Categories
Ruka

Ruka 21

Chipo cheChirikadzi

1 Akati achitarira, Jesu akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chepfuma chomutemberi.

2 Akaonawo chirikadzi murombo ichiisa tumari tuviri tuduku twendarira.

3 Akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi murombo yaisa mari zhinji kupfuura vamwe vose.

4 Vanhu vose ava vapa zvipo zvavo zvichibva papfuma yavo zhinji; asi uyu, nourombo hwake aisa zvose zvaanga achararama nazvo.”

Zviratidzo zvaMazuva Okupedzisira

5 Vamwe vadzidzi vake vakanga vachitaura pamusoro pamashongedzerwo akanga akaitwa temberi namatombo akanaka uye nezvipo zvakanga zvakumikidzwa kuna Mwari. Asi Jesu akati,

6 “Zvamuoona pano izvi, nguva ichasvika yokuti ibwe rimwe haringaregwi riri pamusoro perimwe; rimwe nerimwe rawo richakandwa pasi.”

7 Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, zvinhu izvi zvichaitika rinhiko? Uye chiratidzo chichava chipi chokuti izvozvo zvava kuzoitika?”

8 Akapindura akati, “Chenjererai kuti murege kunyengerwa. Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti ivo, ‘Ndini iye,’ uye ‘Nguva yava pedyo.’ Musavatevera.

9 Kana mukanzwa zvehondo uye nokumukirana, musavhundutswa. Zvinhu izvozvi zvinofanira kutanga kuitika, asi kuguma hakuzosviki pakarepo.”

10 Ipapo akati kwavari, “Rudzi ruchamukira rudzi, uye umambo huchamukira humwe umambo.

11 Kuchava nokudengenyeka kwenyika kukuru, nzara nehosha kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye zvinhu zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvinobva kudenga.

12 “Asi izvi zvose zvisati zvaitika, vachakubatai vagokutambudzai. Vachakuisai kumasinagoge nokumatorongo uye muchamiswa pamberi pamadzimambo navabati, uye zvose nokuda kwezita rangu.

13 Izvi zvichaita kuti imi muve zvapupu kwavari.

14 Asi shingai mundangariro dzenyu, musatanga kufunganya kuti muchazvidzivirira sei.

15 Nokuti ndichakupai mashoko nouchenjeri zvokuti hakuna munhu pavavengi venyu achagona kuzviramba kana kuzvipikisa.

16 Muchapandukirwa kunyange navabereki venyu, vanunʼuna, hama neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.

17 Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu.

18 Asi hapana bvudzi romusoro wenyu richaparara.

19 Nokutsungirira kwenyu, muchawana upenyu.

20 “Pamunoona Jerusarema rakombwa nehondo, muchaziva kuti kuparadzwa kwaro kwava pedyo.

21 Ipapo vaya vari muJudhea ngavatizire kumakomo, vari muguta ngavabude, uye vari muruwa ngavarege kupinda muguta.

22 Nokuti iyi ndiyo nguva yokurangwa kuti zvose zvakanyorwa zvizadziswe.

23 Haiwa, zvichatyisa seiko mumazuva iwayo kumadzimai ane mimba navanoyamwisa! Kuchava nenhamo huru munyika nokutsamwa pamusoro porudzi urwu.

24 Vachaurayiwa nomunondo uye vachaitwa vasungwa kundudzi dzose. Jerusarema richatsikwa neveDzimwe Ndudzi kusvikira nguva dzeveDzimwe Ndudzi dzazadziswa.

25 “Kuchava nezviratidzo pazuva, pamwedzi napanyeredzi. Panyika, ndudzi dzichatambudzika uye dzichakanganiswa nokutinhira uye namasaisai egungwa.

26 Vanhu vachapera simba nokutya, nokutarisira zvichawira nyika, nokuti masimba okumatenga achazungunuswa.

27 Panguva iyo vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya mugore nesimba nokubwinya kukuru.

28 Panotanga kuitika zvinhu izvi, mumire mugosimudza misoro yenyu, nokuti dzikinuro yenyu yoswedera.”

29 Akavaudza mufananidzo uyu akati, “Tarirai muti womuonde nemiti yose.

30 Painenge ichitungira mashizha, munogona kuona pachenyu nokuziva kuti zhizha rava pedyo.

31 Nokudarowo, pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, muzive kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.

