Categories
Isaya

Isaya 57

1 Vakarurama vanoparara,

uye hakuna anofunga izvi mumwoyo make;

vanhu vanoda Mwari vanobviswa,

uye hakuna anonzwisisa

kuti vakarurama vanobviswa

kuti vanunurwe kubva pane zvakaipa.

2 Vose vanofamba mukururama

vanopinda murugare,

vanowana zororo pavanovata murufu.

3 “Asi imi, uyai pano, imi vanakomana vomuroyi,

imi chibereko chemhombwe nezvifeve!

4 Muri kuseka aniko?

Ndiani wamunohomera

uye wamunobudisira rurimi rwenyu?

Ko, hamusi chibereko chemhandu here,

nechizvarwa chavanoreva nhema?

5 Munotsva noruchiva pakati pemiti

yemuouki napasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira;

munobayira vana venyu mumipata

napasi pamapazi akarembera.

6 Zvifananidzo zviri pakati pamatombo anotsvedzerera emipata ndiwo mugove wenyu;

izvozvo, ndiwo mugove wenyu.

Hongu, wakadururira chipiriso chokunwa kwazviri,

uye ukapa chipiriso chezviyo.

Ko, ini muchagona kundiripira zvinhu izvi here?

7 Wakawaridza nhoo pakakwirira napachikomo chirefu;

ikoko wakakwira kundobayira zvibayiro.

8 Seri kwamakonhi ako nezvivivo zvako

wakaisa chirangaridzo chavamwari vako.

Uchindisiya ini, wakafukura mubhedha wako,

wakakwira pauri ukaushamisa kwazvo;

wakaita sungano naavo vane mibhedha yaunoda,

uye wakatarisa kusasimira kwavo.

9 Wakaenda kuna Moreki namafuta

omuorivhi ukawedzera zvinonhuhwira zvako.

Wakatumira nhume dzako kure;

wakaburukira kuguva chaiko!

10 Wakaneteswa nenzira dzako dzose,

asi hauna kumboti, ‘Hazvina maturo.’

Wakawana kuvandudzwa kwesimba rako,

nokudaro hauna kuziya.

11 “Ndianiko wawakatya uye ukavhunduka

zvokuti wakazoreva nhema kwandiri,

uye hauna kumbondirangarira

kana kumbozvifunga izvi mumwoyo mako?

Hakuzi kuti ndakaramba ndakanyarara

iwe ukasanditya here?

12 Ndichaisa pachena kururama kwako namabasa ako,

uye hazvizombokubatsiri.

13 Paunochemera rubatsiro,

zvifananidzo zvawakaunganidza ngazvikubatsire!

Mhepo ichazvikukura zvose,

mweya wokungofema zvawo uchazvifuridzira kure.

Asi munhu anondiita utiziro hwake

achagara nhaka yenyika,

uye gomo rangu dzvene richava rake.”

Kunyaradzwa kwaVane Mwoyo Yakapwanyika

14 Uye zvichazonzi:

“Vakai, vakai, gadzirai mugwagwa!

Bvisai zvipinganidzo munzira yavanhu vangu.”

15 Nokuti zvanzi naIye akakwirira ari kumusoro,

iye anorarama nokusingaperi, ane zita dzvene:

“Ndinogara pakakwirira panzvimbo tsvene,

asi naiyewo ane mweya wakapwanyika uye anozvininipisa,

kuti ndimutsiridze mweya yavanozvininipisa

uye ndimutsiridze mwoyo yavakapwanyika.

16 Handichapi mhosva nokusingaperi,

kana kugara ndakatsamwa,

nokuti ipapo mweya yavanhu ingaziya pamberi pangu,

kufema kwomunhu wandakasika.

17 Ndakatsamwiswa nechivi chake chokukara;

ndakamuranga, ndikavanza chiso changu mukutsamwa kwangu,

asi akaramba ari munzira dzaaida.

18 Ndakaona nzira dzake,

asi ndichamuporesa; ndichamutungamirira uye ndichamunyaradza,

19 ndichisika rumbidzo pamiromo yavanochema muIsraeri.

Rugare, rugare kuna vari kure navari pedyo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uye ndichavaporesa.”

20 Asi vakaipa vakafanana negungwa rinozungunuka,

risingagoni kuzorora,

rina mafungu anorasa marara namatope.

21 Mwari wangu anoti, “Vakaipa havana rugare.”

Categories
Isaya

Isaya 58

Kutsanya kwechokwadi

1 “Danidzira nesimba, usanyarara.

Simudza inzwi rako sehwamanda.

Paridzira vanhu vangu kupanduka kwavo,

neimba yaJakobho zvivi zvavo.

2 Nokuti zuva nezuva vanonditsvaka;

vanoita savane chido chokuziva nzira dzangu,

kunge vanga vari rudzi runoita zvakanaka

uye rusina kusiya mirayiro yaMwari wavo.

Vanondikumbira kutonga kwakarurama

sokunge vanofarira kuti Mwari auye pedyo navo.

3 Vanoti, ‘Takatsanyireiko,

uye imi mukasazviona?

