Categories
Mabasa

Mabasa 11

Petro anorondedzera Zvaakaita

1 Vapostori nehama dzomuJudhea yose vakanzwa kuti vedzimwe ndudzi vakanga vagamuchirawo shoko raMwari.

2 Saka Petro akati aenda kuJerusarema, vatendi vokudzingiswa vakamutsoropodza

3 vachiti, “Iwe wakapinda mumba yavanhu vasina kudzingiswa ukandodya navo.”

4 Petro akatanga kurondedzera zvinhu zvose kwavari zvichitevedzana sokuitika kwazvakanga zvaita achiti,

5 “Ndakanga ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, ndikabatwa nomweya ndikaona chiratidzo. Ndakaona chimwe chinhu chakanga chakaita sejira guru, chichiburutswa kubva kudenga namakona acho mana, uye chakaburuka chikasvika pandaiva.

6 Ndakatarira mukati macho ndikaona mhuka dzenyika dzina makumbo mana, zvikara zvesango, nezvinokambaira uye neshiri dzedenga.

7 “Ipapo ndakanzwa inzwi richiti kwandiri, ‘Simuka, Petro. Baya udye.’

8 “Ndakapindura ndikati, ‘Zvirokwazvo kwete, Ishe! Hakuna chinhu chisina kunaka kana chine tsvina chakatombopinda mumuromo mangu.’

9 “Inzwi rakataurazve kechipiri richibva kudenga richiti, ‘Usati chinhu chipi zvacho chakanatswa naMwari hachina kunaka.’

10 Izvi zvakaitika katatu, uye ipapo jira nezvose zvikadzoserwazve kudenga.

11 “Pakarepo varume vatatu vakanga vatumwa kwandiri vachibva kuKesaria vakamira pamba pandaigara.

12 Mweya Mutsvene akandiudza kuti ndirege kunonoka kuenda navo. Hama nhanhatu idzi dzakaendawo neni, uye takasvikopinda mumba momurume uya.

13 Akatirondedzera maonero aakanga aita mutumwa mumba make, uyo akati, ‘Tuma vanhu kuJopa kuna Simoni anonzi Petro.

14 Iye achakuvigirai shoko richaponesa iwe neveimba yako vose.’

15 “Pandakatanga kutaura, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo samauyiro aakaita kwatiri pakutanga.

16 Ipapo ndakarangarira zvakanga zvarehwa naShe achiti, ‘Johani akabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.’

17 Saka kana Mwari akavapa chipo chimwe chetecho chaakatipa isu, vakatenda muna Ishe Jesu Kristu, ko, ini ndaigova ani zvangu kuti ndipikisane naMwari?”

18 Vakati vanzwa izvozvo, vakashayiwa zvimwe zvokureva uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka zvino Mwari akapawo vedzimwe ndudzi kutendeuka kunotungamirira kuupenyu.”

Kereke yomuAndioki

19 Zvino vaya vakanga vaparadzirwa namatambudziko nokuda kwaSitefani vakafamba vakandosvika kuFonisia, Saipurasi neAndioki, vachitaura shoko kuvaJudha bedzi.

20 Kunyange zvakadaro, vamwe varume vaibva kuSaipurasi nokuKurini, vakaenda kuAndioki vakatanga kutaura kuvaGirikiwo, vachivataurira mashoko akanaka ezvaIshe.

21 Ruoko rwaShe rwakanga rwuri pamusoro pavo, uye vanhu vazhinji vakatenda vakatendeukira kuna She.

22 Mukurumbira wazvo wakasvika munzeve dzekereke yapaJerusarema, ndokubva vatuma Bhanabhasi kuAndioki.

23 Akati asvika, akaona umboo hwenyasha dzaMwari, uye akafara, akavakurudzira vose kuti varambe vakatendeka kuna She nemwoyo yavo yose.

24 Iye akanga ari munhu akanaka, azere noMweya Mutsvene nokutenda, uye vanhu vazhinji vakauya kuna She.

25 Ipapo Bhanabhasi akaenda kuTasasi kundotsvaka Sauro,

26 uye akati amuwana, akauya naye kuAndioki. Saka gore rose rakapera Bhanabhasi naSauro vachisangana nekereke uye vakadzidzisa vanhu vazhinji kwazvo. Vadzidzi vakanzi vaKristu kwokutanga paAndioki.

27 Panguva iyoyo vamwe vaprofita vakaburuka vachibva kuJerusarema vachienda kuAndioki.

28 Mumwe wavo, ainzi Agabhusi, akasimuka akaprofita noMweya Mutsvene kuti nzara huru yaizopararira munyika yose yavaRoma. (Izvi zvakaitika munguva yokutonga kwaKiraudhio).

29 Vadzidzi vakazvipira, mumwe nomumwe napaaigona napo, kuti ape rubatsiro kuhama dzaigara muJudhea.

30 Vakaita izvi, vakatumira chipo chavo naBhanabhasi naSauro kuvakuru.

Categories
Mabasa

Mabasa 12

Chishamiso choKubuda Mutorongo kwaPetro

1 Yakanga iri nguva inenge imwe cheteyo Mambo Herodhi paakasunga vamwe vaiva nhengo dzekereke, achida kuvatambudza.

2 Akanga aita kuti Jakobho mukoma waJohani aurayiwe nomunondo.

3 Paakaona kuti izvozvo zvakafadza vaJudha, akapfuurira mberi akandosungawo Petro. Izvi zvakaitika panguva yoMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso.

4 Mushure mokumusunga, akamuisa mutorongo, akaita kuti arindwe namapoka mana avarwi, boka rimwe nerimwe riina varwi vana. Herodhi akanga achida kumumisa padare rokutongwa shure kwePasika.

5 Saka Petro akachengetwa mutorongo, asi kereke yakanga ichimunyengeterera zvikuru kuna Mwari.

6 Usiku hwaaifanira kumiswa pamberi pedare naHerodhi husati hwasvika, Petro akanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa nengetani mbiri, uye varindi vakanga vakamira vakarinda vari pamukova.

7 Pakarepo mutumwa waShe akaonekwa uye chiedza chakavhenekera muchitokisi. Akarova Petro parutivi ndokumumutsa achiti, “Kurumidza muka!” Ipapo ngetani dzakawa pamaoko aPetro.

8 Mutumwa akati kwaari, “Pfeka nguo dzako neshangu dzako.” Uye Petro akaita saizvozvo. Mutumwa akati kwaari, “Monera jasi rako ubve wanditevera.”

9 Petro akamutevera achibuda mutorongo, asi akanga asingazivi kuti zvaiitwa nomutumwa zvakanga zvichitoitika; akafunga kuti aiona chiratidzo.

10 Vakapfuura napavarindi vokutanga nevechipiri ndokusvika pasuo resimbi rakanga rakatarira kuguta. Rakangovazarukira roga, vakapinda nepariri. Vakati vafamba kusvika kumagumo kweimwe nzira, pakarepo mutumwa akamusiya.

11 Ipapo Petro akapengenuka akati, “Zvino ndava kuziva ndisingatongokahadziki kuti Ishe atuma mutumwa wake uye andinunura pamaoko aHerodhi napazvinhu zvose zvanga zvakatarisirwa navanhu vechiJudha.”

12 Izvi zvakati zvajeka kwaari, akaenda kumba kwaMaria mai vaJohani, ainziwo Mako, uko kwakanga kwakaungana vanhu vazhinji vachinyengetera.

13 Petro akagogodza pamukova wokunze, musikana ainzi Rodha akauya kuzodaira kugogodza uku.

14 Akati anzwa kuti inzwi raPetro, akafara zvikuru akadzokera achimhanya asati atongozarura musuo akavaudza akati, “Petro ari pamukova!”

15 Vakati kwaari, “Wava kupenga.” Paakaramba achisimbisisa kuti zvakanga zviri izvo, ivo vakati, “Anofanira kunge ari mutumwa wake.”

