Categories
Mateo

Mateo 1

Nhoroondo yaMadzitateguru aJesu

1 Iyi ndiyo nhoroondo yamadzitateguru aJesu Kristu mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama:

2 Abhurahama aiva baba vaIsaka,

Isaka baba vaJakobho,

Jakobho baba vaJudha namadzikoma ake, navanunʼuna vake,

3 Judha baba vaPerezi naZera, mai vavo vaiva Tamari,

Perezi baba vaHezironi,

Hezironi baba vaRamu,

4 Ramu baba vaAminadhabhu,

Aminadhabhu baba vaNashoni,

Nashoni baba vaSarimoni,

5 Sarimoni baba vaBhoazi, mai vake vari Rahabhi,

Bhoazi baba vaObhedhi, mai vake vari Rute,

Obhedhi baba vaJese,

6 naJese baba vamambo Dhavhidhi.

Dhavhidhi aiva baba vaSoromoni, mai vake ndivo vaimbova mukadzi waUria,

7 Soromoni baba vaRehobhoamu,

Rehobhoamu baba vaAbhija,

Abhija baba vaAsa,

8 Asa baba vaJehoshafati,

Jehoshafati baba vaJoramu,

Joramu baba vaUzia,

9 Uzia baba vaJotamu,

Jotamu baba vaAhazi,

Ahazi baba vaHezekia.

10 Hezekia baba vaManase,

Manase baba vaAmoni,

Amoni baba vaJosia,

11 naJosia baba vaJekonia navanunʼuna vake panguva yavaiva kuutapwa muBhabhironi.

12 Vabva kuutapwa kuBhabhironi:

Jekonia aiva baba vaShearitieri,

Shearitieri baba vaZerubhabheri,

13 Zerubhabheri baba vaAbhiudhi,

Abhiudhi baba vaEriakimu,

Eriakimu baba vaAzori.

14 Azori baba vaZadhoki,

Zadhoki baba vaAkimu,

Akimu baba vaEriudhi,

15 Eriudhi baba vaEreazari,

Ereazari baba vaMatani,

Matani baba vaJakobho.

16 Jakobho baba vaJosefa, uyo aiva murume waMaria, uyo akabereka Jesu, anonzi Kristu.

17 Nokudaro kwaiva nezvizvarwa gumi nezvina pamwe chete kubvira pana Abhurahama kusvika pana Dhavhidhi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pana Dhavhidhi kusvika pakutapwa kwavo vachiendwa navo kuBhabhironi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pakudzoka kwavo kuutapwa kusvika panguva yaKristu.

Kuberekwa kwaJesu Kristu

18 Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu: Maria, mai vake vainge vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, asi vasati vagara vose, achiri mhandara, akaonekwa ava napamuviri nokuda kwaMweya Mutsvene.

19 Asi nokuda kwokuti Josefa akanga ari munhu akarurama akafunga zvokumuramba chinyararire, asingamunyadzisi pavazhinji.

20 Asi achiri kufunga nezvenyaya iyi, mutumwa waIshe akauya kwaari mukurota akasvikoti, “Josefa, mwana waDhavhidhi, usatya kutora Maria somukadzi wako nokuti pamuviri paava napo akapabata nokuda kwesimba raMweya Mutsvene.

21 Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo.”

22 Izvi zvose zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvataurwa naIshe kubudikidza nomuprofita wake zvokuti:

23 “Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana, uye vachamutumidza zita rokuti Emanueri, zvichireva kuti, ‘Mwari anesu.’ ”

24 Josefa paakapepuka, akaita sezvaakanga arayirwa nomutumwa waIshe, uye akatora Maria somukadzi wake,

25 asi haana kusangana naye kusvikira azvara mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Jesu.

Categories
Mateo

Mateo 2

Kushanya kwaVachenjeri

1 Mushure mokuberekwa kwaJesu muBheterehema reJudhea munguva yaMambo Herodhi, vachenjeri vaibva kumabvazuva vakasvika muJerusarema,

2 uye vakabvunza vakati, “Aripiko uyo achangoberekwa anova mambo wavaJudha? Takaona nyeredzi yake kumabvazuva, uye tauya kuzomunamata.”

3 Mambo Herodhi akati achinzwa izvi, akatambudzika kwazvo pamwe chete neJerusarema rose.

4 Kuzoti akokera pamwe chete vaprista navadzidzisi vomutemo, akavabvunza kwaizoberekerwa Kristu.

5 Vakapindura vachiti, “MuBheterehema reJudhea nokuti izvi ndizvo zvakanyorwa nomuprofita achiti:

6 “Asi iwe Bheterehema, munyika yeJudhea

hausi muduku pamadzimambo ose aJudha,

nokuti mauri muchabuda mutongi

uyo achava mufudzi wavanhu vangu vaIsraeri.”

7 Ipapo Herodhi akadana Vachenjeri pakavanda akavabvunzisisa nguva chaiyo yainge yaonekwa nyeredzi.

8 Akavatuma kuBheterehema akati, “Endai mundotsvakisisa mwana uyu. Kana muchinge mamuwana, mugondizivisawo kuitira kuti neniwo ndigoenda kundomunamata.”