Takazvininipisireiko,

imi mukasazviona?’

“Asi pazuva rokutsanya kwenyu munoita zvamunoda

muchimanikidza vashandi venyu.

4 Kutsanya kwenyu kunogumisira mukukakavadzana nemhirizhonga,

uye kurovana netsiva dzakaipisisa.

Hamungatsanyi sezvamunoita mazuva ano,

mugotarisira kuti inzwi renyu richanzwika kumusoro.

5 Ko, ndiko here kutsanya kwandakasarudza,

zuva rimwe chete rokuti munhu azvininipise?

Ndezvokukotamisa musoro chete sorushanga here,

nokungovata pamusoro penguo dzamasaga namadota?

Ndiko kwamunoti kutsanya here,

pazuva rinodikanwa naJehovha?

6 “Uku handiko kutsanya kwandakasarudza here:

Kusunungura ngetani dzokusaruramisira

nokusunungura zvitirobho zvejoko,

kusunungura vakamanikidzwa

nokuvhuna joko rimwe nerimwe?

7 Hakuzi kugoverana zvokudya zvako nevane nzara,

nokupa varombo vanodzungaira pokugara here,

paunoona vakashama, kuvapfekedza,

uye kusafuratira venyama neropa rako?

8 Ipapo chiedza chako chichabuda samambakwedza,

uye kuporeswa kwako kucharatidzwa nokukurumidza;

ipapo kururama kwako kuchakutungamirira,

uye kubwinya kwaJehovha kuchakurinda mumashure.

9 Ipapo uchadana, Jehovha achakupindura;

uchadanidzira uchida rubatsiro, uye iye achati: Ndiri pano.

“Kana ukabvisa joko roudzvinyiriri,

kutendeka nomunwe nokutaura kwakaipa,

10 uye ukapa zvokudya zvako kune vane nzara

uye ukagutsa vakamanikidzwa pakushaya kwavo,

ipapo chiedza chako chichabuda murima,

uye usiku hwako huchashanduka hukafanana namasikati.

11 Jehovha achakutungamirira nguva dzose;

achakugutsa pakushaya kwako munyika yakapiswa nezuva

uye achasimbisa mapfupa ako.

Uchafanana nebindu rinodiridzwa nemvura yetsime,

sechitubu chine mvura isingapwi.

12 Vanhu vako vachavakazve matongo akare

vachasimudza nheyo dzakare;

iwe uchanzi Mugadziri waMasvingo Akakoromoka,

Muvandudzi weMigwagwa ine Dzimba.

13 “Kana ukachengeta tsoka dzako kuti dzisaputsa Sabata,

uye kuti dzisaita zvinokufadza iwe pazuva rangu dzvene,

kana ukati Sabata izuva rinofadza,

uye ukati zuva dzvene raJehovha izuva rinokudzwa,

uye kana ukarikudza nokusafamba munzira yako,

uye usingaiti zvinokufadza kana kutaura mashoko asina maturo,

14 ipapo uchawana mufaro wako muna Jehovha,

uye ndichakuita kuti ukwire pakakwirira penyika,

uye ndichakugutsa nenhaka yababa vako Jakobho.”

Muromo waJehovha wazvitaura.

Categories
Isaya

Isaya 59

Chivi, Kureurura, neDzikinuro

1 Zvirokwazvo ruoko rwaJehovha haruna kupfupika kuti rukonewe kuponesa,

uye nzeve yake haina kudzivira kuti irege kunzwa.

2 Asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai

naMwari wenyu;

zvivi zvenyu zvakavanza chiso chake

kwamuri kuti arege kunzwa.

3 Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa,

minwe yenyu nezvakaipa.

Miromo yenyu yakareva nhema,

rurimi rwenyu runonguruma zvinhu zvakaipa.

4 Hapana anochemera kururamisira;

hapana anokwidza mhaka yake nokutendeka.

Vanongovimba negakava risina maturo uye nokureva nhema;

vanoita mimba yezvakashata uye vanobereka zvakaipa.

5 Vanochochonya mazai emvumbi,

uye vanoruka dandira redandemutande.

Ani naani anodya mazai avo achafa,

uye rimwe rikaputsika, panochochonywa nyoka.

6 Matandira avo haabatsiri pakupfeka;

havagoni kuzvifukidza nezvavanogadzira.

Mabasa avo mabasa akaipa,

uye kuita nechisimba kuri mumaoko avo.

7 Tsoka dzavo dzinomhanyira kundopinda muchivi;

vanokurumidza kuteura ropa risina mhosva.

Mirangariro yavo mirangariro yakaipa;

kuputsa nokuparadza zviri munzira dzavo.

8 Nzira yorugare havaizivi;

hapana kururamisira pamakwara avo.

Vakashandura nzira dzavo dzikava dzakaminama;

hakuna anofamba madziri achaziva rugare.

9 Naizvozvo kururamisira kuri kure nesu,

uye kururama hakusviki kwatiri.

Tinotsvaka chiedza, asi zvose irima;

tinotsvaka kujeka, asi tiri kufamba mumumvuri werima.

