Categories
Numeri

Numeri 21

Aradhi rinoparadzwa

1 Mambo weAradhi muKenani aigara kuNegevhi, akati anzwa kuti vaIsraeri vakanga vachiuya nenzira inoenda kuAtarimi, akarwisa vaIsraeri akatapa vamwe vavo.

2 Ipapo vaIsraeri vakaita mhiko iyi kuna Jehovha, vakati: “Kana mukaisa vanhu ava mumaoko edu, tichaparadza maguta avo zvachose.”

3 Jehovha akateerera chikumbiro chavaIsraeri akapa vaKenani kwavari. Vakavaparadza zvachose ivo namaguta avo; naizvozvo nzvimbo iyo ikatumidzwa kunzi Homa.

Nyoka yeNdarira

4 Vakafamba vachibva nokuGomo reHori vachitevedza nzira yaienda nokuGungwa Dzvuku, kuti vapoterere Edhomu. Asi vanhu vakaora mwoyo panzira;

5 vakapopotera Mwari naMozisi, vachiti, “Makatibudisireiko muIjipiti kuti tizofira murenje? Chingwa hapana! Mvura hapana! Uye hatidi zvokudya zvokungotamburira izvi!”

6 Ipapo Jehovha akatuma nyoka dzino uturu pakati pavo, dzikaruma vanhu uye vaIsraeri vazhinji vakafa.

7 Vanhu vakauya kuna Mozisi vakati, “Takatadza, patakapopotera Jehovha nemi. Nyengeterai kuti Jehovha atibvisire nyoka idzi pakati pedu.” Saka Mozisi akanyengeterera vanhu.

8 Jehovha akati kuna Mozisi, “Gadzira nyoka ino uturu ugoiturika padanda; ani naani anorumwa, akatarira kwairi achararama.”

9 Saka Mozisi akagadzira nyoka yendarira akaiturika padanda. Ipapo vaiti kana ani naani akange arumwa nenyoka, akatarisa panyoka yendarira, airarama.

Rwendo rwokuenda kuMoabhu

10 VaIsraeri vakaramba vachifamba vakandodzika musasa paObhoti.

11 Ipapo vakasimuka kubva paObhoti vakandodzika musasa paIye Abharimi, mugwenga rakatarisana neMoabhu kwakanangana nokumabudazuva.

12 Kubva ipapo vakaenderera mberi vakandodzika musasa muMupata weZeredhi.

13 Vakasimuka vakabvapo vakandodzika musasa mujinga meAnoni, riri murenje rinosvika kunyika yavaAmori. Anoni ndiwo muganhu weMoabhu, pakati peMoabhu navaAmori.

14 Ndokusaka Bhuku reHondo dzaJehovha richiti:

“Wahebhi muSufa nehova,

Anoni

15 nemateru ehova

dzinonanga kunzvimbo yeAri

uye dzinowanikwa pamuganhu weMoabhu.”

16 Kubva ipapo vakapfuurira mberi vachienda vakasvika kuBheeri, patsime apo pakanzi naJehovha kuna Mozisi, “Unganidza vanhu pamwe chete uye ini ndichavapa mvura.”

17 Ipapo vaIsraeri vakaimba rwiyo urwu:

“Tubuka, iwe tsime!

Imbai pamusoro paro,

18 pamusoro petsime rakacherwa namachinda,

rakacherwa namakurukota avanhu,

makurukota akanga ane tsvimbo dzoushe nemidonzvo.”

Ipapo vakabva murenje vakaenda kuMatana,

19 vachibva kuMatana vakaenda kuNaharieri, vachibva kuNaharieri vakaenda kuBhamoti,

20 uye vachibva kuBhamoti vakaenda kumupata uri muMoabhu pamusoro pegomo rePisiga rinotarira pasi kurenje.

Kukundwa kwaSihoni naOgi

21 VaIsraeri vakatuma nhume kundoti kuna Sihoni mambo wavaAmori:

22 “Titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu. Hatingatsaukiri muminda yenyu kana minda yemizambiringa, kana kunwa mvura kubva patsime ripi zvaro. Tichangofamba hedu nomunzira huru yamambo kusvikira tapfuura munyika yenyu.”

23 Asi Sihoni haana kutendera vaIsraeri kupfuura nomunyika yake. Akaunganidza hondo yake yose vakafamba vachienda kurenje kundorwisa vaIsraeri. Akati asvika paJahazi, vakarwa navaIsraeri.

24 Kunyange zvakadaro, vaIsraeri vakamukunda nomunondo vakamutorera nyika yake kubva paAnoni kusvikira kuJabhoki, asi kusvikira kuvaAmoni bedzi, nokuti muganhu wavo wakanga wakasimba.

25 VaIsraeri vakatapa maguta ose avaAmori vakagaramo, pamwe chete neHeshibhoni nenzvimbo dzaro dzose dzokugara.

26 Heshibhoni rakanga riri guta raSihoni mambo wavaAmori, akanga arwa namambo akanga ari weMoabhu kare akamutorera nyika yake yose kundosvika kuAnoni.

27 Ndokusaka vadetembi vachiti:

“Uyai kuHeshibhoni uye ngarivakwezve;

guta raSihoni ngaridzorerwezve.

28 “Moto wakabuda muHeshibhoni,

iwo murazvo kubva muguta raSihoni.

Wakaparadza Ari reMoabhu,

ivo vagari vokwakakwirira kweAnoni.

29 Une nhamo, iwe Moabhu!

Maparadzwa, imi vanhu veKemoshi!

Akapa vanakomana vake savatizi

navanasikana vake senhapwa

kuna Sihoni mambo wavaAmori.

30 “Asi takavakunda;

Heshibhoni yakaparadzwa yose kusvikira kuDhibhoni.

Takavaparadza kusvikira kuNofa,

iyo inosvika kuMedhebha.”

31 Saka vaIsraeri vakagara munyika yavaAmori.

32 Shure kwokunge Mozisi atuma vasori kuJazeri, vaIsraeri vakatapa nzvimbo dzaro dzakanga dzakaripoteredza uye vakadzinga vaAmori vakanga vageremo.

33 Ipapo vakadzoka vakakwidza nenzira inoenda nokuBhashani, uye Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose akabuda kuti andosangana navo kuti arwe navo paEdhirei.

