Categories
Isaya

Isaya 27

Kusunungurwa kwaIsraeri

1 Pazuva iro,

Jehovha acharanga nomunondo wake,

iwo munondo wake mukuru une simba uye unotyisa,

Revhiatani nyoka inokurumidza,

Revhiatani nyoka inogonyana;

achauraya chikara chomugungwa.

2 Pazuva iro,

“Imbai nezvomuzambiringa unobereka:

3 Ini Jehovha ndini ndinouchengeta;

ndinoramba ndichiudiridzira.

Ndinourinda masikati nousiku

kuitira kuti parege kuva neanoukanganisa.

4 Handina kutsamwa.

Dai paingova nerukato neminzwa zvinorwa neni!

Ndaienda kundorwa nazvo;

ndaizvipisa zvose nomoto.

5 Kana kuti ngazviuye zvizovanda kwandiri;

ngazviyanane neni, hongu, ngazviyanane neni.”

6 Mumazuva anouya, Jakobho achadzika midzi,

Israeri achabukira uye achatunga maruva,

agozadza nyika yose nomuchero,

7 Ko, Jehovha akamurova here

sezvaanorova avo vakamurova?

Akaurayiwa here

sokuurayiwa kwakaitwa avo vakamuuraya?

8 Muhondo makarwa naye mukamudzinga,

nokurwisa kwake kunotyisa akamudzinga,

sezvinoitika pazuva rinovhuvhuta mhepo yokumabvazuva.

9 Zvino nenzira iyi, mhosva yaJakobho ichadzikinurwa,

uye izvi zvichava chibereko chakazara chokubviswa kwechivi chake:

Paanoita kuti aritari dzose dzifanane namabwe omunyaka akaputswa-putswa,

hapana matanda aAshera kana aritari dzezvinonhuhwira zvichasiyiwa zvakamira.

10 Guta rakakomberedzwa norusvingo rasiyiwa rava dongo,

hwava ugaro hwakasiyiwa,

kufanana nerenje;

mhuru dzofura ikoko, uye ikoko ndiko kwadzinovata;

dzinosiya matavi asisina chinhu.

11 Panooma matavi acho, anovhuniwa,

uye vakadzi vanouya vovesa moto nawo.

Nokuti vanhu ava havana njere;

nokudaro Muiti wavo haachina tsitsi pamusoro pavo,

uye Musiki wavo haangavaitiri nyasha.

12 Pazuva iro Jehovha achapura kubva panoyerera Yufuratesi kusvikira paRukova rweIjipiti, uye imi vaIsraeri, muchaunganidzwa muchiita mumwe mumwe.

13 Uye pazuva iro hwamanda huru icharira. Vakanga vofira muAsiria uye navaya vakanga vatizira kuIjipiti vachauya kuzonamata Jehovha pamusoro pegomo dzvene riri muJerusarema.

Categories
Isaya

Isaya 28

Nhamo kuna Efuremu

1 Ine nhamo korona yokuzvikudza, yezvidhakwa zveEfuremu,

neruva rosvava pakubwinya kworunako rwaro,

riri pamusoro pemipata yakaorera

yaavo vakurirwa newaini!

2 Tarira, Ishe ano mumwe ane simba uye anokurira.

Sechimvuramabwe uye nedutu rinoparadza,

sedutu remvura zhinji uye samafashamu emvura inonaya,

achaiwisira pasi nesimba guru.

3 Iya korona, yokuzvikudza yezvidhakwa zveEfuremu,

ichatsikwa-tsikwa pasi petsoka.

4 Ruva riya rosvava pakubwinya kworunako rwaro,

riri pamusoro pomupata wakaorera, richafanana neonde raibva gohwo risati rasvika,

munhu achingoriona, anoritanha noruoko rwake,

obva aridya pakarepo.

5 Pazuva iro Jehovha Wamasimba Ose achava korona inobwinya,

chishongo chakanaka chavanhu vake vakasara.

6 Achava mweya wokururamisira

kuna iye anogara pakutonga,

chitubu chesimba kuna avo

vanodzosera shure vanorwa pasuo.

7 Ivavawo vanodzedzereka newaini

uye vanozengaira nedoro:

Vaprista navaprofita vanodzedzereka nedoro,

uye vanonyonganiswa newaini;

vanozengaira nedoro,

vanodzedzereka pavanoona zviratidzo,

vanogumburwa pakutonga.

8 Tafura dzose dzazara marutsi

uye hapachina nzvimbo isina tsvina.

9 “Ndianiko waachadzidzisa ruzivo?

Ndianiko waanotsanangurira shoko?

Kuvana vakarumurwa pamukaka,

kuna avo vachangobva pazamu here?

10 Nokuti zvinoti:

Chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo,

mutsara pamusoro pomutsara, mutsara pamusoro pomutsara,

apa zvishoma, apo zvishoma.”

11 Zvirokwazvo, Mwari achataura kurudzi urwu nemitauro yavatorwa,

nendimi dzokumwe,

12 kwavari akati, “Iyi ndiyo nzvimbo yokuzorora,

vakaneta ngavazorore,”

uye, “Iyi ndiyo nzvimbo yorunyararo,”

asi havana kumboteerera.