10 Sebofu tinotsvanzvadzira tichitevedza madziro,

tichitsvaka nzira yedu savanhu vasina meso.

Panguva yamasikati tinogumburwa kunge nguva yorubvunzavaeni;

pakati pavane simba, tangoita savakafa.

11 Tose tiri kuomba samapere;

tinorira nokurira kukuru senjiva.

Tinotsvaka kururamisira, asi hatikuwani;

tinotsvaka kurwirwa, asi kuri kure kure.

12 Nokuti kutadza kwedu kwawanda pamberi penyu,

uye zvivi zvedu zvinotipupurira zvakaipa.

Kudarika kwedu kunogara nesu,

uye tinobvuma kutadza kwedu:

13 kumukira nokunyengera Jehovha,

kufuratira Mwari wedu,

kukuchidzira udzvinyiriri nokupanduka,

nokutaura mashoko enhema anobva mumwoyo yedu.

14 Naizvozvo kururamisirwa kwadzorerwa shure,

uye kururama kwamira kure;

chokwadi chakagumburwa munzira dzomumusha,

kutendeka hakuchagoni kupinda.

15 Zvokwadi haichawanikwi

uye vanovenga zvakaipa ndivo vopambwa.

Jehovha akatarisa akasafara

kuti pakanga pasisina kururamisira.

16 Akaona kuti pakanga pasina munhu,

akashamiswa kuti pakanga pasina munhu aipindira;

naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso,

uye kururama kwake kwakamuraramisa.

17 Akashonga kururama sechidzitiro chechipfuva,

nenguwani yoruponeso mumusoro make;

akashonga nguo dzokutsiva akazviputira

mukushingaira kwake seanozviputira nejasi.

18 Sezvavakaita, saizvozvo acharipira

hasha

kuvavengi vake

nokutsiva kuvadzivisi vake;

acharipira zvakafanira kuzviwi.

19 Kubva kumavirira, vanhu vachatya Jehovha,

uye kubva pakubuda kwezuva, vachakudza kubwinya kwake.

Nokuti achauya sokudira kworwizi

runosundwa nokufema kwaJehovha.

20 “Mudzikinuri achauya kuZioni,

kuna avo vari muna Jakobho vanotendeuka pazvivi zvavo,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

21 “Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Mweya wangu uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako hazvichabvi pamuromo wako, kana pamiromo yavana venyu, kana pamiromo yezvizvarwa zvavo kubva zvino nokusingaperi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Categories
Isaya

Isaya 60

Kubwinya kweZioni

1 “Simuka, upenye nokuti chiedza chako chasvika,

uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.

2 Tarira, rima rakafukidza nyika

uye rima guru riri pamusoro pavanhu,

asi Jehovha anobuda pamusoro pako

uye kubwinya kwake kunoratidzwa pamusoro pako.

3 Ndudzi dzichauya kuchiedza chako,

uye madzimambo kukubwinya kwamambakwedza ako.

4 “Simudza meso ako utarise zvakakukomberedza:

vose vanoungana uye vanouya kwauri,

vanakomana vako vanobva kure,

uye vanasikana vako vanotakurwa pamaoko.

5 Ipapo uchatarisa ugopenya,

mwoyo wako uchakwata uye uchazara nomufaro;

upfumi huri pamusoro pamakungwa huchauyiswa kwauri,

pfuma yendudzi ichauya kwauri.

6 Mapoka engamera achazadza nyika yako,

mhuru dzengamera dzeMidhiani neEfa.

Uye vose vanobva kuShebha vachauya,

vakatakura goridhe nezvinonhuhwira

vachiparidza kurumbidzwa kwaJehovha.

7 Mapoka eKedhari achaunganidzirwa

kwauri makondobwe eNebhayoti achakushumira:

achagamuchirwa sezvipo paaritari yangu,

uye ndichashongedza temberi yangu yokukudzwa.

8 “Ndivanaani ava vanobhururuka samakore,

senjiva dzinoenda kumatendere adzo?

9 Zvirokwazvo zviwi zvinotarira kwandiri;

zvikepe zveTashishi zvinotungamira

zvichiuya navanakomana venyu vari kubva kure,

nesirivha yavo negoridhe,

kuzokudza Jehovha Mwari wako,

iye Mutsvene waIsraeri,

nokuti akakushongedza nokubwinya.

10 “Vatorwa vachavakazve masvingo ako,

uye madzimambo avo achakushandira.

Kunyange ndakakurova mukutsamwa kwangu,

munyasha dzangu ndichakunzwira tsitsi.

11 Masuo ako achagara akashama

haachazombozarirwi, masikati kana usiku

kuitira kuti vanhu vakuvigire upfumi hwendudzi,

madzimambo adzo achafambiswa ari mumudungwe akundwa.

12 Nokuti rudzi kana ushe husingakushumiri huchaparadzwa;

huchaparadzwa zvachose.

13 “Kubwinya kweRebhanoni kuchauya kwauri,

mipaini nemifiri nemisipuresi pamwe chete,

kuzoshongedza nzvimbo yetemberi yangu tsvene;

uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu.

