Categories
Isaya

Isaya 17

Chirevo pamusoro peDhamasiko

1 Chirevo pamusoro peDhamasiko:

“Tarirai, Dhamasiko harichazovazve guta,

asi richava murwi wamatongo.

2 Maguta eAroeri achasiyiwa uye achava mafuro ezvipfuyo,

izvo zvichavata pasi,

pasina anozvivhundutsa.

3 Maguta akakomberedzwa namasvingo achanyangarika achibva pana Efuremu,

uye simba roushe kubva paDhamasiko;

vakasara veAramu

vachava sembiri yavaIsraeri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

4 “Pazuva iro kukudzwa kwaJakobho kuchapera;

mafuta omuviri wake achapera.

5 Zvichafanana nomukohwi anokohwa madzinde akamira,

uyo anokohwa zviyo noruoko rwake,

sezvinoita murume anononga hura

dzezviyo muMupata weRefaimi.

6 Kunyange zvakadaro dzimwe tsanga dzichasara,

sezvinoita muorivhi kana wazunzwa,

uchisiya maorivhi maviri kana matatu pamatavi okumusoro-soro,

mana kana mashanu pamatavi makuru anobereka,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari waIsraeri.

7 Pazuva iro vanhu vachatarira kuMusiki wavo,

vagodzorera meso avo kuMutsvene waIsraeri.

8 Havachazotarisi kuaritari,

iro basa ramaoko avo,

uye havachazovi nehanya nematanda aAshera nearitari

dzezvinonhuhwira dzakaitwa neminwe yavo.

9 Pazuva iro maguta avo akasimba avakasiya nokuda kwavaIsraeri, achafanana nenzvimbo dzakaregerwa kuti dzive matenhere nezvinomera pasi pavo. Uye ose achava matongo.

10 Nokuti wakanganwa Mwari Muponesi wako,

hauna kurangarira Dombo, iyo nhare yako.

Naizvozvo, kunyange ukazvisimira miti yakanakisisa,

uye ukadyara mizambiringa inobva kune dzimwe nyika,

11 kunyange pazuva raunoisima, ugoita kuti ikure,

ugoita kuti ive namaruva,

asi mukohwo uchava sapasina

pazuva rehosha nokurwadziwa kusingarapiki.

12 Haiwa, kutinhira kwendudzi zhinji,

dzinotinhira sokutinhira kwegungwa!

Haiwa, kuomba kwamarudzi

anoomba kufanana nokutinhira kwemvura zhinji!

13 Kunyange vanhu vakaomba sokutinhira kwamafungu emvura,

paanovatuka vachatizira kure,

vachidzingirirwa nemhepo sehundi pamusoro pezvikomo,

kufanana nouswa hunozungunuswa pamberi pedutu guru.

14 Munguva yamadekwana,

pachava nokutyisa! Kusati kwaedza, havachipo!

Uyu ndiwo mugove wavaya vanotibira,

nomubayiro wavanotipamba.

Categories
Isaya

Isaya 18

Chiprofita pamusoro peEtiopia

1 Ine nhamo nyika yokutinhira

kwamapapiro inotevedza nzizi dzeEtiopia,

2 inotuma nhume nenzira yomugungwa,

muzvikepe zvenhokwe pamusoro pemvura.

Endai, imi nhume dzinokurumidza,

kuvanhu vakareba uye vane ganda rinotsvedzerera,

kuvanhu vanotyiwa kure napedyo,

rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki,

rune nyika yakakamurwa nenzizi.

3 Imi mose muri pasi pose,

imi munogara panyika,

kana mureza wasimudzwa pamusoro pamakomo,

muchauona,

uye kana hwamanda yarira,

muchainzwa.

4 Zvanzi naJehovha kwandiri:

“Ndicharamba ndinyerere uye ndichatarira ndiri paugaro hwangu,

samanyirinyiri omushana unopisa,

segore redova mukupisa kwokukohwa.”

5 Nokuti, kukohwa kusati kwasvika,

kana kutungira kwamaruva kwaguma, uye ruva rova muzambiringa woibva,

achagura mabukira namapanga okurangura,

achatemera pasi uye agorasira kure matavi akatandavara.

