Categories
Kuungudza kwaJeremia

Kuungudza kwaJeremia 1

1 Ko, muguta zvamusisina vanhu,

iro rakanga rizere navanhu!

Zvarangova sechirikadzi,

iro rakanga riri guru pakati pendudzi!

Iro rakanga riri mambokadzi pakati penyika,

zvino rava nhapwa.

2 Rinochema zvikuru usiku,

misodzi iri pamatama aro.

Pakati pavadiwa varo vose

hakuna anorivaraidza.

Shamwari dzaro dzose dzarimukira;

dzava vavengi varo.

3 Shure kwokutambudzika nokushanda zvakaomarara,

Judha akaenda kuutapwa.

Anogara pakati pendudzi;

haawani nzvimbo yokuzorora.

Vose vaimudzinganisa vakamubata

ari pakati pokutambudzika kwake.

4 Nzira dzinoenda kuZioni dzinochema,

nokuti hakuna anouya kumitambo yaro yakatarwa.

Masuo aro ose haasisina vanhu,

vaprista varo vanogomera,

varandakadzi varo vanochema,

uye iro riri pakurwadziwa kukuru.

5 Vavengi varo ndivo vava vatongi varo;

vavengi varo vagere zvakanaka,

Jehovha akarivigira kutambudzika

nokuda kwezvivi zvaro zvizhinji.

Vana varo vakaenda kuutapwa,

vava nhapwa pamberi pavavengi.

6 Kuyevedza kwose kwabva

paMwanasikana weZioni.

Machinda aro aita senondo

dzashayiwa mafuro.

Mukushayiwa simba vakatiza

pamberi peanovadzinganisa.

7 Mumazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro,

Jerusarema rinorangarira pfuma yose

yakanga iri yaro pamazuva akare.

Pakawira vanhu varo mumaoko omuvengi,

rakashaya anoribatsira.

Vavengi varo vakaritarisa,

vakariseka pakuparadzwa kwaro.

8 Jerusarema rakatadza zvikuru kwazvo,

naizvozvo rasvibiswa.

Vose vairikudza vorizvidza,

nokuti vakaona kushama kwaro;

iro pacharo rinogomera,

richidzokera shure.

9 Tsvina yaro yakanamatira panguo dzaro;

harina kurangarira ramangwana raro.

Kuwa kwaro kwakashamisa;

hakuna akarinyaradza.

“Haiwa Jehovha, tarirai kurwadziwa kwangu,

nokuti muvengi akunda.”

10 Muvengi akatora

pfuma yaro yose;

rakaona ndudzi dzechihedheni

dzichipinda panzvimbo yaro tsvene,

avo vamakanga madzivisa

kupinda paungano yenyu.

11 Vanhu varo vose vanogomera

pavanotsvaka chingwa;

vanotsinhanisa pfuma yavo nezvokudya

kuti vazviraramise.

“Tarirai, imi Jehovha, uye murangarire,

nokuti ndava munhu akazvidzwa.”

12 “Hamuna hanya here, imi mose munopfuura?

Tarirai pose pose muone.

Pano kutambudzika sokutambudzika kwangu here,

kwakaiswa pamusoro pangu,

kwakauyiswa naJehovha pamusoro pangu

pazuva rokutsamwa kwake kunotyisa?

13 “Akatuma moto kubva kumusoro-soro,

akautumira mumapfupa angu.

Akateya makumbo angu nomumbure

uye akandidzosera shure.

Akandisiya ndisina chinhu,

ndikapera simba zuva rose.

14 “Zvivi zvangu zvasungwa zvikaitwa joko;

namaoko ake zvakarukirwa pamwe chete,

zvauya pamutsipa wangu

uye Ishe apedza simba rangu.

Akandiisa mumaoko avanhu

vandisingagoni kukunda.

15 “Ishe akaramba

mhare dzose dziri pakati pangu;

akakokera hondo kuzondirwisa

kuzopwanya majaya angu.

Ishe akatsika-tsika Mhandara Mwanasikana waJudha

muchisviniro chake chewaini.

