Categories
Mapisarema

Mapisarema 111

1 Rumbidzai Jehovha.

Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose,

padare ravakarurama nepagungano.

2 Mabasa aJehovha makuru;

anorangarirwa navose vanofara maari.

3 Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo,

uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.

4 Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe;

Jehovha ane nyasha nengoni.

5 Anopa zvokudya kuna avo vanomutya;

anorangarira sungano yake nokusingaperi.

6 Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake,

achivapa nyika dzedzimwe ndudzi.

7 Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama,

mitemo yake yose yakavimbika.

8 Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri,

yakaitwa mukutendeka nokururama.

9 Akapa dzikinuro kuvanhu vake;

akasimbisa sungano yake nokusingaperi,

zita rake idzvene uye rinotyisa.

10 Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere;

vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa.

Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 112

1 Rumbidzai Jehovha.

Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha,

anofarira mirayiro yake zvikuru.

2 Vana vake vachava nesimba panyika;

zvizvarwa zvavakarurama zvicharopafadzwa.

3 Pfuma nezvakawanda zviri mumba make,

uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.

4 Kunyange murima akarurama anobudirwa nechiedza,

iye munhu ane nyasha nengoni uye akarurama.

5 Zvakanaka zvinouya kumunhu anopa zvizhinji

uye anokweretesa pachena, anofambisa nzira dzake nokururamisira.

6 Zvirokwazvo, haangatongozungunuswi;

munhu akarurama acharangarirwa nokusingaperi.

7 Haangatyi mashoko akaipa;

mwoyo wake wakasimba, anovimba naJehovha.

8 Mwoyo wake wakachengetedzeka, haangatyi chinhu;

pakupedzisira achatarira nokukunda kuvavengi vake.

9 Akaparadzira zvipo zvake kuvarombo,

kururama kwake kunogara nokusingaperi;

runyanga rwake ruchasimudzwa mudenga mukukudzwa.

10 Akaipa achazviona uye acharwadziwa,

acharumanya meno ake uye achaonda;

kushuva kwowakaipa kuchava pasina.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 113

1 Rumbidzai Jehovha.

Rumbidzai, imi varanda vaJehovha,

rumbidzai zita raJehovha.

2 Zita raJehovha ngarirumbidzwe,

kubva zvino kusvikira narini.

3 Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro,

zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.

4 Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose;

kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga.

5 Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu,

iye anogara pachigaro choushe chokumusoro-soro,

6 anokotamira pasi kuti aone

zviri kudenga napanyika?

7 Anosimudza murombo kubva muguruva,

uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota;

8 anovagadza namachinda,

namachinda avanhu vavo.

9 Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make,

samai vavana vanofara.

Rumbidzai Jehovha.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 114

1 Israeri akati abuda muIjipiti,

imba yaJakobho ichibva kurudzi runo mutauro wokumwe,

2 Judha akava imba tsvene yaMwari,

Israeri ushe hwake.

3 Gungwa rakazviona rikatiza,

Jorodhani rwakadzokera shure;

4 makomo akakwakuka samakondobwe,

zvikomo samakwayana.

5 Haiwa gungwa, wakatizeiko,

iwe Jorodhani zvawakadzokera shure,

6 imi makomo zvamakakwakuka samakondobwe,

nemi zvikomo, samakwayana?

7 Dedera, iwe nyika pamberi paShe,

pamberi paMwari waJakobho,

8 akashandura dombo rikava dziva,

dombo rakaoma rikava matsime emvura.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 115

1 Kwete kwatiri, Jehovha, kwete kwatiri,

asi kukudzwa ngakupiwe kuzita renyu,

nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu.

2 Sei ndudzi dzichiti,

“Mwari wavo aripiko?”

3 Mwari wedu ari kudenga;

anoita zvose zvinomufadza.

4 Asi zvifananidzo zvavo isirivha negoridhe,

zvakaitwa namaoko avanhu.