16 Asi Petro akaramba achigogodza, uye vakati vazarura mukova, vakamuona vakashamiswa.

17 Petro akaninira maoko ake kwavari kuti vanyarare ndokurondedzera kuti Ishe akanga amubudisa sei mutorongo. Akati, “Muudze Jakobho nehama pamusoro paizvozvi.” Ipapo akabva akaenda kune imwe nzvimbo.

18 Mangwanani acho, kwakava nebope guru pakati pavarwi vachida kuziva kuti chii chakanga chaitika kuna Petro.

19 Mushure mokunge Herodhi amutsvakisisa kwazvo uye asina kumuwana, akanyatsobvunzisisa varindi ndokubva arayira kuti vaurayiwe. Ipapo Herodhi akabva kuJudhea akaenda kuKesaria akandogarako kwechinguva.

Kufa kwaHerodhi

20 Akanga atsamwirana navanhu veTire neSidhoni, ndokubva vabatana pamwe chete vakauya kwaari kuti vataure naye. Vakati vawana rutsigiro rwaBhurasto, muranda akatendeka wamambo, vakakumbira runyararo, nokuti vaipona nenyika yamambo, nokuti ndiko kwavaiwana zvokudya.

21 Pazuva rakanga ratarwa, Herodhi akapfeka nguo dzake dzoushe, akagara pachigaro chake choushe akataura kuvanhu.

22 Vakadanidzira vachiti, “Iri inzwi ramwari, kwete romunhu.”

23 Pakarepo, nokuti Herodhi haana kurumbidza Mwari, mutumwa waShe akamurova, akadyiwa nehonye uye akafa.

24 Uye shoko raMwari rakaramba richikura uye richipararira.

25 Bhanabhasi naSauro vakati vapedza basa ravo, vakadzokera kuJerusarema, vakatorawo Johani, ainzi Mako.

Categories
Mabasa

Mabasa 13

Bhanabhasi naSauro Vanotumwa

1 Mukereke yapaAndioki maiva navaprofita navadzidzisi vaiti: Bhanabhasi, Simeoni ainzi Nigeri, Rusiasi wokuSairini, Manaeni (akanga arerwa naHerodhi mubati) naSauro.

2 Pavakanga vachinamata Ishe uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vabate basa randakavadanira.”

3 Saka vakati vapedza kutsanya nokunyengetera, vakaisa maoko avo pamusoro pavo vakavatuma.

Vapostori vanoparidza paSaipurasi

4 Ava vaviri vakati vatumwa naMweya Mutsvene parwendo rwavo, vakaburuka vakaenda kuSerusia, vakazobvako vakakwira chikepe ndokuenda kuSaipurasi.

5 Vakati vasvika paSaramisi, vakaparidza shoko raMwari musinagoge ravaJudha. Johani akanga achivabatsira.

6 Vakafamba nomuchiwi chose kudzamara vasvika kuPafosi. Vakasangana neimwe nʼanga yechiJudha ikoko, uye akanga ari muprofita wenhema ainzi Bhari Jesu,

7 akanga ari muchengeti womubati wenyika ainzi Segio Paurusi. Mubati akanga ari murume akachenjera, akadana Bhanabhasi naSauro nokuti aida kunzwa shoko raMwari.

8 Asi Erimasi nʼanga (nokuti ndizvo zvaireva zita rake) akavapikisa akaedza kutsausa mubati uyu pakutenda.

9 Ipapo Sauro akanga achinziwo Pauro, azere noMweya Mutsvene akatarisisa Erimasi akati,

10 “Iwe uri mwana wadhiabhori nomuvengi wezvinhu zvose zvakarurama! Uzere nokunyengera kwose namano akaipa. Hausi kuzorega here kumonyorotsa nzira dzakarurama dzaShe?

11 Zvino ruoko rwaShe rwava pamusoro pako. Uchava bofu, uye uchatadza kuona chiedza chezuva kwechinguva.”

Pakarepo mhute nerima zvakauya pamusoro pake, akadzivaira pose pose achitsvaka mumwe munhu angamutungamirira.

12 Mubati akati aona zvakanga zvaitika akatenda nokuti akashamiswa nedzidziso yezvaShe.

Pauro anoparidza paAndioki yePisidhia

13 Vachibva paPafosi, Pauro navanhu vaaifamba navo vakakwira chikepe vakaenda kuPega muPamufiria, uye vava ikoko Johani akavasiya akadzokera kuJerusarema.

14 Vachibva kuPega vakapfuurira kuAndioki yePisidhia. Nomusi weSabata vakapinda musinagoge vakasvikogara pasi.

15 Mushure mokuverengwa kwoMurayiro naVaprofita, vabati vomusinagoge vakatuma shoko kwavari vachiti, “Hama, kana mune shoko rokukuridzira vanhu, tapota taurai henyu.”

16 Ipapo Pauro akasimuka, akaninira noruoko rwake akati, “Varume veIsraeri nemi mose vedzimwe ndudzi vanonamata Mwari, nditeererei!

17 Mwari wavanhu veIsraeri akasarudza madzibaba edu; akaita kuti vanhu vabudirire panguva yavaigara muIjipiti, akavabudisa munyika iyo nesimba guru,

18 akava nomwoyo murefu namaitiro avo kwamakore anenge makumi mana vari mugwenga,

19 akakunda ndudzi nomwe muKenani akapa nyika yavo kuvanhu vake kuti ive nhaka yavo.

20 Izvi zvakatora makore anenge mazana mana namakumi mashanu.

“Shure kwaizvozvi, Mwari akavapa vatongi kusvikira panguva yaSamueri muprofita.

21 Ipapo vanhu vakakumbira mambo, akavapa Sauro mwanakomana waKishi, worudzi rwaBhenjamini, uyo akatonga kwamakore makumi mana.

22 Shure kwokunge abvisa Sauro, akagadza Dhavhidhi kuti ave mambo wavo. Iye akapupura pamusoro pake achiti, ‘Ndawana Dhavhidhi mwanakomana waJese murume wapamwoyo pangu; iye achaita zvinhu zvose zvandinoda kuti aite.’

23 “Kubva kuzvizvarwa zvomurume uyu Mwari akavigira vaIsraeri Muponesi Jesu, sezvaakanga avimbisa.

24 Jesu asati auya, Johani akaparidza kutendeuka norubhabhatidzo kuvanhu vose veIsraeri.

25 Johani paakanga ava kupedzisa basa rake, akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handizi iye uya. Kwete, asi iye ari kuuya shure kwangu, ndiye wandisingakodzeri kusunungura shangu dzake.’

26 “Hama dzangu, vana vaAbhurahama nemi vedzimwe ndudzi vanotya Mwari, shoko iri roruponeso rakatumirwa kwatiri.

27 Vanhu veJerusarema navatongi vavo havana kuziva Jesu, asi pakumupa mhaka kwavo vakazadzisa mashoko avaprofita anoverengwa Sabata rimwe nerimwe.

28 Kunyange vasina kuwana hwaro chaihwo hwokuti atongerwe rufu, vakakumbira Pirato kuti amuuraye.

29 Vakati vapedza zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva.

30 Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa,

31 uye akaonekwa mazuva mazhinji naavo vakafamba naye kubva kuGarirea kusvikira kuJerusarema. Ndivo zvapupu zvake zvino kuvanhu vokwedu.

32 “Tiri kukuudzai nhau dzakanaka kuti: Zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari,

33 akazvizadzisa kwatiri isu, vana vavo, nokumutsa Jesu kubva kuvakafa. Sezvazvakanyorwa muPisarema rechipiri zvichinzi:

“ ‘Ndiwe Mwanakomana wangu;

nhasi ndava baba vako.’

