Categories
Jeremia

Jeremia 29

Tsamba kuVatapwa

1 Zvino aya ndiwo mashoko etsamba yakatumwa nomuprofita Jeremia kubva kuJerusarema ichienda kuvakuru vakanga vachiri vapenyu pakati pavatapwa, nokuvaprista navaprofita, navamwe vanhu vose vakanga vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi naNebhukadhinezari vachibviswa kuJerusarema.

2 (Izvi zvakaitika shure kwokunge Mambo Jehoyakini namai vake, namachinda omuruvazhe rwamambo, navatungamiri veJudha neJerusarema, navavezi, navapfuri, vaendeswa kuutapwa vachibviswa kuJerusarema.)

3 Akaendesa tsamba iyi noruoko rwaErasa, mwanakomana waShafani, naGemaria mwanakomana waHirikia, avo vakatumwa naZedhekia mambo waJudha kuna Mambo Nebhukadhinezari kuBhabhironi. Yaiti:

4 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, kuna vose vandakaendesa kuutapwa kuBhabhironi vachibva kuJerusarema:

5 “Zvivakirei dzimba mugare; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo.

6 Wananai mugova navanakomana navanasikana; tsvakirai vanakomana venyu vakadzi uye muwanise vanasikana venyu, kuti naivowo vave navanakomana navanasikana. Muwande ikoko; musadzikira pakuwanda.

7 Uyezve, mutsvake rugare nokubudirira kweguta randakakuendesai kuutapwa. Murinyengeterere kuna Jehovha, nokuti kana rikabudirira, nemiwo muchabudirira.”

8 Nokuti, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Musarega vaprofita navavuki vari pakati penyu vachikunyengerai. Musateerera kurota kwamunovakurudzira kuti varote.

9 Vanokuprofitirai nhema muzita rangu. Handina kuvatuma,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

10 Nokuti zvanzi naJehovha: “Panopera makore makumi manomwe eBhabhironi, ndichauyazve kwamuri ndigozadzisa zvakanaka zvandakavimbisa kuti ndichakudzoserai kunzvimbo ino.

11 Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.

12 Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai.

13 Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose.

14 Ndichawanikwa nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzosai kubva kuutapwa. Ndichakuunganidzai kubva kundudzi dzose nokunzvimbo dzandakanga ndakudzingirai,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzoseraizve kunzvimbo yandakanga ndakubudisai ndichikuendesai kuutapwa.”

15 Imi mungati henyu, “Jehovha akatimutsira vaprofita muBhabhironi,”

16 asi zvanzi naJehovha pamusoro pamambo achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi navanhu vose vanosara vari muguta rino, vanhu venyika yenyu vasina kuenda nemi kuutapwa,

17 hongu, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ndichatuma munondo, nzara nedenda pamusoro pavo uye ndichavaita samaonde akaipa akaora zvokuti haangadyiwi.

18 Ndichavatevera nomunondo, nzara nedenda uye ndichavaita chinhu chinovengwa noushe hwose hwenyika uye chinhu chinotukwa, nechinotyisa, nechinosekwa, nechinoshorwa pakati pendudzi dzose kwandakavadzingira.

19 Nokuti havana kuteerera kumashoko angu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mashoko andakatuma ndatumazve kwavari navaranda vangu vaprofita. Nemiwo vakatapwa makaramba kuateerera,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

20 Naizvozvo, chinzwai shoko raJehovha, imi mose makatapwa vandakadzingira kuBhabhironi muchibva kuJerusarema.

21 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, pamusoro paAhabhu mwanakomana waKoraya naZedhekia mwanakomana waMaaseya, vari kukuprofitirai nhema muzita rangu: “Ndichavaisa muruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye achavauraya pamberi penyu muchizviona.

22 Nokuda kwavo, vatapwa vose vakabva kuJudha vari muBhabhironi vachashandisa chituko ichi: ‘Jehovha akuitire sezvaakaita kuna Zedhekia naAhabhu avo vakapiswa mumoto namambo weBhabhironi.’

23 Nokuti vakaita zvinhu zvinonyangadza muIsraeri; vakaita upombwe navakadzi vavavakidzani vavo uye vakareva nhema muzita rangu, izvo zvandisina kuvaudza kuti vaite. Ndinozviziva uye ndiri chapupu chazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Shoko kuna Shemaya

24 Udza Shemaya muNeherami kuti,

25 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Wakatumira matsamba muzita rako kuvanhu vose vomuJerusarema, kuna Zefania mwanakomana waMaaseya muprista, nokuna vamwe vaprista vose. Wakati kuna Zefania,

26 ‘Jehovha akakugadza kuva muprista panzvimbo yaJehoyadha kuti uve mutariri weimba yaJehovha; unofanira kuisa muchitokisi nomumangetani munhu upi zvake anopenga achiita somuprofita.

27 Saka wakaregererei kuranga Jeremia weAnatoti, anozviti muprofita pakati penyu?

28 Akatuma shoko iri kwatiri paBhabhironi, achiti: Zvichatora nguva yakareba. Naizvozvo zvivakirei dzimba mugogara; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo.’ ”

29 Uye, Zefania muprista akaverengera muprofita Jeremia tsamba iyi.

30 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,

31 “Tumira shoko iri kuvatapwa vose, uti, ‘Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaya, muNeherami: Nokuti Shemaya akuprofitirai, kunyange ini ndisina kumutuma, uye aita kuti mutende nhema,

32 zvanzi naJehovha: Zvirokwazvo ndicharanga Shemaya muNeherami nezvizvarwa zvake. Haangavi nomunhu achasara pakati pavanhu ava, kana kuona zvinhu zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti akaparidza zvokundimukira.’ ”

Categories
Jeremia

Jeremia 30

Kuvandudzwa kweIsraeri

1 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti,

2 “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Nyora mubhuku mashoko ose andakakuudza.

3 Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘andichadzosa vanhu vangu, vaIsraeri navaJudha kubva kuutapwa. Uye ndichavadzosera kunyika yandakapa madzitateguru avo kuti ive yavo,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.”

4 Aya ndiwo mashoko akataurwa naJehovha pamusoro peIsraeri neJudha:

5 “Zvanzi naJehovha:

“ ‘Tinonzwa kuchema kwevanotya,

kwokutyisidzirwa, kwete kworugare.

6 Bvunzai muone:

Ko, murume angagona kusununguka mwana here?

Zvino, seiko ndichiona murume mumwe nomumwe akasimba

akabata padumbu pake namaoko ake somukadzi orwadziwa,

zviso zvose zvachenuruka?

7 Haiwa, zuva iro richatyisa seiko!

Hakuna richafanana naro.

Ichava nguva yaJakobho yokutambudzika,

asi achaponeswa pairi.

8 “ ‘Pazuva iro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose,

‘Ndichavhuna joko pamitsipa yavo

uye ndichadambura zvisungo zvavo;

havachazoitwizve varanda navatorwa.

9 Asi, vachashumira Jehovha Mwari wavo

naDhavhidhi mambo wavo,

iye wandichavamutsira.

10 “ ‘Saka, usatya, iwe Jakobho muranda wangu;

usavhunduka, iwe Israeri,’

ndizvo zvinotaura Jehovha.

‘Zvirokwazvo ndichakuponesa kubva kunyika iri kure,

zvizvarwa zvako kubva kunyika youtapwa hwavo.