6 Zvose zvichasiyirwa magora omugomo nokuzvikara zvesango;

shiri dzichazvidya chirimo chose,

uye zvikara zvesango

zvichazvidya muchando chose.

7 Panguva iyoyo, zvipo zvichavigirwa Jehovha Wamasimba Ose,

zvichibva kuvanhu vakareba vane ganda rinotsvedzerera,

kubva kuvanhu vanotyiwa kwose kwose,

rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki,

rudzi rune nyika yakakamurwa nenzizi,

zvipo zvichauyiswa kuZioni, nzvimbo yeZita raJehovha Wamasimba Ose.

Categories
Isaya

Isaya 19

Chiprofita pamusoro peIjipiti

1 Chirevo pamusoro peIjipiti:

Tarirai, Jehovha akatasva gore rinomhanya,

uye ari kuuya kuIjipiti.

Zvifananidzo zveIjipiti zviri kudedera pamberi pake,

uye mwoyo yavaIjipita yonyungudika mukati mavo.

2 “Ndichakuchidzira kumukirana pakati pavaIjipita,

mununʼuna acharwa nomukoma,

muvakidzani acharwa nowaakavakidzana naye,

guta richarwisana nerimwe guta,

umambo hucharwisana nohumwe umambo.

3 VaIjipita vachaora mwoyo,

uye ndichaita kuti zvavanoronga zvive pasina;

vachabvunza zvifananidzo nemweya yavakafa,

nokumasvikiro navavuki.

4 Ndichaisa vaIjipita mumaoko amambo ano utsinye

uye mambo anotyisa achatonga pamusoro pavo,”

ndizvo zvinotaura Ishe,

Jehovha Wamasimba Ose.

5 Mvura yomurwizi ichapwa,

uye mahombekombe erwizi achapwa agova akaoma.

6 Migero ichanhuhwa;

hova dzeIjipiti dzichaderera uye dzichapwa.

Tsanga nenhokwe zvichauna,

7 uyewo zvinomera zvichitevedza Nairi,

pamuromo werwizi.

Minda yose yakadyarwa mujinga meNairi ichaoma,

mbesa dzichapeperetswa nemhepo, hazvingazovapozve.

8 Vabati vehove vachagomera uye vagorira,

vose vanokanda zviredzo muna Nairi;

vaya vanokanda mimbure pamusoro pemvura vacharukutika.

9 Vanobata neshinda yakanaka vachapera simba,

varuki vemicheka yakanaka vachashaya tariro.

10 Vanobata nemicheka vachaora mwoyo,

uye vose vanobatira mubayiro vacharwadziwa mwoyo.

11 Machinda eZoani haasi chinhu asi mapenzi;

makurukota aFaro akachenjera anopa zano risina mano.

Mungareva sei kuna Faro, kuti,

“Ndini mumwe wavakachenjera,

mudzidzi wamadzimambo akare?”

12 Zvino vakachenjera venyu varipiko?

Ngavakuratidzei uye vakuzivisei

zvakafungwa naJehovha Wamasimba Ose

pamusoro peIjipiti.

13 Machinda eZoani ava mapenzi,

vatungamiri veMemufisi vanyengerwa;

mabwe ekona amarudzi

avo atsausa Ijipiti.

14 Jehovha akadururira mavari mweya wedzungu;

vanoita kuti Ijipiti idzedzereke mune zvose zvainoita,

sezvinoita chidhakwa

chinodzedzereka mumarutsi acho.

15 Hapana chingaitwa neIjipiti, musoro kana muswe,

davi romuchindwe kana rushanga.

16 Pazuva iro, vaIjipita vachafanana navakadzi. Vachadedera nokutya panosimudzwa ruoko rwaJehovha Wamasimba Ose pamusoro pavo.

17 Uye nyika yeJudha ichava chinhu chinotyisa kuvaIjipita; mumwe nomumwe achanzwa nezvaJudha achatya, nokuda kwezvinofungwa naJehovha Wamasimba Ose pamusoro pavo.

18 Pazuva iro, maguta mashanu omuIjipiti achataura mutauro weKenani uye vachapikira vachazvipira kuna Jehovha Wamasimba Ose. Rimwe racho richanzi Guta roKuparadza.

