Categories
Mapisarema

Mapisarema 51

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Panguva yakauya muprofita Natani kwaari shure kwokuita upombwe kwaDhavhidhi naBhatishebha.

1 Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari,

nokuda kworudo rwenyu rusingaperi;

dzimai kudarika kwangu

nokuda kwengoni dzenyu huru.

2 Shambidzai zvakaipa zvangu zvose

uye mundinatse kubva pachivi changu.

3 Nokuti ndinoziva kudarika kwangu,

uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.

4 Ndakakutadzirai imi, iyemi moga

nokuita chinhu chakaipa pamberi penyu,

kuti munzi makarurama pamunotaura

uye musapomerwa mhosva pakutonga kwenyu.

5 Zvirokwazvo ndakanga ndiri mutadzi pandakaberekwa,

ndiri mutadzi kubva pandakaumbwa mudumbu ramai vangu.

6 Zvirokwazvo imi munoda chokwadi pakati pomwoyo;

munondidzidzisa uchenjeri panzvimbo yomukatikati.

7 Ndinatsei nehisopi, ipapo ndichachena;

ndishambidzei, ipapo ndichachena sechando.

8 Ndiitei kuti ndinzwe mufaro nokufarisisa;

itai kuti mapfupa amakapwanya afare.

9 Vanzai chiso chenyu pazvivi zvangu

uye mudzime zvakaipa zvangu zvose.

10 Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari,

uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu.

11 Regai kundirasa pamberi penyu

kana kubvisa Mweya wenyu Mutsvene kwandiri.

12 Dzoreraizve kwandiri mufaro woruponeso rwenyu,

uye mundipe mweya unoda, kuti undiraramise.

13 Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu,

uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.

14 Ndiponesei pamhosva yeropa, imi Mwari,

iyemi Mwari anondiponesa,

ipapo rurimi rwangu ruchaimba zvokururama kwenyu.

15 Haiwa Ishe, zarurai miromo yangu,

ipapo muromo wangu uchaparidza rumbidzo yenyu.

16 Hamufariri chibayiro, ndingadai ndakuvigirai,

imi hamufariri zvipiriso zvinopiswa.

17 Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika;

mwoyo wakaputsika nowakapwanyika,

imi Mwari hamuzoushori.

18 Pamufaro wenyu wakanaka, itai kuti Zioni ribudirire;

muvake masvingo eJerusarema.

19 Ipapo pachava nezvibayiro zvakarurama,

zvipiriso zvinopiswa zvakazara zvinokufadzai;

ipapo hando dzichabayirwa paaritari yenyu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 52

Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. Dhoegi muEdhomu paakanga aenda kuna Sauro akamuudza kuti: “Dhavhidhi aenda kumba kwaAhimereki.”

1 Ko, unozvikudzirei pane zvakaipa, iwe murume wesimba?

Unozvikudzirei zuva rose,

iyewe unonyadzisa pamberi paMwari?

2 Rurimi rwako runofarira zvokuparadza;

rwakaita sechisvo chakarodzwa,

iyewe unogara uchingonyengera.

3 Unoda zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka,

kureva nhema pachinzvimbo chokutaura chokwadi.Sera

4 Unoda shoko rimwe nerimwe rinoparadza,

iwe rurimi runonyengera!

5 Zvirokwazvo Mwari achakuburutsira kukuparadzwa kusingaperi:

Achakubvuta agokubvisa mutende rako;

achakudzura kubva munyika yavapenyu.Sera

6 Vakarurama vachazviona uye vachatya;

vachamuseka vachiti,

7 “Houno zvino munhu asina kuita Mwari nhare yake,

asi aivimba nepfuma yake zhinji,

uye aisimba nokuparadza vamwe!”

8 Asi ini ndakaita somuti

womuorivhi unokura zvakanaka mumba maMwari;

ndinovimba norudo rusingaperi rwaMwari,

nokusingaperi-peri.

9 Ndichakurumbidzai, nokusingaperi nokuda kwezvamakaita;

ndichavimba nezita renyu, nokuti zita renyu rakanaka.

Ndichakurumbidzai pamberi pavatsvene venyu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 53

Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo eMaharati. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi.

1 Benzi rinoti mumwoyo maro,

“Mwari hakuna.”

Vakaora, uye nzira dzavo dzakaipa;

hakuna anoita zvakanaka.

2 Mwari anotarira ari kudenga,

pavanakomana vavanhu,

kuti aone kana aripo anonzwisisa,

kana aripo anotsvaka Mwari.