Jakobho achavazve norunyararo uye nokuchengetedzeka,

uye hakuna achazomutyisa.

11 Ndinewe uye ndichakuponesa,’

ndizvo zvinotaura Jehovha.

‘Kunyange zvazvo ndakaparadza chose ndudzi dzose

dzandakakuparadzira pakati padzo,

handingazokuparadze zvachose iwe.

Ndichakuranga asi nokururamisira chete;

handingakusiyi usina kurangwa zvachose.’

12 “Zvanzi naJehovha:

“ ‘Ronda rako harirapiki,

kukuvadzwa kwako hakupori.

13 Hakuna anokureverera mhaka yako,

vanga rako harina mushonga,

hapana kuporeswa kwako.

14 Vose vaikuda vakakukanganwa;

havachina hanya newe.

Ndakakurova sezvinoitwa nomuvengi

ndikakuranga sezvinoitwa neano utsinye

nokuti mhosva yako ihuru

uye zvivi zvako zvakawanda.

15 Unochemeiko pamusoro pevanga rako,

nokurwadziswa kwako kusingarapike?

Nokuda kwokukura kwemhaka yako nezvivi zvizhinji

ndakaita zvinhu izvi kwauri.

16 “ ‘Asi vose vanokudya iwe vachadyiwawo;

vavengi vako vose vachaenda kuutapwa.

Vanokupamba, vachapambwawo;

vose vanokuparadza, ndichavaparadzawo.

17 Asi ndichakudzorera pautano

uye ndichaporesa maronda ako,’

ndizvo zvinotaura Jehovha,

‘nokuti iwe wakanzi murashwa,

Zioni zvaro risina ane hanya naro.’

18 “Zvanzi naJehovha:

“ ‘Ndichadzosazve pfuma yamatende aJakobho

uye ndichanzwira ugaro hwake tsitsi;

guta richavakwazve pamatongo aro,

nomuzinda uchamira panzvimbo yawo yakafanira.

19 Nziyo dzokuvonga dzichabva kwavari

uye nenzwi romufaro.

Ndichawedzera kuwanda kwavo,

uye havangatapudzwi;

ndichavavigira kukudzwa,

uye havangadukupiswi,

20 Vana vavo vachava sepamazuva ekare,

uye ungano yavo ichasimbiswa pamberi pangu;

ndicharanga vose vanovamanikidza.

21 Mutungamiri wavo achava mumwe wokwavo;

anovabata ushe achamutswa pakati pavo.

Ndichamuswededza pedyo uye iye achaswedera pedyo neni,

nokuti ndianiko achazvipira

kuti ave pedyo neni?’

ndizvo zvinotaura Jehovha.

22 ‘Saka muchava vanhu vangu,

neni ndichava Mwari wenyu.’ ”

23 Tarirai, dutu raJehovha

richaputika mukutsamwa kwake,

mhepo inovhuvhuta ichimona

pamisoro yavakaipa.

24 Kutsamwa kunotyisa kwaJehovha hakungadzoki,

kusvikira apedza

zvinovavarirwa nomwoyo wake.

Mumazuva anouya

muchanzwisisa izvozvi.

Categories
Jeremia

Jeremia 31

1 “Panguva iyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichava Mwari wamarudzi ose aIsraeri, naivo vachava vanhu vangu.”

2 Zvanzi naJehovha:

“Vanhu vakapunyuka pamunondo

vachawana nyasha mugwenga;

ndichauya kuzopa zororo kuna Israeri.”

3 Jehovha akazviratidza kwatiri kare, achiti:

“Ndakakudai norudo rusingaperi;

ndakakukwevai nokunaka kworudo rwangu.

4 Ndichakuvakazve,

ipapo uchavakwa, iwe Mhandara Israeri.

Uchatorazve matambureni ako

ugoenda kundotamba navanofara.

5 Zvakare, muchasima minda yemizambiringa

pamusoro pezvikomo zveSamaria;

varimi vachaisima,

vagofadzwa nezvibereko zvayo.

6 Pachava nezuva richadanidzira nharirire

dziri pamusoro pezvikomo zveEfuremu, dzichiti,

‘Uyai, ngatikwidzei kuZioni,

kuna Jehovha Mwari wedu.’ ”

7 Zvanzi naJehovha:

“Imbirai Jakobho nomufaro;

pururudzirai mukuru wendudzi.

Paridzai, rumbidzai, muchiti,

‘Haiwa Jehovha, ponesai vanhu venyu,

ivo vakasara vaIsraeri.’

8 Tarirai, ndichavauyisa vachibva kunyika yokumusoro,

uye ndigovaunganidza kubva kumigumo yenyika.

Pakati pavo pachava namapofu nezvirema,

navanamai vane pamuviri navakadzi vanorwadziwa;

boka guru richadzoka kuno.

9 Vachauya vachichema;

vachanyengetera pandinenge ndichivadzosa.

Ndichavafambisa nepahova dzemvura,

napanzira yakati chechetere yavasingagumburwi,

nokuti ndiri baba vaIsraeri,

uye Efuremu ndiye dangwe rangu.

10 “Inzwai shoko raJehovha imi ndudzi dzose;

muriparidze kuzviwi zviri kure muchiti:

‘Iye akaparadzira Israeri ndiye achavaunganidza,

uye achavachengeta somufudzi anochengeta boka ramakwai ake.’

11 Nokuti Jehovha achasunungura Jakobho,

uye agovadzikinura kubva muruoko rwaivo vane simba kupinda ivo.

12 Vachauya vachipembera nomufaro pamusoro peZioni;

vachafara nokupa zvakanaka kwaJehovha,

nokuda kwezviyo, newaini itsva uye namafuta,

makwayana nemombe.

Vachafanana nebindu rakanyatsodiridzwa,

uye havachazosuwazve.

13 Ipapo varandakadzi vachatamba uye vachafara,

majaya navatana vachafarawo.

Ndichashandura kuchema kwavo kuti kuve mufaro;

ndichavanyaradza uye ndichavapa mufaro pachinzvimbo chokusuwa.

14 Ndichagutsa vaprista nezvakawanda,

uye vanhu vangu vachazadzwa nokupa zvakanaka kwangu,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

15 Zvanzi naJehovha:

“Inzwi rinonzwikwa muRama,

rokuungudza nokuchema kukuru,

Rakeri achichema vana vake

uye achiramba kunyaradzwa,

nokuti vana vake havachipo.”

16 Zvanzi naJehovha:

“Dzora inzwi rako pakuchema

nameso ako pamisodzi,

nokuti basa rako richaripirwa,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Vachadzoka vachibva kunyika yomuvengi.

17 Saka ramangwana rako rine tariro,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Vana vako vachadzokera kunyika yavo.”

18 “Zvirokwazvo ndanzwa kuchema kwaEfuremu achiti:

‘Makandirova semhuru isina kupingudzwa,

nokudaro ndakarangwa.

Ndidzorei, ipapo ndichadzoka,

nokuti imi ndimi Jehovha Mwari wangu.

19 Mushure mokutsauka kwangu,

ndakatendeuka;

ndakati ndanzwisisa

ndakazvirova chipfuva.

Ndakanyadziswa uye ndakaninipiswa

nokuti ndakatakura nyadzi dzouduku hwangu.’

20 Ko, Efuremu haasi mwanakomana wangu anodikanwa,

mwana anondifadza here?

Kunyange ndichimupikisa kazhinji,

ndinoramba ndichimurangarira.