5 Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura,

zvina meso, asi hazvigoni kuona;

6 zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa mhino,

asi hazvigoni kunhuhwidza;

7 zvina maoko, asi hazvigoni kubata,

tsoka, asi hazvigoni kufamba;

uye hazvitauri napahuro pazvo.

8 Vanozviita vachafanana nazvo,

navose vanovimba nazvo.

9 Haiwa imba yaIsraeri, vimbai naJehovha,

ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.

10 Imi imba yaAroni, vimbai naJehovha,

ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.

11 Imi vanomutya, vimbai naJehovha,

ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.

12 Jehovha anotirangarira uye achatiropafadza:

Acharopafadza imba yaIsraeri, acharopafadza imba yaAroni,

13 acharopafadza vanotya Jehovha,

vaduku navakuru zvakafanana.

14 Jehovha ngaakuwanzei,

mose iwe navana vako.

15 Jehovha ngaakuropafadze,

iye muiti wedenga napasi.

16 Kudenga denga kumusoro ndokwaJehovha,

asi nyika akaipa kuvanhu.

17 Vakafa havasivo vanorumbidza Jehovha,

avo vanoburukira kwakanyarara;

18 asi tisu tinokudza Jehovha,

kubva zvino kusvikira narini.

Rumbidzai Jehovha.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 116

1 Ndinoda Jehovha, nokuti akanzwa inzwi rangu;

akandinzwira tsitsi pakuchema kwangu.

2 Nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri,

ndichadana kwaari mazuva ose oupenyu hwangu.

3 Misungo yorufu yakandipinganidza,

kurwadza kweguva kwakauya pamusoro pangu;

ndakakundwa nenhamo nokusuwa.

4 Ipapo ndakadana kuzita raJehovha ndikati,

“Haiwa Jehovha, ndiponesei!”

5 Jehovha ane nyasha uye akarurama;

Mwari wedu azere netsitsi.

6 Jehovha anodzivirira vakatendeka pamwoyo;

pandakanga ndiri pakushayiwa kukuru, iye akandiponesa.

7 Haiwa mweya wangu, chizorora zvakare,

nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka.

8 Nokuti imi, iyemi Jehovha, makarwira mweya wangu parufu,

meso angu pamisodzi,

uye makumbo angu pakugumburwa,

9 kuti ndifambe pamberi paJehovha

munyika yavapenyu.

10 Ndakatenda; naizvozvo ndakati,

“Ndiri kutambudzika kwazvo.”

11 Uye pakuvhunduka kwangu ndakati,

“Vanhu vose vanoreva nhema.”

12 Ndingaripira seiko Jehovha

pamusoro pokunaka kwake kwose kwandiri?

13 Ndichasimudza mukombe woruponeso

ndigodana kuzita raJehovha.

14 Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha,

pamberi pavanhu vake vose.

15 Chinhu chinokosha pamberi paJehovha

ndirwo rufu rwavatsvene vake.

16 Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu;

ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu;

makandisunungura pangetani dzangu.

17 Ndichabayira chipo chokuvonga kwamuri,

uye ndichadana kuzita raJehovha.

18 Ndichazadzisa mhiko dzangu kuna Jehovha,

pamberi pavanhu vake vose,

19 pavanze dzeimba yaJehovha,

mukati mako, iwe Jerusarema.

Rumbidzai Jehovha.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 117

1 Rumbidzai Jehovha, imi ndudzi dzose;

Mukudzei, imi marudzi ose.

2 Nokuti rudo rwake kwatiri rukuru,

uye kutendeka kwaJehovha kunogara nokusingaperi.

Rumbidzai Jehovha.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 118

1 Vongai Jehovha, nokuti akanaka;

rudo rwake runogara nokusingaperi.

2 Israeri ngaati,

“Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

3 Imba yaAroni ngaiti,

“Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

4 Avo vanotya Jehovha ngavati,

“Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

5 Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha,

uye akandipindura nokundisunungura.

6 Jehovha aneni; handingatyi.

Munhu angandiiteiko?

7 Jehovha aneni; ndiye mubatsiri wangu.

Ndichatarira vavengi vangu nokukunda.