19 Pazuva iro, pachava nearitari kuna Jehovha mukati chaimo meIjipiti, nembiru kuna Jehovha pamuganhu wayo.

20 Ichava chiratidzo nechapupu kuna Jehovha Wamasimba Ose munyika yeIjipiti. Pavanodanidzira kuna Jehovha nokuda kwavamanikidzi vavo, achavatumira muponesi nomurwiri, ipapo achavanunura.

21 Saka Jehovha achazviratidza kuvaIjipita, uye pazuva iro vachaziva Jehovha. Vachanamata nezvibayiro uye nezvipiriso zvezviyo; vachaita mhiko kuna Jehovha uye vagodzichengeta.

22 Jehovha acharova Ijipiti nehosha; acharova agovarapazve. Vachatendeukira kuna Jehovha, uye achapindura mikumbiro yavo nokuvarapa.

23 Pazuva iro, pachava nenzira huru ichabva kuIjipiti ichienda kuAsiria. VaAsiria vachaenda kuIjipiti uye vaIjipita vachaendawo kuAsiria. VaIjipita navaAsiria vachanamata pamwe chete.

24 Pazuva iro Israeri ichava yechitatu, ichitevera Ijipiti neAsiria, ichava ropafadzo panyika.

25 Jehovha Wamasimba Ose achavaropafadza achiti, “Ngavaropafadzwe vaIjipita vanhu vangu, navaAsiria, basa ramaoko angu, navaIsraeri, nhaka yangu.”

Categories
Isaya

Isaya 20

Chiprofita pamusoro peIjipiti neEtiopia

1 Mugore rokusvika kwomutungamiri mukuru, kuAshidhodhi, atumwa naSarigoni mambo weAsiria, akairwisa uye akaitapa,

2 panguva iyoyo Jehovha akataura kubudikidza naIsaya mwanakomana waAmozi. Akati kwaari, “Bvisa nguo yesaga pamuviri wako neshangu mumakumbo mako.” Iye akaita saizvozvo, akafamba asina nguo uye asina shangu.

3 Ipapo Jehovha akati, “Sezvakaita Isaya muranda wangu akafamba asina nguo, uye asina shangu kwamakore matatu, sechiratidzo nechishamiso pamusoro peIjipiti neEtiopia,

4 saizvozvo mambo weAsiria achaenda navatapwa veIjipiti, navakadzingwa veEtiopia, vadiki navakuru, uye magaro ari panze, kuti chive chinyadziso kuIjipiti.

5 Avo vaivimba neEtiopia uye vaizvikudza neIjipiti vachatya uye vachanyadziswa.

6 Pazuva iro, vanhu vaigara pamhenderekedzo ino vachati, ‘Tarirai zvaitika kuna vaya vataivimba navo, vaya vataitizira kwavari kuti vatibatsire uye vatinunure kubva kuna mambo weAsiria! Zvino isu tichapunyuka sei?’ ”

Categories
Isaya

Isaya 21

Chiprofita pamusoro peBhabhironi

1 Chirevo pamusoro peRenje riri pedyo neGungwa:

Kufanana nechamupupuri chinovhuvhuta nomunyika yezasi,

mupambi anouya achibva kurenje,

kubva kunyika inotyisa.

2 Ndaratidzwa chiratidzo chinorwadza.

Mupanduki anopanduka, muparadzi anotora zvokupamba

Eramu, rwisa! Medhia, vandira!

Ndichagumisa kugomera kwose kwaakaita kuti kuvepo.

3 Naizvozvo muviri wangu wakazara nokurwadziwa;

marwadzo akandibata, kufanana nomukadzi ari kusununguka;

ndiri kudzedzereka nezvandinonzwa,

ndakanganisika nezvandinoona.

4 Mwoyo wangu woziya,

kutya kwondidederesa;

rubvunzavaeni rwandaishuva

rwava chinyangadzo kwandiri.

5 Vanogadzira matafura,

vanowaridza micheka pasi,

vanodya, vanonwa!

Simukai, imi machinda,

zodzai nhoo!

6 Zvanzi naIshe kwandiri:

“Endai, mundogadza nharirire

uye muite kuti azivise zvaanoona.