Naizvozvo, mwoyo wangu unomushuva;

ndinomunzwira tsitsi kwazvo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

21 “Zvimisirei shongwe dzenzira;

misai zvikwangwani.

Cherechedzai mugwagwa mukuru,

mugwagwa wamunofamba nawo.

Dzoka, iwe Mhandara Israeri,

dzokera kumaguta ako.

22 Uchadzungaira kusvikira rinhiko,

iwe mwanasikana wokusatendeka?

Jehovha achasika chinhu chitsva panyika,

zvokuti mukadzi achambundikira murume.”

23 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: “Pandichavadzosazve kubva kuutapwa, vanhu vari munyika yeJudha nomumaguta ayo vachataurazve mashoko aya okuti, ‘Jehovha ngaakuropafadze, iwe ugaro hwakarurama, iwe gomo dzvene.’

24 Vanhu vachagara pamwe chete muJudha nomumaguta ayo ose, varimi navaya vanofamba namapoka avo.

25 Ndichasimbisa vanenge vaneta uye ndichagutsa vanenge vaziya.”

26 Ipapo ndakamuka ndokuringa-ringa. Ndakanga ndarara zvakanaka.

27 “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichasima muimba yaIsraeri nomuimba yaJudha zvibereko zvavanhu nezvibereko zvemhuka.

28 Sezvandakavarindira kuti ndidzure, ndikoromore, uye ndiwisire pasi, ndiparadze, ndiuyise njodzi, saizvozvo ndichavarindira, kuti ndivake uye ndisime,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

29 “Mumazuva iwayo vanhu havangazoti,

“ ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava,

mazino avana akaita hwadzira.’

30 Asi, mumwe nomumwe achafa nokuda kwezvakaipa zvake; ani naani anodya mazambiringa anovava, mazino ake achaita hwadzira.

31 “Nguva inouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“yandichaita sungano itsva

neimba yaIsraeri

uye neimba yaJudha.

32 Haingazofanani nesungano

yandakaita namadzitateguru avo,

pandakavabata ruoko

kuti ndivabudise munyika yeIjipiti,

nokuti vakaputsa sungano yangu,

kunyange ndakanga ndiri murume kwavari,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

33 “Iyi indiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri

shure kwamazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ndichaisa murayiro wangu mundangariro dzavo

uye ndigounyora mumwoyo yavo.

Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.

34 Hakuna munhu achadzidzisa muvakidzani wake

kana hama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha,’

nokuti vose vachandiziva,

kubva kumuduku wavo kusvikira kumukuru,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Nokuti ndichavakanganwira kuipa kwavo,

uye handingarangaririzve zvivi zvavo.”

35 Zvanzi naJehovha,

iye anogadza zuva

kuti rivhenekere masikati,

anoisa chirevo kumwedzi nenyeredzi

kuti zvivhenekere usiku,

iye anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire,

Jehovha Wamasimba Ose, ndiro zita rake:

36 “Kana chete mitemo iyi ikabva pamberi pangu,”

ndizvo zvinotaura Jehovha,

“ndiko kuti zvizvarwa zvaIsraeri zvigume

kuva rudzi pamberi pangu.”

37 Zvanzi naJehovha:

“Kana chete matenga ari kumusoro akagona kuyerwa,

uye nheyo dzenyika dziri pasi dzikagona kunzverwa,

ipapo ndipo pandingarambe zvizvarwa zvaIsraeri

nokuda kwezvose zvavakaita,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

38 “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichavakirazve guta kubva paShongwe yeHananeri kusvikira paSuo reKona.

39 Rwodzi rwokuyera ruchatandavara kubva ipapo kusvikira kuchikomo cheGarebhi ndokudzoka ruchisvika kuGoa.

40 Mupata wose unorasirwa zvitunha namadota, neminda yose kusvikira kuMupata weKidhironi kumabvazuva kusvikira kukona reSuo raMabhiza, zvichava zvitsvene kuna Jehovha. Guta harichazombodzurwi kana kuparadzwazve.”

Categories
Jeremia

Jeremia 32

Jeremia anotenga Munda

1 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha mugore regumi raZedhekia mambo weJudha, riri gore regumi namasere raNebhukadhinezari.

2 Hondo yamambo Nebhukadhinezari yakanga yakakomberedza Jerusarema, uye Jeremia muprofita akanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi rwakanga rwuri mumuzinda wamambo weJudha.

3 Zvino Zedhekia mambo weJudha akanga amupfigira imomo, achiti, “Unoprofitirei sezvaunoita? Unoti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndava kuda kuisa guta rino mumaoko amambo weBhabhironi, uye acharipamba.

4 Zedhekia mambo weJudha haangapukunyuki pamaoko avaBhabhironi, asi zvirokwazvo achaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi, vagotaurirana vakatarisana chiso nechiso achimuona nameso ake.

5 Iye achaendesa Zedhekia kuBhabhironi, kwaachagara kusvikira ndagadzirisana naye, ndizvo zvinotaura Jehovha. Kana ukarwa navaBhabhironi haungavakundi.’ ”

6 Jeremia akati, “Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

7 Hanameri mwanakomana wasekuru vako Sharumi achauya kwauri achiti, ‘Tenga munda wangu uri paAnatoti, nokuti sezvo uriwe hama yepedyo, ndiwe une kodzero yokuutenga.’

8 “Ipapo, sokutaura kwakanga kwaita Jehovha, sekuru wangu Hanameri akauya kwandiri ndiri muruvazhe rwavarindi akati, ‘Tenga munda wangu uri paAnatoti munyika yeBhenjamini. Chizvitengera iwe kuti uve wako sezvo uriwe une kodzero yokuudzikinura.’

“Ndakazviziva kuti iri raiva shoko raJehovha;

9 saka ndakatenga munda waiva paAnatoti kubva kuna sekuru vangu Hanameri ndokumuyerera mashekeri gumi namanomweesirivha.

10 Ndakanyora rugwaro rwokutenga ndikarunama, ndikaita kuti pave nezvapupu, ndikamuyerera sirivha pazviyero.

11 Ndakatora gwaro rokutengeserana, riya rakanga rakanamwa riine mirayiro nezvimwe, pamwe chete neriya rakanga risina kunamwa,

12 ndokupa gwaro iri kuna Bharuki mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseya, pamberi paHanameri mwanakomana wasekuru vangu napamberi pezvapupu zvakanga zvaisa runyoro pagwaro rokutengeserana, napamberi pavaJudha vose vakanga vagere muruvazhe rwavarindi.

13 “Ndakarayira Bharuki pamberi pavo, ndichiti,

14 ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Tora magwaro aya, okutengeserana ari maviri akanamwa neasina kunamwa, ugoisa muhari yevhu kuitira kuti agare kwamazuva mazhinji.

15 Nokuti zvanzi naJehovha, Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Dzimba, minda, uye minda yemizambiringa zvichatengwazve munyika ino.’

16 “Mushure mokunge ndapa Bharuki mwanakomana waNeria gwaro rokutengeserana, ndakanyengetera kuna Jehovha, ndichiti:

17 “Haiwa, Ishe Jehovha, ndimi makaita matenga nenyika nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa. Hakuna chinhu chakaoma kwamuri.