13 Saka zvino, shoko raJehovha kwavari richava:

Chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo,

mutsara pamusoro pomutsara, mutsara pamusoro pomutsara,

apa zvishoma, apo zvishoma,

kuitira kuti vaende vagondowa, vavhunike,

vabatwe nomusungo vagotapwa.

14 Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imi vaseki,

imi vanotonga rudzi urwu muJerusarema.

15 Munozvirumbidza muchiti, “Takaita sungano norufu,

takatenderana neguva.

Shamhu inokukura painouya,

haizotibati,

nokuti nhema takadziita utiziro hwedu,

uye kunyengera takakuita nzvimbo yedu yokuvanda.”

16 Saka zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:

“Tarirai ndinoisa ibwe muZioni,

ibwe rakaedzwa,

ibwe rinokosha rapakona kuti rive nheyo yakasimba;

anovimba naro haangavhunduki.

17 Ndichaita kuti kururamisira kuve rwodzi rwokururamisira,

uye kururama ndichakuita chokururamisa nacho;

chimvuramabwe chichakukura utiziro hwenyu, idzo nhema,

uye mvura ichafukidza nzvimbo yenyu yokuvanda.

18 Sungano yenyu norufu ichadzimwa;

chitenderano chenyu neguva hachingamiri.

Shamhu inokukura painouya,

muchakundwa nayo.

19 Nguva nenguva painouya ichakutakurai ichikuendesai kure;

mangwanani achitevera mamwe mangwanani, panguva dzamasikati nenguva dzousiku,

ichakukura.”

Kunzwisisa shoko iri

kuchauyisa kutya.

20 Nokuti mubhedha uchava mupfupi pakutandavara,

uye jira richava diki zvokuti munhu haangagoni kufukidzwa naro.

21 Nokuti Jehovha achasimuka sezvaakaita paGomo rePerazimi,

achatsamwa sezvaakaita muMupata weGibheoni,

kuti aite basa rake, iro basa risinganzwisisiki,

uye azadzise basa rake, basa risinganzwisisiki.

22 Zvino chiregai kudada kwenyu,

nokuti ngetani dzenyu dzichanyanya kukuremerai;

Ishe, iye Jehovha Wamasimba Ose,

andiudza pamusoro pokuparadzwa kwakatemwa pamusoro penyika yose.

23 Teererai uye munzwe inzwi rangu;

rerekai nzeve dzenyu munzwe zvandinoreva.

24 Murimi paanorimira kuti agodyara, anoramba achingorima here?

Ko, anoramba achingorima kana kuhara here?

25 Paanoenzanisa munda wake kuti uti chechetere,

haangadyari karawe uye agokusha kumini here?

Haangadyari gorosi munzvimbo yaro,

nebhari mumunda wayo,

nesipereti mumunda wayo here?

26 Nokuti Mwari wake anomurayiridza

uye achamudzidzisa nzira yakanaka.

27 Karawe haipurwi nechireyi,

uye vhiri rengoro harikunguruswi pamusoro pekumini;

karawe inopurwa nemhuro

uye kumini inopurwa norumuti.

28 Zviyo zvinofanira kukuyiwa kuti zviitiswe chingwa;

saka munhu haafaniri kuramba achingopura nokusingaperi.

Kunyange achifambisa mavhiri engoro yake

yokupura pamusoro pazvo, mabhiza ake haazvikuyi.

29 Izvi zvose zvinobvawo kuna Jehovha Wamasimba Ose,

anoshamisa mukurayira uye mukuru kwazvo muuchenjeri.

Categories
Isaya

Isaya 29

Nhamo kuGuta raDhavhidhi

1 Une nhamo iwe Arieri, Arieri,

guta raigara Dhavhidhi!

Wedzera gore pagore;

uye regai nguva dzemitambo yenyu dzirambe dziripo.

2 Kunyange zvakadaro, ndichakomba Arieri;

pachava nokuungudza uye nokuchema,

richafanana nechoto chearitari kwandiri.

3 Ndichakukomba kumativi ose;

ndichakukomberedza neshongwe

uye ndichavaka nhare dzokurwa newe.

4 Uchadzikisirwa pasi, uchataura uri pasi;

kutaura kwako kuchabva muguruva.

Inzwi rako richava seresvikiro rinobva pasi muvhu;

kutaura kwako kuchaita zevezeve kuchibva muguruva.

5 Asi vavengi vako vazhinji vachava seguruva rakatsetseka,

vane utsinye vachafanana nehundi inopepereswa.

Pakarepo, nokukurumidza

6 Jehovha Wamasimba Ose achauya

nokutinhira nokudengenyeka kwenyika, uye nemheremhere huru,

nechamupupuri, nedutu guru uye nomurazvo womoto unoparadza zvose.

7 Ipapo mhomho dzendudzi dzose dzakawanda dzinorwa neArieri,

dzinorirwisa iro nenhare dzaro uye dzinorikomba,

zvichaita sokurota,

nechiratidzo chinoonekwa usiku,

8 sezvinoitwa nomunhu ane nzara anorota achidya,

asi apepuka, anowana nzara yake ichiripo;

sezvinoita munhu ane nyota anorota achinwa mvura,

asi omuka achiziya, nyota yake isina kupera.