34 Chokwadi chokuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akasazomboora, chinotaurwa mumashoko aya anoti:

“ ‘Ndichakupa maropafadzo matsvene, uye echokwadi akavimbiswa kuna Dhavhidhi.’

35 Nokudaro zvinotaurwa pane rimwe pisarema kuti:

“ ‘Hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.’

36 “Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari pamazuva ake, akavata; akavigwa namadzibaba ake uye muviri wake wakaora.

37 Asi uyo akamutswa naMwari haana kuona kuora.

38 “Naizvozvo, hama dzangu, ndinoda kuti muzive kuti kubudikidza naJesu, kukanganwirwa kwezvivi kunoparidzwa kwamuri.

39 Kubudikidza naye munhu wose anotenda anoruramiswa pazvinhu zvose zvamanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMozisi.

40 Chenjerai kuti zvakataurwa navaprofita zvirege kuitika kwamuri, zvinoti:

41 “ ‘Tarirai imi vaseki,

mushamiswe uye muparare,

nokuti ndiri kuzoita chimwe chinhu pamazuva enyu

chamusingazombotendi,

kunyange dai mumwe munhu akakuudzai.’ ”

42 Pauro naBhanabhasi vava kubuda musinagoge, vanhu vakavakoka kuti vazotaurazve pamusoro pezvinhu izvi paSabata raizotevera.

43 Gungano rakati rapararira, vazhinji vavaJudha navamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha vakatevera Pauro naBhanabhasi, ivo vakataura navo uye vakavakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari.

44 PaSabata rakatevera rinenge guta rose rakaungana kuzonzwa shoko raShe.

45 VaJudha vakati vaona vanhu vazhinji, vakazadzwa negodo vakataura zvakaipa pamusoro pezvakanga zvichitaurwa naPauro.

46 Ipapo Pauro naBhanabhasi vakavapindura vasingatyi vakati, “Zvanga zvakafanira kuti titaure shoko raMwari kwamuri imi kutanga. Sezvo mariramba uye mukasazviona savanhu vakafanira upenyu husingaperi, tava kuenda zvino kune veDzimwe Ndudzi.

47 Nokuti izvi ndizvo zvakarayirwa kwatiri naShe achiti:

“ ‘Ndakakuitai chiedza kune veDzimwe Ndudzi,

kuti muvigire migumo yenyika ruponeso.’ ”

48 VeDzimwe Ndudzi vakati vanzwa izvozvo, vakafara uye vakakudza shoko raShe; uye vose vakanga vakatarirwa upenyu husingaperi vakatenda.

49 Shoko raShe rakapararira mudunhu rose.

50 Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vaitya Mwari uye vaikudzikana navarume vairemekedzwa veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi kutambudzwa, uye vakavadzinga mudunhu ravo.

51 Saka vakazunza guruva patsoka dzavo vachiratidza kusafara pamusoro pavo ndokubva vaenda kuIkoniamu.

52 Uye vadzidzi vakazadzwa nomufaro uye noMweya Mutsvene.

Categories
Mabasa

Mabasa 14

Pauro naBhanabhasi paIkoniamu

1 PaIkoniamu Pauro naBhanabhasi vakasvikopinda musinagoge ravaJudha sezvavaisiita nguva dzose. Imomo vakataura zvinobata mwoyo kwazvo zvokuti vaJudha vazhinji neveDzimwe Ndudzi vakatenda.

2 Asi vaJudha vakaramba kutenda vakamutsa mwoyo yeveDzimwe Ndudzi uye vakavakanganisa pfungwa dzavo kuti vavenge hama.

3 Saka Pauro naBhanabhasi vakapedza nguva refu varipo, vachitaura zvaIshe vasingatyi, iye akasimbisa shoko renyasha dzake nokuvagonesa kuita zviratidzo nezvishamiso.

4 Vanhu vomuguta vakapesana; vamwe vakatsigira vaJudha, vamwewo vakatsigira vapostori.

5 VeDzimwe Ndudzi navaJudha, pamwe chete navatungamiri vavo vakarangana kuvaitira zvakaipa nokuvataka namabwe.

6 Asi vakazviziva vakabva vatizira kuRistira neDhebhe maguta avaRikonia nokudunhu rose rakanga rakapoteredza,

7 uko kwavakaramba vachiparidza vhangeri.

MuRistira nomuDhebhe

8 MuRistira maigara mumwe murume akanga ari mhetamakumbo, akanga ari chirema kubva pakuberekwa kwake uye akanga asina kumbofamba.

9 Akateerera Pauro paakanga achitaura. Pauro akamutarisisa, akaona kuti akanga ano kutenda kuti angaporeswa

10 akadanidzira akati, “Simuka netsoka dzako!” Ipapo, murume akakwakuka akatanga kufamba.

11 Vazhinji vakati vaona zvakanga zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwechiRikonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri muchimiro chavanhu!”

12 Bhanabhasi vakamutumidza kuti Zeusi, uye Pauro vakamutumidza kuti Herimesi nokuti ndiye aiva mutauri mukuru.

13 Muprista waZeusi aiva netemberi yake yakanga iri kunze kweguta, akauya nehando namaruva kumasuo eguta nokuti iye navanhu vazhinji vaida kupa zvibayiro kwavari.

14 Asi vapostori Bhanabhasi naPauro vakati vazvinzwa, vakabvarura nguo dzavo vakamhanyira mukati moruzhinji, vakadanidzira vachiti,

15 “Varume, munoitireiko izvi? Isuwo tiri vanhu semi, vanhuwo zvavo semi. Tinokuparidzirai mashoko akanaka, tichikuudzai kuti mubve pazvinhu izvi zvisina maturo mudzokere kuna Mwari mupenyu, akaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mukati mazvo.

16 Panguva dzakapfuura, akarega hake ndudzi dzose dzichifamba nenzira dzadzo.

17 Asi haana kusiya pasina zvingamupupurira: Akakuitirai tsitsi nokukupai mvura inobva kudenga nezvirimwa nenguva yazvo; akakupai zvokudya zvakawanda uye akazadza mwoyo yenyu nomufaro.”

18 Kunyange namashoko iwaya, zvakanga zvakaoma chose kuti vadzivise vanhu vazhinji ava kuti varege kuvabayira.

19 Ipapo vamwe vaJudha vaibva kuAndioki nokuIkoniamu vakauya vakasvikopindura mwoyo yavanhu vazhinji ava. Vakataka Pauro namabwe ndokumuzvuzvurudzira kunze kweguta, vachifunga kuti afa.

20 Asi shure kwokunge vadzidzi vaungana vakamukomba, akamuka akadzokera muguta zvakare. Zuva rakatevera akaenda naBhanabhasi kuDhebhe.

Vanodzokera kuAndioki yokuSiria

21 Vakaparidza mashoko akanaka muguta iroro vakawana vadzidzi vazhinji kwazvo. Ipapo vakadzokera kuRistira, Ikoniamu nokuAndioki,

22 vachisimbisa vadzidzi nokuvakurudzira kuti varambe vari pakutenda. Vakati, “Tinofanira kutambudzika kuti tipinde muumambo hwaMwari.”

23 Pauro naBhanabhasi vakagadza vatungamiri mukereke imwe neimwe uye nokunyengetera nokutsanya, vakavakumikidza kuna She, uyo wavaivimba naye.

24 Shure kwokupinda kwavo nomuPisidhia, vakasvika muPamufiria,

25 uye vakati vaparidza shoko muPega, vakadzika vakaenda kuAtaria.

26 Kubva paAtaria vakakwira chikepe vakadzokera kuAndioki, kuya kwavakanga vakumikidzwa kunyasha dzaMwari pabasa ravakanga vapedza zvino.

27 Vakati vasvika ikoko, vakaunganidza kereke pamwe chete vakavarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari kubudikidza navo uye kuti akanga avazarurira sei mukova wokutenda kune veDzimwe Ndudzi.