8 Zviri nani kutizira kuna Jehovha

pano kuvimba nomunhu.

9 Zviri nani kutizira kuna Jehovha

pano kuvimba namachinda.

10 Ndudzi dzose dzakandikomba,

asi ndakavaparadza muzita raJehovha.

11 Vakandikomba pamativi ose,

asi ndakavaparadza muzita raJehovha.

12 Vakandimomotera senyuchi,

asi vakakurumidza kufa seminzwa inotsva,

ndakavaparadza muzita raJehovha.

13 Ndakasundidzirwa shure uye ndikada kuwa,

asi Jehovha akandibatsira.

14 Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu;

ndiye ava ruponeso rwangu.

15 Kupembera kwomufaro nokukunda

kunonzwika mumatende avakarurama kuchiti:

“Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!

16 Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzirwa kumusoro;

ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!”

17 Handingafi asi ndichararama,

uye ndichaparidza zvakaitwa naJehovha.

18 Jehovha akandiranga kwazvo,

asi haana kundiisa kurufu.

19 Ndizarurireiwo masuo okururama;

ndichapinda ndigovonga Jehovha.

20 Iri ndiro suo raJehovha

panopinda navakarurama.

21 Ndichakuvongai, nokuti makandipindura;

makava ruponeso rwangu.

22 Dombo rakarambwa navavaki

ndiro rakazova musoro wekona;

23 Jehovha akaita izvi,

uye zvinoshamisa pamberi pedu.

24 Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha;

ngatifarei kwazvo tifarisise mariri.

25 Haiwa Jehovha, tiponesei;

haiwa Jehovha, tipeiwo kubudirira.

26 Akaropafadzwa uyo anouya muzita raJehovha.

Tiri mumba maJehovha tinokuropafadzai.

27 Jehovha ndiye Mwari,

uye akaita kuti chiedza chake chivhenekere pamusoro pedu.

Namatavi muruoko, pinda mumudungwe

ubatane navamwe vari kuenda kunyanga dzearitari.

28 Imi muri Mwari wangu, uye ndichakuvongai;

ndimi Mwari wangu, uye ndichakukudzai.

29 Vongai Jehovha, nokuti akanaka;

rudo rwake runogara nokusingaperi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 119

1 Vakaropafadzwa avo vane nzira isina chaingapomerwa,

vanofamba mumurayiro waJehovha.

2 Vakaropafadzwa avo vanochengeta zvaakatema,

vanomutsvaka nomwoyo wavo wose.

3 Havaiti chinhu chakaipa;

vanofamba munzira yake.

4 Imi makaisa zvirevo

zvinofanira kuteererwa.

5 Haiwa, dai nzira dzangu dzakasimba

pakuteerera zvirevo zvenyu!

6 Ipapo handaizonyadziswa pandinorangarira mirayiro yenyu.

7 Ndichakurumbidzai nomwoyo wakarurama,

sezvo ndichidzidza mirayiro yenyu yakarurama.

8 Ndichateerera mitemo yenyu;

regai kundirasa zvachose.

9 Ko, jaya ringanatsa nzira yaro nei?

Nokurarama sezvinoreva shoko renyu.

10 Ndinokutsvakai nomwoyo wangu wose;

musandirega ndichitsauka pamirayiro yenyu.

11 Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu,

kuti ndirege kukutadzirai.

12 Imi munofanira kukudzwa, Jehovha;

ndidzidzisei mitemo yenyu.

13 Nemiromo yangu ndichataurazve

mirayiro yose inobva pamuromo wenyu.

14 Ndinofarira kutevera zvirevo zvenyu,

somunhu anofarira pfuma huru.

15 Ndinofungisisa zvirevo zvenyu,

uye ndinorangarira nzira dzenyu.

16 Ndinofarira mitemo yenyu;

handingakanganwi shoko renyu.

17 Itirai muranda wenyu zvakanaka, ndigorarama;

ndichateerera shoko renyu.