Naizvozvo ndizvo zvichaitawo marudzi ose akawanda

anorwa neGomo reZioni.

9 Katyamarai uye mushamiswe,

zvipofumadzei muve vasingaoni;

dhakwai asi kwete newaini;

dzedzerekai asi kwete nedoro.

10 Jehovha akauyisa pamusoro penyu hope huru;

Akafukidza meso enyu, vaprofita;

akafukidza misoro yenyu, vaoni.

11 Nokuti kwamuri, chiratidzo ichi hachizi chinhu asi mashoko akanamirwa murugwaro. Uye kana mukapa rugwaro kuno mumwe munhu anogona kuverenga, mukati kwaari, “Ndapota, verenga izvi,” achapindura achiti, “Handikwanisi, nokuti rwakanamirwa.”

12 Kana kuti mukapa rugwaro kuno mumwe asingagoni kuverenga, mukati kwaari, “Ndapota, verenga izvi,” achapindura achiti, “Handigoni kuverenga.”

13 Ishe anoti:

“Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemiromo yavo,

uye vanondikudza nemiromo yavo,

asi mwoyo yavo iri kure neni.

Kundinamata kwavo

kwangova kwemitemo inodzidziswa navanhu chete.

14 Naizvozvo ndichashamisa vanhu ava zvakare

nechishamiso pamusoro pechishamiso;

uchenjeri hwavakachenjera huchaparadzwa,

zivo yavane zivo ichapera.”

15 Vane nhamo avo vanosvika kwakadzika dzika

kuti vavanzire Jehovha mano avo,

vanoita mabasa avo murima vachifunga mumwoyo yavo kuti,

“Ndiani anotiona? Ndiani achaziva?”

16 Munoshandura mamiriro ezvinhu,

sezvinonzi muumbi wehari anonzi ndiye ivhu!

Ko, chakaumbwa chingati kuna iye akachiumba,

“Iye haana kundiita?”

Ko, hari ingati kumuumbi,

“Iye haana chaanoziva?”

17 Ko, Rebhanoni haingashandurwi ikava munda wakaorera muchinguva chidiki,

uye munda wakaorera ugoita kunge dondo?

18 Pazuva iro vanamati vachanzwa shoko rorugwaro,

uye meso amapofu achaona

ari pakasviba naparima.

19 Zvakare vanozvininipisa vachafara muna Jehovha;

vanoshayiwa vachafara muMutsvene waIsraeri.

20 Vane utsinye vachaparadzwa,

vaseki vachanyangarika,

uye vose vane ziso rinofarira zvakaipa vachaurayiwa,

21 avo vanopomera munhu mhosva neshoko chete,

vanoisira musungo kuna anoruramisira mudare,

uye nouchapupu hwenhema, vanokonesa kururamisirwa kwavasina mhosva.

22 Naizvozvo izvi ndizvo zvinotaura Jehovha, akadzikinura Abhurahama, achiti kuimba yaJakobho:

“Jakobho haachazonyadziswizve;

zviso zvavo hazvichazocheneruki.

23 Pavachaona vana vavo pakati pavo,

iro basa ramaoko angu,

vachachengeta zita rangu muutsvene;

vachaziva utsvene hwoMutsvene waJakobho,

uye vachamira vachitya Mwari waIsraeri.

24 Vakarasika pamweya vachawana njere;

vanonyunyuta vachagamuchira kurayirwa.”

Categories
Isaya

Isaya 30

Rune Nhamo Rudzi Rwakasindimara

1 “Vane nhamo vana vakasindimara,”

ndizvo zvinotaura Jehovha,

“kuna avo vanoita urongwa husati huri hwangu,

vanoita sungano, asi vasingaiti noMweya wangu,

vachiunganidza chivi pamusoro pechivi;

2 vanoenda kuIjipiti

vasina kundibvunza;

vanotsvaka rubatsiro rworudziviriro rwaFaro,

vanotsvaka utiziro kumumvuri weIjipiti.

3 Asi kudzivirira kwaFaro kuchava kunyadziswa kwenyu,

mumvuri weIjipiti uchakuvigirai kunyadziswa,

4 kunyange vaine machinda muZoani

uye nhume dzavo dzasvika muHanesi,

5 mumwe nomumwe wavo achanyadziswa

nokuda kwavanhu vasina betsero kwavari,

vasingavavigiri rubatsiro kana ruyamuro,

asi kunyadziswa chete nokuzvidzwa.”

6 Chirevo pamusoro pemhuka dzeNegevhi:

nomunyika yenhamo namatambudziko,

yeshumba neshumbakadzi,

yemvumbi nenyoka dzine hasha uye dzinobhururuka,

nhume dzinotakura pfuma yadzo pamusoro pembongoro,

noupfumi hwadzo pamusoro penyundwa dzengamera,

dzichihuendesa kurudzi rusingabatsiri,

7 kuIjipiti kuno rubatsiro rusina maturo chose.

Naizvozvo ndinomutumidza zita rokuti

Rahabhi Asina Chaanoita.