7 Kana achiona ngoro namapoka amabhiza,

navatasvi vari pamusoro pembongoro

kana vatasvi vari pamusoro pengamera,

ngaave akachenjera, akachenjera zvizere.”

8 Ipapo nharirire yakadanidzira ichiti,

“Zuva nezuva, tenzi wangu, ndinomira pamusoro peshongwe yomurindi;

usiku hwoga hwoga ndinogara panzvimbo yangu.

9 Tarirai, hoyo murume ari kuuya ari mungoro

neboka ramabhiza.

Uye anopa mhinduro achiti,

‘Bhabhironi rawa, rawa!

Zvifananidzo zvose zvavamwari

varo zvaputsirwa pasi!’ ”

10 Haiwa, vanhu vangu vapwanyirwa paburiro,

ndinokuudzai zvandanzwa kubva kuna

Jehovha Wamasimba Ose,

kubva kuna Mwari waIsraeri.

Chiprofita pamusoro peEdhomu

11 Chirevo pamusoro peDhuma:

Mumwe anodana kwandiri ari kuSeiri, achiti,

“Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?

Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?”

12 Nharirire inopindura ichiti,

“Mambakwedza achauya, asi nousikuwo.

Zvino kana uchida kubvunza, bvunza;

uye ugodzokazve.”

Chiprofita pamusoro peArabhia

13 Chirevo pamusoro peArabhia:

Imi ngoro dzavaDhedhani,

munodzika misasa mumatenhere eArabhia,

14 vigirai vane nyota mvura;

imi munogara muTema,

uyai nezvokudya zvavanotiza.

15 Vari kutiza munondo,

kubva kumunondo wavhomorwa,

nokuuta hwawemburwa,

uye nokupisa kwehondo.

16 Zvanzi naJehovha kwandiri: “Pachinguva chegore rimwe chete, sokuverenga kungaita mushandi akabatwa nechibvumirano, kuzvikudza kwose kweKedhari kuchapera.

17 Varume vouta vachapunyuka, ivo mhare dzeKedhari vachava vashoma.” Jehovha, Mwari weIsraeri ataura.

Categories
Isaya

Isaya 22

Chiprofita pamusoro peJerusarema

1 Chirevo pamusoro poMupata weChiratidzo:

Chii chinokutambudzai zvino,

zvokuti mose makwira pamusoro pamatenga edzimba?

2 Haiwa guta rizere nemheremhere,

haiwa guta renyonganyonga nokupembera?

Vakaurayiwa venyu havana kubayiwa nomunondo,

kana kufira muhondo.

3 Vatungamiri vako vose vatiza pamwe chete;

vabatwa pasina kushandiswa uta.

Mose imi makabatwa mukaitwa vasungwa pamwe chete,

kunyange makanga matiza muvengi achiri kure.

4 Naizvozvo ndakati, “Endai kure neni;

regai ndicheme kwazvo.

Musaedza kundinyaradza

pamusoro pokuparadzwa kwavanhu vangu.”

5 Ishe, Jehovha Wamasimba Ose,

ane zuva renyonganyonga nerokutsikira

pasi nokutyisa muMupata woKuratidza,

zuva rokukoromorera masvingo

pasi nerokudanidzira kumakomo.

6 Eramu anotora goba,

pamwe chete navatasvi vamabhiza nengoro;

Kiri anofudugura nhoo.

7 Mipata yako yakaisvonaka yakazara nengoro,

uye vatasvi vamabhiza vakaiswa pamasuo eguta;

8 kudzivirirwa kweJudha kwakabviswa.

Uye pazuva iro makatarira,

kuzvombo muMuzinda weSango;

9 makaona kuti Guta raDhavhidhi

raiva napakakoromoka pakawanda

munzvimbo dzokudzivirira;

makazvichengetera mvura muDziva reZasi.

10 Makaverenga dzimba muJerusarema,

mukaondomora dzimba kuti musimbise rusvingo.

11 Makavaka gungwa pakati pamasvingo maviri,

kuti muchingidzire mvura yomudziva rakare,

asi hamuna kutarira kuna Iye akariita,

kana kuva nehanya naIye akazvironga kare.