18 Imi munoratidza rudo rwenyu kuzviuru nezviuru asi muchiuyisa shamhu yezvivi zvamadzibaba pamakumbo avana vavo vanovatevera. Haiwa imi Mwari mukuru ane simba guru, mune zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose,

19 zvinangwa zvenyu zvikuru uye mabasa enyu makuru. Meso enyu akasvinurira nzira dzose dzavanhu; munopa mumwe nomumwe zvakafanira mafambiro ake uye nezvakafanira mabasa ake.

20 Makaita zviratidzo nezvishamiso muIjipiti uye mukaramba muchizviita kusvikira pazuva ranhasi, pakati peIsraeri napakati pendudzi dzimwe dzose, uye mukazviwanira mukurumbira sezvazvakaita nanhasi.

21 Makabudisa vanhu venyu veIsraeri kubva muIjipiti nezviratidzo nezvishamiso, noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutyisa kukuru.

22 Makavapa nyika ino yamakanga mapikira kupa madzibaba avo, nyika inoyerera mukaka nouchi.

23 Vakapinda vakaitora kuti ive yavo, asi havana kukuteererai kana kutevera murayiro wenyu; havana kuita zvamakanga mavarayira kuti vaite. Saka makauyisa njodzi yose iyi pamusoro pavo.

24 “Tarirai mavakirwo ari kuitwa mirwi yokukomba kuti vatore guta. Nokuda kwomunondo, nenzara uye denda, guta richaiswa mumaoko avaBhabhironi vari kurirwisa. Zvamakataura zvaitika sezvamuri kuona zvino.

25 Kunyange hazvo guta rino richizoiswa mumaoko avaBhabhironi, imi, Ishe Jehovha makati kwandiri, ‘Zvitengere munda nesirivha uye uite kuti zvapupu zvivepo pakutengeserana uku.’ ”

26 Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Jeremia, richiti,

27 “Ndini Jehovha, Mwari wavanhu vose. Ko, pane chinhu chingandiomera here?

28 Naizvozvo zvanzi naJehovha: ndava pedyo nokuisa guta rino mumaoko avaBhabhironi, nokuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uyo acharikunda.

29 VaBhabhironi vari kurwisa guta rino vachauya vagopinda vagoritungidza nomoto; vacharipisa, pamwe chete nedzimba dzavanhu vakanditsamwisa nokupisira zvinonhuhwira kuna Bhaari pamusoro pamatenga adzo uye nokudururira zvipiriso zvokunwa kuna vamwe vamwari.

30 “Vanhu veIsraeri navanhu veJudha havana kugona kuita chinhu chakanaka asi zvakaipa chete pamberi pangu kubva pauduku hwavo; zvirokwazvo vanhu veIsraeri havana kumbogona kuita zvakanaka asi vakanditsamwisa nezvavakaita namaoko avo, ndizvo zvinotaura Jehovha.

31 Kubva pazuva rakavakwa guta rino kusvikira zvino, guta rino rakamutsa hasha dzangu nokunditsamwisa zvikuru zvokuti ndinofanira kuribvisa pamberi pangu.

32 Vanhu veIsraeri navanhu veJudha vakanditsamwisa nezvakaipa zvose zvavakaita, ivo namadzimambo avo, namachinda avo, navaprista vavo, navaprofita vavo, ivo vanhu veJudha navanhu veJerusarema.

33 Vakandifuratira uye havana kunditarisa nezviso zvavo; kunyange ndakavadzidzisa ndadzidzisazve, havana kuteerera kana kutsiurika.

34 Vakaisa zvifananidzo zvavo zvinonyangadza mumba yakatumidzwa Zita rangu vakaisvibisa.

35 Vakavakira Bhaari nzvimbo dzakakwirira muMupata weBheni Hinomi kuti vabayire vanakomana navanasikana vavo kuna Moreki, kunyange ndisina kuvarayira, kana kuzviisa mupfungwa dzangu, kuti vaite chinhu chinonyangadza zvakadai, nokudaro vagoita kuti Judha itadze.

36 “Imi munotaura pamusoro peguta rino muchiti, ‘Guta rino richaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi, nomunondo, nenzara, uye nedenda’; zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri:

37 Zvirokwazvo ndichavaunganidza kubva kunyika dzose dzandakanga ndavadzingira pakutsamwa kwangu kukuru nehasha dzangu huru; ndichavadzosazve kunzvimbo ino ndigovagarisa zvakanaka.

38 Vachava vanhu vangu, ini ndichava Mwari wavo.

39 Ndichavapa mwoyo mumwe namaitiro mamwe, kuitira kuti vagare vachinditya zvigovanakira ivo navana vavo vanovatevera.

40 Ndichaita sungano isingaperi navo: handingatongomiri pakuvaitira zvakanaka uye ndichavakurudzira kuti vanditye, kuitira kuti varege kuzotsauka kubva kwandiri.

41 Ndichafarira kuvaitira zvakanaka uye zvirokwazvo ndichavasima munyika ino, nomwoyo wangu wose uye nomweya wangu wose.

42 “Zvanzi naJehovha: Sezvandakauyisa njodzi huru yose iyi pamusoro pavanhu ava, saizvozvo ndichavapa kubudirira kwose kwandakavavimbisa.

43 Zvakare, minda ichatengwa munyika ino yamunoti, ‘Idongo, haina vanhu kana zvipfuwo, nokuti yakaiswa mumaoko avaBhabhironi.’

44 Minda ichatengwa nesirivha, uye magwaro okutengeserana achanyorwa, agonamwa uye agopupurirwa munyika yeBhenjamini, mumisha yakapoteredza Jerusarema, nomumaguta eJudha nomumaguta omunyika yezvikomo, nomujinga mezvikomo zvokumavirira, nokuNegevhi, nokuti ndichadzosazve pfuma yavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.”

Categories
Jeremia

Jeremia 33

Chivimbiso choKudzoredzanisa

1 Shoko raJehovha rakasvika kechipiri kuna Jeremia panguva yaakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi richiti,

2 “Zvanzi naJehovha, iye akaita nyika, naiye akaiumba uye akaisimbisa, Jehovha ndiro zita rake,

3 ‘Danai kwandiri uye ndichakupindurai uye ndichakuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusingazivi.’

4 Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pedzimba dziri muguta rino uye nomuzinda wamadzimambo eJudha zvakakoromorerwa pasi kuti zvishandiswe pakuputsa mirwi yakakomba guta neminondo,

5 mukurwisana navaBhabhironi, ‘Zvichazadzwa nezvitunha zvavanhu vandichauraya pakutsamwa kwangu nehasha dzangu. Ndichavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwaro kwose.

6 “ ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndicharivigira utano nokurapwa; ndicharapa vanhu vangu uye ndichaita kuti vave norugare rwakawanda uye nokuchengetedzeka.

7 Ndichabvisazve Judha neIsraeri norugare kubva kuutapwa ndivavakezve sepakutanga.

8 Ndichavanatsa pachivi chose chavakanditadzira ndigovakanganwira zvivi zvavo zvose zvokundimukira.

9 Ipapo guta rino richandivigira mukurumbira, mufaro, kurumbidzwa nokukudzwa pamberi pendudzi dzose dzepanyika dzinonzwa zvakanaka zvose zvandinoriitira; dzichatya uye dzichadedera nokuda kwokukura kwokubudirira norugare rwandinoripa.’