8 Chienda iye zvino, unovanyorera pahwendefa izvozvo,

uzvinyore murugwaro,

kuti pamazuva anouya

chigova chapupu nokusingaperi.

9 Ava ndivo vanhu vakapanduka, vana vokunyengera,

vana vasingadi kunzwa kurayira kwaJehovha.

10 Vanoti kuvaoni,

“Regai kuonazve zviratidzo!”

nokuvaprofita,

“Regai kutipazve zviratidzo zvezvakanaka!

Tiudzei zvinhu zvinofadza,

muprofite zvinonyengera.

11 Siyai nzira iyi,

ibvai mugwara iri,

murege kuita kuti timisidzane

noMutsvene waIsraeri!”

12 Naizvozvo zvanzi naMutsvene waIsraeri:

“Nokuti makaramba shoko rangu iri,

mukasendamira pakumanikidza

uye mukavimba nokunyengera,

13 chivi ichi chichava kwamuri

sorusvingo, rwakatsemuka nokufutunuka,

runoondomoka pakarepo uye nokukurumidza.

14 Ruchaputsika kuita zvimedu zvimedu sehari,

yakaputswa noutsinye

zvokuti pakati pezvimedu zvayo hapana kuwanikwa chaenga chakasara,

chokugoka mazimbe omoto pachoto

kana chokuchera nacho mvura kubva muchitubu.”

15 Zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsraeri:

“Mukutendeuka nezororo ndimo mune ruponeso rwenyu,

murunyararo nomukuvimba ndimo mune simba renyu,

asi imi makaramba chimwe chazvo.

16 Imi makati, ‘Kwete, tichatiza takatasva mabhiza.’

Naizvozvo muchatiza!

Imi makati, ‘Tichatasva mabhiza anomhanya kwazvo.’

Naizvozvo vadzinganisi venyu vachamhanya kwazvo!

17 Chiuru chimwe chete chichatiza

nokuvhundutsa kwomumwe chete;

imi mose muchatiza

kuvhundutsa kwavashanu,

kusvikira masara

maita sedanda romureza riri pamusoro pegomo,

kuita somureza pamusoro pechikomo.”

18 Asi Jehovha anoshuva kukuitirai nyasha;

anosimuka kuti akuratidzei tsitsi.

Nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira.

Vakaropafadzwa vose vanomurindira!

19 Haiwa imi vanhu veZioni, vanogara muJerusarema, hamuchazochemizve. Achava nenyasha sei pamunochemera rubatsiro! Achingozvinzwa, achakupindurai.

20 Kunyange Ishe achikupai chingwa chenhamo nemvura yokutambudzika, vadzidzi venyu havachazovanzwizve; muchavaona nameso enyu pachenyu.

21 Kunyange mukatendeukira kurudyi kana kuruboshwe, nzeve dzenyu dzichanzwa inzwi mumashure menyu, richiti, “Iyi ndiyo nzira, fambai mairi.”

22 Ipapo muchasvibisa zvifananidzo zvenyu zvakafukidzwa nesirivha nezviumbwa zvenyu zvakafukidzwa negoridhe; muchazvirasira kure somucheka wakasvibiswa neropa romukadzi ari kumwedzi kwake muchiti kwazviri, “Ibvai pano!”

23 Achakutumiraiwo mvura yokumeresa mbeu dzamunodyara muvhu, uye zvokudya zvichabva munyika zvichange zvakanyatsosvika uye zvakawanda kwazvo. Pazuva iro, nzombe dzenyu dzichafura mumafuro akafaranuka.

24 Nzombe nembongoro dzinorima munda zvichadya mashanga noupfu, zvakaparadzirwa neforogo nefoshoro.

25 Pazuva rokuuraya kukuru, panowira shongwe pasi, hova dzemvura dzichayerera pamusoro pamakomo ose akakwirira napamusoro pezvikomo zvakareba.

26 Mwedzi uchapenya sezuva, uye zuva richapenya kakapetwa kanomwe, kufanana nechiedza chamazuva manomwe azere, Jehovha paanosunga mavanga avanhu vake agorapa maronda aakavakuvadza nawo.

27 Tarirai, Zita raJehovha rasvika richibva kure,

rine hasha dzinopfuta moto namakore outsi hwakasviba kuti ndo-o;

miromo yake yakazara nokutsamwa,

uye rurimi rwake moto unoparadza.

28 Kufema kwake kunofanana nokuyerera kwemvura ine simba zhinji,

inokwira ichisvika mumutsipa.

Anozungura ndudzi murusero rwokuparadza;

anoisa mushaya dzavanhu

matomu anovatsausa.

29 Uye muchaimba

sapausiku hwamunopemberera mutambo mutsvene;

mwoyo yenyu ichafara

sezvinoita vanhu vanokwira kugomo raJehovha,

nokuDombo raIsraeri, vachiridza nyere.

30 Jehovha achaita kuti vanhu vanzwe inzwi rake roumambo,

uye achaita kuti vaone ruoko rwake ruchiburuka pasi,

nehasha zhinji nomoto wokuparadza,

nokuputika kwamakore, kunaya kwemvura zhinji nechimvuramabwe.

