Categories
Zekaria

Zekaria 1

Vanhu vanokurudzirwa kuti vadzokere kuna Jehovha

1 “Mumwedzi worusere wegore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna muprofita Zekaria mwanakomana waBherekia, mwanakomana waIdho richiti:

2 “Jehovha akatsamwira madzibaba enyu zvikuru.

3 Naizvozvo udza vanhu kuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Dzokerai kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘neni ndichadzokera kwamuri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

4 Musaita samadzibaba enyu, avo vakaudzwa navaprofita vokutanga kuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Dzokai kubva panzira dzenyu dzakaipa nepazvakaipa zvamunoita.’ Asi havana kunzwa kana kuteerera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.

5 Aripiko madzibaba enyu zvino? Uye vaprofita vacho, vanorarama zvandakarayira nokusingaperi here?

6 Asi mashoko angu nemitemo yangu, zvandakarayira varanda vangu ivo vaprofita, hazvina kurarama kupfuura madzibaba enyu here?

“Ipapo vakatendeuka ndokuti, ‘Jehovha Wamasimba Ose akatiitira zvakafanira mabasa edu nenzira dzedu, sezvaakafunga kuita.’ ”

Murume pakati pemiti

7 Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wegumi nomumwe, mwedzi weShebhati, mugore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna muprofita Zekaria mwanakomana waBherekia mwanakomana waIdho.

8 Panguva dzousiku ndakaona chiratidzo, hapo pamberi pangu paiva nomurume akanga akatasva bhiza dzvuku! Akanga akamira pakati pemiti yaiva mumupata. Shure kwake kwaiva namabhiza matsvuku, mashava uye namachena.

9 Ipapo ndakati, “Izvi zviiko, ishe wangu?”

Mutumwa akanga achitaura neni akapindura akati, “Ndichakuratidza kuti zvii.”

10 Ipapo murume akanga amire pakati pemiti yemitire akatsanangura achiti, “Ava ndivo vakatumwa naJehovha kuti vaende munyika yose.”

11 Uye vakapindura mutumwa waJehovha akanga akamira pakati pemiti yemitire vachiti, “Taenda munyika yose tikaona nyika yose yakazorora uye ino runyararo.”

12 Ipapo mutumwa waJehovha akati, “Jehovha Wamasimba Ose muchasvika rinhiko musinganzwiri Jerusarema namaguta eJudha tsitsi amakatsamwira kwamakore makumi manomwe aya?”

13 Saka Jehovha akataura mashoko akanaka anonyaradza kumutumwa akataura neni.

14 Ipapo mutumwa aitaura neni akati, “Danidzira shoko iri rokuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Ndine godo kwazvo pamusoro peJerusarema neZioni,

15 asi ndakatsamwira zvikuru ndudzi dzinoti dzakagarika. Ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakawedzera padambudziko iri.’

16 “Naizvozvo, zvanzi naJehovha: ‘Ndichadzokera kuJerusarema ndine tsitsi, uye ipapo imba yangu ichavakwazve. Uye rwodzi rwokuyera ruchatambanudzwa pamusoro peJerusarema,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

17 “Danidzirazve uti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Maguta angu achafashukirazve noupfumi, uye Jehovha achanyaradzazve Zioni uye agosarudza Jerusarema.’ ”

Nyanga Ina neMhizha Ina

18 Ipapo ndakasimudza meso angu, zvino hapo pamberi pangu paiva nenyanga ina!

19 Ndakabvunza mutumwa aitaura neni ndikati, “Zviiko izvi?”

Akandipindura achiti, “Idzi inyanga dzakaparadzira Judha, Israeri neJerusarema.”

20 Ipapo Jehovha akandiratidza mhizha ina.

21 Ndakabvunza ndikati, “Ko, ava vari kuuya kuzoitei?”

Akapindura akati, “Idzi ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha kuti pashayikwe kana mumwe angasimudza musoro wake, asi mhizha dzauya kuzodzityisa uye kuti dzigokanda pasi nyanga idzi dzendudzi dzakasimudza nyanga dzadzo kuti dzirwise nyika yeJudha kuti dziparadzire vanhu vayo.”