10 “Zvanzi naJehovha: ‘Munoti pamusoro penzvimbo ino, “Yaparara, haina vanhu vanogaramo kana mhuka dzinogaramo.” Asi mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema makasiyiwa musina chinhu, musisagarwi navanhu kana nemhuka, muchanzwikwazve

11 manzwi nomufaro nokufarisisa, namanzwi emwenga nechikomba, namanzwi avaya vanouya nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha, vachiti,

“ ‘ “Vongai Jehovha Wamasimba Ose,

nokuti Jehovha akanaka;

rudo rwake runogara nokusingaperi.”

Nokuti ndichadzosazve pfuma yenyika iyi sezvayaiva iri kare,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.

12 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Munzvimbo ino, yakaparara uye isina vanhu kana mhuka, mumaguta ayo ose aripo muchava namafuro avafudzi okuvatisa makwai avo.

13 Mumaguta enyika yezvikomo, neemujinga mezvikomo zvokumavirira neokuNegevhi, munyika yaBhenjamini, nomumisha yakapoteredza Jerusarema nomumaguta eJudha, makwai achapfuurazve napasi poruoko rwounoaverenga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.

14 “ ‘Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, andichazadzisa chivimbiso chenyasha chandakaita kuimba yaIsraeri nokuimba yaJudha.

15 “ ‘Mumazuva iwayo uye nenguva iyoyo

ndichameresa Davi rakarurama rinobva kurudzi rwaDhavhidhi;

iye achatonga nyika nokururamisira uye nokururama.

16 Mumazuva iwayo Judha achaponeswa,

uye Jerusarema richagara rakachengetedzeka.

Iri ndiro zita rarichatumidzwa:

Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.’

17 Nokuti zvanzi naJehovha: ‘Dhavhidhi haangatongoshayiwi munhu angagara pachigaro choushe cheimba yaIsraeri,

18 Kana vaprista, vorudzi rwaRevhi, havangashayiwi munhu angamira pamberi pangu nguva dzose kuti apisire zvipiriso, apisire zvipiriso zvezviyo uye ape zvibayiro.’ ”

19 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti:

20 “Zvanzi naJehovha: ‘Kana mukagona kuputsa sungano yangu namasikati uye nesungano yangu nousiku, zvokuti masikati nousiku zvirege kuvapo nenguva yakatarwa,

21 ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu, nesungano yangu navaRevhi avo vanova vaprista vanoshumira pamberi pangu, ingagona kuputsika uye Dhavhidhi haangazovizve nomwanakomana angatonga ari pachigaro chake choushe.

22 Ndichawanza vana vomuranda wangu Dhavhidhi navaRevhi vanoshumira pamberi pangu zvokusaverengeka senyeredzi dzedenga uye zvokusagona kuyerwa sejecha regungwa.’ ”

23 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,

24 “Hauna kucherechedza here kuti vanhu ava vanoti, ‘Jehovha akaramba umambo hwose huri huviri hwaakanga asarudza’? Saka vari kushora vanhu vangu nokusavaona sorudzi.

25 Zvanzi naJehovha: ‘Kana ndikasasimbisa sungano yangu namasikati nousiku nemitemo yakatemwa yematenga napasi,

26 ipapo ndicharamba vana vaJakobho naDhavhidhi muranda wangu uye handingasarudzi mumwe wavanakomana vake kuti abate ushe pamusoro pavana vaAbhurahama, Isaka naJakobho. Nokuti ndichadzosa nhaka yavo uye ndichavanzwira tsitsi.’ ”

Categories
Jeremia

Jeremia 34

Zedhekia anoyambirwa

1 Shoko iri rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha, panguva iyo Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nehondo yake yose, noushe hwose hwapanyika hwaakanga akabata, navanhu vose vakanga vachirwa neJerusarema namaguta ose akanga akaripoteredza, richiti,

2 “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Enda kuna Zedhekia mambo weJudha umuudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndava pedyo nokuisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, uye acharipisa.

3 Iwe haungapukunyuki muruoko rwake asi zvirokwazvo uchabatwa ugoiswa mumaoko ake. Uchaona mambo weBhabhironi nameso ako, uye achataura newe makatarisana. Uye iwe uchaenda kuBhabhironi.

4 “ ‘Asi chinzwa chivimbiso chaJehovha, iwe Zedhekia mambo weJudha. Zvanzi naJehovha pamusoro pako iwe: Haungafi nomunondo;

5 uchafa murunyararo. Vanhu sezvavakavesa moto pamariro vachiremekedza madzibaba ako, iwo madzimambo akare akakutangira, saizvozvo vachavesa moto vachikuremekedza vagochema vachiti, “Yowe-e, nhai tenzi!” Ndini pachangu ndavimbisa izvi, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ”

6 Ipapo muprofita Jeremia akataurira Zedhekia mambo weJudha zvose izvi, ari muJerusarema,

7 hondo yamambo weBhabhironi payakanga ichirwa neJerusarema namamwe maguta eJudha akanga achakashingirira, Rakishi neAzeka. Aya ndiwo chete maguta akanga asara muJudha akakomberedzwa namasvingo.

Kusunungurwa kweNhapwa

8 Shoko rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha mushure mokunge Mambo Zedhekia aita sungano navanhu vose vemuJerusarema kuti vadanidzire kusunungurwa kwenhapwa.

9 Mumwe nomumwe aifanira kusunungura varanda vake vechiHebheru, vose varume navakadzi; hakuna aifanira kurega hama yake yechiJudha iri pausungwa.

10 Saka machinda ose navanhu vose vakapinda pasungano iyi, vakatenderana ndokuvasunungura.

11 Asi mushure maizvozvo vakashandura pfungwa dzavo, vakadzosa nhapwa dzavakanga vasunungura ndokuvaita varanda zvakare.

12 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,

13 “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Ndakaita sungano namadzitateguru enyu pandakavabudisa kubva muIjipiti, munyika youranda. Ndakati,

14 ‘Gore rechinomwe roga roga, mumwe nomumwe wenyu anofanira kusunungura hama ipi zvayo yechiHebheru yakazvitengesa kwaari. Mushure mokukushandira makore matanhatu, unofanira kumurega aende.’ Kunyange zvakadaro, madzibaba enyu haana kunditeerera kana kundirerekera nzeve dzavo.

15 Munguva shoma yakapfuura, makatendeuka mukaita zvakanaka pamberi pangu: Mumwe nomumwe wenyu akadanidzira rusununguko kuvanhu venyika yokwake. Makabva maita sungano pamberi pangu muimba inodanwa neZita rangu.

16 Asi zvino mashanduka ndokuzvidza zita rangu; mumwe nomumwe wenyu adzosa nhapwa dzavarume navakadzi vamakanga masunungura kuti vaende kwavaida. Mavamanikidza kuti vave nhapwa dzenyu zvakare.

17 “Naizvozvo zvanzi naJehovha: Hamuna kunditeerera; hamuna kudanidzira rusununguko kuvanhu venyika yokwenyu. Saka, zvino ini ndava kukudanidzirai rusununguko, ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘rusununguko’ rwokufa nomunondo, nenzara uye nedenda. Ndichakuitai chinhu chinonyangadza kuushe hwose hwenyika.

18 Varume vakadarika sungano yangu uye vakasazadzisa zvakatemwa zvesungano yavakaita pamberi pangu, ndichavaita semhuru yavakagura kuita mapandi maviri vakafamba napakati pamapandi acho.