12 Ishe, Jehovha Wamasimba Ose,

akakudaidzai pazuva iro

kuti mucheme uye muungudze,

kuti mudzure bvudzi renyu uye mufuge masaga.

13 Asi tarirai, kune mufaro nokupembera,

kubayiwa kwemombe nokuurayiwa kwamakwai,

kudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini!

Munoti, “Ngatidyei uye tinwe,

nokuti mangwana tichafa!”

14 Jehovha Wamasimba Ose akazivisa izvi munzeve dzangu achiti, “Kusvikira pazuva rokufa kwako, chivi ichi hachizokanganwirwi,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.

15 Zvanzi naIshe, Jehovha Wamasimba Ose:

“Enda, undoti kumutariri uyu,

kuna Shebhina, mutariri womuzinda, uti kwaari:

16 Uri kuitei pano uye ndiani akakupa mvumo

yokuti uzvicherere rinda pano,

uchizvivezera rinda rako pakakwirira

nokuzvivezera nzvimbo yako yokuzorora mudombo?

17 “Hokoyo, Jehovha ava kuda kukuti dzvi,

agokurasira kure, iwe murume wesimba.

18 Achakupomba-pomba sebhora

agokukanda munyika yakakura.

Ndimo mauchafira,

uye ngoro dzako dzine mbiri dzichasara imomo,

iwe wokunyadzisa imba yatenzi wako!

19 Ndichakudzinga pabasa rako,

uye uchatandaniswa panzvimbo yako.

20 “Pazuva iro ndichadana muranda wangu, Eriakimi mwanakomana waHirikia.

21 Ndichamupfekedza nguo yako ndigomusimbisa nebhanhire rako uye ndigoisa masimba ako pamusoro pake. Achava baba kuna vagere muJerusarema nokuimba yaJudha.

22 Ndichaisa papfudzi rake kiyi yeimba yaDhavhidhi; chaanenge azarura hapana angapfiga, uye chaanenge apfiga hapana angazarura.

23 Ndichamuroverera sembambo panzvimbo yakasimba; achava chigaro chinokudzwa paimba yababa vake.

24 Mbiri yeimba yababa vake ichaturikwa paari; matavi namabukira, nemidziyo midiki yose, kubva pamikombe kusvikira pamakate ose.

25 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “mbambo yakarovererwa panzvimbo yakasimba ichabva; ichatemwa igowisirwa pasi, uye mutoro wakarembera pauri uchatemerwa pasi.” Jehovha ataura izvozvo.

Categories
Isaya

Isaya 23

Chiprofita pamusoro peTire

1 Chirevo pamusoro peTire:

Ungudzai imi zvikepe zveTashishi!

Nokuti Tire raparadzwa

uye rasiyiwa risina imba kana pangamira zvikepe.

Shoko rakasvika kwavari richibva

kunyika yeSaipurasi.

2 Nyararai, imi vanhu vagere pachiwi

nemi vatengesi veSidhoni,

imi makapfumiswa navashambadzi vomunyanza.

3 Pamusoro pemvura

zhinji zviyo zveShihori zvakayambutswa;

mukoho weNairi ndiwo waiva pfuma yeTire,

uye ikazova nzvimbo yokutengesera yamarudzi.

4 Nyara, iwe Sidhoni, uye newe nhare yegungwa,

nokuti gungwa rataura richiti,

“Handina kumborwadziwa kana kubereka;

handina kumborera vanakomana kana kukurisa vanasikana.”

5 Panosvika shoko kuIjipiti,

vacharwadziwa pamusoro peshoko rinobva kuTire.

6 Yambukirai kuTashishi;

ungudzai, imi vanhu vagere pachiwi.

7 Ko, iri ndiro guta renyu ramafaro here,

guta rakare kare,

rakaendeswa kure kure netsoka dzaro

kundogara kunyika iri kure?

8 Ndianiko akarongera Tire izvozvi,

iro raipa korona,

vatengesi varo vari machinda,

vashambadziri varo vane mukurumbira munyika?

9 Jehovha Wamasimba Ose akaronga izvozvo,

kuti adzikise kuzvikudza kwekukudzwa kwose,

uye kuti aninipise vose vane mukurumbira panyika.