14 Vanakomana vavamanikidzi venyu

vachauya vachikotama pamberi penyu;

vose vanokuzvidzai vachapfugama patsoka dzenyu uye vachakutumidzai kuti Guta raJehovha,

Zioni roMutsvene waIsraeri.

15 “Kunyange wanga wasiyiwa uye uchivengwa,

pasina munhu anopfuura nemauri,

ndichakuita kuti ukudzwe nokusingaperi

uye uve mufaro wezvizvarwa zvinotevera.

16 Uchanwa mukaka wendudzi

uye ucharerwa pamazamu oumambo.

Ipapo uchaziva kuti ini, iyeni Jehovha, ndini Muponesi wako,

Mudzikinuri wako, Wamasimba Ose waJakobho.

17 Ndichakuvigira goridhe pachinzvimbo chendarira,

nesirivha pachinzvimbo chesimbi.

Ndichakuvigira ndarira pachinzvimbo chamatanda,

nesimbi pachinzvimbo chamabwe.

Ndichaita rugare mubati wako

nekururama mutongi wako.

18 Kuita nechisimba hakuchazonzwikwa munyika yako,

kana dongo kana kuparadzwa mukati memiganhu yako,

asi uchatumidza masvingo ako zita

rokuti Ruponeso nemasuo ako kuti Rumbidzo.

19 Zuva harichazovi chiedza chako masikati,

uye kupenya kwomwedzi hakungavi pamusoro pako,

nokuti Jehovha ndiye achava chiedza chako chisingaperi,

uye Mwari wako achava kubwinya kwako.

20 Zuva rako harichazovirizve,

uye mwedzi wako hauchazoperizve;

Jehovha achava chiedza chako chisingaperi,

uye mazuva okuchema kwako achaguma.

21 Ipapo vanhu vako vose vachava vakarurama,

uye vachatora nyika kuti ive yavo nokusingaperi.

Ndivo mabukira andakadyara,

basa ramaoko angu,

kuti ndiratidze kubwinya kwangu.

22 Mudikisa wako achava chiuru,

mudiki achava rudzi rune simba.

Ndini Jehovha,

munguva yacho ndichazviita nokukurumidza.”

Categories
Isaya

Isaya 61

Gore reNyasha dzaJehovha

1 Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu,

nokuti Jehovha akandizodza

kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo.

Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika,

kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa,

nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima,

2 kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha

uye nezuva rokutsiva kwaMwari wedu,

kuti ndinyaradze vose vanochema,

3 uye ndiriritire avo vanochema muZioni,

kuti ndiise pamusoro pavo korona yorunako

pachinzvimbo chamadota,

mafuta omufaro

pachinzvimbo chokuchema,

uye nenguo yokurumbidza

pachinzvimbo chomweya wakarukutika.

Vachanzi miouki yokururama,

yakasimwa naJehovha

kuti aratidze kubwinya kwake.

4 Vachavakazve matongo akare

uye vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa kare;

vachavandudza matongo amaguta

akaparadzwa kwezvizvarwa nezvizvarwa zvakapfuura.

5 Vatorwa vachafudza mapoka amakwai enyu;

vatorwa vachashanda muminda yenyu nomuminda yenyu yemizambiringa.

6 Ipapo imi muchanzi vaprista vaJehovha,

muchanzi vashumiri vaMwari.

Muchadya pfuma yendudzi,

uye muchazvirumbidza nepfuma yavo.

7 Pachinzvimbo chokunyadziswa kwavo

vanhu vangu vachagamuchira migove miviri,

uye pachinzvimbo chokunyadziswa vachafara munhaka yavo;

nokudaro vachagara nhaka yemigove miviri munyika yavo,

uye mufaro usingaperi uchava wavo.

8 “Nokuti ini, Jehovha, ndinoda kururamisira;

ndinovenga kupamba nezvakaipa.

Mukutendeka kwangu, ndichavapa mubayiro

uye ndichaita sungano isingaperi navo.

9 Zvizvarwa zvavo zvichazivikanwa pakati pendudzi

uye navana vavo pakati pamarudzi.

Vose vanovaona vachaziva

kuti vanhu vakaropafadzwa naJehovha.”

10 Ndinofara zvikuru muna Jehovha;

mweya wangu unofara muna Mwari.

Nokuti akandifukidza nenguo dzoruponeso,

uye akandishongedza nenguo yokururama,

sechikomba chinoshongedza musoro wacho somuprista,

uye somwenga anozvishongedza nezvishongo zvamatombo anokosha.

11 Nokuti ivhu sezvarinomeresa mbeu,

nebindu richiita kuti mbeu dzikure,

saizvozvo Ishe Jehovha achaita kuti kururama nerumbidzo

zvimere pamberi pendudzi dzose.

Categories
Isaya

Isaya 62

Zita idzva reZioni

1 Nokuda kweZioni handinganyarari,

nokuda kweJerusarema handingarambi ndinyerere,

kusvikira kururama kwake kwapenya samambakwedza,

noruponeso rwake somwenje unopfuta.

