Categories
Nehemia

Nehemia 11

Vagari veJerusarema Vatsva

1 Zvino vatungamiri vavanhu vakagara muJerusarema, uye vamwe vanhu vose vakakanda mijenya kuti vasarudze mumwe chete kubva mugumi roga roga kuti andogara muJerusarema, guta dzvene, kwozoti vapfumbamwe vanenge vasara vachizogara mumaguta avo pachavo.

2 Vanhu vakarumbidza varume vose vakanga vazvipira kugara muJerusarema.

3 Ava ndivo vakuru vamatunhu vakandogara muJerusarema (zvino vamwe vavaIsraeri, vaprista, vaRevhi, vashandi vomutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vakagara mumaguta aJudha, mumwe nomumwe panzvimbo yake mumaguta akasiyana-siyana,

4 kwozoti vamwe vanhu vaiva vokwaJudha nokwaBhenjamini vakagara muJerusarema):

Vaibva kuzvizvarwa zvaJudha vaiti:

Ataya mwanakomana waUzia, mwanakomana waZekaria, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waShefatia, mwanakomana waMaharareri, chizvarwa chaPerezi;

5 naMaaseya mwanakomana waBharuki, mwanakomana waKori-Hoze, mwanakomana waHazaya, mwanakomana waAdhaya, mwanakomana waJoyaribhi, mwanakomana waZekaria, chizvarwa chaShera.

6 Zvizvarwa zvaPerezi avo vaigara muJerusarema vaiva mazana mana namakumi matanhatu navasere vaiva varume voumhare.

7 Vaibva kuzvizvarwa zvaBhenjamini vaiti:

Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waJoedhi, mwanakomana waPedhaya, mwanakomana waKoraya, mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waItieri, mwanakomana waJeshaya,

8 nevaimutevera vaiti Gabhai naSarai, vaiva varume vanosvika mazana mapfumbamwe namakumi maviri navasere.

9 Joere mwanakomana waZikiri akanga ari mukuru wavo, uye Judha mwanakomana waHasenua, aiva pamusoro peDunhu reChipiri reguta.

10 Vaibva kuvaprista ndeava:

Jedhaya mwanakomana waJoyaribhi naJakini;

11 Seraya mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mutariri weimba yaMwari,

12 nehama dzavo, avo vakaenderera mberi nebasa retemberi, vaiva varume vana mazana masere namakumi maviri navaviri;

naAdhaya mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waPeraria, mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waZekaria, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikiya,

13 nehama dzake vaiva vakuru vedzimba, varume mazana maviri namakumi mana navaviri;

naAmashisai mwanakomana waImeri,

14 nehama dzake, vaiva varume voumhare, zana namakumi maviri navasere.

Mutariri wavo mukuru aiva Zadhidhieri mwanakomana waHagedhorimi.

15 Vaibva kuvaRevhi ndeava:

Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waBhuni;

16 Shabhetai naJozabhadhi, vari vaviri vaiva vakuru vavaRevhi, vari vatariri vamabasa okunze kweimba yaMwari;

17 Matania mwanakomana waMika, mwanakomana waZabhidhi, mwanakomana waAsafi, mukuru aitungamirira pakuvonga nokunyengetera;

Bhakubhukia, aiva wechipiri paukuru pakati pehama dzake;

naAbhudha mwanakomana waShamua, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni.

18 VaRevhi vaiva muguta dzvene vaisvika mazana maviri namakumi masere navana.

19 Vachengeti vamasuo:

Akubhi, naTarimoni nehama dzavo, ndivo vaichengeta masuo, varume vaisvika zana namakumi manomwe navaviri.

20 Vamwe vaIsraeri vose, navaprista navaRevhi, vaiva mumaguta ose eJudha, mumwe nomumwe panhaka yake.

21 Vashandi vomutemberi vaigara pamusoro pegomo reOferi, uye Ziha naGishipa ndivo vaiva vatungamiri vavo.

22 Mutariri mukuru wavaRevhi muJerusarema aiva Uzi mwanakomana waBhani, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMika. Uzi aiva mumwe wezvizvarwa zvaAsafi, vaiva vaimbi vari vabati veshumiro yeimba yaMwari.

