Categories
VaHebheru

VaHebheru 1

Kristu mukuru kuVatumwa

1 Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana,

2 asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika.

3 Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.

4 Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.

5 Nokuti ndoupi pakati pavatumwa, Mwari waakamboti kwaari:

“Ndiwe Mwanakomana wangu;

nhasi ndava baba vako?”

kana kutizve,

“Ndichava Baba vake,

naiye achava Mwanakomana wangu?”

6 Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti:

“Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”

7 Achitaura pamusoro pavatumwa anoti,

“Anoita vatumwa vake mhepo,

varanda vake mirazvo yomoto.”

8 Asi pamusoro poMwanakomana anoti,

“Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri,

uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu.

9 Makada kururama uye mukavenga kusarurama;

naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu

nokukuzodzai namafuta okufara.”

10 Anotizve,

“Pakutanga, imi Ishe, makateya nheyo dzenyika,

uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu.

11 Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo;

zvichasakara zvose senguo.

12 Muchazvipeta sejasi;

senguo zvichashandurwa.

Asi imi munoramba makadaro,

uye makore enyu haatozogumi.”

13 Ndoupi pakati pavatumwa akambonzi naMwari:

“Gara kurudyi rwangu

kusvikira ndaita vavengi vako

chitsiko chetsoka dzako?”

14 Ko, vatumwa vose havasi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here?

Categories
VaHebheru

VaHebheru 2

Yambiro pamusoro poKusateerera

1 Saka tinofanira kuteerera zvikuru, izvo zvatakanzwa, kuitira kuti tirege kutsauka.

2 Nokuti kana shoko rakataurwa navatumwa rakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusateerera kwose kwakapiwa chirango chakafanira,

3 ko, isu tichapunyuka sei kana tisina hanya noruponeso rwakakura zvakadai? Ruponeso urwu rwakatanga kuziviswa naIshe, rwakasimbiswa kwatiri naavo vakamunzwa.

4 Mwariwo akarupupurira nezviratidzo, zvishamiso, mabasa esimba akasiyana-siyana, uye nezvipo zvoMweya Mutsvene nokuda kwake.

Jesu akaitwa Munhu

5 Hapazi pasi pavatumwa pakaiswa nyika inouya, yatiri kutaura nezvayo.

6 Asi mumwe akapupura kwazvo pane imwe nzvimbo achiti:

“Ko, munhu chii zvamunomufunga,

kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?

7 Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa;

makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa

8 uye mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.”

Pakuisa zvinhu zvose pasi pake, Mwari haana kusiya chinhu chimwe chete chisina kuiswa pasi pake. Asi panguva ino hationi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.

9 Asi tinoona Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, zvino ashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuti akatambudzika murufu, kuitira kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose.

10 Mukuuyisa vanakomana vazhinji pakubwinya, zvakanga zvakafanira kuti Mwari iye akaitirwa zvinhu zvose uye akaita kuti zvinhu zvose zvivepo, aite muvambi woruponeso rwazvo rwakakwana nenzira yokutambudzika.

11 Vose, iye anoita kuti vanhu vave vatsvene uye avo vanoitwa vatsvene ndevemhuri imwe chete. Saka Jesu haana nyadzi kuti avaidze hama.

12 Anoti,

“Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu;

pamberi peungano ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai.”

13 Uyezve anoti,

“Ndichavimba naye.”

Uyezve anoti,

“Ndiri pano, navana vandakapiwa naMwari.”

14 Sezvo vana vane ropa nenyama, naiyewo akagovana navo pakuva nyama kwavo, kuitira kuti rufu rwake ruparadze iye ane simba rorufu, iye dhiabhori

15 uye agosunungura vaya vakanga vakasungwa muuranda upenyu hwavo hwose nokutya kwavo rufu.

16 Nokuti zvirokwazvo havasi vatumwa vaakabatsira, asi zvizvarwa zvaAbhurahama.

17 Nokuda kwemhaka iyi aifanira kuitwa sehama dzake munzira yose, kuitira kuti agova muprista mukuru ane tsitsi uye akatendeka muushumiri kuna Mwari, uye kuti ayananise vanhu nokuda kwezvivi zvavo.