2 Ndudzi dzichaona kururama kwako,

uye madzimambo ose achaona kubwinya kwako;

iwe uchadaidzwa nezita idzva

richataurwa nomuromo waJehovha.

3 Uchava korona yokubwinya muruoko rwaJehovha,

ukomba hwoumambo muruoko rwaMwari wako.

4 Havachazokutizve Musiyiwa,

kana kutumidza nyika yako kuti Dongo.

Asi uchatumidzwa kuti Hefizibha

uye nyika yako ichanzi Bhiyura;

nokuti Jehovha achakufarira,

uye nyika yako icharoorwa.

5 Sejaya zvarinowana mhandara,

saizvozvo vanakomana vako vachakuwana;

sechikomba chinofarira mwenga,

saizvozvo Mwari wako achafara pamusoro pako.

6 Ndakagadza nharirire pamasvingo ako, iwe Jerusarema;

havangambonyarari masikati kana usiku.

Imi munodana kuna Jehovha,

musazorora,

7 uye musamupa zororo kusvikira asimbisa Jerusarema,

uye ariita rumbidzo yenyika.

8 Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi,

noruoko rwake rune simba achiti,

“Handichazopizve zviyo zvenyu sezvokudya kuvavengi venyu,

uye vatorwa havachazonwizve waini itsva

yamakatamburira;

9 asi ivo vanokohwa ndivo vachadya

uye vacharumbidza Jehovha,

uyewo vaya vanounganidza mazimbiringa ndivo vachainwa

mumavazhe eimba yangu tsvene.”

10 Pfuurai, pfuurai napamasuo!

Gadzirirai vanhu nzira.

Vakai, vakai mugwagwa mukuru!

Bvisai mabwe.

Simudzirai ndudzi mureza.

11 Jehovha akaparidzira kumagumo enyika achiti, “Uti kuMwanasikana weZioni, ‘Tarira, Muponesi wako ouya! Tarira, mubayiro wake anawo, uye kuripira kwake kunomutevera.’ ”

12 Vachanzi Vanhu Vatsvene, Vakadzikinurwa vaJehovha; uye iwe uchanzi Mutsvakwa, iro Guta Risina Kuzova Dongo.

Categories
Isaya

Isaya 63

Zuva raMwari roKutsiva noKudzikinura

1 Ndianiko uyu anobva kuEdhomu,

anobva kuBhozira, ane nguo dzakatsvuka seropa?

Ndianiko uyu, akafuka zvinobwinya,

anofamba muukuru hwesimba rake?

“Ndini ndinotaura nokururama,

ndine simba rokuponesa.”

2 Seiko nguo dzenyu dzakatsvuka

sedzomunhu anotsika chisviniro chewaini?

3 “Ndakatsika chisviniro chewaini ndoga;

kubva kundudzi dzose hapana akanga aneni.

Ndakavatsika-tsika mukutsamwa kwangu

uye ndakavapwanyira pasi muhasha dzangu;

ropa ravo rikatsatikira panguo dzangu,

ndikasvibisa nguo dzangu dzose.

4 Nokuti zuva rokutsiva rakanga riri mumwoyo mangu,

uye gore rokudzikinura kwangu rasvika.

5 Ndakatarisa, asi pakanga pasina angabatsira,

ndakashamiswa nokuti hapana akatsigira;

naizvozvo ruoko rwangu rwakandivigira ruponeso,

uye hasha dzangu dzakanditsigira.

6 Ndakatsika-tsika ndudzi mukutsamwa kwangu;

muhasha dzangu ndakaita kuti vadhakwe

uye ndakadurura ropa ravo pasi.”

Kurumbidza noKunyengetera

7 Ndichataura nezvounyoro hwaJehovha,

iwo mabasa aanofanira kukudzwa nawo,

nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha,

hongu, izvo zvinhu zvizhinji zvaakaitira

imba yaIsraeri,

nokuda kwetsitsi dzake uye nengoni dzake zhinji.

8 Akati, “Zvirokwazvo ndivo vanhu vangu,

ivo vanakomana vasingazovi venhema kwandiri,”

naizvozvo akava Muponesi wavo.

9 Mumatambudziko avo ose naiyewo akatambudzika,

uye mutumwa wokuvapo kwake akavaponesa.

Murudo rwake nengoni akavadzikinura;

akavasimudza uye akavatakura

mumazuva ose akare.

10 Asi vakamumukira

vakachemedza Mweya wake Mutsvene.

Saka akashanduka akava muvengi wavo,

uye iye amene akarwa navo.

11 Ipapo vanhu vake vakarangarira mazuva akare,

mazuva aMozisi navanhu vake, vakati,

aripiko akavayambutsa gungwa,

nomufudzi wamakwai ake?

Aripiko akaisa

Mweya wake Mutsvene pakati pavo,

12 iye akavatumira ruoko rwake rwokukudzwa nesimba

kuti ruve paruoko rworudyi rwaMozisi,

iye akaparadzanisa mvura pamberi pavo,

kuti azviwanire mukurumbira usingaperi,

13 iye akavatungamirira nomakadzika?

