Categories
Zvirevo

Zvirevo 31

Zvirevo zvaMambo Remueri

1 Zvirevo zvaMambo Remueri, zvirevo zvaakadzidziswa namai vake:

2 “Nhaiwe mwanakomana wangu, iwe mwanakomana wokubereka,

iwe mwanakomana wemhiko dzangu,

3 usapedzera simba rako pavakadzi,

nenzira dzako pane avo vanoparadza madzimambo.

4 “Hazvisi zvamadzimambo, nhaiwe Remueri,

hazvina kufanira madzimambo kunwa waini,

hazvina kufanira vatongi kukara doro,

5 nokuti vangazonwa vakakanganwa zvakatemwa nomurayiro,

uye vakazotadza kururamisira kodzero dzavanomanikidzwa vose.

6 Ipai doro kuna avo vari kuparara,

newaini kuna avo vari mukurwadziwa:

7 regai vanwe vakanganwe urombo hwavo,

uye varege kuzorangarirazve kutambudzika kwavo.

8 “Taurai pachinzvimbo chaavo vasingagoni kuzvitaurira,

pamusoro pekodzero dzavose vanoshayiwa.

9 Taura utonge zvakanaka;

udzivirire kodzero dzavarombo navanoshayiwa.”

Mudzimai ane Unhu Hwakanaka

10 Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana?

Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi.

11 Murume wake anovimba naye zvizere,

uye haana chaanoshayiwa chinokosha.

12 Anoitira murume wake zvakanaka, kwete zvakaipa,

mazuva ose oupenyu hwake.

13 Anosarudza wuru neshinda

uye anoshanda namaoko anoshingaira.

14 Akafanana nezvikepe zvavatengesi,

anondotora zvokudya zvake kure.

15 Anomuka kuchakasviba;

agotsvagira mhuri yake zvokudya

uye agopa varandakadzi vake basa ravo.

16 Anonanʼanidza munda agoutenga;

anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.

17 Anoita basa rake nesimba;

maoko ake akasimba kuti aite mabasa ake.

18 Anoona kuti kushambadzira kwake kunobatsira,

uye mwenje wake haudzimi pausiku.

19 Muruoko rwake anobata chirukiso,

uye anobata chirukwa neminwe yake.

20 Anotambanudzira maoko ake kuvarombo,

uye anotandavadzira maoko ake kune vanoshayiwa.

21 Kana kwotonhora, haatyire mhuri yake;

nokuti vose vakapfeka nguo dzinodziya.

22 Anozvigadzirira zvokuwaridza panhoo yake;

anozvipfekedza nguo yomucheka wakaisvonaka, uye nomucheka wepepuru.

23 Murume wake anoremekedzwa pasuo reguta,

kana agere pakati pavakuru venyika.

24 Mudzimai anoita nguo dzemicheka yakanaka agodzitengesa,

uye anotengesera vanotengesa micheka yokumonera muhuro.

25 Simba nokukudzwa ndizvo nguo dzake;

anofara akatarisana namazuva anouya.

26 Anotaura nouchenjeri,

uye kurayira kwakatendeka kuri parurimi rwake.

27 Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake,

uye haadyi zvokudya zvousimbe.

28 Vana vake vanosimuka vagomuti akaropafadzwa,

murume wakewo, anomurumbidza:

29 “Vakadzi vazhinji vanoita zvinhu zvakanaka,

asi iwe unovakunda vose.”

30 Zvinofadza zvinonyengera, uye runako ndorwenguva duku;

asi mukadzi anotya Jehovha anofanira kurumbidzwa.

31 Mupeiwo mubayiro wake waakashandira,

uye mabasa ake ngaamupe kurumbidzwa pasuo reguta.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 1

1 Akaropafadzwa munhu

asingafambi panorangana vakaipa,

asingamiri panzira yavatadzi,

asingagari pachigaro chavadadi.

2 Asi anofarira murayiro waJehovha,

uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.

3 Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura,

unobereka michero yawo nenguva yawo,

uye mashizha awo haasvavi.

Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.

4 Vakaipa havana kudaro!

Vakafanana nehundi

inopepereswa nemhepo.

5 Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa,

kana vatadzi paungano yavakarurama.

6 Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama,

asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 2

1 Ndudzi dzinoitireiko bope?

Uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo?

2 Madzimambo enyika azvigadzirira

uye vabati vanoungana pamwe chete

kuti vazorwa naJehovha,

uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake.

3 Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo,

tigorasa mabote avo.”

4 Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka;

Ishe anovadadira.

5 Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake

uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti,

6 “Ndakagadza Mambo wangu

paZioni, gomo rangu dzvene.”

7 Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti:

Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu;

nhasi ndava Baba vako.

8 Kumbira kwandiri,

uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako,

migumo yenyika ive yako.

9 Uchavatonga netsvimbo yesimbi;

uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.”

10 Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai;

munyeverwe, imi vabati venyika.