18 Nokuti iye amene akatambudzika paakaedzwa, anokwanisa kubatsira vanoedzwa.

Categories
VaHebheru

VaHebheru 3

Jesu mukuru kuna Mozisi

1 Naizvozvo, hama tsvene, vagovani neni pakudanwa kunobva kudenga, isai pfungwa dzenyu pana Jesu, Mupostori nomuprista mukuru uyo watinopupura nezvake.

2 Akanga akatendeka kuna iye akamugadza, saMozisi akanga akatendeka muimba yose yaMwari.

3 Jesu akaonekwa kuti akafanira kukudzwa kupfuura Mozisi, somuvaki weimba anokudzwa kupfuura imba yacho.

4 Nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi Mwari ndiye muvaki wezvinhu zvose.

5 Mozisi akanga akatendeka somuranda muimba yose yaMwari, achipupura pamusoro pezvaizotaurwa munguva yaizotevera.

6 Asi Kristu akatendeka somwanakomana pamusoro peimba yaMwari. Uye isu tiri imba yake, kana tikabatisisa pakushinga kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.

Yambiro pamusoro poKusatenda

7 Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti:

“Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,

8 musaomesa mwoyo yenyu

sezvamakaita panguva dzokumukira,

panguva yokuedzwa murenje,

9 mandakaedzwa namadzibaba enyu

uye kwamakore makumi mana vakaona zvandakaita.

10 Ndokusaka ndakatsamwira rudzi irworwo,

uye ndikati, ‘Mwoyo yavo inogara ichitsauka,

havana kuziva nzira dzangu.’

11 “Naizvozvo ndakapika mhiko pakutsamwa kwangu ndikati,

“ ‘Havangazopindi pazororo rangu.’ ”

12 Hama dzangu, chenjererai kuti pakati penyu pasava nomunhu ano mwoyo usingatendi, une zvivi, unotsauka kubva kuna Mwari mupenyu.

13 Asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchinzi Nhasi, kuitira kuti kusava nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi.

14 Takauya kuzogovana muna Kristu kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma.

15 Sezvazvakataurwa zvichinzi:

“Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,

musaomesa mwoyo yenyu

sezvamakaita panguva dzokumukira.”

16 Ndivanaaniko vakanzwa uye vakamukira? Havazivo here vaya vose vakatungamirirwa naMozisi pakubuda muIjipiti?

17 Uye ndivanaaniko vaakatsamwira kwamakore makumi mana? Havazivo here vaya vakatadza, vane mitumbi yakawira murenje?

18 Uye ndivanaaniko vakapikirwa mhiko naMwari kuti havangapindi muzororo rake kana vasiri ivo vaya vasina kuteerera?

19 Saka tinoona kuti havana kukwanisa kupinda, nokuda kwokusatenda kwavo.

Categories
VaHebheru

VaHebheru 4

Sabata, zororo raVanhu vaMwari

1 Naizvozvo, sezvo chipikirwa chokupinda muzororo rake chichiripo, ngatichenjerei kuti kurege kuva nomumwe wenyu angatadza kusvikako.

2 Nokuti nesuwo takanzwa vhangeri richiparidzwa kwatiri, saivo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, nokuti ivo vakarinzwa havana kuribatanidza nokutenda.

3 Zvino isu tinotenda tinopinda muzororo iroro, sezvakareva Mwari achiti,

“Naizvozvo ndakapika mhiko mukutsamwa kwangu, kuti,

‘Havazopindi muzororo rangu.’ ”

Uye kunyange zvakadaro basa rake akapedza kubva pakusikwa kwenyika.

4 Nokuti pane imwe nzvimbo akataura mashoko aya pamusoro pezuva rechinomwe. “Zvino pazuva rechinomwe Mwari akazorora kubva pabasa rake rose.”

5 Uyezve mundima iri pamusoro anoti, “Havazopindi muzororo rangu.”

6 Ichokwadi kuti vamwe vachapinda muzororo iroro, uye vaya vakatanga kuparidzirwa vhangeri kare havana kupinda, nokuda kwokusateerera kwavo.