Categories
Zekaria

Zekaria 2

Murume ane Rwodzi Rwokuyeresa

1 Ipapo ndakasimudza meso angu, zvino hapo pamberi pangu paiva nomurume aiva nerwodzi rwokuyeresa muruoko rwake!

2 Ndakabvunza ndikati, “Uri kuendepiko?”

Akandipindura achiti, “Kunoyera Jerusarema, kuti ndione kufara kwaro nokureba kwaro.”

3 Ipapo mutumwa aitaura neni akaenda, uye mumwe mutumwa akauya kuzosangana naye

4 uye akati kwaari: “Mhanya undoudza jaya iro kuti, ‘Jerusarema richava guta risina masvingo nokuda kwokuwanda kwavanhu nezvipfuwo zviri mariri.

5 Uye ini pachangu ndichava rusvingo rwomoto rwakarikomberedza,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichava kubwinya kwaro mukati maro.’

6 “Uyai! Uyai! Tizai kubva kunyika yokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndakakuparadzirai kumhepo ina dzedenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

7 “Uya, iwe Zioni! Tiza, iwe unogara muMwanasikana weBhabhironi!”

8 Nokuti zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Mushure mokunge andikudza uye andituma kundorwisa ndudzi dzakakupambai, nokuti ani naani anokubatai anobata mboni yeziso rake,

9 zvirokwazvo ndichasimudza ruoko rwangu kuti ndivarwise kuitira kuti nhapwa dzavo dzigovapamba. Ipapo muchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma.

10 “Pembera uye ufare, iwe Mwanasikana weZioni. Nokuti ndiri kuuya, uye ndichagara pakati penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

11 “Ndudzi zhinji dzichabatana naJehovha pazuva iro uye vachava vanhu vangu. Ndichagara pakati penyu uye muchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma kwamuri.

12 Judha ichava nhaka yaJehovha somugove wake munyika tsvene uye achasarudzazve Jerusarema.

13 Nyararai pamberi paJehovha, vanhu vose, nokuti asimuka kubva panzvimbo yake tsvene yaanogara.”

Categories
Zekaria

Zekaria 3

Nguo dzakachena dzoMuprista Mukuru

1 Ipapo akandiratidza Joshua muprista mukuru amire pamberi pomutumwa waJehovha, uye Satani amire kurudyi rwake kuti amupomere.

2 Jehovha akati kuna Satani, “Jehovha ngaakutuke iwe, Satani! Jehovha, iye akasarudza Jerusarema, ngaakutuke! Ko, murume uyu haazi rukuni runobvira rwabvutwa mumoto here?”

3 Zvino Joshua akanga akapfeka nguo dzine tsvina amire pamberi pomutumwa.

4 Mutumwa akati kuna avo vakanga vamire pamberi pake, “Mubvisei nguo dzake dzine tsvina.” Ipapo akati kuna Joshua, “Tarira ndabvisa chivi chako, uye ndichakupfekedza nguo dzinokosha.”

5 Ipapo ndakati, “Isai nguwani yakachena pamusoro wake.” Nokudaro vakamupfekedza nguwani yakachena pamusoro wake uye vakamupfekedza nguo, mutumwa waJehovha amirepo.

6 Mutumwa waJehovha akarayira Joshua achiti,

7 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Kana ukafamba nenzira dzangu uye ukachengeta mirayiro yangu, ipapo uchatonga imba yangu uye uchachengetawo mavazhe angu, uye ndichakupa nzvimbo pakati paava vakamira pano.

8 “ ‘Teerera, iwe Joshua muprista mukuru navanobata pamwe chete newe vagere pamberi pako, varume ava vanova chiratidzo chezvinouya: Ndichauyisa muranda wangu, Davi.

9 Tarirai ibwe randaisa pamberi paJoshua! Pane maziso manomwe pabwe rimwe chete iroro, uye ndichatema chinyorwa pariri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘uye ndichabvisa chivi chenyika ino nezuva rimwe chete.