32 “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu izvi zvaitika.

33 Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.

34 “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa, kudhakwa nokufunganya kwoupenyu, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva musina kuzvitarisira.

35 Nokuti richasvika pamusoro pavose vagere pamusoro penyika yose.

36 Garai makagadzirira, uye munyengetere kuti mugogona kupunyuka pazvose izvo zvava kuda kuitika, uye kuti mugogona kumira pamberi poMwanakomana woMunhu.”

37 Zuva rimwe nerimwe Jesu aidzidzisa patemberi, uye madekwana oga oga achindopedza usiku hwose ari muGomo reMiorivhi,

38 uye vanhu vose vaiuya patemberi mangwanani-ngwanani kuti vazomunzwa.

Categories
Ruka

Ruka 22

Judhasi anopandukira Jesu

1 Zvino Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, unonzi Pasika, wakanga woswedera,

2 uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yavangabata nayo Jesu, nokuti vakanga vachitya vanhu.

3 Ipapo Satani akapinda muna Judhasi, ainzi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri.

4 Uye Judhasi akaenda kuvaprista vakuru navakuru vavarindi vetemberi akandorangana navo kuti angapandukira Jesu sei.

5 Vakafara uye vakatenderana kuti vaizomupa mari.

6 Akatenda, akatsvaka mukana wokuti aise Jesu kwavari pasina vanhu vazhinji.

Chirariro Chokupedzisira

7 Ipapo zuva reZvingwa Zvisina Mbiriso rakasvika, iro raifanira kubayirwa gwayana rePasika.

8 Jesu akatuma Petro naJohani, achiti, “Endai munotigadzirira Pasika tidye.”

9 Vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko?”

10 Iye akapindura akati, “Pamunopinda muguta, muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere iyeye kuimba yaanosvikopinda,

11 mugoti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ari kubvunza kuti: Imba yavaeni iripiko, umo mandingadyira Pasika navadzidzi vangu?’

12 Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakarongedzwa zvose. Mugadzire imomo.”

13 Vakaenda vakandowana zvinhu zvakangoita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika imomo.

14 Nguva yakati yasvika, Jesu navapostori vake vakagara patafura.

15 Uye akati kwavari, “Ndanga ndichidisa kwazvo kuti ndidye Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika.

16 Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyizve kusvikira yazadzisika muumambo hwaMwari.”

17 Akati atora mukombe, akavonga akati, “Torai mukombe uyu mugovane pakati penyu.

18 Nokuti ndinoti kwamuri, handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.”

19 Uye akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akavapa, achiti, “Uyu ndiwo muviri wangu wakapiwa kwamuri; itai izvi muchindirangarira.”

20 Saizvozvo, vakati vapedza chirariro akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu, rinodururirwa imi.

21 Asi ruoko rwaiye achandipandukira runeni patafura.

22 Mwanakomana woMunhu achaenda sezvazvakatemwa, asi ane nhamo munhu uyo anomupandukira.”

23 Vakatanga kubvunzana pakati pavo kuti angava ani pakati pavo aizoita chinhu ichi.

24 Uyewo nharo dzakamuka pakati pavo dzokuti ndiani wavo aifungidzirwa kuti angava mukuru wavose.

25 Jesu akati kwavari, “Madzimambo evedzimwe ndudzi ane simba pamusoro pavo; uye vaya vanobata nesimba pamusoro pavo vanozviti vabatsiri.

26 Asi imi hamufaniri kuita saizvozvo. Asi, mukuru pakati penyu mose anofanira kuva somuduku kuna vose, uye uyo anotonga ngaaite souya anoshanda.

27 Nokuti ndianiko mukuru kuno mumwe, uyo agere patafura kana kuti uya anoshanda? Ko, haazi iye agere patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu saiye anoshanda.