19 Vatungamiri veJudha neJerusarema, namachinda omuruvazhe, navaprista navanhu vose venyika vakafamba napakati pamapandi emhuru,

20 Ndichavaisa mumaoko avavengi vavo vanotsvaka kuvauraya. Zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri dzedenga nezvikara zvenyika.

21 “Ndichaisa Zedhekia mambo weJudha namachinda ake mumaoko avavengi vavo avo vanotsvaka kuvauraya, nomumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, iyo yakabva kwamuri.

22 Ndicharayira, ndizvo zvinotaura Jehovha, uye ndichavadzosa kuguta rino. Vacharwa naro, vagorikunda, uye vagoripisa. Uye ndichaparadza maguta eJudha, zvokuti hakuna angagaramo.”

Categories
Jeremia

Jeremia 35

VaRekabhi vanorumbidzwa

1 Iri ndiro shoko rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha pamazuva okutonga kwaJehoyakimi, mwanakomana waJosia mambo weJudha, richiti,

2 “Enda kumhuri yavaRekabhi undovakoka kuti vauye mune rimwe kamuri raparutivi rweimba yaJehovha ugovapa waini vanwe.”

3 Saka ndakaenda ndikandotora Jaazania mwanakomana waJeremia, mwanakomana waHabhazinia, nehama dzake navakomana vake vose, mhuri yose yavaRekabhi.

4 Ndakavapinza mumba maJehovha, mukamuri ravanakomana vaHanani mwanakomana waIgidharia munhu waMwari. Yakanga iri pedyo nekamuri ramachinda, rakanga riri pamusoro peraMaaseya mwanakomana waSharumi, mutariri womukova.

5 Ipapo ndakagadzika hari dzizere newaini nemikombe pamberi pavarume vemhuri yavaRekabhi ndikati kwavari, “Inwai waini.”

6 Asi ivo vakapindura vakati, “Hatinwi waini, nokuti tateguru wedu Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi akatipa murayiro uyu wokuti, ‘Imi kana vana venyu hamufaniri kunwa waini zvachose.

7 Zvakare, hamufaniri kutombovaka dzimba, kana kudyara mbeu kana kurima minda yemizambiringa; hamufaniri kuva nechimwe chezvinhu izvi, asi munofanira kugara mumatende nguva dzose. Ipapo muchararama mazuva akawanda munyika iyo yamuri vatorwa.’

8 Takateerera zvose zvatakarayirwa natateguru wedu Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi. Hapana akambonwa waini, isu kana vakadzi vedu, kana vanakomana vedu, kana vanasikana vedu,

9 kana kuvaka dzimba dzokugara, kana kuva neminda yemizambiringa, kana minda, kana mbeu.

10 Takagara mumatende uye takanyatsoteerera zvose zvatakarayirwa natateguru wedu Jonadhabhi.

11 Asi Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akati apinda munyika ino, isu takati, ‘Uyai, tiende kuJerusarema titize hondo yavaBhabhironi neyavaAramu.’ Saka takaramba tiri muJerusarema.”

12 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,

13 “Zvanzi naJehovha, Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Enda unoudza varume veJudha navanhu veJerusarema kuti, ‘Hamudzidziwo chidzidzo here mugoteerera mashoko angu?’ ndizvo zvinotaura Jehovha.

14 ‘Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi akarayira vanakomana vake kuti varege kunwa waini uye murayiro uyu wanga uchingochengetwa. Kusvikira zuva ranhasi havanwi waini, nokuti vanoteerera murayiro watateguru wavo. Asi ini ndakataura ndataurazve nemi, asi hamuna kunditeerera.

15 Ini ndakatuma ndatumazve kwamuri varanda vangu vose ivo vaprofita. Ivo vakati kwamuri, “Mumwe nomumwe wenyu anofanira kudzoka panzira dzakaipa dzake dzose mugonatsa zviito zvenyu; murege kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire. Ipapo muchagara munyika yandakakupai imi namadzibaba enyu.” Asi hamuna kumborerekera nzeve dzenyu kwandiri kana kundinzwa.

16 Zvizvarwa zvaJonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakachengeta murayiro wavakapiwa natateguru wavo, asi vanhu ava havana kunditeerera.’

17 “Naizvozvo, zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: ‘Inzwai! Ndava kuuyisa pamusoro peJudha napamusoro pavose vagere muJerusarema njodzi dzose dzandakareva pamusoro pavo. Ndakataura kwavari, asi havana kuteerera; ndakavadana, asi havana kudavira.’ ”

18 Ipapo Jeremia akati kumhuri yavaRekabhi, “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: ‘Makateerera murayiro watateguru wenyu Jonadhabhi, mukatevera zvaakarayira zvose uye mukaita zvose zvaakatema.’

19 Naizvozvo, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: ‘Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi haangamboshayiwi munhu angandishumira.’ ”

Categories
Jeremia

Jeremia 36

Jehoyakimi anopisa Gwaro raJeremia

1 Mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, shoko iri rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha, richiti,

2 “Tora rugwaro rwakapetwa unyoremo mashoko ose andakataura kwauri pamusoro peIsraeri, napamusoro peJudha nedzimwe ndudzi dzose kubvira panguva yandakatanga kutaura kwauri panguva yokutonga kwaJosia kusvikira iye zvino.

3 Zvimwe vanhu veJudha vakanzwa pamusoro penjodzi imwe neimwe yandakaronga kuisa pamusoro pavo, vangadzoka mumwe nomumwe wavo kubva pazvakaipa zvake; ipapo ndichavakanganwira zvakaipa zvavo nechivi chavo.”

4 Saka Jeremia akadana Bharuki mwanakomana waNeria, naJeremia, paaimuverengera mashoko ose akanga ataurwa naJehovha kwaari, Bharuki ainge achianyora murugwaro rwakapetwa.

5 Ipapo Jeremia akataurira Bharuki kuti, “Ini ndakadziviswa, handigoni kuenda kutemberi yaJehovha.

6 Saka iwe enda kuimba yaJehovha pazuva rokutsanya undoverengera vanhu mashoko aJehovha awakanyora murugwaro rwakapetwa ini ndichikutaurira. Uverengere vanhu vose veJudha vanouya vachibva kumaguta avo.

7 Zvimwe vanganyengetera kuna Jehovha uye mumwe nomumwe wavo akadzoka kubva panzira dzake dzakaipa, nokuti kutsamwa nehasha dzakarehwa naJehovha pamusoro pavanhu ava kukuru.”

8 Bharuki mwanakomana waNeria akaita zvose zvaakataurirwa nomuprofita Jeremia kuti aite; akaverenga mashoko aJehovha kubva murugwaro rwakapetwa, ari patemberi yaJehovha.

9 Mumwedzi wepfumbamwe wegore rechishanu raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, nguva yokutsanya pamberi paJehovha yakadanidzirwa kuvanhu vose muJerusarema navose vakanga vabva kumaguta eJudha.

10 Bharuki akaverengera vanhu vose mashoko aJeremia aiva murugwaro rwakapetwa, ari mumba maJehovha, mukamuri raGemaria mwanakomana waShafani munyori, raiva muruvazhe rwokumusoro pamuromo weSuo Idzva retemberi yaJehovha.

11 Mikaya mwanakomana waGemaria, mwanakomana waShafani, akati anzwa mashoko ose aJehovha aibva murugwaro rwakapetwa,

12 akaburuka akaenda kukamuri romunyori mumuzinda wamambo, makanga mugere machinda ose, aiti: Erishama munyori, Dheraya mwanakomana waShemaya, Erinatani mwanakomana waAkibhori, Gemaria mwanakomana waShafani, Zedhekia mwanakomana waHanania, nemamwe machinda ose.