7 Naizvozvo Mwari akaisazve rimwe zuva rinonzi Nhasi, paakataura kare kubudikidza naDhavhidhi, sezvazvakataurwa pakutanga zvichinzi:

“Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,

musaomesa mwoyo yenyu.”

8 Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, Mwari angadai asina kuzotaurazve nezverimwe zuva.

9 Naizvozvo richiripo, zororo reSabata ravanhu vaMwari;

10 nokuti ani naani anopinda muzororo raMwari anozororawo pabasa rake, sezvakaita Mwari pane rake.

11 Naizvozvo ngatishingairirei kuti tipinde muzororo iro, kuitira kuti pashayikwe achawa nokuda kwokutevera muenzaniso wavo wokusateerera.

12 Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.

13 Hakuna chisikwa chakavanzika pamberi paMwari. Zvinhu zvose zviri pachena uye zvakafukurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.

Jesu Muprista Mukuru

14 Naizvozvo, zvatino muprista mukuru kwazvo, akapinda napakati pamatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisisei kutenda kwatinopupura.

15 Nokuti hatina muprista mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi tinaye akaedzwa pazvinhu zvose, sesu, asi asina chivi.

16 Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.

Categories
VaHebheru

VaHebheru 5

1 Muprista mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa kubva pakati pavanhu uye anogadzwa kuti avamiririre pazvinhu zvaMwari, kuti ape zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi.

2 Anogona kunzwira tsitsi vaya vasingazivi uye navaya vari kutsauka, sezvo iye pachake ari pasi poutera.

3 Ndokusaka achifanira kupa zvibayiro zvezvivi zvake, pamwe chete nezvezvivi zvavanhu.

4 Hapana munhu anozvipa kukudzwa uku; anofanira kudanwa naMwari, sezvakaitwa Aroni.

5 Saizvozvowo Kristu haana kuzvitorera iye kubwinya kwokuva muprista mukuru. Asi Mwari akati kwaari,

“Ndiwe Mwanakomana wangu;

nhasi ndava baba vako.”

6 Uye akati, pane imwe nzvimbo,

“Ndiwe muprista nokusingaperi,

worudzi rwaMerikizedheki.”

7 Pamazuva oupenyu hwaJesu panyika, akauya kuna iye akanga achigona kumurwira parufu neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, uye akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari.

8 Kunyange zvake akanga ari mwanakomana, akadzidza kuteerera kubva pakutambudzika kwake

9 uye akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera

10 uye akanzi naMwari ave muprista mukuru worudzi rwaMerikizedheki.

Yambiro pamusoro poKutsauka

11 Tine zvizhinji zvokutaura pamusoro peizvi, asi zvinorema kuzvitsanangura kwamuri nokuti munononoka kunzwisisa.

12 Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi pari zvino munotoda mumwe munhu kuti akudzidzisei zvakare zvokwadi yezvokuvamba zveshoko raMwari. Muchiri kuda mukaka, kwete zvokudya zvikukutu.

13 Mumwe nomumwe anoraramiswa nomukaka, achiri mucheche, haasati anzwisisa dzidziso pamusoro pokururama.

14 Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, avo vakazvidzidzisa nokuramba vachizviita, kutsaura zvakanaka kubva kune zvakaipa.

Categories
VaHebheru

VaHebheru 6

1 Naizvozvo ngatisiyei dzidziso dzokutanga pamusoro paKristu uye tipfuurire mberi mukukura, tisingaisizve nheyo dzokutendeuka kubva pamabasa anotungamirira kurufu, uye nokutenda muna Mwari,

2 dzidziso pamusoro pokubhabhatidzwa nedzokuisa maoko pamusoro, dzokumuka kubva kuvakafa, uye nedzokutongwa kusingaperi.