16 “Ndokusaka ndichichema

uye maziso angu achierera misodzi.

Hapana ari pedyo kuti andinyaradze,

hakuna anovandudza mweya wangu.

Vana vangu vari kutambudzika

nokuti muvengi akunda.”

17 Zioni rinotambanudza maoko aro,

asi hakuna munhu anorinyaradza.

Jehovha akaisa chirevo pamusoro paJakobho,

kuti vavakidzani vake vave vavengi vake;

Jerusarema rava

chinhu chisina kunatswa pakati pavo.

18 “Jehovha akarurama,

asi ini ndakamukira murayiro wake.

Inzwai, imi vanhu mose;

onai kutambudzika kwangu.

Majaya angu navarandakadzi vangu

vakaenda kuutapwa.

19 “Ndakadana kushamwari dzangu

asi vakandipandukira.

Vaprista vangu navakuru vangu

vakafira muguta,

pavakanga vachitsvaka zvokudya

kuti vazviraramise.

20 “Tarirai, imi Jehovha kutambudzika kwangu!

Ndiri kurwadziwa mukati mangu,

uye ndakakanganisika mumwoyo mangu,

nokuti ndakakumukirai zvikuru.

Kunze, munondo unondiurayira hama;

mukati, munongova norufu.

21 “Vanhu vakanzwa kugomera kwangu,

asi hakuna anondinyaradza.

Vavengi vangu vose vakanzwa kutambura kwangu;

vanofara nezvamakaita.

Dai mauyisa henyu zuva ramakazivisa

kuti vagofanana nemi.

22 “Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu;

muvaitire

sezvamakaita kwandiri

nokuda kwezvivi zvangu zvose.

Kugomera kwangu kwawanda,

uye mwoyo wangu wapera simba.”

Categories
Kuungudza kwaJeremia

Kuungudza kwaJeremia 2

1 Ishe akafukidza sei Mwanasikana weZioni

negore rokutsamwa kwake!

Akapotsera pasi kubwinya kweIsraeri,

kubva kudenga kusvika panyika;

haana kurangarira chitsiko chetsoka dzake

muzuva rokutsamwa kwake.

2 Ishe akamedza ugaro hwose hwaJakobho

akasavanzwira tsitsi;

mukutsamwa kwake akakoromorera pasi

nhare dzoMwanasikana weJudha.

Akawisira pasi umambo hwake namachinda ahwo

mukunyadziswa.

3 Mukutsamwa kwake kunotyisa akagura

nyanga dzose dzaIsraeri.

Akadzosa ruoko rwake rworudyi

pakasvika muvengi.

Akapisa muna Jakobho somurazvo womoto

unoparadza zvose zviri kumativi ose.

4 Akawembura uta hwake somuvengi;

ruoko rwake rworudyi rwagadzirira.

Somuvengi akauraya vose vaifadza kuona;

akadurura hasha dzake semoto

patende roMwanasikana weZioni.

5 Ishe akafanana nomuvengi;

akamedza Israeri.

Akamedza mizinda yake yose

uye akaparadza mhare dzake.

Akawedzera kuungudza nokuchema

kwoMwanasikana weJudha.

6 Akaparadza ugaro hwake sebindu;

akaparadza nzvimbo yake yokusanganira.

Jehovha akaita kuti Zioni rikanganwe

mitambo yaro yakatarwa namaSabata aro;

mukutsamwa kwake kunotyisa,

akaramba vose mambo nomuprista.

7 Ishe akaramba aritari yake

uye akasiya nzvimbo yake tsvene.

Akaisa mumaoko omuvengi

masvingo emizinda yake;

vakaita ruzha mumba maJehovha

sapazuva romutambo wakatarwa.

8 Jehovha akafunga kuparadza

rusvingo rwakakomberedza Mwanasikana weZioni.

Akatambanudza rwodzi rwokuyera

uye haana kudzosa ruoko rwake pakuparadza.

Akaita kuti mirwi namasvingo zviungudze;

zvose zvakaparara pamwe chete.

9 Masuo aro anyura muvhu,

akavhuna mazariro aro ndokuaparadza.

