Categories
Mapisarema

Mapisarema 81

Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo egititi. Pisarema raAsafi.

1 Imbirai Mwari nomufaro iye simba redu;

danidzirai kuna Mwari waJakobho!

2 Vambai rwiyo, muridze tambureni,

ridzai mbira dzinonakidza nomutengeranwa.

3 Ridzai runyanga rwehwai paKugara kwoMwedzi,

uye pakuchena kwomwedzi, pazuva roMutambo wedu;

4 ichi ndicho chirevo chaIsraeri,

chakatarwa naMwari waJakobho.

5 Akachisimbisa somutemo wakanyorwa waJosefa

panguva yaakandorwa neIjipiti,

uko kwatakanzwa mutauro watakanga tisinganzwisisi.

6 Iye anoti, “Ndakabvisa mutoro pamapfudzi avo;

maoko avo akasunungurwa padengu.

7 Pakutambudzika kwako wakadana ini ndikakununura,

ndakakupindura ndiri mugore rokutinhira;

ndakakuedza pamvura zhinji yeMeribha.Sera

8 “Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichakuyambirai,

kana mukada chete kunditeerera, imi Israeri!

9 Pakati penyu ngaparege kuva namwari wavatorwa,

musapfugamira mwari wokumwe.

10 Ndini Jehovha Mwari wako,

akakubudisa kubva munyika yeIjipiti.

Shamisa muromo wako kwazvo, ndigouzadza.

11 “Asi vanhu vangu havana kuda kundinzwa,

Israeri haana kuda kuzviisa pasi pangu.

12 Saka ndakavaregera paukukutu hwemwoyo yavo,

kuti vatevere mano avo.

13 “Kana vanhu vangu vakada kunditeerera,

kana Israeri akada kutevera nzira dzangu,

14 ndaikurumidza kukunda sei vavengi

vavo nokurova vavengi vavo noruoko rwangu!

15 Vaya vanovenga Jehovha vachatya pamberi pake,

uye kurangwa kwavo kuchagara nokusingaperi.

16 Asi imi muchagutswa nezviyo zvakaisvonaka;

uye ndichakugutsai nouchi hunobva padombo.”

Categories
Mapisarema

Mapisarema 82

Pisarema raAsafi.

1 Mwari anogara paungano huru;

anotonga pakati pa“vamwari” achiti,

2 “Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama

uye muchisanangura vanhu vakaipa?Sera

3 Tongai mhaka dzavasina simba nenherera;

chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa.

4 Nunurai vasina simba navanoshayiwa;

varwirei paruoko rwowakaipa.

5 “Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa.

Vanongofamba-famba murima;

nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.

6 “Ndakati, ‘Muri vamwari;

imi mose muri vanakomana veWokumusoro-soro.’

7 Asi muchafa savanhuwo zvavo;

muchawa savatongi vose.”

8 Simukai, imi Mwari, mutonge nyika,

nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 83

Rwiyo. Pisarema raAsafi.

1 Haiwa Mwari, regai kunyarara;

musanyarara, imi Mwari, musati mwiro.

2 Tarirai kumutswa kwaitwa vavengi venyu,

namasimudziro avaita misoro yavo.

3 Vakarangana nounyengeri pamusoro pavanhu venyu;

vanorangana pamusoro paavo vamunochengeta zvakanaka.

4 Ivo vanoti, “Uyai, ngativaparadzei sorudzi,

kuti zita raIsraeri rirove.”

5 Vanorangana pamwe chete nomwoyo mumwe chete;

vanoita sungano yokuzorwa nemi,

6 matende eEdhomu nevaIshumaeri,

neMoabhu navaHagari,

7 Gebha, Amoni neAmareki,

Firistia, navanhu veTire.

8 Kunyange neAsiria yabatana

navo kuti vasimbise zvizvarwa zvaRoti.Sera

9 Muvaitire sezvamakaitira vaMidhia,

sezvamakaita kuna Sisera naJabhini paRwizi Kishoni,

10 ivo vakafira paEndori

uye vakava sendove pamusoro pevhu.

11 Muite makurukota avo saOrebhu naZibhi,

machinda avo ose saZebha naZarumuna,

12 ivo vakati, “Handei tindotora

mafuro aMwari.”

13 Haiwa Mwari wangu, vaitei sendira,

sehundi inodzingwa nemhepo.

14 Somoto unopisa sango

kana moto unoririma mugomo,

15 saka vateverei nedutu renyu

mugovavhundutsa nokutinhira wenyu.