3 Uye kana Mwari achitendera, ndizvo zvatichaita.

4 Nokuti hazvigoni kuti vaya vakambovhenekerwa, vaya vakamboravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene,

5 vakaravira kunaka kweshoko raMwari uye namasimba enyika inouya,

6 kuti vatendeukezve mushure mokunge vatsauka, nokuti pakurasikirwa kwavo vanorovererazve Mwanakomana waMwari, vachimunyadzisa pachena.

7 Nyika inonwa mvura inonaya nguva nenguva pamusoro payo uye inobereka zvirimwa zvinobatsira avo vanoirima, ndiyo inoropafadzwa naMwari.

8 Asi nyika inobereka minzwa norukato haibatsiri uye ine dambudziko rokuti ichatukwa. Pakupedzisira ichapiswa.

9 Kunyange zvazvo tichitaura sezvizvi, hama dzinodikanwa, tinoziva kwazvo kuti kwamuri kuchabva zvinhu zviri nani, zvinhu zvinoshanda pamwe chete noruponeso.

10 Mwari haazi asina kururama; haangakanganwi basa renyu norudo rwamakamuratidza pamaibatsira vanhu vake uye kuti muchiri kuramba muchivabatsira.

11 Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ave nokushingaira kumwe cheteko kusvikira kumagumo, kuitira kuti muve nechokwadi chetariro yenyu.

12 Hatidi kuti muve simbe, asi kuti muve vateveri vaavo vanodya nhaka yakavimbiswa kubudikidza nokutenda nokutsungirira.

Chokwadi cheVimbiso yaMwari

13 Mwari paakaita vimbiso yake kuna Abhurahama, sezvo kwakanga kusina mumwe mukuru kwaari wokuti angapika naye, akapika naiye amene,

14 achiti, “Zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichakupa zvizvarwa zvizhinji.”

15 Uye mushure mokumirira nomwoyo murefu, Abhurahama akagamuchira chipikirwa.

16 Vanhu vanopika nomukuru kwavari, uye mhiko ndiyo inosimbisa zvinenge zvataurwa, uye inopedza gakava rose.

17 Nokuti Mwari aida kuti aratidze pachena kusashanduka kwechido chake kuvadyi venhaka yakapikirwa, akakusimbisa nemhiko.

18 Mwari akaita izvi kuitira kuti, nezvinhu zviviri zvisingashanduki, zvokuti Mwari haagoni kureva nhema, isu vakatiza tikandobatisisa tariro yatakapiwa, tichasimbiswa zvikuru.

19 Tine tariro iyi sechibatiso choMweya, chakasimba chisingazungunuswi. Inopinda mukati mechidzitiro chomutemberi,

20 makapinda Jesu akatitangira isu, akapinda akatimiririra. Akava muprista mukuru nokusingaperi worudzi rwaMerikizedheki.

Categories
VaHebheru

VaHebheru 7

Merikizedheki Muprista

1 Merikizedheki uyu aiva mambo weSaremu, uye aiva muprista waMwari Wokumusoro-soro. Akasangana naAbhurahama pakudzoka kwake achibva kundokunda madzimambo, akamuropafadza,

2 uye Abhurahama akamupa chegumi chezvinhu zvose. Kutanga zita rake rinoreva kuti, “mambo wokururama”; uyezve, “mambo weSaremu” zvinoreva kuti, “mambo woRugare.”

3 Asina baba kana mai, asina madzitateguru, asina mavambo amazuva kana magumo oupenyu, soMwanakomana waMwari anoramba ari muprista nokusingaperi.

4 Chingofungai kuti akanga ari mukuru sei. Kunyange natateguru Abhurahama akamupa chegumi chezvaakanga apamba!

5 Zvino murayiro unoti avo vari zvizvarwa zvaRevhi vakava vaprista kuti vatore chegumi kuvanhu, idzo hama dzavo, kunyange zvazvo hama dzavo dziri zvizvarwa zvaAbhurahama.

6 Murume uyu, kunyange zvakadaro, akanga asina rudzi runobva pazvizvarwa zvaRevhi, asi akatora chegumi kubva kuna Abhurahama uye akaropafadza iye akanga ane zvipikirwa.