28 Uye vakagara navadzidzi ipapo kwenguva refu.

Categories
Mabasa

Mabasa 15

Ungano paJerusarema

1 Vamwe varume vakauya vachibva kuJudhea vakaenda kuAndioki, uye vakanga vachidzidzisa hama vachiti: “Kunze kwokunge madzingiswa, maererano netsika yakadzidziswa naMozisi, hamungaponeswi.”

2 Izvi zvakasvitsa Pauro naBhanabhasi pakupesana navo zvikuru uye nokukakavadzana navo. Saka Pauro naBhanabhasi vakasarudzwa kuti vaende kuJerusarema pamwe chete navamwe vatendi, kuti vandoona vapostori navakuru pamusoro peshoko iri.

3 Kereke yakavatuma parwendo rwavo, uye pavakafamba vachipinda nomuFonisia nomuSamaria, vakarondedzera kuti veDzimwe Ndudzi vainge vachitendeuka sei. Shoko iri rakafadza hama dzose zvikuru.

4 Vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke navapostori uye navakuru, vakarondedzera kwavari zvinhu zvose zvakanga zvaitwa naMwari kubudikidza navo.

5 Ipapo vamwe vatendi vakanga vari vebato ravaFarisi vakasimuka vakati, “VeDzimwe Ndudzi ava vanofanira kudzingiswa uye vanosungirwa kuti vateerere murayiro waMozisi.”

6 Vapostori navakuru vakasangana kuti vaongorore nyaya iyi.

7 Shure kwehurukuro huru, Petro akasimuka akati, “Hama dzangu, munoziva imi kuti nguva dzakare Mwari akandisarudza pakati penyu kuti veDzimwe Ndudzi vanzwe shoko revhangeri rinobva pamiromo yangu vagotenda.

8 Mwari, iye anoziva mwoyo yavanhu akaratidza kuti anovagamuchira nokuvapa Mweya Mutsvene, sezvaakangoitawo kwatiri.

9 Haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, nokuti akanatsa mwoyo yavo nokutenda.

10 Naizvozvo zvino, munodireiko kuedza Mwari nokuisa pamitsipa yavadzidzi joko risina kugona kutakurwa nesu kana namadzibaba edu?

11 Kwete! Isu tinotenda kuti takaponeswa kubudikidza nenyasha dzaShe wedu Jesu sezvavakangoitwawo.”

12 Sangano rose rakanyarara pavakanga vakateerera kuna Bhanabhasi naPauro vachirondedzera pamusoro pezviratidzo nezvishamiso zvakanga zvaitwa naMwari pakati peveDzimwe Ndudzi kubudikidza navo.

13 Vakati vapedza, Jakobho akapindura achiti, “Hama dzangu, nditeererei.

14 Simoni arondedzera kwatiri kuti pakutanga Mwari akaratidza nyasha dzake sei paakazvitorera vanhu vake kubva kune veDzimwe Ndudzi.

15 Mashoko avaprofita anotenderana naizvozvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi:

16 “ ‘Shure kwaizvozvo ndichadzoka

ndigozovakazve tende yaDhavhidhi yakawa.

Ndichavakazve matongo ayo,

uye ndichaivandudzazve,

17 kuti vakasara vavanhu vatsvake Ishe,

uye neveDzimwe Ndudzi vose vanodanwa nezita rangu,

ndizvo zvinotaura Ishe, anoita zvinhu izvi,’

18 zvakangova zvazivikanwa kubva kare.

19 “Naizvozvo, kufunga kwangu ini ndinoti hatifaniri kuomesera veDzimwe Ndudzi ava vari kutendeukira kuna Mwari.

20 Asi ngativanyorerei tsamba tichivataurira kuti varege kudya zvakasvibiswa nezvifananidzo, vabve paupombwe, nokudya nyama yemhuka dzakadzipwa, uye neropa.

21 Nokuti kubva kare Mozisi akanga achiparidzwa muguta rimwe nerimwe uye anoverengwa musinagoge paSabata rimwe nerimwe.”

Tsamba yeDare kuVatendi vechiHedheni

22 Ipapo vapostori navakuru, nekereke yose, vakafunga kusarudza vamwe varume pakati pavo kuti vagovatuma kuAndioki pamwe chete naPauro naBhanabhasi. Vakasarudza Judhasi (ainzi Bhanabhasi) naSirasi, varume vaviri ava vakanga vari vatungamiri pakati pehama.

23 Vakatumira tsamba yaiti:

Vapostori navakuru, idzo hama dzenyu, kuvatendi nokune veDzimwe Ndudzi vari muAndioki, Siria nomuSirisia:

Kwaziwai.

24 Takanzwa kuti vamwe vakabva kwatiri vasina mvumo yedu vakakanganisa pfungwa dzenyu nezvavakataura.

25 Saka tose takatenderana kuti tisarudze varume pakati pedu tigovatuma kwamuri pamwe chete neshamwari dzedu dzinodikanwa ivo Bhanabhasi naPauro,

26 varume vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu.

27 Naizvozvo tiri kutumira Judhasi naSirasi kuti vagotsigira namashoko omuromo wavo pane zvatanyora.

28 Zvinenge zvakanaka kuMweya Mutsvene nesu kuti tirege kukuremedzai nomutoro upi zvawo unopfuura zvinodikanwa izvi:

29 Munofanira kurega zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo, neropa, nenyama yemhuka dzakadzipwa uye noupombwe. Muchaita zvakanaka kuti murege izvi.

Chisarai.

30 Varume ava vakaenda ndokubva vaburuka vakaenda kuAndioki, kwavakandounganidza kereke pamwe chete ndokubva vavapa tsamba.

31 Vanhu vakaiverenga vakafara kwazvo nokuda kweshoko rayo rokukurudzira.

32 Judhasi naSirasi avo vakanga vari vaprofita, vakataura zvakawanda zvokukurudzira nokusimbisa hama.

33 Shure kwokunge vambogara kwechinguva ikoko, vakaperekedzwa nehama namaropafadzo orugare kuti vachidzokera havo kuna avo vakanga vavatuma.

34 Kunyange zvakadaro, Sirasi akasarudza kusarapo.

35 Asi Pauro naBhanabhasi vakasara muAndioki, uko ivo navamwe vazhinji vakadzidzisa uye vakaparidza shoko raShe.

Kupesana kwaPauro naBhanabhasi

36 Mushure mechinguva Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Ngatimbodzokera timbondoshanyira hama kuna mamwe maguta atakaparidza shoko raShe tinoona kuti vakadii zvavo.”

37 Bhanabhasi akanga achida kutora Johani, ainziwo Mako, kuti vaende pamwe chete naye,

38 asi Pauro haana kuona zvakanaka kuti vaende naye, nokuti akanga ambovasiya paPamufiria uye haana kuramba ainavo pabasa.

39 Vakava nokupesana kukuru zvokuti vakaparadzana. Bhanabhasi akatora Mako akakwira chikepe vakaenda kuSaipurasi,

40 asi Pauro akasarudza Sirasi akaenda akakumikidzwa kunyasha dzaShe nehama.

41 Akapinda nomuSiria nokuSirisia, achisimbisa kereke.

Categories
Mabasa

Mabasa 16

Timoti anobatana naPauro naSirasi

1 Akasvika kuDhebhe ndokuzoenda kuRistira, kwaigara mudzidzi ainzi Timoti, uye mai vake vakanga vari muJudha, vari mutendi, asi baba vake vakanga vari muGiriki.

2 Hama dzapaRistira neIkoniamu dzakanga dzichimupupurira zvakanaka.

3 Pauro akada kumutora kuti aende naye parwendo, saka akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaigara munzvimbo iyoyo, nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki.

4 Pavakafamba muguta neguta, vakasvitsa mashoko akanga ataurwa navapostori navakuru vomuJerusarema kuti vanhu vaateerere.

