Categories
Mapisarema

Mapisarema 41

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba;

Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika.

2 Jehovha achamudzivirira uye achachengetedza upenyu hwake;

achamuropafadza panyika

uye haangamuisi kuchido chavavengi vake.

3 Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere

uye achamuponesa panhoo yake yourwere.

4 Ini ndakati, “Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni;

ndiporesei, nokuti ndakakutadzirai.”

5 Vavengi vangu vachindigodora vanoti,

“Achafa riniko uye zita rake rigoparara?”

6 Kana mumwe achiuya kuzondiona,

anotaura zvenhema, mwoyo uchiunganidza makuhwa;

ipapo anobuda ondozviparadzira kumwe.

7 Vavengi vangu vose vanoita zevezeve pamwe chete pamusoro pangu;

vanondifungira zvakaipisisa, vachiti,

8 “Chirwere chakaipa chakamubata,

haachambomukizve panzvimbo paakarara.”

9 Kunyange neshamwari yangu yapedyo yandaivimba nayo,

yandaigovana zvokudya nayo,

yandisimudzira chitsitsinho chayo.

10 Asi imi, iyemi Jehovha, mune tsitsi neni,

ndisimudzei, kuti ndivatsive.

11 Ndinoziva kuti munofadzwa neni,

nokuti muvengi wangu haandikundi.

12 Munonditsigira pakutendeka kwangu,

uye munondiisa pamberi penyu nokusingaperi.

13 Kurumbidzwa ngakuve kuna Jehovha, Mwari waIsraeri,

kubva pakusingaperi kusvikira nokusingaperi.

Ameni naAmeni.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 42

Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaVanakomana vaKora.

1 Senondo inodokwairira hova dzemvura,

saizvozvo mweya wangu unodokwairirai, imi Mwari.

2 Mweya wangu une nyota kuna Mwari, nyota yaMwari mupenyu.

Ndingaenda riniko kundosangana naMwari?

3 Misodzi yangu yanga iri zvokudya zvangu

masikati nousiku,

asi zuva rose vanhu vanoti kwandiri,

“Mwari wako aripiko?”

4 Ndinorangarira zvinhu izvi

pandinodurura mweya wangu,

mafambiro andaiita navazhinji

ndichitungamirira mudungwe wavanhu kuimba yaMwari,

nokupembera nomufaro uye nokuvonga

pakati pavazhinji pamutambo.

5 Wakasuwireiko, nhai mweya wangu?

Unotambudzwa neiko mukati mangu?

Isa tariro yako muna Mwari,

nokuti ndichamurumbidzazve,

Muponesi wangu naMwari wangu.

6 Mweya wangu wakaneta mukati mangu;

naizvozvo ndichakurangarirai

ndiri kunyika yeJorodhani,

pamatunhu akakwirira eHeremoni, kubva paGomo reMizari.

7 Pakadzika panodana pakadzika

mukutinhira kwamapopopo emvura;

mafungu enyu ose namafashamu

akapfuura napamusoro pangu.

8 Masikati, Jehovha anorayira rudo rwake,

pausiku rwiyo rwake runeni,

munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu.

9 Ndinoti kuna Mwari Dombo rangu,

“Mandikanganwireiko?

Ndinofambireiko ndichichema

ndakadzvinyirirwa nomuvengi?”

10 Mapfupa angu atambura nokurwadza kworufu,

sezvo vavengi vangu vachindizvidza

zuva rose vachiti kwandiri,

“Mwari wako aripiko?”

11 Wakasuwireiko, nhai mweya wangu?

Unotambudzwa neiko mukati mangu?

Isa tariro yako muna Mwari,

nokuti ndichamurumbidzazve.

Muponesi wangu naMwari wangu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 43

1 Ndiruramisirei, imi Mwari,

uye mundireverere mhaka yangu parudzi rusina Mwari;

ndinunurei pavanhu vanonyengera nevakaipa.

2 Ndimi Mwari nhare yangu.

Mandirambireiko?

Ndinofambireiko pose ndichichema

ndichidzvinyirirwa navavengi?

3 Tumirai chiedza chenyu nechokwadi chenyu,

ngazvinditungamirire;

ngazvindisvitse kugomo renyu dzvene,

kunzvimbo yamunogara.

4 Ipapo ndichaenda kuaritari yaMwari,

kuna Mwari, iye mufaro wangu nomudikani wangu.

Ndichakurumbidzai nembira,

imi Mwari, Mwari wangu.

5 Wakasuwireiko, nhai mweya wangu?

Unotambudzwa neiko mukati mangu?

Isa tariro yako muna Mwari,

nokuti ndichamurumbidzazve,

Muponesi wangu naMwari wangu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 44

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri.

1 Haiwa Mwari, takanzwa nenzeve dzedu;

madzibaba edu akatiudza

zvamakaita pamazuva avo,

pamazuva ekare.

