Categories
Jobho

Jobho 41

1 “Ungagona kukweva ngwena nechiredzo,

kana kusunga rurimi rwayo netambo here?

2 Ungagona kupinza mukaro mumhino dzayo,

kana kuboora rushaya rwayo nechiredzo here?

3 Ko, ingaramba ichikumbira kunzwirwa ngoni newe here?

Ko, ingataura kwauri mashoko manyoro here?

4 Ko, ingaita chitenderano newe here

kuti iwe uitore senhapwa kwoupenyu hwayo hwose?

5 Ungagona kuipfuwa seshiri here

kana kuisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo?

6 Ko, vatengesi vangaitsinhanisa here?

Ko, vangaigoverana pakati pavashambadziri here?

7 Ungagona kuzadza dehwe rayo nemiseve ine nzeve here,

kana kuzadza musoro wayo namapfumo okuredzesa hove?

8 Kana ukaisa ruoko rwako pairi

uchazorangarira kurwisana kwako nayo

uye haungazozvipamhizve!

9 Tariro ipi zvayo yokuitonga ndeyenhema;

kungoiona bedzi kunopedza simba.

10 Hakuna munhu anotyisa zvokuti angaidenha.

Ndianiko zvino anogona kumisidzana neni?

11 Ndianiko wandakatorera chinhu wandinofanira kuripira?

Zvinhu zvose zviri pasi pedenga ndezvangu.

12 “Handingakonewi kutaura zvemitezo yayo,

simba rayo uye chimiro chayo chakanaka.

13 Ndianiko angabvisa dehwe rayo?

Ndianiko angasvika kwairi namatomu?

14 Ndianiko anotsunga kuzarura mikova yomuromo wayo,

iwo wakakomberedzwa nameno ayo anotyisa?

15 Musana wayo une mitsara yamakwande

yakanyatsonamirwa pamwe chete;

16 rimwe nerimwe riri pedyo pedyo nerimwe,

zvokuti hakuna mhepo inopinda napakati.

17 Akanyatsobatanidzwa pane rimwe nerimwe;

akanamatirana pamwe chete uye haagoni kuparadzaniswa.

18 Kuhotsira kwayo kunoita mamvari omoto;

meso ayo akaita sehwerazuva hwamambakwedza.

19 Mazhenje omoto anoyerera achibva mumuromo mayo;

zvimvari zvomoto zvinobarikira kunze.

20 Utsi hunobuda mumhino dzayo

sepahari inovira pamusoro pomoto wetsanga.

21 Kufema kwayo kunopfutidza mazimbe omoto,

uye murazvo unobuda mumuromo mayo.

22 Simba rinogara pamutsipa wayo;

kuvhundutsa kuri pamberi payo.

23 Nhindi dzenyama yayo dzakabatanidzwa zvakasimba;

dzakasimba uye hadzizungunuswi.

24 Chipfuva chayo chakaoma sebwe,

chakaoma sapasi peguyo.

25 Painosimuka, vane simba vanovhundutswa,

vanodududzira shure isati yarova mvura.

26 Munondo unosvika kwairi hauna simba,

uye pfumo kana museve kana pfumo guru hazvina simba.

27 Simbi inoita seshanga kwairi,

uye ndarira sedanda rakaora.

28 Miseve haingaiti kuti itize;

zvimviriri zvakaita sehundi kwairi.

29 Tsvimbo inoita kunge chidimbu cheshanga kwairi;

inoseka panorira bakatwa.

30 Pasi payo pakaita sezvaenga zvehari,

inosiya muhwezva mumatope sechirei chinokwevewa.

31 Inoita kuti mvura yakadzika ivire segate rinovhaira,

uye inokurunga gungwa sehari yamafuta.

32 Shure kwayo inosiya muhwezva unopenya;

mumwe munhu angafunga kuti mvura yakadzika yava nevhudzijena.

33 Hapana chakaenzana nayo munyika,

chisikwa chisingatyi.

34 Inotarisira pasi zvose zvinozvikudza;

ndiyo mambo pamusoro pezvose zvinozvikudza.”

Categories
Jobho

Jobho 42

1 Ipapo Jobho akapindura kuna Jehovha akati:

2 “Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose;

hapana urongwa hwenyu hungakoneswa.

3 Mabvunza kuti, ‘Ndianiko uyu anodzikatira zano rangu iye asina zivo?’

Zvirokwazvo ndakataura pamusoro pezvinhu zvandisinganzwisisi,

zvinhu zvinoshamisa kwazvo kuti ini ndizvizive.

4 “Mati imi, ‘Chinzwa zvino,

uye ini ndichataura; ndichakubvunza iwe,

uye iwe uchandipindura.’

5 Nzeve dzangu dzakanga dzanzwa nezvenyu,

asi zvino meso angu akuonai imi.

6 Naizvozvo ndinozvishora pachangu,

uye ndinotendeuka hangu muguruva nomumadota.”

Magumo

7 Jehovha akati areva zvinhu izvi kuna Jobho, akati kuna Erifazi muTemani, “Ndakakutsamwira iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, sezvakaitwa nomuranda wangu Jobho.

8 Saka zvino chitorai hando nomwe namakondobwe manomwe mugoenda kumuranda wangu Jobho mundozvibayira sechipiriso chenyu chinopiswa. Muranda wangu Jobho achakunyengetererai, uye ini ndichagamuchira munyengetero wake ndigorega kukuitirai zvakafanira upenzi hwenyu. Hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, somuranda wangu Jobho.”

9 Saka Erifazi muTemani, Bhiridhadhi muShuhi naZofari muNamaati vakaita zvavakaudzwa naJehovha; uye Jehovha akagamuchira munyengetero waJobho.

10 Shure kwokunge Jobho anyengeterera shamwari dzake, Jehovha akaita kuti abudirirezve akamupa zvakapetwa kaviri kupfuura zvaakanga anazvo kare.

11 Vanunʼuna vake vose nehanzvadzi dzake navose vaimuziva vakauya vakadya pamwe chete naye mumba make. Vakamuvaraidza uye vakamunyaradza pamusoro pamatambudziko akanga aiswa naJehovha pamusoro pake, uye mumwe nomumwe wavo akamupa chidimbu chesirivha nemhete yegoridhe.

12 Jehovha akaropafadza kupedzisira kwoupenyu hwaJobho kupfuura kutanga. Akanga ana makwai zviuru gumi nezvina, zviuru zvitanhatu zvengamera, nenzombe dzingasungwa pamajoko chiuru nembongoro chiuru.

13 Uye akazovawo navanakomana vanomwe navanasikana vatatu.

14 Mwanasikana wake wokutanga akamutumidza zita rokuti Jemima, wechipiri akamuti Kezia uye wechitatu akamutumidza kuti Kereni-Hapuki.

15 Panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka kupinda vanasikana vaJobho, uye baba vavo vakavapa nhaka pamwe chete nehanzvadzi dzavo.

16 Shure kwaizvozvi, akazorarama makore zana namakumi mana; akaona vana vake navana vavana vake kusvikira parudzi rwechina.

17 Nokudaro akafa, akwegura ava namakore mazhinji.