34 Jehovha akati kuna Mozisi, “Usamutya, nokuti ndamupa kwauri, nehondo yake yose uye nenyika yake. Umuitire zvawakaitira Sihoni mambo wavaAmori, uyo aitonga muHeshibhoni.”

35 Saka vakamuuraya, pamwe chete navanakomana vake nehondo yake yose, vakasiya pasina kana mupenyu. Uye vakatora nyika yake.

Categories
Numeri

Numeri 22

Bharaki anodana Bharamu

1 Ipapo vaIsraeri vakafamba vachienda kumapani eMoabhu vakadzika misasa yavo vakatevedza Jorodhani nechemhiri kweJeriko.

2 Zvino Bharaki mwanakomana waZipori akaona zvose zvakanga zvaitwa navaIsraeri kuvaAmori,

3 Moabhu akatya nokuti pakanga pane vanhu vazhinji. Zvirokwazvo, Moabhu yakazara nokudedera nokuda kwavaIsraeri.

4 VaMoabhu vakati kuvakuru veMidhiani, “Vanhu vazhinji ava vachananzva zvinhu zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva sora romusango.”

Saka Bharaki mwanakomana waZipori, uyo akanga ari Mambo weMoabhu panguva iyoyo,

5 akatuma nhume kundodana Bharamu mwanakomana waBheori, uyo akanga ari paPetori, pedyo noRwizi, munyika yaakaberekerwa. Bharaki akati:

“Vanhu vakabva kuIjipiti, vakazadza nyika yose, uye vagara pedyo neni.

6 Zvino, uya utuke vanhu ava, nokuti simba ravo iguru kwazvo kwandiri. Zvichida ipapo ndingagona kuvakunda ndikavadzinga vabude munyika ino. Nokuti ndinoziva kuti avo vaunoropafadza vanoropafadzwa, uye vaunotuka vanotukwa.”

7 Vakuru veMoabhu neveMidhiani vakabva, vakatora mari yokuripa kuvuka. Vakati vasvika kuna Bharamu vakamuudza zvakanga zvarehwa naBharaki.

8 Bharamu akati kwavari, “Chivatai pano, ndichauya nemhinduro yandichapiwa naJehovha.” Saka machinda eMoabhu akagara naye.

9 Mwari akauya kuna Bharamu akamubvunza akati, “Vanhu vaunavo ndivanaaniko?”

10 Bharamu akati kuna Mwari, “Bharaki mwanakomana waZipori, mambo weMoabhu, akanditumira nhume idzi achiti, ‘Vanhu vakabuda kubva kuIjipiti vakazadza nyika yose.

11 Zvino uya unditukire vanhu ava. Zvichida izvozvi ndingagona kurwa navo ndikavadzingira kure.’ ”

12 Asi Mwari akati kuna Bharamu, “Usaenda navo. Haufaniri kutuka vanhu avo, nokuti vakaropafadzwa.”

13 Fume mangwana, Bharamu akamuka akati kumachinda aBharaki, “Dzokerai kunyika yokwenyu, nokuti Jehovha aramba kuti ndiende nemi.”

14 Saka machinda eMoabhu akadzokera kuna Bharaki akati, “Bharamu akaramba kuuya nesu.”

15 Ipapo Bharaki akatumazve mamwe machinda, akawanda chose uye aikudzwa kupinda vokutanga.

16 Vakasvika kuna Bharamu vakati:

“Zvanzi naBharaki mwanakomana waZipori: Usatendera chimwe chinhu kukukonesa kuuya kwandiri,

17 nokuti ndichakupa mubayiro wakanaka kwazvo uye ndichaita zvose zvaunoreva. Uya unditukire vanhu ava.”

18 Asi Bharamu akavapindura akati, “Kunyange dai Bharaki akandipa muzinda wake uzere nesirivha negoridhe, handingagoni kuita chimwe chinhu chikuru kana chiduku kuti tiite zvinodarika murayiro waJehovha Mwari wangu.

19 Zvino chivatai pano manheru ano sezvakaita vamwe, ini ndichanzwa kana Jehovha ane zvimwe zvaangandiudza.”

20 Usiku ihwohwo Mwari akauya kuna Bharamu akati kwaari, “Sezvo vanhu ava vauya kuzokudana, enda hako navo, asi uite chete zvandinokuudza.”

Mbongoro yaBharamu

21 Bharamu akamuka mangwanani, akaisa chigaro pambongoro yake akaenda namachinda eMoabhu.

22 Asi Mwari akamutsamwira zvikuru paakaenda, uye mutumwa waJehovha akamira munzira kuti amukonese. Bharamu akanga akatasva mbongoro yake, uye varanda vake vaviri vaiva naye.

23 Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha amire munzira ane munondo wakavhomorwa muruoko rwake, yakabuda munzira ikapinda mumunda. Bharamu akairova kuti idzokere munzira.

24 Ipapo mutumwa waJehovha akamira pakamanikana pakati peminda miviri yemizambiringa, paiva namasvingo kumativi ose.

25 Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha, yakazvimanikidzira kurusvingo ikatsimbirira rutsoka rwaBharamu parwuri. Saka akapamhazve kuirova.

26 Ipapo mutumwa waJehovha akapfuurira mberi akandomira panzvimbo yakamanikana pakanga pasina mukana wokutendeukira kurudyi kana kuruboshwe.

27 Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha, yakavata pasi paBharamu, iye akatsamwa zvikuru akairova netsvimbo yake.

28 Ipapo Jehovha akashamisa muromo wembongoro, ikati kuna Bharamu, “Ndaiteiko kwamuri zvaita kuti mundirove katatu kose aka?”

29 Bharamu akapindura mbongoro akati, “Wandiita benzi iwe! Dai ndanga ndiine munondo muruoko rwangu ndingadai ndakuuraya izvozvi.”

30 Mbongoro yakati kuna Bharamu, “Ko, handisi mbongoro yenyu, yamunogara muchitasva kusvikira zuva rino here? Ko, ndinogara ndichikuitirai zvakadai here?”

Iye akati, “Kwete.”

31 Ipapo Jehovha akasvinudza meso aBharamu, iye akaona mutumwa waJehovha amire munzira ane munondo wake wakavhomorwa. Saka akakotama akawira pasi nechiso chake.