28 Imi ndimi vaya vakamira neni pamiedzo yangu.

29 Uye ndinokupai umambo, sababa vangu vakandipa umambo,

30 kuitira kuti mugodya nokunwa patafura yangu muumambo hwangu, mugogara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi gumi navaviri avaIsraeri.

31 “Simoni, Simoni, Satani akumbira kuti akuzungure segorosi.

32 Asi ndakunyengeterera, Simoni, kuti kutenda kwako kurege kupera. Uye paunenge watendeuka, usimbise hama dzako.”

33 Asi iye akapindura akati, “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mutorongo uye kufa nemi.”

34 Jesu akapindura akati, “Petro, ndinoti kwauri, jongwe risati rarira nhasi, ucharamba iwe katatu, kuti unondiziva.”

35 Ipapo Jesu akabvunza akati, “Pandakakutumai musina chikwama, hombodo kana shangu pane chinhu chamakashayiwa here?”

Ivo vakati, “Hapana.”

36 Akati kwavari, “Asi iye zvino kana une chikwama, chitore, uyewo nehombodo; uye kana usina munondo, tengesa nguo yako ugoutenga.

37 Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Akaverengwa pamwe chete navadariki’ uye ndinoti kwamuri, izvi zvinofanira kuzadziswa mandiri. Hongu, zvakanyorwa pamusoro pangu zvava kusvika pakuzadziswa.”

38 Vadzidzi vakati, “Tarirai, Ishe, heyi minondo miviri.”

Akapindura akati, “Zvaringana.”

Jesu Anonyengetera paGomo reMiorivhi

39 Jesu akabuda sezvaaisiita mazuva ose akaenda kuGomo reMiorivhi, uye vadzidzi vake vakamutevera.

40 Akati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari, “Nyengeterai kuti murege kupinda mukuedzwa.”

41 Akabva pavari akaenda mberi kwavo chinhambwe chingasvika dombo rapotserwa, akapfugama ndokunyengetera achiti,

42 “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu pandiri; asi ngakurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu kuitwe.”

43 Mutumwa akabva kudenga akazviratidza kwaari uye akamusimbisa.

44 Uye ari pakutambudzika, akanyengetera zvikuru, uye ziya rake rakanga rakaita samadonhwe eropa anodonhera pasi.

45 Akati achisimuka kubva pakunyengetera, akadzokera kuvadzidzi, akasvikovawana vavata, vaneteswa nokusuwa.

46 Akasvikovabvunza achiti, “Seiko mavata? Mukai munyengetere kuti murege kuwira mukuedzwa.”

Kusungwa kwaJesu

47 Achiri kutaura, vanhu vazhinji vakasvika, uye uya ainzi Judhasi, mumwe wavane Gumi naVaviri, akanga achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu kuti amutsvode,

48 asi Jesu akamubvunza akati, “Judhasi, uri kupandukira Mwanakomana woMunhu nokutsvoda here?”

49 Vateveri vaJesu vakati vaona zvakanga zvoda kuitika vakati, “Ishe, tivabaye neminondo yedu here?”

50 Uye mumwe wavo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi.

51 Asi Jesu akapindura achiti, “Zvaringana!” Uye akabata nzeve yomurume uya akamuporesa.

52 Ipapo Jesu akati kuvaprista vakuru navabati vaichengeta temberi, navakuru vakanga vamuvinga, “Ko, ini ndiri mupanduki mukuru here, zvamauya neminondo netsvimbo?

53 Mazuva ose ndakanga ndinemi mutemberi, uye hamuna kundibata. Asi ino ndiyo nguva yenyu, yokutonga kwerima.”

Petro anoramba Jesu

54 Ipapo vakamubata, vakaenda naye vakandomuisa mumba momuprista mukuru. Petro akamutevera ari nechokure.

55 Asi vakati vabatidza moto pakati poruvazhe uye vagara pasi pamwe chete, Petro akagara pakati pavo.

56 Musikana akanga ari mushandi akamuona agerepo muchiedza chomoto. Akamunanʼanidza akati, “Murume uyu aivawo naJesu.”

57 Asi iye akaramba izvozvo akati, “Iwe mukadzi, handimuzivi ini.”

58 Kwapera chinguvana, mumwezve akamuona akati, “Newewo uri mumwe wavo.”

Petro akapindura akati, “Iwe murume, handizi!”