Sebhiza murenje, havana kugumburwa;

14 semombe dzinoburukira kubani,

vakapiwa zororo noMweya waJehovha.

Ndiwo matungamiriro amakaita vanhu venyu

kuti muzviitire zita rine mukurumbira.

15 Tarirai pasi muri kudenga uye muone,

kubva pachigaro chenyu chakakwirira chitsvene uye chinobwinya.

Kushingaira kwenyu nesimba renyu zviripiko?

Unyoro hwenyu netsitsi dzenyu zvakabviswa kwatiri.

16 Asi muri Baba vedu,

kunyange Abhurahama asingatizivi

kana naIsraeri asingatiziviwo;

imi, Jehovha, ndimi Baba vedu,

Mudzikinuri wedu kubva kare ndiro zita renyu.

17 Haiwa Jehovha, munotiregereiko tichidzungaira, kubva panzira dzenyu

muchiomesa mwoyo yedu kuti tirege kukutyai?

Dzokai nokuda kwavaranda venyu,

iwo marudzi enhaka yenyu.

18 Kwenguva duku vanhu venyu vakatora nzvimbo yenyu tsvene,

asi zvino vavengi vedu vakatsika-tsika nzvimbo yenyu tsvene.

19 Isu tiri venyu kubva kare;

asi ivo hamuna kumbovatonga,

havana kumbodaidzwa nezita renyu.

Categories
Isaya

Isaya 64

1 Haiwa, dai maibvarura matenga mukaburuka pasi,

kuti makomo adedere pamberi penyu!

2 Sezvinoita moto paunopisa tsotso

uchiita kuti mvura ivire,

burukai muzoita kuti zita renyu rizivikanwe kuvavengi venyu,

uye muite kuti ndudzi dzidedere pamberi penyu!

3 Nokuti pamakaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisina kutarisira,

makaburuka pasi, makomo akabvunda pamberi penyu.

4 Kubva panguva dzekare hakuna munhu akanzwa,

hakuna nzeve yakanzwisisa,

hakuna ziso rakaona mumwe Mwari kunze kwenyu,

anobatsira avo vanomumirira.

5 Munouya kuzobatsira avo vanofarira kuita zvakarurama,

vanorangarira nzira dzenyu.

Asi patakaramba tichivatadzira,

imi makatsamwa.

Zvino tingaponeswa seiko?

6 Isu tose tafanana nousina kuchena,

uye mabasa edu ose okururama afanana namamvemve enguo dzine tsvina;

isu tose tinooma seshizha,

semhepo zvivi zvedu zvinotitsvairira kure.

7 Hakuna anodana kuzita renyu

kana anoshingairira kuti akubatei;

nokuti makativanzira chiso chenyu mukaita

kuti tiperezeke nokuda kwezvivi zvedu.

8 Haiwa, Jehovha, kunyange zvakadaro muri Baba vedu.

Isu tiri ivhu, imi muri muumbi;

isu tose tiri basa ramaoko enyu.

9 Regai kutsamwa zvikuru imi Jehovha;

regai kurangarira zvivi zvedu nokusingaperi.

Haiwa Jehovha, ringirai kwatiri, tinokumbira,

nokuti tose tiri vanhu venyu.

10 Maguta enyu matsvene ava renje;

kunyange Zioni irenje, Jerusarema rava dongo.

11 Temberi yedu tsvene inobwinya, umo madzibaba edu akakurumbidzai,

yakapiswa nomoto,

uye nzvimbo dzose dzataikoshesa dzaparara.

12 Haiwa Jehovha, mushure maizvozvi mungazvidzorawo here?

Mucharamba munyerere, uye mugotiranga zvinopfuura mwero here?

Categories
Isaya

Isaya 65

Kutongwa noRuponeso

1 “Ndakazviratidza kuna avo vasina kundibvunza;

ndakawanikwa neavo vasina kunditsvaka.

Kurudzi rwakanga rusina kudana kuzita rangu

ndakati, ‘Ndiri pano, ndiri pano.’

2 Zuva rose ndakatambanudzira maoko angu

kurudzi rwakasindimara,

vanofamba munzira dzisina kunaka

vachitevera zvavanofunga,

3 vanhu vanogara vachindigumbura

ipo pamberi pangu chaipo,

vachibayira zvibayiro pamapindu

uye vachipisira zvinonhuhwira paaritari dzezvitinha;

4 vanogara pakati pamarinda

uye vanopedza usiku hwavo vachinyengetera vari munzira yakavanda:

vanodya nyama yenguruve,

uye hari dzavo dzine furo renyama yakasvibiswa;

5 vanoti, ‘Gara kure; usaswedera pedyo neni,

nokuti ndiri mutsvene kupfuura iwe.’

Vanhu vakadaro utsi mumhuno dzangu,

moto unoramba uchipfuta zuva rose.