32 Mutumwa waJehovha akamubvunza achiti, “Warovereiko mbongoro yako rutatu rwose urwu? Ini ndauya pano kuzokudzivisa nokuti nzira yako haina kururama kwandiri.

33 Mbongoro yandiona ikatsauka ichibva pandiri katatu aka kose. Dai isina kutsauka, zvirokwazvo ndingadai ndakuuraya izvozvi, asi iyo ndairaramisa.”

34 Bharamu akati kumutumwa waJehovha, “Ndatadza. Handina kuziva kuti manga mumire munzira kuti mundidzivise. Zvino kana musingafari, ndodzokera hangu.”

35 Mutumwa waJehovha akati kuna Bharamu, “Chienda hako navarume ava, asi utaure zvandinokuudza zvoga.” Saka Bharamu akaenda namachinda aBharaki.

36 Bharaki akati anzwa kuti Bharamu akanga achiuya, akabuda kuti andosangana naye paguta ravaMoabhu pamuganhu weAnoni, kumagumo kwenyika yake.

37 Bharaki akati kuna Bharamu, “Handina kukudana nokukurumidza here? Seiko usina kuuya kwandiri? Ini handigoni kukupa mubayiro here?”

38 Bharamu akapindura akati, “Zvakanaka, zvino ndauya kwauri. Asi ndingataura zvose zvose here? Ndinofanira kungotaura chete zvinenge zvaiswa mumuromo mangu naMwari.”

39 Ipapo Bharamu akaenda naBharaki kuKiriati Huzoti.

40 Bharaki akabayira mombe namakwai, akapa zvimwe kuna Bharamu namachinda akanga anaye.

41 Fume mangwana, Bharaki akatora Bharamu akakwidza naye kuBhamoti Bhaari, uye ikoko akaona chikamu chavanhu.

Categories
Numeri

Numeri 23

Chirevo chaBharamu Chokutanga

1 Bharamu akati, “Ndivakirei aritari nomwe pano, mugondigadzirira hando nomwe namakondobwe manomwe.”

2 Bharaki akaita sezvakataurwa naBharamu, uye vose vari vaviri vakabayira hando negondobwe paaritari imwe neimwe.

3 Ipapo Bharamu akati kuna Bharaki, “Gara pano parutivi pechipiriso chako, ini ndimbotsaukira parutivi apa. Zvichida Jehovha angauya kuzosangana neni. Zvose zvaanondiratidza, ndichazokuudza.” Ipapo akabva akaenda pakakwirira, pakanga pasina chinhu.

4 Mwari akasangana naye, Bharamu akati, “Ndagadzira aritari nomwe uye paaritari imwe neimwe ndabayira hando negondobwe.”

5 Jehovha akaisa shoko mumuromo waBharamu akati, “Dzokera kuna Bharaki utaure kwaari shoko iri.”

6 Saka akadzokera kwaari akamuwana amire parutivi rwechipiriso chake, ana machinda ose eMoabhu.

7 Ipapo Bharamu akataura chirevo chake akati:

“Bharaki akanditora kubva kuAramu,

iye mambo weMoabhu kubva kumakomo okumabvazuva. Akati,

‘Uya unditukirewo Jakobho;

uya, utsoropodze Israeri.’

8 Ndingatuka seiko

avo vasina kutukwa naMwari?

Ndingatsoropodza seiko

avo vasina kutsoropodzwa naJehovha?

9 Ndiri pamusoro pamatombo, ndinovaona,

ndiri pakakwirira, ndinovaona.

Ndinoona vanhu vanogara vari voga

uye havazviverengi pakati pendudzi.

10 Ndianiko angaverenga guruva raJakobho

kana kuverenga chikamu chechina chaIsraeri?

Regai ndife rufu rwowakarurama,

uye kuguma kwangu ngakuve sokwavo!”

11 Bharaki akati kuna Bharamu, “Waiteiko kwandiri? Ndakakutora kuti uzotuka vavengi vangu, asi hauna chinhu chawaita asi kutovaropafadza!”

12 Iye akapindura akati, “Ko, handifaniri kuti nditaure zvaiswa mumuromo mangu naJehovha here?”

Chirevo chaBharamu Chechipiri

13 Ipapo Bharaki akati kwaari, “Uya uende neni kune imwe nzvimbo yaunogona kuvaona; uchangoona chikamu chavo asi kwete vose. Uye uri ipapo ugonditukira vanhu ava.”

14 Saka akamutora akaenda naye kumunda waZofimi pamusoro pePisiga, uye akavaka aritari nomwe ipapo akabayira hando negondobwe paaritari imwe neimwe.

15 Bharamu akati kuna Bharaki, “Gara pano iwe parutivi rwechipiriso chako ini ndichindosangana naye uko.”

16 Jehovha akasangana naBharamu akaisa shoko mumuromo make akati, “Dzokera kuna Bharaki undotaura mashoko aya.”

17 Saka akadzokera kwaari akamuwana amire parutivi rwechipiriso chake, ana machinda eMoabhu. Bharaki akamubvunza akati, “Jehovha ati kudiniko?”

18 Ipapo akataura chirevo chake akati:

“Simuka, Bharaki, uye uteerere;

ndinzwe, iwe mwanakomana waZipori.

19 Mwari haasi munhu, kuti angareva nhema,

uye mwanakomana womunhu kuti ashandure pfungwa dzake.

Ko, anotaura akasazviita here?

Anovimbisa akasazadzisa here?

20 Ndakagamuchira murayiro wokuti ndiropafadze;

iye aropafadza, uye ini handigoni kuzvishandura.

21 “Haana kuona chakaipa kuna Jakobho,

hapana chakashata chakaonekwa muIsraeri.

Jehovha Mwari wavo anavo;

kudanidzira kwaMambo kuri pakati pavo.

22 Mwari akavabudisa muIjipiti;

vane simba renyati.

23 Hapana unʼanga hungarwa naJakobho,

hapana kuvuka kunorwa naIsraeri.

Zvino zvichanzi pamusoro paJakobho,

napamusoro paIsraeri, ‘Tarirai zvaitwa naMwari!’