13 Mushure mokunge Mikaya avaudza zvose zvaakanga anzwa Bharuki achiverengera vanhu kubva murugwaro rwakapetwa,

14 machinda ose akatuma Jehudhi mwanakomana waNetamia, mwanakomana waSheremia, mwanakomana waKushi, kundoti kuna Bharuki, “Tora rugwaro rwakapetwa rwawaverengera vanhu, ugouya kuno.” Saka Bharuki mwanakomana waNeria akaenda kwavari norugwaro rwakapetwa muruoko rwake.

15 Ivo vakati kwaari, “Tapota, gara pasi utiverengerewo.”

Saka Bharuki akavaverengera.

16 Vakati vanzwa mashoko ose aya, vakatarisana vachitya ndokuti kuna Bharuki, “Tinofanira kuzivisa mashoko ose aya kuna mambo.”

17 Ipapo vakabvunza Bharuki, vakati, “Tiudze, wakanyora sei izvi zvose? Jeremia ndiye akakutaurira here?”

18 Bharuki akapindura akati, “Hongu, akanditaurira mashoko ose aya, ini ndikaanyora neingi murugwaro rwakapetwa.”

19 Ipapo machinda akati kuna Bharuki, “Iwe naJeremia endai munovanda. Ngakurege kuva nomunhu anoziva kwamunenge muri.”

20 Vakati vaisa rugwaro rwakapetwa mukamuri yomunyori Erishama, vakaenda kuna mambo muruvazhe ndokumuzivisa mashoko ose.

21 Mambo akatuma Jehudhi kundotora rugwaro rwakapetwa, Jehudhi ndokurutora mukamuri yaErishama munyori ndokuverengera mambo namachinda ose akanga amire parutivi rwake.

22 Wakanga uri mwedzi wepfumbamwe uye mambo akanga akagara muimba yakavakirwa nguva yechando, moto uchipfuta mumbaura yaiva pamberi pake.

23 Jehudhi aiti kana apedza kuverenga zvikamu zvitatu kana zvina zvorugwaro rwakapetwa, mambo aibva azvicheka nebanga ozvikanda mumbaura, kusvikira gwaro rose rapiswa mumoto.

24 Mambo navaranda vake vose vakanzwa mashoko aya ose havana kumboratidza kutya, kana kubvarura nguo dzavo.

25 Kunyange hazvo Erinatani, Dheraya, naGemaria vakakurudzira mambo kuti arege kupisa rugwaro rwakapetwa haana kuda kuvanzwa.

26 Pachinzvimbo chezvo, mambo akarayira Jerameeri, mwanakomana wamambo, naSeraya mwanakomana waAzirieri naSheremia mwanakomana waAbhudhieri kuti asunge Bharuki munyori naJeremia muprofita. Asi Jehovha akanga avaviga.

27 Mambo akati apisa rugwaro rwakapetwa rwaiva namashoko akanga anyorwa naBharuki achitaurirwa naJeremia, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,

28 “Tora rumwe rugwaro rwakapetwa unyore pamusoro parwo mashoko ose akanga ari parugwaro rwokutanga rwuya rwakapiswa naJehoyakimi mambo weJudha.

29 Uyezve uudze Jehoyakimi mambo weJudha, kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Wakapisa rugwaro rwuya uchiti, “Wakanyorerei parwuri uchiti zvirokwazvo mambo weBhabhironi achauya kuzoparadza nyika ino nokuparadza zvose vanhu nezvipfuwo?”

30 Naizvozvo, zvanzi naJehovha pamusoro paJehoyakimi mambo weJudha: Haangawani mumwe achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi; mutumbi wake uchakandwa kunze kunopisa masikati uye kune chando usiku.

31 Ndichamuranga navana vake uye navaranda vake nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichauyisa pamusoro pavo navose vanogara muJerusarema navanhu veJudha njodzi imwe neimwe yandakareva pamusoro pavo, nokuti havana kuteerera.’ ”

32 Saka Jeremia akatora rumwe rugwaro rwakapetwa ndokurupa kuna Bharuki munyori, mwanakomana waNeria, Bharuki ndokunyora pamusoro parwo mashoko ose orugwaro rwakanga rwapiswa naJehoyakimi, mambo weJudha, Jeremia achimutaurira. Mashoko akawanda akafanana nawo akawedzerwa.

Categories
Jeremia

Jeremia 37

Jeremia anopfigirwa muTorongo

1 Zedhekia mwanakomana waJosia akagadzwa kuva mambo weJudha naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi; iye akabata ushe panzvimbo yaJehoyakini mwanakomana waJehoyakimi.

2 Asi iye kana varanda vake kana vanhu venyika iyoyo, havana kuteerera mashoko akanga ataurwa naJehovha kubudikidza naJeremia muprofita.

3 Kunyange zvakadaro, mambo Zedhekia akatuma Jehukari mwanakomana waSheremia, nomuprista Zefania mwanakomana waMaaseya kuna Jeremia muprofita namashoko aya: “Ndapota tinyengetererewo kuna Jehovha Mwari wedu.”

4 Zvino Jeremia akanga akasununguka kupinda nokubuda pakati pavanhu, nokuti akanga asati apfigirwa mutorongo.

5 Hondo yaFaro yakanga yauya ichibva kuIjipiti, zvino vaBhabhironi vakanga vakakomba Jerusarema vakati vanzwa shoko pamusoro pavo, vakabva paJerusarema.

6 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia muprofita, richiti,

7 “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Udza mambo weJudha, iye akakutuma kuzondibvunza, kuti, ‘Hondo yaFaro yakauya kuzokubatsirai, ichadzokera kuIjipiti kunyika yavo.

8 Ipapo vaBhabhironi vachadzokazve vagorwisa guta rino; vacharikunda uye vacharipisa nomoto.’

9 “Zvanzi naJehovha: Musazvinyengera muchifunga kuti, ‘Zvirokwazvo vaBhabhironi vachabva kwatiri.’ Kwete, havangabvi!

10 Kunyange dai mungakunda hondo yose yavaBhabhironi iri kukurwisai uye kugosara vakakuvara bedzi mumatende, ivavo vachauya vagopisa guta rino.”

11 Shure kwokubva kwehondo yavaBhabhironi muJerusarema nokuda kwehondo yaFaro,

12 Jeremia akatanga kubuda muguta kuti aende kunyika yeBhenjamini kundotora mugove wake wenhaka pakati pavanhu ikoko.

13 Asi akati asvika paSuo raBhenjamini, mukuru wavarindi, ainzi Irija mwanakomana waSheremia, mwanakomana waHanania, akamusunga ndokuti, “Iwe wava kutiza uchienda kuvaBhabhironi!”

14 Jeremia akati, “Handizvo, kwete! Handizi kutiza ndichienda kuvaBhabhironi!” Asi Irija haana kuda kumunzwa; asi akasunga Jeremia ndokumuendesa kumachinda.

15 Ivo vakatsamwira Jeremia vakaita kuti arohwe uye kuti aiswe mutorongo mumba maJonatani munyori, yavakanga vaita torongo.