18 Ndisvinudzei meso angu kuti ndione.

Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurayiro wenyu.

19 Ndiri mutorwa panyika;

regai kundivanzira mirayiro yenyu.

20 Mweya wangu wapedzwa nokushuva

mitemo yenyu nguva dzose.

21 Munotsiura vanozvikudza, avo vakatukwa,

uye vanotsauka kubva pamirayiro yenyu.

22 Bvisai kwandiri kushorwa nokuzvidzwa,

nokuti ndinochengeta zvirevo zvenyu.

23 Kunyange vatongi vachigara pamwe chete vachindireva,

muranda wenyu achafungisisa mitemo yenyu.

24 Ndinofadzwa nezvirevo zvenyu;

ndizvo zvinondipanga mazano.

25 Ndakaradzikwa pasi muguruva;

chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu.

26 Ndakarevazve nzira dzangu imi mukandipindura;

ndidzidzisei mitemo yenyu.

27 Itai kuti ndinzwisise zvirevo zvenyu;

ipapo ndichafungisisa pamusoro pezvishamiso zvenyu.

28 Mweya wangu waziya nokusuwa;

ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu.

29 Ndibvisei panzira dzokunyengera;

ndinzwirei nyasha kubudikidza nomurayiro wenyu.

30 Ndakasarudza nzira yechokwadi;

ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu.

31 Haiwa Jehovha, ini ndichabatirira pazvirevo zvenyu;

musandirega ndichinyadziswa.

32 Ndinomhanya munzira yomurayiro wenyu,

nokuti makasunungura mwoyo wangu.

33 Ndidzidzisei, imi Jehovha, kutevera mitemo yenyu;

ipapo ndichaichengeta kusvikira kumagumo.

34 Ndipei kunzwisisa, ndigochengeta murayiro wenyu

uye ndigouteerera nomwoyo wangu wose.

35 Nditungamirirei munzira yemirayiro yenyu,

nokuti imomo ndinowana mufaro.

36 Dzorerai mwoyo wangu pane zvamakatema

kwete pakuchiva kwenyama.

37 Dzorai meso angu pazvinhu zvisina maturo;

chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu.

38 Zadzisai zvamakapikira muranda wenyu,

kuti mugotyiwa.

39 Bvisai kunyadziswa kwandaitya,

nokuti mitemo yenyu yakanaka.

40 Ndinoshuva zvirevo zvenyu sei!

Chengetedzai upenyu hwangu mukururama kwenyu.

41 Rudo rwenyu rusingaperi ngaruuye kwandiri,

Jehovha, noruponeso rwenyu sezvamakavimbisa;

42 ipapo ndichapindura vanondishora,

nokuti ndinovimba neshoko renyu.

43 Regai kubvisa shoko rechokwadi pamuromo pangu,

nokuti ndakaisa tariro yangu mumurayiro wenyu.

44 Ndichagara ndichiteerera murayiro wenyu,

nokusingaperi-peri.

45 Ndichafamba-famba ndakasununguka,

nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu.

46 Ndichataura zvamakatema pamberi pamadzimambo,

uye handinganyadziswi,

47 nokuti ndinofarira mirayiro yenyu

nokuti ndinoida.

48 Ndinosimudzira maoko angu

kumirayiro yenyu yandinoda, uye ndinofungisisa zvirevo zvenyu.

49 Rangarirai shoko renyu kumuranda wenyu,

nokuti makandipa tariro.

50 Zvinondinyaradza pakutambura kwangu ndezvizvi:

Vimbiso yenyu inochengetedza upenyu hwangu.

51 Vanozvikudza vanondiseka vasingaregi,

asi ini handitsauki pamurayiro wenyu.

52 Ndinorangarira mirayiro yenyu yekare, imi Jehovha,

uye ndinonyaradzwa mairi.

53 Shungu dzinondibata nokuda kwavakaipa,

vakasiya murayiro wenyu.

54 Mitemo yenyu ndiro dingindira rorwiyo rwangu

pose pandinogara.