23 Vaimbi vaiva pasi pomutemo wamambo, waivataurira zvokuita zuva nezuva.

24 Petahia mwanakomana waMeshezabheri, mumwe wezvizvarwa zvaZera mwanakomana waJudha, aiva mubati waMambo panyaya dzose dzavanhu.

25 Kana iri misha neminda yavo, vanhu vokwaJudha vakagara muKiriati Abha namaruwa akaripoteredza, muDhibhoni namaruwa aro, muJekabhizeri nemisha yaro,

26 muJeshua, muMoradha, nomuBheti Pereti,

27 nomuHazari Shuari, nomuBheerishebha namaruwa aro,

28 nomuZikiragi, nomuMekona namaruwa aro,

29 muEni Rimoni, nomuZora, nomuJarimuti,

30 Zanoa, neAdhurami nemisha yawo, muRakishi neminda yaro, nomuAzeka namaruwa aro. Naizvozvo vakanga vagere munzvimbo yose kuBheerishebha kusvikira kuMupata weHinomi.

31 Zvizvarwa zvaBhenjamini zvaibva kuGebha zvakagara muMikimashi, neAija neBheteri namaruwa acho,

32 muAnatoti, neNobhi neAnania,

33 muHazori, neRama neGitaimi,

34 muHadhidhi, Zebhoimi neNebharati,

35 muRodhi neOno, nomuMupata weMhizha.

36 Mamwe mapoka avaRevhi vokwaJudha akandogara muBhenjamini.

Categories
Nehemia

Nehemia 12

Vaprista navaRevhi

1 Zvino ava ndivo vaprista navaRevhi vakadzokera naZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri naJeshua:

Seraya, Jeremia, naEzira,

2 Amaria, Maruki, Hatushi,

3 Shekania, Rehumi, Meremoti,

4 Idho, Ginetoni, Abhija,

5 Mijamini Moadhia, Bhiriga,

6 Shemia, Joirabhi, naJedhaya.

7 Saru, Amoki, Hirikia naJedhaya.

Ava ndivo vaiva vatungamiri vavaprista pamwe chete nehama dzavo pamazuva aJeshua.

8 VaRevhi vaiti: Jeshua, Bhinui, Kadhimieri, Sherebhia, Judha, uyewo naMatania pamwe chete nehama dzake, aiva mukuru wenziyo dzokuvonga.

9 Bhakibhukia naUni, nehama dzavo, vakamira vakatarisana navo mushumiro.

10 Jeshua aiva baba vaJoyakimu,

Joyakimu aiva baba vaEriashibhi,

Eriashibhi ari baba vaJoyadha,

11 Joyadha baba vaJonatani,

uye Jonatani baba vaJadhua.

12 Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaprista, pamazuva aJoyakimu:

wokwaSeraya, aiva Meraya;

wokwaJeremia, aiva Hanania;

13 wokwaEzira, aiva Meshurami;

wokwaAmaria, aiva Jehohanani;

14 wokwaMaruki, aiva Jonatani;

wokwaShekania, aiva Josefa;

15 wokwaHarimu, aiva Adhina;

wokwaMeremoti, aiva Herikai;

16 wokwaIdho, aiva Zekaria;

wokwaGinetoni aiva Meshurami;

17 wokwaAbhija, aiva Zikiri;

wokwaMiniamini, newokwaMoadhia, aiva Piritai;

18 wokwaBhiriga aiva Shamia;

wokwaShemaya aiva Jehonatani;

19 wokwaJoyaribhi aiva Matenai;

wokwaJedhaya, aiva Uzi;

20 wokwaSaru, aiva Karai;

wokwaAmoki, aiva Ebheri;

21 wokwaHirikia, aiva Hashabhia;

wokwaJedhaya, aiva Netaneri.

22 Vakuru vedzimba dzavaRevhi mumazuva aEriashibhi, Joyadha, Johanani naJadhua, pamwe chete neavo vaiva vevaprista, vakanyorwa mazita avo pamazuva okutonga kwaDhariasi muPezhia.