9 Mushure mokunge vanzwa zvainge zvataurwa naMambo, vakapfuurira mberi norwendo rwavo, uye nyeredzi yavakanga vaona kumabvazuva yakavatungamirira kusvikira yandomira panzvimbo paiva nomwana.

10 Pavakaona nyeredzi, vakafara kwazvo.

11 Vakati vasvika pamba apa, vakaona mwana namai vake Maria, uye vakakotamira pasi vakamunamata. Vakasunungura pfuma yavo vakapa zvipo zvegoridhe, nezvinonhuhwira nemura.

12 Uye vakati vayambirwa mukurota kuti vasadzokera nokuna Herodhi, vakadzokera kwavo neimwe nzira.

Kutizira kuIjipiti

13 Zvino kuzoti vaenda, mutumwa waShe akazviratidza kuna Josefa mukurota, akati, “Kurumidza kutora mwana namai vake mutizire kuIjipiti. Mugareko kusvikira ndakuudzai, nokuti Herodhi achatsvaka mwana uyu kuti amuuraye.”

14 Saka akabva amuka ndokutora mwana namai vake usiku akatizira kuIjipiti,

15 kwaakandogara kusvikira Herodhi afa. Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa naShe kubudikidza nomuprofita achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.”

16 Kuzoti Herodhi aziva kuti vachenjeri vaya vainge vamunzvenga, akashatirwa kwazvo, ndokubva arayira kuti vana vechikomana vose vaiva muBheterehema nomunzvimbo yakapoteredza vaiva namakore maviri zvichidzika vaurayiwe, maererano nenguva yaakanga audzwa naVachenjeri.

17 Ipapo zvakarehwa kubudikidza nomuprofita Jeremia zvakazadziswa, zvinoti:

18 “Inzwi rakanzwikwa muRama

rokuchema nokuungudza kukuru,

Rakeri achichema vana vake,

uye achiramba kunyaradzwa nokuti havachipo.”

Vanodzokera kuNazareta

19 Mushure mokufa kwaHerodhi, mutumwa waShe akazviratidza kuna Josefa muIjipiti mukurota

20 akati, “Tora mwana namai vake mudzokere kunyika yeIsraeri nokuti vaya vaida kuuraya mwana vakafa.”

21 Saka akasimuka akatora mwana namai vake akaenda kunyika yeIsraeri.

22 Asi paakanzwa kuti Akerasi akanga otonga muJudhea panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako. Akati ayambirwa mukurota, akabva aenda kudunhu reGarirea,

23 uye akaenda akandogara muguta rainzi Nazareta. Izvi zvakabva zvazadzisa zvakarehwa kubudikidza navaprofita zvichinzi, “Achanzi muNazareta.”

Categories
Mateo

Mateo 3

Johani Mubhabhatidzi Anogadzira Nzira

1 Mumazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea,

2 achiti, “Tendeukai, nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”

3 Uyu ndiye akataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi:

“Inzwi rounodanidzira murenje richiti,

‘Gadzirai nzira yaShe,

ruramisai migwagwa yake.’ ”

4 Nguo dzaJohani dzakanga dzakagadzirwa nemvere dzengamera uye akanga akasunga bhanhire redehwe muchiuno chake. Zvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi.

5 Vanhu vakabuda vakaenda kwaari vachibva muJerusarema nomuJudhea yose nomudunhu rose reJorodhani.

6 Vachireurura zvivi zvavo vakabhabhatidzwa naye murwizi rweJorodhani.

7 Asi paakaona vaFarisi navaSadhusi vachiuya kwaaibhabhatidzira akati kwavari, “Imi vana venyoka! Ndiani akakuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya?

8 Berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka.

9 Uye musafunga kuti mungati, ‘Tina Abhurahama sababa vedu.’ Ndinokuudzai kuti Mwari anogona kumutsa vamwe vana vaAbhurahama kubva pamabwe aya.

10 Demo ratoiswa pamidzi yemiti uye muti wose usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto.

11 “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura kuti mutendeuke. Asi shure kwangu kuchauya mumwe mukuru kwandiri, wandisina kukodzera kunyange kutakura shangu dzake. Achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.

12 Rusero rwuri muruoko rwake, uye achanatsa buriro rake, achiunganidza gorosi mudura, uye achizopisa hundi mumoto usingadzimi.”

Kubhabhatidzwa kwaJesu

13 Ipapo Jesu akabva kuGarirea akauya kuJorodhani kuti azobhabhatidzwa naJohani.

14 Asi Johani akaedza kumudzivisa achiti, “Ini ndini ndinotofanira kubhabhatidzwa nemi, imi mouya sei kwandiri?”

15 Jesu akapindura akati, “Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanira kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.” Ipapo Johani akabvuma hake.

16 Jesu angobhabhatidzwa, akabuda mumvura. Panguva iyoyo denga rakazaruka, uye akaona Mweya waMwari uchiburuka senjiva uye ukasvikogara paari.

17 Inzwi rakabva kudenga richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoda, wandinofarira.”

Categories
Mateo

Mateo 4

Kuedzwa kwaJesu

1 Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya Mutsvene kurenje kuti andoedzwa nadhiabhori.