55 Haiwa, Jehovha, ndinorangarira zita renyu usiku,

uye ndichachengeta murayiro wenyu.

56 Aya ndiwo anga ari maitiro angu:

Ndinoteerera zvirevo zvenyu.

57 Haiwa, Jehovha, ndimi mugove wangu;

ndakavimbisa kuteerera mashoko enyu.

58 Ndakatsvaka chiso chenyu nomwoyo wangu wose;

ndinzwirei nyasha sezvamakavimbisa.

59 Ndakacherechedza nzira dzangu

ndikadzorera tsoka dzangu kune zvamakatema.

60 Ndichakurumidza uye handinganonoki

kuteerera mirayiro yenyu.

61 Kunyange vakaipa vakandisunga namabote,

handizokanganwi murayiro wenyu.

62 Ndinomuka pakati pousiku ndichikuvongai

nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.

63 Ndiri shamwari yavose vanokutyai,

nokuna vose vanotevera zvirevo zvenyu.

64 Haiwa Jehovha, nyika izere norudo rwenyu,

ndidzidzisei zvirevo zvenyu.

65 Makaitira muranda wenyu zvakanaka,

imi Jehovha, sezvakafanira shoko renyu.

66 Ndidzidzisei zivo nokutonga kwakanaka,

nokuti ndakatenda mirayiro yenyu.

67 Pandakanga ndisati ndatambudzika,

ndakatsauka, asi zvino ndinoteerera shoko renyu.

68 Imi makanaka, uye munoita zvakanaka;

ndidzidzisei mitemo yenyu.

69 Kunyange vanozvikudza vakandipomera nhema,

ndinochengeta zvamakatema nomwoyo wangu wose.

70 Mwoyo yavo yakasindimara uye hainzwisisi,

asi ndinofarira murayiro wenyu.

71 Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike,

kuitira kuti ndigodzidza mitemo yenyu.

72 Murayiro unobva pamuromo wenyu unokosha kwandiri,

kupfuura zviuru zvezvimedu zvesirivha negoridhe.

73 Maoko enyu akandisika uye akandiumba;

ndipei kunzwisisa kuti ndigodzidza mirayiro yenyu.

74 Avo vanokutyai ngavafare pavanondiona,

nokuti ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

75 Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti mirayiro yenyu yakarurama,

uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu.

76 Rudo rwenyu rusingaperi ngarutinyaradze,

maererano nechivimbiso chenyu kumuranda wenyu.

77 Tsitsi dzenyu ngadziuye kwandiri kuti ndirarame,

nokuti murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.

78 Vanozvikudza ngavanyadziswe pakundikanganisira ndisina mhaka,

asi ini ndichafungisisa zvirevo zvenyu.

79 Vanokutyai ngavadzokere kwandiri,

ivo vanonzwisisa zvamakatema.

80 Mwoyo wangu ngaushaye chaungapomerwa pamitemo yenyu,

kuti ndirege kunyadziswa.

81 Mweya wangu unoziya nokuda kwekushuva ruponeso rwenyu,

asi ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

82 Meso angu aneta nokutsvaga chivimbiso chenyu;

ndinoti, “Muchandinyaradza riniko?”

83 Kunyange ndakaita sehomwe yewaini ndiri muutsi,

handikanganwi mitemo yenyu.

84 Muranda wenyu acharindira kusvikira riniko?

Mucharanga vatambudzi vangu riniko?

85 Vanozvikudza vakandicherera makomba,

zvinopesana nomurayiro wenyu.

86 Mirayiro yenyu yose yakavimbika, ndibatsirei,

nokuti vanhu vanonditambudza ndisina mhaka.

87 Vakanga voda kundibvisa panyika,

asi handina kusiya zvamakatema.

88 Chengetedzai upenyu hwangu zvakafanira rudo rwenyu,

uye ini ndichateerera zvirevo zvomuromo wenyu.

89 Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi;

rinomira rakasimba kudenga denga.

90 Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose;

makasimbisa nyika uye inogara nokusingaperi.