2 Noruoko rwenyu makadzinga ndudzi

uye mukasima madzibaba edu;

makapwanya marudzi

mukaita kuti madzibaba edu abudirire.

3 Havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo,

uye ruoko rwavo haruna kuvakundisa;

rwakanga rwuri ruoko rwenyu rworudyi, irwo ruoko rwenyu,

nokupenya kwechiso chenyu, nokuti imi makavada.

4 Ndimi Mambo wangu naMwari wangu,

anorayira kukunda kwaJakobho.

5 Kubudikidza nemi, tinosunda vavengi vedu shure;

kubudikidza nezita renyu, tinotsika vavengi vedu netsoka dzedu.

6 Handivimbi nouta hwangu,

munondo wangu haundivigiri kukunda;

7 asi imi munotipa kukunda pamusoro pavavengi vedu,

munonyadzisa vadzivisi vedu.

8 Tinozvirumbidza muna Mwari zuva rose,

uye ticharumbidza zita renyu nokusingaperi.Sera

9 Asi zvino matiramba uye matininipisa;

hamuchabudi nehondo dzedu.

10 Makaita kuti tidududze pamberi pavavengi vedu,

uye vadzivisi vedu vakatipamba.

11 Makatiramwira kumudyi samakwai

uye makatiparadzira pakati pendudzi.

12 Makatengesa vanhu venyu pasina,

hamuna kuwana kana chinhu pakuvatengesa.

13 Makatiita chiseko kuvavakidzani vedu,

chinozvidzwa nechinosekwa chaavo vakatipoteredza.

14 Makatiita tsumo pakati pendudzi;

vanhu vanotidzungudzira misoro.

15 Kunyadziswa kwangu kuri pamberi pangu zuva rose,

uye chiso changu chafukidzwa nenyadzi

16 pakuseka kwaavo vanondizvidza nokundirwisa,

nokuda kwomuvengi, agarira kutsiva.

17 Zvose izvi zvakaitika kwatiri

kunyange takanga tisina kukukanganwai,

kana kuva vasina kutendeka kusungano yenyu.

18 Mwoyo yedu yakanga isati yafuratira;

tsoka dzedu dzakanga dzisati dzatsauka panzira yenyu.

19 Asi makatipwanya mukatiita nzvimbo yamakava

uye mukatifukidza nerima guru.

20 Dai takanga takanganwa zita raMwari wedu,

kana kutambanudzira maoko edu kuna mwari wavatorwa,

21 Mwari haaizviziva here,

sezvo achiziva zvakavanzika zvomwoyo?

22 Asi nokuda kwenyu takatarisana norufu zuva rose;

tinotorwa samakwai anobayiwa.

23 Mukai, imi Ishe! Munovatireiko?

Zvisimudzei! Regai kutiramba nokusingaperi.

24 Ko, munovanzirei chiso chenyu

muchikanganwa kutambudzika nokudzvinyirirwa kwedu?

25 Takawisirwa muguruva;

miviri yedu inonamatira pavhu.

26 Simukai mutibatsire;

tidzikinurei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 45

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri nomuimbirwo wa“Maruva aMahapa.” Rwiyo rwoMuchato.

1 Mwoyo wangu unobvongodzwa nedingindira rakanaka,

pandinodetembera mambo ndima dzangu;

rurimi rwangu chinyoreso chomunyori anogona.

2 Imi makanakisisa pavanhu vose

uye miromo yenyu yakazadzwa nenyasha,

sezvo Mwari akakuropafadzai nokusingaperi.

3 Sungai munondo wenyu parutivi, imi wamasimba,

zvishongedzei nokubwinya noumambo.

4 Paumambo hwenyu kwirai mukunde kwazvo,

makamirira chokwadi, kuzvininipisa nokururama;

ruoko rwenyu rworudyi ngaruratidze mabasa enyu anotyisa.

5 Miseve yenyu inopinza ngaibaye mwoyo yavavengi vamambo;

ndudzi ngadziputsikire pasi petsoka dzenyu.

6 Chigaro chenyu, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri;

tsvimbo yokururamisira ichava tsvimbo youmambo hwenyu.

7 Imi munoda kururama uye munovenga zvakaipa;

naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu

nokukuzodzai namafuta omufaro.

8 Nguo dzenyu dzose dzinonhuwirira mura, arosi nekasia,

zvinobva kumizinda yamadzimambo yakashongedzwa nenyanga dzenzou,

kurira kwehungiso kunokufadzai.

9 Vanasikana vamadzimambo vari pakati pavakadzi vanokudzwa;

kuruoko rwenyu rworudyi kuno mwenga akashongedzwa negoridhe reOfiri.

10 Teerera, iwe mwanasikana, rangarira,

uye urereke nzeve yako: Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako.