6 “Tarirai, zvakanyorwa pamberi pangu zvinoti:

Handinganyarari asi ndicharipira zvakazara;

ndichazviripa pamakumbo avo,

7 zvakaipa zvenyu nezvamadzibaba enyu,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Nokuti vakapisira zvibayiro pamusoro pezvikomo,

ndichayera pamakumbo avo

muripo wakazara wamabasa avo akare.”

8 Zvanzi naJehovha:

“Sezvazvakangoita kana musvi uchiri kuwanikwa musumbu ramazambiringa

uye vanhu vachiti, ‘Musauparadza, muchine zvakanaka mauri,’

saizvozvo ndizvo zvandichaitira varanda vangu;

handingavaparadzi vose.

9 Ndichabudisa marudzi kuna Jakobho,

uye nokubva kuna Judha avo vachatora makomo angu;

vasanangurwa vangu vachagara nhaka,

uye varanda vangu vachagara ikoko.

10 Sharoni richava mafuro amakwai,

uye Mupata weAkori uchava uvato hwemombe

dzavanhu vangu vanonditsvaka.

11 “Asi kana murimi munosiya Jehovha

uye munokanganwa gomo rangu dzvene,

munowaridzira Rombo Rakanaka tafura,

uye munozadza zvirongo newaini yakavhenganisirwa Magumo,

12 ndichakuendesai kumunondo,

uye mose muchakotamira pasi kuti mubayiwe,

nokuti ndakadana asi hamuna kudavira,

ndakataura asi hamuna kuteerera.

Makaita zvakaipa pamberi pangu

mukasarudza zvisingandifadzi.”

13 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha:

“Varanda vangu vachadya,

asi imi muchanzwa nzara;

varanda vangu vachanwa,

asi imi muchava nenyota;

varanda vangu vachafara,

asi imi muchanyadziswa.

14 Varanda vangu vachaimba zvichibva mumufaro wemwoyo yavo,

asi imi muchachema nokurwadziwa nemwoyo

uye muchaungudza mukupwanyika kwomweya.

15 Muchasiyira zita renyu

kuvasanangurwa vangu sechituko;

Ishe Jehovha achakuurayai,

asi achapa varanda vake rimwe zita.

16 Ani naani achati nyika iropafadzwe

achazviita naMwari wechokwadi;

ani naani achaita mhiko munyika

achapika naMwari wechokwadi.

Nokuti matambudziko akare achakanganwikwa,

uye achavanzirwa meso angu.

Matenga Matsva neNyika Itsva

17 “Tarirai, ndichasika

matenga matsva nenyika itsva.

Zvinhu zvakare hazvichazorangarirwi,

kana kuuya mundangariro.

18 Asi farai mupembere nokusingaperi

mune zvandichasika,

nokuti ndichasika Jerusarema kuti rifadze

uye kuti vanhu varo vave mufaro.

19 Ndichapembera pamusoro peJerusarema,

uye ndichafarira vanhu vangu;

maungira okuchema kana kurira

haachazonzwikwazve imomo.

20 “Mariri hamungazovazve

nomucheche achararama mazuva mashoma shoma,

kana mutana asingasvitsi makore ake okurarama;

uyo anofa ane zana ramakore

achangotorwa somujaya;

uyo anotadza kusvika pazana ramakore

achatorwa sowakatukwa.

21 Vachavaka dzimba vagogara madziri;

vachadyara mazambiringa vagodya michero yawo.

22 Havachazovakazve dzimba dzinozogarwa navamwe,

kana kudyara vamwe vachizodya.

Nokuti sezvakaita mazuva omuti,

ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu;

vasanangurwa vangu vachafara kwenguva refu

mumabasa amaoko avo.

23 Havachazoshandira pasina

kana kubereka vana vanoparadzwa;

nokuti vachava vanhu vakaropafadzwa naJehovha,

ivo nezvizvarwa zvavo.

24 Vasati vadana ndichavapindura;

vachiri kutaura ndichavanzwa.

25 Bumhi negwayana zvichafura pamwe chete,

uye shumba ichadya uswa senzombe,

asi guruva richava chokudya chenyoka.

Hazvichazokuvadza kana kuparadza

pamusoro pegomo rangu dzvene rose,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Categories
Isaya

Isaya 66

Kutonga neTariro

1 Zvanzi naJehovha:

“Denga ndicho chigaro changu,

uye nyika chitsiko chetsoka dzangu.

Ko, iripi imba yamungandivakira?

Nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko?

2 Haruzi ruoko rwangu rwakaita izvozvi zvose here,

nokudaro zvikavapo?”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Munhu akadai ndiye wandichakudza:

iye anozvininipisa uye ane mweya wakapwanyika,

uye anodedera paanonzwa shoko rangu.

3 Asi ani naani anobayira hando

akafanana nouyo anouraya munhu,

uye anobayira gwayana,

anofanana nouyo anovhuna mutsipa wembwa;

ani naani anoita chipiriso chezviyo

anofanana nomunhu anopa ropa renguruve,

uye ani naani anopisira zvinonhuhwira zvokurangaridza,

anofanana nounonamata chifananidzo.