2 Mushure mokunge atsanya kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana, akanzwa nzara.

3 Muedzi akauya kwaari akasvikoti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, rayira mabwe aya kuti ave chingwa.”

4 Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ ”

5 Ipapo dhiabhori akamutora akaenda naye muguta dzvene uye akandomuita kuti amire pachiruvi chetemberi, akati,

6 “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi:

“Acharayira vatumwa vake pamusoro pako

uye vachakusimudza namaoko avo

kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.”

7 Jesu akamupindura akati, “Kwakanyorwawo kuchinzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ”

8 Dhiabhori akamutorazve akaenda naye pamusoro pegomo refu kwazvo uye akamuratidza ushe hwose hwenyika nokubwinya kwahwo,

9 akati, “Zvose izvi ndichakupa kana ukandikotamira uye ukandinamata.”

10 Jesu akati kwaari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ ”

11 Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira.

Jesu Anotanga Kuparidza

12 Jesu akati anzwa kuti Johani akanga aiswa mutorongo, akadzokera kuGarirea.

13 Achibva kuNazareta, akaenda akandogara kuKapenaume, guta raiva pamahombekombe egungwa mudunhu reZebhuruni neNafutari,

14 kuti azadzise zvakarehwa nomuprofita Isaya achiti:

15 “Nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari,

nzira inoenda kugungwa, ichitevedza Jorodhani,

Garirea reveDzimwe Ndudzi,

16 vanhu vaigara murima

vakaona chiedza chikuru;

kune avo vaigara munyika yomumvuri worufu,

chiedza chavhenekera.”

17 Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”

Kudanwa kwaVadzidzi Vokutanga

18 Jesu paakanga achifamba pedyo negungwa reGarirea, akaona varume vaviri, Simoni ainzi Petro nomununʼuna wake Andirea. Vakanga vachikanda mambure avo mugungwa nokuti vaiva vabati vehove.

19 Jesu akati kwavari, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.”

20 Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera.

21 Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomununʼuna, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana,

22 uye pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera.

Jesu Anoporesa Vanorwara

23 Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa hosha dzose nourwere hwose pakati pavanhu.

24 Mukurumbira wake wakapararira muSiria yose, uye vanhu vakauya kwaari navose vairwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, avo vaitambudzwa namarwadzo akanyanya, vakanga vakabatwa namadhimoni, vaiva nezvipusha, nevakanga vakafa mitezo, uye akavaporesa.

25 Vanhu vazhinji kwazvo vaibva kuGarirea, Dhekapori, Jerusarema, Judhea nedunhu riri mhiri kweJorodhani vakamutevera.

Categories
Mateo

Mateo 5

Mharidzo yaJesu paGomo

1 Zvino akati aona vanhu vazhinji, akakwira mugomo uye akagara pasi. Vadzidzi vake vakauya kwaari,

2 uye akatanga kuvadzidzisa achiti:

3 “Vakaropafadzwa varombo pamweya,

nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.

4 Vakaropafadzwa vanochema

nokuti vachanyaradzwa.

5 Vakaropafadzwa vanyoro

nokuti vachagara nhaka yenyika.

6 Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama

nokuti vachagutswa kwazvo.

7 Vakaropafadzwa vane tsitsi

nokuti naivowo vachaitirwa tsitsi.

8 Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo,

nokuti vachaona Mwari.

9 Vakaropafadzwa vanoyananisa

nokuti vachanzi vana vaMwari.

10 Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama

nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.

11 “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu.

12 Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.

Munyu neChiedza

13 “Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.

14 “Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki.

15 Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba.

16 Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.

Kuzadziswa kwoMurayiro

17 “Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Murayiro kana Vaprofita; handina kuuya kuzozviparadza asi kuzozvizadzisa.

18 Ndinokuudzai chokwadi, kuti kusvikira denga nenyika zvapfuura, hakuna vara duku sei kana chimwe chinhu chiduku sei chichabviswa paMurayiro, kusvikira zvose zvazadziswa.

19 Asi ani naani anotyora mumwe chete wemirayiro miduku iyi uye achizodzidzisawo vamwe kuita zvimwe chetezvo achanzi muduku muumambo hwokudenga. Asi ani naani anochengeta uye anodzidzisa mirayiro iyi, achanzi mukuru muumambo hwokudenga.

20 Nokuti ndinokuudzai zvirokwazvo kuti kana kururama kwenyu kukasapfuura kwavaFarisi nokwavadzidzisi vemirayiro, zvirokwazvo hamungapindi muumambo hwokudenga.

Kuuraya

21 “Makanzwa zvakataurwa kune vanhu vekare zvichinzi, ‘Usauraya uye ani naani anouraya achatongwa.’

22 Asi ini ndinokuudzai kuti ani naani anotsamwira hama yake achatongwa. Uyezve ani naani anoti, ‘Raka’ kuhama yake achamiswa pamberi pedare ravatongi. Asizve ani naani anoti kuhama yake, ‘Iwe benzi!’ achapara mhosva yokuti atongerwe moto wegehena.

23 “Naizvozvo kana wada kupa chipo chako paaritari, ukayeuka pakarepo kuti wakatadzira hama yako,

24 siya chipo chako ipapo pamberi pearitari. Tanga waenda undoyanana nehama yako, wozouya wopa chipo chako.

