Categories
Mapisarema

Mapisarema 91

1 Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro

achazorora mumumvuri weWamasimba Ose.

2 Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu,

Mwari wangu, wandinovimba naye.”

3 Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi

napadenda rinouraya.

4 Achakufukidza neminhenga yake,

uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake;

kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako.

5 Haungatyiswi nokuvhundutsa kwousiku,

kana museve unopfurwa masikati,

6 kana hosha inofamba murima,

kana denda rinoparadza masikati.

7 Chiuru chingawa parutivi rwako,

zviuru gumi kurudyi pako,

asi hazvingaswederi kwauri.

8 Uchangozviona nameso ako chete,

uye uchaona kurangwa kwavakaipa.

9 Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako,

kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu,

10 ipapo hapana chakaipa chichakuwira,

hakuna njodzi ichasvika patende rako.

11 Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako,

kuti vakuchengete panzira dzako dzose;

12 vachakusimudza mumaoko avo,

kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.

13 Uchatsika pamusoro peshumba napamusoro pechiva;

uchatsika-tsika shumba huru nenyoka.

14 “Nokuti anondida,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “neni ndichamununura;

ndichamudzivirira, nokuti anoziva zita rangu.

15 Achadana kwandiri, uye ndichamupindura;

ndichava naye pakutambudzika,

ndichamurwira uye ndichamukudza.

16 Ndichamugutsa noupenyu hurefu,

uye ndichamuratidza ruponeso rwangu.”

Categories
Mapisarema

Mapisarema 92

Pisarema. Rwiyo rweSabata.

1 Zvakanaka kurumbidza Jehovha

nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro,

2 kuparidza rudo rwenyu mangwanani

nokutendeka kwenyu usiku,

3 nechiridzwa chine hungiso

gumi namaririro akanaka embira.

4 Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha;

ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu.

5 Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko,

ndangariro dzenyu dzakadzika sei!

6 Munhu asina njere haazivi,

mapenzi haanzwisisi,

7 kuti kunyange vakaipa vachimera souswa,

uye vaiti vezvakaipa vose vachikura,

vachaparadzwa nokusingaperi.

8 Asi imi, iyemi Jehovha, munosimudzirwa nokusingaperi.

9 Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha,

zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa;

vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa.

10 Makasimudzira runyanga rwangu sorwenyati;

mafuta akaisvonaka akadururirwa pamusoro pangu.

11 Meso angu akaona kukundwa kwavadzivisi vangu;

nzeve dzangu dzakanzwa kuparadzwa kwavavengi vangu vakaipa.

12 Vakarurama vachakura kwazvo somuchindwe,

vachakura somusidhari weRebhanoni;

13 wakadyarwa muimba yaJehovha,

vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu.

14 Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo,

vachagara vari vanyoro uye vari vatsva.

15 Vachaparidza kuti, “Jehovha akarurama;

ndiye Dombo rangu, uye maari hamuna chakaipa.”

Categories
Mapisarema

Mapisarema 93

1 Jehovha anobata ushe, akashongedzwa noumambo;

Jehovha akashongedzwa noumambo uye akafukidzwa nesimba.

Nyika yakateyiwa zvakasimba; haingazungunuswi.

2 Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kare kare;

imi muripo nokusingaperi.

3 Haiwa Jehovha, makungwa akasimudza,

makungwa akasimudza manzwi awo;

makungwa akasimudza mafungu anotinhira.

4 Mukuru kukunda kutinhira wemvura zhinji,

mukuru kukunda mafungu egungwa,

Jehovha ari kumusoro ndiye mukuru.

5 Zvamakatema hazvishanduki;

utsvene hunofukidza imba yenyu imi Jehovha,

kwamazuva asingaperi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 94

1 Haiwa Jehovha, imi Mwari anotsiva,

haiwa Mwari iyemi munotsiva, penyai.

2 Simukai, imi Mutongi wenyika;

tsivai vanozvikudza zvakavafanira.

3 Haiwa Jehovha, vakaipa vachasvika riniko,

vachasvika riniko vakaipa vachingofara?

4 Vanodurura mashoko okuzvikudza;

vose vanoita zvakaipa vazere nokuzvirumbidza.