31 Inzwi raJehovha richaparadza vaAsiria;

achavarova netsvimbo yake.

32 Shamhu yoga yoga yavacharohwa nayo naJehovha

netsvimbo yake yokuranga,

ichaenderana nerwiyo rwamakandira norudimbwa,

paacharwa navo muhondo noruoko rwake.

33 Tofeti yakanguri yagadzirira;

yakagadzirirwa kare kugamuchira mambo.

Gomba rayo romoto rakadzikiswa rikapamhamiswa,

uye pane moto wakawanda nehuni zhinji;

kufema kwaJehovha,

sorukova runopfuta nesafuri,

kuchazvitungidza.

Categories
Isaya

Isaya 31

Vane Nhamo Vanovimba neIjipiti

1 Vane nhamo avo vanoburukira kuIjipiti kundotsvaka rubatsiro,

vanovimba namabhiza,

vanovimba nokuwanda kwengoro dzavo

uye nesimba guru ravatasvi vavo vamabhiza,

asi vasingatariri kuMutsvene waIsraeri,

kana kutsvaka rubatsiro runobva kuna Jehovha.

2 Kunyange zvakadaro naiyewo akachenjera uye anogona kuuyisa njodzi;

haangadzosi mashoko ake.

Iye achamukira imba yavakaipa,

naavo vanobatsira vanoita zvakaipa.

3 Asi vaIjipita vanhu uye havasi Mwari,

mabhiza avo inyama uye haasi mweya.

Zvino panotambanudza Jehovha ruoko rwake,

uyo anobatsira achagumburwa,

uyo achabatsirwa achawa;

vose vachaparara pamwe chete.

4 Zvanzi naJehovha kwandiri:

“Sezvinoita shumba inoomba,

seshumba huru pamusoro pechayabata,

kunyange mhomho yose yavafudzi

ikakokerwa pamwe chete kuzorwa neshumba iyi,

iyo haingavhundutswi noruzha rwavo,

kana kukanganiswa nemhere yavo,

saizvozvo Jehovha Wamasimba Ose achaburukira pamusoro peGomo reZioni

napazvikomo zvaro kuzorwa hondo.

5 Seshiri dzinobhururuka napamusoro,

Jehovha Wamasimba Ose achadzivirira Jerusarema;

acharidzivirira, acharirwira,

achadarika pamusoro paro uye acharisunungura.”

6 Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imi vaIsraeri.

7 Nokuti pazuva iro mumwe nomumwe wenyu acharamba zvifananidzo zvesirivha negoridhe zvakaitwa namaoko enyu akaipa.

8 “Asiria ichawisirwa pasi nomunondo usati uri womunhu;

munondo, kwete wavanhu, uchavapedza.

Vachatiza pamberi pomunondo

uye majaya avo achaiswa kuchibharo.

9 Nhare dzavo dzakasimba dzichawa nokuda kwokutya;

vatungamiri vavo vachavhundutswa pavachaona mureza wehondo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha,

ane moto wake paZioni

choto chake chiri muJerusarema.

Categories
Isaya

Isaya 32

Umambo hwoKururama

1 Tarirai mambo achatonga nokururama,

uye vatongi vachatonga nokururamisira.

2 Munhu mumwe nomumwe achafanana nenzvimbo yokuvanda kubva kumhepo,

noutiziro kubva pakunaya kwemvura zhinji,

sehova dzemvura mugwenga nomumvuri

webwe guru munyika yafa nenyota.

3 Ipapo meso avose vanoona haachazotsinzini,

uye nzeve dzavanonzwa dzichateerera.

4 Ndangariro dzavanokurumidzira zvinhu dzichaziva uye dzichanzwisisa,

uye vanokakama vachataura zvakanaka uye zvinonzwika.

5 Benzi harichazonzi munhu anokudzwa,

munhu asina maturo haazoremekedzwi.

6 Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi,

ndangariro dzaro dzinofunga zvakaipa:

Zvaanoita hazvina umwari

uye anoparadzira zvinhu zvakarasika zvisiri zvaJehovha;

anosiya vane nzara vasina chinhu

uye anonyima mvura vane nyota.

7 Nzira dzousina maturo dzakaipa,

anoita rangano dzakaipa

kuti aparadze varombo nenhema,

kunyange chichemo chaanoshayiwa chakanaka hacho.

8 Asi munhu anokudzwa anoita urongwa hwakanaka,

uye namabasa anokudzwa.

Vakadzi veJerusarema

9 Imi vakadzi musina hanya,

simukai muteerere kwandiri;

imi vanasikana munoti makachengetedzeka,

inzwai zvandinoreva!

10 Gore risati rapera

muchabvunda iyemi munoti makachengetedzeka;

nokuti kuchekwa kwamazambiringa kuchakundikana,

uye kutanhwa kwemichero hakuchasviki.

11 Dederai, imi vakadzi musina hanya;

dederai imi vanasikana munoti makachengetedzeka!

Bvisai nguo dzenyu,

monerai masaga muzviuno zvenyu.