24 Vanhu vanosimuka seshumba hadzi;

vanozvisimudza seshumba

isingazorori kusvikira yadya chayauraya

uye igonwa ropa rezvayabata.”

25 Ipapo Bharaki akati kuna Bharamu, “Usatombovatuka kana kuvaropafadza napaduku!”

26 Asi Bharamu akapindura akati, “Handina kukuudza here kuti ndinofanira kuita zvose zvinotaurwa naJehovha?”

Chirevo chaBharamu Chechitatu

27 Ipapo Bharaki akati kuna Bharamu, “Uya, ndiende newe kune imwe nzvimbo. Zvimwe Mwari achafara nazvo kuti unditukire vanhu ava ikoko.”

28 Saka Bharaki akatora Bharamu akakwira naye pamusoro pePeori pakatarisana nerenje.

29 Bharamu akati, “Ndivakire aritari nomwe pano, ugogadzira hando nomwe namakondobwe manomwe.”

30 Bharaki akaita sezvakanga zvataurwa naBharamu, akabayira hando negondobwe paaritari imwe neimwe.

Categories
Numeri

Numeri 24

1 Zvino Bharamu akati aona kuti zvinofadza Jehovha kuti aropafadze Israeri, haana kuzoita zvouroyi sepane dzimwe nguva, asi akaringisa chiso chake kurenje.

2 Bharamu akati atarisa kunze akaona vaIsraeri vagere pamusasa, rudzi norudzi, Mweya waMwari wakauya pamusoro pake

3 uye akataura chirevo chake achiti:

“Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori,

chirevo chaiye ana meso anonyatsoona,

4 chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari,

anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose,

anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura.

5 “Matende ako akanaka seiko, iwe Jakobho,

nougaro hwako, iwe Israeri!

6 “Semipata, vakaita fararira,

samapindu pedyo norwizi,

segavakava rakasimwa naJehovha, s

semisidhari pedyo nemvura.

7 Mvura ichayerera ichibva muzvirongo zvavo;

mbeu dzavo dzichawana mvura yakawanda.

“Mambo wavo achava mukuru kupinda Agagi;

umambo hwavo huchasimudzirwa.

8 “Mwari akavabudisa muIjipiti;

vane simba renyati.

Vanomedza ndudzi dzine hasha

uye vanovhuna-vhuna mapfupa adzo;

Vanovabaya nemiseve yavo.

9 Seshumba vanoti vhumba vagovata pasi,

seshumbakadzi, ndianiko angashinga kuvamutsa?

“Vose vanokuropafadza, ngavaropafadzwe

uye vose vanokutuka, ngavatukwe!”

10 Ipapo kutsamwa kwaBharaki kwakapfuta pamusoro paBharamu. Akarova maoko ake pamwe chete akati kwaari, “Ndakakudanira kuzotuka vavengi vangu, asi wavaropafadza katatu kose aka.

11 Zvino chibva izvozvi uende kwako! Ndakati ndichakupa mubayiro wakaisvonaka, asi Jehovha akudzivisa kuti upiwe mubayiro.”

12 Bharamu akapindura Bharaki akati, “Ko, handina kutaurira nhume dzawakatuma kwandiri here kuti,

13 ‘Kunyange dai Bharaki andipa muzinda wake wakazara nesirivha negoridhe, handaigona kuita chinhu nokuda kwangu, chakanaka kana chakaipa, kuti ndidarike murayiro waJehovha, uye kuti ndinofanira kutaura chete zvinenge zvataurwa naJehovha here’?

14 Zvino ndava kudzokera kuvanhu vokwangu, asi uya ndikuyambire zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva anouya.”

Chirevo chaBharamu Chechina

15 Ipapo akataura chirevo chake akati:

“Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori,

chirevo chaiye anoona zvakajeka,

16 chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari,

ano ruzivo runobva kuno Wokumusoro-soro,

anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose,

anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura:

17 “Ndiri kumuoona, asi kwete iye zvino;

ndinomuona, asi haasi pedyo.

Nyeredzi ichabuda muna Jakobho;

Tsvimbo youshe ichamera kubva muna Israeri.

Achapwanya huma dzavaMoabhu,

madehenya avanakomana vose vaSeti.

18 Edhomu achakundwa;

Seiri, muvengi wake, achakundwa,

asi Israeri achasimba.

19 Mutongi achabuda muna Jakobho

uye achaparadza vakasara veguta.”

Zvirevo zvaBharamu Zvokupedzisira

20 Ipapo Bharamu akaona Amareki uye akataura chirevo chake achiti:

“Amareki akanga ari wokutanga pakati pendudzi,

asi pakupedzisira achaparadzwa.”

21 Ipapo akaona vaKeni uye akataura chirevo chake achiti:

“Ugaro hwako hwakachengetedzeka,

dendere rako rakavakwa padombo;

22 asi imi vaKeni muchaparadzwa,

Ashuri paachakutapai.”

23 Ipapo akataura chirevo chake akati:

“Haiwa, ndianiko angararama kana Mwari akaita izvi?

24 Zvikepe zvichauya zvichibva kumahombekombe eKitimu;

zvichakunda Ashuri neEbheri,

asi naizvowo zvichaparadzwa.”

25 Ipapo Bharamu akasimuka akadzokera kunyika yake, uye Bharaki akaenda kwakewo.

Categories
Numeri

Numeri 25

Moabhu anonyengera Israeri

1 Panguva yakanga igere Israeri paShitimu, varume vakatanga kuita upombwe navakadzi vokuMoabhu,

2 avo vakavakoka kuti vauye kuzvibayiro zvavamwari vavo. Vanhu vakadya, vakapfugamira vamwari ava.

3 Saka Israeri akabatana navo pakunamata Bhaari wePeori, uye kutsamwa kwaJehovha kukapfuta pamusoro pavo.

4 Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora vatungamiri vose vavanhu ava, uvauraye uvaise pachena masikati machena pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kunotyisa kwaJehovha kudzorwe kubva pana Israeri.”

5 Saka Mozisi akati kuvatongi veIsraeri, “Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuuraya varume ava vari pakati penyu, avo vakazvibatanidza pakunamata Bhaari wePeori.”

6 Ipapo mumwe murume muIsraeri akauyisa kumhuri yake mukadzi womuMidhiani pamberi paMozisi chaipo, ungano yose yaIsraeri pavakanga vachichema vari pamukova weTende Rokusangana.