16 Fukidzai zviso zvavo nenyadzi

kuti vanhu vagotsvaka zita renyu, imi Jehovha.

17 Ngavarambe vachinyadziswa

uye vavhundutswe; ngavafire munyadzi dzavo.

18 Ngavazive kuti imi, mune zita rinonzi Jehovha,

ndimi moga Wokumusoro-soro ari pamusoro penyika yose.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 84

Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo egititi. Pisarema ravanakomana vaKora.

1 Ugaro hwenyu hwakanaka sei,

imi Jehovha Wamasimba Ose!

2 Mweya wangu unopanga,

uye unotoziya, nokuda kwezvivanze zvaJehovha;

mwoyo wangu nenyama yangu

zvinodana kuna Mwari mupenyu.

3 Kunyange shiri diki yakazviwanira imba,

nenyenganyenga yakazviwanirawo

dendere kwaingachochonyera vana vayo,

iyo nzvimbo iri pedyo nearitari yenyu,

imi Jehovha Wamasimba Ose, Mambo wangu naMwari wangu.

4 Vakaropafadzwa avo vanogara mumba menyu;

vanogara vachikurumbidzai.Sera

5 Vakaropafadzwa avo vane simba ravo mamuri,

vakaisa mwoyo yavo parwendo rweZioni.

6 Pavanopfuura nomuMupata weBhaka,

vanouita nzvimbo yamatsime;

mvura yomuzhizha inouzadzawo namadziva.

7 Vanowedzera simba pasimba,

kusvikira mumwe nomumwe wavo amira pamberi paMwari muZioni.

8 Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose;

rerekerai nzeve yenyu kwandiri, imi Mwari waJakobho.Sera

9 Haiwa Mwari, tariraiwo nhoo yedu;

ringirai nenyasha dzenyu pamuzodziwa wenyu.

10 Zviri nani kuva pavazhe dzenyu kwezuva rimwe chete,

kupfuura mazuva zviuru ndiri kumwe;

ndingada zvangu kuva murindi womukova weimba yaMwari

wangu kukunda kugara mumatende avakaipa.

11 Nokuti Jehovha Mwari ndiye zuva nenhoo;

Jehovha anopa nyasha nokukudzwa;

hapana chinhu chakanaka chaanganyima

avo vanofamba zvakarurama.

12 Haiwa Jehovha Wamasimba Ose,

akaropafadzwa munhu anovimba nemi.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 85

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema.

1 Makanzwira nyasha nyika yenyu, imi Jehovha;

makadzosera Jakobho nhaka yake.

2 Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu,

uye mukafukidza zvivi zvavo zvose.Sera

3 Makaisa parutivi hasha dzenyu dzose,

mukadzoka pakutsamwa kwenyu kunotyisa.

4 Tidzoreizve, imi Mwari Muponesi wedu,

mugoisa kure nemi kusafara kwenyu pamusoro pedu.

5 Mucharamba makatitsamwira nokusingaperi here?

Mucharega kutsamwa kwenyu kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose here?

6 Ko, hamungatimutsiridzizve here,

kuti vanhu venyu vagofara mamuri?

7 Tiratidzei ngoni dzenyu, imi Jehovha,

mugotipawo ruponeso rwenyu.

8 Ndichateerera zvichataurwa naJehovha Mwari;

anovimbisa rugare kuvanhu vake, vatsvene vake,

asi ngavasadzokerazve kuupenzi.

9 Chokwadi, ruponeso rwake rwuri pedyo navanomutya,

kuti kubwinya kwake kugogara munyika yedu.

10 Rudo nokutendeka zvinosangana pamwe chete;

kururama norugare zvinosvetana.

11 Kutendeka kunomera panyika,

kururama kunotarira pasi kuri kudenga.

12 Chokwadi, Jehovha achapa zvinhu zvakanaka,

uye nyika yedu ichabereka mukoho wayo.

13 Kururama kuchamutungamirira,

uye kuchamugadzirira nzira yetsoka dzake.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 86

Munyengetero waDhavhidhi.

1 Inzwai, imi Jehovha, mundipindure,

nokuti ndiri murombo uye ndinoshayiwa.

2 Chengetai upenyu hwangu, nokuti ndakazvipa kwamuri.

Muri Mwari wangu;

ponesai muranda wenyu anovimba nemi.

3 Ndinzwirei ngoni, imi Ishe,

nokuti ndinodana kwamuri zuva rose.