10 “ ‘Pazuva iro mumwe nomumwe wenyu achakoka muvakidzani wake kuzogara pasi pomuzambiringa napasi pomuonde wake,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”

Categories
Zekaria

Zekaria 4

Chigadziko choMwenje cheGoridhe neMiti yeMiorivhi Miviri

1 Ipapo mutumwa akataura neni akauyazve kwandiri akandimutsa, somunhu anomutswa pahope dzake.

2 Akandibvunza achiti, “Unooneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndinoona chigadziko chomwenje chegoridhe rizere, chine mbiya pamusoro pacho nemwenje minomwe pamusoro pacho, mwenje mumwe nomumwe une mbombi nomwe.

3 Uyezve pane miti miviri yemiorivhi parutivi pacho, mumwe kurutivi rworudyi rwembiya nomumwe kurutivi rworuboshwe kwayo.”

4 Ndakabvunza mutumwa aitaura ndichiti, “Izvi zviiko, ishe wangu?”

5 Akapindura akati, “Hauzivi kuti izvi zvii?”

Ini ndakapindura ndichiti, “Kwete, ishe wangu.”

6 Saka akati kwandiri, “Iri ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri: ‘Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi nomweya wangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

7 “Uri chiiko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani. Ipapo iye achabudisa ibwe rokumusoro vanhu vachidanidzira vachiti, ‘Mwari ngaariropafadze! Mwari ngaariropafadze!’ ”

8 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

9 “Maoko aZerubhabheri akateya nheyo dzetemberi ino; maoko ake achaipedzisazve. Ipapo uchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma kwauri.

10 “Ndiani anoshora zuva rezvinhu zviduku? Vanhu vachafara pavachaona rwodzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri.

“(Zvinomwe izvi ndizvo maziso aJehovha, anoona nyika yose.)”

11 Ipapo ndakabvunza mutumwa ndichiti, “Ko, miti yemiorivhi miviri iyi iri kurudyi nokuruboshwe kwechigadziko chomwenje ndeyei?”

12 Uyezve ndakamubvunza kuti, “Ko, matavi aya maviri omuorivhi parutivi pembombi mbiri dzegoridhe dzinodurura mafuta egoridhe ndeei?”

13 Akapindura akati, “Hauzivi kuti izvi zvii?”

Ini ndikati, “Kwete, ishe wangu.”

14 Saka akati, “Ava ndivo vaviri vakazodzwa kuti vashumire Ishe wenyika yose.”

Categories
Zekaria

Zekaria 5

Rugwaro Rwakapetwa Rwaibhururuka

1 Ndakatarisazve ndikaona, hapo pamberi pangu paiva norugwaro rwakapetwa rwaibhururuka!

2 Akandibvunza akati, “Unooneiko?”

Ndakapindura ndikati, “Ndinoona rugwaro rwakapetwa rwuri kubhururuka, rwakareba makubhiti makumi mavirinokufara makubhiti gumi.”

3 Uye iye akati kwandiri, “Uku ndiko kutuka kunobuda pamusoro penyika yose; nokuti sezvazvakanyorwa kune rimwe divi, mbavha imwe neimwe ichaparadzwa, uye sezvazvakanyorwa kune rimwe divi racho, mumwe nomumwe anopika zvenhema achaparadzwa.

4 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichabudisa kutuka, uye kuchapinda muimba yembavha nomumba mouyo anopika nhema nezita rangu. Kucharamba kuri mumba make uye kuchaparadza zvose mapango namabwe ayo.’ ”

Mukadzi akanga ari muDengu

5 Ipapo mutumwa akanga achitaura neni akaswedera kwandiri akati, “Simudza meso ako uone kuti ichi chii chiri kubuda apo.”

6 Ndakabvunza ndikati, “Chiiko?”

Akapindura akati, “Iri idengu rokuyeresa.” Uye akatizve, “Ichi ndicho chitadzo chavanhu vari munyika yose.”

7 Ipapo hwidibiro yomutobvu yakasimudzwa, uye mukadzi akanga akagara mudengu imomo!

8 Mutumwa akati, “Uyu ndiye zvakaipa,” achibva amusundidzira zvakare mudengu uye ndokuzarira muromo wedengu nehwidibiro yomutobvu.