Mambo waro namachinda aro vakaenda kuutapwa pakati pendudzi,

murayiro hapachina,

uye vaprofita varo havachawanizve

zviratidzo zvinobva kuna Jehovha.

10 Vakuru voMwanasikana weZioni

vagere pasi vanyerere;

vamwaya guruva pamisoro yavo

ndokupfeka masaga.

Vakadzi vechidiki veJerusarema

vakotamisa misoro yavo pasi.

11 Meso angu aneta nokuchema,

ndiri kurwadziwa mukati mangu,

mwoyo wangu wadururirwa pasi

nokuti vanhu vangu vaparadzwa,

nokuti vana navacheche voziya

munzira dzomuguta.

12 Vanoti kuna vanamai vavo,

“Zvokudya newaini zviripiko?”

pavanoziya somurume akuvadzwa

munzira dzomuguta,

panodururwa upenyu hwavo.

Mumaoko avanamai vavo.

13 Ndingareveiko pamusoro pako?

Ndingakuenzanisa neiko,

iwe Mwanasikana weJerusarema?

Ndingakufananidze neiko,

kuti zvimwe ndikunyaradze,

iwe Mhandara Mwanasikana weZioni?

Vanga rako rakadzika segungwa.

Ndianiko achakuporesa?

14 Zviratidzo zvavaprofita vako

zvakanga zviri zvenhema uye zvisina maturo;

havana kubudisa zvivi zvako pachena

kuti vabvise kutapwa kwako,

zvirevo zvavakakupa

zvakanga zviri zvenhema uye zvaitsausa.

15 Vose vanopfuura nepauri

vacharova maoko vachikuseka;

vanoseka uye vanodzungudza misoro yavo

pamusoro peMhandara yeJerusarema vachiti:

“Ko, ndiro here guta rainzi

kukwana kworunako,

mufaro wenyika yose?”

16 Vavengi vako vose vanoshama miromo yavo

pamusoro pako;

vanoseka uye vanorumanya meno avo

vachiti, “Tarimedza.

Iri ndiro zuva ratanga takamirira;

takararama kuti tirione.”

17 Jehovha aita zvaakaronga;

azadzisa shoko rake,

raakatema kare.

Akakukoromora asina tsitsi,

akarega muvengi achifara pamusoro pako,

akasimudza runyanga rwavavengi vako.

18 Mwoyo yavanhu

inodana kuna She.

Iwe rusvingo rwoMwanasikana weZioni,

rega misodzi yako iyerere sorwizi

masikati nousiku;

usazvipa zororo,

meso ako asazorora.

19 Simuka, danidzira usiku,

panotanga varindi vousiku;

durura mwoyo wako semvura

pamberi paShe.

Simudzira maoko ako kwaari

nokuda kwoupenyu hwavana vako,

vanoziya nenzara

pamavambo enzira dzose.

20 “Tarirai, imi Jehovha, murangarire kuti:

Ndiani wamakamboitira zvakadai?

Ko, vakadzi vanofanira kudya vana vavo,

ivo vana vavakarera here?

Ko, vaprista navaprofita vangaurayirwa

munzvimbo tsvene yaShe here?

21 “Majaya navatana vavata pamwe chete

muguruva romunzira;

majaya angu navarandakadzi vangu

vaurayiwa nomunondo.

Makavauraya pazuva rokutsamwa kwenyu;

makavabaya musina tsitsi.

22 “Sokukokera kwamunoita zuva romutambo,

saizvozvo makandikokera kutyisa kumativi ose.

Pazuva rokutsamwa kwaJehovha

hakuna akapunyuka kana kurarama;

vaya vandakachengeta uye ndikarera,

vaparadzwa navavengi vangu.”

Categories
Kuungudza kwaJeremia

Kuungudza kwaJeremia 3

1 Ndini munhu akaona kutambudzika

neshamhu yehasha dzake.

2 Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe

murima panzvimbo yomuchiedza;

3 zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise

nguva nenguva, zuva rose.

4 Akasakadza ganda rangu nenyama yangu

uye akavhuna mapfupa angu.