5 Nokudaro kereke dzakasimbiswa mukutenda uye dzakawedzerwa zuva rimwe nerimwe pauwandu.

Chiratidzo chaPauro choMurume weMasedhonia

6 Pauro nevaaiva navo vakafamba nomumatunhu eFirigia neGaratia, vamborambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko mudunhu reEzhia.

7 Vakati vasvika pamuganhu weMisia, vakaedza kupinda muBhitinia, asi Mweya waJesu hauna kuvabvumira.

8 Saka vakapfuura napaMisia vakadzika kuTroasi.

9 Panguva dzousiku, Pauro akaona chiratidzo chomurume weMasedhonia amire achimukumbira achiti, “Yambukirai kuno kuMasedhonia muzotibatsira.”

10 Shure kwokunge Pauro aona chiratidzo, takagadzirira pakarepo kuti tibve tiende kuMasedhonia, tagutsikana kuti Mwari akanga atidana kuti tindovaparidzira vhangeri.

Kutendeuka kwaRidhia paFiripi

11 Tichibva paTroasi takananga kugungwa tikakwira chikepe ndokunanga kuSamotirasi, uye zuva rakatevera takasvika paNeaporisi.

12 Kubva ipapo takaenda kuFiripi, nyika yaitongwa navaRoma uye guta guru redunhu reMasedhonia. Uye takagara mazuva mazhinji ipapo.

13 Nomusi weSabata takabuda kunze kwesuo reguta kurwizi, kwataitarisira kuwana nzvimbo yokunyengeterera. Takasvikogara pasi ndokubva tatanga kutaura kumadzimai akanga akaungana ipapo.

14 Mumwe waavo vakanga vakateerera aiva mudzimai ainzi Ridhia, aiva nebasa rokutengesa nguo dzomucheka wepepuru dzaibva kuguta reTiatira, ainamata Mwari. Ishe akazarura mwoyo wake kuti agamuchire mashoko aPauro.

15 Akati abhabhatidzwa iye neveimba yake, vakatikoka kumba kwake akati, “Kana muchiona kuti ndiri mutendi muna She, uyaiwo mugare kumba kwangu.” Akatikumbirisa tikatenda.

Pauro naSirasi mutorongo

16 Nerimwe zuva patakanga tichienda kunzvimbo yokunyengeterera, takasangana nomusikana akanga ari nhapwa akanga ane mweya wokuvuka. Aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake.

17 Musikana uyu aitevera Pauro nesu, achidanidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vari kukuudzai nzira yoruponeso.”

18 Akaramba achiita izvi kwamazuva mazhinji. Pakupedzisira Pauro akashushikana zvikuru zvokuti akatendeuka akati kumweya uyu, “Muzita raJesu Kristu ndinokurayira kuti ubude maari!” Nenguva yakare iyoyo mweya wakabva maari.

19 Vatenzi vomusikana akanga ari nhapwa vakaona kuti tariro yavo yokuita mari yakanga yapera, vakabata Pauro naSirasi vakavazvuzvurudzira pachivara pamberi pavo.

20 Vakavamisa pamberi pavatongi vakati, “Varume ava vaJudha, uye vamutsa bope muguta redu

21 vachidzidzisa tsika dzisingabvumirwi nesu vaRoma kuti tidzigamuchire kana kudziita.”

22 Ungano yakabatana pakurwisa Pauro naSirasi, uye vatongi vakarayira kuti nguo dzavo dzibvarurwe uye kuti varohwe.

23 Shure kwokurohwa zvikuru, vakaiswa mutorongo, uye muchengeti wetorongo akarayirwa kuti avachengetedze kwazvo.

24 Akati agamuchira kurayira uku, akavaisa muchitokisi chomukati akasungirira tsoka dzavo pamatanda.

25 Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera.

26 Pakarepo pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru zvokuti nheyo dzetorongo dzakazungunuka. Kamwe kamwe masuo etorongo akazaruka, uye ngetani dzavanhu vose dzakasununguka.

27 Muchengeti wetorongo akamuka, uye paakaona masuo etorongo azaruka akavhomora munondo wake akada kuzviuraya nokuti akafunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka.

28 Asi Pauro akadanidzira achiti, “Usazvikuvadza! Tiri muno tose!”

29 Muchengeti wetorongo akadanidzira kuti mwenje itungidzwe, akapinda achimhanya ndokusvikowira pamberi paPauro naSirasi achidedera.

30 Ipapo akavabudisa kunze akati kwavari, “Vakuru, ndingaita sei kuti ndiponeswe?”

31 Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.”

32 Ipapo vakataura shoko raShe kwaari nokuna vose vakanga vari mumba.

33 Nenguva yousiku iyoyo, muchengeti wetorongo akavatora akashambidza maronda avo; uye pakarepo, akabhabhatidzwa iye nemhuri yake.

34 Muchengeti wetorongo akaenda navo kumba kwake akavagadzirira zvokudya; akazadzwa nomufaro nokuti akanga atenda kuna Mwari, iye nemhuri yake.

35 Kwakati kwaedza, vatongi vakatuma vabati vavo kumuchengeti wetorongo neshoko rokuti: “Sunungura varume vaya.”

36 Muchengeti wetorongo akati kuna Pauro, “Vatongi varayira kuti iwe naSirasi musunungurwe. Zvino mungaenda henyu. Endai norugare.”

37 Asi Pauro akati kumubati, “Vakatirova pachena tisina kutongwa, kunyange zvedu tiri vaRoma, uye vakatiisa mutorongo. Uye zvino vava kuda kutiregedza chinyararire here? Kwete! Ngavauye ivo vagotibudisa.”

38 Vabati vakandozivisa vatongi izvozvo, uye ivo vakati vanzwa kuti Pauro naSirasi vakanga vari vaRoma, vakatya kwazvo.

39 Vakauya kuzovanyengetedza ndokuvabudisa mutorongo, vachivakumbira kuti vabve muguta.

40 Shure kwokubuda kwaPauro naSirasi mutorongo, vakaenda kumba kwaRidhia, kwavakandosangana nehama uye vakavakurudzira. Ipapo vakaenda havo.

Categories
Mabasa

Mabasa 17

Pauro naSirasi muTesaronika

1 Vakati vapfuura nomuAmufipori neAporonia, vakasvika muTesaronika umo makanga mune sinagoge ravaJudha.

2 Setsika yake Pauro akapinda musinagoge, akataurirana navo zvaibva muMagwaro, kwamaSabata matatu,

3 achitsanangura nokuvaratidza kuti Kristu aifanira kutambudzika uye agomuka kubva kuvakafa. Akati, “Jesu uyu wandinokuparidzirai ndiye Kristu.”

4 Vamwe vaJudha vakatenda ndokubva vabatana naPauro naSirasi, sezvakaitwawo navazhinji zhinji vavaGiriki vaitya Mwari uye navakadzi vazhinji vaikudzwa.

5 Asi vaJudha vakaita godo; saka vakakokorodza vanhu vakanga vakaipa kubva pamusika, vakaunganidza mhomho yavanhu kuti vandotanga bope muguta. Vakamhanyira kumba kwaJasoni kundotsvaka Pauro naSirasi vachida kuti vavabudise vavaendese kuvanhu vazhinji.

6 Asi vakati vavashayiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vachidanidzira vachiti, “Vanhu vaya vakauyisa kusagadzikana panyika yose vasvikawo kuno zvino,

7 uye Jasoni akavagamuchira mumba make. Vose vari kumhura zvirevo zvaKesari, vachiti pano mumwe mambo, anonzi Jesu.”