7 Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista, akati achizviona, akabva paungano, akatora pfumo muruoko rwake;

8 uye akatevera muIsraeri uyo mutende. Akavabaya vose vari vaviri nepfumo kamwe chete, rikabaya muIsraeri rikapfuurira kundobaya muviri womuMidhiani. Ipapo denda rakanga riri pamusoro pavaIsraeri rakaguma;

9 asi vose vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru makumi maviri nezvina.

10 Jehovha akati kuna Mozisi,

11 “Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista adzora kutsamwa kwangu kubva pavaIsraeri; nokuti akanga ane shungu sedzangu nokuda kwokusakudzwa kwangu pakati pavo, saka handina kuzovaparadza neshungu dzangu.

12 Naizvozvo umuudze kuti ndava kuita sungano yorugare naye.

13 Iye nezvizvarwa zvake vachava nesungano youprista husingaperi, nokuti akanga ane shungu nokukudzwa kwaMwari wake, akayananisira vaIsraeri.”

14 Zita romuIsraeri akaurayiwa pamwe chete nomukadzi muMidhiani rainzi Zimuri mwanakomana waSaru, mutungamiri weimwe mhuri yaSimeoni.

15 Uye zita romukadzi muMidhiani akaurayiwa rakanga richinzi Kozibhi, mwanasikana waZuri, mukuru weimwe mhuri yavaMidhiani.

16 Jehovha akati kuna Mozisi,

17 “Muone vaMidhiani savavengi uye mugovauraya,

18 nokuti ivo vakakuonai savavengi pavakakunyengerai paPeori uye nehanzvadzi yavo Kozibhi, mwanasikana womutungamiri wavaMidhiani, iye mukadzi akaurayiwa pakauya denda nokuda kwePeori.”

Categories
Numeri

Numeri 26

Kuverengwa kwechipiri

1 Shure kwedenda Jehovha akati kuna Mozisi naEreazari mwanakomana waAroni, muprista,

2 “Verengai ungano yose yavaIsraeri nemhuri dzavo, vose vana makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo yaIsraeri.”

3 Saka Mozisi naEreazari muprista vakataura navo pamapani eMoabhu paJorodhani nechokumhiri kweJeriko vakati,

4 “Verengai varume vana makore makumi maviri kana anodarika, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.”

Ava ndivo vaIsraeri vakabuda kubva muIjipiti:

5 Zvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri zvaiva:

Hanoki, kwakabva mhuri yaHanoki;

Paru, kwakabva mhuri yaParu;

6 Hezironi, kwakabva mhuri yaHezironi;

Kami, kwakabva mhuri yaKami.

7 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaRubheni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvitatu, namazana manomwe ana makumi matatu.

8 Mwanakomana waParu akanga ari Eriabhi,

9 uye vanakomana vaEriabhi vakanga vari Nemueri, Dhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu ndivo vatungamiri veungano vaya vakamukira Mozisi naAroni uye vakanga vari pakati pavateveri vaKora pavakamukira Jehovha.

10 Nyika yakashamisa muromo wayo ikavamedza pamwe chete naKora, boka iroro parakafa, moto pawakaparadza varume mazana maviri namakumi mashanu. Uye ivo vakava chiratidzo cheyambiro.

11 Kunyange zvakadaro, rudzi rwaKora haruna kuparara.

12 Zvizvarwa zvaSimeoni nemhuri dzavo zvaiva:

Nemueri kwakabva mhuri yavaNemueri;

Jamini, kwakabva mhuri yavaJamini;

Jakini, kwakabva mhuri yavaJakini;

13 Zera, kwakabva mhuri yavaZera;

Shauri kwakabva mhuri yavaShauri.

14 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaSimeoni; pakanga pane varume zviuru makumi maviri nezviviri namazana maviri.

15 Zvizvarwa zvaGadhi nemhuri dzavo zvaiva:

Zofani, kwakabva mhuri yavaZofani;

Hagi, kwakabva mhuri yavaHagi;

Shumi, kwakabva mhuri yavaShumi;

16 Ozini, kwakabva mhuri yavaOzini;

Eri, kwakabva mhuri yavaEri;

17 Arodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi;

Areri kwakabva mhuri yavaAreri.

18 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaGadhi; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana, namazana mashanu.

19 Eri naOnani vakanga vari vanakomana vaJudha, asi vakafira muKenani.

20 Zvizvarwa zvaJudha nemhuri dzavo zvaiva:

Shera, kwakabva mhuri yavaSherani;

Perezi, kwakabva mhuri yavaPerezi;

Zera, kwakabva mhuri yavaZera;

21 Zvizvarwa zvaPerezi zvaiva:

Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi;

Hamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri.

22 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaJudha; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi manomwe nezvitanhatu, namazana mashanu.

23 Zvizvarwa zvaIsakari nemhuri dzavo zvaiva:

Tora, kwakabva mhuri yavaTora;

Pua kwakabva mhuri yavaPua;

24 Jashubhi kwakabva mhuri yavaJashubhi;

Shimironi kwakabva mhuri yavaShimironi.

25 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaIsakari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana matatu.

26 Zvizvarwa zvaZebhuruni nemhuri dzavo zvaiva:

Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi;

Eroni, kwakabva mhuri yavaEroni;

Jareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri.

27 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu, namazana mashanu.

28 Zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo kubudikidza naManase naEfuremu zvakanga zvakadai:

29 Zvizvarwa zvaManase:

Makiri kwakabva mhuri yavaMakiri (Makiri akanga ari baba vaGireadhi);

Gireadhi kwakabva mhuri yavaGireadhi.

30 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaGireadhi:

Iezeri, kwakabva mhuri yaIezeri;

Hereki, kwakabva mhuri yavaHereki;

31 Asirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri;

Shekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu;

32 Shemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha;

Heferi, kwakabva mhuri yavaHeferi.

33 (Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana; akanga achingova navanasikana bedzi, mazita avo aiva: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiriza.)

34 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaManase; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezviviri, namazana manomwe.

35 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEfuremu nemhuri dzavo:

Shutera, kwakabva mhuri yaShutera;

Bhekeri, kwakabva mhuri yaBhekeri;

Tahani, kwakabva mhuri yaTahani.