4 Vigirai muranda wenyu mufaro,

nokuti kwamuri, imi Ishe,

ndinosimudzira mweya wangu.

5 Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe,

muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri.

6 Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha;

inzwai kuchemera kwangu ngoni dzenyu.

7 Ndichadana kwamuri pazuva rokutambudzika kwangu,

nokuti muchandipindura.

8 Haiwa Ishe, hakuna akafanana nemi pakati pavamwari;

hakuna mabasa akaita seenyu.

9 Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya

kuzonamata pamberi penyu, imi Ishe;

dzicharumbidza zita renyu.

10 Nokuti imi muri mukuru uye munoita zvinhu zvinoshamisa;

imi moga ndimi Mwari.

11 Haiwa Jehovha, ndidzidzisei nzira yenyu,

uye ndichafamba muzvokwadi yenyu;

ndipei mwoyo mumwe,

kuti ndigotya zita renyu.

12 Ndichakurumbidzai, imi Ishe Mwari wangu, nomwoyo wangu wose;

ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi.

13 Nokuti rudo rwenyu rukuru kwandiri;

makandirwira paguva rakadzika.

14 Haiwa Mwari, vanozvikudza vari kundirwisa;

boka ravanhu vane utsinye rinotsvaka upenyu hwangu,

vanhu vasina hanya nemi.

15 Asi, imi Ishe, mune tsitsi uye muri Mwari ane nyasha,

anononoka kutsamwa, azere norudo nokutendeka.

16 Dzokerai kwandiri mundinzwire ngoni;

ipai simba renyu kumuranda wenyu,

uye muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu.

17 Ndipei chiratidzo chokunaka kwenyu,

kuti vavengi vangu vazvione vagonyadziswa,

nokuti imi Jehovha makandibatsira uye mukandinyaradza.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 87

Zvavanakomana vaKora. Pisarema. Rwiyo.

1 Akateya nheyo dzake pagomo dzvene;

2 Jehovha anoda masuo eZioni

kupfuura pose panogara Jakobho.

3 Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako,

iwe guta raMwari:Sera

4 “Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi

pakati pavanondiziva,

neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia,

uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’ ”

5 Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati,

“Uyu nowoyo vakaberekerwamo,

uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.”

6 Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi,

kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.”Sera

7 Pavanoimba, vachaimba vachiti,

“Matsime angu ose ari mamuri.”

Categories
Mapisarema

Mapisarema 88

Rwiyo. Pisarema ravanakomana vaKora. Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo emaharati reanoti. Masikiri raHemani muEzrahi.

1 Haiwa Jehovha, Mwari anondiponesa,

ndakachema masikati nousiku pamberi penyu.

2 Munyengetero wangu ngausvike pamberi penyu;

rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu.

3 Nokuti mweya wangu uzere nokutambudzika,

uye upenyu hwangu hwaswedera pedyo neguva.

4 Ndinoverengwa pakati paavo vakaburukira kugomba;

ndava somunhu asina simba.

5 Ndakatsaurwa pamwe chete navakafa,

savakaurayiwa vavete muguva,

vamusingacharangaririzve,

vakagurwa kubva pakuchengeta kwenyu.

6 Makandiisa mugomba rakadzika dzika,

murima guru makadzika dzika.

7 Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu,

makandifukidza namafungu enyu ose.Sera

8 Makanditorera shamwari dzangu dzapedyo,

uye mukandiita chinhu chinonyangadza.

Ndakapfigirwa uye handingatongopunyuki;

9 meso angu asviba neshungu.

Ndinodana kwamuri, imi Jehovha, mazuva ose;

ndinotambanudzira maoko angu kwamuri.

10 Ko, munoratidza zvishamiso zvenyu kuna vakafa here?

Ko, vakafa vanomuka vachikurumbidzai here?Sera

11 Ko, rudo rwenyu runoparidzwa muguva,

nokutendeka kwenyu mukuparadzwa here?

12 Ko, zvishamiso zvenyu zvinozivikanwa munzvimbo yerima,

kana mabasa akarurama enyu munyika yokukanganwa here?

13 Asi ndinochemera rubatsiro kwamuri, imi Jehovha;

mangwanani, munyengetero wangu unosvika pamberi penyu.

14 Seiko, imi Jehovha, muchindiramba

uye muchindivanzira chiso chenyu?

15 Kubvira pauduku hwangu, ndakatambudzika zvokutosvika pedyo norufu;

ndatambudzika nokutyisa kwenyu uye handisisina tariro.