10 Rima nyika yako sezvinoitwa mujinga meNairi,

iwe mwanasikana weTashishi,

nokuti hauchina panomira zvikepe.

11 Jehovha akatambanudza ruoko rwake pamusoro pegungwa,

uye akaita kuti ushe hwaro hudedere.

Akarayira pamusoro peKenani,

kuti nhare dzayo dziparadzwe.

12 Akati, “Mafaro ako haachazovapozve,

iwe mhandara yeSidhoni, yaparadzwa!

“Simuka uyambukire kuSaipurasi;

Kunyange naikoko haundowani zororo.”

13 Tarira nyika yavaBhabhironi,

rudzi urwo haruchaverengwi zvino!

VaAsiria vakaiita

nzvimbo yemhuka dzerenje;

vakamisa shongwe dzavo dzokurwa,

vakakoromora nhare dzaro dzikava pasina,

uye vakarishandura rikava dongo.

14 Ungudzai, imi zvikepe zveTashishi;

nhare yenyu yaparadzwa!

15 Panguva iyoyo Tire ichakanganwikwa kwamakore makumi manomwe, zvakaenzana namakore oupenyu hwamambo. Asi shure kwamakore makumi manomwe aya, Tire richaitirwa sezvinoimbwa rwiyo rwechifeve runoti:

16 “Tora rudimbwa, ufambe nomuguta,

iwe chifeve chakakanganikwa;

ridza rudimbwa zvakanaka, imba nziyo zhinji,

kuitira kuti ugorangarirwa.”

17 Panopera makore makumi manomwe, Jehovha achashanyira Tire. Richadzokerazve kubasa raro sechifeve rigofeva noushe hwose huri pamusoro penyika.

18 Asi zvarakashambadzira uye nomubayiro waro zvichatsaurirwa Jehovha; hazvingachengetwi kana kuvigwa. Zvarakashambadzira zvichaendeswa kuna avo vanogara pamberi paJehovha, kuti vave nezvokudya zvakawanda nenhumbi dzakanaka.

Categories
Isaya

Isaya 24

Kuparadzwa kweNyika naJehovha

1 Tarirai, Jehovha ari kuzoparadza nyika

achiiparadza zvachose;

achanyangadza kutarisika kwayo

uye achaparadzira vanogaramo,

2 zvichangofanana,

zvinoitirwa muprista nezvinoitirwa vanhu,

zvinoitirwa vatenzi nezvinoitirwa muranda,

zvinoitirwa vahosi nezvinoitirwa mushandiri,

zvinoitirwa mutengesi nezvinoitirwa mutengi,

zvinoitirwa anokwereta nezvinoitirwa akweretwa,

zvinoitirwa anoripa mhindu nezvinoitirwa anoreva mhindu.

3 Nyika ichaparadzwa zvachose

uye ichatorerwa zvayo zvose.

Jehovha ataura shoko irori.

4 Nyika inooma uye inosvava,

pasi pose panorwadziwa uye panounyana,

vanokudzwa venyika vanopera simba uye vanorwadziwa.

5 Nyika inosvibiswa navanhu vayo;

havana kuteerera mirayiro,

vakapandukira mitemo

uye vakaputsa sungano isingaperi.

6 Naizvozvo chituko chinoparadza nyika,

vanhu vayo vanofanira kuzvitakurira mhosva dzavo.

Naizvozvo vagari vomunyika vapiswa,

uye vashoma ndivo vasara.

7 Waini itsva inopera uye muzambiringa unosvava;

vose vanoda mafaro vanogomera.

8 Kufadza kwamakandira kwanyaradzwa,

kupembera kwavapururudzi kwapera,

rudimbwa rwomufaro rwanyaradzwa.

9 Havangazonwi waini vachiimba rwiyo;

doro rava kuvava kuvanwi varo.

10 Guta rakoromorwa rava dongo;

mukova wokupinda mudzimba dzose wapfigwa.

11 Vochemera waini mumigwagwa;

mufaro wose washanduka wava kusuwa,

mupururu wabviswa panyika.

12 Guta rasara rava dongo,

masuo aro aputswa-putswa.