36 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaShutera:

Erani, kwakabva mhuri yaErani.

37 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaEfuremu; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matatu nezviviri, namazana mashanu.

Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo.

38 Zvizvarwa zvaBhenjamini nemhuri dzavo zvaiva:

Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera;

Ashibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri;

Ahiramu, kwakabva mhuri yaAhiramu;

39 Shufami, kwakabva mhuri yavaShufami;

Hufami, kwakabva mhuri yavaHufami.

40 Zvizvarwa zvaBhera kubudikidza naAradhi naNaamani zvaiva:

Aradhi, kwakabva mhuri yavaAradhi;

Naamani, kwakabva mhuri yavaNaamani.

41 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaBhenjamini; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu.

42 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaDhani nemhuri dzavo:

Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami.

Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaDhani:

43 Vose vakanga vari vemhuri yaShuhami; uye vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana mana.

44 Zvizvarwa zvaAsheri nemhuri dzavo zvaiva:

Imina, kwakabva mhuri yavaImina;

Ishivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi;

Bheria, kwakabva mhuri yavaBheria;

45 uye kubudikidza nezvizvarwa zvavaBheria:

Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri;

Marikieri, kwakabva mhuri yavaMarikieri.

46 Asheri akanga ane mwanasikana ainzi Sera.

47 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaAsheri; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.

48 Zvizvarwa zvaNafutari nemhuri dzavo zvaiva:

Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeeri;

Guni, kwakabva mhuri yavaGuni;

49 Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri;

Shiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi.

50 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaNafutari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana mana.

51 Uwandu hwavarume veIsraeri hwaisvika zviuru mazana matanhatu nechimwe, namazana manomwe ana makumi matatu.

52 Jehovha akati kuna Mozisi,

53 “Nyika inofanira kugoverwa kwavari senhaka zvichienderana namazita akaverengwa.

54 Kuna vaya vanenge vakawanda, unofanira kuvapa nhaka huru, vashoma unovapa nhaka duku; mhuri imwe neimwe inofanira kupiwa zvakaenzana nouwandu hwokuverengwa kwavo.

55 Unofanira kuona kuti nyika yagoverwa nemijenya. Nhaka ichagoverwa mhuri imwe neimwe ichange iri maererano namazita orudzi rwamadzitateguru avo.

56 Nhaka imwe neimwe inofanira kugoverwa nemijenya pakati pemhuri huru nemhuri duku.”

57 Ava ndivo vaRevhi vakaverengwa nemhuri dzavo:

Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni;

Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati;

Merari, kwakabva mhuri yavaMerari.

58 Ava ndivo vakanga vari mhuri dzaRevhi:

mhuri yavaRibhini,

mhuri yavaHebhuroni,

mhuri yavaMari,

mhuri yavaMushi,

mhuri yavaKora.

(Kohati akanga ari baba vaAmurami;

59 zita romukadzi waAmurami rainzi Jokebhedhi, chizvarwa chaRevhi, akaberekwa kuvaRevhi muIjipiti. Akaberekera Amurami Aroni, Mozisi nehanzvadzi yake Miriamu.

60 Aroni ndiye akanga ari baba vaNadhabhi naAbhihu, Ereazari naItamari.

61 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa pavakaita chipiriso nomoto usina kufanira pamberi paJehovha.)

62 Varume vose pakati pavaRevhi, vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa vaisvika zviuru makumi maviri nezvitatu. Havana kuverengwa pamwe chete navamwe vaIsraeri nokuti havana kupiwa nhaka pakati pavo.

63 Ava ndivo vakaverengwa naMozisi naEreazari muprista pavakaverenga vaIsraeri pamapani eMoabhu paJorodhani uchibva mhiri kuJeriko.

64 Hapana kana mumwe wavo akanga ari pakati pavaya vakaverengwa naMozisi naAroni muprista, pavakaverenga vaIsraeri murenje reSinai.

65 Nokuti Jehovha akanga audza vaIsraeri avo kuti zvirokwazvo vaizofira murenje, uye hakuna kana mumwe wavo akasara kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.

Categories
Numeri

Numeri 27

Vanasikana vaZerofehadhi

1 Vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, vakanga vari vemhuri dzaManase mwanakomana waJosefa. Mazita avanasikana akanga ari: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiza.

2 Vakasvika pamukova weTende Rokusangana vakamira pamberi paMozisi, naEreazari muprista, vatungamiri, neungano yose, vakati,

3 “Baba vedu vakafira murenje. Vakanga vasiri pakati pavateveri vaKora, avo vakabatana pamwe chete kuti vamukire Jehovha, asi vakafira chivi chavowo vakasasiya vanakomana.

4 Ko, zita rababa vedu ragoshayikwa seiko pamhuri yavo, nokuti vakanga vasina mwanakomana here? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.”

5 Saka Mozisi akasvitsa nyaya yavo pamberi paJehovha

6 Uye Jehovha akati kwaari,

7 “Zvinorehwa navanasikana vaZerofehadhi ndezvechokwadi. Zvirokwazvo unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo ugodzorera nhaka yababa vavo kwavari.

8 “Uti kuvaIsraeri, ‘Kana murume akafa akasasiya mwanakomana, munofanira kudzorera nhaka yake kumwanasikana wake.

9 Kana asina mwanasikana, mupe nhaka yake kumadzikoma ake kana vanunʼuna vake.

10 Kana asina madzikoma kana vanunʼuna, mupe nhaka yake kuvanunʼuna kana madzikoma ababa vake.

11 Kana baba vake vasina madzikoma kana vanunʼuna, mupe nhaka yake kuhama yepedyo yomumhuri yake, kuti ive yake. Uyu unofanira kuva mutemo kuvaIsraeri, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.’ ”

Joshua anotevera Mozisi pautungamiri

12 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Kwira pamusoro pegomo iri romuAbharimi ugoona nyika yandakapa vaIsraeri.

13 Mushure mokunge waona, newewo uchasanganiswa navanhu vokwako, sezvakaita Aroni mukoma wako,

14 nokuti ungano payakandimukira pamvura yomuRenje reZini, mose muri vaviri hamuna kuteerera murayiro wangu kuti mundiremekedze somutsvene pamberi pavo.” (Iyi ndiyo mvura yapaMeribha Kadheshi, muRenje reZini.)