7 Uye hapana kukahadzika kuti muduku anoropafadzwa neakamupfuura paukuru.

8 Panyaya iyi yokutanga, chegumi chinotorwa navanhu vanofa; asi pane imwe nyaya iyi chinotorwa naiye anonzi mupenyu.

9 Mumwe angati Revhi, anotora chegumi, akapawo chegumi kubudikidza naAbhurahama,

10 nokuti Merikizedheki paakasangana naAbhurahama, Revhi akanga achiri muchiuno chatateguru vake.

Jesu saMerikizedheki

11 Kana kukwaniswa kwaigona kuvapo nenzira youprista hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murayiro nokuda kwahwo), ko, mumwe muprista aifanira kuzomuka sei, iye ari worudzi rwaMerikizedheki, asiri worudzi rwaAroni?

12 Nokuti kana uprista huchishandurwa, kunofanirawo kushandurwa murayiro.

13 Iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndeworumwe rudzi, uye hakuna mumwe worudzi urwu akamboshumira paaritari.

14 Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu akabva kurudzi rwaJudha uye pamusoro porudzi urwu Mozisi haana kumbotaura zvavaprista.

15 Uye zvatataura zvinotova pachena kunyanya kana mumwe muprista akaita saMerikizedheki achionekwa,

16 uyo ava muprista kwete nokuda kwomurayiro wenhoroondo yamadzitateguru ake asi nokuda kwesimba roupenyu husingaparadziki.

17 Nokuti zvakataurwa zvichinzi:

“Iwe uri muprista nokusingaperi,

worudzi rwaMerikizedheki.”

18 Murau wokutanga wakaiswa padivi nokuti wakanga une utera uye usina maturo

19 (nokuti murayiro hauna chinhu chawakaita kuti chive chakakwana), uye tariro iri nani inoziviswa, yatinoswededzwa nayo pedyo naMwari.

20 Uye hazvina kuitwa pasina mhiko! Vamwe vakava vaprista pasina kana mhiko zvayo,

21 asi iye akava muprista ane mhiko, Mwari paakati kwaari:

“Ishe akapika

uye haangashanduri murangariro wake:

‘Iwe uri muprista nokusingaperi.’ ”

22 Nokuda kwemhiko yake, Jesu akava rubatso rwesungano inopfuura nokunaka.

23 Zvino kwakava navazhinji vavaprista, nokuti rufu rwakavatadzisa kupfuurira mberi paushumiri;

24 asi Jesu, nokuti anogara nokusingaperi, ano uprista huchavapo nokusingaperi.

25 Naizvozvo anogona kuponesa zvizere vaya vanouya kuna Mwari kubudikidza naye, nokuti anorarama nokusingaperi achivanyengeterera.

26 Muprista mukuru akadai anotipa zvatinoshayiwa, iye mutsvene, asina chaangapomerwa, asina kusvibiswa, akatsaurwa kubva kuvatadzi, akasimudzirwa pamusoro pamatenga.

27 Asingafanani navaya vaprista, haafaniri kubayira zvipiriso zuva rimwe nerimwe, kutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu. Akabayira zvivi zvavo kamwe chete zvikapera paakazvipa iye.

28 Nokuti murayiro unogadza vanhu vano utera savaprista vakuru; asi mhiko yakauya shure kwomurayiro, yakagadza Mwanakomana, uyo akakwaniswa nokusingaperi.

Categories
VaHebheru

VaHebheru 8

Muprista Mukuru weSungano Itsva

1 Shoko guru pane izvozvi zvatiri kutaura ndiro iri rokuti: Tino muprista mukuru akadai, akagara kurudyi rwechigaro chaIshe kudenga,

2 uye anoshumira muimba tsvene, iyo tabhenakeri chaiyo yakamiswa naIshe, kwete nomunhu.

3 Muprista mukuru, mumwe nomumwe, akagadzwa kuti ape zvipo nezvibayiro kuna Mwari, naizvozvo zvakanga zvakafanira kuti uyu ave nechokubayirawo.

4 Dai akanga ari panyika, angadai asina kuva muprista, nokuti vaprista vakanga varipo kare vaibayira zvipo sezvakarehwa nomurayiro.