9 Ipapo ndakasimudza meso angu ndikaona, hapo pamberi pangu paiva navakadzi vaviri, mhepo iri mumapapiro avo! Vaiva namapapiro anenge mapapiro edambiramurove, uye vakasimudza dengu vakaenda naro mudenga pakati pedenga nenyika.

10 Ndakabvunza mutumwa akanga achitaura neni ndikati, “Vari kuriendesa kupiko, dengu?”

11 Akapindura akati, “Kunyika yeBhabhironi kundorivakira imba. Kana yapera, dengu richaiswa imomo panzvimbo yaro.”

Categories
Zekaria

Zekaria 6

Ngoro Ina

1 Ndakasimudzazve meso angu ndikaona, hapo pamberi pangu paiva nengoro ina dzaibuda kubva pakati pamakomo maviri, makomo endarira!

2 Ngoro yokutanga yakanga ine mabhiza matsvuku, yechipiri ine matema,

3 yechitatu ine machena uye yechina ine mapfumbu, ose aiva nesimba.

4 Ndakabvunza mutumwa akanga achitaura neni ndikati, “Zviiko izvi, ishe wangu?”

5 Mutumwa akandipindura akati, “Iyi ndiyo mweya mina yokudenga, inobuda payakanga imire pamberi paIshe wenyika yose.

6 Ine mabhiza matema iri kuenda kunyika yokumusoro, ine mabhiza machena iri kuenda kumadokero, uye ine mabhiza mapfumbu iri kuenda kunyika yezasi.”

7 Mabhiza ane simba paakabuda akanga achitsvaka kuti aende nomunyika yose. Uye iye akati, “Endai munyika yose!” Saka akaenda nomunyika yose.

8 Ipapo akadanidzira kwandiri achiti, “Tarira, ayo anoenda kunyika yokumusoro, apa Mweya wangu zororo munyika yokumusoro.”

Korona yaJoshua

9 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

10 “Tora sirivha negoridhe kubva kuvatapwa vanoti Heridhai, naTobhiya uye naJedhaya, vasvika vachibva kuBhabhironi. Enda, zuva rimwe chetero, kuimba yaJosia mwanakomana waZefania.

11 Tora sirivha negoridhe ugadzire korona, uye ugoidzika pamusoro womuprista mukuru, Joshua mwanakomana waJehozadhaki.

12 Muudze kuti zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Houno murume anonzi Davi, achakura panzvimbo yake uye achavaka temberi yaJehovha.

13 Ndiye achavaka temberi yaJehovha, uye achapfekedzwa ukuru agogara achitonga pachigaro chake. Uye achava muprista pachigaro chake. Uye pachava norugare pakati pezviviri izvi.’

14 Korona ichapiwa kuna Heridhai, naTobhiya, naJedhaya uye naHeni mwanakomana waZefania sechiyeuchidzo mutemberi yaJehovha.

15 Avo vari kure vachauya kuzobatsira kuvaka temberi yaJehovha, uye iwe uchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose andituma kwauri. Izvi zvichaitika kana ukateerera zvakanaka Jehovha Mwari wako.”

Categories
Zekaria

Zekaria 7

Kururamisira neNgoni, kwete Kutsanya

1 Mugore rechina raMambo Dhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekaria pazuva rechina romwedzi wepfumbamwe, mumwedzi weKisirevhi.

2 Vanhu veBhetieri vakanga vatuma Sharezeri naRegemi-Mereki, pamwe chete navanhu vavo, kuti vaende kuna Jehovha

3 kundokumbira kuvaprista veimba yaJehovha Wamasimba Ose nokuvaprofita vachiti, “Ndochema nokutsanya nomwedzi wechishanu here, sezvandakaita kwamakore mazhinji aya?”

4 Ipapo shoko raJehovha Wamasimba Ose rakasvika kwandiri richiti,

5 “Bvunza vanhu vose venyika uye navaprista kuti, ‘Pamakatsanya uye mukachema mumwedzi wechishanu nowechinomwe kwamakore makumi manomwe akapfuura, makatsanyira ini zvechokwadi here?

6 Uye pamaidya nokunwa, makanga musingangozvifadzi here?

7 Aya haasiwo here mashoko aJehovha akaparidzwa kubudikidza navaprofita vekare, Jerusarema namaguta aro akaripoteredza parakanga riri parugare uye richibudirira, uye nyika yeNegevhi nomujinga mezvikomo zvokumavirira muchakagarwa navanhu?’ ”

8 Uye shoko raJehovha rakasvikazve kuna Zekaria richiti,

9 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Tongai nokururamisira kwezvokwadi; muitirane tsitsi nenyasha.

10 Musamanikidza chirikadzi kana nherera, mutorwa kana murombo. Musafungirana zvakaipa mumwoyo menyu.’

11 “Asi vakaramba kuteerera; mukuzvikudza vakafuratira uye vakadzivira nzeve dzavo.

12 Vakaomesa mwoyo yavo sedombo romusarasara uye vakasateerera kumurayiro kana kumashoko aJehovha Wamasimba Ose aakanga atuma noMweya wake kubudikidza navaprofita vekare. Saka Jehovha Wamasimba Ose akatsamwa zvikuru.

13 “ ‘Pandakadana, havana kuteerera; saka pavakadana, handina kuvateerera,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

14 ‘Ndakavaparadzira nechamupupuri pakati pendudzi dzose, uko kwavakava vatorwa. Nyika yakava dongo shure kwavo zvokuti hapana aizogona kupinda kana kubudamo. Izvi ndizvo zvavakaita kunyika yaifadza, ikava dongo.’ ”

Categories
Zekaria

Zekaria 8

Jehovha anovimbisa kuropafadza Jerusarema

1 Shoko raJehovha Wamasimba Ose rakasvikazve kwandiri richiti:

2 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Ndine godo kwazvo pamusoro peZioni; ndiri kutsva negodo pamusoro paro.”

3 Zvanzi naJehovha: “Ndichadzokera kuZioni uye ndichagara muJerusarema. Ipapo Jerusarema richanzi Guta reZvokwadi, uye gomo raJehovha Wamasimba Ose richanzi Gomo Dzvene.”

4 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Varume navakadzi vakwegura vachagarazve mumigwagwa yeJerusarema, mumwe nomumwe aine mudonzvo muruoko nokuda kwokukwegura kwake.

5 Migwagwa yeguta ichazara navakomana navasikana vanotambamo.”

6 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Zvingaita sezvinoshamisa kuna vakasara vavanhu ava panguva iyoyo, asi zvichaita sezvinoshamisa here kwandiri?” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

7 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Ndichaponesa vanhu vangu kubva kunyika dzokumabvazuva nedzokumavirira.

8 Ndichavadzosazve kuti vazogara muJerusarema; vachava vanhu vangu, uye ndichava akatendeka uye akarurama kwavari saMwari wavo.”

9 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Imi munonzwa mashoko aya iye zvino, akataurwa navaprofita vaivapo nheyo dzemba yaJehovha Wamasimba Ose padzakateyiwa, maoko enyu ngaasimbe kuti temberi igovakwa.

10 Nguva iyoyo isati yasvika kwakanga kusina munhu aishandira mubayiro kana chipfuwo. Hapana aienda kundoita basa rake norugare nokuda kwomuvengi wake, nokuti ndakanga ndarwisanisa munhu wose nomuvakidzani wake.

11 Asi zvino handichazoitiri vanhu ava vakasara sezvandakaita pamazuva akare,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

12 “Mbeu ichakura zvakanaka, muzambiringa uchabereka zvibereko zvawo, nyika ichabereka zvirimwa zvayo, uye matenga achaburutsa dova rawo. Ndichapa zvinhu zvose izvi senhaka kuna vakasara vavanhu ava.

13 Sezvamaiva chinhu chakatukwa pakati pendudzi, imi Judha neIsraeri, saizvozvo ndichakuponesai, uye muchava chinhu chinoropafadza. Musatya, asi itai kuti maoko enyu asimbe.”

