chizvisunga chiuno somurume;

ini ndichakubvunza,

uye iwe uchandipindura.

8 “Ko, iwe unoda kukanganisa kururamisira kwangu here?

Ko, unondipomera kuti uzviruramise here?

9 Uno ruoko rwakaita sorwaMwari here,

uye inzwi rako ringatinhira serake here?

10 Chizvishongedza zvino nokukudzwa uye nokubwinya,

uye zvishongedze nokuremekedzwa uye noumambo.

11 Regedzera ukasha hwehasha dzako,

utarire munhu mumwe nomumwe anozvikudza ugomuderedza,

12 tarira murume mumwe nomumwe anozvikudza ugomuninipisa,

pwanya vakaipa ipapo pavamire.

13 Uvavige vose pamwe chete muguruva;

ufukidze zviso zvavo muguva.

14 Ipapo ini pachangu ndichabvuma kwauri

kuti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.

15 “Tarisa kumvuu, yandakaita pamwe chete newe

uye inofura uswa senzombe.

16 Simba rainaro muchiuno chayo,

kusimba kwayo kuri mumakakava edumbu rayo.

17 Muswe wayo unotsvikidza somusidhari;

marunda ezvidya zvayo akasonanidzwa.

18 Mapfupa ayo ipombi dzendarira,

miromo yayo yakaita setsvimbo dzesimbi.

19 Iyo iri pachinzvimbo chokutanga pakati pamabasa aMwari,

asi Muiti wayo anogona kusvika pairi nomunondo wake.

20 Zvikomo zvinoivigira zvibereko zvayo,

uye zvikara zvose zvesango zvinotambira pedyo nayo.

21 Inovata pasi pemiti yemirotasi

yakavanda pakati petsanga munhope.

22 Mirotasi inoivanza pamimvuri yayo;

mikonachando iri mujinga morukova inoipoteredza.

23 Panozara rwizi, iyo haivhunduki;

inodekara zvayo, kunyange Jorodhani rukapfachukira kumuromo wayo.

24 Pano munhu angagona kuibata neziso,

kana kuiteya uye nokuibaya pamhino yayo here?