5 Vanopwanya vanhu venyu, imi Jehovha,

vanodzvinyirira nhaka yenyu.

6 Vanouraya chirikadzi nomweni;

vanoponda nherera.

7 Vanoti, “Jehovha haaoni;

Mwari waJakobho haana hanya.”

8 Nzwisisai, imi vasina njere pakati pavanhu;

imi mapenzi, muchava vakachenjera riniko?

9 Ko, iye akasima nzeve, haanganzwi here?

Iye akaumba ziso haangaoni here?

10 Ko, iye anoranga ndudzi haangarangi here?

Anodzidzisa vanhu angashayiwa zivo here?

11 Jehovha anoziva mirangariro yavanhu;

anoziva kuti haina maturo.

12 Akaropafadzwa munhu anorangwa nemi, iyemi Jehovha,

munhu wamunodzidzisa pamurayiro wenyu;

13 munomuzorodza pamazuva enhamo,

kusvikira akaipa achererwa gomba.

14 Nokuti Jehovha haangarambi vanhu vake;

haangambosiyi nhaka yake.

15 Kururamisira kuchawanikwa nokuda kwevakarurama,

uye vose vakarurama pamwoyo vachakutevera.

16 Ndianiko achandirwira pane vakaipa?

Ndianiko achandibatsira pavaiti vezvakaipa?

17 Dai Jehovha asina kundibatsira,

ndingadai ndakakurumidza kugara parunyararo rworufu.

18 Pandakati, “Rutsoka rwangu rwotedzemuka,”

rudo rwenyu, imi Jehovha, rwakanditsigira.

19 Pandakava nokufunganya kukuru mandiri,

kunyaradza kwenyu kwakandivigira mufaro kumweya wangu.

20 Ko, chigaro choushe chino uori chingashamwaridzana nemi here,

icho chinouyisa kutambudzika muzvirevo zvacho?

21 Vanobatana pamwe chete kuti varwise vakarurama,

vachipomera mhosva yorufu kuna vasina mhosva.

22 Asi Jehovha ndiye ava nhare yangu,

uye Mwari wangu ndiye dombo randinotizira.

23 Achavatsiva nokuda kwezvivi zvavo,

uye achavaparadza nokuda kwezvakaipa zvavo;

Jehovha Mwari wedu achavaparadza.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 95

1 Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro;

ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu.

2 Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga

uye timukudze nenziyo.

3 Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru,

Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose.

4 Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake,

uye misoro yamakomo ndeyake.

5 Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita,

uye maoko ake akaumba nyika yakaoma.

6 Uyai tikotame, tinamate,

ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu;

7 nokuti ndiye Mwari wedu,

uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye,

makwai anochengetwa naye.

Nhasi kana muchinzwa inzwi rake,

8 musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha,

sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga,

9 pandakaedzwa namadzibaba enyu

kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita.

10 Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana;

ndakati, “Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka,

uye havana kuziva nzira dzangu.”

11 Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati,

“Havangazombopindi pazororo rangu.”

Categories
Mapisarema

Mapisarema 96

1 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva;

imbirai Jehovha, nyika yose.

2 Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake;

paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.

3 Paridzai kubwinya kwake pakati pendudzi,

namabasa ake anoshamisa pakati pamarudzi.

4 Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa,

iye anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.

5 Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo,

asi Jehovha akaita matenga.

6 Kubwinya noumambo zviri pamberi pake;

simba nokubwinya zviri munzvimbo yake tsvene.

7 Remekedzai Jehovha, imi ndudzi dzose,

ipai rukudzo nesimba kuna Jehovha.

8 Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake;

uyai nechipiriso mugopinda pavanze dzake.

9 Namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake;

dederai pamberi pake, imi nyika dzose.

10 Muti pakati pendudzi, “Jehovha ndiye anobata ushe.”

Nyika yakanyatsosimbiswa, haingazungunuswi;

uye achatonga marudzi nokururama.

11 Kudenga denga ngakufare, nyika ngaifarisise;

gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri;

12 masango ngaafare, nezvose zviri maari.

Ipapo miti yose yesango ichaimba nomufaro;

13 ichaimba pamberi paJehovha, nokuti anouya,

anouya kuzotonga nyika.