8 Vakati vanzwa izvozvo, ungano uye navabati veguta vakashushikana.

9 Ipapo vakaita kuti Jasoni navamwe varipe rubatso ndokubva vavaregedza.

Pauro naSirasi paBheria

10 Kuchangosviba, hama dzakaendesa Pauro naSirasi kuBheria. Vakati vasvika ikoko, vakapinda musinagoge ravaJudha.

11 Zvino vaBheria vakanga vane tsika dzakanaka kupfuura vaTesaronika, nokuti vakagamuchira shoko nemwoyo inodisisa uye vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe kuti vaone kana zvairehwa naPauro zvaiva izvo.

12 VaJudha vazhinji vakatenda, sezvakaitwawo navakadzi vaikudzwa vechiGiriki navarume vazhinji vechiGiriki.

13 VaJudha vokuTesaronika vakati vanzwa kuti Pauro akanga achiparidza shoko raMwari paBheria, vakaendazve ikoko, vakakurudzira uye vakakuchidzira bope pakati pavanhu vazhinji.

14 Ipapo hama dzakaendesa Pauro kugungwa, asi Sirasi naTimoti vakasara paBheria.

15 Varume vakaperekedza Pauro, vakasvika naye paAtene vachibva vadzokera vaine shoko rokuti Sirasi naTimoti vamutevere nokukurumidza.

Pauro paAtene

16 Pauro achakavamirira paAtene, akatambudzika zvikuru achiona kuti guta rakanga rizere nezvifananidzo.

17 Saka akataurirana navaJudha navaGiriki vaitya Mwari musinagoge, uyewo napamusika zuva rimwe nerimwe naavo vainge varipo.

18 Boka ravakachenjera ravaEpikuro navaStoiki rakaita nharo naye. Vamwe vavo vakabvunza vakati, “Ko, uyu mutauri wezvisina maturo ari kuedza kuti kudii?” Vamwe vakati, “Anenge ari kudzidzisa nezvavamwari vokumwe.” Vakareva izvi nokuti Pauro akanga achiparidza mashoko akanaka ezvaJesu uye nezvokumuka kwavakafa.

19 Ipapo vakamutora vakaenda naye kumusangano weAreopagasi, vakati kwaari, “Tinoda kuziva kuti dzidziso itsva iyi yauri kudzidzisa ndeyei?

20 Uri kuunza pfungwa itsva kunzeve dzedu, uye tinoda kuziva kuti dzinorevei.”

21 (VaAtene vose navatorwa vaigara ipapo vaipedza nguva yavo vasina chimwe chavanoita kunze kwokungotaura nokuteerera pfungwa itsva).

22 Ipapo Pauro akasimuka mumusangano weAreopagasi akati, “Varume veAtene! Ndinoona kuti panzira dzose muri vanhu vechitendero zvikuru.

23 Nokuti ndakati ndichifamba-famba uye ndikanyatsotarisisa zvinhu zvamunonamata, ndakaonawo aritari yakanyorwa kunzi: KUNA MWARI ASINGAZIVIKANWI. Zvino chamunonamata sechinhu chisingazivikanwi ndicho chandinokuparidzirai.

24 “Mwari akasika nyika nezvinhu zvose zviri mairi ndiye Ishe wedenga napasi uye haagari mutemberi dzakavakwa namaoko.

25 Iye haashumirwi namaoko avanhu, sokunge anoshayiwa chinhu, nokuti iye amene anopa vanhu vose upenyu nokufema, nezvimwewo zvinhu.

26 Kubva pamunhu mumwe chete akaita ndudzi dzose dzavanhu, kuti vagare panyika yose; uye akavatarira nguva nenzvimbo dzavo chaidzo dzavangagara.

27 Mwari akaita izvi kuitira kuti vanhu vagomutsvaka kuti zvimwe vangamuwana, kunyange zvake asiri kure nomumwe nomumwe wedu.

28 ‘Nokuti maari ndimo matinorarama nomatinofamba, uye ndimo matigere.’ Sezvakarehwa navamwe vadetembi vokwenyu vachiti, ‘Tiri chibereko chake.’

29 “Naizvozvo sezvo tiri chibereko chaMwari, hatifaniri kufunga kuti umwari hwakaita segoridhe kana sirivha kana ibwe, chifananidzo chakavezwa noumhizha hwomunhu.

30 Mwari akarega hake kurangarira nguva dzakare dzokusaziva kwakadai, asi zvino anorayira vanhu vose kwose kwose kuti vatendeuke.

31 Nokuti akatara zuva raachatonga nyika nokururamisira nomurume waakagadza. Akaratidza izvi kuvanhu vose nokumumutsa kubva kuvakafa.”

32 Vakati vanzwa nezvokumuka kwavakafa, vamwe vakaseka, asi vamwe vakati, “Tinoda kuzokunzwazve pamusoro peshoko iri.”

33 Nokudaro, Pauro akabva paungano iyi.

34 Varume vashoma vakava vateveri vaPauro uye vakatenda. Pakati pavo paiva naDhionisiasi, nhengo yeAreopagasi nomukadzi ainzi Dhamarisi, uye navamwewo.

Categories
Mabasa

Mabasa 18

Pauro paKorinde

1 Shure kwaizvozvo, Pauro akabva paAtene akaenda kuKorinde.

2 Ikoko akandosangana nomuJudha ainzi Akwira chizvarwa chePondasi, akanga achangobva kuItari nomukadzi wake Pirisira, nokuti Kiraudhiyo akanga arayira kuti vaJudha vose vabve muRoma. Pauro akaenda kundomuona,

3 uye sezvo akanga ari mugadziri wamatende saivo, akagara navo achishanda pamwe chete navo.

4 Sabata rimwe nerimwe akanga achitaurirana navo musinagoge, achiedza kugombedzera vaJudha navaGiriki.

5 Sirasi naTimoti vakati vasvika vachibva kuMasedhonia, Pauro akazvipira kuti aparidze chete, achipupura kuvaJudha kuti Jesu ndiye Kristu.

6 Asi vaJudha vakati vapikisana naPauro uye vachimutuka, akazunza nguo dzake asingafari akati kwavari, “Ropa renyu ngarive pamisoro yenyu! Ini ndakachena pabasa rangu. Kubva zvino ndichaenda kune veDzimwe Ndudzi.”

7 Ipapo Pauro akabuda musinagoge akaenda kumba kwaTitiasi Jastasi munhu ainamata Mwari.

8 Krispasi mukuru wesinagoge, neimba yake yose vakatenda kuna She; uye vazhinji vavaKorinde vakamunzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa.

9 Humwe usiku Ishe akataura naPauro muchiratidzo akati, “Usatya; ramba uchingotaura, usanyarara.

10 Nokuti ndinewe, uye hakuna munhu achakurwisa akakukuvadza, nokuti ndina vanhu vazhinji muguta rino.”

11 Saka Pauro akagaramo kwegore nemwedzi mitanhatu, achivadzidzisa shoko raMwari.

12 Panguva iyo Gario akanga ari mubati weAkaya, vaJudha vakabatana mukurwisa Pauro uye vakauya naye kudare redzimhosva.

13 Vakati, “Munhu uyu, ari kugombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira inopesana nomurayiro.”

14 Pauro akati oda kutaura, Gario akati kuvaJudha, “Kana imi vaJudha manga muchinyunyuta pamusoro pemhosva yezvisakarurama kana kutadza kwakaipisisa, zvainge zviri nyore kwandiri kuti ndikuteererei.

15 Asi sezvo ichingova mibvunzo pamusoro pamashoko namazita uye nezvomurayiro wenyu, gadzirisanai pachenyu. Ini handidi kutonga nyaya dzakadai.”

16 Saka akaita kuti vadzingwe kubva mudare remhosva.

17 Ipapo vose vakatendeukira kuna Sosteni mukuru wesinagoge vakamurova pamberi pedare. Asi Gario haana kumbova nehanya nazvo.

Pirisira, Akwira naAporosi

18 Pauro akaramba ari muKorinde kwamazuva mazhinji. Ipapo akabva pahama ndokuenda nechikepe kuSiria, achiperekedzwa naPirisira naAkwira. Asati akwira chikepe, akaveura bvudzi rake paKenikireya nokuda kwemhiko yaakanga aita.