3 Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure,

vakava vakaora pamwe chete;

hakuna anoita zvakanaka,

kunyange nomumwe.

4 Ko, vaiti vezvakaipa havangadzidzi here,

vaya vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa,

uye vasingadani kuna Mwari?

5 Havo, vakazadzwa nokutya,

ipo pasina chavangatya.

Mwari akaparadzira mapfupa avanhu vaikurwisa;

makavanyadzisa, nokuti Mwari akavazvidza.

6 Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwabuda kubva muZioni;

Mwari paachadzosera nhaka yavanhu vake;

Jakobho ngaafarisise uye Israeri ngaafarisise!

Categories
Mapisarema

Mapisarema 54

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. VaZefati pavakaenda kuna Sauro kundoti, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pakati pedu here?”

1 Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu;

ndiruramisirei nesimba renyu.

2 Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari;

teererai kumashoko omuromo wangu.

3 Vatorwa vanondirwisa;

vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu,

vanhu vasingazivi Mwari.Sera

4 Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu;

ishe ndiye anonditsigira.

5 Zvakaipa ngazvimonere pane avo vanondireva;

muvaparadze pakutendeka kwenyu.

6 Ndichakubayirai chipiriso chokungopa;

ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha,

nokuti rakanaka.

7 Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose,

uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 55

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi.

1 Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, imi Mwari;

regai kushaya hanya nokukumbira kwangu;

2 ndinzwei, uye ndipindureiwo.

Pfungwa dzangu dzinondinetsa uye ndiri kushushikana,

3 pandinonzwa inzwi romuvengi wangu,

pandinodzvokorwa navakaipa; nokuti vanodururira matambudziko pamusoro pangu,

uye vanondituka mukutsamwa kwavo.

4 Mwoyo wangu unorwadziwa mukati mangu;

kutyisa kworufu kunondiwira.

5 Kutya nokudedera zvakandibata;

kutya kukuru kwakandifukidza.

6 Ini ndakati, “Haiwa, dai ndina mapapiro enjiva!

Ndaibhururukira kure ndikandozorora hangu,

7 ndaitizira kure kwazvo,

ndikandogara mugwenga;Sera

8 ndaikurumidza kundovanda panzvimbo yangu,

kure nemafungu nedutu.”

9 Nyonganisai vakaipa, imi Ishe, kanganisai mutauro wavo,

nokuti ndinoona mhirizhonga nokurwa muguta.

10 Masikati nousiku vanopoterera masvingo aro chinyararire;

utsinye nokumanikidza zviri mukati maro.

11 Masimba okuparadza azere muguta;

kutyisidzira nenhema hazvibvi munzira dzaro.

12 Dai ndatukwa nomuvengi,

ndaigona kushinga hangu;

dai muvengi aindimukira,

ndaigona kumuvanda hangu.

13 Asi ndiwe, munhu akaita seni,

mumwe wangu, shamwari yangu yapedyo,

14 yandaimbofarira kuwadzana nayo

pataifamba navazhinji mumba maMwari.

15 Rufu ngaruwane vavengi vangu vasingafungiri;

ngavaburukire muguva vari vapenyu,

nokuti kuipa kwakawana pokugara pakati pavo.

16 Asi ini ndinodana kuna Mwari,

uye Jehovha anondiponesa.

17 Madekwana, mangwanani namasikati

ndinochema mukushushikana,

uye iye anonzwa inzwi rangu.

18 Anondidzikinura ndisina kukuvara

kubva pahondo inondirwisa,

kunyange zvazvo vazhinji vachindipikisa.

19 Mwari, agere pachigaro choushe nokusingaperi,

achavanzwa agovaninipisa,Sera

ivo vanhu vasingamboshanduri nzira dzavo,

uye vasingatyi Mwari.

20 Mumwe wangu anorova shamwari dzake;

anoputsa sungano yake.

21 Mutauro wake unotsvedzerera samafuta,

asi kurwa kuri mumwoyo make;

mashoko ake anopfavisa kukunda mafuta,

asi minondo yakavhomorwa.

22 Kanda kufunganya kwako pana Jehovha

uye iye achakusimbisa;

haazombotenderi vakarurama kuti vawire pasi.

23 Asi imi, iyemi Mwari, muchaburutsira vakaipa pasi

mugomba rokuora;

vanhu vanokarira ropa navanyengeri

havangararami hafu yamazuva avo.

Asi kana ndirini, ndinovimba nemi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 56

Kumutungamiri wokuimba. Namaririro e“Njiva paMiouki iri kure.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakabatwa navaFiristia paGati.