23 Vakuru vedzimba pakati pezvizvarwa zvaRevhi kusvikira panguva yaJohanani mwanakomana waEriashibhi vakanyorwa mumabhuku enhoroondo.

24 Zvino vatungamiri vavaRevhi vaiva Hashabhia, Sherebhia naJeshua, mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo avo vaimira vakatarisana vachipa rumbidzo nokuvonga, uye vachiita madzoro sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari.

25 Matania Bhakibhukia, Dhadhia, Meshurami, Taramani, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova namatura.

26 Vakashumira pamazuva aJehoyakimi mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki, nomumazuva aNehemia mubati naEzira muprista nomunyori.

Kukumikidzwa kwoRusvingo rweJerusarema

27 Zvino pakukumikidzwa kworusvingo rweJerusarema, vaRevhi vakatsvakwa kwavaigara vakauyiswa kuJerusarema kuzopemberera kukumikidzwa uku nomufaro, nenziyo dzokuvonga, uye nokuimba, vachiridza makandira, mitengeranwa nembira.

28 Vaimbi vakaunganidzwa pamwe chete kubva kumatunhu akapoteredza Jerusarema, nokumisha yavaNetofati;

29 nokuBheti Girigari uye kubva munzvimbo yeGebha neAzimavheti, nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha vakapoteredza Jerusarema.

30 Zvino vaprista navaRevhi vakati vazvinatsa, vakanatsawo vanhu, mikova norusvingo.

31 Ipapo ndakakwidza vatungamiri vavaJudha pamusoro porusvingo. Ndakarayirawo mapoka makuru maviri avaimbi kuti vavonge vachifamba mumudungwe. Rimwe boka rakafamba pamusoro porusvingo kurudyi, rakananga kuMukova weNdove.

32 Hoshaya nehafu yavatungamiri vaJudha vakavatevera,

33 pamwe chete naAzaria, Ezira, Mesharami,

34 Judha, Bhenjamini, Shemaya, naJeremia,

35 pamwe chete navamwe vaprista vaiva nehwamanda, uyewo naZekaria mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi,

36 nehama dzake vanaShemaya, Azareri, Mirarai, Girarai, Maai, Nataneri, Judha naHanani nemidziyo yokuimbisa yakarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari. Ezira munyori akavatungamirira ari pamberi.

37 Vakafamba napaSuo reTsime vakarurama kumatanho eGuta raDhavhidhi napamukwidza wokurusvingo uye vakapfuura napamusoro peimba yaDhavhidhi vakananga kuSuo reMvura kumabvazuva.

38 Rimwe boka ravaivonga rakaenda kuruboshwe. Ini ndakavatevera pamwe chete nehafu yavanhu ndiri pamusoro porusvingo, ndikapfuura napashongwe yechoto kusvikira kurusvingo rwakapamhama,

39 napamusoro peSuo raEfuremu, Suo reKare, Suo reHove, Shongwe yaHananeri napaShongwe yeZana, kusvikira paSuo raMakwai. Vakamira paSuo raVarindi.

40 Naizvozvo mapoka maviri avavongi akamira muimba yaMwari, neni ndikaita saizvozvo, pamwe chete nehafu yavabati,

41 navapristawo, vanaEriakimi, Maaseya, Miniamini, Mikaya, Erioenai, Zekaria naHanania, nehwamanda dzavo,

42 uyewo Maaseya, Shemaya, Ereazari, Uzi Jehonani, Marikiya, Eramu naEzeri. Vaimbi vakaimba vachitungamirirwa naJezirahia.

43 Pazuva iro vakabayira zvibayiro zvikuru, vachifara nokuti Mwari akanga avapa mufaro mukuru. Vakadzi navana vakafarawo. Maungira omufaro waiva muJerusarema akanzwika kure kwazvo.

44 Panguva iyoyo varume vakagadzwa kuva vatariri vamatura okuvigira zvaiunganidzwa, uye zvibereko zvokutanga nezvegumi. Vaifanira kuuya nezvaibva muminda yakapoteredza maguta kumatura okuvigira migove yakatarirwa vaprista navaRevhi nomurayiro, nokuti Judha yakafadzwa navaprista navaRevhi vaishumira.