19 Vakasvika paEfeso, Pauro akasiya Pirisira naAkwira ipapo. Iye pachake akapinda musinagoge akataurirana navaJudha.

20 Vakati vamukumbira kuti agare navo nguva refu, iye akaramba.

21 Asi paakabva, akavimbisa achiti, “Ndichadzokazve kana Mwari achida.” Ipapo akakwira chikepe kubva kuEfeso.

22 Akati aburuka paKesaria, akakwidza akandokwazisa kereke ipapo ndokubva aburuka oenda kuAndioki.

23 Shure kwokunge ambogara muAndioki kwechinguva, Pauro akabvapo akaenda achishanya munzvimbo nenzvimbo, akapinda nomumatunhu eGaratia neFirigia, achisimbisa vadzidzi vose.

24 Zvichakadaro, mumwe muJudha ainzi Aporosi, chizvarwa cheArekizandiria, akasvika kuEfeso. Akanga ari murume akadzidza, aino ruzivo rwaMagwaro chaizvo.

25 Akanga akadzidziswa nzira yaShe, uye aitaura nesimba guru achinyatsodzidzisa nezvaJesu, kunyange zvake aingoziva nezvorubhabhatidzo rwaJohani.

26 Akatanga kutaura musinagoge asingatyi. Pirisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamukoka kumba kwavo vakamutsanangurira nzira yaMwari zvizere.

27 Aporosi akati oda kuenda kuAkaya, hama dzakamukurudzira ndokumunyorera tsamba yokuti vadzidzi vaikoko vamugamuchire. Paakasvika akabatsira kwazvo avo vakanga vatenda nenyasha.

28 Nokuti pakutaurirana, akapikisa vaJudha zvine simba pamberi pavanhu, achiratidza kubva muMagwaro kuti Jesu ndiye Kristu.

Categories
Mabasa

Mabasa 19

Pauro paEfeso

1 Aporosi paakanga achiri paKorinde, Pauro akafamba nomugwagwa wakanga uchipinda nomukati menyika akasvika paEfeso. Akawana vamwe vadzidzi ipapo

2 akavabvunza akati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda?”

Vakapindura vakati, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti kune Mweya Mutsvene isu.”

3 Saka Pauro akavabvunza akati, “Zvino makagamuchira rubhabhatidzo rupi?”

Vakapindura vakati, “Rubhabhatidzo rwaJohani.”

4 Pauro akati, “Rubhabhatidzo rwaJohani rwaiva rubhabhatidzo rwokutendeuka. Akaudza vanhu kuti vatende kuna iye aizouya mumashure make, iye Jesu.”

5 Vakati vanzwa izvi, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.

6 Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene wakauya pamusoro pavo, uye vakataura nendimi vakaprofita.

7 Vakanga vari varume vanenge gumi navaviri vose.

8 Pauro akapinda musinagoge akataura asingatyi imomo kwemwedzi mitatu, achikakavadzana navo zvinyoronyoro pamusoro poumambo hwaMwari.

9 Asi vamwe vavo vakaomesa mwoyo yavo; vakaramba kutenda uye vakatsoropodza Nzira iyo pamberi pavanhu. Saka Pauro akabva pavari. Akatora vadzidzi akaenda navo akandoita hurukuro navo zuva nezuva pachikoro chaTirano.

10 Izvi zvakaramba zvichiitwa kwamakore maviri, zvokuti vaJudha vose navaGiriki vaigara munyika yeEzhia vakanzwa shoko raShe.

11 Mwari akaita mabasa anoshamisa kubudikidza naPauro,

12 zvokuti kunyange nehangachepfu namaapuroni akanga ari pamuviri wake zvakaendeswa kuvarwere, zvirwere zvavo zvikaporeswa uye mweya yakaipa ikabva pavari.

13 Vamwe vaJudha vaifamba vachidzinga mweya yakaipa vakaedza kudana zita raJesu pamusoro paavo vakanga vakabatwa namadhimoni vachiti, “Muzita raJesu, anoparidzwa naPauro, ndinokurayira kuti ubude.”

14 Vanakomana vanomwe vaSikevha muprista mukuru wavaJudha, vakanga vachiita izvozvo.

15 Rimwe zuva mweya wakaipa wakavapindura ukati, “Jesu ndinomuziva, uye ndinoziva nezvaPauro, asi imi ndimi vanaaniko?”

16 Ipapo murume akanga ane mweya wakaipa akasvetukira pavari akavakurira vose. Akavarova zvokuti vakamhanya vachibuda mumba vasina kupfeka uye vachibuda ropa.

17 Izvi zvakati zvazivikanwa navaJudha navaGiriki vaigara muEfeso, vose vakabatwa nokutya, uye zita raIshe Jesu rakakudzwa nokukudzwa kukuru.

18 Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakauya vakareurura pachena mabasa avo akanga akaipa.

19 Vazhinji vakanga vachiita zvounʼanga vakaunganidza mabhuku avo pamwe chete vakaapisa pamberi pavanhu. Vakati vaverenga mutengo wamabhuku acho, mari ikasvika madhirakema zviuru makumi mashanu.

20 Nenzira iyi shoko raMwari rakapararira kwazvo uye rikakura musimba.

21 Shure kwokunge zvose izvi zvaitika, Pauro akafunga zvokuenda kuJerusarema achipfuura nokuMasedhonia, nokuAkaya achiti, “Kana ndambosvika ikoko, ndinofanira kushanyirawo Roma.”

22 Akatuma vabatsiri vake vaviri, Timoti naErastasi, kuMasedhonia, iye achimbosara munyika yeEzhia kwechinguva.

Bope muEfeso

23 Nenguva yakaita saiyoyo bope guru rakamuka pamusoro peNzira iyi.

24 Mumwe mupfuri wesirivha ainzi Dhemetiri akanga achigadzira zvitemberi zvesirivha zvaAritemisi, zvakanga zvichipfumisa zvikuru mhizha dzavo.

25 Akavaunganidza vose, pamwe chete navabati vaishanda mabasa akadaro, akati kwavari, “Varume, imi munoziva kuti takanga tichiwana pfuma yakanaka nebasa iri.

26 Zvino munozvionawo nokuzvinzwira kuti murume uyu Pauro akadzidzisa uye akatsausa vanhu vazhinji muno muEfeso, uye zviri pachena kuti nomunyika yose yeEzhia zvayo, anoti vamwari vakaitwa navanhu havasi vamwari chaivo.

27 Zvino njodzi iripo ndeyokuti harizi basa redu bedzi richarasikirwa nembiri yaro, asiwo temberi yamwari wedu mukuru, Aritemisi, ichazvidzwa uye iye mwarikadzi pachake, anova ndiye ari kunamatwa munyika yose yeEzhia uye nenyika yose, achatorerwa ukuru hwake.”

28 Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa vakatanga kudanidzira vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!”

29 Pakarepo guta rose rakanyonganiswa. Vanhu vakabata Gayo naAristakusi, shamwari dzaPauro dzaaifamba nadzo dzaibva kuMasedhonia, vakamhanya navo nomwoyo mumwe vakapinda navo munhandare.

30 Pauro akanga achida kuzviratidza pamberi pemhomho, asi vadzidzi vakamudzivisa.

31 Kunyange vamwe vakuru veEzhia, shamwari dzaPauro, vakamutumira shoko vachimukumbirisa kuti arege kuedza kupinda munhandare.

32 Ungano yakanga yanyonganiswa: vamwe vaidaidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe. Vazhinji vavanhu vakanga vasingatongozivi kuti sei vakanga varipo.

33 VaJudha vakasundidzira Arekizanda mberi, uye vamwe vazhinji vaidanidzira vachimurayira zvokuita. Akaninira vanhu kuti vanyarare kuitira kuti agone kuzvidavirira pamberi pavanhu.