12 Muzvirove zvipfuva nokuda kweminda yakanaka,

nokuda kwezvibereko zvemizambiringa,

13 uye nokuda kwenyika yavanhu vangu,

nyika yamera minzwa norukato,

hongu, mucheme nokuda kwedzimba dzose dzamafaro,

uye nokuda kweguta rinopururudza iri.

14 Nhare dzichasiyiwa,

guta roruzha richasara risina munhu;

nhare neshongwe zvichava dongo nokusingaperi,

mufaro wembongoro, namafuro ezvipfuwo,

15 kusvikira Mweya wadururirwa pamusoro pedu uchibva kumusoro,

uye gwenga rava nyika yakaorera,

nemunda wakaorera wava sesango.

16 Kururamisira kuchagara kugwenga

uye kururama kuchagara kumunda wakaorera.

17 Chibereko chokururama chichava rugare;

uye chibereko chokururama chichava runyararo nokuvimba nokusingaperi.

18 Vanhu vangu vachagara munzvimbo dzorugare,

mumisha yakachengetedzeka,

munzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.

19 Kunyange chimvuramabwe chikafukidza sango,

neguta rikaparadzwa zvachose,

20 ucharopafadzwa zvakadiniko,

uchidyara mbeu dzako pedyo nehova dzose,

uye uchirega mombe nembongoro dzako zvichifura zvakasununguka!

Categories
Isaya

Isaya 33

Kutambudzika noKubatsirwa

1 Une nhamo iwe, muparadzi,

iyewe usati wamboparadzwa!

Une nhamo iwe, mupanduki,

iyewe usati wambopandukirwa!

Paunorega kuparadza,

iwe uchaparadzwa;

paunorega kupandukira,

iwe uchapandukirwa.

2 Haiwa Jehovha, tinzwirei tsitsi;

tinokupangai imi.

Ivai simba redu mangwanani oga oga,

noruponeso rwedu panguva yokutambudzika.

3 Pakutinhira kwenzwi renyu, ndudzi dzinotiza;

pamunosimuka, marudzi anopararira.

4 Haiwa imi ndudzi, zvakapambwa zvenyu zvachekwa kunge zvachekwa nemhashu diki;

vanhu vanomhanyira kwazviri segwatakwata remhashu.

5 Jehovha asimudzirwa, iye anogara kumusoro;

achazadza Zioni nokururamisira nokururama.

6 Achava nheyo yechokwadi yenguva yenyu,

nedura repfuma yoruponeso, uchenjeri nezivo;

kiyi yepfuma iyi ndiko kutya Jehovha.

7 Tarirai, mhare dzavo dzinodanidzira munzira dzomumisha;

nhume dzorugare dzinochema zvikuru.

8 Migwagwa mikuru yasiyiwa,

vafambi havachisimo mumigwagwa.

Sungano yaputswa,

zvapupu zvayo zvazvidzwa,

hapachina anoremekedzwa.

9 Nyika inochema uye yoparara,

Rebhanoni yanyadziswa uye yasvava;

Sharoni yafanana neArabha,

uye Bhashani neKarimeri dzakurumuka mashizha adzo.

10 “Zvino ini ndichasimuka,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Zvino ini ndichakudzwa;

zvino ini ndichasimudzirwa pamusoro.

11 Munoita mimba yehundi,

munobereka mashanga;

kufema kwenyu ndiwo moto unokuparadzai.

12 Marudzi achapiswa kunge suko;

vacharirima kunge huni dzeminzwa dzakatemwa.”

13 Imi vari kure, inzwai zvandakaita;

imi vari pedyo, bvumai kuti ndine simba!

14 Vatadzi vari muZioni vavhundutswa;

vasina Mwari vodedera:

“Ndianiko pakati pedu

angagare nomoto unopisa nokusingaperi?”

15 Iye anofamba nokururama

uye anotaura zvakanaka,

anoramba pfuma inobva pakumanikidza

uye anodzivisa ruoko rwake kugamuchira fufuro,

anodzivisa nzeve dzake kunzwa rangano dzokuuraya,

uye anotsinzina meso ake kuti arege kuona zvakaipa,

16 uyu ndiye munhu achagara pakakwirira,

nhare dzegomo dzichava utiziro hwake.

Zvokudya zvake achazvipiwa,

uye haangashayiwi mvura.

17 Meso ako achaona mambo pakunaka kwake;

uye achatarira nyika yakakura kwazvo.

18 Mundangariro dzako ucharangarira zvaimbokutyisa ugoti:

“Aripiko muchinda mukuru uya?

Aripiko uya aimbotora mutero?

Aripiko muchinda aiva mutariri weshongwe?”

19 Vanhu vaya vokuzvikudza hauchazovaonazve,

ivo vanhu vomutauro wakavanzika,

vorurimi rwavo, rusinganzwiki.

20 Tarirai Zioni, iro guta remitambo yedu;

meso enyu achaona Jerusarema,

ugaro hworunyararo, tende risingazozungunuswi;

mbambo dzaro hadzingadzurwi,

kana mabote aro kudamburwa.

21 Asi Jehovha achava Wamasimba Ose kwatiri.

Richafanana nenzvimbo yenzizi dzakapamhamha uye nehova.