1 Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, nokuti vanhu vanondidzinganisa nehasha;

zuva rose vanorwa neni.

2 Vavengi vangu vanondidzinganisa zuva rose;

vazhinji vanorwa neni mukuzvikudza kwavo.

3 Pandinenge ndotya,

ndichavimba nemi.

4 Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza,

muna Mwari ndinovimba; handichazotyi.

Ko, munhu anofa angandiitei?

5 Zuva rose vanomonyorora mashoko angu;

vanogara vachirangana kundikuvadza.

6 Vanorangana, vanovandira,

vanocherechedza mafambiro angu,

vachishuva kundiuraya.

7 Ngavasapunyuka savasina mhaka;

koromorerai ndudzi pasi mukutsamwa kwenyu imi Mwari.

8 Nyorai kuchema kwangu;

isai misodzi yangu parugwaro rwenyu,

ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here?

9 Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure

pandinodanidzira kuti ndibatsirwe.

Nechinhu ichi, ndichaziva kuti Mwari ari kurutivi rwangu.

10 Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza,

muna Jehovha, ane shoko randinorumbidza,

11 muna Mwari ndinovimba; handichazotyi chinhu.

Ko, munhu angandiitei?

12 Ndinosungwa nemhiko kwamuri, imi Mwari;

ndichakuvigirai zvipo zvangu zvokuvonga.

13 Nokuti makandirwira parufu,

uye netsoka dzangu pakugumburwa,

kuti ndifambe pamberi penyu

muchiedza choupenyu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 57

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakatiza kubva kuna Sauro akapinda mubako.

1 Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, ndinzwirei ngoni,

nokuti mweya wangu unovanda mamuri.

Ndichavanda mumumvuri wamapapiro enyu,

kusvikira njodzi yapfuura.

2 Ndinodanidzira kuna Mwari Wokumusoro-soro,

kuna Mwari anozadzisa chinangwa chake kwandiri.

3 Anotuma kubva kudenga agondiponesa,

achituka vaya vanondidzingirira nehasha;Sera

Mwari anotumira rudo rwake nokutendeka kwake.

4 Ndiri pakati peshumba;

ndinovata pakati pemhuka dzinokara,

ivo vanhu vane meno amapfumo nemiseve,

vane ndimi dzinopinza seminondo.

5 Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga;

kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.Sera

6 Vanowaririra tsoka dzangu mimbure,

ndakakotamiswa pasi nenhamo.

Vakachera gomba panzira yangu,

asi vakawiramo vamene.Sera

7 Mwoyo wangu wakasimba, Mwari wangu,

mwoyo wangu wakasimba;

ndichaimba uye ndichaimba rwiyo.

8 Chimuka iwe mweya wangu!

Mukai imi mutengeranwa nembira!

Ini ndichamutsa mambakwedza.

9 Ndichakurumbidzai imi, iyemi Ishe, pakati pendudzi;

ndichakuimbirai pakati pamarudzi.

10 Nokuti rudo rwenyu rukuru, runosvika kudenga denga;

kutendeka kwenyu kunosvika kumusoro.

11 Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga;

kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 58

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami.

1 Ko, imi vatongi munotaura mukururama here?

Munotonga pakati pavanhu nokururamisira here?

2 Kwete, munofunga kusaruramisira mumwoyo menyu,

uye maoko enyu anomanikidza panyika.

3 Kunyange kubvira pakuberekwa, vakaipa vanofamba mukutsauka;

kubva mudumbu ramai, vakaipa uye vanoreva nhema.

4 Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka,

vakafanana nemhakure yadzivira nzeve dzayo,

5 isingateereri maimbiro enʼanga

kunyange zvazvo achiimba nouchenjeri hukuru.

6 Vhunai mazino mumiromo yavo, imi Mwari;

bvisai, imi Jehovha, mazino marefu eshumba!

7 Ngavatsakatike semvura yapera kuerera;

pavanowembura uta, miseve yavo ngaigomare.

8 Vafanane nehozhwa inonyakatika painofamba,

kufanana negavamwedzi, ngavarege kuona zuva.

9 Hari dzenyu dzisati dzanzwa kupisa kweminzwa pamoto,

ingava minyoro kana yakaoma, vakaipa vachakukurwa.

10 Vakarurama vachafara pavachatsivirwa,

pavachashambidza tsoka dzavo muropa ravakaipa.

11 Ipapo vanhu vachati,

“Zvirokwazvo vakarurama vachiri kungowana mubayiro;

zvirokwazvo Mwari ariko anotonga nyika.”