13 Ndizvo zvazvichaita munyika

napakati pendudzi,

zvichafanana nokuzunzwa kwomuorivhi,

kana sezvinosara pakunongwa shure kwegohwo ramazambiringa.

14 Vanosimudza manzwi avo, vanopururudza nomufaro;

kubva kumavirira vanoparidza zvoukuru hwaJehovha.

15 Naizvozvo kumabvazuva, mbiri kuna Jehovha;

kudzai zita raJehovha Mwari waIsraeri

pazviwi zvegungwa.

16 Kubva kumigumo yenyika tinonzwa kuimba kunoti:

“Ngaakudzwe iye Akarurama.”

Asi ini ndakati, “Ndiri kupera muviri, ndiri kupera muviri!

Ndine nhamo!

Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera!

Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera kukuru!”

17 Kutya negomba zvakakumirirai,

imi vanhu vapanyika.

18 Ani naani anotiza kutinhira kunotyisa,

achawira mugomba;

ani naani anokwira achibuda mugomba

achabatwa mumusungo.

Nokuti mawindo okudenga azaruka,

uye nheyo dzapanyika dzozungunuka.

19 Nyika yaputswa-putswa,

nyika yakamurwa napakati,

nyika yozungunuswa chose.

20 Nyika yodzedzereka sechidhakwa,

inozengaira semba iri mumhepo;

kudarika nokumukira kwayo kwairemera kwazvo,

zvokuti inowa, ikasazomukazve.

21 Pazuva iro Jehovha acharanga masimba

omuchadenga kumusoro,

uye namadzimambo ari pamusoro penyika pasi.

22 Vachaunganidzwa pamwe chete

kufanana navasungwa vakasungwa mugomba;

vachapfigirwa mutorongo

vagozorangwa kwamazuva mazhinji.

23 Mwedzi uchanyadziswa, zuva richanyara;

nokuti Jehovha Wamasimba Ose achatonga

pamusoro peGomo reZioni nomuJerusarema,

napamberi pavakuru varo, nokubwinya kukuru.

Categories
Isaya

Isaya 25

Rumbidzo kuna Jehovha

1 Haiwa, Jehovha ndimi Mwari wangu;

ndichakukudzai uye ndicharumbidza zita renyu,

nokuti nokutendeka kukuru

makaita zvinhu zvinoshamisa,

zvinhu zvamakaronga kare kare.

2 Makaita kuti guta rive dutu ramarara,

guta rakakomberedzwa rikava dongo,

nhare yavatorwa haichazova gutazve;

haichazovakwazve.

3 Naizvozvo vanhu vane simba vachakukudzai;

maguta endudzi dzine utsinye achakuremekedzai.

4 Manga muri utiziro hwavarombo,

utiziro hwaanoshayiwa mukutambudzika kwake,

uye dumba panguva yemvura zhinji

nomumvuri pakupisa kwezuva.

Nokuti kufema kwavano utsinye

kwakafanana nemvura zhinji inorovera parusvingo,

5 uye kwakafanana nokupisa kwerenje.

Munonyaradza bope ravatorwa;

sokupisa kunotonhodzwa nomumvuri wegore,

naizvozvo rwiyo rwavane utsinye rwanyaradzwa.

6 Pamusoro pegomo iri, Jehovha Wamasimba Ose achagadzirira

vanhu vose mutambo wezvakakora,

namabiko ewaini yakare,

nyama yakanakisa uye newaini yakaisvonaka.

7 Pamusoro pegomo iri,

achaparadza chifukidziro chinoputira marudzi ose,

mucheka unofukidza ndudzi dzose;

8 iye achamedza rufu nokusingaperi.

Wamasimba Ose achapisika misodzi

kubva pazviso zvose;

achabvisa kunyadziswa kwavanhu vake

panyika yose.

Jehovha ataura.

9 Pazuva iro vachati,

“Zvirokwazvo uyu ndiye Mwari wedu;

takavimba naye, iye akatiponesa.

Uyu ndiye Jehovha, takavimba naye;

ngatifarei tifarisise muruponeso rwake.”

10 Ruoko rwaJehovha ruchagara pagomo iri,

asi Moabhu achatsikwa-tsikwa pasi pake,

samashanga anotsikwa-tsikwa mumupfudze.