15 Mozisi akati kuna Jehovha,

16 “Jehovha, Mwari wemweya yamarudzi ose avanhu, ngaagadze murume pamusoro peungano iyi

17 kuti abude nokupinda pamberi pavo, uyo achavabudisa nokuvapinza, kuti vanhu vaJehovha varege kuva samakwai asina mufudzi.”

18 Saka Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora Joshua mwanakomana waNuni, murume ano mweya maari, ugoisa ruoko rwako pamusoro pake.

19 Unofanira kumumisa pamberi paEreazari muprista napamberi peungano yose ugomurayira pamberi pavo.

20 Umupe rimwe simba rako kuti ungano yose yavaIsraeri igomuteerera.

21 Anofanira kumira pamberi paEreazari muprista, uyo achamubvunzira pamberi paJehovha nokutonga kweUrimi. Pakurayira kwake, vanofanira kubuda iye neungano yose yavaIsraeri uye pakurayira kwake ivo vachapinda.”

22 Mozisi akaita sezvaakarayirwa naJehovha. Akatora Joshua akamumisa pamberi paEreazari muprista napamberi peungano yose.

23 Ipapo akaisa maoko ake pamusoro pake akamurayira, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

Categories
Numeri

Numeri 28

Zvipiriso zvamazuva ose

1 Jehovha akati kuna Mozisi,

2 “Upe murayiro uyu kuvaIsraeri, uti kwavari, ‘Onai kuti maisa pamberi pangu panguva yakatarwa, zvokudya zvangu zvezvipiriso zvinoitwa nomoto, sezvinonhuhwira zvinondifadza.’

3 Uti kwavari: ‘Ichi ndicho chipiriso chakaitwa nomoto chamunofanira kupa kuna Jehovha: makwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, sechipiriso chinopiswa chamazuva ose, zuva rimwe nerimwe.

4 Ugadzire gwayana rimwe chete mangwanani uye rimwe racho panguva yamadekwana,

5 pamwe chete nechipiriso chezviyo, chegumi cheefayoupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehiniyamafuta omuorivhi akasvinwa.

6 Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chamazuva ose chakatarwa paGomo reSinai kuti chive munhuwi unonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.

7 Panobayirwa gwayana rimwe nerimwe, chipiriso chokunwa chinopiwa panguva imwe cheteyo chinofanira kuva chikamu chimwe chete muzvina chehini, chezvinonhuhwira zvakaviriswa. Udurure chipiriso chinonwiwa kuna Jehovha panzvimbo tsvene.

8 Ugadzire gwayana rechipiri panguva dzamadekwana, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa, zvakafanana nezvamangwanani. Ichi ndicho chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.

Zvipiriso zveSabata

9 “ ‘Nomusi weSabata, muite chipiriso chamakwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, pamwe chete nechipiriso chacho chokunwa, uye nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefayoupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta.

10 Ichi ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose uye nechipiriso chacho chinonwiwa.

Zvipiriso zvomwedzi nomwedzi

11 “ ‘Nomusi wokutanga womwedzi woga woga, mupe kuna Jehovha chipiriso chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara.

12 Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefayeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta;

13 uye negwayana rimwe nerimwe, chipiriso chezviyo chechegumi cheefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta. Izvi ndizvo zvinoitwa pachipiriso chinopiswa, chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.

14 Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chokunwa chehafu yehini yewaini; pamwe chete negondobwe, chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini; uye pamwe chete negwayana rimwe nerimwe, chikamu chimwe chete muzvina chehini. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chomwedzi mumwe nomumwe chinofanira kupiwa pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe pagore.

15 Pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chokunwa, nhongo imwe chete inofanira kupiwa sechipiriso chechivi kuna Jehovha.

Pasika

16 “ ‘Pazuva regumi namana romwedzi wokutanga munofanira kuita Pasika yaJehovha.

17 Pazuva regumi namana romwedzi uyu, munofanira kuita mutambo; kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.

18 Pazuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene uye murege kuita mabasa amazuva ose.

19 Mupe kuna Jehovha chipiriso chakaitwa nomoto, chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe ane gore rimwe chete, ose asina kuremara.

20 Pamwe chete nehando imwe neimwe mugadzire chipiriso chezviyo, chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi;

21 uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi;

22 uisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti iwe uzviyananisire.

23 Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa zvamangwanani zvamazuva ose.

24 Nenzira iyi mugadzire zvokudya zvezvipiriso zvinoitwa nomoto mazuva ose kwamazuva manomwe sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha; zvinofanira kugadzirwa pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa nechipiriso chacho chinonwiwa.

25 Pazuva rechinomwe muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose.

Mutambo waMavhiki

26 “ ‘Pazuva rezvibereko zvokutanga, pamunopa zvipiriso zvenyu kuna Jehovha, zvezvitsva zvezviyo panguva yoMutambo weMavhiki, muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose.

27 Mupe chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete uye makwayana manomwe makono egore rimwe chete, chive chipiriso chinofadza kuna Jehovha.

28 Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi;

29 uye nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.

30 Muisewo nhongo imwe chete kuti muzviyananisire.

31 Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvazvo zvokunwa, pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvamazuva ose uye nechipiriso chacho chezviyo. Munofanira kuva nechokwadi kuti zvipfuwo zvacho hazvina kuremara.

Categories
Numeri

Numeri 29

Mutambo weHwamanda

1 “ ‘Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye murege kubata basa ramazuva ose. Izuva rokuti muridze hwamanda.

2 Munofanira kugadzirira Jehovha chipiriso chinopiswa chehando imwe chete duku, gondobwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara, zvive zvinonhuhwira zvinofadza pamberi paJehovha.

3 Mugadzire pamwe chete nehando duku chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefayeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa pamwe chete namafuta, negondobwe, zvikamu zviviri mugumi;

4 pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.

5 Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti muzviyananisire.

6 Izvi zviri kupamhidzirwa pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvomwedzi nomwedzi, nezvezuva nezuva uye nezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa sokurongwa kwazvo. Ndizvo zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, zvinonhuhwira zvinofadza.