25 “Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako uyo ari kukuendesa kudare. Ita izvi uchiri munzira naye, kana kuti angangokuisa kumutongi uye mutongi agokuisa kumutariri, uye ugokandwa mutorongo.

26 Ndinokuudzai chokwadi kuti haungabudimo kusvikira waripa kamari kokupedzisira.

Upombwe

27 “Makanzwa zvichinzi, ‘Usaita upombwe.’

28 Asi ini ndinoti kwamuri ani naani anotarisa mukadzi neziso roruchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.

29 Kana ziso rako rorudyi richikuita kuti utadze, ribvise urirase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako pano kuti muviri wako wose ukandwe mugehena.

30 Uye kana ruoko rwako rworudyi ruchikuita kuti utadze, rucheke ururase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako, pano kuti muviri wako wose uende kugehena.

Kurambana

31 “Zvakanzi, ‘Ani naani anoramba mukadzi wake anofanira kumupa gwaro rokurambana.’

32 Asi ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake kunze kwemhosva yokusatendeka muwaniso anomuitisa upombwe, uye ani naani anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe.

Mhiko

33 “Makanzwa zvakare zvichitaurwa kuvanhu vekare kare zvichinzi, ‘Usatyora mhiko dzako, asi zadzisa mhiko dzose dzaunenge waita kuna Ishe.’

34 Asi ndinokuudzai kuti, Musatongopika: kunyange nedenga nokuti ndiro chigaro chaMwari choumambo;

35 kana nenyika nokuti ndiyo chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema nokuti ndiro guta raMambo Mukuru.

36 Uye usapika nomusoro wako nokuti haugoni kuita kuti bvudzi rimwe chete rive jena kana dema.

37 Hongu yako ngaingova ‘Hongu’, ne‘Kwete’ yako ive ‘Kwete’; zvimwe zvinopfuura izvi zvinobva kuno wakaipa.

Ziso neziso

38 “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsiviwa neziso, uye zino rinotsiviwa nezino.’

39 Asi ndinokuudzai kuti, Musadzivisa munhu akaipa. Kana munhu akakurova padama rorudyi, murinzire roruboshwewo.

40 Kana munhu akakukwirira kumatare achida kukutorera nguo yako, rega atorewo nejasi rako.

41 Kana munhu akakumanikidza kufamba mutunhu mumwe chete, famba naye miviri.

42 Kana munhu akakukumbira chinhu, mupe, uye usafuratira munhu anoda kukwereta kwauri.

Rudo kuVavengi Venyu

43 “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, uvenge muvengi wako.’

44 Asi ini ndinokuudzai kuti, Idai vavengi venyu, mugonyengeterera avo vanokutambudzai,

45 kuitira kuti mugova vana vaBaba venyu vari kudenga. Ivo vanoita kuti zuva ravo ribude pane vakaipa nevakanaka uye vanonayisa mvura yavo pane vakarurama nevasakarurama.

46 Kana mukangoda avo vanokudai, muchawana mubayiro wei? Vateresi havaiti zvimwe chetezvo here?

47 Kana muchingokwazisana nehama dzenyu bedzi, mungakunda vamwe pakudii? Ko, vasingatendi havaiti zvimwe chetezvo here?

48 Naizvozvo, ivai vakakwana, sezvo Baba venyu vari kudenga vari vakakwana.

Categories
Mateo

Mateo 6

Kupa kuVarombo

1 “Chenjerai kuti murege kuita ‘mabasa enyu okururama’ pamberi pavanhu kuti muonekwe navo. Kana mukaita saizvozvo, hamuzovi nomubayiro kuna Baba venyu vari kudenga.

2 “Saka kana mopa kuna vanoshaya, musaridza hwamanda sezvinoitwa navanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.

3 Asi kana wopa kuna vanoshaya ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva zviri kuitwa noruoko rwako rworudyi,

4 kuitira kuti kupa kwako kuve pakavanda. Ipapo Baba vako, vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro.

Kunyengetera

5 “Uye pamunonyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira kuti vaonekwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.

6 Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro.

7 Uye pamunonyengetera, musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa navasingatendi nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nokuda kwamashoko avo mazhinji.

8 Musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa musati mavakumbira.

9 “Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita:

“ ‘Baba vedu vari kudenga,

zita renyu ngarikudzwe,

10 umambo hwenyu ngahuuye,

kuda kwenyu ngakuitwe

panyika sezvinoitwa kudenga.

11 Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva.

12 Tiregererei zvatinokutadzirai,

sezvatinoregererawo vanotitadzira isu.

13 Musatitungamirira mukuedzwa,

uye mutinunure kubva kuno wakaipa.’

14 Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo.

15 Asi kana musingaregereri vamwe zvitadzo zvavo, Baba venyu havazokuregererai zvitadzo zvenyu.

Kutsanya

16 “Pamunotsanya, musaunyanisa zviso sezvinoita vanyengeri nokuti vanounyanisa zviso zvavo kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.