59 Shure kweawa imwe chete mumwezve akauya akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga anaye, nokuti muGarirea.”

60 Petro akapindura akati, “Iwe murume, handitombozivi zvauri kutaura nezvazvo!” Achiri kutaura, jongwe rakabva rarira.

61 Ishe akatendeuka akatarisa akanyatsonanga Petro. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa kwaari naShe rokuti, “Nhasi jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”

62 Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.

Varindi vanoseka Jesu

63 Varume vakanga vachirinda Jesu vakatanga kumuseka uye vakamurova.

64 Vakamusunga kumeso vakati, “Profita! Ndiani akurova?”

65 uye vakataura zvimwe zvinhu zvizhinji kwaari vachimutuka.

Jesu pamberi paPirato naHerodhi

66 Kuzoti kwaedza, dare ravakuru vavanhu, vose vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, vakasangana pamwe chete, Jesu akamiswa pamberi pavo.

67 Vakati, “Kana uri Kristu, tiudze.”

Jesu akapindura akati, “Kana ndikakuudzai, hamunganditendi,

68 uye kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri.

69 Asi kubva zvino, Mwanakomana woMunhu achagara kuruoko rworudyi rwaMwari ane simba.”

70 Vose vakabvunza vachiti, “Ko, zvino iwe ndiwe Mwanakomana waMwari here?”

Iye akapindura akati, “Mareva zvakanaka, zvamati ndini iye.”

71 Ipapo vakati, “Tichadazve humwe uchapupu here? Tazvinzwa zvabva mumuromo make.”

Categories
Ruka

Ruka 23

1 Ipapo ungano yose yakasimuka ikaenda naye kuna Pirato.

2 Uye vakatanga kumupomera mhosva, vachiti, “Takawana murume uyu achitsausa rudzi rwedu. Haabvumirani nokuripa mutero kuna Kesari uye anozviti ndiye Kristu, mambo.”

3 Saka Pirato akabvunza Jesu achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”

Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamareva.”

4 Ipapo Pirato akati kuvaprista vakuru navanhu vazhinji, “Handiwani hwaro hwemhosva inopomerwa murume uyu.”

5 Asi ivo vakaramba vachiti, “Anomutsa vanhu nedzidziso yake muJudhea rose. Akatanga kuGarirea uye atosvika kwose kuno uku.”

6 Anzwa izvi, Pirato akabvunza kuti murume uyu akanga ari muGarirea here.

7 Akati anzwa kuti Jesu akanga ari pasi poutongi hwaHerodhi, akabva amutumira kuna Herodhi, uyo aivawo muJerusarema panguva iyoyo.

8 Herodhi akati achiona Jesu, akafara zvikuru, nokuti akanga achishuva kumuona kwenguva refu. Kubva pane zvaakanga ambonzwa nezvake, ainge achitarisira kuti amuone achiita zvishamiso.

9 Akamubvunza mibvunzo mizhinji, asi Jesu haana kumupindura.

10 Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vamire ipapo, vachinyanya kumupomera mhosva.

11 Ipapo Herodhi navarwi vake vakamuzvidza uye vakamuseka. Vakamupfekedza nguo youmambo, vakamudzosera kuna Pirato.

12 Musi uyo, Herodhi naPirato vakava shamwari, kare kwavo, vakanga vachimbovengana.

13 Pirato akaunganidza vaprista vakuru, vatongi, navanhu,

14 akati kwavari, “Mauyisa munhu uyu kwandiri somunhu anomutsa vanhu kuti vamukire hurumende. Ndanyatsomuongorora pamberi penyu uye ndashaya hwaro hwemhosva yamunomupomera.

15 Kunyange naHerodhi, nokuti amudzosa kwatiri; sezvamunoona, haana kuita chinhu chingafanira kutongerwa rufu.

16 Naizvozvo, ndichamurova ndigomuregedza.”

17 (Nokuti aifanira kuvasunungurira mumwe munhu pamutambo.)

