Categories
Mapisarema

Mapisarema 121

Rwiyo rworwendo.

1 Ndinosimudzira meso angu kumakomo,

kubatsirwa kwangu kunobvepiko?

2 Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha,

muiti wokudenga napasi.

3 Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke,

muchengeti wako haangakotsiri;

4 zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri

haangakotsiri kana kuvata.

5 Jehovha anokurinda,

Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi;

6 zuva haringakubayi masikati,

kana mwedzi usiku.

7 Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza,

iye acharinda upenyu hwako;

8 Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako,

kubva zvino uye nokusingaperi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 122

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1 Ndakafara pavakati kwandiri,

“Handei kumba yaJehovha.”

2 Tsoka dzedu dzimire

mukati mamasuo ako, iwe Jerusarema.

3 Jerusarema rakavakwa seguta

rakapakata kwazvo.

4 Ndiko kunokwira marudzi,

iwo marudzi aJehovha,

kundorumbidza zita raJehovha

maererano nezvakatemerwa Israeri.

5 Zvigaro zvokutonga zvimire ikoko,

zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi.

6 Nyengetererai rugare rweJerusarema:

“Vanokuda dai vagara zvakanaka.

7 Dai mukati mamasvingo ako maita rugare,

nokuchengetedzeka mukati menhare dzako.”

8 Nokuda kwehama neshamwari dzangu,

ndichati, “Rugare ngaruve mukati mako.”

9 Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu,

ndichatsvaka kubudirira kwako.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 123

Rwiyo rworwendo.

1 Ndinosimudzira meso angu kwamuri,

kunemi mune chigaro choushe kudenga.

2 Sokutarira kunoita meso evaranda kuna vatenzi vavo,

sezvinoita meso omurandakadzi achitarira ruoko rwatenzikadzi wake,

saizvozvo meso edu anotarira kuna Jehovha Mwari wedu,

kusvikira atinzwira ngoni.

3 Tinzwirei ngoni, imi Jehovha, tinzwirei ngoni,

nokuti takatsunga pakuzvidzwa kwakawanda.

4 Takatsunga zvikuru pakumhurwa kunobva kuna vanozvikudza,

nokuzvidzwa kuzhinji kunobva kuna vanozvikudza.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 124

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1 Israeri ngaati

dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu,

2 dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu

patakarwiswa navanhu,

3 apo kutsamwa kwavo kwakatimukira,

vangadai vakatimedza tiri vapenyu;

4 mafashamu angadai akatifukidza,

mvura zhinji ingadai yakatikukura,

5 mvura zhinji ine hasha

ingadai yakatirasira kure.

6 Jehovha ngaarumbidzwe,

asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo.

7 Tapunyuka seshiri yabva parugombe rwomuteyi;

rugombe rwadamburwa uye tapunyuka.

8 Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha,

Muiti wedenga nenyika.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 125

Rwiyo rworwendo.

1 Vanovimba naJehovha vakafanana neGomo reZioni,

risingazungunuswi asi rinogara nokusingaperi.

2 Sokupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema namakomo,

saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vake

kubva zvino nokusingaperi.

3 Tsvimbo yavasakarurama haingagari

pamusoro penyika yakagoverwa vakarurama,

nokuti ipapo vakarurama vangazotambanudzira

maoko avo kuita zvakaipa.

4 Haiwa Jehovha, itirai zvakanaka, kuna avo vakanaka,

kuna avo vane mwoyo yakarurama.

5 Asi avo vanotsaukira kunzira dzakaminama,

Jehovha achavaparadza pamwe chete navaiti vezvakaipa.

Rugare ngaruve pana Israeri.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 126

Rwiyo rworwendo.

1 Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni,

takanga tava savanhu vairota.

2 Miromo yedu yakanga izere nokuseka,

ndimi dzedu dzizere nenziyo dzomufaro.

Ipapo zvakanzi pakati pendudzi,

“Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru.”

3 Jehovha atiitira zvinhu zvikuru,

uye tazara nomufaro.

4 Tidzorereizve nhaka yedu, imi Jehovha,

sehova dzeNegevhi.

5 Avo vanodyara nemisodzi

vachakohwa nenziyo dzomufaro.

6 Uyo anobuda achichema,

akatakura mbeu yokudyara,

achadzoka nenziyo dzomufaro,

akatakura zvisote.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 127

Rwiyo rworwendo rwaSoromoni.

1 Kana Jehovha asingavaki imba,

vavaki vayo vanoshandira pasina.

Kana Jehovha asingachengeti guta,

varindi vanomira vakarinda pasina.

2 Hazvina maturo kumuka mangwanani

nokunonoka kuvata,

uchitambudzikira zvokudya,

nokuti anopa hope kuna vaanoda.

3 Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha,

vana mubayiro unobva kwaari.

4 Semiseve mumaoko emhare

ndizvo zvakaita vanakomana voujaya.

5 Akaropafadzwa murume

ane goba rizere navo.

Havanganyadziswi

pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 128

Rwiyo rworwendo.

1 Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha,

vanofamba munzira dzake.

2 Uchadya chibereko chokushanda kwako;

maropafadzo nokubudirira zvichava zvako.

3 Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka,

pakati peimba yako;

vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi,

vakakomberedza tafura yako.

4 Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa,

anotya Jehovha.

5 Jehovha ngaakuropafadzei kubva kuZioni,

mazuva ose oupenyu hwenyu;

muone henyu kubudirira kweJerusarema,

6 uye murarame kuti muone vana vavana venyu.

Rugare ngaruve pana Israeri.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 129

Rwiyo rworwendo.

1 Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu,

Israeri ngaati,

2 “Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu,

asi havana kundikunda.

3 Varimi vakarima musana wangu

vakaita miforo yavo mirefu.”

4 Asi Jehovha akarurama,

akandisunungura pamabote avakaipa.

5 Vose vanovenga Zioni

ngavadzorerwe shure nenyadzi.

6 Ngavaite souswa pamusoro pedenga remba,

hunooma husati hwakura;

7 mukohwi haangazadzi maoko ake nahwo,

uye anounganidza haangazadzi maoko ake.

8 Vanopfuura nepo ngavarege kuti,

“Maropafadzo aJehovha ngaave pamusoro pako;

tinokuropafadza muzita raJehovha.”

Categories
Mapisarema

Mapisarema 130

Rwiyo rworwendo.

1 Ndinodanidzira kwamuri Jehovha,

ndiri pakadzika;

2 haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu.

Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni.

3 Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvomunhu,

haiwa Jehovha, ndianiko aimira?

4 Asi kwamuri kune kukanganwira;

naizvozvo imi munotyiwa.

5 Ndinomirira Jehovha, mweya wangu unomirira,

uye tariro yangu iri mushoko rake.

6 Mweya wangu unorindira Ishe

kupfuura varindi

vanomirira rungwanani.

7 Haiwa Israeri, isa tariro yako muna Jehovha,

nokuti Jehovha ane rudo rusingaperi

uye kwaari kune dzikinuro izere.

8 Iye pachake achadzikinura Israeri

kubva pazvivi zvavo zvose.