Magwa anokwasviwa haangasvikiko,

uye zvikepe zvikuru hazvingapfuuri.

22 Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu,

Jehovha ndiye anotipa murayiro,

Jehovha ndiye mambo wedu;

ndiye achatiponesa.

23 Mabote ako ava dembutembu:

Haagoni kusimbisa mbambo yechikepe,

sairi harina kutambanudzwa.

Ipapo zvakapambwa zvakawanda zvichagoverwa,

uye kunyange chirema chichawanawo zvakapambwa.

24 Hapana agere muZioni achati, “Ndinorwara,”

uye zvivi zvavanogaramo zvicharegererwa.

Categories
Isaya

Isaya 34

Kutongwa kweNdudzi

1 Swederai pedyo, imi ndudzi dzavanhu, munzwe.

Teererai, imi vanhu!

Nyika ngainzwe, nezvose zviri mairi,

pasi pose, nezvose zvinobudamo!

2 Jehovha akatsamwira ndudzi dzose;

hasha dzake dziri pamusoro pehondo dzavo dzose.

Achavaparadza chose,

achaita kuti vaurayiwe.

3 Vakaurayiwa vavo vacharasirwa kunze,

mitumbi yavo ichanhuhwa;

makomo achanyorova neropa ravo.

4 Nyeredzi dzokudenga dzose dzichanyungudika,

uye denga richapetwa sorugwaro;

marudzi ose enyeredzi achawa

samashizha akaoma abva pamuzambiringa,

samaonde akasvava abva pamuonde.

5 Munondo wangu wakanwa ukaguta kumatenga;

tarirai, unoburukira kuzotonga Edhomu,

vanhu vandakaparadza chose.

6 Munondo waJehovha wakanyura muropa,

wakafukidzwa namafuta,

iro ropa ramakwayana nerembudzi,

namafuta anobva paitsvo dzamakondobwe.

Nokuti Jehovha ane chibayiro muBozira

uye nokuuraya kukuru muEdhomu.

7 Nyati dzichawa pamwe navo

nehono dzemhuru nehando huru.

Nyika yavo ichanyorova neropa,

uye guruva richazara mafuta.

8 Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva

negore rokuripira kuti atsigire zvinodiwa neZioni.

9 Hova dzeEdhomu dzichashanduka kuva namo,

guruva rayo richapisa sesafuri;

nyika yayo ichava namo inopfuta!

10 Haingadzimwi usiku namasikati;

utsi hwayo huchakwira nokusingaperi.

Richava dongo kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa;

hapana munhu achazopfuura napozve.

11 Asi zvichava zvezizi romugwenga nehukurwizi;

zizi guru negunguo zvichaita matenderemo.

Mwari achatambanudzira Edhomu

rwodzi rwokuyera,

rwenyonganiso nerwokuparadza.

12 Makurukota ake haazovi nechinhu ikoko chingazonzi umambo,

machinda ake ose achapera.

13 Minzwa ichatandira nhare dzayo,

utumbambeva norukato munzvimbo dzayo dzakakomberedzwa.

Ichava ugaro hwamakava,

nomusha wamazizi.

14 Zvikara zvomugwenga zvichasangana namapere,

uye ngururu dzichadaidzirana;

zvikara zvousiku zvichazororapo,

uye zvichazviwanira nzvimbo yokuzorora.

15 Zizi richaita dendere rigokandira mazaipo,

richaachochonyerapo, rigochengeta mazana aro pasi pomumvuri wamapapiro aro;

makondo achaunganapo,

rimwe nerimwe neshamwari yaro.

16 Tarirai murugwaro rwaJehovha mugorava:

Hapana chimwe chezvinhu izvi chichashayikwa,

kana chichashaya shamwari.

Nokuti muromo wake ndiwo warayira izvozvo,

uye Mweya wake uchavaunganidza pamwe chete.

17 Anozvigovera migove yazvo;

ruoko rwake runozvigovera nechiyero.

Zvichava zvazvo nokusingaperi

uye zvichagaramo kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa.

Categories
Isaya

Isaya 35

Mufaro waVakadzikinurwa

1 Gwenga nenyika yakaoma zvichafara;

sango richafara kwazvo uye richatumbuka;

seruva,

2 richatumbuka;

richafara zvikuru uye richapembera nomufaro.

Mbiri yeRebhanoni ichapiwa kwariri,

kunaka kweKarimeri neSharoni;

vachaona kubwinya kwaJehovha,

nokunaka kwaMwari wedu.

3 Simbisai maoko asina simba,

tsigirai mabvi anodedera;

4 muti kuna avo vane mwoyo inotya,

“Simbai, musatya;

Mwari wenyu achauya,

achauya nokutsiva,

nokuripira kutsvene

achauya kuzokuponesai.”

5 Ipapo meso amapofu achasvinudzwa

uye nzeve dzematsi dzichazarurwa.

6 Ipapo akaremara achakwakuka senondo,

uye rurimi rwechimumu ruchaimba nomufaro.

Mvura ichatubuka murenje,

uye nehova dzemvura mugwenga.

7 Jecha rinopisa richashanduka rikava dziva,

ivhu rine nyota richava zvitubu zvemvura.