91 Mirayiro yenyu iripo kusvikira iye nhasi,

nokuti zvinhu zvose zvinokushumirai.

92 Dai murayiro wenyu wanga usiri mufaro wangu,

ndingadai ndakafira mumatambudziko angu.

93 Handichazokanganwi zvamakatema,

nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu.

94 Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu;

ndakatsvaka zvamakatema.

95 Vakaipa vakarindira kundiparadza,

asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu.

96 Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana,

asi mirayiro yenyu haina magumo.

97 Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei!

Ndinoufungisisa zuva rose.

98 Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu,

nokuti inogara neni nguva dzose.

99 Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu,

nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema.

100 Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru,

nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu.

101 Ndakadzora tsoka dzangu panzira

dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu.

102 Handina kubva pamirayiro yenyu,

nokuti imi pachenyu makandidzidzisa.

103 Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira,

anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu!

104 Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu;

naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa.

105 Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu,

nechiedza chenzira yangu.

106 Ndakaita mhiko ndikaisimbisa,

kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama.

107 Ndakatambudzika kwazvo;

chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu.

108 Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu,

mugondidzidzisa mirayiro yenyu.

109 Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu,

handizokanganwi murayiro wenyu.

110 Vakaipa vakanditeya nomusungo,

asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu.

111 Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi;

ndizvo mufaro womwoyo wangu.

112 Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu,

kusvikira kumagumo.

113 Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri,

asi ndinoda murayiro wenyu.

114 Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu;

ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

115 Ibvai kwandiri, imi vaiti vezvakaipa,

kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu!

116 Nditsigirei sezvamakavimbisa, ipapo ndichararama;

musarega tariro yangu ichidzimwa.

117 Nditsigirei, ipapo ndicharwirwa;

ndicharamba ndine hanya nemitemo yenyu.

118 Munoramba vose vanotsauka pamitemo yenyu,

nokuti kunyengera kwavo hakuna maturo.

119 Vakaipa vose venyika munovaita sengura;

naizvozvo ndinoda zvamakatema.

120 Nyama yangu inodedera nokuda kwokukutyai;

ndinomira ndichitya mirayiro yenyu.

121 Ndakaita zvakarurama nokururamisira;

musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu.

122 Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka;

musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira.

123 Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu,

ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama.

124 Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu,

uye ndidzidzisei mitemo yenyu.

125 Ndiri muranda wenyu;

ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema.

126 Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata;

murayiro wenyu uri kuputswa.

127 Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe,

kupfuura goridhe rakanatswa,

128 uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama,

ndinovenga nzira dzose dzakaipa.

129 Zvirevo zvenyu zvinoshamisa;

naizvozvo ndinozviteerera.

130 Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza;

kunopa kunzwisisa kuna vasina mano.

131 Ndinoshamisa muromo wangu ndigodokwaira,

ndichishuva mirayiro yenyu.

132 Dzokerai kwandiri mugondinzwira ngoni,

sezvamunogara muchiita kuna avo vanoda zita renyu.

133 Rayirai nhambwe dzetsoka dzangu zviri maererano neshoko renyu;

chivi ngachirege kunditonga.

134 Ndidzikinurei pakudzvinyirira kwavanhu,

kuti ndigoteerera zvirevo zvenyu.

135 Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu,

uye ndidzidzisei mitemo yenyu.

136 Hova dzemisodzi dzinoerera dzichibva mumeso angu,

nokuti murayiro wenyu hausi kuteererwa.

137 Haiwa Jehovha, imi makarurama,

uye mirayiro yenyu yakarurama.

138 Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama;

zvakavimbika kwazvo.

139 Kushingaira kwangu kunondipedza,

nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu.

140 Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose,

uye muranda wenyu anodzida.

141 Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu,

handikanganwi zvirevo zvenyu.

142 Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi,

uye murayiro wenyu ndowezvokwadi.

143 Nhamo namatambudziko zviri pamusoro pangu,

asi mirayiro yenyu ndiwo mufaro wangu.

