Categories
Muparidzi

Muparidzi 11

Chingwa pamusoro peMvura

1 Kanda chingwa chako pamusoro pemvura zhinji,

nokuti mushure mamazuva mazhinji uchachiwanazve.

2 Govera vanomwe, kunyange navaserewo;

nokuti hauzivi kuti idambudziko rakadii richauya panyika.

3 Kana makore azara nemvura

anonayisa mvura panyika.

Hazvinei kuti muti wawira zasi kana kumusoro,

panzvimbo paunowira, ndipo paucharara.

4 Ani naani anotarira mhepo haangadyari;

ani naani anotarira makore haangakohwi.

5 Sezvo usingazivi nzira yemhepo,

kana magadzirirwo omuviri mudumbu ramai,

saizvozvowo haunganzwisisi basa raMwari,

Muiti wezvose.

6 Kusha mbeu dzako mangwanani,

uye madekwana urege kugarira maoko ako,

nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi,

chingava ichi kana icho,

kana kuti zvose zviri zviviri zvichafanana pakunaka.

Rangarira Musiki wako uchiri muduku

7 Chiedza chakanaka,

uye zvinofadza meso kuona zuva.

8 Kunyange zvazvo munhu akararama makore mazhinji,

ngaafadzwe nawo ose.

Asi ngaarangarire mazuva erima,

nokuti achava mazhinji.

Zvose zvichazouya hazvina maturo.

9 Fara zvako jaya, pauduku hwako,

uye mwoyo wako ngaukupe mufaro pamazuva ouduku hwako.

Tevera nzira dzomwoyo wako,

nezvose zvingaonekwe nameso ako,

asi uzive kuti pazvinhu zvose izvi

Mwari achakusvitsa pakutongwa.

10 Saka zvino dzinga zvinonetsa pamwoyo

wako ugobvisa zvinotambudza pamuviri wako,

nokuti uduku nesimba hazvina maturo.

Categories
Muparidzi

Muparidzi 12

1 Rangarira Musiki wako

pamazuva ouduku hwako,

mazuva okutambudzika asati auya,

namakore asati aswedera pauchati,

“Handioni zvinofadza maari,”

2 zuva nechiedza uye nomwedzi

nenyeredzi zvisati zvadzima,

uye makore asati adzoka mushure mokunaya kwemvura;

3 kana vatariri vemba vodedera,

navarume vakasimba vokotama,

kana vakuyi vorega nokuti vashoma,

uye vaya vanotarira napamawindo voonera madzerere;

4 kana mikova yokunzira ichinge yapfigwa

uye maungira okukuya oderera;

kana vanhu vomutswa nokuimba kweshiri

asi nziyo dzavo dzose dzisisanzwiki zvakanaka;

5 kana vanhu votya nzvimbo dzakakwirira

nenjodzi mumigwagwa;

kana muamanda wotumbuka

nemhashu yozvikwekweredza

uye kuda kwose kwapera.

Ipapo munhu anoenda kumusha wake usingaperi,

uye vanochema vachafamba-famba munzira.

6 Murangarirei, rwodzi rwesirivha rusati rwadambuka;

uye mbiya yegoridhe isati yaputswa;

chirongo chisati chapwanyika pachitubu,

uye vhiri risati raputswa patsime,

7 uye guruva risati radzokera kuvhu kwarakabva,

nomweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa.

8 Muparidzi anoti, “Hazvina maturo! Hazvina maturo!

Zvose hazvina maturo!”

Magumo eNyaya

9 Muparidzi akanga asina kuchenjera chete asi akadzidzisawo zivo kuvanhu. Akarangarira akaongorora uye akaronga zvirevo zvizhinji.

10 Muparidzi akatsvaka kuti awane mashoko akanaka chete, uye zvaakanyora zvakarurama uye ndezvechokwadi.

11 Mashoko avachenjeri akafanana nezvibayiso, mashoko avo akaunganidzwa akasimbiswa sembambo dzakarovererwa kwazvo, akapiwa noMufudzi mumwe chete.

12 Yambirwa, mwanakomana wangu, kuti pasava nechinhu chipi zvacho chichawedzerwa pazviri.

Zvokunyora mabhuku mazhinji hazvina magumo, uye kudzidza zvizhinji kunonetesa muviri.

13 Zvino zvose zvanzwikwa;

houno mugumo wenyaya yacho:

Itya Mwari uchengete mirayiro yake,

nokuti iri ndiro basa rose romunhu.

14 Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe

kusanganisira nezvakavanzika zvose,

zvakanaka kana zvakaipa.