11 Mambo ayevedzwa norunako rwako;

mukudze, nokuti ndiye Ishe wako.

12 Mwanasikana weTire achauya nechipo,

vanhu vakapfuma vachatsvaka nyasha kwauri.

13 Mwanasikana wamambo akanaka kwazvo mukati meimba yake; nguo yake yakarukirirwa negoridhe.

14 Akapfeka nguo dzakashongedzwa achaperekedzwa kuna mambo;

shamwari dzake idzo mhandara dzinomutevera

uye vanouyiswa kwamuri.

15 Vanoperekedzwa vachapinda nomufaro nokufarisisa;

vanopinda mumuzinda wamambo.

16 Vanakomana venyu vachatsiva nzvimbo yamadzibaba enyu;

muchavaita machinda munyika yose.

17 Ndichaita kuti kurangarirwa kwenyu kurambe kuripo, kusvikira kuzvizvarwa zvose;

naizvozvo ndudzi dzichakurumbidzai nokusingaperi-peri.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 46

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Namaimbirwo earamoti. Rwiyo.

1 Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu,

ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika.

2 Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka,

uye makomo akawira mukatikati megungwa,

3 kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo,

uye makomo akadengenyeswa namafungu aro.Sera

4 Pane rwizi rwuripo rune hova dzinofadza guta raMwari,

nzvimbo tsvene yeWokumusoro-soro.

5 Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi;

Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.

6 Ndudzi dzinoita bope, umambo hunoondomoka;

anotaura nenzwi guru, nyika yonyongodeka.

7 Jehovha Wamasimba Ose anesu;

Mwari waJakobho ndiye nhare yedu.Sera

8 Uyai muone mabasa aJehovha,

kuparadza kwaakaita panyika.

9 Anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika;

anovhuna uta uye anovhuna-vhuna mapfumo,

anopisa nhoo nomoto.

10 “Mirai, muzive kuti ndini Mwari;

ndichakudzwa pakati pendudzi,

ndichasimudzirwa panyika.”

11 Jehovha Wamasimba Ose anesu;

Mwari waJakobho ndiye nhare yedu.Sera

Categories
Mapisarema

Mapisarema 47

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema.

1 Uchirai maoko, imi vanhu vose;

pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro.

2 Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei,

iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose!

3 Akaisa ndudzi dzavanhu pasi pedu,

marudzi pasi petsoka dzedu.

4 Akatitsaurira nhaka yedu,

iyo pfuma yaJakobho, waakada.Sera

5 Mwari akwidza kumusoro pakati pokudanidzira kwomufaro,

Jehovha pakati pokurira kwehwamanda.

6 Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.

Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.

7 Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose;

muimbirei pisarema rokurumbidza.

8 Mwari anotonga pamusoro pendudzi dzose;

Mwari agere pamusoro pechigaro chake chitsvene.

9 Makurukota amarudzi aungana

savanhu vaMwari waAbhurahama,

nokuti madzimambo enyika ndeaMwari;

iye anokudzwa zvikuru kwazvo.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 48

Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora.

1 Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo,

muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.

2 Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose.

Sokumusoro-soro kweZafoni,

ndizvo zvakaita Gomo reZioni,

guta raMambo Mukuru.

3 Mwari ari munhare dzaro;

akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro.

4 Madzimambo akati abatanidza mauto,

vakati vafamba pamwe chete kundorwa,

5 vakariona vakashamiswa;

vakatiza nokutya.

6 Vakabatwa nokudedera ipapo,

nokurwadziwa sekwomukadzi osununguka.

7 Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi,

zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva.

8 Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona,

muguta raJehovha Wamasimba Ose,

muguta raMwari wedu:

Mwari anorisimbisa nokusingaperi.Sera

9 Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari,

tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi.

10 Sezvakaita zita renyu, imi Mwari,

kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika;

ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.

11 Gomo reZioni rinofarisisa,

misha yeJudha inofara

nokuda kwokutonga kwenyu.

12 Famba-fambai muZioni, ripoteredzei,

verengai shongwe dzaro,

13 fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro,

cherechedzai nhare dzaro,

kuti mugotaura nezvazvo kuchizvarwa chinotevera.

14 Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri;

iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 49

Kumutungamiri wokuimba, waVanakomana vaKora. Pisarema.

1 Inzwai izvi, imi vanhu mose;

teererai imi mose mugere panyika,

2 vapasi navapamusoro,

vapfumi navarombo pamwe chete.

3 Muromo wangu uchataura nouchenjeri;

kutaura kunobva pamwoyo wangu kuchapa kunzwisisa.

4 Ndicharerekera nzeve yangu kuchirahwe;

nembira ndichadudzira shoko rangu rakavanzika.