5 Akandikomba akandipoteredza

neshungu nokurwadziswa.

6 Akandigarisa murima

savanhu vakafa kare kare.

7 Akandipfigira kuti ndisapunyuka,

akandiremedza nengetani.

8 Kunyange ndikadana kana kuridza mhere kuti ndibatsirwe,

anopfigira munyengetero wangu kunze.

9 Akadzivira nzira yangu namatombo;

akaminamisa nzira dzangu.

10 Sebere rakavandira,

seshumba yakavanda,

11 akandikwekweredza kubva munzira uye akandibvarura-bvarura

akandisiya ndisina mubatsiri.

12 Akawembura uta hwake

akandiita chinhu chinonangwa nemiseve yake.

13 Akabaya mwoyo wangu

nemiseve yaibva mugoba rake.

14 Ndakava chiseko chavanhu vangu vose;

vakandihomera nenziyo pazuva rose.

15 Akandigutsa nemiriwo inovava,

uye akandinwisa nduru.

16 Akagura mazino angu nerukangarabwe;

akanditsokodzera muguruva.

17 Ndakatorerwa rugare;

ndakakanganwa kuti kubudirira chii.

18 Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda,

uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.”

19 Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu,

kurwadziwa uye nenduru.

20 Ndinozvirangarira kwazvo,

uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu.

21 Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa

uye naizvozvo ndine tariro:

22 Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa,

nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.

23 Itsva mangwanani oga oga,

kutendeka kwenyu kukuru.

24 Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu;

naizvozvo ndichamumirira.”

25 Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye,

kumunhu anomutsvaka;

26 chinhu chakanaka kumirira

ruponeso rwaJehovha unyerere.

27 Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko

achiri mudiki.

28 Ngaagare ari oga anyerere,

nokuti Jehovha ndiye akariturika paari.

29 Ngaavige chiso chake muguruva,

zvimwe tariro ichiripo.

30 Ngaape dama rake kumunhu anomurova,

uye ngaazadzwe nenyadzi.

31 Nokuti vanhu havangaraswi

naIshe nokusingaperi.

32 Kunyange achiuyisa kusuwa, achanzwira hake tsitsi,

rukuru sei rudo rwake rusingaperi.

33 Nokuti haafariri kuuyisa kurwadziwa

kana kusuwa kuvana vavanhu.

34 Kutsikira pasi petsoka

vasungwa vose venyika,

35 kurambira munhu kodzero yake

pamberi peWokumusoro-soro,

36 kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwake

ko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here?

37 Ndiani angataura akaita kuti zviitike

kana Ishe asina kuzvirayira?

38 Ko, hazvibvi mumuromo weWokumusoro-soro here

zvose zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinouya?

39 Ko, munhu mupenyu anonyunyutirei

kana arangwa nokuda kwezvivi zvake?

40 Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei,

uyewo ngatidzokerei kuna Jehovha.

41 Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu

kuna Mwari ari kudenga, tigoti:

42 “Takatadza uye takakumukirai

uye imi hamuna kukanganwira.

43 “Makazvifukidza nokutsamwa mukatidzingirira;

makauraya musinganzwiri ngoni.

44 Makazvifukidza negore

kuti kurege kuva nomunyengetero ungasvikako.

45 Makatiita marara netsvina

pakati pendudzi.

46 “Vavengi vedu vose vakashama miromo yavo

kwazvo kuti vatituke.

47 Takawirwa nokutya uye takateyiwa nehunza,

kuparara nokuparadzwa kukuru.”

48 Hova dzemisodzi dzinoyerera kubva mumaziso angu,

nokuti vanhu vangu vaparadzwa.

49 Meso angu acharamba achiyerera misodzi,

pasina zvinoyamura,

50 kusvikira Jehovha aringira pasi

kubva kudenga akaona.

51 Zvandinoona zvinochemedza mweya wangu,

nokuda kwavakadzi vose veguta rangu.

52 Avo vakanga vari vavengi vangu ini pasina chikonzero

vakandivhima seshiri.