45 Vakaita shumiro yaMwari wavo neshumiro yokunatswa, pamwe chete navaimbi navachengeti vamasuo, sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi nomwanakomana wake Soromoni.

46 Nokuti kare kare, mumazuva aDhavhidhi naAsafi, kwaiva navatungamiri vavaimbi nezvenziyo dzokurumbidza nokuvonga Mwari.

47 Saka mumazuva aZerubhabheri naNehemia, vaIsraeri vose vaipa migove yezuva nezuva kuvaimbi navachengeti vamasuo. Vakatsaurawo mugove wavamwe vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurawo mugove wezvizvarwa zvaAroni.

Categories
Nehemia

Nehemia 13

Zvakashandurwa naNehemia pakupedzisira

1 Pazuva iroro Bhuku raMozisi rakaverengwa nenzwi guru vanhu vachizvinzwa uye zvakawanikwa zvakanyorwa kuti muAmoni nomuMoabhu havabvumirwi kupinda muungano yaMwari,

2 nokuti havana kundosangana navaIsraeri nezvokudya nemvura asi vakaripira Bharamu kuti avatuke. Kunyange zvakadaro, Mwari wedu, akashandura kutuka kukava ropafadzo.

3 Vanhu vakati vanzwa murayiro uyu, vakabvisa vose vakanga vari vatorwa pakuberekwa.

4 Zvino zvisati zvaitika izvi, Eriashibhi muprista akanga agadzwa kuti ave mutariri wamatura okuvigira eimba yaMwari wedu. Akanga ane ukama hwepedyo naTobhia,

5 uye akanga amugadzirira kamuri guru raimbochengeterwa zvipiriso zvezviyo nezvinonhuhwira uye midziyo yetemberi, nezvegumi zvezviyo, waini itsva namafuta akarayirwa kuti apiwe vaRevhi, vaimbi navachengeti vamasuo, uyewo nemigove yavaprista.

6 Asi pazvaiitika zvose izvi, ndakanga ndisiri muJerusarema, nokuti mugore ramakumi matatu namaviri raAtazekisesi mambo weBhabhironi ndakanga ndadzokera kuna mambo. Mushure menguva yakati kuti ndakakumbira mvumo

7 ndokudzokera kuJerusarema. Ipapo ndakanzwa pamusoro pechinhu chakaipa chakanga chaitwa naEriashibhi chokuti akagadzirira Tobhia kamuri muruvazhe rweimba yaMwari.

8 Ndakashatirwa zvikuru ndokurasira kunze kwemba, midziyo yose yaTobhia.

9 Ndakarayira kuti makamuri acheneswe, ndokubva ndadzorera imomo midziyo yose yeimba yaMwari, pamwe chete nezvipiriso zvezviyo nezvinonhuhwira.

10 Ndakaonawo kuti vaRevhi vakanga vasina kupiwa migove yavo, uye kuti vaRevhi vose navaimbi vaiva nebasa rokushumira vakanga vadzokera kuminda yavo.

11 Saka ndakatsiura vabati ndikavabvunza ndikati, “Imba yaMwari yashayirwa hanya neiko?” Ipapo ndakavaunganidza pamwe chete ndikavadzosera kunzvimbo dzavo.

12 VaJudha vose vakauya nezvegumi zvezviyo, newaini itsva namafuta vakazviisa mumatura.

13 Ndakaisa Sheremia muprista, Zadhoki munyori, nomuRevhi ainzi Pedhaya kuti vave vatariri vamatura uye ndikaita kuti Hanania, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waMatania, ave mubatsiri wavo, nokuti varume ava vakaonekwa kuti vaiva vakavimbika. Vaiva nebasa rokugovera hama dzavo migove yavo.

14 Haiwa Mwari wangu, ndirangarireiwo nokuda kwaizvozvi, uye musadzima zvandakaita nokutendeka kuimba yaMwari wangu, neshumiro yayo.