34 Asi pavakaona kuti iye aiva muJudha, vose vakadanidzira pamwe chete kwenguva dzinenge maawa maviri vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!”

35 Munyori weguta akanyaradza vanhu akati, “Varume veEfeso, ko, nyika yose haizivi here kuti guta reEfeso ndiro rinochengeta temberi yaAritemisi mukuru nomufananidzo wake, uyo wakawa uchibva kudenga?

36 Naizvozvo, sezvo izvi zvisingagoni kurambika, munofanira kuti munyarare murege kumhanyira kuita chinhu.

37 Mauya navarume ava pano, kunyange zvavo vasina kuba temberi dzedu kana kumhura mwarikadzi wedu.

38 Zvino, kana Dhemetiri nedzimwe mhizha dzaanadzo vakange vane mhosva naani zvake, matare edzimhosva akazarurwa uye vatongi varimo. Vanogona kuvakwirira havo.

39 Kana pane chimwe chinhuzve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.

40 Asi sezvazviri izvi, tiri panjodzi yokuti tingangopiwa mhosva yokumutsa bongozozo nokuda kwezvaitika nhasi. Kana pane chimwezve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.”

41 Akati ataura izvi, akarayira kuti ungano iparare.

Categories
Mabasa

Mabasa 20

Pauro anoenda kuMasedhonia nokuGirisi

1 Bope rakati rapera, Pauro akadana vadzidzi, uye shure kwokuvakurudzira, akaonekana navo akasimuka akaenda kuMasedhonia.

2 Akafamba nomumatunhu ayo, achitaura mashoko mazhinji okukurudzira vanhu, uye pakupedzisira akazosvika kuGirisi,

3 uko kwaakandogara kwemwedzi mitatu. Nokuda kwokuti vaJudha vakanga vaita rangano yakaipa pamusoro pake paakanga oda kukwira chikepe kuti aende kuSiria, akafunga kudzokerazve nokuMasedhonia.

4 Akaperekedzwa naSopata mwanakomana waPirasi wokuBheria, navanaAristakusi naSekundo, vaibva kuTesaronika, naGayo wokuDhebhe, naTimotiwo uye Tikikasi naTirofimasi vaibva mudunhu reEzhia.

5 Varume ava vakatungamira vakandotimirira paTroasi.

6 Asi takazokwira chikepe kubva kuFiripi shure kwoMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, uye shure kwamazuva mashanu takazobatana navamwe paTroasi, apo patakazogara kwamazuva manomwe.

Yutiko anomutswa kubva kuvakafa paTroasi

7 Nomusi wokutanga wevhiki takaungana pamwe chete kuti timedure chingwa. Pauro akataura kuvanhu uye, nokuda kwokuti akanga achida kuenda pazuva raitevera, akaramba achingotaura kusvikira pakati pousiku.

8 Makanga mune mwenje mizhinji muimba yapamusoro matakanga tichisangana.

9 Pawindo pakanga pagere jaya rainzi Yutiko, uyo akanga abatwa nehope chaizvo sezvo Pauro akanga achingoramba achitaura. Paakanga anyatsobatwa nehope akawira pasi achibva paimba yechitatu yapamusoro akazonongwa afa.

10 Pauro akaburuka akasvikozviwisira pamusoro pejaya akamugumbatira mumaoko ake. Akati, “Musatya, mupenyu!”

11 Ipapo akakwirazve paimba yapamusoro akamedura chingwa akadya. Shure kwokutaura navo kusvikira kwaedza, akazoenda hake.

12 Vanhu vakatora mujaya uya vakaenda naye kumusha ari mupenyu uye vakanyaradzwa zvikuru.

Pauro anoonekana naVakuru veEfeso

13 Isu takatungamira nechikepe tikaenda kuAsosi, uko Pauro aizokwirawo chikepe. Akanga aronga izvi nokuti akanga achizoenda ikoko netsoka.

14 Paakasangana nesu paAsosi, takamukwidza tikapfuurira kuMitirene.

15 Fume mangwana takamukapo nechikepe tikandosvika pakatarisana neKiyosi. Zuva rakatevera iroro takayambuka tikasvika kuSamosi, uye zuva rakatevera takasvika paMiretasi.

16 Pauro akanga afunga zvokupfuura napaEfeso nechikepe achiitira kuti vasapedza nguva vari munyika yeEzhia nokuti akanga achimhanyira kusvika kuJerusarema, kana zvaibvira, nezuva rePendekosti.

17 Pauro ari paMiretasi, akatumira shoko kuEfeso kundodana vakuru vekereke.

18 Vakati vasvika, akati kwavari, “Imi munoziva kuti ndakagara sei nemi panguva yose yandaiva nemi, kubvira pazuva rokutanga randakasvika munyika yeEzhia.

19 Ndakashumira Ishe nokuzvininipisa zvikuru uye nemisodzi, kunyange ndakaedzwa zvikuru nerangano dzavaJudha.

20 Munozviziva kuti handina kuzeza kuparidza kana chinhu chaizokubatsirai imi, asi ndakakudzidzisai pachena uye muimba neimba.

21 Ndakapupura kuna vose vaJudha navaGiriki kuti vanofanira kudzokera kuna Mwari vagotendeuka uye vagotenda kuna Ishe Jesu.

22 “Zvino ndamanikidzwa noMweya, ndiri kuenda kuJerusarema, ndisingazivi hangu zvichaitika kwandiri.

23 Chandinongoziva ndechokuti muguta rimwe nerimwe Mweya Mutsvene anondiyambira kuti kusungwa nokutambudzika zvakandirindira.

24 Zvisinei hazvo, ini handioni upenyu hwangu sechinhu chinokosha, dai bedzi ndapedza nhangemutange yangu uye ndapedzisa basa randakapiwa naIshe Jesu, basa rokupupura vhangeri renyasha dzaMwari.

25 “Zvino ndinoziva kuti hakuna pakati penyu imi vandakafamba navo ndichiparidza vhangeri roushe achazondionazve.

26 Naizvozvo ndinotaura kwamuri nhasi kuti handina mhosva yeropa ravanhu vose.

27 Nokuti handina kuzeza kukuparidzirai kuda kwose kwaMwari.

28 Zvichenjererei imi pachenyu neboka rose ramakaitwa vatariri varo naMweya Mutsvene. Fudzai kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake pachake.

29 Ndinoziva kuti kana ndabva, mapere achapinda pakati penyu asingaregi boka.

30 Kunyange pakati penyu iyemi vanhu vachamuka vachiminamisa chokwadi vachiitira kuti vatape vadzidzi kuti vavatevere.

31 Saka rindai! Rangarirai kuti makore matatu handina kumborega kukuyambirai mumwe nomumwe wenyu, usiku namasikati nemisodzi.

32 “Zvino ndinokuisai kuna Mwari nokushoko renyasha dzake, iro rinogona kukuvakai uye richikupai nhaka pakati paavo vakaitwa vatsvene.

33 Handina kumbochiva sirivha yomunhu kana goridhe kana nguo yomunhu.

34 Imi munoziva pachenyu kuti maoko angu aya akabatira kushayiwa kwangu nokushayiwa kwavandaiva navo.

35 Mune zvose zvandakaita, ndakakuratidzai kuti namabatiro akaoma aya, tinofanira kubatsira vasina simba, tichirangarira mashoko aShe Jesu pachake paakati, ‘Kupa kwakaropafadzwa kupfuura kugamuchira.’ ”

36 Akati ataura izvi, akapfugama pamwe chete navo vose uye vakanyengetera.

37 Vose vakachema pavakamumbundikira uye vakamutsvoda.

38 Zvakanyanya kuvarwadza mashoko aakataura achiti havaizoona chiso chakezve. Ipapo vakamuperekedza kuchikepe.