5 Vaishumira panzvimbo tsvene inova mufananidzo nomumvuri wezviri kudenga. Nokuda kweizvi Mozisi akayambirwa paakanga ava kuvaka tabhenakeri: “Uve nechokwadi kuti waita zvose maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.”

6 Asi ushumiri hwakapiwa Jesu hwakapfuura hwavo pakunaka sezvo ari murevereri wesungano inopfuura nokunaka pane sungano yakare, uye yakasimbiswa nezvipikirwa zviri nani.

7 Nokuti dai pakanga pasina chakaipa nesungano yokutanga pangadai pasina kuwanikwa mukana weimwe sungano.

8 Asi Mwari akaona kukanganisa kwavanhu ava akati:

“Nguva inouya, ndizvo zvinotaura Ishe,

yandichaita sungano itsva

neimba yaIsraeri,

uye neimba yaJudha,

9 Haichazovi sesungano

yandakaita namadzitateguru avo,

pandakavabata noruoko

kuti ndivabudise kubva muIjipiti,

nokuti havana kuramba vakatendeka kusungano yangu,

neniwo ndakavasiya,

ndizvo zvinotaura Ishe.

10 Iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri,

mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe.

Ndichaisa mirayiro yangu mundangariro dzavo,

uye ndichainyora pamwoyo yavo.

Ndichava Mwari wavo,

uye vachava vanhu vangu.

11 Hakuna munhu achazodzidzisa muvakidzani wake,

kana munhu kudzidzisa hama yake, achiti, ‘Ziva Ishe,’

nokuti vose vachandiziva,

kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo.

12 Nokuti ndichavaregerera zvakaipa zvavo

uye handizorangaririzve zvivi zvavo.”

13 Nokuti akati sungano iyi “itsva,” ipapo akashayisa basa yokutanga; zvino chinhu chisisina basa uye chava chekare chichaparara nokukurumidza.

Categories
VaHebheru

VaHebheru 9

Kunamata muTabhenakeri Yapanyika

1 Zvino sungano yokutanga yakanga ine mirayiro yokunamata Mwari uye neyeimba tsvene yapanyika.

2 Tabhenakeri yakamiswa. Mukamuri rayo rokutanga makanga mune chigadziko chomwenje, netafura uye nezvingwa zvitsvene; iyi ndiyo yainzi Nzvimbo Tsvene.

3 Mberi kwechidzitiro chechipiri kwakanga kune kamuri yainzi Nzvimbo Tsvene-tsvene,

4 yakanga ine ndiro yegoridhe yezvinonhuhwira uye neareka yesungano yakanga yakafukidzirwa negoridhe. Muareka iyi ndimo makanga mune hari yegoridhe yakanga ine mana, netsvimbo yaAroni yakanga yatungira, uye namahwendefa esungano.

5 Pamusoro peareka pakanga paina makerubhi okubwinya, aidzikatidza chifunhiro chengoni. Asi hatingatauri nezvezvinhu zvose izvi zvizere iye zvino.

6 Zvinhu zvose zvakati zvagadzirwa saizvozvi, vaprista vaizopinda mukamuri yokutanga nguva dzose vachiita ushumiri hwavo.

7 Asi muprista mukuru oga ndiye aipinda mukamuri yomukati, kamwe chete pagore, uye asingatongopindi asina ropa, raaizvibayira iye pachake nezvivi zvavanhu zvavakanga vaita mukusaziva.

8 Mweya Mutsvene airatidza nechinhu ichi, kuti nzira inoenda kunzvimbo Tsvene-tsvene yakanga isati yaratidzwa sezvo tabhenakeri yakanga ichimire.

9 Uyu mufananidzo wenguva ino, zvichireva kuti zvipo nezvibayiro zvaibayirwa zvakanga zvisingagoni kuchenesa hana yaiye ainamata.