11 Shumirai Jehovha nokutya,

uye mufare nokudedera.

12 Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa

mukazoparadzwa munzira yenyu,

nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka.

Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 3

Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake.

1 Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei!

Vakawanda sei vanondimukira!

2 Vazhinji vanoti kwandiri,

“Mwari haangamudzikinuri.”Sera

3 Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza;

munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.

4 Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru,

uye anondipindura ari pagomo rake dzvene.Sera

5 Ndinovata pasi ndigokotsira;

ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira.

6 Handizotyi makumi ezviuru

vakandikomba kuti vandirwise.

7 Simukai, imi Jehovha!

Ndirwirei, imi Mwari wangu!

Rovai vavengi vangu vose pashaya;

gurai meno avakaipa.

8 Rusununguko runobva kuna Jehovha.

Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu.Sera

Categories
Mapisarema

Mapisarema 4

Kumutungamiri wenziyo nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndipindurei pandinodana kwamuri,

imi Mwari wangu makarurama.

Ndisunungurei pakutambudzika kwangu;

ndinzwirei ngoni uye munzwe munyengetero wangu.

2 Nhai imi vanhu, muchashandura kukudzwa kwangu kukava chinyadziso kusvikira riniko?

Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko?Sera

3 Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda;

Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari.

4 Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza;

pamunenge muri pamibhedha yenyu,

nzverai mwoyo yenyu uye munyarare.Sera

5 Ipai zvibayiro zvakarurama

uye muvimbe naJehovha.

6 Vazhinji vanobvunza vachiti, “Ndianiko angatiratidza chakanaka?”

Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha.

7 Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukuru

kupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda.

8 Ndichavata pasi ndigokotsira norugare,

nokuti imi moga, Jehovha,

munoita kuti ndigare pakasimba.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 5

Kumutungamiri wokuimba. Nenyere. Pisarema raDhavhidhi.

1 Rerekerai nzeve yenyu kumashoko angu, imi Jehovha.

Rangarirai chikumbiro changu.

2 Teererai inzwi rokuchema kwangu,

Mambo wangu naMwari wangu,

nokuti ndinonyengetera kwamuri.

3 Mangwanani, munonzwa inzwi rangu, imi Jehovha;

mangwanani ndinoisa zvikumbiro zvangu pamberi penyu

uye ndichimirira netariro.

4 Imi hamusi Mwari anofarira zvakaipa;

munhu akaipa haangagari nemi.

5 Munhu anozvikudza haangamiri pamberi penyu;

munovenga vose vanoita zvakaipa.

6 Munoparadza vose vanoreva nhema;

vanoteura ropa navanhu vanonyengera,

Jehovha anovasema.

7 Asi ini, nenyasha dzenyu huru,

ndichapinda mumba menyu;

norukudzo, ndichakotamira pasi pamberi penyu,

ndakatarira kutemberi yenyu tsvene.

8 Nditungamirirei, imi Jehovha,

mukururama kwenyu nokuda kwavavengi vangu,

ruramisai nzira yenyu pamberi pangu.

9 Hakuna shoko rinobva mumuromo mavo ringavimbwa naro;

mwoyo yavo izere nokuparadza.

Huro dzavo iguva rakashama;

vanotaura zvinonyengera norurimi rwavo.

10 Haiwa Mwari, vapei mhosva!

Ngavawisirwe pasi nerangano dzavo.

Vabvisei nokuda kwezvivi zvavo zvizhinji,

nokuti vakakumukirai.

11 Asi vose vanovanda mamuri ngavafare;

ngavagare vachiimba nomufaro.

Tambanudzirai pamusoro pavo kudzivirira kwenyu,

kuitira kuti vaya vanoda zita renyu vafare mamuri.

12 Nokuti zvirokwazvo, imi Jehovha, munoropafadza vakarurama;

munovakomberedza nenyasha dzenyu sokunge nenhoo.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 6

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, regai kundirayira mukutsamwa kwenyu,

kana kundiranga muhasha dzenyu.

2 Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya;

haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza.

3 Mweya wangu uri kurwadziwa.

Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko?

4 Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira;

ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

5 Hakuna anokurangarirai kana afa.

Ndiani anokurumbidzai kubva muguva?

6 Ndaneta nokugomera;

ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose,

ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi.

7 Meso angu aneta nokuchema;

haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose.

8 Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa,

nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu.

9 Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha;

Jehovha anogamuchira munyengetero wangu.

10 Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhundutswa;

vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 7

Rwiyo rwaDhavhidhi, rwaakaimbira Jehovha pamusoro paKushi, muBhenjamini.

1 Haiwa Jehovha, Mwari wangu, ndinovanda mamuri;

ndiponesei uye mundirwire pane vose vanondidzinganisa,

2 kuti varege kundibvambura seshumba

nokundibvambura-bvambura pasina anondinunura.