18 Vose pamwe chete vakadanidzira vachiti, “Murume uyu ngaafe! Tisunungurirei Bharabhasi!”

19 (Bharabhasi akanga aiswa mujeri nokuda kwebope raakanga amutsa muguta, uye nemhaka yokuuraya.)

20 Sezvaakanga achida kusunungura Jesu, Pirato akataurazve navo.

21 Asi ivo vakaramba vachidanidzira vachiti, “Murovererei! Murovererei!”

22 Akati kwavari kechitatu, “Sei? Murume uyu atadzeiko? Handina kuwana mhosva paari yokuti atongerwe rufu. Naizvozvo, ndichaita kuti arohwe ndigomusunungura.”

23 Asi vakaramba vachidanidzira nenzwi guru vachiti aifanira kurovererwa pamuchinjikwa, uye kudanidzira kwavo kukakunda.

24 Saka Pirato akatonga kuti zvavakakumbira zviitwe.

25 Akasunungura murume akanga aiswa mujeri nokuda kwebope uye nokuuraya, uyo wavakanga vakumbira, ndokubva avapa Jesu kuti vaite zvavanoda naye.

Kurovererwa kwaJesu

26 Vakati voenda naye, vakabata murume ainzi Simoni weKurini, uyo akanga achibva muruwa, vakamutakudza muchinjikwa ari mushure maJesu.

27 Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera, pamwe chete navakadzi vakanga vachichema uye vachiungudza.

28 Jesu akatendeuka akati kwavari, “Vanasikana veJerusarema, musandichema ini; zvichemei imi navana venyu.

29 Nokuti nguva ichasvika iyo yamuchati, ‘Vakaropafadzwa vakadzi vasingabereki, izvo zvizvaro zvisina kumbobereka, namazamu asina kumboyamwisa!’

30 Ipapo

“vachati kumakomo, ‘Wirai pamusoro pedu!’

nokuzvikomo, ‘Tifukidzei!’

31 Nokuti kana vanhu vachiita zvinhu izvi pamuti munyoro, chiiko chichaitika kune wakaoma?”

32 Vamwezve varume vaviri, vose vakanga vari mbavha, vakatorwawo pamwe chete naye kuti vandourayiwa.

33 Vakati vasvika panzvimbo yainzi Dehenya, vakamuroverera ipapo, pamwe chete nembavha, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe rwake.

34 Jesu akati, “Baba, varegererei, nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakagovana nguo dzake vachikanda mijenya.

35 Vanhu vakamira vakatarira, uye kunyange vatongi vakamuseka. Vakati, “Akaponesa vamwe; ngaazviponese iye pachake kana ari Kristu waMwari, iye Musanangurwa.”

36 Varwi vakasvikawo vakamuseka. Vakamupa waini yevhiniga

37 vakati, “Kana uri mambo wavaJudha, chizviponesa.”

38 Pamusoro pake pakanga pane chiziviso chakanga chakanyorwa kuti:uyu ndiye mambo wavajudha.

39 Mumwe wembavha dzakanga dzakarembera pamwe chete naye akamutuka achiti, “Ko, ndiwe Kristu here? Zviponese ugoponesa nesuwo!”

40 Asi imwe mbavha yakamutsiura ikati, “Hautyi Mwari here iwe, sezvo uri pakutongwa kumwe cheteko?

41 Isu tiri kutongwa zvakarurama, nokuti tiri kupiwa zvakafanira mabasa edu. Asi munhu uyu haana chakaipa chaakaita.”

42 Ipapo akati, “Jesu, mundirangarirewo pamunenge masvika muumambo hwenyu.”

43 Jesu akamupindura akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, nhasi uchava neni muparadhiso.”

Kufa kwaJesu

44 Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu, rima rikava pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe,

45 nokuti zuva rakamira kuvhenekera. Uye chidzitiro chetemberi chakabvarurwa napakati.

46 Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Akati ataura izvi, akabudisa mweya wake.

47 Mukuru wezana, akati achiona zvakanga zvaitika, akarumbidza Mwari achiti, “Zvirokwazvo uyu anga ari munhu akarurama.”

48 Vanhu vose vakanga vakaungana kuzopupura chiitiko ichi, vakaona zvakanga zvaitika, vakazvirova zvipfuva zvavo uye vakaenda.