17 Asi pamunotsanya, zorai mafuta mumisoro yenyu uye mugogeza kumeso kwenyu,

18 kuitira kuti zvirege kuonekwa navanhu kuti muri kutsanya, asi zvizivikanwe chete naBaba venyu avo vasingaonekwi. Uye Baba venyu vanoona pakavandika, vachakupai mubayiro.

Pfuma yoKudenga

19 “Musazviunganidzira pfuma panyika, pane zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye pane mbavha dzinopaza dzichiba.

20 Asi zviunganidzirei pfuma kudenga uko kusina zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye kusina mbavha dzinopaza dzichiba.

21 Nokuti apo pane pfuma yako ndipo pane mwoyo wakowo.

22 “Ziso ndiwo mwenje womuviri. Kana maziso ako akanaka, muviri wako wose uchava nechiedza.

23 Asi kana maziso ako akaipa muviri wako wose uchange uzere nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, richange riri rima rakakura zvakadii!

24 “Hapana angakwanise kushandira vatenzi vaviri. Achavenga mumwe uye agoda mumwe, kana kuti achazvipira kushandira mumwe uye agozvidza mumwe. Haungashandire zvose Mwari neMari.

Musafunganya

25 “Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hahusi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo?

26 Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukohwa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamuna kukosha kudzipfuura nokure kwazvo here?

27 Ndiani pakati penyu angawedzera awa imwe chete paupenyu hwake nokuda kwokufunganya?

28 “Ko, munofunganyirei pamusoro pezvokupfeka? Tarirai kuti maruva esango anokura sei? Haashandi kana kuruka.

29 Asi ndinokuudzai kuti kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose, haana kumboshonga serimwe ramaruva aya.

30 Zvino kana Mwari achishongedza saizvozvo uswa hwesango huripo nhasi uye mangwana huchizokandwa mumoto, haangakushongedzei kupfuura izvi here, imi vokutenda kuduku?

31 Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ kana kuti, ‘Tichanwei?’ kana ‘Tichapfekei?’

32 Izvi ndizvo zvinoitwa nevedzimwe ndudzi, nokuti Baba venyu vari kudenga vanoziva kuti munoda zvinhu izvi.

33 Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri.

34 Naizvozvo musafunganya nezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rine nhamo dzaro dzakarikwanira.

Categories
Mateo

Mateo 7

Kutonga Vamwe

1 “Usatonga kuti newewo urege kutongwa.

2 Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri.

3 “Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako?

4 Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako?

5 Iwe munyengeri, tanga wabvisa puranga riri muziso rako, ipapo unozoona zvakanaka kuti ukwanise kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.

6 “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye musakanda maparera enyu kunguruve. Kana mukadaro, dzinogona kuatsika-tsika pasi petsoka, uye ipapo dzikazokutendeukirai dzokubvambura-bvamburai.

Kumbirai, Tsvakai, Gogodzai

7 “Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa.

8 Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo.

9 “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana wake akamukumbira chingwa, omupa ibwe?

10 Kana kuti akakumbira hove iye omupa nyoka?

11 Zvino imi, kunyange zvenyu makaipa, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanokumbira!

12 Saka muzvinhu zvose itirai vamwe zvamunoda kuti vakuitirei imi, nokuti izvi ndizvo Murayiro naVaprofita.

Suo Rakamanikana neSuo Rakapamhama

13 “Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rakafara nenzira yakapamhama zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro.

14 Asi suo duku nenzira yakamanikana ndizvo zvinotungamirira kuupenyu, uye vashoma chete, ndivo vanozviwana.

Muti noMuchero Wawo

15 “Chenjererai vaprofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe emakwai asi mukati mavo vari mapere anoparadza.

16 Muchavaziva nemichero yavo. Vanhu vanganhonga mazambiringa pamuti weminzwa here, kana maonde parukato?

17 Saizvozvo muti wose wakanaka unobereka michero yakanaka, muti wakaipa unobereka michero yakaipa.

18 Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nemuti wakaipa haungabereki michero yakanaka.

19 Muti wose usingabereki michero yakanaka unotemwa uye ugokandwa mumoto.

20 Naizvozvo muchavaziva nemichero yavo.

21 “Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.

22 Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso?’

23 Ipapo ndichavaudza pachena kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’

Muvaki Akachenjera noMuvaki Benzi

24 “Naizvozvo munhu anonzwa mashoko angu aya, uye akaaita, akafanana nemurume akachenjera uyo akavaka imba yake paruware.

25 Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya, asi haina kuputsika, nokuti hwaro hwayo hwaiva paruware.

26 Asi munhu wose anonzwa mashoko angu aya akasaaita, akafanana nomurume benzi akavakira imba yake mujecha.

27 Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya ikawa nokuwa kukuru.”

28 Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi vazhinji vaivapo vakashamiswa nokudzidzisa kwake,

29 nokuti akadzidzisa somurume aiva nesimba kwete samadzidzisiro aiitwa navadzidzisi vavo vomurayiro.

Categories
Mateo

Mateo 8

Murume aiva naMaperembudzi

1 Akati aburuka kubva mugomo, vanhu vazhinji vakamutevera.

2 Mumwe murume aiva namaperembudzi akauya akasvikopfugama paari akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”

3 Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya akati, “Ndinoda. Chinatswa!” Pakarepo akabva aporeswa maperembudzi ake.