3 Haiwa Jehovha, Mwari wangu,

kana ndichinge ndakaita izvi uye ndine mhosva pamaoko angu,

4 kana ndakaita zvakaipa kuno uya akanga ane rugare neni

kana kupamba muvengi wangu pasina mhaka,

5 ipapo muvengi wangu ngaandidzinganise andibate;

ngaatsike-tsike upenyu hwangu muvhu

uye andivatise muguruva.

6 Simukai, imi Jehovha pakutsamwa kwenyu;

simukai murwise hasha dzavavengi vangu.

Simukai, Mwari wangu; rayirai kururamisira.

7 Marudzi akaungana ngaaungane akakupoteredzai.

Vatongei imi muri kumusoro;

8 Jehovha ngaatonge marudzi.

Nditongei, imi Jehovha, zvakafanira kururama kwangu,

zvakafanira kukwaniswa kwangu, imi Wokumusoro-soro.

9 Haiwa, Mwari akarurama,

iyemi munonzvera ndangariro nomwoyo,

gumisai kuita nesimba kwavakaipa

mugoita kuti vakarurama vagare zvakanaka.

10 Nhoo yangu ndimi Mwari Wokumusoro-soro,

iye anoponesa vane mwoyo yakarurama.

11 Mwari ndiye mutongi akarurama,

iye Mwari anoratidza hasha dzake zuva nezuva.

12 Kana munhu asingatendeuki,

iye acharodza munondo wake;

achakunga uta hwake agogadzirira.

13 Agadzirira zvombo zvake zvinouraya;

anozvigadzirira miseve yake inopisa.

14 Iye ane mimba yezvakaipa

akatakura mimba yokutambudzika achabereka nhema.

15 Uyo anochera gomba,

akaridzikisa achawira mugomba raachera.

16 Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake;

uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro wake.

17 Ndichatenda Jehovha nokuda kwokururama kwake,

uye ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro-soro nziyo dzokurumbidza.

Categories
Mapisarema

Mapisarema 8

Kumutungamiri wokuimba negititi. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, Ishe wedu,

zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

Makaisa kubwinya kwenyu

kudenga kumusoro.

2 Pamiromo yavana navacheche

makaisa rumbidzo

nokuda kwavavengi venyu,

kuti munyaradze muvengi nomutsivi.

3 Kana ndichifunga nezvamatenga enyu,

iro basa reminwe yenyu,

mwedzi nenyeredzi,

zvamakarongedza panzvimbo yazvo,

4 munhu chiiko zvamunomufunga,

kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?

5 Makamuita muduku zvishoma pana Mwari,

uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.

6 Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu;

mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake:

7 makwai ose nemombe,

nemhuka dzesango,

8 neshiri dzedenga,

nehove dzegungwa,

zvose zvinofamba munzira dzomugungwa.

9 Haiwa Jehovha, Ishe wedu,

zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

Categories
Mapisarema

Mapisarema 9

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro o“Kufa kwoMwanakomana.” Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose;

ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose.

2 Ndichafara nokufarisisa mamuri;

ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.

3 Vavengi vangu vanodzokera shure;

vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu.

4 Nokuti makatsigira kodzero yangu nenyaya yangu;

makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo.

5 Makatuka ndudzi mukaparadza vakaipa;

makadzima zita ravo nokusingaperi.

6 Kuparadzwa kusina magumo kwakakunda muvengi,

makadzura maguta avo;

kunyange chiyeuchidzo chavo chakaparara.

7 Jehovha anotonga nokusingaperi;

akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge.

8 Achatonga nyika nokururama;

achatonga marudzi nokururamisira.

9 Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa,

nhare yakasimba panguva yokutambudzika.

10 Vanoziva zita renyu vachavimba nemi,

nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.

11 Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza,

iye agere pachigaro choushe muZioni; paridzai zvaakaita pakati pendudzi.

12 Nokuti iye anotsiva ropa anorangarira;

haashayiri hanya kuchema kwavanotambudzwa.

13 Haiwa Jehovha, onai kuti vavengi vangu vanonditambudza sei!

Ndinzwirei ngoni mundisimudze pamasuo orufu,

14 kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu

mumasuo oMwanasikana weZioni,

uye ndigofara muruponeso rwenyu.

15 Ndudzi dzakawira mugomba radzakachera;

tsoka dzavo dzakabatwa nemimbure yavakaviga.

16 Jehovha anozivikanwa nokururamisira kwake;

vakaipa vakateyiwa namabasa amaoko avo.Higayoni. Sera

17 Vakaipa vanodzokera kuguva,

idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari.

18 Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa,

uye tariro yavanotambudzwa haingaparari.

19 Simukai, Jehovha, munhu ngaarege kukunda;

ndudzi ngadzitongwe pamberi penyu.

20 Varovei nokutyisa, imi Jehovha;

ndudzi ngadzizive kuti vanongova vanhu zvavo.Sera