Achatonga nyika nokururama,

uye vanhu nechokwadi chake.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 97

1 Jehovha anobata ushe, nyika ngaifare;

zviwi zviri kure ngazvifare.

2 Makore nerima guru zvakamukomberedza;

kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe.

3 Moto unoenda mberi kwake

uchipisa vavengi vake kumativi ose.

4 Mheni yake inovhenekera pasi;

nyika inozviona igodedera.

5 Makomo anonyungudika senamo pamberi paJehovha,

pamberi paIshe wenyika yose.

6 Kudenga denga kunoparidza kururama kwake,

uye vanhu vose vanoona kubwinya kwake.

7 Vose vanonamata zvifananidzo vanonyadziswa,

avo vanozvirumbidza nezvifananidzo,

munamatei, imi vamwari vose!

8 Zioni rinonzwa rigofara uye misha yeJudha inofara nokuda kwezvamakatonga, imi Jehovha.

9 Nokuti imi, iyemi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro pasi pose;

makasimudzirwa kupfuura vamwari vose.

10 Vanoda Jehovha ngavavenge zvakaipa,

nokuti anorinda upenyu kwavanhu vake vakatendeka

uye anovarwira muruoko rwowakaipa.

11 Chiedza chinovhenekera pamusoro pavakarurama,

nomufaro pamusoro pavane mwoyo yakarurama.

12 Farai muna Jehovha, imi vakarurama,

uye mukudze zita rake dzvene.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 98

Pisarema.

1 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,

nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa;

ruoko rwake rworudyi nechanza chake

chitsvene zvakamukundisa.

2 Jehovha akazivisa ruponeso rwake

uye akaratidza kururama kwake kundudzi,

3 Akarangarira rudo rwake

nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri;

migumo yose yenyika yakaona

ruponeso rwaMwari wedu.

4 Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika yose,

imbai nziyo mupembere nomufaro;

5 imbirai Jehovha nembira,

nembira nenzwi rokuimba,

6 nehwamanda nokurira kworunyanga rwegondobwe,

danidzirai nomufaro pamberi paJehovha, iye Mambo.

7 Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri,

nenyika, navose vanogaramo.

8 Nzizi ngadziuchire maoko adzo,

makomo ngaaimbe pamwe chete nomufaro;

9 ngaaimbe pamberi paJehovha,

nokuti anouya kuzotonga nyika.

Achatonga nyika zvakarurama

navanhu nokururamisira.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 99

1 Jehovha anobata ushe,

ndudzi ngadzidedere;

anogara pachigaro choushe chiri pakati pamakerubhi,

nyika ngaizungunuke.

2 Jehovha mukuru paZioni;

iye akasimudzirwa pamusoro pendudzi dzose.

3 Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa,

iye mutsvene.

4 Mambo mukuru, anoda kururamisira,

imi makasimbisa kururama;

muna Jakobho makaita

kururamisira nokururama.

5 Kudzai Jehovha Mwari wedu

nokunamata pachitsiko chetsoka dzake;

iye mutsvene.

6 Mozisi naAroni vakanga vari pakati pavaprista vake,

Samueri akanga ari pakati paavo

vaidana kuzita rake,

vakadana kuna Jehovha akavapindura.

7 Akataura kwavari ari mushongwe yegore;

vakachengeta zvaakatema nemitemo yaakavapa.

8 Haiwa Jehovha Mwari wedu,

imi makavapindura;

makanga muri Mwari anokanganwira kuna Israeri,

kunyange makavaranga pane zvavakaita.

9 Kudzai Jehovha Mwari wedu

mumunamate pagomo rake dzvene,

nokuti Jehovha Mwari wedu ndiye mutsvene.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 100

Pisarema rokuvonga.

1 Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose.

2 Shumirai Jehovha nomufaro;

uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro.

3 Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari.

Ndiye akatisika, uye tiri vake;

tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.

4 Pindai pamasuo ake nokuvonga

nomuvanze dzake nokurumbidza;

chimuvongai uye murumbidze zita rake.

5 Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi;

kutendeka kwake kunoramba kuripo kuzvizvarwa zvose.