11 Vachatambanudza maoko avo mariri,

somushambiri anotambanudza maoko ake kuti ashambire.

Mwari achaderedza kuzvikudza kwavo,

kunyange vachigona kuita zvakanaka namaoko avo,

12 Achakoromora nhare yako yamasvingo

akakwirira agoaputsira pasi;

achaakoromorera pasi,

muguruva chaimo.

Categories
Isaya

Isaya 26

Rwiyo rwoKurumbidza

1 Pazuva iro rwiyo urwu ruchaimbwa munyika yaJudha:

Tine guta rakasimba;

Mwari anoita kuti ruponeso

ruve masvingo nenhare dzaro.

2 Zarurai masuo kuti rudzi

rwakarurama rupinde,

rudzi runochengeta kutenda.

3 Muchachengeta murugare

rwakakwana munhu ane mufungo wakasimba,

nokuti anovimba nemi.

4 Vimba naJehovha nokusingaperi,

nokuti Jehovha, iye Jehovha ndiye Dombo rokusingaperi.

5 Anoderedza avo vagere pakakwirira,

anodzikisa pasi guta rapamusoro;

anorideredza kusvikira pavhu

uye anorikanda muguruva.

6 Tsoka dzicharitsikirira pasi,

tsoka dzavakamanikidzwa,

idzo tsoka dzavarombo.

7 Nzira yavakarurama yakati chechetere;

imi Akarurama, munoita kuti nzira yavakarurama iti chechetere.

8 Hongu, Jehovha tichifamba munzira yomurayiro wenyu,

tinokumirirai;

zita renyu nemukurumbira

wenyu ndizvo chishuwo chemwoyo yedu.

9 Mwoyo wangu unokushuvai pausiku;

mangwanani, mweya wangu unokupangai.

Kutonga kwenyu pakunouya panyika,

vanhu vanogara panyika vanodzidza zvokururama.

10 Kunyange nyasha dzichiratidzwa kuna vakaipa, ivo havadzidzi kururama;

kunyange munyika yokururama,

vanongoramba vachiita zvakaipa,

uye havana hanya noukuru hwaJehovha.

11 Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzirwa kumusoro,

asi havaruoni.

Ngavaone kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu venyu vagonyadziswa;

moto wakachengeterwa vavengi venyu ngauvaparadze.

12 Jehovha, imi munotigadzirira rugare;

zvose zvatakakwanisa ndimi makatiitira.

13 Haiwa Jehovha Mwari wedu, mamwe madzishe kunze kwenyu akatitonga,

asi zita renyu ndiro ratinokudza chete.

14 Ivo vakafa zvino, havachararamizve;

mweya yavakafa haimuki.

Makavaranga mukavaparadza;

makabvisa chirangaridzo chavo.

15 Makakurisa rudzi, imi Jehovha;

makakurisa rudzi.

Makazviwanira mukurumbira;

mukakurisa miganhu yose yenyika.

16 Jehovha, vakauya kwamuri mumatambudziko avo;

pamakavarova,

havana kugona kuzevezera munyengetero.

17 Sezvinoita mukadzi ane mimba oda kusununguka,

anomonyoroka mukurwadziwa kwake, agochema kwazvo,

ndizvo zvatakanga takaita pamberi penyu, imi Jehovha.

18 Takanga tine mimba, tichimonyoroka mukurwadziwa,

asi takabereka mhepo.

Hatina kuvigira nyika ruponeso;

hatina chatakaberekera vanhu venyika.

19 Asi vakafa venyu vachararama;

miviri yavo ichamuka.

Imi mugere muguruva,

mukai mupembere.

Dova renyu rakaita sedova ramangwanani;

nyika ichabudisa vakafa vayo.

20 Chiendai, vanhu vangu,

pindai mumakamuri enyu,

mugopfiga mikova shure kwenyu;

muvande kwechinguva kusvikira kutsamwa kwake kwapfuura.

21 Tarirai, Jehovha ari kubuda muugaro hwake,

kuti arange vanhu venyika nokuda kwezvivi zvavo.

Nyika ichafukura ropa rakateurwa pamusoro payo;

haichazovanzizve vakaurayiwa vayo.