10 Zvinongova zvokudya nezvokunwa uye nokushamba kuzhinji zvapanyama, zvavakatemerwa kusvikira panguva yokuvandudzwa.

Ropa raKristu

11 Kristu paakauya somuprista mukuru wezvinhu zvakanaka zvatova pano kare, akapinda nomutabhenakeri yakapfuura pakukura uye napakukwana isina kugadzirwa nomunhu, zvichireva kuti yakanga isiri chikamu chokusikwa kuno.

12 Haana kupinda nokuda kweropa rembudzi neremhuru; asi akapinda muNzvimbo Tsvene-tsvene neropa rake chairo akatiwanira rudzikinuro rusingaperi.

13 Ropa rembudzi nerenzombe namadota etsiru zvaisaswa pamusoro paavo vakanga vakasvibiswa, zvaiita kuti vatsvene vanatswe panyama.

14 Ko, kuzoti zvino iro ropa raKristu, uyo kubudikidza noMweya unogara nokusingaperi, akazvipa, asina chaangapomerwa kuna Mwari, akachenesa hana dzedu kubva pamabasa ose anotungamirira kurufu, kuitira kuti tigoshumira Mwari Mupenyu!

15 Nokuda kwaizvozvi Kristu ndiye murevereri wesungano itsva, kuitira kuti vaya vakadanwa vagogamuchira chipikirwa chenhaka isingaperi zvino, sezvo akafa sedzikinuro kuti avasunungure kubva pazvivi zvavakaita vari pasi pesungano yokutanga.

16 Nokuti kana iri nhaka yakanyorwa, panofanira kuvapowo nechokwadi chorufu rwaiye akaiita,

17 nokuti nhaka yakanyorwa ine simba chete kana munhu afa; haina simba kana akaiita achiri mupenyu.

18 Ndokusaka sungano yokutanga isina kushanda pasina ropa.

19 Mozisi paakaparidza mirayiro yose kuvanhu vose, akatora ropa remhuru, pamwe chete nemvura, neshinda tsvuku uye namapazi ehisopi, akasasa pabhuku rakapetwa uye napavanhu.

20 Akati, “Iri iropa resungano, yamakarayirwa naMwari kuti muchengete.”

21 Nenzira imwe cheteyo, akasasa neropa tabhenakeri nezvinhu zvose zvaishandiswa pakushumira mairi.

22 Zvirokwazvo, murayiro unoda kuti zvinhu zvinenge zvose zvinatswe neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kuregererwa.

23 Naizvozvo zvaifanira kuti mifananidzo yezvinhu zvokudenga inatswe nezvibayiro izvi, asi zvinhu zvokudenga zvacho zvaifanira kunatswa nechibayiro chinopfuura izvi.

24 Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakagadzirwa nomunhu yakanga ichingova mufananidzo waiyo yechokwadi chaiyo; akapinda kudenga chaiko, kuti atimiririre pamberi paMwari.

25 Uye haana kupinda kudenga kuti azviite chibayiro kakawanda, somuprista mukuru anopinda muNzvimbo Tsvene-tsvene, gore negore, neropa risiri rake.

26 Zvino Kristu angadai akazotambudzika kakawanda kubva pakuvambwa kwenyika. Asi zvino akaonekwa kamwe chete pamagumo enguva kuti aparadze chivi nokuzviita chibayiro iye pachake.

27 Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete uye shure kwaizvozvo agotongwa,

28 saizvozvowo Kristu akabayirwa kamwe chete kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji; uye achazoonekwa kechipiri, asingatakuri zvivi, asi kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira.

Categories
VaHebheru

VaHebheru 10

Chibayiro chaKristu chakaitwa kamwe chete zvikapera

1 Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo haungagoni kuita kuti avo vanoswedera, kuti vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibayiro zvimwe chetezvo zvavanoramba vachibayira kuna Mwari, vakwaniswe.

2 Dai zvaigona kudaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here?

3 Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, uye vangadai vasina kuzonzwazve mhosva yezvivi zvavo gore roga roga,

4 nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.

5 Naizvozvo Kristu, paakauya munyika muno, akati:

“Chibayiro nechipo hamuna kuzvifarira,

asi muviri wamakandigadzirira;

6 zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvezvivi

hamuna kufadzwa nazvo.