144 Zvirevo zvenyu zvinogara zvakarurama;

ndipeiwo kunzwisisa kuti ndirarame.

145 Ndinodana nomwoyo wangu wose; haiwa Jehovha ndipindureiwo,

uye ndichateerera mitemo yenyu.

146 Ndinodanidzira kwamuri,

ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema.

147 Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa;

ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

148 Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku,

kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu.

149 Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu;

haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu.

150 Vanoita mano akaipa vari pedyo,

asi vari kure nomurayiro wenyu.

151 Asi imi muri pedyo, Jehovha,

uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi.

152 Ndakadzidza pane zvamakatema kare,

kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi.

153 Tarirai kutambudzika kwangu mugondirwira,

nokuti handina kukanganwa murayiro wenyu.

154 Miririrai mhosva yangu uye mundidzikinure;

chengetedzai upenyu hwangu maererano nevimbiso yenyu.

155 Ruponeso rwuri kure navakaipa,

nokuti havatsvaki mitemo yenyu.

156 Haiwa Jehovha, tsitsi dzenyu ihuru;

chengetedzai upenyu hwangu maererano nemirayiro yenyu.

157 Vavengi vangu navanonditambudza vazhinji,

asi handina kutsauka pane zvamakatema.

158 Ndinotarira kuna vasingatendi ndichisema,

nokuti havateereri shoko renyu.

159 Tarirai madiro andinoita zvirevo zvenyu;

haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu, maererano norudo rwenyu.

160 Mashoko enyu ose ndeechokwadi;

mirayiro yenyu yose yakarurama ndeyokusingaperi.

161 Vatongi vanonditambudza ndisina mhaka,

asi mwoyo wangu unodedera pashoko renyu.

162 Ndinofarira vimbiso yenyu

kufanana nouyo anowana zvakapambwa zvizhinji.

163 Ndinovenga uye ndinosema nhema,

asi ndinoda murayiro wenyu.

164 Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva,

nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.

165 Vanoda murayiro wenyu vano rugare rukuru,

uye hakuna chingavagumbusa.

166 Haiwa Jehovha, ndakamirira ruponeso rwenyu,

uye ndinotevera mirayiro yenyu.

167 Ndinoteerera zvirevo zvenyu,

nokuti ndinozvida zvikuru.

168 Ndinoteerera zvirevo zvenyu nezvamakatema,

nokuti nzira dzangu dzose dzinozivikanwa nemi.

169 Dai kuchema kwangu kwasvika pamberi penyu, imi Jehovha;

ndipeiwo kunzwisisa maererano neshoko renyu.

170 Kukumbira kwangu dai kwasvika pamberi penyu;

ndirwirei maererano nevimbiso yenyu.

171 Miromo yangu dai yafashukira nerumbidzo,

nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu.

172 Rurimi rwangu dai rwaimba nezveshoko renyu,

nokuti mirayiro yenyu yose yakarurama.

173 Ruoko rwenyu dai rwagadzirira kundibatsira,

nokuti ndakasarudza zvirevo zvenyu.

174 Haiwa Jehovha, ndinoshuva ruponeso rwenyu,

uye murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.

175 Regai ndirarame kuti ndigokurumbidzai,

uye dai mirayiro yenyu yandibatsira.

176 Ndakatsauka segwai rakarasika.

Tsvakai muranda wenyu,

nokuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 120

Rwiyo rworwendo.

1 Ndinodana kuna Jehovha mukutambudzika kwangu,

uye anondipindura.

2 Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema,

nendimi dzinonyengera.

3 Achaiteiko kwauri,

uye chimwe chiiko kunze kwezvizvi, iwe rurimi runonyengera?

4 Achakuranga nemiseve yakapinza yemhare,

namazimbe anopfuta omuti womurara.

5 Ndine nhamo ini ndinogara muMesheki,

kuti ndinogara pakati pamatende eKedhari!

6 Ndakagara nguva refu

pakati pavanovenga rugare.

7 Ndiri munhu worugare;

asi pandinotaura, ivo ndevehondo.