4 Ipapo Jesu akati kwaari, “Ona kuti hapana waunotaurira uye ugopa chipo chakarayirwa naMozisi sechapupu kwavari.”

Kutenda kwoMukuru weZana

5 Jesu akati apinda muKapenaume, mukuru wezana akauya kwaari achikumbira rubatsiro.

6 Akasvikoti, “Ishe, muranda wangu arere kumba, akafa mitezo, uye ari kurwadziwa zvikuru.”

7 Jesu akati kwaari, “Ndichauya kuzomuporesa.”

8 Mukuru wezana akapindura akati, “Ishe, handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu. Asi ingotaurai henyu shoko, uye muranda wangu achapora.

9 Nokuti ini pachangu ndiri munhu anorayirwa, ndine varwi pasi pangu. Ndinoudza uyu kuti, ‘Enda,’ achienda; neuyo ndichimuti, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita izvi,’ achizviita.”

10 Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa akati kuna avo vaimutevera, “Ndinokuudzai chokwadi, handisati ndaona munhu ane rutendo rwakadai muIsraeri.

11 Ndinoti kwamuri, vazhinji vachabva kumabvazuva nokumadokero uye vachagara panzvimbo dzavo pamutambo pamwe chete naAbhurahama, Isaka naJakobho muumambo hwokudenga.

12 Asi vadyi venhaka youshe vachakandwa kunze, kurima uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.”

13 Ipapo Jesu akati kumukuru wezana, “Enda! Zvichaitika sokutenda kwawaita.” Muranda wake akabva apora panguva iyoyo.

Jesu Anoporesa Vazhinji

14 Jesu akati apinda mumba maPetro, akasvikowana mai vomukadzi waPetro varere vachirwara nefivha.

15 Akabata ruoko rwavo fivha ndokubva yapera, uye vakasimuka ndokubva vatanga kumushandira.

16 Ava madekwana, vazhinji vakanga vakabatwa namadhimoni vakauyiswa kwaari, uye akadzinga mweya iyoyo neshoko akaporesa vose vairwara.

17 Izvi zvaizadzisa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi:

“Akatakura utera hwedu hwose

uye akatakura zvirwere zvedu zvose.”

Mutengo woKutevera Jesu

18 Jesu akati aona vanhu vazhinji vakamukomberedza akarayira kuti vayambuke vaende kune rimwe divi regungwa.

19 Ipapo mumwe mudzidzisi womurayiro akauya kwaari akati, “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamunoenda.”

20 Jesu akapindura achiti, “Makava ane mwena yawo, shiri dzina matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.”

21 Mumwewo mudzidzi akati, “Ishe chimboregai nditange ndambonoviga baba vangu.”

22 Asi Jesu akati kwaari, “Nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo.”

Jesu Anonyaradza Dutu

23 Ipapo akapinda muigwa uye vadzidzi vake vakamutevera.

24 Pakarepo, dutu guru rakamuka pagungwa zvokuti mafungu egungwa akapfachukira pamusoro peigwa. Asi Jesu akanga avete.

25 Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Ishe, tiponesei! Tava kunyura!”

26 Akavapindura achiti, “Imi vorutendo ruduku, munotyireiko kudai?” Ipapo akasimuka akatsiura mhepo namafungu uye kukadzikama kwazvo.

27 Varume ava vakashamiswa uye vakabvunza vachiti, “Munhu akaita seiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”

Kuporeswa kwaVarume Vaviri Vakanga Vakabatwa naMadhimoni

28 Akati asvika mhiri kunyika yavaGadhara, akasangana navarume vaviri vakanga vakabatwa namadhimoni. Varume ava vaiva nehasha zvokuti hapana munhu aigona kupfuura naikoko.

29 Vakadanidzira vachiti, “Munodeiko kwatiri, Mwanakomana waMwari? Mauya kuzotirwadzisa here iyo nguva yakatarwa isati yasvika?”

30 Nechokure navo, kwakanga kune boka guru renguruve rakanga richifura.

31 Madhimoni akakumbirisa Jesu achiti, “Kana mukatidzinga, titumirei muboka renguruve.”

32 Akati kwaari, “Endai!” Ipapo akabuda akandopinda munguruve, uye boka rose rakamhanya richidzika kumawere amahombekombe rikasvikowira mugungwa dzichibva dzafira mumvura.

33 Vaya vakanga vachifudza nguruve vakamhanya vakandopinda muguta vakandotaura zvose izvi, kusanganisira nezvakanga zvaitika kuvarume vaya vakanga vane madhimoni.

34 Ipapo guta rose rakabuda rikandosangana naJesu. Uye vakati vamuona, vakamukumbirisa kuti abve munyika yavo.

Categories
Mateo

Mateo 9

Jesu Anoporesa Munhu Akanga Akafa Mitezo

1 Jesu akapinda mugwa akayambuka ndokusvika kuguta rokwake.

2 Vamwe varume vakauya nomunhu akanga akafa mitezo, avete pabonde. Jesu akati aona kutenda kwavo akati kumunhu uya akafa mitezo, “Tsunga mwoyo, mwana, zvivi zvako zvaregererwa.”