Maigara makava noumo maaimbovata,

muchamera uswa, netsanga nenhokwe.

8 Ipapo pachava nomugwagwa;

uchanzi Nzira yoUtsvene.

Vane tsvina havangazofambi mairi;

ichava yaivavo vanofamba muNzira iyoyo;

vakaipa namapenzi havangazofambi mairi.

9 Hapangavi neshumba ipapo,

kana chikara chipi zvacho chichawanikwapo.

Asi vakadzikinurwa voga ndivo vachafambamo,

10 uye vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka.

Vachapinda muZioni vachiimba;

mufaro usingaperi uchava pamusoro pavo.

Vachawana mufaro nokufarisisa,

kusuwa nokuneta zvichatiza.

Categories
Isaya

Isaya 36

Senakeribhi anovhundutsira Jerusarema

1 Mugore regumi namana rokutonga kwaMambo Hezekia, Senakeribhi mambo weAsiria akarwisa maguta ose akakomberedzwa aJudha akaapamba.

2 Ipapo mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo yake nehondo huru achibva kuRakishi kuna Mambo Hezekia muJerusarema. Mukuru wehondo akati amira pamugero weDziva roKumusoro, pamugwagwa unoenda kuMunda woMusuki,

3 ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, mufambisi webasa mumuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo, akabuda kundosangana naye.

4 Mukuru wehondo akati kwavari, “Udzai Hezekia kuti:

“ ‘Zvanzi namambo mukuru, iye mambo weAsiria: Uri kuvimba nei chaizvo?

5 Iwe unoti une urongwa nesimba rokurwa, asi uri kutaura mashoko asina maturo. Ko, unovimba naaniko, zvawandimukira?

6 Tarira zvino, unovimba neIjipiti, ruya rushanga rwomudonzvo rwakavhunika, runobaya ruoko rwomunhu nokumupa vanga kana azendamira parwuri! Ndizvo zvakaita Faro mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.

7 Asi kana ukati kwandiri, “Isu tinovimba naJehovha Mwari wedu,” haasi iye here ane nzvimbo dzakakwirira nearitari dzakabviswa naHezekia, iye akati kuJudha neJerusarema, “Munofanira kunamata pamberi pearitari iyi”?

8 “ ‘Zvino chiuya, ita sungano natenzi wangu, mambo weAsiria: Ndichakupa mabhiza anokwana zviuru zviviri, kana ukagona kuisa vatasvi pamusoro pawo!

9 Ungagona seiko kukunda mubati mumwe wavabati vadiki vatenzi vangu, kunyange uchivimba nengoro dzeIjipiti navatasvi vadzo vamabhiza?

10 Pamusoro pezvo, ndauya kuzorwa nenyika ino nokuiparadza ndisina Jehovha here? Jehovha pachake andiudza kuti ndiuye munyika ino ndizoiparadza.’ ”

11 Ipapo Eriakimu, naShebhina, naJoa vakati kumukuru wehondo, “Tapota hedu, taurai kuvaranda venyu norurimi rwechiAramu, sezvo tichirunzwa. Musataura nesu nechiHebheru vanhu vari parusvingo vachinzwa.”

12 Asi mukuru wehondo akapindura akati, “Ko, ndakatumwa natenzi wangu kuna tenzi wenyu nemi chete ndisingatauriwo kuvarume vagere parusvingo, ivo vanofanira kudya tsvina yavo nokunwa mvura yavo kufanana nemi here?”

13 Ipapo mukuru wehondo akasimuka akadanidzira nechiHebheru achiti, “Inzwai mashoko amambo mukuru, mambo weAsiria!

14 Zvanzi namambo: Musarega Hezekia achikunyengerai. Iye haangagoni kukurwirai!

15 Musarega Hezekia achikunyengetedzai kuti muvimbe naJehovha achiti, ‘Jehovha achakurwirai zvirokwazvo; guta rino harizoiswa muruoko rwamambo weAsiria.’

16 “Musateerera Hezekia. Zvanzi namambo weAsiria: Itai rugare neni mugouya kwandiri. Ipapo mumwe nomumwe wenyu achadya zvinobva pamuzambiringa wake napamuonde wake uye achanwa mvura inobva muchitubu chake,

17 kusvikira ndauya ndizokutorai, ndigokuendesai kunyika yakaita seyenyu, nyika ine zviyo newaini itsva, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa.

18 “Musarega Hezekia achikutsausai achiti, ‘Jehovha achatirwira.’ Ndimwari weipi nyika zvayo akamborwira nyika yake muruoko rwamambo weAsiria?

19 Vamwari veHamati neAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi varipi? Vakarwira Samaria muruoko rwangu here?

20 Ndavapi pakati pavamwari vendudzi dzose vakambogona kuponesa nyika dzavo kubva kwandiri? Ko, Jehovha achagona seiko kurwira Jerusarema muruoko rwangu?”

21 Asi vanhu vakaramba vanyerere, vakasapindura chinhu, nokuti mambo akanga arayira achiti, “Musamupindura.”

22 Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakaenda kuna Hezekia, nenguo dzavo dzakabvaruka, vakamuudza zvakanga zvataurwa nomukuru wehondo.