5 Ndinotyireiko kana mazuva akaipa achiuya,

kana vanyengeri vakaipa vandikomberedza,

6 vaya vanovimba nepfuma yavo

vanozvikudza nepfuma yavo zhinji?

7 Hakuna munhu angadzikinura upenyu hwomumwe

kana kupa Mwari rudzikinuro rwake,

8 rudzikinuro rwoupenyu runokosha,

hakuna muripo unoringana nahwo,

9 kuti ararame nokusingaperi

uye kuti asaona kuora.

10 Nokuti vose vanogona kuona kuti vanhu vakachenjera vanofa;

mapenzi navasina pfungwa zvimwe chetezvo vanofa,

uye vanosiyira vamwe pfuma yavo.

11 Marinda avo achagara ari dzimba dzavo nokusingaperi,

nougaro hwavo kusvikira kuzvizvarwa zvisingaperi,

kunyange vakanga vakapa nyika mazita avo.

12 Asi munhu, kunyange ane pfuma yake, haagari;

akafanana nemhuka dzinofa.

13 Ndiwo magumo aivavo vanovimba nezvavanoita,

namagumo avateveri vavo, vanotenda zvavanotaura.Sera

14 Samakwai vakatarirwa kuenda kuguva,

uye rufu ruchavadya.

Vakarurama vachavatonga mangwanani;

chimiro chavo chichaora murinda,

kure nedzimba dzavo dzoumambo.

15 Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva,

zvirokwazvo achanditora iye.Sera

16 Usanyanya kutya kana munhu apfuma,

kana kubwinya kweimba yake kwawedzerwa;

17 nokuti haana chaachatora paanofa;

kubwinya kwake hakungaburukiri naye murinda.

18 Kunyange paairarama aizviti akaropafadzwa,

uye vanhu vachirumbidza munhu paanobudirira,

19 achabatana norudzi rwamadzibaba ake,

vasingazoonizve chiedza choupenyu.

20 Munhu ane pfuma zhinji asinganzwisisi

akaita semhuka dzinofa.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 50

Pisarema raAsafi.

1 Iye Wamasimba, Mwari, Jehovha,

anotaura uye anodana nyika

kubva pakubuda kwezuva kusvikira kwarinovirira.

2 Kubva kuZioni, rakakwana parunako,

Mwari anopenya.

3 Mwari wedu anouya uye haanganyarari;

moto unoparadza pamberi pake,

uye dutu rine hasha rakamupoteredza.

4 Anodana matenga kumusoro,

uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti:

5 “Ndiunganidzirei vatsvene vangu,

vakaita sungano neni nechibayiro.”

6 Uye matenga anoparidza kururama kwake,

nokuti Mwari amene ndiye mutongi.Sera

7 “Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichataura,

imi Israeri, uye ndichapupura pamusoro penyu:

Ndini Mwari, Mwari wenyu.

8 Handikutukei nokuda kwezvibayiro zvenyu,

kana zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvinogara zviri pamberi pangu.

9 Handisi kuda hando inobva mudanga rako,

kana mbudzi inobva muzvirugu zvako,

10 nokuti mhuka dzose dzesango ndedzangu,

nemombe pamakomo chiuru.

11 Ndinoziva shiri dzose dziri mumakomo,

uye zvisikwa zvose zvesango ndezvangu.

12 Kana dai ndaiva nenzara, handaikuudza iwe,

nokuti nyika ndeyangu, nezvose zviri mairi.

13 Ko, ndinodya nyama yehando

kana kunwa ropa rembudzi here?

14 “Bayirai zvibayiro zvokuvonga kuna Mwari,

zadzisai zvamakapikira Wokumusoro-soro,

15 uye mudane kwandiri pazuva rokutambudzika;

ndichakurwirai, uye imi muchandikudza.”

16 Asi kuna vakaipa, Mwari anoti:

“Ko, une mvumo ipiko iwe yokuti ududzire mutemo wangu,

kana kuisa sungano yangu pamiromo yako?

17 Unovenga kurayira kwangu,

uye unorasira mashoko angu shure kwako.

18 Paunoona mbavha, unowadzana nayo;

unogoverana nemhombwe mugove wako.

19 Unoshandisa muromo wako kuita zvakaipa,

uye unorovedza rurimi rwako kukunyengera.

20 Unogara uchipomera hama yako

uye unoitira mwanakomana wamai vako makuhwa.

21 Zvinhu izvi wakazviita ini ndikaramba ndinyerere;

wakafunga kuti ndakafanana newe.

Asi ndichakutsiura

uye ndichaisa mhosva iyi pamberi pako.

22 “Fungai izvi, imi vanokanganwa Mwari,

kuti ndirege kukubvambura-bvamburai mukashaya angakununurai:

23 Munhu anobayira chibayiro chokuvonga ndiye anondikudza,

uye anogadzira nzira

kuitira kuti ndimuratidze ruponeso rwaMwari.”