3 Vachinzwa izvi, vamwe vadzidzisi vemirayiro vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu ari kumhura Mwari!”

4 Achiziva pfungwa dzavo Jesu akati, “Sei muchifunga zvakaipa mumwoyo yenyu?

5 Ndezvipi zvakareruka, kuti, ‘Zvivi zvako waregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’?

6 Asi kuti mugoziva kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Ipapo akati kumunhu uya akanga akafa mitezo, “Simuka, tora bonde rako uende kumba.”

7 Uye murume uya akasimuka akaenda kumba kwake.

8 Vanhu vazhinji pavakazviona, vakazadzwa nokutya uye vakarumbidza Mwari uyo akanga apa simba rakadai kuvanhu.

Kudanwa kwaMateo

9 Jesu akati achipfuurira mberi achibva ikoko, akaona mumwe murume ainzi Mateo agere pahofisi yomuteresi. Akati kwaari, “Nditevere,” uye Mateo akasimuka akamutevera.

10 Jesu akati agere mumba maMateo vachidya kudya kwamanheru, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakadya naye navadzidzi vake.

11 VaFarisi vakati vaona izvi, vakabvunza vadzidzi vake vachiti, “Sei mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?”

12 Achinzwa izvi, Jesu akati, “Vasingarwari havatsvagi chiremba, asi vanorwara.

13 Asi endai munodzidza kuti izvi zvinorevei zvinoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’ Nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”

Jesu Anobvunzwa neZvokutsanya

14 Vadzidzi vaJohani vakauya kuzomubvunza vachiti, “Ko, sei isu navaFarisi tichitsanya asi vadzidzi venyu vasingatsanyi.”

15 Jesu akapindura achiti, “Zvingaitawo here kuti shamwari dzechikomba dzicheme iye achiinavo? Nguva ichasvika iyo chikomba chichabviswa kwavari, ipapo vachatsanya.

16 “Hapana munhu anosonera chigamba chitsva panguo tsaru, nokuti chigamba chichabvarura nguo iya, buri racho richizobva ranyanya.

17 Uye vanhu havangadiri waini itsva muhombodo tsaru. Kana vakadaro, hombodo dzichaputika, waini ichateuka uye hombodo dzichaparara. Kwete, vanodira waini itsva muhombodo itsva uye zvose zviri zviviri zvinochengetedzeka.”

Jesu Anomutsa Musikana Akanga Afa Uye Anoporesa Mukadzi Airwara

18 Akati achiri kutaura izvi, mumwe mutongi akauya akasvikomupfugamira uye akati, “Mwanasikana wangu afa izvozvi. Asi uyai muzoisa ruoko rwenyu paari agorarama.”

19 Jesu akasimuka akaenda naye pamwe chete navadzidzi vake.

20 Pakarepo mumwewo mudzimai aitambudzwa nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri akauya shure kwake akasvikobata mupendero wenguo yake.

21 Akati nechomumwoyo, “Ndikangobata chete nguo yake, ndichaporeswa.”

22 Jesu akatendeuka akamuona ndokubva ati kwaari, “Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa.” Mudzimai uyu akabva aporeswa pakarepo.

23 Jesu akati apinda mumba momutongi uya, akawana varidzi venyere navazhinji vaiita mheremhere

24 akati, “Budai panze. Mwanasikana uyu haana kufa asi avete.” Asi vakamuseka.

25 Mushure mokunge vanhu vazhinji ava vabudiswa panze, akapinda akasvikobata mwanasikana uya ruoko achibva amuka.

26 Nhau dzezvakaitika izvi, dzakapararira nedunhu rose.

Jesu Anoporesa Mapofu Maviri neMbeveve

27 Jesu akati achibvapo, akateverwa navarume vaviri vakanga vari mapofu, vaishevedzera vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”

28 Akati apinda mumba, mapofu aya akauya kwaari, uye Jesu akavabvunza achiti, “Munotenda here kuti ndinogona kukuitirai izvi?”

Vakapindura vakati, “Hongu, Ishe.”

29 Ipapo akabata meso avo uye akati, “Maererano nokutenda kwenyu, ngazviitwe kwamuri.”

30 Uye meso avo akabva asvinudzwa. Jesu akavayambira chaizvo achiti, “Onai kuti hapana achazviziva izvi.”

31 Asi ivo vakaenda vakataura nezvake mudunhu rose iri.

32 Vakati vachibuda, mumwe murume akanga ari mbeveve uye akabatwa nedhimoni akauyiswa kuna Jesu.

33 Dhimoni rakati radzingwa, munhu uya akanga ari mbeveve akataura. Vanhu vazhinji vakashamiswa uye vakati, “Zvakadai hazvisati zvamboonekwa muIsraeri.”

34 Asi vaFarisi vakati, “Anodzinga madhimoni nomukuru wamadhimoni.”

Vashandi Vashoma

35 Jesu akafamba nomumaguta ose nemisha yose, achidzidzisa mumasinagoge avo achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa zvirwere zvose nehosha dzose.

36 Akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi nokuti vaishushwa uye vakanga vasina simba, vakaita samakwai asina mufudzi.

37 Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Kukohwa kukuru asi vashandi vashoma.