Zuva Rokuyananisira

7 “ ‘Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kuita ungano tsvene. Munofanira kuzviramba uye murege kubata basa.

8 Mupe chibayiro chinopiswa chehando duku yegore rimwe chete kuna Jehovha sezvinonhuhwira zvinofadza: hando imwe chete negondobwe rimwe chete uye namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvisina kuremara.

9 Mugadzire pamwe chete nehando, chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi;

10 uye parimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.

11 Muisewo nhongo yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chechivi chokuyananisira uye nechibayiro chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa.

Mutambo waMatumba

12 “ ‘Pazuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye musaita basa ramazuva ose. Muite mutambo wokupemberera Jehovha kwamazuva manomwe.

13 Muuye nechibayiro chinopiswa kuti chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando duku gumi nenhatu, makondobwe maviri namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, ose asina kuremara.

14 Mugadzire chipiriso chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta pamwe chete neimwe neimwe yehando duku gumi nenhatu; pamwe chete nerimwe nerimwe ramakondobwe maviri, zvikamu zviviri mugumi,

15 uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana gumi namana, chikamu chimwe chete mugumi.

16 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, pamusoro pechipiriso chinopiswa nechipiriso chacho chezviyo nechipiriso chokunwa.

17 “ ‘Pazuva rechipiri mugadzire hando duku gumi nembiri, makondobwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe, zvose zvisina kuremara.

18 Mugadzire nehando, namakondobwe uye namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa maererano nouwandu hwakarayirwa.

19 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa.

20 “ ‘Pazuva rechitatu, mugadzire hando gumi neimwe, makondobwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.

21 Mugadzire pamwe chete nehando, makondobwe, uye namakwayana, zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.

22 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.

23 “ ‘Pazuva rechina, mugadzire hando gumi, makondobwe uye makwayana gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.

24 Pamwe chete nehando, namakondobwe, namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.

25 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nechipiriso chokunwa.

26 “ ‘Pazuva rechishanu, mugadzire hando pfumbamwe, makondobwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.

27 Pamwe chete nehando, makondobwe namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.

28 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.

29 “ ‘Pazuva rechitanhatu, mugadzire hando sere, makondobwe maviri uye makwayana makono egore rimwe chete, gumi namana, zvose zvisina kuremara.

30 Pamwe chete nehando, namakondobwe uye namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.

31 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.

32 “ ‘Pazuva rechinomwe, mugadzire hando nomwe, makondobwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.

33 Pamwe chete nehando, makondobwe namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.

34 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye chipiriso chokunwa.

35 “ ‘Pazuva rorusere, unganai uye murege kuita basa ramazuva ose.

36 Mupe chibayiro chinopiswa nomoto chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando imwe chete, gondobwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.

37 Mugadzire hando, gondobwe namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa, maererano nouwandu hwakarayirwa.

38 Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.

39 “ ‘Kupamhidzira pamusoro pezvamakapika uye zvipo zvokupa nokuzvisarudzira, mugadzirire Jehovha izvi pamitambo yenyu yakatarwa: zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, zvipiriso zvokunwa uye nezvipiriso zvokuwadzana.’ ”

40 Mozisi akataurira vaIsraeri zvose zvaakarayirwa naJehovha.

Categories
Numeri

Numeri 30

Mhiko

1 Mozisi akati kuvakuru vamarudzi avaIsraeri, “Izvi ndizvo zvarayirwa naJehovha:

2 Kana munhu akaita mhiko kuna Jehovha kana kuzvisunga nokupika, haafaniri kuputsa shoko rake asi anofanira kuita zvose zvaakareva.

3 “Kana musikana achiri kugara mumba mababa vake akaita mhiko kuna Jehovha kana kuti akazvisunga nokupika,

4 uye baba vake vakanzwa pamusoro pezvaapika, vakasataura chinhu kwaari, ipapo zvose zvaapika uye nezvose zvaazvisunga kupika zvichasimbiswa.

5 Asi kana baba vake vakamudzivisa pavanonzwa nezvazvo, zvaapika zvose nezvaazvisunga nazvo achipika hazvingavi nesimba; Jehovha achamusunungura nokuti baba vake vamudzivisa.

6 “Kana akawanikwa mushure mokunge aita mhiko, kana mushure mokunge muromo wake wakurumidza kutaura achivimbisa nokuzvisunga,

7 uye murume wake akazvinzwa asi akasataura chinhu kwaari, ipapo mhiko dzake kana zvaakazvisunga nazvo zvichasimbiswa.

8 Asi kana murume wake amudzivisa paanenge anzwa nezvazvo, anokonesa mhiko iya inomusunga, kana vimbiso yaangazvisunga nayo, uye ipapo Jehovha achamusunungura.

9 “Mhiko ipi zvayo kana chisungo chaitwa nechirikadzi kana mukadzi akarambwa chichava nesimba kwaari.

10 “Kana mukadzi agere nomurume wake akaita mhiko kana kuti akazvisunga nemhiko

11 uye murume wake akanzwa nezvazvo asi akasataura chinhu kwaari uye asingamudzivisi, ipapo mhiko dzake kana zvaakazvisunga pakupika zvichava nesimba.

12 Asi kana murume wake akazvikonesa paanenge anzwa nezvazvo, ipapo hapana chaakapika kana zvaakazvisunga nazvo nemhiko nezvaakataura nomuromo wake zvichava nesimba. Murume wake azvikonesa, uye Jehovha achamusunungura.

13 Murume wake anogona kutsigira kana kukonesa mhiko ipi zvayo yaanopika kuti azvininipise nayo.

14 Asi kana murume wake akashaya chaanotaura kwaari zuva nezuva, ipapo ari kusimbisa mhiko dzake uye zvaakapika zvinomusunga. Anozvisimbisa nokusataura kwake chinhu kwaari paanenge anzwa nezvazvo.

15 Kana zvakadaro, akazozvikonesa pane dzimwe nguva, mushure mokunge azvinzwa, ipapo iye achatakura mhosva yomukadzi wake.”

16 Iyi ndiyo mitemo yakapiwa Mozisi naJehovha pamusoro poukama pakati pomurume nomukadzi wake, uye pakati pababa nomwanasikana wavo muduku agere mumba mavo.