Categories
Mapisarema

Mapisarema 59

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro anoti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Sauro paakanga atuma varume kundorinda imba yaDhavhidhi kuti amuuraye.

1 Ndirwirei pavavengi vangu, imi Mwari;

Ndidzivirirei kubva kuna avo vanondimukira.

2 Ndirwirei pavaiti vezvakaipa,

uye mundiponese pavanhu vanokarira kuteura ropa.

3 Tarirai kundivandira kwavakaita!

Vanhu vanotyisa vanondirangana

pasina mhosva yandapara kana chivi, nhai Jehovha.

4 Handina chandakakanganisa, asi ivo vagadzirira kundirwisa.

Simukai mundibatsire; tarirai dambudziko rangu!

5 Haiwa Jehovha, Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri,

mukai murange ndudzi dzose;

musanzwira ngoni vakaipa navapanduki.Sera

6 Vanodzoka madekwana,

vachihonʼa sembwa,

uye vachinyahwaira muguta.

7 Onai zvavanorutsa mumiromo yavo:

vanorutsa minondo kubva pamiromo yavo,

uye vanoti, “Ndiani angatinzwa?”

8 Asi imi, iyemi Jehovha, munovaseka;

munodadira ndudzi dzose.

9 Haiwa imi simba rangu, ndinokurindirai;

imi, iyemi Mwari, ndimi nhare yangu,

10 Mwari anondida

achanditungamirira

uye achanditendera kuti ndifare pamusoro pavanondireva.

11 Asi musavauraya, imi Ishe nhoo yedu,

zvimwe vanhu vangu vangakanganwa.

Musimba renyu itai kuti vadzungaire,

uye muvaderedze.

12 Nokuda kwezvivi zvemiromo yavo,

nokuda kwamashoko emiromo yavo,

ngavabatwe pakuzvikudza kwavo.

Nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura,

13 vaparadzei nehasha dzenyu,

vaparadzei kusvikira vapera.

Ipapo zvichazivikanwa kumigumo yenyika

kuti Mwari anotonga pamusoro paJakobho.Sera

14 Vanodzoka madekwana,

vachihonʼa sembwa,

uye vachinyahwaira muguta.

15 Vanodzungaira vachitsvaka zvokudya,

uye vanohuhudza kana vasina kuguta.

16 Asi ini ndichaimba nezvesimba renyu,

ndichaimba nezvorudo rwenyu mangwanani;

nokuti imi muri nhare yangu,

utiziro hwangu panguva dzokutambudzika.

17 Haiwa imi simba rangu, ndinokuimbirai nziyo dzokukurumbidzai;

imi, Mwari, ndimi nhare yangu, Mwari anondida.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 60

Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo e“Ruva reMahapa reSungano.” Rwiyo rweMikitami rwaDhavhidhi. Rwokudzidzisa. Paakarwa neAramu Naharaimu neAramu Zobha, uye panguva yakadzoka Joabhu akaparadza zviuru gumi nezviviri zvavaEdhomu muMupata woMunyu.

1 Makatiramba, imi Mwari, uye mukatirwisa;

makanga makatsamwa, zvino tidzorei henyu!

2 Makazungunusa nyika mukaitsemura napakati;

gadzirai henyu mitswe yayo, nokuti iri kudengenyeka.

3 Makaratidza vanhu venyu nguva dzakaoma;

makatipa waini inotidzedzeresa.

4 Asi kuna vanokutyai, makasimudza mureza

kuti urege kupfaranyurwa neuta.Sera

5 Tiponesei uye tibatsirei noruoko rwenyu rworudyi,

kuti avo vamunoda varwirwe.

6 Mwari akataura ari muimba yake tsvene achiti:

“Ndichaganhura Shekemu nesimba

uye ndichayera Mupata weSukoti.

7 Gireadhi nderangu, uye Manase ndowangu;

Efuremu inguwani yangu yakasimba,

Judha itsvimbo yangu.

8 Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambira,

pamusoro paEdhomu ndipo pandinokanda shangu yangu;

pamusoro paFiristia ndinopururudza mukukunda.”

9 Ndianiko achandiisa kuguta rakakomberedzwa?

Ndianiko achanditungamirira kuenda kuEdhomu?

10 Hamusimi, iyemi Mwari, iyemi makatiramba here,

uye mukarega kubuda nehondo dzedu?

11 Tibatsirei pavavengi vedu,

nokuti rubatsiro rwavanhu haruna maturo.

12 NaMwari wedu, tichakunda,

uye achatsikira vavengi vedu pasi.