38 Naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”

Categories
Mateo

Mateo 10

Jesu Anotuma Vane Gumi Navaviri

1 Akadana vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba rokudzinga mweya yakaipa nokuporesa marudzi ose ezvirwere namarudzi ose ehosha.

2 Zvino aya ndiwo mazita avapostori gumi navaviri:

wokutanga ndiSimoni ainzi Petro nomununʼuna wake Andirea;

Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani;

3 Firipi naBhatoromeo;

Tomasi naMateo muteresi;

Jakobho mwanakomana waArifeasi naTadheo;

4 Simoni muZiroti naJudhasi Iskarioti uyo akazomupandukira.

5 Jesu akatuma gumi navaviri ava, akavarayira achiti, “Musaenda munzira yeveDzimwe Ndudzi kana kupinda muguta ripi zvaro ravaSamaria.

6 Asi endai kumakwai akarasika eimba yaIsraeri.

7 Pamunoenda, muparidze muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwaswedera.’

8 Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makagamuchira pasina muripo, chingopaiwo pasina muripo.

9 Musatakura goridhe, kana sirivha kana ndarira, muzvikwama zvenyu;

10 musatakura hombodo yorwendo kana dzimwe nguo, shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anofanira kurarama nomubayiro webasa rake.

11 “Muguta ripi neripi nomusha upi noupi wamunenge mapinda, tsvakai munhu akakodzera uye mugogara mumba make kusvikira mabvamo.

12 Pamunopinda mumusha, kwazisai vanenge varimo.

13 Kana musha uyu wakakodzera, rugare rwenyu ngaruuye pauri asi kana usina kukodzera, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.

14 Kana ani naani zvake akasakugamuchirai, kana kuteerera mashoko enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva pamusha ipapo kana muguta imomo.

15 Ndinokuudzai chokwadi kuti zvichava nani kuSodhomu neGomora pazuva rokutongwa pane zvichaitwa kuguta iroro.

16 Ndiri kukutumai samakwai pakati pamapere. Naizvozvo chenjerai senyoka uye mugova vasina mhosva senjiva.

17 “Chenjerai kuti vanhu vachakuisai kumatare uye vagokurovai mumasinagoge avo.

18 Nokuda kwangu, vachakuendesai pamberi pavabati namadzishe kuti muve zvapupu zvangu kwavari nokune veDzimwe Ndudzi.

19 Asi kana vakusungai, musafunganya pamusoro pokuti muchataurei kana kuti muchataura sei. Panguva iyoyo muchapiwa zvokutaura,

20 nokuti munenge musiri imi munotaura, asi Mweya waBaba venyu uchataura nomamuri.

21 “Mukoma achaurayisa mununʼuna wake, nababa mwana wavo, vana vachapandukira vabereki vavo uye vachavaurayisa.

22 Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa.

23 Kana mukatambudzwa mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Ndinokuudzai chokwadi kuti hamungatizira kumaguta ose omuIsraeri Mwanakomana woMunhu asati adzoka.

24 “Mudzidzi haasi mukuru kumudzidzisi wake, kana muranda kuna ishe wake.

25 Zvakakwana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake nomurandawo sashe wake. Zvino kana mukuru weimba akanzi ndiBheerizebhubhi, vachadaro zvikuru sei kune veimba yake!

26 “Naizvozvo musavatya. Hapana chakavanzika chisingazobudiswi pachena kana chakavigwa chisingazozivikanwi.

27 Zvandinokuudzai murima muzvitaure muchiedza; zvinozevezerwa munzeve dzenyu, muzviparidze muri pamusoro pedzimba.

28 Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi ityai uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena.

29 Ko, shiri duku mbiri hadzitengeswi nesendi here? Kunyange zvakadaro hapana imwe chete yadzo inowira pasi kunze kwokunge Baba venyu vazvibvumira.

30 Uye kunyange nebvudzi riri mumusoro yenyu rakaverengwa.

31 Naizvozvo musatya nokuti munokosha kupfuura shiri duku zhinji.

32 “Ani naani anondipupura pamberi pavanhu neniwo ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga.

33 Asi ani naani anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.

34 “Musafunga kuti ndakauya kuzouyisa rugare panyika. Handina kuuya kuzouyisa rugare asi munondo.

35 Ndakauya kuti:

“ ‘mwanakomana apesane nababa vake,

mwanasikana apesane namai vake,

muroora apesane navamwene vake,

36 vavengi vomunhu vachava hama dzake dzomumba.’

37 “Ani naani anoda baba vake kana mai vake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu; uye ani naani anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu.

38 Uye uyo asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera haana kukodzera kuva wangu.

39 Ani naani anowana upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi uyo acharasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana.

40 “Anokugamuchirai anogamuchira ini, uye anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.

41 Ani naani anogamuchira muprofita nokuti muprofita achagamuchira mubayiro womuprofita, uye ani naani anogamuchira munhu akarurama nokuda kwokuti akarurama, achagamuchira mubayiro womunhu akarurama.

42 Uye kana munhu akapa mukombe wemvura inotonhorera kuno mumwe wavaduku ava nokuda kwokuti iye mudzidzi wangu, ndinokuudzai chokwadi kuti haazorasikirwi nomubayiro wake.”