16 Hasha dzenyu dzakapfuura napamusoro pangu;

kutyisa kwenyu kwandiparadza.

17 Zuva rose zvakandipoteredza samafashamu;

ndakaputirwa nazvo chose.

18 Makanditorera shamwari dzangu navadikani vangu;

rima ndiyo shamwari yangu iri pedyo.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 89

Masikiri raEtani muEzirahi.

1 Ndichaimba nezvorudo rukuru rwaJehovha nokusingaperi;

ndichazivisa kutendeka kwenyu nomuromo wangu kuzvizvarwa zvose.

2 Ndichaparidza kuti rudo rwenyu runomira rwakasimba nokusingaperi,

uye kuti muchasimbisa kutendeka kwenyu kudenga chaiko.

3 Imi makati, “Ndakaita sungano nomusanangurwa wangu,

ndakapika kuna Dhavhidhi muranda wangu, ndichiti,

4 ‘Ndichasimbisa imba yako nokusingaperi,

uye ndichasimbisa chigaro chako choushe kuzvizvarwa zvose.’ ”Sera

5 Matenga anorumbidza zvishamiso zvenyu, imi Jehovha,

kutendeka kwenyuwo muungano yavatsvene.

6 Nokuti ndianiko kudenga kumusoro angaenzaniswa naJehovha?

Ndianiko akaita saJehovha pakati pezvisikwa zvokudenga?

7 Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene;

iye anotyisa kwazvo kupfuura vose vakamupoteredza.

8 Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, ndianiko akaita semi?

Mune simba, imi Jehovha, uye kutendeka kwenyu kunokupoteredzai.

9 Munotonga pamusoro pokusunda kwegungwa;

mafungu aro paanosimuka, munoanyaradza.

10 Makapwanya Rahabhi somumwe wavakaurayiwa;

makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba.

11 Matenga ndeenyu, nenyika ndeyenyuwo;

makavamba nyika nezvose zviri mairi.

12 Ndimi makasika kumusoro nezasi;

Tabhori neHerimoni zvinoimbira zita renyu nomufaro.

13 Ruoko rwenyu rune simba;

chanza chenyu chakasimba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa.

14 Kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chenyu choushe;

rudo nokutendeka zvinokutungamirirai.

15 Vakaropafadzwa avo vakadzidza kukurumbidzai,

vanofamba muchiedza pamberi penyu, imi Jehovha.

16 Vanofara muzita renyu zuva rose;

vanofara mukururama kwenyu.

17 Nokuti imi ndimi kubwinya nesimba ravo,

uye nenyasha dzenyu munosimudzira runyanga rwedu.

18 Zvirokwazvo, nhoo yedu ndeyaJehovha,

mambo wedu, iye Mutsvene oga waIsraeri.

19 Ipapo makataura muchiratidzo,

mukati, kuvanhu venyu vakatendeka:

“Ndakaisa simba pamusoro pemhare;

ndakasimudzira jaya pakati pavanhu.

20 Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu;

ndakamuzodza namafuta matsvene.

21 Ruoko rwangu ruchamutsigira;

zvirokwazvo chanza changu chichamusimbisa.

22 Hakuna muvengi achamuripisa mutero;

hakuna munhu akaipa achamudzvinyirira.

23 Ndichapwanya vavengi vake pamberi pake,

uye ndicharovera pasi vadzivisi vake.

24 Rudo rwangu rwakatendeka ruchava naye,

uye runyanga rwake ruchasimudzirwa muzita rangu.

25 Ndichaisa ruoko rwake pamusoro pegungwa,

ruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi.

26 Iye achadana kwandiri, achiti, ‘Ndimi Baba vangu,

Mwari wangu, Dombo noMuponesi wangu.’

27 Ndichamugadzawo kuti ave dangwe rangu,

iye anokudzwa zvikuru pamadzimambo enyika.

28 Ndichachengetedza rudo rwangu kwaari nokusingaperi,

uye sungano yangu naye haitongoperi.

29 Ndichasimbisa imba yake nokusingaperi,

uye nechigaro chake choushe chero matenga achingovapo.

30 “Kana vana vake vakasiya murayiro wangu,

uye vakasatevera zvandakatema,

31 kana vakazvidza mitemo yangu,

uye vakakoniwa kuchengeta mirayiro yangu,

32 ndicharanga chivi chavo neshamhu,

uye kuipa kwavo nokurova kukuru;

33 asi handizobvisi rudo rwangu kwavari,

kana kuzombopandukira kutendeka kwangu.