15 Mumazuva iwayo ndakaona varume muJudha vachitsika zvisviniro zvewaini nomusi weSabata vachiuya nezviyo vachizvikwidza pambongoro, pamwe chete newaini, mazambiringa, maonde namarudzi ose emitoro. Vaiuya nezvinhu zvose izvi muJerusarema nomusi weSabata. Naizvozvo ndakavayambira kuti vasatengesa zvokudya pazuva iroro.

16 Varume vaibva kuTire vaigara muJerusarema vaiuya nehove nemhando dzose dzezvokutengesa vachizvitengesa muJerusarema kuvanhu veJudha nomusi weSabata.

17 Ndakatsiura vakuru veJudha ndikati kwavari, “Chiiko ichi chinhu chakaipa chamunoita muchizvidza zuva reSabata?

18 Ko, madzitateguru enyu haana kuita zvimwe chetezvo here, zvokuti Mwari wedu akazouyisa dambudziko iri pamusoro pedu napamusoro peguta rino? Zvino muri kumutsa hasha dzakawanda pamusoro paIsraeri nokuzvidza Sabata.”

19 Zvino mimvuri yezuva rovira yakati yafukidza masuo eJerusarema, Sabata risati rasvika, ndakarayira kuti mikova ipfigwe uye kuti isazarurwa kusvikira Sabata rapfuura. Ndakaisa vamwe vavaranda vangu pamasuo kuti kurege kuva nomutoro ungauyiswa mukati nomusi weSabata.

20 Naizvozvo kamwe chete kana kaviri, vashambadziri navatengesi vemhando dzose vakarara usiku hwose kunze kweJerusarema.

21 Asi ndakavayambira ndikati, “Seiko muchirara usiku hwose parusvingo? Kana mukazviitazve, ndichakusungai.” Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi havana kuzouyazve nomusi weSabata.

22 Ipapo ndakarayira vaRevhi kuti vazvinatse uye kuti vaende kundorinda masuo kuitira kuti zuva reSabata richengetwe riri dzvene.

Haiwa Mwari wangu, ndirangarireiwo pachinhu ichi, Mwari wangu, mugoratidza tsitsi kwandiri maererano norudo rwenyu rukuru.

23 Pamusoro pezvo, mumazuva iwayo, ndakaona varume vokwaJudha vakanga vawana vakadzi vaibva kuAshidhodhi, neAmoni neMoabhu.

24 Hafu yavana vavo vaitaura mutauro wechiAshidhodhi kana mutauro mumwewo wavamwe vanhu, uye vakanga vasingazivi mutauro wechiJudha.

25 Ndakavatsiura ndikavatuka. Ndakarova vamwe varume uye ndikadzura bvudzi ravo. Ndakaita kuti vapike nezita raMwari uye ndikati kwavari, “Hamufaniri kupa vanasikana venyu kuti vawanikwe navanakomana vavo, kana kuzvitorera imi.

26 Ko, Soromoni mambo weIsraeri haana kutadza here nokuda kwavakadzi vakadai? Pakati pendudzi zhinji hapana kumbova namambo akaita saye. Aidikanwa naMwari wake, uye Mwari akamuita mambo pamusoro pavaIsraeri vose, asi kunyange zvakadaro akapinzwa muchivi navakadzi vatorwa.

27 Ko, isu zvino tingazvinzwawo here kuti nemiwo zvakare muri kuita zvinhu zvakaipa kudai uye kuti hamuna kutendeka kuna Mwari wedu, muchiwana vakadzi vatorwa?”

28 Mumwe wavanakomana vaJoyadha mwanakomana waEriashibhi muprista mukuru akanga ari mukuwasha waSanibharati muHoroni. Zvino ndakamudzingira kure neni.

29 Haiwa Mwari wangu, varangarirei nokuti vakasvibisa basa rouprista uye nesungano youprista neyavaRevhi.

30 Saka ndakanatsa vaprista navaRevhi pazvinhu zvose zvavatorwa, ndikavapa madzoro avo, mumwe nomumwe pabasa rake.

31 Ndakapawo zvipo zvehuni panguva dzakatarwa nezvezvibereko zvokutanga.

Mundirangarirewo, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka.