Categories
Zvakazarurwa

Zvakazarurwa 21

Jerusarema Idzva

1 Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa.

2 Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka.

3 Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, “Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara navo. Vachava vanhu vake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo.

4 Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.”

5 Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva!” Ipapo akati, “Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.”

6 Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira. Kuna iye ane nyota ndichamupa kuti anwe, asingaripi, kubva mutsime remvura youpenyu.

7 Anokunda achapiwa nhaka iyi yose, uye ndichava Mwari wake, uye iye achava mwanakomana wangu.

8 Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.”

9 Mumwe wavatumwa vanomwe akanga ane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akauya kwandiri akati, “Uya, ndizokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.”

10 Uye akandiendesa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza Guta Dzvene, Jerusarema, richiburuka richibva kuna Mwari.

11 Raipenya nokubwinya kwaMwari, uye kuvaima kwaro kwakanga kwakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipa, rinoonekera sekristaro.

12 Rakanga rina masvingo makuru, marefu kwazvo ana masuo gumi namaviri navatumwa gumi navaviri pamasuo. Pamasuo pakanga pakanyorwa mazita amarudzi gumi namaviri avaIsraeri.

13 Kumabvazuva kwakanga kune masuo matatu, matatu kumusoro, matatu nechezasi namatatu kumavirira.

14 Masvingo eguta akanga ane nheyo gumi nembiri, uye padziri pakanga pane mazita avapostori gumi navaviri veGwayana.

15 Mutumwa akataura neni akanga ane tsvimbo yokuera yegoridhe, yokuyera guta, masuo namasvingo aro.

16 Guta rakanga rakavakwa zvokuti mativi aro mana akanga akaenzana pakureba napaupamhi. Akaera guta netsvimbo uye akariwana rina mastadhia zviuru gumi nezviviri paurefu, uye rakapamhama nokureba sourefu hwaro.

17 Akaera rusvingo rwaro uye rwaiva rukobvu makubhiti zana namakumi mana namananokuyera kwavanhu, kwaishandiswa nomutumwa.

18 Rusvingo rwakanga rwakavakwa nejasipa, uye guta rakanga rakavakwa negoridhe rakaisvonaka rinoonekera kunge girazi.

19 Nheyo dzamasvingo eguta dzakanga dzakashongedzwa nemhando dzose dzamatombo anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipa, yechipiri yaiva yesafiri, yetatu yekasidhoni, yechina yeemaradhi;

20 yeshanu yesadhonikisi, yechitanhatu yaiva yekarineri yechinomwe yaiva yekrisoriti, yorusere yaiva yebheriri, yepfumbamwe yaiva yetopazi, yegumi yaiva yekrisoprasi, yegumi neimwe yaiva yejasindi, yegumi nembiri yaiva yeametisti.

21 Masuo gumi namaviri akanga ari amaparera, suo rimwe nerimwe rakaitwa neparera rimwe chete. Nzira huru yomuguta yakanga iri yegoridhe rakaisvonaka segirazi rinoonekera.

22 Handina kuona temberi muguta, nokuti Ishe Mwari Wamasimba Ose neGwayana ndivo temberi yaro.

23 Guta haritsvaki zuva kana mwedzi kuti zvivhenekere pamusoro paro, nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kunovhenekera, uye Gwayana ndiro mwenje waro.

24 Ndudzi dzichafamba nechiedza charo, uye madzimambo enyika achauyisa kubwinya kwawo mukati maro.

25 Hapana zuva richatongozarirwa masuo aro, nokuti hakuchazova nousiku ikoko.

26 Kubwinya nokukudzwa kwendudzi kuchauyiswa mariri.

27 Hakuna chinhu chine tsvina chichazopinda imomo, uye kana upi zvake anoita zvinonyadzisa kana zvounyengeri, asi avo chete vana mazita akanyorwa mubhuku roupenyu reGwayana.

Categories
Zvakazarurwa

Zvakazarurwa 22

Rwizi rwoUpenyu

1 Ipapo mutumwa akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, ruchiyerera kubva pachigaro chaMwari necheGwayana

2 pakati penzira huru yeguta. Parutivi rumwe norumwe rwerwizi pakanga pano muti woupenyu, waibereka mhando gumi nembiri dzomuchero, ichibereka michero yayo pamwedzi woga woga. Mashizha omuti uyu ndeokuporesa ndudzi.

3 Hakuchazovazve nokutukwa. Chigaro choushe chaMwari necheGwayana zvichava muguta, uye varanda vake vachamushumira.

4 Vachaona chiso chake, uye zita rake richava pahuma dzavo.

5 Usiku hahuchazovapozve. Havachazotsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari achavapa chiedza. Uye vachatonga nokusingaperi-peri.

6 Mutumwa akati kwandiri, “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi. Ishe, Mwari wemweya yavaprofita, akatuma mutumwa wake kuzoratidza varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.”

Jesu ari kuuya

7 “Tarirai, ndinokurumidza kuuya! Akaropafadzwa uyo anochengeta mashoko ouprofita huri mubhuku iri.”

8 Ini Johani, ndini ndakanzwa uye ndikaona zvinhu izvi. Uye ndakati ndazvinzwa uye ndazviona, ndakawira pasi kuti ndinamate ndiri patsoka dzomutumwa akanga andiratidza zvinhu izvi.

9 Asi akati kwandiri, “Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako vaprofita navose vanochengeta mashoko ebhuku iri. Namata Mwari!”

10 Ipapo akati kwandiri, “Usanamira mashoko ouprofita hwebhuku iri, nokuti nguva yaswedera.

11 Anotadza ngaarambe achitadza, anonyangadza ngaarambe achinyangadza; anoita zvakarurama ngaarambe achiita zvakarurama; uye mutsvene ngaarambe ari mutsvene.”

12 “Tarirai, ndiri kukurumidza kuuya! Mubayiro wangu ndinawo, uye ndichapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.

13 Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira, kutanga nokuguma.

14 “Vakaropafadzwa avo vanosuka nguo dzavo, kuti vave nesimba rokuuya kumuti woupenyu uye vagopinda muguta napasuo.

15 Kunze ndiko kune imbwa, vaya vanoita zvouroyi, mhombwe, mhondi, vanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema uye vachidziita.

16 “Ini Jesu, ndatuma mutumwa wangu kuti akupe uchapupu uhu hwekereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, Nyamasase inopenya.”

17 Mweya nomwenga vanoti, “Uya!” Uye anonzwa ngaati, “Uyai!” Ani naani ane nyota, ngaauye; uye ani naani anoda, ngaatore chipo chemvura youpenyu asingatengi.

18 Ndinoyambira mumwe nomumwe anonzwa mashoko ouprofita hwebhuku iri ndichiti: Kana munhu upi zvake akawedzera chinhu chipi zvacho kwaari, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri.

19 Uye, kana munhu upi zvake akatapudza mashoko kubva mubhuku iri rouprofita, Mwari achabvisa kubva kwaari mugove wake pamuti woupenyu nomuguta dzvene, izvo zvakanyorwa mubhuku iri.

20 Uyo anopupura zvinhu izvi anoti, “Hongu, ndinokurumidza kuuya.”

Ameni. Uyai, Ishe Jesu.

21 Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive navanhu vaMwari. Ameni.