49 Asi vakanga vachimuziva, pamwe chete navakadzi vakanga vamutevera vachibva kuGarirea, vakamira nechokure, vakatarisa zvinhu zvose izvi.

Kuvigwa kwaJesu

50 Zvino kwakanga kuno mumwe murume ainzi Josefa, nhengo yedare ramakurukota, munhu akanga akanaka uye akarurama,

51 uyo akanga asina kubvumirana navo pakuronga kwavo uye nokuita kwavo. Aibva kuguta ravaJudha reArimatea uye akanga akamirira umambo hwaMwari.

52 Asvika kuna Pirato, akakumbira mutumbi waJesu.

53 Ipapo akauburutsa, akauputira nomucheka akauisa muguva rakanga racherwa paruware, rakanga risina kumbovigwa munhu.

54 Rakanga riri zuva rokugadzirira, uye Sabata rakanga rava kuda kutanga.

55 Vakadzi vaya vakanga vauya naJesu vachibva kuGarirea vakatevera Josefa vakaona guva uye kuti mutumbi wake wakanga waradzikwa sei mariri.

56 Ipapo vakaenda kumba vakandogadzira zvinonhuhwira namafuta anonhuhwira. Asi vakazorora nomusi weSabata vachiteerera murayiro.

Categories
Ruka

Ruka 24

Kumuka kwaJesu

1 Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakadzi vaya vakatora zvinonhuhwira zvavakanga vagadzira vakaenda kuguva.

2 Vakawana ibwe rakungurutswa kubva paguva,

3 asi vakati vapinda, vakashayiwa mutumbi waIshe Jesu.

4 Pavakanga vachiri kushamisika nazvo, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena dzaipenya semheni vakamira parutivi pavo.

5 Mukutya kwavo, vakadzi vaya vakakotamisa pasi zviso zvavo, asi varume ava vakati kwavari, “Seiko muchitsvaka mupenyu pakati pavakafa?

6 Haapo pano; amuka! Rangarirai zvaakakuudzai, paakanga achinemi muGarirea kuti:

7 ‘Mwanakomana woMunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi, arovererwe pamuchinjikwa agomukazve pazuva rechitatu.’ ”

8 Ipapo vakarangarira mashoko ake.

9 Vakati vadzoka kubva kuguva, vakataurira vane gumi nomumwe zvinhu zvose izvi, uye nokuna vamwe vose.

10 VanaMaria Magadharena, naJohana, Maria mai vaJakobho, uye navamwe vavaiva navo ndivo vakandoudza vapostori izvozvo.

11 Asi havana kutenda vakadzi ava, nokuti mashoko avo ainge upenzi kwavari.

12 Zvisinei hazvo, Petro, akasimuka, akamhanyira kuguva. Akakotama, akaona micheka iri yoga, ndokubva adzokera kumba, achishamisika mumwoyo make nezvakanga zvaitika.

Jesu Anosangana naVadzidzi muNzira inoenda kuEmausi

13 Zvino musi mumwe chete iwoyo, varume vaviri vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, makiromita anenge gumi nerimwe chete kubva kuJerusarema.

14 Vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika.

15 Vachiri kutaura nokukurukurirana pamusoro pezvinhu izvi, Jesu pachake akabva asvika uye akafamba navo;

16 asi meso avo akabatwa zvokuti havana kumuziva.

17 Akavabvunza akati, “Muri kukurukurirana pamusoro peiko, zvamuri kufamba kudai?”

Vakamira vakanyarara, zviso zvavo zvakasuwa.

18 Mumwe wavo ainzi Kiropasi, akati kwaari, “Ndiwe woga mushanyi muJerusarema asingazivi zvinhu zvakaitikamo mumazuva ano aya here?”

19 Jesu akati, “Zveiko?”

Vakapindura vachiti, “ZvaJesu weNazareta. Aiva muprofita, aiva nesimba mushoko napamabasa pamberi paMwari uye nokuvanhu vose.