53 Vakaedza kundiuraya mugomba

uye vakapotsera matombo kwandiri;

54 mvura zhinji yakafukidza musoro wangu,

uye ndakafunga kuti ndava pedyo nokufa.

55 Ndakadana zita renyu, imi Jehovha,

ndiri mugomba rakadzika.

56 Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyu

pandinochemera rubatsiro.”

57 Makaswedera pedyo pandakakudanai,

mukati, “Usatya.”

58 Haiwa Ishe, makandireverera mhaka yangu;

makadzikinura upenyu hwangu.

59 Makaona imi Jehovha, zvakaipa zvandakaitirwa.

Nditongerei mhaka yangu!

60 Makaona udzamu hwokutsva kwavo,

idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu.

61 Haiwa Jehovha, makanzwa kutuka kwavo,

idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu,

62 dzinozevezerwa nokungurumwa navavengi vangu

pamusoro pangu zuva rose.

63 Tarirai kwavari! Vakagara kana kumira,

vanondituka nenziyo dzavo.

64 Varipidzirei zvakavafanira, imi Jehovha,

zvakaitwa namaoko avo.

65 Isai chidziro pamwoyo yavo,

uye kutuka kwenyu ngakuve pamusoro pavo!

66 Vadzinganisei makatsamwa muvaparadze,

vabve pasi pamatenga aJehovha.

Categories
Kuungudza kwaJeremia

Kuungudza kwaJeremia 4

1 Haiwa, goridhe rasviba sei,

goridhe rakaisvonaka harichabwinyi sei!

Matombo matsvene aparadzirwa

kumusoro kwenzira imwe neimwe.

2 Haiwa vanakomana vanokosha veZioni,

kare vaimbokodzera chiero chavo chegoridhe,

zvino voonekwa sehari dzevhu,

iro basa ramaoko omuumbi wehari!

3 Kunyange makava anopa mazamu awo

kuti anwise vana vawo,

asi vanhu vangu vava vasina hanya

seshiri dzemhou dziri mugwenga.

4 Nokuda kwenyota rurimi rwomwana mucheche

runonamira mumukanwa make;

vana vanopemha chingwa,

asi hakuna anovapa.

5 Avo vaisidya zvinonaka

vava vapemhi mumugwagwa.

Avo vakarerwa vachifuka nguo dzepepuru

zvino vava kuvata pamadurunhuru edota.

6 Kurangwa kwavanhu vangu

kukuru kupinda kweSodhomu,

rakaparadzwa pakarepo

pasina ruoko rwakadzoka kuzoribatsira.

7 Machinda avo aipenya kupfuura chando,

uye akanga akachena kupfuura mukaka,

miviri yavo yakanga yakatsvuka kupfuura matombo anokosha amarubhi,

kuratidzika kwavo kwakaita sokwesafiri.

8 Asi zvino vasviba kupfuura chinʼai;

hapana angavaziva mumigwagwa.

Ganda ravo ranamira pamapfupa avo;

raoma zvokufanana nedanda.

9 Avo vakaurayiwa nomunondo vari nani

pane avo vanourayiwa nenzara;

vabayiwa nenzara, vaonda kwazvo

nokuda kwokushayiwa zvokudya zvinobva muminda.

10 Namaoko avo vakadzi vaiva nomwoyo munyoro

vakabika vana vavo,

vakava zvokudya zvavo,

pakaparadzwa vanhu vangu.

11 Jehovha akaratidza kutsamwa kwake kwose;

akadurura hasha dzake dzinotyisa.

Akabatidza moto paZioni

akapisa nheyo dzaro.

12 Madzimambo enyika haana kutenda,

kunyange navanhu vose vagere panyika,

kuti vavengi vangapinda

pamasuo eJerusarema.

13 Zvakaitika nokuda kwezvivi zvavaprofita varo

uye nokuda kwezvakaipa zvavaprista varo,

vakateura ropa

ravakarurama mukati maro.

14 Vanodzungaira munzira dzaro

savarume mapofu.

Vakasvibiswa neropa

zvokuti hapana angada kubata nguo dzavo.