14 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Sezvandakanga ndafunga kuuyisa njodzi pamusoro penyu, uye ndikasaitira madzibaba enyu tsitsi paakanditsamwisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose,

15 “saka zvino ndafunga kuita zvakanakazve kuJerusarema neJudha. Musatya.

16 Izvi ndizvo zvinhu zvamunofanira kuita: Tauriranai chokwadi, uye tongai nezvokwadi uye nokururamisira mumatare enyu

17 usarongera muvakidzani wako zvakaipa, uye usafarira kupika nhema. Ndinovenga zvose izvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

18 Shoko raJehovha Wamasimba Ose rakasvikazve kwandiri richiti:

19 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Kutsanya kwomwedzi wechina, wechishanu, wechinomwe nowegumi kuchava nguva dzomufaro nokupembera, nemitambo yomufaro kuna Judha. Naizvozvo mude zvokwadi norugare.”

20 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Vanhu vazhinji navagari vomumaguta mazhinji vachauyazve,

21 uye vagari vomune rimwe guta vachaenda kune rimwe vachinoti, ‘Ngatiendei nokuchimbidza kundokumbira nyasha kuna Jehovha, nokutsvaka Jehovha Wamasimba Ose. Ini pachangu ndiri kuenda.’

22 Uye vanhu vazhinji nendudzi dzine simba vachauya kuJerusarema kuzotsvaka Jehovha Wamasimba Ose nokukumbira nyasha kwaari.”

23 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Mumazuva iwayo varume gumi kubva kundimi dzose nendudzi dzose vachabatirira kwazvo pamupendero wenguo yomuJudha vachiti, ‘Ngatiendei tose, nokuti takanzwa kuti Mwari anewe.’ ”

Categories
Zekaria

Zekaria 9

Kutongwa kwaVavengi veIsraeri

Chirevo

1 Shoko raJehovha rinorwisana nenyika yeHadhiraki

uye richagara pamusoro peDhamasiko,

nokuti meso avanhu naamarudzi ose

eIsraeri ari pana Jehovha,

2 uye napamusoro peHamatiwo, rakaganhurana naro,

uye napamusoro peTire neSidhoni, kunyange zvazvo vane unyanzvi kwazvo.

3 Tire yakazvivakira nhare;

yakaunganidza sirivha seguruva

uye goridhe samarara omumugwagwa.

4 Asi Ishe achatora upfumi hwayo

uye achaparadzira simba rayo pagungwa,

uye ichaparadzwa nomoto.

5 Ashikeroni richazviona, rigotya;

Gaza richatambura mukurwadziwa,

neEkironiwo, nokuti tariro yaro ichapera.

Gaza richarasikirwa namambo waro

uye Ashikeroni haringavi navanhu.

6 Vatorwa vachagara paAshidhodhi,

uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFiristia.

7 Ndichabvisa ropa pamiromo yavo,

kudya kusingabvumirwi pakati pamazino avo.

Vaya vakasara vachava vanhu vaMwari wedu

uye vachava vatungamiri muJudha,

uye Ekironi achava savaJebhusi.

8 Asi ndichadzivirira imba yangu

pavarwi vanoirwisa.

Hapachazovazve nomumanikidzi angakunda vanhu vangu,

nokuti zvino ndiri kugara ndakatarira.

Kuuya kwaMambo weZioni

9 Fara kwazvo, iwe Mwanasikana weZioni!

Danidzira, Mwanasikana weJerusarema!

Tarira, mambo wako anouya kwauri,

iye akarurama uye ano ruponeso,

anozvininipisa akatasva mbongoro,

iyo mhuru, mwana wembongoro.

10 Ndichabvisa ngoro kuna Efuremu,

namabhiza ehondo kuJerusarema,

uye uta hwehondo huchavhunwa.

Achaparidzira ndudzi rugare.

Ushe hwake huchabva kugungwa huchisvika kugungwa,

uye kubva kuRwizi kusvika kumigumo yenyika.