16 Jeremia akaiswa mutorongo romugomba, umo maakagara nguva yakareba.

17 Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume kundomutora akaita kuti aiswe kumuzinda, kwaakamubvunza pakavanda, achiti, “Pane shoko rabva kuna Jehovha here?”

Jeremia akapindura akati, “Hongu, muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi.”

18 Ipapo Jeremia akati kuna Mambo Zedhekia, “Mhaka yandakapara nemi kana machinda enyu kana navanhu ava, ndeyeiko kuti mundipfigire mutorongo?

19 Varipiko vaprofita venyu vakakuprofitirai vachiti, ‘Mambo weBhabhironi haazi kuzokurwisai kana kurwisa nyika ino’?

20 Asi zvino ishe wangu mambo, ndapota inzwai. Regai ndisvitse kwamuri chikumbiro changu: Musandidzoserazve kumba kwaJonatani munyori nokuti ndingafirako.”

21 Ipapo mambo Zedhekia akarayira kuti Jeremia aiswe muruvazhe rwavarindi uye kuti apiwe chingwa chaibva mumugwagwa wavabiki zuva rimwe nerimwe kusvikira musisina chingwa muguta. Saka Jeremia akaramba ari muruvazhe rwavarindi.

Categories
Jeremia

Jeremia 38

Jeremia anokandwa muGomba

1 Shefania mwanakomana waMatani naGedharia mwanakomana waPashuri mwanakomana waMarikiya vakanzwa zvaitaurwa naJeremia kuvanhu vose paakati,

2 “Zvanzi naJehovha: ‘Ani naani achagara muguta rino achafa nomunondo, nenzara kana denda, asi ani naani achazvipira kuvaBhabhironi achararama. Achatiza noupenyu hwake; achararama.’

3 Zvakare, zvanzi naJehovha: ‘Zvirokwazvo guta rino richaiswa mumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, ndiye acharikunda.’ ”

4 Ipapo machinda akati kuna mambo, “Munhu uyu anofanira kufa. Ari kuodza mwoyo yavarwi vakasara muguta rino, pamwe chete navanhu vose, nezvinhu zvaanotaura kwavari. Uyu munhu haatsvaki zvakanakira vanhu ava asi kuparadzwa kwavo.”

5 Mambo Zedhekia akapindura akati, “Ari mumaoko enyu, Mambo haana zvaangagona kupikisana nemi.”

6 Saka vakatora Jeremia vakamuisa mugomba raMarikiya, mwanakomana wamambo, rakanga riri muruvazhe rwavarindi. Vakaburutsira Jeremia mugomba netambo: rakanga risina mvura mariri, asi madhaka bedzi, nokudaro Jeremia akanyura mumadhaka.

7 Asi Ebhedhi-Mereki muEtiopia aiva muchinda mumuzinda woushe, akazvinzwa kuti vakanga vaisa Jeremia mugomba. Panguva yakanga yakagara mambo paSuo raBhenjamini,

8 Ebhedhi-Mereki akabuda mumuzinda woushe akati kwaari, “Ishe wangu mambo, varume ava vaita zvakaipa kwazvo pane zvose zvavaita kumuprofita Jeremia.

9 Vamukanda mugomba umo maachaziya nenzara akafa kana chingwa chapera muguta.”

10 Ipapo mambo akarayira Ebhedhi-Mereki muEtiopia, akati, “Tora varume makumi matatu pano uende navo munobudisa muprofita Jeremia mugomba asati afa.”

11 Saka Ebhedhi-Mereki akatora varume akaenda navo kumba yaiva pasi pechivigiro chepfuma mumuzinda wamambo. Akatorawo mamvemve nenguo tsaru kubva ipapo ndokuzvidzikisa pasi netambo kuna Jeremia mugomba.

12 Ebhedhi-Mereki muEtiopia akati kuna Jeremia, “Isa mamvemve nenguo dzakasakara idzi muhapwa dzako kuti zviputire tambo.” Jeremia akaita saizvozvo,

13 ndokubva vamukweva netambo ndokumubudisa kubva mugomba. Nokudaro Jeremia akaramba ari paruvazhe rwavarindi.

Zedhekia anobvunzazve Jeremia

14 Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume akauyisa muprofita Jeremia pamukova wechitatu wokupinda patemberi yaJehovha. Mambo akati kuna Jeremia, “Ndinoda kukubvunza chimwe chinhu. Usandivanzira chinhu.”

15 Jeremia akati kuna Zedhekia, “Kana ndikakupai mhinduro, hamuzondiurayi here? Kunyange ndikakupai zano, hamunganditeereri.”

16 Asi mambo Zedhekia akapikira Jeremia mhiko iyi pakavanda achiti, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iye akatipa mweya watinofema, handingakuurayi kana kukuisa mumaoko eavo vanotsvaka kukuuraya.”

17 Ipapo Jeremia akati kuna Zedhekia, “Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: ‘Kana ukazvipira kuvaranda vamambo weBhabhironi, upenyu hwenyu hucharwirwa uye guta rino haringapiswi; imi nemhuri muchararama.

18 Asi kana mukaramba kuzvipira kuvaranda vamambo weBhabhironi, guta rino richaiswa mumaoko avaBhabhironi uye vacharipisa; nemi pachenyu hamungapukunyuki pamaoko avo.’ ”

19 Mambo Zedhekia akati kuna Jeremia, “Ndinotya vaJudha vakaenda kuvaBhabhironi, kuti vaBhabhironi vangangondiisa mumaoko avo vakandiitira zvakaipa.”

20 Jeremia akati kwaari, “Havangakuisiyi kwavari. Teererai Jehovha nokuita zvandakuudzai. Ipapo zvichakunakirai imi, uye upenyu hwenyu huchararamiswa.

21 Asi kana mukaramba kuzvipira, hezvino zvandakaratidzwa naJehovha.

22 Vakadzi vose vakasara mumuzinda wamambo weJudha vachabudiswa vachiendeswa kumachinda amambo weBhabhironi. Vakadzi ivavo vachati kwamuri:

“ ‘Vakakutsausai uye vakakukundai,

ivo shamwari dzamaivimba nadzo.

Tsoka dzenyu dzanyura mumadhaka;

shamwari dzenyu dzakakutizai.’

23 “Vakadzi venyu vose navana vachabudiswa vachiendeswa kuvaBhabhironi. Nemi pachenyu hamungapukunyuki mumaoko avo, asi muchabatwa namambo weBhabhironi; uye guta rino richapiswa.”

24 Ipapo Zedhekia akati kuna Jeremia, “Ngakurege kuva nomunhu anoziva zvatakurukura izvi nokuti ungafa.

25 Kana machinda akanzwa kuti ndakataura newe, vakauya kwauri vachiti, ‘Tiudze zvawataura kuna mambo uye zvarehwa namambo kwauri; usativanzira kuti tirege kukuuraya,’

26 ipapo uvaudze kuti, ‘Ndanga ndichikumbira kuna mambo kuti arege kundidzoserazve kuimba yaJonatani kuti ndinofirako.’ ”

27 Machinda ose akauya kuna Jeremia ndokumubvunza, iye akavaudza zvinhu zvose zvaakanga arayirwa namambo kuti ataure. Naizvozvo vakarega kutaura naye zvakare, nokuti hapana akanga anzwa zvaakanga akurukura namambo.

28 Naizvozvo Jeremia akaramba ari muruvazhe rwavarindi kusvikira pazuva rakapambwa Jerusarema.