34 Handizozvidzi sungano yangu

kana kushandura zvakarehwa nemiromo yangu.

35 Kamwe chete, ndakapika noutsvene hwangu,

uye handingarevi nhema kuna Dhavhidhi,

36 kuti imba yake icharamba iripo nokusingaperi

uye chigaro chake choushe chichagara pamberi pangu sezuva;

37 chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi,

chapupu chakatendeka chiri kudenga.”Sera

38 Asi imi makaramba, makavenga,

makatsamwira kwazvo muzodziwa wenyu.

39 Makaparadza sungano yomuranda wenyu

uye mukasvibisa korona yake muguruva.

40 Makaputsa masvingo ake ose

mukaita nhare dzake matongo.

41 Vose vanopfuura napo vanomupamba;

ava chiseko chavavakidzani vake.

42 Makasimudzira ruoko rworudyi rwavavengi vake;

makaita kuti vavengi vake vose vafare.

43 Makadzosera shure munondo wake unopinza,

uye hamuna kumutsigira pakurwa.

44 Makagumisa kubwinya kwake,

mukawisira pasi chigaro chake choushe.

45 Makatapudza mazuva oujaya hwake;

makamufukidza nejasi renyadzi.Sera

46 Haiwa Jehovha kusvikira riniko? Muchazvivanza nokusingaperi here?

Hasha dzenyu dzichapisa somoto kusvikira riniko?

47 Rangarirai kuti upenyu hwangu hunopfuura sei.

Nokuti makasikira vanhu vose zvisina maturo!

48 Ko, munhu ndoupi angararama akasaona rufu,

kana angazviponesa pasimba reguva?Sera

49 Haiwa Ishe, rudo rwenyu rukuru rwekare rwuripiko,

irwo rwamakapika nokutendeka kwenyu kuna Dhavhidhi?

50 Rangarirai, Ishe kuti muranda wenyu aisekwa sei,

kuti ndaitakura sei muchipfuva changu kutuka kwendudzi dzose,

51 kutuka uko vavengi venyu vaikusekai nako, imi Jehovha,

pavaiseka nhambwe imwe neimwe yomuzodziwa wenyu.

52 Jehovha ngaarumbidzwe nokusingaperi!

Ameni naAmeni.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 90

Munyengetero waMozisi munhu waMwari.

1 Jehovha, imi makava ugaro hwedu

kuzvizvarwa zvose.

2 Makomo asati azvarwa

uye musati mabudisa nyika nepasi rose,

kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi muri Mwari.

3 Munodzosera vanhu kuguruva zvakare, muchiti,

“Dzokerai kuguruva, imi vanakomana vavanhu.”

4 Nokuti pamberi penyu makore chiuru

akangofanana nezuva richangopfuura,

kana senguva yokurinda usiku.

5 Munokukura vanhu pakuvata kworufu;

vakaita sebundo idzva ramangwanani,

6 kunyange richimera riri idzva mangwanani,

nenguva yamadekwana rinenge raoma uye rasvava.

7 Tapera nokutsamwa kwenyu

uye tinovhundutswa nehasha dzenyu.

8 Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu,

makaisa zvivi zvedu zvakavanzika muchiedza chokuvapo kwenyu.

9 Mazuva edu ose anopfuura napasi pehasha dzenyu;

tinopedza makore edu nokuchema.

10 Uwandu hwamazuva edu hunosvika makore makumi manomwe,

kana makumi masere, kana tiine simba;

kunyange zvakadaro uwandu hwawo hunongova nhamo nokusuwa,

nokuti anokurumidza kupfuura, uye isu tobhururuka toenda.

11 Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu?

Nokuti hasha dzenyu dzakakura sokutyiwa kwakakufanirai imi.

12 Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka,

kuti tiwane mwoyo wouchenjeri.

13 Dzokai, imi Jehovha! Zvichadaro kusvikira riniko?

Ivai netsitsi pamusoro pavaranda venyu.

14 Tigutsei mangwanani norudo rwenyu rusingaperi,

kuti tigoimba nomufaro tigofara mazuva edu ose.

15 Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza,

samakore mazhinji atakaona nhamo.

16 Mabasa enyu ngaaratidzwe kuvaranda venyu,

nokubwinya kwenyu kuvana vavo.

17 Nyasha dzaIshe Mwari wedu ngadzive pamusoro pedu;

tisimbisirei mabasa amaoko edu, hongu,

simbisai basa ramaoko edu.