7 Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano, mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu,

ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ”

8 Pakutanga akati, “Zvibayiro nezvipiriso, zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvida, kana kufadzwa nazvo (kunyange zvazvo murayiro waida kuti zviitwe).”

9 Ipapo iye akati, “Ndiri pano, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Akabvisa chokutanga kuti aise chechipiri.

10 Uye nokuda kwenyu ikoku, tichaitwa vatsvene kubudikidza nechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakabayirwa kamwe chete zvikapera.

11 Zuva nezuva muprista mumwe nomumwe aimira achiita ushumiri hwake nokuramba achibayira zvibayiro zvimwe chetezvo, zvisingatongogoni kubvisa zvivi.

12 Asi muprista uyu akati abayira chibayiro chimwe chete chenguva dzose, akagara kurudyi rwaMwari.

13 Kubva panguva iyoyo anomirira kusvikira muvengi wake aitwa chitsiko chetsoka dzake,

14 nokuti nechibayiro chimwe chete akaita kuti vaya vari kuitwa vatsvene vakwaniswe nokusingaperi.

15 Mweya Mutsvene anotipupurirawo pamusoro peizvi. Kutanga anoti:

16 “Iyi ndiyo sungano yandichaita navo

mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe.

Ndichaisa mirayiro yangu mumwoyo yavo,

uye ndichainyora mundangariro dzavo.”

17 Ipapo anotizve:

“Zvivi zvavo nokudarika kwavo

handizozvirangarirezve.”

18 Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisina chimwezve chibayiro chezvivi.

Kutsungirira

19 Naizvozvo, hama, zvatinotsunga kuti tipinde paNzvimbo Tsvene neropa raJesu,

20 nenzira itsva uye ino upenyu yatakazarurirwa kubudikidza nechidzitiro chinova muviri wake,

21 uye sezvo tino muprista mukuru pamusoro pemba yaMwari,

22 ngatiswederei kuna Mwari nomwoyo wechokwadi nokutendeka kwakasimba kwazvo, nemwoyo yakasaswa kuti tinatswe kubva pahana yakaipa uye miviri yedu yakashambwa nemvura yakachena.

23 Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka.

24 Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka.

25 Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.

26 Nokuti kana tikaramba tichitadza tichida, kana takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchisinazve chimwe chibayiro chezvivi,

27 asi kungomirira tichitya kutongwa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vavengi vaMwari.

28 Munhu wose akaramba murayiro waMozisi akafa asinganzwirwi tsitsi pamberi pezvapupu zviviri kana zvitatu.

29 Ko, munofunga kuti munhu, akatsika pasi petsoka dzake Mwanakomana waMwari uye akatora ropa resungano iri rakamuita mutsvene sechinhu chisiri chitsvene uye akatuka Mweya wenyasha, anofanira kurangwa zvikuru sei?

30 Nokuti tinomuziva iye akati, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” uyezve, “Ishe achatonga vanhu vake.”

31 Chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.

32 Rangarirai mazuva okutanga mushure mokugamuchira chiedza, amakatsunga pakurwa kukuru mukutambudzika.

33 Pane dzimwe nguva makatukwa uye mukatambudzwa pachena; pane dzimwe nguva makagovana navo vakaitirwawo izvozvo.

34 Makanzwira tsitsi avo vakanga vari mutorongo mukagamuchira nomufaro kupambwa kwenhumbi dzenyu, nokuti maiziva kuti imi pachenyu makanga mune pfuma yakapfuura nokunaka uye inogara.

35 Naizvozvo regai kurasa kusatya kwenyu, kuno mubayiro mukuru.

36 Munofanira kutsungirira kuitira kuti kana maita kuda kwaMwari mugogamuchira zvaakavimbisa.

37 Nokuti kanguva kaduku duku kasara,

“Iye anouya, achauya, asinganonoki.

38 Asi akarurama wangu achararama nokutenda.

Uye kana akadzokera shure,

handizofadzwi naye.”

39 Asi isu hatisi ivo vokudzokera shure, vanoparadzwa, asi tiri vokutenda vanoponeswa.