20 Vaprista vakuru navatongi vedu vakamuendesa kuti andotongerwa rufu, saka vakamuroverera pamuchinjikwa;

21 asi isu takanga tichitarisira kuti ndiye akanga achizodzikinura vaIsraeri. Pamusoro paizvozvo, ratova zuva rechitatu kubvira pazvakaitika.

22 Uyezve vamwe vakadzi vokwedu vatishamisa. Vaenda kuguva nhasi mambakwedza

23 asi havana kuwana mutumbi wake urimo. Vauya vakatiudza kuti vaona chiratidzo chavatumwa, avo vati iye mupenyu.

24 Ipapo dzimwe shamwari dzedu dzaenda kuguva dzikawana zviri izvo chaizvo zvanga zvataurwa navakadzi vaya, asi iye havana kumuona.”

25 Iye akati kwavari, “Haiwa imi vokusanzwisisa, uye vane mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaprofita!

26 Ko, Kristu akanga asingafaniri kutambudzika pazvinhu izvi agozopinda mukubwinya kwake here?”

27 Ipapo akatanga naMozisi navaprofita vose, akavatsanangurira zvakanyorwa pamusoro pake mumagwaro.

28 Kuzoti vava kusvika mumusha mavakanga vachienda, Jesu akaita sokunge oda kupfuurira.

29 Asi vakamugombedzera zvikuru vachiti, “Garai nesu, nokuti kwava kudoka; zuva rava kuvira.” Saka akapinda kuti andogara navo.

30 Akati agara navo patafura, akatora chingwa, akavonga, akachimedura akatanga kuvapa.

31 Ipapo meso avo akasvinudzwa vakamuziva, akabva anyangarika pamberi pavo.

32 Vakabvunzana vachiti, “Ko, mwoyo yedu yanga isingapisi neiko mukati medu zvaanga achitaura nesu mumugwagwa uye achitizarurira magwaro?”

33 Vakasimuka panguva iyoyo vakadzokera kuJerusarema. Ikoko, vakandowana vane Gumi noMumwe navamwe vavaiva navo, vakaungana pamwe chete

34 vachiti, “Ichokwadi! Ishe amuka uye azviratidza kuna Simoni.”

35 Ipapo vaviri ava vakataura zvakanga zvaitika munzira, uye kuti vakaziva sei Jesu paakamedura chingwa.

Jesu Anozviratidza kuVadzidzi

36 Pavakanga vachiri kutaura pamusoro pazvo, Jesu pachake akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve nemi.”

37 Vakavhunduka uye vakatya, vachifunga kuti vaona mweya.

38 Iye akati kwavari, “Munotambudzika neiko, uye seiko kukahadzika kuchimuka mupfungwa dzenyu?

39 Tarisai maoko angu netsoka dzangu. Ndini iye! Ndibatei muone; mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunoona ndinazvo ini.”

40 Akati areva izvi, akavaratidza maoko ake netsoka dzake.

41 Uye pavakanga vachigere kutenda nokuda kwomufaro uye vachishamiswa, akavabvunza akati, “Mune chokudya here pano?”

42 Vakamupa chimedu chehove yakagochwa,

43 uye akachitora akachidya pamberi pavo.

44 Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvandaikuudzai ndichinemi kuti: Zvinhu zvose zvakanyorwa pamusoro pangu muMurayiro waMozisi, naVaprofita nomuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.”

45 Ipapo akazarura ndangariro dzavo kuti vanzwisise Magwaro.

46 Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakanyorwa kuti: Kristu achatambudzika agomuka kubva kuvakafa pazuva rechitatu,

47 uye kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuchaparidzirwa kumarudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema.

48 Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi.

49 Ndichakutumirai chipikirwa chakavimbiswa naBaba; asi imi garai muguta kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.”

Kukwidzwa kwaJesu kudenga

50 Akati avatungamirira kunze kweguta pedyo neBhetania, akatambanudza maoko ake akavaropafadza.

51 Achiri kuvaropafadza, akabva pavari akatorwa akakwidzwa kudenga.

52 Ipapo vakamunamata ndokubva vadzokera kuJerusarema nomufaro mukuru.

53 Uye vakaramba vari mutemberi, vachirumbidza Mwari nguva dzose.