Vakasarudza nzira dzavo,

uye mweya yavo inofarira zvinonyangadza zvavo;

4 naizvozvo neniwo ndichavasarudzira kuranga kuchavaomera,

uye ndichauyisa pamusoro pavo izvo zvavanotya.

Nokuti pandakadana, hapana akapindura,

pandakataura, hapana akateerera.

Vakaita zvakaipa pamberi pangu

vakasarudza zvisingandifadzi.”

5 Inzwai shoko raJehovha,

imi munodedera pamunonzwa shoko rake:

“Hama dzenyu dzinokuvengai,

uye dzinokutsaurai nokuda kwezita rangu, dzakati,

‘Jehovha ngaaratidze kukudzwa kwake,

kuti tione mufaro wenyu!’

Asi ivo vachanyadziswa.

6 Inzwai maungira ebope anobva muguta,

inzwai mheremhere inobva mutemberi!

Ndiwo maungira aJehovha

achiripira vavengi vake zvose zvakavakodzera.

7 “Asati arwadziwa nemimba,

anosununguka;

kurwadza kusati kwauya pamusoro pake,

anosununguka mwanakomana.

8 Ndiani akambonzwa chinhu chakadai?

Ndiani akamboona zvinhu zvakadai?

Ko, nyika ingazvarwa pazuva rimwe here

kana rudzi rungazvarwa pakarepo here?

Kunyange zvakadaro, Zioni rakangoti kurwadziwa,

pakarepo ndokubereka vana varo.

9 Ndingasvitsa panguva yokubereka

ndikasaberekesa here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Ko, ndinozarira chizvaro

pandinoberekesa here?” ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.

10 “Pemberai pamwe chete neJerusarema uye mufarisise nokuda kwaro,

imi mose munorida;

farisisai pamwe chete naro,

imi mose munochema pamusoro paro.

11 Nokuti muchanwa mukaguta

pamazamu ake anonyaradza;

muchanwa zvikuru kwazvo

uye muchafadzwa nezvakawanda zvake zvinopfachukira.”

12 Nokuti zvanzi naJehovha:

“Ndichawedzera rugare kwaari sorwizi,

uye upfumi hwendudzi sokudira kworukova;

muchayamwa uye muchatakurwa paruoko rwake,

uye muchavaraidzwa pamabvi ake.

13 Samai vanonyaradza mwana wavo,

saizvozvo ndichakunyaradzai;

uye muchanyaradzwa pamusoro peJerusarema.”

14 Pamuchaona izvozvo, mwoyo wenyu uchafara,

uye muchaita bumhudza sebundo;

ruoko rwaJehovha rucharatidzwa kuvaranda vake,

asi hasha dzake dzicharatidzwa kuvavengi vake.

15 Tarirai, Jehovha ari kuuya nomoto,

uye ngoro dzake dzakaita sechamupupuri;

achaburutsa kutsamwa kwake nehasha huru,

uye kutuka kwake nomurazvo womoto.

16 Nokuti nomoto uye nomunondo wake

Jehovha achatonga vanhu vose,

uye vazhinji vachava vaya vanourayiwa naJehovha.

17 “Vaya vanozvinatsa nokuzvichenesa kuti vaende mumapindu, vachitevera munhu ari pakati paavo vanodya nyama yenguruve nembeva uye nezvimwe zvinhu zvinonyangadza, magumo avo achava mamwe chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

18 “Nokuti ini nokuda kwamabasa avo nepfungwa dzavo, ndiri kuuya kuzounganidza marudzi ose nendimi dzose; vachauya uye vachaona kubwinya kwangu.

19 “Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, uye ndichatumira vamwe vavakapunyuka kundudzi, kuTashishi, nokuvaRibhiya navaRidhia (vane mbiri yokuwembura uta), nokuTubhari nokuGirisi, nokuzviwi zviri kure zvisina kumbonzwa nezvembiri yangu kana kuona kubwinya kwangu. Vachaparidza kubwinya kwangu pakati pendudzi.

20 Uye vachauyisa hama dzenyu dzose, kubva kundudzi dzose, kugomo rangu dzvene muJerusarema, sechipo kuna Jehovha, pamusoro pamabhiza, nomungoro uye mungoro dzina matenga, napamanyurusi uye napangamera,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachazviuyisa, savaIsraeri vanouyisa zvipiriso zvavo zvezviyo, kutemberi yaJehovha mumidziyo yakacheneswa.

21 Ipapo ndichasarudza vamwe vavo kuti vave vaprista navaRevhi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

22 “Nokuti sezvakaita matenga matsva nenyika itsva zvandinoita zvichazogara pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saizvozvo zita renyu nezvizvarwa zvenyu zvichagara.

23 Kubva paKugara kwoMwedzi kusvikira kuno mumwe, uye kubva paSabata rimwe kusvikira kune rimwe, marudzi ose achauya kuzokotama pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

24 “Vachabudapo vachindotarira zvitunha zvaavo vaindimukira; honye yavo haizofi, moto wavo haungadzimwi, uye vachasemesa vanhu vose.”