11 Kana uriwe, nokuda kweropa resungano yangu newe,

ndichasunungura vasungwa vako kubva pagomba risina mvura.

12 Dzokerai kunhare yenyu, imi vasungwa vetariro;

kunyange iye zvino ndichazivisa kuti ndichadzorera kwamuri zvakapetwa kaviri.

13 Ndichakunga Judha sendinokunga uta hwangu,

uye ndichaizadza naEfuremu.

Ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni,

kuti varwise vanakomana vako, iwe Girisi;

uye ndichakuita somunondo wemhare.

Jehovha achaonekwa

14 Ipapo Jehovha achaonekwa pamusoro pavo;

museve wake uchapenya semheni.

Ishe Jehovha acharidza hwamanda;

achafamba mudutu rezasi.

15 Uye Jehovha Wamasimba Ose achavadzivirira.

Vachaparadza

uye vachakunda nezvimviriri.

Vachanwa vagoomba sevanwa waini;

vachazara sembiya dzinoshandiswa

pakusasa makona earitari.

16 Jehovha Mwari wavo achavaponesa

pazuva iroro seboka ravanhu vake,

Vachavaima munyika yake

samabwe anokosha ari mukorona.

17 Kuyevedza kwavo nokunaka kwavo kuchava kukuru sei!

Zviyo zvichaita kuti majaya abudirire,

uye waini itsva kumhandara.

Categories
Zekaria

Zekaria 10

Jehovha achachengeta Judha

1 Kumbirai kuna Jehovha mvura yomunakamwe;

Jehovha ndiye anogadzira makore edutu.

Anonayisa mvura kuvanhu,

uye anopa zvirimwa zveminda kuno mumwe nomumwe.

2 Zvifananidzo zvinotaura zvounyengeri,

vavuki vanoona zviratidzo zvenhema;

vanotaura zviroto zvenhema,

vanopa varaidzo pasina.

Nokudaro vanhu vanodzungaira

samakwai anomanikidzwa nokuda kwokushayiwa mufudzi.

3 “Kutsamwa kwangu kunomukira vafudzi,

uye ndicharova vatungamiri,

nokuti Jehovha Wamasimba Ose achava nehanya

namakwai ake, imba yaJudha,

uye achavaita sebhiza rinodadisa pakurwa.

4 Muna Judha muchabva ibwe rapakona,

kubva maari mbambo yetende,

kubva maari uta hwehondo,

kubva maari vatungamiri vose.

5 Pamwe chete vachava savarume voumhare

vanotsika migwagwa ina matope pakurwa.

Nokuti Jehovha anavo,

vacharwa vachakunda vatasvi vamabhiza.

6 “Ndichasimbisa imba yaJudha

uye ndichaponesa imba yaJosefa.

Ndichavadzosa

nokuti ndinovanzwira tsitsi.

Vachava savanhu

vandakanga ndisina kuramba,

nokuti ndini Jehovha Mwari wavo

uye ndichavapindura.

7 VaEfuremu vachava semhare,

uye mwoyo yavo ichafara sevakabatwa newaini.

Vana vavo vachazviona uye vachapembera;

Mwoyo yavo ichafara muna Jehovha.

8 Ndichaninira kwavari

ndigovaunganidza.

Zvirokwazvo ndichavadzikinura,

vachava vakawanda sakare.

9 Kunyange ndikavaparadzira pakati pamarudzi,

kunyange zvakadaro vachandirangarira vari kunyika dziri kure.

Ivo navana vavo vachararama,

uye vachadzoka.

10 Ndichavauyisa kubva kuIjipiti

uye ndichavaunganidza kubva kuAsiria.

Ndichavauyisa kuGireadhi nokuRebhanoni,

uye hakungazovi nenzvimbo yavanokwana.

11 Vachapfuura napagungwa rokutambudzika;

mafungu egungwa achaderedzwa

uye pakadzika pose muna Nairi pachapwa.

Kuzvikudza kweAsiria kuchaparadzwa

uye tsvimbo youshe yeIjipiti ichabviswa.

12 Ndichavasimbisa muna Jehovha

uye muzita rake vachafamba,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.