15 Vanhu vanodanidzira kwavari vachiti, “Ibvai! Hamuna kuchena!

Ibvai! Ibvai! Musatibata!”

Panguva yokutiza nokudzungaira kwavo,

vanhu pakati pendudzi vanoti,

“Havangarambi vachigara pano.”

16 Kutsamwa kwaJehovha kwavaparadzira;

haachavachengetedza.

Havana kukudza uprista,

uye havana kuremekedza vakuru.

17 Meso edu oonera madzerere,

tichitarisira rubatsiro rusingauyi;

tiri pashongwe dzedu takatarisira

rudzi rwaizotiponesa.

18 Vanhu vakatitevera kwose kwatakaenda,

zvokuti takatadza kufamba munzira dzedu chaidzo.

Magumo edu akanga ava pedyo, mazuva edu apera,

nokuti magumo akanga asvika.

19 Vaitidzinganisa vaimhanya kupfuura

makondo okudenga;

vakatidzinganisa napamusoro pamakomo

uye vakatigaririra murenje.

20 Muzodziwa waJehovha, iye mweya wedu wokufema chaiwo,

akanga abatwa mumisungo yavo.

Takafunga kuti mumumvuri wake

taizorarama pakati pendudzi.

21 Pembera ufare, iwe Mwanasikana weEdhomu,

iwe unogara munyika yeUzi.

Asi newewo uchapiwa mukombe uyu;

uchadhakwa uye uchazvibvisa nguo.

22 Iwe, Mwanasikana weZioni, kurangwa kwako kuchaguma;

haangawedzeri mazuva ako outapwa.

Asi, iwe Mwanasikana weEdhomu, acharanga chivi chako

agoratidza kuipa kwako.

Categories
Kuungudza kwaJeremia

Kuungudza kwaJeremia 5

1 Rangarirai Jehovha, zvakatiwira;

tarirai, mugoona kunyadziswa kwedu.

2 Nhaka yedu yakapiwa kuvatorwa,

misha yedu kumabvakure.

3 Tava nherera, hatina vabereki,

vanamai vedu sechirikadzi.

4 Tinofanira kutenga mvura yatinonwa;

huni dzedu dzinongowanikwa chete nomutengo.

5 Avo vanotidzinganisa vari pedyo pedyo;

taneta uye hatina zororo.

6 Takazviisa pasi peIjipiti neAsiria,

kuti tiwane chingwa chakakwana.

7 Madzibaba edu akatadza uye vakafa,

uye tava kurangwa nokuda kwavo.

8 Varanda vanotitonga,

uye hapana angatisunungura kubva pamaoko avo.

9 Tinowana chingwa chedu nokuisa upenyu hwedu munjodzi,

nokuda kwomunondo murenje.

10 Ganda redu rava kupisa sechoto,

nokuda kwokupisa kwenzara.

11 Vakachinya vakadzi muZioni,

mhandara, mumaguta eJudha.

12 Machinda akasungirirwa namaoko avo;

vakuru havakudzwi.

13 Majaya anoshanda paguyo;

vakomana vanotatarika vakatakura mitoro yehuni.

14 Vakuru vakabva pasuo reguta;

majaya akarega kuimba kwavo.

15 Mufaro mumwoyo medu waguma;

kutamba kwedu kwapinduka kukava kuchema.

16 Korona yawa kubva pamusoro wedu.

Tine nhamo isu, nokuti takatadza!

17 Nokuda kwaizvozvi mwoyo yedu yapera simba,

nokuda kwezvinhu izvi meso edu otadza kuona,

18 nokuti Gomo reZioni rava dongo,

makava ofambamo.

19 Imi Jehovha, munotonga nokusingaperi;

chigaro chenyu choushe chiripo kuzvizvarwa zvose.

20 Sei muchigara muchitikanganwa?

Sei muchitikanganwa kwenguva yakareba kudai?

21 Tidzoserei kwamuri, Jehovha, kuti tigodzoka;

vandudzai mazuva edu senguva yekare,

22 kana musina kutiramba zvachose

kana kutitsamwira zvikuru kwazvo.